Nzwisiso Panhau
Mitsetse Yembizi
“Mamirioni amakore emhindumupindu” akapa mbizi mitsetse yayo, inodaro magazini World of Wildlife yeBritain. Chikonzero chacho? Masaindisiti anotaura kuti mitsetse yakavapo senyengedzo yokudzivirira mhuka yacho pamhuka dzinodya dzimwe. Rinoratidzika kuva rinowedzera kudavirika kuuyu murangariro iidi rokuti mitsetse inokombamira kuparira kusajeka painoonwa uri kure. Zvisinei, havasi vanhu vose vesayenzi vanobvuma. Dr. Gerrie de Graaff, mupi wezano wesayenzi wamagazini yemhuka dzomusangano yeSouth Africa Custos, anoti: “Hatigoni kurangarira kuti mhuka dzinoona zvinhu nenzira imwe cheteyo yatinoita nayo.” Kupfurikidza nokutsanangura, de Graaff anoonesa kuti kuita kwembizi hakutsinhirani nerondedzero yenyengedzo yokuvapo kwemitsetse. Neiko? Nemhaka yokuti mbizi hadziedzi kuzvivanza dzimene sezvinoita mhuka dzinotsamira pakuzvivanza noruvara. Idzo dzinoita mheremhere uye dzinoshingaira uye dzinozviita dzimene dzinooneka kupfurikidza nokufura mumapani.
Vamwe vezvemhindumupindu vanorondedzera kuti mitsetse yakajeka yembizi mitema nemichena inoparira kusaona zvakanaka. Mukuwirirana nade Graaff, rimwe gakava nderokuti “shumba dzinodenha hadzikwanisi kusarudza imwe nemhaka yokuti inokumbanira dzimwe dziri muboka,” nepo “imwe inokarakadza kuti shumba inoteiwa kana kuti inokanganisa kusvetuka kwayo kwokupedzisira kwokufungidzira.” Asi sezvaanotaura, “idzi rondedzero dzinokundikana pachivimbo chinocherechedzeka chinouraya nacho shumba mbizi.”
Mumhedziso, de Graaff anobvuma kuti, “kusvikira panguva ino, hatizivi chaizvoizvo chikonzero nei mbizi ine mitsetse.” Chikonzero, zvisinei, chiri pachena kuvadzidzi veBhaibheri. Pana Genesi 1:20-25 (NW) tinoudzwa kuti zvisikwa zvose zvapasi zvakasikwa naMwari “mukuwirirana namarudzi azvo.” Somuuyo, muitiro womuzvarirwo wesayenzi wezvinhu zvipenyu une mutoro nokuda kwomutsetse yembizi. Mitsetse yakadaro rutivi rwemhatsa inoshamisa yomugadzirirwo muchisiko chaMwari.
Vafundisi Vanoshanda Here?
Vamwe vakuru vorudzidziso vanokarira kuona chinjo huru mubasa ravo munguva yemberi iri pedyo. Iyi ndiyo yaiva itiro hanya yakataurwa nomufudzi weLutheran, Jean-Pierre Jornod, muReformiertes Forum, magazini yeLutheran inobudiswa muSwitzerland. Iye akati: “Ndingasvika pakudeya kutaura kuti mufudzi wegore ra 2000 muzvinoitika zvizhinjisa achava nebasa risiri renguva yakazara mukuwedzera kuruwa rwake.” Neiko? Iye akawedzera, kuti: “Kwete chose chose nokuda kwezvikonzero zvemari, asi kutanga uye zvikurusa nemhaka yokuti chaunga chinoda nenzira inowedzera vafudzi vanobata noupenyu hwezuva riri rose.”
Achipa udzame pauku kuda, Jornod akati: “Mufudzi wegore ra 2000 achava murume kana kuti mukadzi anosanoziva unyanzvi hwekurukurirano. Handitauri kuti chechi dzichava dzisina vanhu panguva iyeyo, asi vanhu avo mufudzi anoda kusvika havasati vachizouya kuchechi, sezvo kuri chinoitika chacho murutivi nhasi. Shoko rake, naizvozvo, richafanira kuva rakajeka zvikuru, rinonzwisisika zvikuru, rakananga zvikuru.”
Kunokosha kuti vafudzi vanobhadharwa vakanga vasingazivikanwi muchiKristu chomuzana rokutanga ramakore. Muapostora Pauro, somuenzaniso, akagovera zvinodikanwa zvake amene zvomuviri kupfurikidza nebasa rokunyika—kugadzira tendi. Kupfuurazvo, iye akasvika vanhu nenzira inobudirira zvikuru, kupfurikidza nokuvadzidzisa “pachena napaimba neimba.” (Mabasa 18:3; 20:20, 21, 33, 34, NW) Mukupesana navafundisi vanhasi vanobhadharwa, vakuru, kana kuti vafudzi, vari pakati peZvapupu zvaJehovha vachiri kutevera uyu muenzaniso wapaMagwaro wamaKristu omuzana rokutanga ramakore.