RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 4/1 pp. 9-14
  • Kuchingamidza Nyika Itsva yaMwari Yorusununguko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchingamidza Nyika Itsva yaMwari Yorusununguko
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusunungura Vanhu Vake
  • Rusununguko Rwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
  • Dzidzo Yenyika Yose Youpenyu
  • Rusununguko RukuruKunyange Zvino
  • Kusunungura VamweMuzvitendero Zvenhema
  • Tsvaka Jehovha
  • Zvichaitwa noUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nyika Isina Hondo Nokukurumidza
    Mukai!—1996
  • Nyika Itsva Yakaisvonaka Inoitwa naMwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 4/1 pp. 9-14

Kuchingamidza Nyika Itsva yaMwari Yorusununguko

“[Mwari] achapukuta musodzi uri wose mumeso avo, uye rufu haruchazovipozve, kana kuchema kana kurwadziwa hazvichazovipozve.”—ZVAKAZARURWA 21:4, NW.

1, 2. Ndiani bedzi anogona kuunza rusununguko rwechokwadi, uye chii chatinogona kudzidza muBhaibheri pamusoro Pake?

NHAU yakabvumikisa zvokwadi yeizvo muporofita Jeremia akataura, kuti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Ndiani bedzi anogona zvakafanira kutungamirira nhano yomunhu? Jeremia akapfuurira kuti: “Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.” (Jeremia 10:23, 24) Hungu, Jehovha bedzi anogona kuunza rusununguko rwechokwadi kubva muzvinetso zvinotambudza mhuri yomunhu.

2 Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yamano aJehovha okuunza rusununguko kuavo vanomubatira. “Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.” (VaRoma 15:4) Marutongeso aJehovha mukurwisana nokunamata kwenhema akanyorwawo, uye iwaya anobatira se“nyevero kwatiri tasvikirwa nemigumo yetsika dzezvinhu.”—1 VaKorinte 10:11, NW.

Kusunungura Vanhu Vake

3. Jehovha akaratidza sei mano ake okusunungura vanhu vake muEgipita?

3 Muenzaniso wamano aMwari okuita rutongeso pakunamata kwenhema uye kusunungura avo vanoita kuda kwake wakaitika apo vanhu vake vomunguva dzakare vakaiswa muuranda muEgipita. Eksodho 2:23-25 inoti: “Vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. Mwari akanzwa kugomba kwavo.” Mukuratidzirwa kunotyisa kwoukuru hwake pavamwari venhema veEgipita, Mwari Wamasimba ose akaunza madambudziko gumi parudzi irworwo. Dambudziko rimwe nerimwe rakanga rakarongedzerwa kudukupisa mwari weEgipita, kuratidza kuti ivo vaiva venhema uye havaigona kubetsera vaEgipita avo vaivanamata. Nokudaro Mwari akasunungura vanhu vake uye akaparadza Farao nehondo dzake muGungwa Dzvuku.—Eksodho, ganhuro 7 kusvikira ku 14.

4. Neiko kwakanga kusiri kusaruramisira kwaMwari kuita marutongeso ake pavaKanani?

4 Apo Mwari akapinza Israeri muKanani, vagari vayo vanonamata madhemoni vakaparadzwa uye nyika yakapiwa kuvanhu vaMwari. SaChangamire Wechisiko Chapose pose, Jehovha ane maruramiro okuita marutongeso pamarudzidziso akaipa. (Genesi 15:16) Uye pamusoro porudzidziso rwechiKanani, Bible Handbook raHalley, rinoti: “Kunamatwa . . . kwavamwari veKanani kwaiumbwa zvikurusa nemitambo yokunwa yokunyanyisa; matembere avo aiva nzvimbo dzakashata. . . . VaKanani vainamata, kupfurikidza nokuzvigutsa kwoutere, somuitiro worudzidziso, pamberi pavamwari vavo; uye ipapo, kupfurikidza nokuponda vana vavo vamatangwe, sechibairo kuna vamwari vamwe chete ivava. Kunoratidzika kuti, mumwero mukuru, nyika yeKanani yakanga yava seSodhoma neGomora pamwero worudzi.” Iye anowedzera, kuti: “Pepuko yetsvina yakadaro inonyangadza uye utsinye zvaiva namaruramiro api naapi okuvapo kwenguva refu here? . . . Vacheri vamatongo avo vanochera mumatongo amaguta eKanani vanoshamiswa kuti nei Mwari asina kuvaparadza nokukurumidza kupinda zvaakaita.”

5. Kusunungura kwaMwari vanhu vake vekare kunobatira sei somuenzaniso nokuda kwenguva yedu?

5 Iyi nhauro yokuita kwaMwari mukurwisana nokunamata kwenhema, kusunungura vanhu vake vesungano, uye kugovera nyika yakapikirwa nokuda kwavo inobatira somuenzaniso wezvinhu zvichauya. Inonongedzera kunguva yemberi iri pedyo zvikuru apo Mwari achaparadza rudzidziso rwenhema rwenyika ino navatsigiri varwo uye achapinza vabatiri vake vomuzuva razvino munyika itsva yokururama.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14; 2 Petro 3:10-13.

Rusununguko Rwechokwadi Munyika Itsva yaMwari

6. Ndirumwe rusunungukoi runoshamisa urwo Mwari achagovera munyika itsva?

6 Munyika itsva, Mwari achakomborera vanhu vake namativi ose anoshamisa orusununguko ayo akaronga nokuda kwemhuri yomunhu. Kuchava norusununguko mudzvinyiriro inoitwa namasangano avezvamatongerwe enyika, vezvemari, uye vezvorudzidziso rwenhema. Kuchava norusununguko muchivi norufu, navanhu vane kariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. “Vakarurama vamene vachagara nhaka yenyika, uye vachagara pariri nokusingaperi.”—Pisarema 37:29, NW; Mateo 5:5.

7, 8. Chii chichaitika mukuwanazve utano hwakakwana munyika itsva?

7 Nokukurumidza pashure pokunge nyika itsva iyoyo yapinzwa, vagari vayo vachadzorerwa nenzira yenenji kuutano hwakakwana. Jobho 33:25, inoti: “Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; uchadzokera kumazuva ouduku hwake.” Isaya 35:5, 6 inopikira kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”

8 Avo venyu vane zvirwere zvomuviri nemhaka youkweguru kana kuti utano husina kunaka, zvifungidzire umene uri munyika itsva uchimuka mangwanani mamwe namamwe wakagwinya uye wakasimba. Mafinya ako atsiviwa neganda rinotsvedzerera, rine utano—hakuchinazve dikanwo yamafuta eganda. Meso ako asingaoni zvakanaka kana kuti akapofumadzwa adzorerwa kukuona kwakakwana—hakuchinazve dikanwo yamagirazi. Kunzwa kwakakwana kwadzorerwa—rasa yamuro idzodzo dzokunzwa nadzo. Mitezo yakaremara zvino yasimba nokukwana—rasa midonzvo iyoyo, madondoro, uye mawheelchair. Hakuchinazve chirwere—rasa mishonga yose iyoyo. Nokudaro, Isaya 33:24 inodeya kutaura kuti: “Hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara.’” Iye anotiwo: “Vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.”—Isaya 35:10.

9. Hondo ichasvitswa kumugumo nokusingaperi sei?

9 Hakuchinazve munhu upi noupi anobairwa kuhondo. “[Mwari] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.” (Pisarema 46:9) Zvombo zvehondo hazvisati zvichizotongobvumirwazve noMutongi woUmambo hwaMwari, Kristu Jesu, uyo Isaya 9:6 inodana kuti “Muchinda woRugare.” Isa. 9 Ndima 7 inowedzera, kuti: “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”

10, 11. Rugare rwakakwana rucharevei nokuda kwapasi?

10 Chichava chikomborero chakadini nokuda kworudzi rwomunhu, uye pasi rino, kuva risina zvombo zvehondo! Chokwadi, panguva ino, zvombo zvakashandiswa muhondo dzakapfuura zvichiri kuparadza vanhu. Munyika imwe, France, nyanzvi dzinoparadza mabhomba dzinopfuura 600 dzakaurawa chibviro cha 1945 dzichibvisa zvinoputika zvakasiiwa muhondo dzakapfuura. Mutungamiriri wesangano rinoparadza mabhomba ikoko akati: “Tichiri kuwana mabara anoshanda enganunu omuHondo yeFrance nePrussia ya 1870. Kune nyanza dzakazadzwa nezvimbambaira zvine chefu zvomuHondo yeNyika I. Kazhinji kazhinji zvikuru kwazvo, murimi ari muturakita anotsika chimbambaira chinoparadza motokari dzehondo chomuHondo yeNyika II uye chinoputika, chinomuputikira ndokufa. Izvi zvinhu zviri munzvimbo iri yose.” Makore maviri apfuura The New York Times yakati: “Mumakore 45 chifo chokupera kweHondo yeNyika II, [mapoka anoparadza mabhomba] akabvisa muivhu re[France] mbumburu dzezvigwagwagwa dzina mamirioni 16, mabhomba 490 000 uye zvimbambaira zvapasi pemvura zvine 600 000. . . . Mamirioni amaeka anoramba akadzivirirwa, ane zvombo zvinosvika mumabvi uye akakomberedzwa nezvikwangwani zvinonyevera, kuti: ‘Usabata. Chinouraya!’”

11 Ichava yakasiana sei nyika itsva! Munhu ari wose achava nepokugara pakanaka, zvokudya zvakawanda, uye basa rinotusa, rine rugare rokushandura pasi rose kuva paradhiso. (Pisarema 72:16; Isaya 25:6; 65:17-25) Vanhu, uye pasi, hazvisati zvichizotongobhombwazve namamirioni ezvinhu zvinoputika. Nyika itsva yakadaro ndiyo iyo Jesu airangarira apo akati kune mumwe akaratidza kutenda maari: “Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.

Dzidzo Yenyika Yose Youpenyu

12, 13. Ibasai redzidzo yenyika yose iro Jesu naIsaya vakadeya kutaura nokuda kwenguva yedu?

12 Apo munhu anodzidza pamusoro penyika itsva yaMwari, iye anodzidzawo kuti muzuva redu, Jehovha akagovera ungano yenyika yose yakarongwa nokuda kwenamato yechokwadi. Ichava rutivi rwapakati rwenyika itsva, uye Mwari ari kuishandisa zvino kurairidza vamwe nezvamadonzo ake. Iri sangano rechiKristu riri kuita basa redzidzo renyika yose rorudzi noukuru zvisina kutongooneka nakare kose. Jesu akadeya kutaura kuti irori raizoitwa. Iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14, NW.

13 Isaya akataurawo nezveiri basa redzidzo yenyika yose, kuti: “Pamazuva okupedzisira [munguva yedu] zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi kwakasimudzirwa] richasimbiswa . . . marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: ‘Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.’”—Isaya 2:2, 3.

14. Tinogona sei kuziva vanhu vaMwari nhasi?

14 Nokudaro, basa renyika yose rokupupurira pamusoro poUmambo hwaMwari ufakazi hwakasimba hwokuti tava pedyo nomugumo wetsika ino yakaipa uye kuti rusununguko rwechokwadi rwava pedyo. Avo vanoshanyira vanhu neshoko rakazara netariro yenyika itsva yaMwari vanorondedzerwa pana Mabasa 15:14 sa“vanhu vezita rake [raMwari].” Ndivanaani vanotakura zita raJehovha uye vanopa uchapupu hwenyika yose pamusoro paJehovha noUmambo hwake? Chinyorwa chenhau chezana ramakore rechi 20 chinopindura, kuti: Zvapupu zvaJehovha bedzi. Nhasi zvinopfuura mamirioni mana muungano dzinopfuura 66 000 munyika yose.—Isaya 43:10-12; Mabasa 2:21.

15. Pamusoro pezvinhu zvezvamatongerwe enyika, tinogona sei kuziva vabatiri vechokwadi vaMwari?

15 Humwe ufakazi hwokuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuzadzika mauporofita pamusoro pebasa rokuparidzira Umambo hwakanyorwa pana Isaya 2:4 (NW), hunoti: “Vachatopfura minondo yavo vachiiita miromo yamapadza namapfumo avo vachiaita zvipfuro zvokusanzaurisa. Rudzi harusati ruchizosimudzira rumwe rudzi munondo, uyewo havasati vachizodzidzazve hondo.” Naizvozvo avo vanoita basa rokuparidzira renyika yose pamusoro pokutonga kwoUmambo hwaMwari vanofanira ‘kusazodzidzazve hondo.’ Jesu akataura kuti ivo vanofanira ku“sava rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Ikoku kunoreva kuti vanofanira kusava norutivi muzvinhu zvamatongerwe enyika, kusatora rutivi mukakavadzano nehondo zvamarudzi. Ndivanaani vasati vari rutivi rwenyika uye vasati vachazodzidzazve hondo? Zvakare, chinyorwa chenhau chomuzana ramakore rechi 20 chinopupurira, kuti: Zvapupu zvaJehovha bedzi.

16. Basa raMwari rokudzidzisa renyika yose richaitwa zvakakwana sei?

16 Basa redzidzo renyika yose reZvapupu zvaJehovha richapfuurira kunyange pashure pokunge Mwari asvitsa tsika ino yakaipa kumugumo wayo. Isaya 54:13 (NW), inoti: “Vanakomana vako vose vachava vanhu vachadzidziswa naJehovha.” Naizvozvo uku kudzidzisa kuchasanoitwa zvokuti Isaya 11:9 (NW), inodeya kutaura, kuti: “Zvirokwazvo pasi richazadzwa nezivo yaJehovha samafukidzire anoita mvura gungwa rimene.” Kudzidzisa kunopfuuridzirwa kuchadikanwa kwete bedzi nokuda kwavapukunyuki vomugumo wenyika ino yekare uye nokuda kwavana vangaberekerwa munyika itsva asiwo nokuda kwamabhirioni anodzoka kuupenyu murumuko. Pakupedzisira, munhu ari wose anorarama pasi pano achadzidziswa kushandisa rusununguko rwake zvakafanira mukati memiganhu yemitemo yaMwari. Muuyo wacho? “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Rusununguko RukuruKunyange Zvino

17. Mosesi akaudzei vanhu vekare vaMwari kuita?

17 Apo vaIsraeri vekare vakanga vodokupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akataura kwavari ndokuti: “Ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu. Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti: ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’ Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?”—Dheuteronomio 4:5-7.

18. Rusunungukoi rukuru runouya kunyange zvino kuavo vanobatira Mwari?

18 Nhasi mamirioni anonamata Jehovha ava kudokupindawo munyika yakapikirwa—nyika itsva. Nemhaka yokuti vanoteerera mitemo yaMwari, vanova naye pedyo navo uye vanotanhamara pavamwe vanhu vose. Mwari akatovasunungura mumifungo yorudzidziso rwenhema, urudzi, kushandisa mirimo kusiri kwapamutemo, udzinza, hondo, uye kupararira kwehosha dzinopfuudzwa muvatano. Kupfuurirazve, iye akavabatanidza muuhama hwenyika yose husingapunziki hworudo. (Johane 13:35) Ivo havavhiringidzwi pamusoro penguva yemberi asi “vachaimba nokufara kwomwoyo.” (Isaya 65:14) Rusununguko rukuru rwakadini rwavanofarikanya kunyange zvino kupfurikidza nokubatira Mwari soMutongi!—Mabasa 5:29, 32; 2 VaKorinte 4:7; 1 Johane 5:3.

Kusunungura VamweMuzvitendero Zvenhema

19, 20. Vanhu vanosunungurwa sei kupfurikidza nedzidziso yeBhaibheri pamusoro pomugariro wavakafa?

19 Vakawanda avo Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira kwavari vari kusvikawo pakuwana rusununguko irworwu. Somuenzaniso, munyika umo kunamata madzisekuru kunopfuuridzirwa, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita kuti kuzivikanwe kuvamwe kuti vakafa havasati vari vapenyu kupi nokupi uye havagoni kukuvadza vapenyu. Zvapupu zvinonongedzera kuna Muparidzi 9:5 (NW), iyo inotaura kuti “vapenyu vanoziva kuti vachafa; asi kana vari vakafa, havana chinhu chavanotongoziva.” Vanonongedzerawo kuPisarema 146:4 (NW) iro rinotaura kuti apo munhu anofa “iye anodzokera kuguruva rake; muzuva irero mifungo yake inopera.” Naizvozvo Bhaibheri rinoratidza kuti hakuna zvipoko kana kuti mweya usingafi unoita kurapa kana kuti kutyisidzira vapenyu. Hakuna kudikanwa, naizvozvo, kwokupambadza mari yakatambirwa nokushanda zvakaoma kutenga mabasa en’anga kana kuti vaprista.

20 Zivo yakarurama yakadaro yeBhaibheri inosunungura vanhu mudzidziso dzenhema dzehero yomwoto nepurigatori. Apo vanhu vanodzidza zvokwadi yeBhaibheri yokuti vakafa havana chavanoziva, sokunge vari muhope huru, ivo havanetseki zvakare pamusoro pokuti chii chakaitika kuvadiwa vavo vakafa. Panzvimbo pezvo, vanotarira mberi kunguva inoshamisa iyo muapostora Pauro akataura nezvayo apo akati: “Kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15, NW.

21. Ndivanaani pasina panikiro vachabatanidzwa pakati paavo vanomutswa, uye chii sezvingabvira chichava kuita kwavo?

21 Murumuko vakafa vachadzorerwa kuupenyu papasi rasunungurwa nokusingaperi murufu rwakagarwa nhaka rwaAdhama. Pasina panikiro vanomutswa vachabatanidza vana akabairwa kuvamwari veKanani, vakadai saMoreki, majaya vakabairwa kuvamwari vavaAztec, uye mamirioni asingaverengeki akabairwa kuna mwari wehondo. Vaichimbova vanyajambwa ivavo vezvitendero zvenhema vachashamiswa sei! Vanomutswa vakadaro ipapo vanogona kuzivisa nomufaro, kuti: “Haiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Haiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi?”—Hosea 13:14.

Tsvaka Jehovha

22. Kana tichida kurarama munyika itsva yaMwari, chii chatinodikanirwa kurangarira?

22 Unoda kurarama munyika itsva yaMwari yakarurama here, umo muchava norusununguko rwechokwadi? Kana zvakadaro, ipapo fungisisa mashoko ari pana 2 Makoronike 15:2, anoti: “Jehovha unemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye uchakurashaiwo.” Uye rangarira kuti nhamburiko dzako dzapachokwadi dzokudzidza pamusoro paMwari uye kumufadza hadzisati dzichizorega kucherekedzwa. VaHebheru 11:6 inotaura kuti Mwari “unopa vanomutsvaka mubairo wavo.” Uye VaRoma 10:11 inoti: “Ani naani anotenda kwaari, haanganyadziswi.”

23. Neiko tichifanira kuchingamidza nyika itsva yaMwari yorusununguko?

23 Pajengachenga chaipo pane nyika itsva yaMwari yorusununguko rwechokwadi. Ipapo “zvisikwa zvimene zvinosunungurwawo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” Uye “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, kana kuchema kana kurira kana kutambudzika hazvichazovipozve.” (VaRoma 8:21; Zvakazarurwa 21:4, NW) Ipapo vabatiri vose vaJehovha vachasimudza misoro yavo uye ndokuchingamidza nomufaro nyika itsva yaMwari yorusununguko kupfurikidza nokukuwa kuti, ‘Tinokuongai, Jehovha, nokuda kworusununguko rwechokwadi pakupedzisira!’

Waizopindura Sei?

◻ Jehovha akaratidzira sei mano ake okusunungura vanhu vake?

◻ Rusunungukoi runoshamisa ruchava munyika itsva yaMwari?

◻ Jehovha ari kudzidzisa sei vanhu nokuda kwoupenyu?

◻ Ndirumwe rusunungukoi vanhu vaMwari vanofarikanya kunyange zvino kupfurikidza nokubatira Jehovha?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Jehovha akaratidza ukuru hwake pavamwari venhema veEgipita, achisunungura vanamati vake

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Nhasi, vabatiri vechokwadi vaMwari vanozivikanwa nokuita basa redzidzo renyika yose uye kutakura zita rake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe