Kuparidzirwa Munyika Yose Kwamashoko Akanaka
UMAMBO hwaMwari hunotonga! Aya mashoko akanakisisa zvikuru. Ndokusaka muna 1989 vanopfuura 3 700 000 veZvapupu zvaJehovha kupota nyika vakazivisa nembavarira “mashoko akanaka” akaporofitwa naJesu na“mashoko anofadza” akaziviswa nengirozi muchiono chaJohane. (Mateo 24:14; Zvakazarurwa 14:6, NW) Muapostora Pauro akati: “Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.” (VaRoma 10:18) Uye vanhu vanodokuva vorudzi rwuri rwose nendudzi norurimi navanhu vakapindura nomufaro kudanidzo yavo yokuti “ityai Mwari, mumurumbidzei.”—Zvakazarurwa 14:7.
Hamusati Muchizovazve Neinishuwarenzi Youpenyu
Mumwe akadaro akanga ari murume womuEngland aiwana chokurarama nacho chake nokusava nechokwadi kwoupenyu. Ken akanga ari mutengesi weinishuwarenzi, uye apo iye akashanyira mhuri yeZvapupu zvaJehovha, ivo vakamubvunza, kuti: “Mungada here kurarama munyika umo inishuwarenzi youpenyu yaizova isiri madikanwa?” Chii chavakareva? Kuti mukuwirirana neBhaibheri, muUmambo hwaMwari zvinhu zvakawanda izvo zvinoita kuti upenyu huve husina chokwadi kwazvo zvino, kubatanidza chirwere norufu, hazvisati zvichizovamozve.
Ko chinhu chakadaro chinobvira here? Hungu, Mwari amene akachipikira. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Mwari amene achava navo [rudzi rwomunhu]. Uye iye achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchazotongovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvizotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.” (Zvakazarurwa 21:3, 4, NW) Chiiko chichaparira chinjo yakadaro? Umambo hwaMwari. Mukuwirirana neShoko raMwari, ihwohwu nokukurumidza hucha“putsanya nokuparadza maumambo iwawa ose [omuzuva razvino uno ezvamatongerwe enyika], uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44, NW.
Magwaro akafanana naiwawa akaunzwa kungwariro yamazana amamirioni avanhu neZvapupu zvaJehovha mukati menhimbe yazvo yokuparidzira munyika yose. Vazhinji, kufanana naKen, vakasvika pakuziva kuti uku hakusati kuchingova zvako kufunga kwokushuva. Ufakazi hwacho hunopwisa. Izvi zvipikirwa zvoumwari zvakavimbika uye zvichakurumidza kuzadzikwa.
Zvinokosha Zvakachinjwa
Avo vanoteerera Zvapupu zvaJehovha sezvo zvinodzokorora ziviso inofadza yengirozi vanosvika pakuziva kuti kutya Mwari nokumupa mbiri zvinobatanidza zvinopfuura kungodavira chete zvipikirwa zveBhaibheri. Kunochinja murangariro wavo wose uye kunosunungurira vazhinji kangaidziko dzoupenyu.
Rafael nomudzimai wake vakawana ikoku kuva kwechokwadi. Ivo vanogara muArgentina, uye apo vakaroorana anopfuura makore 40 apfuura, vakakuita nharidzano yavo huru muupenyu kushanda zvakaoma ndokuchengetedzera nguva yemberi yakakotsekana. Zvisinei, makore 21 gare gare, zvose zvavaifanira kuratidza nokuda kwebasa ravo rakaoma wakanga uri musha muduku uyo waida kugadzirwa nguva dzose. Ivo havana kuzotongonzwazve vakakotsekana kupfuura pavakatanga kuroorana.
Ipapo ivo vakanzwa mashoko akanaka kuZvapupu zvaJehovha ndokudzidza nezvorudzi rwuri nani rwepfuma norudzi rwuri nani rwechengeteko. Jesu, muMharidzo yake yapaGomo, akataura nezvaikoku paakati: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasine mbavha dzinopaza dzichiba.”—Mateo 6:19, 20.
Nepo Bhaibheri risingatidzidzisi kuva vasina kuchenjera kana toreva nezvepfuma yokunyama, rinotikurudzira kusaisa tariro yedu muzvinhu zvakadaro. (Muparidzi 7:12) Panzvimbo pezvo, tinofanira kushanda kuti tiwane pfuma yomudzimu kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, kudzidza kuda kwaMwari, uye kuita kuitwa kwokuda ikoko chinhu chokutanga muupenyu hwedu. (Mateo 6:33) Rafael nomudzimai wake vakatanga kuunganidza iyi pfuma yomudzimu, uye ivo zvino vanonzwa vakapfuma zvirokwazvo, kwete nemhaka yomugariro wavo wezvemari, asi nemhaka youkama hwavo naMwari. (Zvakazarurwa 3:17, 18) Shoko roUmambo hwaMwari rakanga riri mashoko akanaka zvikuru nokuda kwavo.
Roorano Yakagadzirwa
Mashoko akanaka ane simba chairoiro rokuita zvakanaka. Somuenzaniso, John, uyo anogara muEngland, akanga asingafariri Bhaibheri, asi mudzimai wake navana vakanga vachifarira. Naizvozvo ivo vakavamba kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha apo John aienda kundonwa neshamwari dzake. Somuuyo, iye akabatanidzwa mukunwisa, kusvuta, uye, pakupedzisira, utere. Pakupedzisira, iye akasiya mudzimai wake kuti andogare nomumwe mukadzi.
Zvinoitika zvapamutemo zvechatanuro zvakatanga. Asi John akashamiswa kuona kuti mudzimai wake—uyo akanga adzidza mufambiro wechiKristu mufundo yake yamashoko akanaka—akanga achingomubata nenzira yokurangarira. John aisagona kunzwisisa chikonzero nei. Mavhiki matatu pamberi pokunge chatanuro isati yapedzwa, mufambiro wechiKristu womudzimai waJohn wakava nomuuyo wawo. Iye akataura rupfidzo rwechokwadi nokuda kwomufambiro wake, uye zvinoitika zvapamutemo zvechatanuro zvakagumiswa. John zvino akaongoorora mashoko akanaka iye amene ndokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvino iyewo muKristu uye, nomudzimai wake, ari kuudza vamwe nezvamashoko akanaka oUmambo.
Mumazuva ano ezvinokosha zvemhuri zvinokoromoka, vazhinji vanoda betsero inopa mashoko akanaka akavakirwa paBhaibheri. Mumwe weZvapupu zvaJehovha muPeru akanga agere parutivi pakonoro wehondo mukati mokubhururuka nendege. Ivo vakapinda mukurukurirano uye konoro akatanga kutaura zvinetso zvose zvemhuri yake, kubatanidza idi rokuti mudzimai wake akanga apindwa muropa nemirimo uye akanga odokumusiya achienda kumurume muduku. Chapupu nenzira yokungwarira pakutaura chakamuratidza kuti Bhaibheri rinopa zano rakanaka, rakasimba pazvinhu zvemhuri uye kuti iro rakanga ramubetsera somunhu oga kupedza zvinetso zvake amene zvemhuri.—VaEfeso 5:21–6:4.
Konoro akatenda Chapupu nokuda kwamashoko acho anonyaradza uye akanyoresa nokuda kwamagazini eNharireyomurindi neAwake! kuti agogona kupfuuridzira mberi zivo yake yamashoko akanaka. Ipapo, apo Chapupu chakanga chobuda mundege, varoorani vaduku vakachimbidza kuti vamusvikire ndokukumbira kutaura naye. “Tanga tigere pamberi penyu chaipo,” ivo vakadaro, “uye tanzwa kurukurirano yenyu nomurume wacho. Tingada kuzvinyoresawo magazini iwayo.” Ivo vaidawo kudzidza mashoko akanaka ayo anogona kuvandudza upenyu.
Upenyu Hwakachinjwa
Uyezve, mashoko akanaka akavakirwa paBhaibheri anochinja vanhu. Muapostora Pauro akati: “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba.” (VaHebheru 4:12, NW) Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi kumurume muduku womuMacedonia, Greece. Iye akashamiswa nokuziva kuti, mukuwirirana neBhaibheri, zita raMwari ndiJehovha. Naizvozvo akakumbira shamwari kuita kuti aonane neZvapupu zvaJehovha nokukurumidza sezvinobvira. Kurukurirano mbiri dzakarongwa neZvapupu, imwe neimwe yadzo yakapedza anenge maawa mana. Murume muduku ipapo akatanga fundo yenguva dzose yeBhaibheri, yokutanga yadzo yakagara kutozosvikira pa 2 kiroko mumangwanani!
Kuvambira pafundo iyoyo yokutanga, murume muduku akakurumidza kuchinjira upenyu hwake kumipimo yeBhaibheri. Iye akapinda misangano yokunamata pamwe neZvapupu zvaJehovha uye akasvika pakuda Musiki zvikuru kwazvo. Uye Jehovha akamukomborerawo. Vhiki rokutanga refundo yake yeBhaibheri, iye akagura vhudzi rake refu. Vhiki rechipiri, iye akarega kuenda kutumahotera namadhisiko kunotsvaka vafambidzani vanofadza. Vhiki rechitatu, akarasa mudzanga wake wokupedzisira. Pashure pokufunda kwemwedzi miviri, akavamba kukumbanira Zvapupu mukuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo. Hungu, iye akafara kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaunza mashoko akanaka kurutivi rwake papasi.
Mashoko Akanaka Mutorongo
Kunyange mipingo yetorongo haisi mhinganidzo kumashoko akanaka. MuSpain mumwe murume muduku anonzi José ari kubatira tongero refu yomutorongo nemhaka yokuba akashongedzerwa nezvombo zvehondo uye mamwe mabasa outsotsi. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kumuudza mashoko akanaka, uye shoko reBhaibheri rakachinja chose chose murangariro wake. Jehovha ‘akapa simba’ kwaari.—VaFiripi 4:13.
José anotaura kuti angasanopedza rutivi rwasara rwoupenyu hwake mutsika ino yezvinhu akapfigirwa nemhaka yowaichimbova mufambiro wake. Asi iye akabhapatidzwa uye zvino muKristu. Mudzimai wake anomutsigira zvakasimba, uye iye ari kuedza kupa mwanakomana wavo muduku kurera kwechiKristu. Munguvayo, José anogoverana mashoko akanaka navasungwa biyake, vanhu vakaoma kusvikwa naavo vanogara kunze kwamasvingo etorongo. Zvino womuchitokisi biyake muKristu akabhapatidzwawo.
Iyi inongova chete mienzaniso mishomanene yokuratidza miuyo yenhimbe yenyika yose yokuparidzira yeZvapupu zvaJehovha. Zvirokwazvo, mashoko akanaka akaziviswa nengirozi isingaoneki akadzokororwa neZvapupu zvaJehovha “samashoko anofadza kuavo vanogara papasi rino, uye kurudzi rwuri rwose nendudzi norurimi navanhu.”
Iwo mashoko akanakisisa, uye ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu. Tinokukurudzira kuateerera. Kufanana naKen naJohn muEngland, kufanana naRafael nomudzimai wake muArgentina, kufanana naJosé muSpain, uye kufanana nezviuru zvavamwe, tinokumbanira ngirozi mukukurudzira vose kuti “ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”—Zvakazarurwa 14:7.