Evhangeri Inogona Sei Kukubetsera?
BHAIBHERI rinokosheswa zvikuru nokuda kwoukoshi hwomunyorerwo waro—kunyange navanhu vasingatendi kuvapo kwaMwari. Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, vashomanene vanorirava kuti vashandise charinotaura. Uyezve, sezvo mashoko akanaka arinawo achivambira kuzvinodokusvika zviuru zviviri zvamakore zvapfuura, vanhu vazhinji vanoratidzika kuva vanodavira kuti rinofanira kuitwa razvino uno, kuwiriraniswa nomusi. Ko Evhangeri ndeyechinyakare here kana kuti haichawirirani nomusi? Nyangwe.
Kune varume navakadzi, vaduku navakuru, vanosvika mumamirioni, vanoziva kuti Bhaibheri manyuko anokosha ebetsero. Kwakaita seizvo sumo yeToday’s English Version inorava, kuti: “Bhaibheri harisati richingova zvaro mabhuku makuru anofanira kuyemurwa ndokuremekedzwa; iro Mashoko Akanaka avanhu vose munzvimbo iri yose—shoko riri zvose zviri zviviri rinofanira kunzwisiswa nokushandiswa muupenyu hwezuva nezuva.”
Evhangeri inorevei kwauri? Unoishandisa here senhungamiro muupenyu hwako hwezuva nezuva? Rangarira kuti mashoko akanaka akabetsera sei vamwe vakaateerera muzana rokutanga ramakore uye kuti vamwe vakabetserwa sei munguva yedu.
Vanhu Vakabetserwa neEvhangeri
Muzuva raJesu vanhu vamwe navamwe vakadai savaredzi vanoshanda zvakaoma navadzimai vanotarisira dzimba vakakwezviwa namashoko akanaka ndokudzidza zvokwadi pamusoro pedonzo raMwari nokuda kwomunhu. Mashoko akanaka akachinja zvikuru upenyu hwavo uye kazhinji kazhinji akavaunzira sununguko huru. Somuenzaniso, Maria Magdharene akabudisirwa dhemoni. Zakeo, kare akanga ari muteresi mukuru, akasiya mararamire ake amakaro. (Ruka 8:2; 19:1-10) Mapofu navane maperembudzi vakabetserwa apo vakauya kuna Jesu, uyo aiparidzira mashoko akanaka. (Ruka 17:11-19; Johane 9:1-7) Jesu aigona kuti nomazvo: “Mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa [mashoko akanaka, NW].”—Mateo 11:5.
Inokosha zvikuru kupfuura kuporeswa kwavo, kunyanguvezvo, yakanga iri nzira iyo mashoko akanaka akachinja nayo vazhinji vavanhu ivavo vaitambura savanhu. Vane mwoyo yakatendeseka vakazadzwa netariro yenguva yemberi. Ivo vakaisa chivimbo chavo muUmambo hwaMwari—chimwe chinhu chiri nani kupfuura evhangeri ipi neipi yenzanga (Mateo 4:23). Tariro yavo haina kukangaidzwa norufu rwaJesu. Ichirondedzera zvinhu kunyange pashure pechinoitika ichocho, Mabasa 5:42 (NW), inoti nezvavadzidzi vake: “Zuva riri rose mutembere napaimba neimba ivo vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.” Muzana rokutanga ramakore, vanhu munyika dzakawanda vakagamuchira betsero yomudzimu nemhaka yokuti vakagamuchira kuparidzira ikoko.
Umambo hwakanga huri mashoko akanakisisa shure panguva iyeyo. Ko shoko roUmambo richiri mashoko akanaka here?
Chii Chinoreva Mashoko Akanaka Nhasi?
Kana iwe uchishuva nyika ine rugare, yakachengeteka, ipapo mashoko oUmambo zvirokwazvo akanaka. Kutaura idi, munyika ine mazana amamirioni avanhu anodya zvisina kukwana naanoziya nenzara, ane hosha dzinotyisa dzinotyisidzira munhu ari wose, ane wedzero inotyisa muutsotsi, uye ane kusagadzikana kwezvamatongerwe enyika kunopararira, iwo ndiwo bedzi mashoko chaiwoiwo akanaka naanogarisa. Iwo anomirira tariro bedzi yevandudziko yechokwadi.
Ndokusaka Jesu akaporofita izvi pamusoro pezuva redu: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Aya mashoko ari kuzadzikwa nenzira inoshamisa sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira mashoko akanaka mudzinopfuura nyika 200. Chimwe chinyorwa cheKaturike, Nova Evangelização 2000, chinorumbidza Zvapupu nokuda kwaikoku, chichiti: “Ndokupi kwatinowana Zvapupu zvaJehovha? Pamasuo emisha. Uye kuti ave Chapupu chaJehovha, kunze kwokuva waJehovha, munhu anofanira kuva chapupu. Naizvozvo, tinozviwana zvichishanda, zvichizivisa, zvichipa, izvo zvakawana.”
Zvisinei, hakuna munhu anoerekana abetserwa namashoko akanaka. Achabetsera bedzi avo vanonzwa ndokuteerera. Kuti aratidzire iri pfundo, Jesu akapa mufananidzo pamusoro pomumwe munhu anobuda kundokusha mbeu. Marudzi akasiana-siana evhu ayo mbeu yakawira paari akaratidzira marudzi akasiana-siana omugariro womwoyo ayo vanzwi vamashoko akanaka vanoratidzira. Jesu akati: “Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make . . . Wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.”—Mateo 13:18-23.
Somuzana rokutanga ramakore, vanhu vazhinjisa nhasi vanoita nhamburiko duku yokunzwisisa mashoko akanaka. Ivo havawani mufungo wawo, uye nokudaro vanorasikirwa. Vamwe vanoratidza kuonga mashoko akanaka ndokudzidza nzira yokupinza nayo upenyu hwavo mutsinhirano nokuda kwaMwari. Neiyi nzira ivo vanokomborerwa. Iwe uri weboka ripi?
Simba reEvhangeri Nhasi
Zvinoitika zvinopupurira kuti kunzwisisa mashoko akanaka kunobetsera avo “vakanga vasina tariro uye vakanga vasina Mwari.” (VaEfeso 2:12, NW; VaEf. 4:22-24) Roberto wokuRio de Janeiro aida betsero. Chifo choupwere hwake, iye akanga ararama upenyu hwakaipa, achibatanidzwa mumirimo, utere, uye umbavha. Pakupedzisira akapinzwa mutorongo. Ari imomo Roberto akadzidza Bhaibheri neChapupu chinoshanyira. Iye akafambira mberi zvakanaka kwazvo mumudzimu zvokuti nhambo yake yomutorongo yakaderedzwa zvikuru kwazvo.
Pashure pokusunungurwa, Roberto akasangana nomusikana muduku uyo akanga abira namasimba masimba ndokutyisidzira nepfuti. Iyewo akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Chii chakaitika? Runotevera rutivi rwetsamba runorondedzera chinoitika chacho: “Ivo vakasangana muHoro yoUmambo kwenguva yokutanga pashure pokudenha kwacho. Kusangana kwacho kwakanga kuchisiririsa. Vose vari vaviri vakasvimha misodzi yemirangariro inonetseka ndokumbundirana sehama nehanzvadzi. Zvino vose vari vaviri aichimbova mbavha nanyajambwa wake vanorumbidza Jehovha.”
Mumwe munhu, Isabel, aidawo betsero, nokuti iye aizivikanwa nokuda kwehasha dzake. Akabatanidzwa zvikuru mukudavira midzimu nouroyi uye aitambudzwa namadhemoni. Sezvo akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akawana kuti mashoko akanaka akabetsera chaizvoizvo. Pashure penguva yakati, akabvisa kudzora kwamadhemoni ndokuchinja hunhu hwake—pakupedzisira achidzidza kudzora hasha dzake. Zvino iye muKristu akatendeka, anozivikanwa somunhu ane mutsa mukubata navamwe.
Hungu, mashoko akanaka haasati achingovawo zvawo rondedzero. Ane simba chairoiro rokushandura upenyu. (1 VaKorinte 6:9-11) Anoita zvinotopfuura izvozvo. Anonongedzerawo kuzvikomborero zvomunguva yemberi.
Zvikomborero Zvichiri Mberi
Mukuwirirana neShoko raMwari, nguva yemberi ine kariro dzinoshamisa. Tichaona zadziko yomunyengetero waJesu wokuti Umambo hwaMwari huuye uye wokuti kuda Kwake kuitwe pasi pano sezvakuri mudenga. (Mateo 6:10) Nokukurumidza, tsika yazvino yezvinhu noushati namasimba masimba zvayo zvinoodza mwoyo zvichabviswa, uye hurumende yokudenga yaMwari, Umambo hwake, ichatonga pavanhu vane mwoyo wakarurama avo vaidisa kunzwa ndokuteerera mashoko akanaka.—Dhanieri 2:44.
Vandudziko huru dzichatevera sezvo vanhu vakatendeka vanoraidzwa kushandura pasi kuva paradhiso umo vanyoro vachararama nokusingaperi. (Pisarema 37:11, 29) Zvirokwazvo, mashoko akanaka kuti utsotsi, hosha, nzara, shatiso, uye hondo zvichanyangarika nokusingaperi! Unogona here kuzviisa umene muchiono nemhuri yako muchigara munyika itsva iyoyo murugare noutano hwakakwana pasina kutyiwa kwechirwere kana kuti rufu?—Zvakazarurwa 21:4.
Chokwadi, vazhinji vanorangarira mashoko akanaka akadaro kuva akapfava kana kuti okufungidzira. Asi havana kururama. Mashoko akanaka akavakirwa paufakazi hwakasimba zvikurusa, uye akatochinja mamirioni oupenyu. Naizvozvo, usatongotyisidzirwa kana vamwe vakasatenda.
Fungidzira munhu akangwara anotenga nzvimbo munharaunda inobudirira, achikarira kubetserwa nechaanotenga. Munhu upi noupi angamushora here nokuda kwokushandisa mari yake neiyi nzira? Aiwa. Sezvingabvira zvikuru, vanhu vangati iye ari kuita nokuchenjera. Kuregerereiko, ipapoka, kuva akachenjera pamusoro poUmambo ndokuisa mari, sokunge zvakadaro, mumashoko akanaka? Sezvo kugamuchira mashoko akanaka kuchireva ruponeso, hakuna chimwe chinotengwa chichaunza mhindu dziri nani.—VaRoma 1:16.
Unogona seiko kuisa mari mumashoko akanaka? Kutanga, iva anodisa kudzidziswa naMwari. Ipapo ita mutsinhirano neizvo unodzidza. Tevera zvinodikanwa zvikuru, sezvakarongwa nomuporofita wekare wechiHebheru: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” (Mika 6:8) Kudzidza kufamba naMwari kunoda nguva nenhamburiko. Kunyanguvezvo, Zvapupu zvaJehovha, izvo zvakabetsera Roberto naIsabel, zvichafadzwa nokukubatsira muna ikoku—sezvazvakabatsira mamirioni avamwe mumakore apfuura.
Uchimirira zadziko yezvipikirwa zvaMwari, tarisira chawakatenga kupfurikidza nokurarama mukuwirirana namashoko akanaka, uchifarikanya rugare rwendangariro nokuvaka ukama hwapedyo zvikuru naMwari. Chawakatenga chichava chakakotsekana—hakuna derero mune zvemari kana kuti chinjo yezvamatongerwe enyika ichachityisidzira. Uye pakupedzisira, chichakuunzira mhindu inoshamisa. Chiiko chiri mhindu iyoyo? Muapostora Johane akanyora, kuti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Mbeu dzamashoko akanaka dzinowira pamarudzi akasiana-siana evhu
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian