Manyuko Echiedza
JEHOVHA Mwari ndiye Muumbi wechiedza noMusiki werima. (Isaya 45:7) Pakanga pari pazuva rokutanga rokusika apo iye akati: “Chiedza ngachivepo.” (Genesi 1:3) Pamberi pezvi iye akanga asika matenga (kubatanidza “zviedza zvikuru”—zuva, mwedzi, uye nyeredzi; enzanisa nePisarema 136:7-9) uye pasi. (Genesi 1:1) Naizvozvo kuita kuti chiedza chivepo kana toreva nezvepasi sezviri pachena kwakabatanidza kubvisa pashoma napashoma chipi kana chipi chakanga chadzivisa kare mwaranzi yezuva kusvika pasi rino. Uye “chinoparadzanisa” pakati pechiedza nerima chinofanira kuva chakavapo kupfurikidza nokutenderera kwapasi sezvo raitenderera zuva. (Genesi 1:4, 5) Gare gare zvikuru Jehovha akatambudza vaEgipita vainamata zuva nerima, rima iro risina kutapura vaIsraeri.—Eksodho 10:21-23.
Magwaro anobatanidza abatanidzazve chiedza noMusiki wacho. Wezvapisarema akati: “Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makafukidzwa nokukudzwa noumambo. Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro.” (Pisarema 104:1, 2) Iyi ziviso inotsinhirana zvakanaka nokurondedzera kwaEzekieri izvo akaona muchiono: “Zvino ndakaona zvakaita sedare rinopenya, zvakafanana nomwoto mukati mazvo kumativi ose, zvakabva pakaita sechiuno chake zvichikwira kumusoro; zvino kubva ipapo pakaita sechiuno chake zvichienda pasi ndakaona chakaita somwoto; iye akanga akakomberedzwa nokubwinya kumativi ose. . . . Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha.” (Ezekieri 1:27, 28) Mazana amakore pamberi pezvi, ratidzirwo yorutivi rwakati chete yembiri iyoyo yakaparira chiso chaMosesi kubudisa mwaranzi.—Eksodho 33:22, 23; 34:29, 30.
“Mwari chiedza, hakuna rima maari.” (1 Johane 1:5) Iye akarurama, akanaka, uye mutsvene (Dheuteronomio 32:4; Zvakazarurwa 4:8), asina chokuita nemiitiro inoshatisa neisina kuchena inowanzobatanidzwa nerima. (Enzanisa naJobho 24:14-16; 2 VaKorinte 6:14; 1 VaTesaronika 5:7, 8.) Naizvozvo vanhu vanofamba murima kupfurikidza nokuratidzira ruvengo nokuda kwehama yavo uye avo vasingashandisi zvokwadi havangatongogoni kuva muhumwe naye.—1 Johane 1:6; 2:9-11.
Jehovha haasati achingova bedzi “Unopa zuva rive rechiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza usiku” (Jeremia 31:35) asi iye ndiyewo Manyuko evhenekero yose yomudzimu. (2 VaKorinte 4:6) Mutemo wake, zvisarudzo zvokutonga, uye shoko chiedza kuavo vanozvibvumira vamene kutungamirirwa nazvo. (Pisarema 43:3; 119:105; Zvirevo 6:23; Isaya 51:4) Wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.” (Pisarema 36:9; enzanisa nePisarema 27:1; 43:3.) Sezvo chiedza chezuva chichipfuurira kujeka zvikuru kuvambira pamambakwedza kutozosvikira “kumasikati makuru,” naizvozvo nzira yavakarurama, inovhenekerwa nouchenjeri hwoumwari, inoramba ichijeka zvikuru. (Zvirevo 4:18) Kutevera nzira iyo Jehovha anoratidzira ndiko kufamba muchiedza chake. (Isaya 2:3-5) Pane rumwe rutivi, apo mumwe munhu anotarira zvinhu nenzira isina kuchena kana kuti negadziriro yakaipa, ari murima guru romudzimu. Jesu akati: “Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!”—Mateo 6:23; enzanisa naDheuteronomio 15:9; 28:54-57; Zvirevo 28:22; 2 Petro 2:14.
Ashongedzerwa ne“zvombo zvechiedza,” chifukidziro chesimbi chomudzimu chinobva kuna Mwari, maKristu anorwa hondo “yokurwisana nehurumende, yokurwisana nezviremera, yokurwisana navatongi venyika verima rino, yokurwisana namasimba omudzimu akaipa ari munzvimbo dzokudenga” uye anogoneswa nomutoo iwoyo kumira akasimba savabatiri vanotenderwa vaMwari.—VaRoma 13:12-14; VaEfeso 6:11-18, NW.