Rusununguko Rwechokwadi—Runobva Mumanyukoi?
“Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.”—JEREMIA 10:23, 24.
1, 2. Vanhu vazhinjisa vanorangarira sei rusununguko, asi chiizve chinofanira kurangarirwa?
PASINA panikiro iwe unoonga rusununguko rwechokwadi. Unoda kuva akasununguka kutaura mirangariro yako umene, akasununguka kusarudza kwaunogara uye sei. Unoda kusarudza basa raunoita, kusarudza zvokudya zvako, nziyo, shamwari. Une zvaunoda pamusoro pezvinhu zvakawanda, zvikuru nezviduku. Hakuna munhu kwaye anoda kuiswa muuranda kuvatongi vanodzvinyirira, nechisarudzo chiduku kana kuti asina chisarudzo chakasununguka.
2 Zvisinei, haungadiwo here nyika umo vamwe pamwe chete newe maizobetserwa norusununguko rwechokwadi? Haungadi here nyika umo rusununguko rwaizodzivirirwa zvokuti upenyu hwomunhu ari wose hungagona kuva neratidzirwo yakazara zvikurusa? Uye kudai kwaibvira, hawaizodawo here nyika isina rutyo, utsotsi, nzara, urombo, shatiswo, chirwere, uye hondo? Zvirokwazvo rusununguko rwakadaro runoshuviwa zvikuru.
3. Neiko tichikoshesa rusununguko?
3 Neiko isu vanhu tichirangarira zvakasimba kwazvo pamusoro porusununguko? Bhaibheri rinoti: “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17, NW) Naizvozvo Jehovha ndiMwari worusununguko. Uye sezvo iye akatisika mu‘mufananidzo [wake] norufanano,’ akatipa rusununguko kuti tigogona kunzwisisa ndokubetserwa norusununguko.—Genesi 1:26.
Rusununguko Rwakashatiswa
4, 5. Rusununguko rwakashatiswa sei munhau yose?
4 Munhau yose mamirioni avanhu akaiswa muuranda, kutambudzwa, kana kuti kuurawa nemhaka yokuti vamwe vakashandisa rusununguko zvisina kufanira. Bhaibheri rinorondedzera kuti makore 3 500 akapfuura, “vaEgipita vakavabatisa zvinorema; vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema.” (Eksodho 1:13, 14) The Encyclopedia Americana inotaura kuti muzana ramakore rechina P.N.V., varanda vaiva muAtene namamwe maguta maviri echiGirisi vakapfuura chiverengero chavagari vemo chakasununguka neinenge 4 ku 1. Aya manyuko anotiwo: “MuRoma muranda pakuvamba akanga asina maruramiro. Iye aigona kuurawa nokuda kwechikanganiso chidukusa.” Compton’s Encyclopedia inoti: “MuRoma basa romuranda rakanga riri hwaro hwehurumende. . . . Muminda varanda vaiwanzoshanda vakasungwa nengetani. Usiku vaisungwa pamwe chete ndokupfigirwa mumatorongo makuru, ayo akanga ane hafu yaiva pasi pevhu.” Sezvo varanda vakawanda vakanga vambova vakasununguka, fungidzira kushata kwoupenyu ihwohwo hwakakuvadzwa!
5 Kwamazana amakore, chiKristudhomu chakapinda mukutengeserana varanda kwokudzvinyirira. The World Book Encyclopedia inoti: “Kuvambira muma 1500 kusvikira kuma 1800, vaEurope vakatumira nengarava varanda vechitema vanenge mamirioni 10 kubva muAfrica kuenda kuWestern Hemisphere.” Muzana rino ramakore rechi 20, mamirioni enhapwa akashandiswa zvakaoma kusvikira kurufu kana kuti kuurawa mumisasa yechibharo yeNazi senhau yomuitiro wehurumende. Vanyajambwa vacho vaibatanidza vakawanda veZvapupu zvaJehovha avo vakaiswa mutorongo nemhaka yokuti vakaramba kutsigira hurumende inoponda yeNazi.
Usungwa Kurudzidziso Rwenhema
6. Rudzidziso rwenhema rwakaisa sei vanhu muuranda muKanani yakare?
6 Kunewo usungwa hunobva mukunamatira kurudzidziso rwenhema. Somuenzaniso, muKanani yekare, vana vaibairwa kuna Moreki. Kunotaurwa kuti choto chaipisa mukati momufananidzo mukuru wouyu mwari wenhema. Vana vapenyu vaikandirwa mumaoko akatambanudzwa omufananidzo wacho, vachiwira nomaari ndokupinda mumwoto waiva pasi. Kunyange vamwe vaIsraeri vaishandisa uku kunamata kwenhema. Mwari anotaura kuti vakaita kuti ‘vanakomana vavo navanasikana vavo vapfuure nomumwoto vachienda kuna Moreki, chinhu icho Iye asina kuvaraira, uyewo hachina kufungwa mumwoyo Make kuita ichi chinhu chinonyangadza.’ (Jeremia 32:35) Ibetseroi iyo Moreki akaunza kuvanamati vake? Marudzi iwayo echiKanani nokunamatwa kwaMoreki zviripiko nhasi? Zvose zvazvo zvakanyangarika. Ikoko kwakanga kuri kunamata kwenhema, kunamata kwakavakirwa kwete pazvokwadi asi panhema.—Isaya 60:12.
7. Muitiroi wakaipa wakanga uri rutivi rworudzidziso rwavaAztec?
7 Mazana amakore akapfuura muCentral America, vaAztec vakaiswa muuranda kurudzidziso rwenhema. Kwaiva navamwari vomunhu oga, masimba omusikirwo ainamatwa savamwari, mabasa mamwe namamwe akasiana-siana muupenyu hwezuva nezuva akanga ana mwari wawo, zvirimwa zvakanga zvina vamwari vazvo, kunyange kuzviuraya kwakanga kuna mwari. Bhuku rinonzi The Ancient Sun Kingdoms of the Americas rinorondedzera, kuti: “Hurumende yeAztec Mexico yakanga yakarongwa kubva pamusoro kusvikira pasi kuti ikwanise kutsigira, uye nomutoo iwoyo kunyaradza, masimba asingaoneki nemwoyo yavanhu yakawanda sezvakwakanga kuchibvira kuvapa. Ropa rakanga riri chokunwa chavamwari. Kuti vawane vanyajambwa vakakodzera vari vasungwa sechibairo nokuda kwavamwari, kwakanga kune hondo duku dzisingagumi.” Apo tembere huru yepiramidhi yakatsaurirwa muna 1486, zviuru zvavanyajambwa “zvakaiswa mumitsara zvichimirira kutambaradzwa makumbo namaoko padombo rechibairo. Mwoyo yavo yakachekwa ndokuiswa kwechinguvana muzuva” kunyaradza mwari wezuva. The World Book Encyclopedia inoti: “Vanamati pane dzimwe nguva vaidya zvikamu zvomuviri wanyajambwa.” Bva, miitiro iyoyo haina kuponesa Umambo hweAztec kana kuti rudzidziso rwahwo rwenhema.
8. Mumwe mutungamiriri weshanyo aifanira kutii pamusoro pokuurawa kwazvino uno kukuru zvikuru kupfuura uko kwakaitika pakati pavaAztec?
8 Vashanyi vakambenge vachishanyira miyuziyemu umo bhokisi rokuratidzira zvinhu rakaratidzira vaprista veAztec vachicheka mwoyo wejaya. Apo mutungamiriri weshanyo akatsanangura chiratidzwa chacho, kutura mafemo kwakaitwa navamwe vaiva muboka rokushanya. Mutungamiriri wacho ipapo akati: “Ndinoona kuti mashatiriswa nomuitiro wavaAztec wokubaira majaya kuvamwari vechihedheni. Bva, muzana rino ramakore rechi 20, mamirioni amajaya akabairwa kuna mwari wehondo. Ikoko kunotongova kuri nani here?” Iidi kuti muhondo vatungamiriri vorudzidziso vamarudzi ose vanonyengeterera rukundo uye vanokomborera mauto kunyange zvazvo vanhu vorudzidziso rumwe cheterwo vachiwanzova pamativi anorwisana ari kuurayana.—1 Johane 3:10-12; 4:8, 20, 21; 5:3.
9. Muitiroi unotora upenyu huduku hwakawanda kupfuura mumwe upi noupi munhau?
9 Kubairwa kwavaduku kuna Moreki, kuvamwari vavaAztec, kana kuti kuhondo kuri kupfuurwa nokuurawa kwavana vasina kuberekwa mukupfupfudza, vane mamirioni 40 kana kuti 50 pagore munyika yose. Chiverengero chakapfupfudzwa mumakore matatu chete apfuura chikuru zvikuru kupfuura vanhu vane mirioni ine zana vakaurawa muhondo dzose dzezana rino ramakore. Gore rimwe nerimwe, kanoverengeka vana vakawanda vanopfupfudzwa kupfuura vanhu vose vakaurawa mumakore 12 okutonga kweNazi. Mumakumi amakore achangobva kupfuura aya kane zviuru vana vakawanda vakapfupfudzwa kupfuura vose avo vakabairwa kuna Moreki kana kuti kuvamwari vavaAztec. Bva vakawanda (kana vasiri vazhinjisa) vaavo vanopfupfudza, kana kuti vanokuita, vanotaura kuti vane rudzidziso.
10. Ndeipi iri imwe nzira iyo vanhu vanoiswa nayo muuranda kurudzidziso rwenhema?
10 Rudzidziso rwenhema runoisa vanhu muuranda mune dzimwe nzirawo. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanodavira kuti vakafa vapenyu munyika yemidzimu. Mumwe muuyo wechitendero chenhema chakadaro rutyo nokunamatwa kwavakare vakafa kuti vawane dzinonzi betsero kubva kwavari. Ikoku kunoisa vanhu muuranda kuvaroyi, masvikiro, uye vafundisi vanokumbirwa sezvinofungidzirwa kuti vabetsere vapenyu kunyaradza vakafa. Mubvunzo ungasanobvunzwa kuti, Kune nzira ipi neipi yokubuda nayo muuranda hwakadaro here?—Dheuteronomio 18:10-12; Muparidzi 9:5, 10.
[Mufananidzo uri papeji 4, 5]
Munhau yose vamwe vakashandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo kuisa vamwe muuranda