RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 2/15 p. 32
  • Uya Kukokorodzano Yoruwa ye“Varumbidzi Vanofara”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uya Kukokorodzano Yoruwa ye“Varumbidzi Vanofara”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Uya ku“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Munochingamidzwa ku“Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Dzoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Unokokwa ku“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Yoruwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 2/15 p. 32

Uya Kukokorodzano Yoruwa ye“Varumbidzi Vanofara”

MUSORO wakaisvonaka zvakadini wakasarudzwa nokuda kwekokorodzano dzoruwa dza 1995: “Varumbidzi Vanofara”! Izvi zvirokwazvo ndizvo izvo Zvapupu zvaJehovha zviri. Varumbidzi vaani? Chokwadi, vaJehovha Mwari chokwadika!

Jehovha haafananidzwi, haana muenzani, haaenzaniswi, ndowechienzi munzira dzakawanda kwazvo. Ndowamasimba ose, anoziva chinhu chiri chose, akakwana mururamisiro, uye rudo runotaurwa somunhu. Akafanirwa, kupfuura vamwe vose, nokugamuchira kunamata kwedu nerumbidzo.

Zvirokwazvo tinoda kuva varumbidzi vake vanofara! Kutibetsera, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakaronga purogiramu yakaisvonaka yekokorodzano yamazuva matatu, kuvamba muzhezha ra 1995. Aya mazuva matatu achava zvirokwazvo anofadza, uye Chapupu chiri chose chaJehovha chichada kuita unani hwacho kuvapo kubvira parwiyo rwokuzarura paChishanu mangwanani kutozosvikira parwiyo nomunyengetero zvokupfiga paSvondo masikati.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe