RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 1/1 p. 7
  • “Pisai Nomudzimu” muMexico

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Pisai Nomudzimu” muMexico
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Shoko raMwari Rikakura”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 1/1 p. 7

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

“Pisai Nomudzimu” muMexico

“NYIKA yose inoratidzika kuva inopisa neinozununguka nomubato.” Inonyora kudaro hofisi yebazu yeWatch Tower Society muMexico, uye tsinhiro iyoyo ndeyechokwadi sei! Mubato unozunungusa munyika iyoyo unoratidzirwa mukuti kusvikira pana August apfuura, makanga mave mune zviverengero zvapamusoro zvomwedzi nomwedzi zvinotevedzana 70, kuchiguma navaparidzi 277 436. Mukuwedzera, fundo dzeBhaibheri dzinopfuura 400 000 dzakashumwa, uye vakapinda Chirangaridzo gore rapera vakasvika 1 046 291. Hwaro hwakaisvonaka zvakadini hwokukura kwomunguva yemberi!

Pfundo guru ra 1989 rakanga riri chinjo mumugariro weZvapupu zvaJehovha muMexico. Somuuyo, Bhaibheri raigona kushandiswa mubasa rokuparidzira paimba neimba kwenguva yokutanga, uye misangano yakagona kuzarurwa nomunyengetero. Ikoku kwakava nomuuyo wokukurumidza. Mumwedzi miviri, chiverengero chavaparidzi chakasvetuka navanopfuura 17 000.

Mufaro wehama paichi chinoitika unoonwa mutsinhiro dzavo. Imwe yakanyora, kuti: “Apo tsamba yacho yakaraviwa muungano, yakadzongonyedzwa kaviri nokurova maoko kwokudisa. Kwakanga kuchifadza!” Imwe yakati: “Hataigona kudzora misodzi yomufaro. Miuyo yave iri pachena mukusvika panguva kuri nani. Munhu ari wose anoda kuvapo nokuda kwomunyengetero wokuzarura.”

“Mundima medu,” chakadaro chimwe Chapupu, “mumwe mukadzi anoshingaira mugadziriro yefundo yeBhaibheri yeChechi yeKaturike akatsinhira, kuti: ‘Kana kare netsinhiro dzavo chete namagazini avo, [Zvapupu] zvaitisiya tisina chokutaura, zvino sezvo zvava kuzarura Bhaibheri pamasuo, tarasika!’”

Zvapupu zvaJehovha muMexico zvinosimbisawo kupupurira kwamasanga neBhaibheri. Imwe hanzvadzi yakasvika mumwe mukadzi uyo akabvunza izvo chaifunga pamusoro pokubvisa pamuviri. Chapupu chakapindura, chichiti: “Chandinofunga hachikoshi seizvo Bhaibheri rinotaura.” Pashure pokurava magwaro anoverengeka, hanzvadzi yakarangarira, kuti: “KuMusiki upenyu hunokosha zvikuru, kunyange upenyu hwaavo vachigere kuberekwa.”

Mukadzi wacho ipapo akataura kuti akanga achikarira mwana wake wokutanga, asi kuongorora kwekiriniki kwakakarakadza kuti mwana wacho aizova akaremara. Chiremba wake aida kuti abvise pamuviri, uye murume wake akabvuma, asi mukadzi amene akanga asina chokwadi. Muparidzi akarangarira naye zvakare kubva muBhaibheri, akapa zita rake, uye ipapo vakaparadzana.

Makore mashanu gare gare pakokorodzano yoruwa, varoorani vane mwana ane makore mana okukura vaida kuona hanzvadzi yacho nomurume wayo. Akanga ari mukadzi mumwe cheteyo! Chiiko chakanga chaitika? Pashure pekurukurirano yake neChapupu, mukadzi wacho akasarudza kuva nomwana wake. Chiremba wake akaramba kumuona zvakare, uye murume wake akatotyisidzira kumusiya kana mwana akanga akaremara. Apo nguva yakasvika yokuti abereke, akangoenda chete nokuda kwebetsero kuna chiremba wokutanga waaigona kuwana.

Nokukurumidza pashure pokunge mwana aberekwa, chiremba akati: “Makorokoto, amai! Mune musikana muduku akaisvonaka.” Asingadaviri nzeve dzake, akamukumbira kuongorora mwana wacho nokungwarira. Ipapo akamuudza nhau yake. Chiremba aingogona bedzi kuti: “Iri inenji.” Mukadzi akafadzwa nokuti akanga ava noushingi hwokuremekedza murangariro waJehovha woutsvene hwoupenyu, uye akatumidza mwana wake akaisvonaka, akagwinya zita rehanzvadzi yacho. Nokukurumidza apo akanga asimba zvakakwana, akatsvaka Zvapupu ndokutanga kufunda Bhaibheri nazvo. Murisingasviki gore, iye nomurume wake vakabhapatidzwa.

Muapostora Pauro akakurudzira, kuti: “Pisai nomudzimu. Batirai Jehovha.” (VaRoma 12:11, NW) Zvapupu zvaJehovha muMexico, kufanana namaKristu echokwadi munzvimbo iri yose, zvinogamuchira iri zano nomwoyo wazvo wose. Ndokusaka nyika yose ichipisa uye ichizununguka nomubato womudzimu. Jehovha anokomborera vakatendeka vake zvakapfuma sei!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe