RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/15 pp. 25-28
  • Kuendesa Chiedza Kunzvimbo Dziri Kure muBolivia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuendesa Chiedza Kunzvimbo Dziri Kure muBolivia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Ufakazi Hwenhungamiro Yengirozi
  • Kuparidzira Pakati Pamativi Apasi Anopisa
  • Funganyo Panzizi Dzamativi Apasi Anopisa
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/15 pp. 25-28

Kuendesa Chiedza Kunzvimbo Dziri Kure muBolivia

KUCHAMHEMBE nokumabvazuva kwamakomo marefu eBolivia kune nzvimbo dzakati sandara dzamativi apasi anopisa, dzizere nemiti. Idzodzi dzakaparadzaniswa nenzizi dzinoyerera nesimba dzinomonereka nomumasango nomumapani. Kuparidzira mashoko akanaka oUmambo munharaunda dziri kure dzakadaro kwakaita sei?

Zvifungidzire umene uri mugwa guru, rakagadzirwa nedanda rine mwena uye rinofambiswa nemotor iri shure. Ichochi chakanga chiri chinoitika chavashumiri venguva yakazara vatanhatu vakabva Trinidad, guta riri muchikamu cheEl Beni cheBolivia. Ivo vakanga varonga rwendo irworwu kuti vagogona kupupurira panzvimbo dzinogarwa dzomurwizi dzisina kutongosvikwa na“mashoko akanaka oumambo” kare. (Mateo 24:14, NW) Pashure pokupfuura nomunzvimbo yakafara yemvura inopenya, igwa ravo rakatanga kufamba nomurukova rutete munzira yoRwizi rweMamoré.

Mumwe womuboka racho anorondedzera, kuti: “Takanga tadokusvika Mamoré apo takawana kuti rutivi rwokupedzisira rworukova rwakanga rwakaoma. Tichibuda mugwa, takazviwana timene tichinyura mumatope kusvikira muzvidya zvedu! Mudzimai wangu akarasikirwa neshangu dzake achiedza kusununguka. Asi nebetsero yavaipfuura, takakwanisa kubudisa igwa kunze mumatope ndokuriisa pavhu rakaoma zvikuru. Pashure pamaawa maviri okubishaira, takasvika Mamoré.

“Ipapo takafamba zvakanaka tichikwira norwizi, urwo rwakanga rune mahombekombe marefu mumativi nemiti yakawanda yomumativi apasi anopisa. Pakutinhira kwemotor, vanakamba vakuru vakadonha vachibva pamatanda aiyangaruka, apo madolphin akaisvonaka padzimwe nguva aibuda mumvura. Kumira kwedu kwokutanga kwakaratidzirwa neutsi hwakabva mumwoto waiva pahombekombe wakabatidzwa kuti udzinge zvipembenene. Pashure pokumisa igwa redu pakati pamapazu akabatana, takakurukura navanhu vane ushamwari pamusoro pezvikomborero zviri kuuya zvoUmambo. Nenzira yokuonga ivo vakatipa michero yakawanda namazai.

“Sezvo zuva rakapfuura, takamira kakawedzerwa kuti tidyare mbeu dzakawanda dzezvokwadi. Kwakanga kwasviba panguva yatakasvika San Antonio. Vagari vomumusha vakanga varara. Bva, sezvo shoko rakapararira rokuti bhaisikopo raizoratidzwa, marambi akavamba kubatidzwa. Bhiza nengoro zvakasungwa kuti zviunze midziyo yedu mutaundi. Vanhu vazhinji vakava vakarovedzana neZvapupu zvaJehovha muzvose zviri zviviri mubhaisikopo navanhu.

“Zuva rakatevera takapfuurira kushanyira nzvimbo itsva. Pahombekombe refu, vakadzi vakanga vachigeza mbatya dzavo, uye kunyange mwana, mumakwati mahombe ekamba. Vakanga vasina kutongonzwa shoko redu reBhaibheri kare. Pane imwe nzvimbo hove duku dzakatomukira kunze kwemvura pedyo negwa, uye zhinji dzakadonhera mukati. Naizvozvo pashure pokuratidza bhaisikopo, takadya hove dzakakangwa tisati tarara. Pakupera kworwendo, mabhuku akawanda akanga asiiwa muiyi nharaunda iri kure, uye takanga tagutsikana nokuva tabetsera vazhinji kuti vanzwe mashoko akanaka kwenguva yokutanga.”—Enzanisa naVaRoma 15:20, 21.

Ufakazi Hwenhungamiro Yengirozi

Zvino zvifananidze umene uri parwendo rwokundowana munhu mumwe mutaundi ravane 12 000, rauri kushanyira kwenguva yokutanga. Unoziva zvishomanene pamusoro pake kupfuura zita rake. Iyoyo ndiyo yaiva denho yakanga yakatarisana navashumiri venguva yakazara vaviri vakasvika paGuayaramerín vachikarira kuwana munhu akanga adzidza Bhaibheri kare uye kupinda misangano murimwe taundi asi ipapo akanga atamira kutaundi irori. Pashure pokugadzikana, mapiona maviri akasarudza kufamba achienda kumusika, uko kwakanga kune mapoka avanhu aidyira pamatafura kana kuti zvimwe ari kungokurukura chete. Kanodokuva kamwe kamwe mumwe murume akasvika vaviri vacho ndokutanga kurukurirano. Ivo vakamubvunza kana aiziva mukadzi wavakanga vachitsvaka. “Aiwa,” iye akadaro, “asi ambuya vangu ndimumwe weZvapupu zvaJehovha.” Sezvo kwakanga kusina Zvapupu zvaizivikanwa kuva zviri mutaundi, ivo vakafunga kuti angave akavhiringidzika.

Zvisinei, zuva rakatevera vakashanyira uyu mukadzi akwegura, uyo akanga akaradzikwa negumbo rakatyoka. “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi ndichigere kubhapatidzwa,” iye akadaro. Abvunzwa kuti ndiani akamudzidzisa zvokwadi, iye akanongedzera kumufananidzo womuzukurusikana wake waiva pamadziro ndokuti: “Iye akadaro.” Havana kutongogona kudavira meso avo! Akanga ari mukadzi muduku wavakanga vachitsvaka! “Nei mukuwasha wenyu akaramba kuti anomuziva?” ivo vakabvunza. “Haiwa, zvino iye akaroorwa, uye anoziva bedzi zita rake rokuroorwa,” iye akapindura kudaro. Muzukurusikana wacho akanga asipo panguva yacho, asi fundo yeBhaibheri yakaitiswa pashure pacho kupfurikidza netsamba. Muuyo wacho? Vose vari vaviri iye naambuya vake vakafambira mberi kusvikira papfundo rokubhapatidzwa. Imba yavo yakabatira seHoro yoUmambo nokuda kweungano inokura, uye somushumiri wenguva yakazara, mukadzi muduku akatungamirira vazhinji kusangano raJehovha.

Kuparidzira Pakati Pamativi Apasi Anopisa

Tevere, fungidzira ndege yako ichimhara mumugwagwa une uswa paSan Joaquín, pakati pamativi anopisa apasi eBolivia. Une kunzwa kwokusasununguka paunofunga nezvedenda rechienzi iro, makore maviri pamberi pezvi, rakaparadza chikamu chimwe chezvishanu chechiverengero chavagari vetaundi irori.

Mapiona maviri anosvika achibva Trinidad nendege akanga atoravidza mutsa wavanhu vacho. Murume wacho anorondedzera, kuti: “Kurukurirano yeBhaibheri yakaitwa mukati mokubhururuka kwedu yakatungamirira kukokero yokugara pamusha, pasina mubhadharo. Vagashiri vedu vakatogovera zvokudya zvedu pamutengo wakaderera, zvichitigonesa kupa nguva yedu yose kubasa redu rokuparidzira. Nokukurumidza pashure pokusvika, takaudzwa kuti tishume kukamba yamauto pakarepo. Apo mukuru mukuru akaziva kuti takanga tisiri vapandukiri asi Zvapupu zvaJehovha, akaratidza fariro yechienzi ndokutora Bhaibheri, pamwe chete namabhuku eBhaibheri uye kuzvinyoresa kumagazini eNharireyomurindi naMukai! muchiNgezi. Pashure pacho, anenge munhu ari wose aiva mutaundi akasanoteerera kuchipikirwa cheBhaibheri choutano hwakakwana munguva yemberi iri pedyo.”—Zvakazarurwa 21:4.

Vashumiri vana venguva yakazara vaida kubva kuSan Joaquín kuenda kuSan Ramón, asi mutoo bedzi wechokufambisa chakanga chiri chikochikari. Ivo vakashandisa makatoni amabhuku sezvigaro. Iwaya akakurumidza kupwanyika nemhaka yokubhamba uye kutomuka kukuru kwechikochikari chakafukidzwa, namavhiri acho marefu amapuranga. Kunyange huku dzakanga dzirimo dzakava nedzungu zvinooneka nemhaka yokuneta nokufamba.

Pashure pamaawa gumi okutambura kupfuura nomumakwenzi, ivo vakasvika panzvimbo paisava kunyange nomuhwezva wairatidza nzira, uye kwakanga kwava kusviba. Muchairi akatyisa boka kupfurikidza nokutaura kuti, “Ndinofunga kuti tarasika!” Vakanga vachingovamba chete kushamisika, ‘Tinogona sei kugara musango iri rakazara nenyoka nezvikara zvine ngozi?’ apo muchairi akawedzera kuti, “Asi musanetseka. Mhuka dzaenda kare.” Ndozvakwakaita. Mukati meawa vakabuda mugwenzi paSan Ramón chaipo!

Panowo, mazuva mazhinji akapedzwa tichizivisa Paradhiso iri kuuya kunzeve dzakanga dzisina kutongonzwa nezvayo kare. Hapana Zvapupu zvaigara muno; bva chimwe chinhu chakaitika chakachinja ikoko.

Mufundisi weKaturike akanga ave achitevera Zvapupu sezvo zvaienda pasuo nesuo. Nenzira yakati vakadarika nzira ndokumuwana ari mumusha unotevera uyo vakasvika. Vashamiswa noushamwari hwake, vakamusiira bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Kunyange zvazvo akanga asingafariri zvapachokwadi iye amene, akapa bhuku racho kuna tete vake, avo vakarava zvaiva mukati maro nokudisa, vakafundazve, uye gare gare vakava Chapupu chakabhapatidzwa.

Funganyo Panzizi Dzamativi Apasi Anopisa

Zvino zvifananidze umene uri pamberi pegwa romurwizi uchikwasva mumvura dzine ngozi, dzinovinduka. Mabwe akavanzika, mahombekombe ane madhaka, uye hunde dzemiti, pamwe chete nokuoneka kwakamwe kamwe kwedutu guru, ishomanene chete dzenjodzi dzacho. Mapiranha, maelectric eel, uye mastingray zvakazara mumvura idzodzi. Dzakadaro dzakanga dziri denho dzakatarisana nehama muRiberalta idzo dzakanga dzine basa rokuparidzira kuzviverengero zvavagari vomurwizi munharaunda yacho.

Kuti vasvike idzi nzvimbo dziri dzoga, vakavaka igwa rinonzi Luz de los Ríos (Chiedza cheNzizi). Mukati meshanyo yavatariri weruwa newedunhu, kwakasarudzwa kuti vaedze kufambisa igwa. Zvose zvakafamba zvakanaka kusvikira denga rabatwa pabazu rakanga rakaremberera. Mvura ine simba yakarovera igwa pamuti wakawa. Somunondo, bazu rakadimbuka rakapinza rakabaya parutivi peigwa—kuchidokupinza mungozi mudzimai womutariri weruwa! Mvura yakapinda mukati, uye igwa rakapidiguka, richirasira vakwiri varo mumvura dzaivinduka. Uye mutariri weruwa nomudzimai wake vakanga vasingagoni kushambira! Nebetsero yaavo vaigona, vakaenda panyika nenzira yakakotsekana. Asi igwa rakanyangarika chose chose. Mazuva gare gare rakawanwa makiromita 5 zasi kworwizi. Zvinhu zvose, kubatanidza makatoni 20 amabhuku, zvakanga zvarasika.

Bolivian Navy yakabetsera kuriyangurutsazve, uye pashure pamavhiki okugadzira, igwa rakanga ragadzirirazve kuti ripedze rwendo rwaro rwokutanga. Rwendo rwefunganyo rwakavamba nomugariro wokunze wakashata nechinetso cheinjini.

Nzvimbo yokutanga hama dzakamisa igwa, dzakatarisana neboka ravaEvhangeri, avo vakaseka, vachiti: “Kaigwa kenyu hakana kunaka nokuda kworwizi urwu!” Kuedza kuratidza masiraidhi ipapo kwakadzongonyedzwa negenerator rakafa. Zvadzokera parwizi zvakare, Zvapupu zvakaziva kuti mamwe magwa akanga apfuura namagudzanzwi achinyevera nezve“vaporofita venhema” vanouya. Nenzira yakajeka, iri rakanga riri basa ravaEvhangeri. Zvisinei, kwakangokwidza bedzi kuda kuziva kwavanhu.

Kunyange zvazvo iyi shanyo yakagumisa paradziro yenhema yakabva kuvaporofita venhema chaivoivo, hama dzakafunganya, nokuti dzakanga dzichingori nerwendo rwamazuva 21 mberi kwadzo kuti dzisvike Fortaleza.

Vari munzira, vakapupurira kuna ishe worudzi ruri kure; iye akasanoteerera. Kupfurikidza nehurukuro yeBhaibheri yakapiwa nomumwe wamapiona, boka ravachemi munzvimbo iri yoga rakanyaradzwa netariro yechokwadi yavakafa. Murume akura ane ndebvu chena dzakareba akataura kuonga kwake kwechokwadi, uye akabvunza nzira iyo aigona nayo kuzvinyoresa kumagazini edu kwamakore gumi! MuFortaleza, vanhu 120 vakabetserwa nepurogiramu yamasiraidhi yeSosaiti.

Mapiona iwaya akanzwa agutsikana sei nokuva akaendesa chiedza chezvokwadi kunzvimbo dziri kure! Zvamazvirokwazvo, hakuchisina nzira yakachengeteka neinogutsa yokushandisa nayo upenyu hwomumwe kupfuura kubatira Musiki woupenyu humene, Jehovha Mwari.—Pisarema 63:3, 4.

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 26]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

BOLIVIA

Guayaramerin

Riberalta

Fortaleza

San Joaquin

San Ramón

Trinidad

San Antonio

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe