Rusununguko
SEZVO Jehovha Mwari ari Wamasimba Ose, Mutongi Mukuru wechisiko chose, uye Musiki wezvinhu zvose, iye oga ane rusununguko rwakakwana, rusina kuganhurirwa. (Genesi 17:1; Jeremia 10:7, 10; Dhanieri 4:34, 35; Zvakazarurwa 4:11) Zvimwe zvose zvinofanira kufamba ndokuita zviri mukati memiganhu yamano azvakapiwa ndokuzviisa zvimene pasi pemitemo yake yechisiko chose. (Isaya 45:9; VaRoma 9:20, 21) Somuenzaniso, rangarira simba rinokweva rapasi, uye mitemo inodzora kuita kwamakemikoro, pesvedzero yezuva, uye kukura; mitemo yetsika; maruramiro nezviito zvezvimwe izvo zvinopesvedzera rusununguko rwomunhu. Rusununguko rwezvisikwa zvose zvaMwari naizvozvo rusununguko rune mwero.
Pane musiano pakati porusununguko rwakaganhurirwa nousungwa. Rusununguko mukati meganhuriro dzakapiwa naMwari runounza mufarwa; usungwa kuzvisikwa, kukusakwana, kuutera, kana kuti kupfungwa dzakaipa runounza dzvinyiriro nokusava nomufarwa. Rusununguko runofanira kusianiswawo namadiro, ndiko kuti, kufuratira mitemo yaMwari nokuzvisarudzira umene chiri chakarurama nechiri chisina kururama. Kwakadaro kunotungamirira kukudzongonyedza maruramiro avamwe uye kunoparira nhamo, sezvinogona kuonwa mumiuyo yomudzimu wokuzvimirira, wamadiro wakasumwa kuna Adhama naEvha neNyoka muEdheni. (Genesi 3:4, 6, 11-19) Rusununguko rwechokwadi rwakasungwa nomutemo, mutemo waMwari, uyo unobvumira ratidzirwo yakazara yomunhu munzira yakafanira, inovaka, uye inobetsera, uye urwo runoziva maruramiro avamwe, kuchipira kumufarwa wavose.—Pisarema 144:15; Ruka 11:28; Jakobho 1:25.
Mwari Worusununguko
Jehovha ndiMwari worusununguko. Iye akasunungura rudzi rwaIsraeri muusungwa muEgipita. Iye akavaudza kuti chero bedzi vakateerera mirairo yake ivo vaizova norusununguko mukushaiwa. (Dheuteronomio 15:4, 4) Dhavhidhi akataura nezvo“rusununguko pafunganyo” mukati meshongwe dzokugara dzeJeruwarema. (Pisarema 122:6, 7, NW) Zvisinei, Mutemo wakagovera kutyira kuti munhu angava murombo aigona kuzvitengesa amene muuranda kuti agovere zvinodikanwa zvake amene nemhuri yake. Asi rusununguko rwaipiwa noMutemo kuuyu muHebheru mugore rechinomwe rouranda hwake. (Eksodho 21:2) MuJebheri (raiitika gore rechi 50 riri rose), rusununguko rwaiziviswa munyika kuvagari vayo vose. Muranda wechiHebheru ari wose aisunungurwa, uye munhu mumwe nomumwe aidzorerwa kunyika yake yenhaka.—Revhitiko 25:10-19.
Rusununguko Runouya Kupfurikidza naKristu
Muapostora Pauro akataura nezvokuda kworudzi rwomunhu kusunungurwa mu“kuiswa muuranda kukuora.” (VaRoma 8:21, NW) Jesu Kristu akaudza vaJudha vakanga vadavira maari, kuti: “Kana mukarambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaizvoizvo, uye muchaziva zvokwadi uye zvokwadi ichakusunungurai.” Kuavo vaifunga kuti vaiva norusununguko nemhaka bedzi yokuti vakanga vari vazukuru vokunyama vaAbrahama, akaonesa kuti vakanga vari varanda vechivi, uye iye akati: “Naizvozvo kana Mwanakomana akakusunungurai, muchava vakasununguka zvomenemene.”—Johane 8:31-36, NW; enzanisa naVaRoma 6:18, 22.
Rusununguko urwo maKristu apakuvamba akafarikanya muusungwa kuchivi norufu uye mukutya (“Nokuti Mwari akatipa kwete mudzimu woumbwende, asi uyo wesimba noworudo nowendangariro yakanaka”) rwakaratidzirwa mukutaura zvakajeka norusununguko rwokutaura zvavaapostora mukuzivisa mashoko akanaka. (2 Timotio 1:7; Mabasa 4:13; VaFriripi 1:18-20) Ivo vaiziva rusununguko irworwu rwokutaura pamusoro paKristu kuva chinhu chinokosha, icho chinofanira kukudziridzwa, kutaviridzwa, uye kuchengetwa nokuda kwokugamuchira tendero yaMwari. Yakanga iriwo nhau yakakodzera munyengetero.—1 Timotio 3:13; VaHebheru 3:6; VaEfeso 6:18-20.