RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 3/15 p. 31
  • Rwendo Rwokubetsera kuUkraine

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwendo Rwokubetsera kuUkraine
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 3/15 p. 31

Rwendo Rwokubetsera kuUkraine

ZVAKARE mishumo inotyisa inozadza zvinobudisa nhau. Nyongano yezvemari, perevedzo yezvokudya, uye nzara zviri kunetsa pasi—nguva ino mumativi eyaichimbova Soviet Union. Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha misi ichangobva kupfuura iyi wakakumbira hofisi yebazu yeWatch Tower Society muDenmark kuronga zvokubetsera Zvapupu zvinoshaiwa muUkraine. Chii chakaita hama dzeDenmark?

Ivo vakashanda nokukurumidza! Hofisi yebazu nokukurumidza yakatumira hama kundotsvaka mumisika mitengo yakanaka yezvokudya. Shoko rakaenda kuungano dzose dzavanhu vaJehovha muDenmark, rokuzivisa nezvokushaiwa kwacho. Bazu rinoshuma, kuti: “Ungano dzose dzaidisa zvikuru kupa. Pakupedzisira, takakwanisa kupa chibvumikiso chinooneka chokunzwira tsitsi chataiva nacho nokuda kwavanotambura ivavo.” Marori mashanu pamwe chete nevhani mbiri navachairi vanozvipira 14 vakashuma vakasvika pabazu reDenmark paChitanhatu, December 7, 1991. Vashandi vapabazu vakazadza marori nezvokudya zvavakanga vatenga.

Pamasikati makuru paMuvhuro, December 9, konivhoyi yakatanga parwendo rurefu nomuEurope kuenda kuUkraine. “Chakanga chiri chiono chinoorora sezvo mhuri yose yeBheteri yakaungana kuvasimudzira maoko kuti endai zvakanaka,” bazu rinonyora kudaro. “Tichiziva kuti nzendo dzakawanda dzokubetsera dzave dziri vanyajambwa vedenho, takatevera hama dzedu neminyengetero yakawanda munzira yose.”

Pana December 18 kusava nechokwadi kwakaguma. Bazu reDenmark rakagamuchira shoko rokuti konivhoyi yakanga yasvika zvakakotsekana muLviv, Ukraine. Hama muUkraine dzakanga dzagamuchira yamuro. Dzakanyaradzwa sei nokuburutsa mapakiti makuru 1 100 amakirogiramu 20—rimwe nerimwe rine nyama, upfu, mupunga, shuga, uye zvimwe zvokudya! Pamwe chete, konivhoyi yakaendesa matani 22 emigove. Bazu reDenmark rinonyora, kuti: “Mufaro wedu mukuru, sezvatinoonga Jehovha nokuda kwedziviriro yake uye nokuda kwokutipa iri banza rokutambanudzira ruoko runobetsera.”

Zvipfeko zvakarongwawo kuendeswa. Bazu rinoshuma kuti muna ikokuwo, “mhinduro yeungano yave ichishamisa.” Jehovha zvamazvirokwazvo ‘anopfumisa vanhu vake nokuda kworudzi rwuri rwose rworupo.’ (2 VaKorinte 9:11) Ivowo, vanonzwa mufaro unobva mukupa norusununguko kuhama dzavo nehanzvadzi. Rudo rwavanoratidza nomutoo iwoyo chiratidzo chinozivisa chavateveri vaJesu. (Johane 13:35) Rudo rwakadaro ndorwechienzi zvikuru munyika ino inoshaiwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe