“Nhevedzo Yenyika Itsva” Yomunhu Yava Pedyo Here?
1. Chishuvo chorusununguko rwakawanda rwezvamatongerwe enyika chakaratidzirwa sei mumakore achangobva kupfuura aya?
NHASI, mamirioni avanhu ari muusungwa kurudzidziso rwenhema, uye vakawanda vanosarudza kuramba vakadaro. Panguva imwe cheteyo, vakawanda zvikuru vari kuraira rusununguko rwezvamatongerwe enyika. Zvinoitika zvechienzi zvamakore mashomanene apfuura muEastern Europe nokune dzimwe nzvimbo zvakaratidzira kuti vanhu vanoda zvimiro zvakasununguka zvikuru zvehurumende. Somuuyo, vakawanda vari kutaura kuti nhambo itsva yorusununguko yava pedyo. Purezidhendi weUnited States akaidana kuti “nhevedzo yenyika itsva.” Zvamazvirokwazvo, vatungamiriri venyika munzvimbo iri yose vakanga vachitaura kuti Utsinye Hukuru pakati pamarudzi nenhangemutange yezvombo zvakanga zvapera uye kuti nhambo itsva yorugare yakanga yavamba nokuda kworudzi rwomunhu.—Enzanisa na 1 VaTesaronika 5:3.
2, 3. Migariroi inorwisana norusununguko chairwoirwo?
2 Bva, kunyange kana nhamburiko dzavanhu dzikaguma nezvombo zvishoma zvikuru nezvimiro zvakasununguka zvikuru zvokutonga, rusununguko rwechokwadi rwaizovapo chaizvoizvo here? Aiwa, nemhaka yezvinetso zvinokatyamadza zviripo mumarudzi ose, kubatanidza nehurumende dzinosarudzwa nevoruzhinji, umo zviverengero zvavarombo zvinowedzera uye mamirioni anoparapatika kuti ararame mune zvemari. Mumwe mushumo weChibatanwa chaMarudzi unotaura kuti pasinei zvapo nefambiro mberi musayenzi nomushonga, zuva riri rose munyika yose avhareji yavana 40 000 vanofa nokudya zvisingavaki muviri kana kuti zvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa. Imwe nyanzvi muna ikoku yakati: “Urombo huri kuva nezvinhu zvinoparirwa nomugariro wezvemari izvo zvinotyisidzira chaizvoizvo nguva yemberi yavanhu.”
3 Mukuwedzera, vanhu vakawanda kupfuura nakare kose vari kuitwa vanyajambwa noutsotsi uhwo hunoramba huchiva hwakaipa zvikuru. Ruvengo rwedzinza, rwezvamatongerwe enyika, uye rworudzidziso rwuri kuputsa nyika dzakasiana-siana. Mune dzimwe nzvimbo mugariro wacho hauna kusiana zvikuru nenguva yemberi iya inorondedzerwa pana Zekaria 14:13, apo vanhu vachava “vakavhiringidzika kwazvo navanotya zvokuti munhu ari wose [acha]bata munhu ari pedyo naye ndokumudenha.” (Today’s English Version) Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo nehosha dzinopfuudzwa muvatano zvatekeshera. Mamirioni avanhu anotapurwa neAIDS; muUnited States moga, vanopfuura 120 000 vakatofa nayo.
Usungwa Kuchivi Norufu
4, 5. Pasinei zvapo norusununguko ruripo nhasi, rudzii rwousungwa runobata munhu ari wose mukubata kwarwo?
4 Zvisinei, kunyange kudai pasina nomumwe wemigariro iyoyo yakaipa uripo, vanhu vaizova vachiri vasina rusununguko rwechokwadi. Vose vaizova vachiri muusungwa. Neiko ikoku kwakadaro? Kuenzanisira: Zvakadiniko kana mumwe mudzvinyiriri akaisa munhu ari wose ari pasi pano muuranda ndokuvauraya vose? Chaizvoizvo, izvozvo ndizvo zvakaitika kurudzi rwomunhu apo vabereki vedu vokutanga vakapandukira Mwari ndokuiswa muuranda kuutongi hunodzvinyirira hwaDhiabhorosi.—2 VaKorinte 4:4.
5 Apo Mwari akasika vanhu, iye akavarongera kuti vararame pasi pano nokusingaperi mukukwana, muparadhiso, sokuratidza kunoita Genesi ganhuro 1 ne 2. Asi nemhaka yokupandukira Mwari kwatateguru vedu Adhama, tose zvedu tiri mutongero yorufu kubvira panhambo yatinonambwa: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama, musoro wemhuri yorudzi rwomunhu] chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose.” Sokutaura kunoita Bhaibheri, “rufu rwakatonga samambo.” (VaRoma 5:12, 14, NW) Naizvozvo pasinei zvapo nokuti tingava norusununguko rwakawanda zvakadini somunhu oga, tose zvedu tiri muusungwa kuchivi norufu.
6. Neiko kwave kune vandudziko shomanene munduramo chifo cheapo Pisarema 90:10 rakanyorwa?
6 Kupfuurirazve, upenyu hwatinahwo zvino hwakaganhurirwa zvikuru. Kunyange nokuda kwavane mhanza yakanaka, ihwo makumi mashomanene chete amakore. Nokuda kwavasina mhanza yakanaka, makore mashomanene chete, kana kuti akaderera. Uye fundo itsva inoti: “Sayenzi nomushonga zvakasundira nduramo yomunhu kuganhuriro yayo yomuzvarirwo.” Ikoku imhaka yokuti muitiro wedu wokugara nhaka une kusakwana norufu zvakaumbirwa mauri somuuyo wechivi chaAdhama. Kunosuruvarisa sei kuti kana tikararama kuva namakore 70 kana kuti 80, apo tinofanira kuva tiri kuva vakachenjera zvikuru navanokwanisa zviri nani kufarikanya upenyu, miviri yedu inoderera uye tinoguma seguruva!—Pisarema 90:10.
7. Neiko vanhu vasati vachizotongogona kuva manyuko orusununguko rwechokwadi rwatinoda nokushaiwa?
7 Rudzii rwokutonga kwomunhu runogona kudzivisa uku kuiswa muuranda kuchivi norufu? Hapana norumwe. Hapana vakuru vakuru vehurumende, masayendisiti, kana kuti vanachiremba kunzvimbo ipi neipi vanogona kutisunungura mushurikidzo yechirwere, kukwegura, uye rufu, uyewo hapana upi noupi anogona kubvisa kusachengeteka, kusaruramisira, utsotsi, nzara, uye urombo. (Pisarema 89:48) Pasinei zvapo nokuti vanhu vangava vapachokwadi sei, hakuvabviriri kuva manyuko orusununguko rwechokwadi rwatinoda nokushaiwa.—Pisarema 146:3.
Kushandiswa Zvisina Kufanira Kworusununguko
8, 9. Chii chakaisa rudzi rwomunhu mumugariro warwo wazvino unosuruvarisa?
8 Mhuri yavanhu iri muuyu mugariro unosuruvarisa nemhaka yokuti Adhama naEvha vakashandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo. Petro Wokutanga 2:16 inoti, mukuwirirana neThe Jerusalem Bible: “Zvibatei savanhu vakasununguka, uye musatongoshandisa rusununguko rwenyu sepembedzo nokuda kwouipi.” Nokudaro, kwakajeka kuti Mwari haana kuronga kuti rusununguko rwomunhu rwuve rusina kuganhurirwa. Irwo rwakanga ruchifanira kushandiswa mukati memiganhu yemitemo yaMwari, iyo yakanga yakarurama uye yaizoshanda nokuda kwokubetserwa kwomunhu ari wose. Uye miganhu iyoyo yakanga yakafara zvakakwana kubvumira rusununguko rwomunhu oga rukuru rwechisarudzo, zvokuti kutonga kwaMwari kwakanga kusingatongogoni kuva kunodzvinyirira.—Dheuteronomio 32:4.
9 Zvisinei, vabereki vedu vokutanga vakasarudza kuzvisarudzira vamene chakanga chiri chakarurama nechakanga chiri chisina kururama. Sezvo ivo vakaenda noune kunze kwokutonga kwaMwari, iye akabvisa tsigiro yake pavari. (Genesi 3:17-19) Nokudaro ivo vakava vasina kukwana, nomuuyo wechirwere norufu. Panzvimbo porusununguko, rudzi rwomunhu rwakapinda muuranda kuchivi norufu. Vakavawo pasi pezvishuvo zvavatongi vohunhu vasina kukwana uye, kazhinji kazhinji, vane utsinye.—Dheuteronomio 32:5.
10. Jehovha akatarisira sei nhau nenzira yorudo?
10 Mwari akabvumira vanhu uku kuedza murunonzi rusununguko rwachose chose nokuda bedzi kwenhambo yakaganhurirwa yenguva. Iye aiziva kuti miuyo yacho yaizoratidzira pasina panikiro ipi neipi kuti kutonga kwavanhu kwakazvimirira pana Mwari hakugoni kubudirira. Sezvo rusununguko, runoshandiswa zvakarurama, ruri pfuma yakadaro, Mwari murudo rwake akabvumira kwechinguvana zvakaitika panzvimbo pokubvisa chipo chorusununguko.
‘Munhu HaagoniKutungamirira Nhano Yake’
11. Nhau yakatsigira sei ururami hweBhaibheri?
11 Chinyorwa chenhau chakaratidza ururami hwaJeremia ganhuro 10, ndima 23 ne 24, iyo inoti: “Nzira yomunhu haizi yake amene, munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.” Nhau yakaratidzawo ururami hwaMuparidzi 8:9 (NW), iyo inozivisa, kuti: “Munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.” Ndokwechokwadi sei! Mhuri yavanhu yakabva mungwavaira imwe kuenda kune imwe, nomugumo nokuda kwavose uchiva guva. Muapostora Pauro akarondedzera mugariro wacho zvakarurama paakataura, sezvakanyorwa pana VaRoma 8:22, kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” Hungu, kuzvimirira pamitemo yaMwari kwave kune ngwavaira.
12. Mamwe manyuko enyika anotii pamusoro porusununguko rwachose chose?
12 Bhuku rinonzi Inquisition and Liberty rakatsinhira pamusoro porusununguko neiyi nzira: “Kuzvimirira hakusati kuri hako, makuri kumene, rucheno: hakusati kuri chinhu chokudada nacho pasina chimwe chikwaniriso. Iko, kutaura idi, kungavawo hako chimwe chezvimiro zvakaderera zvikuru zvoudyire . . . Munhu haana, uye haagoni pasina upenzi kunyange kushuva kuva, chisikwa chakazvimirira zvizere.” Uye Prince Philip weEngland akamboti: “Rusununguko rwokupinda mumurangariro uri wose nechishuvo rwungava runofadza, asi ruzivo rwokuzviwanira runodzidzisa rwadzidzisazve, kuti rusununguko rusina kuzvidzora . . . uye mufambiro usina kurangarira vamwe inzira yechokwadi zvikurusa yokuparadza nayo rudzi rwoupenyu rwenzanga, pasinei zvapo nechiri pfuma yayo.”
Ndiani Anoziva Zvakanakisisa?
13, 14. Ndiani bedzi anogona kugovera rusununguko rwechokwadi nokuda kwemhuri yavanhu?
13 Ndiani anoziva zvakanakisisa kuti musha unofanira kurongwa sei—vabereki vane rudo, vanokwanisa, vane ruzivo rwokuzviwanira kana kuti vana vaduku? Mhinduro iri pachena. Nenzira yakafanana, Musiki wavanhu, Baba vedu vokudenga, vanoziva chiri chakanakisisa nokuda kwedu. Ivo vanoziva kuti chaunga chavanhu chinofanira kuva chakarongwa ndokutongwa sei. Ivo vanoziva kuti rusununguko runofanira kudzorwa sei kuti rwuunze betsero dzorusununguko rwechokwadi kumunhu ari wose. Mwari wamasimba ose bedzi, Jehovha, anoziva nzira yokubudisa nayo mhuri yavanhu muusungwa hwayo ndokugovera rusununguko rwechokwadi nokuda kwavose.—Isaya 48:17-19.
14 MuShoko rake, pana VaRoma 8:21, Jehovha anoita ichi chipikirwa chinonyandura, chokuti: “Zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” Hungu, Mwari anopikira kusunungura mhuri yavanhu chose chose mumugariro wayo wazvino unosuruvarisa. Nyaya inotevera ichakurukura kuti ikoku kuchaitika sei.
Waizopindura Sei?
(Kuhwirudzura mapeji 3 kusvikira ku 8)
◻ Neiko vanhu vachirangarira zvakasimba pamusoro porusununguko?
◻ Munzirai umo vanhu vakaiswa muuranda munhau yose?
◻ Neiko Jehovha akabvumira kushandiswa zvisina kufanira kworusununguko kwenguva refu kwazvo?
◻ Ndiani bedzi anogona kuunza rusununguko rwechokwadi kurudzi rwose rwomunhu, uye nei?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nduramo yomunhu ndiimwe cheteyo zvikuru neyakadudzwa makore 3 500 akapfuura paPisarema 90:10
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of The British Museum