Unokokwa ku“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Yoruwa
Chifo chaNovember 1989, nhau yorusununguko yakatanhamariswa kupfuura nakare kose. Marudzi enyika dzeEastern Europe zvikurukuru ave achifarikanya rusununguko rukuru rwamatongerwe enyika kupfuura rwaakava narwo kwamakore 40 nokupfuura.
Asi pane rusununguko rwoukoshi hukuru zvikuru kupfuura rusununguko rwupi norwupi rwamatongerwe enyika. Tinogona kurava nezvarwo muShoko raMwari, Bhaibheri. Jesu Kristu akamboti: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusununugurai.” (Johane 8:32, NW) Hungu, maKristu akazvitsaurira akasunungurwa murutyo rwomunhu nomuusungwa kuchivi norufu, sezvatinorava pana VaRoma 6:18, 22. Tinoravawo kuti “pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17, NW) Kutaura idi, Shoko raMwari rinopa kariro yakajeka “yokuti chisiko chimene chichasunungurwa mukuiswa muuranda kukuora ndokuva norusununguko rwune mbiri rwavana vaMwari.”—VaRoma 8:21.
Kana munhu upi noupi achishuva kuwana rusununguko rwechiKristu panguva yazvino, anofanira kushandisa nhamburiko chaiyoiyo. Haisati ichingova zvayo nhau yakapfava yokutevera nzira iri nyore. Uye kupfuurira kufarikanya rusununguko irworwu kunoda nhamburiko yakawedzerwa, nemhaka yamasimba anokombamira kutibira rusununguko: Satani Dhiabhorosi, nyika yake yakaipa, uye kombamiro dzedu timene dzokutadza dzakagarwa nhaka. Jehovha Mwari akagovera betsero kupfurikidza neShoko rake rakafuridzirwa, kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, uye kupfurikidza nesangano rake rinooneka.—Ruka 11:13.
Kubetsera vadi vose vorusununguko kusimbisa kubata kwavo parusununguko, kokorodzano dzoruwa dzegore rino dzeZvapupu zvaJehovha dzinobata nomusoro unoti “Vadi Vorusununguko.” Idzi kokorodzano dzichava nourefu hwamazuva matatu, kutanga paChishanu mangwanani pa 10:20 uye kupfuurira kutozosvikira pa 4:00 p.m. Svondo. Vose vanouya kuidzi kokorodzano vachazorodzwa mumudzimu ndokuvakwa nehurukuro dzinonyandura, bvunzurudzo dzinofadza, mienzanisiro inobudirira, uye chinoitika chinofadza chakavakirwa paBhaibheri; uyewo hatifaniri kufuratira mifaro yesonganiro inofadza neshamwari dzekare netsva, mufaro wokukumbanira zviuru zvavamwe mukuimba nziyo dzedu dzoUmambo, uye kugoverana muminyegetero yechokwadi yapachena.
Vabatiri vakazvitsaurira vose vaJehovha vasarege chose chose chimwe chinhu chichidzongonyedza kuvapo kwavo paChishanu mangwanani apo idzi kokorodzano dzinovamba. Uye ivai nechokwadi chokuuya kwete bedzi neBhaibheri nebhuku renziyo asiwo penzura nebhuku rezvinonyorwa rokunyora zvinonyorwa. Uyawo, nokuziva chaikoiko chinodikanwa chako chomudzimu sorutivi rwavanhu vakasununguka.—Mateo 5:3.