Munochingamidzwa ku“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa
ROKUTANGA rimene ramazuva okusika rakaona kusikwa kwechiedza kana toreva nezvapasi. Tinorava kuti Jehovha Mwari akati: “Chiedza ngachivepo.” Uye “chiedza chikavapo.” (Genesi 1:3) Ikoko kuri mutsinhirano neizvo muapostora Johane akanyora, kuti: “Mwari chiedza, hamuna rima maari.”—1 Johane 1:5.
Sezvo Mwanakomana waMwari ari humwe naBaba vake, hakushamisi kuti Jesu akamboti: “Ndiri chiedza chenyika.” (Johane 9:5) Tinogona kubuda murima ndokupinda muchiedza kupfurikidza nokuisa kutenda muna Jehovha Mwari noMwanakomana wake. Jesu akapupurirawo, kuti: “Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima.” (Johane 12:46) Nenzira yakarurama, naizvozvo, Jesu Kristu akati nezvavateveri vake vechokwadi: “Imi muri chiedza chenyika. . . . Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 5:14, 16.
Chikomborero chakadini kuva nezvokwadi, kunzwisiswa kweShoko raMwari sokunojekeswa no“muranda akatendeka naakachenjera”! (Mateo 24:45-47, NW) Hatisati tichavhiringidzwazve nechitendero muUtatu; hatisati tichakangaidzwazve pamusoro pechikonzero nei Mwari Wamasimba ose naane rudo achibvumidza uipi namasimba masimba; hatisati tichapanikirazve pamusoro pomugariro wavakafa. Chiedza chakatipa tariro, tariro yoUmambo. Chakazivisa kwatiri kuti Musiki ndiMwari anoshamisa zvakadini. Chiedza chezvokwadi chakatipa donzo muupenyu, kubatira donzo ratakasikirwa pakutanga, kurumbidza Muiti wedu, Jehovha Mwari. Tinoita ikoku kupfurikidza nokuva vatakuri vechiedza. Kuva vatakuri vechiedza rukudzo rukuru neropafadzo, asi mutoro wakakombawo. Kuita zvakanaka kumusengwa iwoyo, tinofanira kushandisa betsero yose Jehovha anogovera. Naizvozvo kwakakodzera sei kuti kokorodzano dzoruwa dzedu dza 1992 dzinofanira kunzi “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa!
Kuti tivandudze zvose zviri zviviri unyanzvi hwedu nenzwisiso yedu yebasa redu savatakuri vechiedza, tichada kupinda inenge imwe zvayo yeidzi kokorodzano, tichivapo nokuda kworwiyo rwokutanga nokugara kusvikira munyengetero wokugumisa. Uye tichada kusanopa ngwariro kuzvose izvo zvinotaurwa pachikuva, mungava muhurukuro, bvunzurudzo, zvinoitika, kana kuti chinoitika. Kunyora zvinonyorwa hakusati kuchingotipa bedzi chimwe chinhu chokunongedzera kwachiri pashure kumutsidzira yeuko yedu asi kunotibetsera zvikuru mukupa ngwariro pachiri kupiwa. Hungu, mukati mepurogiramu yose yekokorodzano, tichada ku‘pa ngwariro kunzira yatinoteerera nayo.’—Ruka 8:18.