RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 1/1 p. 3
  • Mashoko Akanaka Orudzi Rwose Rwomunhu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Orudzi Rwose Rwomunhu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Ndiye Mambo
  • “Mashoko Akanaka”!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • “Mashoko Anofadza” Ari muApocalypse
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kuparidzirwa Munyika Yose Kwamashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Shoko Rinonaka Nerinovava
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 1/1 p. 3

Mashoko Akanaka Orudzi Rwose Rwomunhu!

“NDAKAONA imwe ngirozi ichibhururuka pakati pedenga, uye iyo yaiva namashoko akanaka asingaperi okuzivisa samashoko anofadza kuavo vanogara pasi, uye kurudzi rwuri rwose nendudzi norurimi navanhu.” (Zvakazarurwa 14:6, NW) Namashoko iwayo, mutana muapostora Johane akarondedzera chiono chake chouporofita chakafuridzirwa, chiono chiri kuzadzikwa muzuva redu timene. Inyaradzo yakadini kuziva kuti kune mashoko akanaka muzera rino rouhu utsotsi, kushatisa, ugandanga, hondo, uye kusava nechokwadi kwakapararira kwomugariro wemari zvinowedzera! Asi mashokoi angagona kuva akanaka kwazvo zvokuti anoda ngirozi kuazivisa? Mashokoi angagona kuva anofadza zvakakwana kufanirwa nokuziviswa kurudzi rwuri rwose nendudzi norurimi navanhu?

Tinogona kupindura ikoko kana tikafunga tichidzokera shure kusvikira kuimwe nhambo apo ngirozi yakazivisa iyo pachayo mashoko akanaka. Apa pakanga pari apo zana rokutanga ramakore P.N.V. rakanga richiswedera pedyo nomugumo, anodokusvika makore ane zana Johane asati aona chiono chake. Vafudzi vakanga vari kunze namapoka avo amakwai mumasango pedyo neBhetrehema, uye ngirozi yakaoneka kuzozivisa kuberekwa kwaJesu, ichiti: “Tarirai! Ndinokuzivisai mashoko akanaka omufaro mukuru uyo vanhu vose vachava nawo, nemhaka yokuti maberekerwa nhasi Muponesi, uyo ari Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.”—Ruka 2:10, 11, NW.

Kuberekwa kwaJesu kwakanga kuri zvirokwazvo “mashoko akanaka omufaro mukuru.” Iye akakura kuva Kristu noMuponesi akapikirwa, uyo akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu kuti vanhu vane mwoyo wakarurama vagorarama. Kupfuura izvozvo, iye akanga achizova Mambo woUmambo hwaMwari, “Muchinda woRugare,” mukutonga kwake ruramisiro norugare zvaizouya pakupedzisira kurudzi rwomunhu. (Isaya 9:6; Ruka 1:33) Zvirokwazvo, kuberekwa kwake kwakanga kuri mashoko akanaka akafanirwa nokuti ngirozi izivise!

Jesu Ndiye Mambo

Shure muzana rokutanga ramakore, Jesu akazadzika akawanda amadonzo aMwari nokuda kwake, asi iye haana panguva iyeyo kugadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwaMwari. Seizvo magazini ino yakaonesa kazhinji kazhinji, ikoko hakuna kuitika kutozosvikira muna 1914. Seizvo zadziko youporofita inoratidza nenzira yakajeka, mugore iroro Umambo hwaMwari hwakagadzwa mumatenga. (Zvakazarurwa 12:10, 12) Kunyange zvazvo kwakanga kune mashoko akashata zvikuru muna 1914—kutanga kweHondo yeNyika I—kuberekwa kwoUmambo hwaMwari kwakanga kuri mashoko akanakisisa. Ndokusaka Jesu akaporofita nokuda kwezuva redu, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mateo 24:14, NW.

Ko uporofita hwaJesu hwakazadzikwa here? Mhinduro yacho ndihungu! Uye chiono chouporofita chaJohane chakazadzikwawo. Chokwadi, hatigoni kuona ngirozi isingaoneki iyo Johane akaona. Asi Zvapupu zvaJehovha zvave zvichioneka zvikuru sezvo zvakazivisa mashoko akanaka engirozi “kurudzi rwuri rwose nendudzi norurimi navanhu.” Munyika 212 nezvitsuwa zvegungwa, manzwi azvo akanzwiwa. Uye mapoka ari kugamuchira. Zvinoitika zvavamwe vaivava zvicharatidza kuti mashoko pamusoro poUmambo hwaMwari akanaka sei chaizvoizvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe