Zita raMwari Rinodzorerwa
“KWATORA anodokusvika makore 60 kuti zita raMwari, ‘JHWH,’ uyo ari Mwari kwete bedzi wavaJudha asiwo wamaKristu, kuti ridzorerwe apo munyori akariisa pakuvamba.” Iyoyo ndiyo nzira iyo pepanhau reGermany Schwarzwälder Bote rinotsinhira nayo pamusoro pokudzorerwa kwezita raMwari pamberi pehoro yetaundi muHorb, Germany yokumaodzanyemba. Asi neiko zita racho rakanga rabviswa?
Pepanhau racho rinoshuma kuti panze pehoro yetaundi pakanga pakanyorwa nenzira yokushongedza zviono zvemifananidzo zvinonyerenyetedza pamberi pacho. Yakabatanidzwa yakanga iri Tetragrammaton, mabhii mana echiHebheru ayo anoratidzira zita raMwari.
“Iri zita, iro rinooneka kanopfuura 6 000 muBhaibheri,” pepanhau racho rinopfuurira kuti, “ndi ‘Jehova’ kana kuti chimwe chinhu chakafanana muchiGermany. Kududzwa chaikoiko hakuna kujeka nemhaka yokuti chiHebheru chakanyorwa chaingova namaConsonant bedzi. Mavowel aiwedzerwa nomuravi.”
Zvisinei, muna 1934 vamiriri veNazi Party vakasarudza kuti Tetragrammaton yakanga “isingawirirani nepfungwa yenguva yazvino” uye nokudaro inofanira kufukidzwa. Nomufaro, Tetragrammaton zvino yakadzorerwa. Pepanhau racho rinotsinhira, kuti: “Nhasi pamberi pe[horo yetaundi], pakanyerenyetedzwa nezviono zvenhau, zviratidzo zvinoshandiswa sechiratidzo chinozivisa mhuri kana kuti taundi, uye mifananidzo, ndicho chiono chokuona muHorb.”