Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko Jesu akanga achinongedzera kuna Judhasi here paakaudza Pirato, kuti: “Wakandiisa kwauri, une zvivi zvinokunda zvako”?—Johane 19:11.
Hakuratidziki kuti pano Jesu akanga achinongedzera kuna Judhasi kana kuti kumumwe munhu upi noupi chaiye. Chiverengero chakati chavanhu vaiva nemhaka chaibatanidzwa muzvinoitika zvakatungamirira kukuva kwaJesu pamberi paPirato nokutarisana norufu.
Sezvingabvira, Judhasi anotanga kuyeukwa nemhaka yokuti muapostora iyeyo akaipa akava mushambadzi. (Johane 6:64, 71; 12:4-6) Judhasi akasangana navaprista vakuru, avo vaida “kuuraya” Jesu. Ivo vakabhadhara Judhasi zvidimbu 30 zvesirvha kuti amushambadze. (Ruka 22:2-6) Nenzira isingapanikiri, ipapoka, Judhasi aiva nechivi chikuru pamusoro porufu rwaJesu.
Asi Judhasi oga haana kuparira rufu rwaJesu. Muprista mukuru Kayafasi akanga akurudzira vamwe kuti Jesu aurawe. (Johane 11:49, 50) Mateo anorondedzera kuti apo bedzi “vaprista vakuru namakurukota ose” vakanga vashurikidza Jesu, ivo vakashanda seboka. “Vaprista vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, mubati.” (Mateo 26:59-65; 27:1, 2) Kupfuurirazve, pashure pokunge Pirato awana Jesu asina mhaka, “mapoka” akakumbira kuti Bharabhasi asunungurwe. Mukupesana, pamusoro paJesu ivo vakadanidzira, vachiti: “Ngaaroverwe!”—Mateo 27:20-23; Johane 18:40.
Naizvozvo Jesu sezvingabvira akanga asiri kutaura pamusoro pomunhu mumwe chaiye apo iye akati kuna Pirato: “Wakandiisa kwauri, une zvivi zvinokunda zvako.” (Johane 19:11) Kunyange zvazvo Judhasi, “mwanakomana woruparadziko,” akava nemhaka huru zvikuru, vamwe vazhinji vakagoverana mhaka yechivi chokuuraya Jesu. (Johane 17:12) Ndokusaka pazuva rePentekosta muapostora Petro akaraira vaJudha kupfidza chivi chavo chakakomba paMwanakomana waMwari. (Mabasa 2:36-38) VaJudha vakadaro vaiva rutivi rworudzi rwakazvitsaurira kuna Mwari waJesu, Jehovha. Ivo vaiva namauporofita akazivisa Jesu saMesia. Uye vazhinji vavo vakaona manenji aJesu. Naizvoizvo ivo zvamazvirokwazvo vaiva nemhaka zvikuru yechivi kupfuura zvakanga zvakaita mukuru mukuru aisava wechiJudha uyo akazivisa kusava nemhaka kwaJesu.—Johane 18:38.
◼ Chii chakanga chiri donzo rokuudza kwaJehovha Ezekieri kuti chiso chake chaizova chakaoma, kufanana nezviso zvavaJudha?
Ezekieri akanga ari muporofita waMwari, akabatira pakati pavaJudha vakanga vatapwa muBhabhironi. Idzi nhapwa sezviri pachena dzaifunga kuti Jehovha nenzira yakati aizodzinunura nokukurumidza nemhaka yokuti vakanga vari vanhu vake vakasarudzwa. Ivo havana kugamuchira idi rokuti chakanga chavawira chakanga chiri nemhaka yokuti vaifanirwa nokusafarira kwake.
Naizvozvo apo Jehovha akaraira Ezekieri kuti “utaure kwavari mashoko angu,” wakanga usiri mugove uri nyore. Mukugadzirira muporofita wacho, Mwari akanyevera kuti “icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsraeri vane huma dzakaoma, nemwoyo mikukutu.”—Ezekieri 3:4, 7.
Papfundo rino Mwari akaudza Ezekieri, kuti: “Tarira, ndinoomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo, nehuma yako sezvakaita huma dzavo. Ndakaomesa huma yako sedhaimani rinokunda musarasara; usavatya.”—Ezekieri 3:8, 9.
Vanhu vacho vakanga vane chisimbwa uye vaipandukira. (Ezekieri 2:6) Ko ivo vaizokwanisa here kukurira kana kuti kutyisidzira nhume yaMwari? Aiwa. Sezvo iye akanga ane tsigiro yaMwari, Ezekieri akanga asati achizova akapfava zvikuru kupfuura zvavakanga vakaita. Musarasara rakanga riri ibwe rakaoma zvikuru, rakaoma kupfuura simbi. Kana vaJudha vane chisimbwa, vasingagamuchiri vakanga vakaenzana nomusarasara, Ezekieri aigona kuva akadarowo. Kunyanya zvikuru saizvozvo, iye aifanira kuva akafanana nedhaimani, chakaoma zvikurusa chezvicherwa, chakaoma kwazvo zvokuti chaigona kushandiswa kukwesha kunyange musarasara.—Jeremia 17:1, 2.
Ikoku zvamazvirokwazvo hakurevi kuti vanhu vaMwari nhasi vanofanira kukurangarira kuva kunodikanwa kuva vakaoma, vasingakendengi kumirangariro yomumwe, kana kuti kunyange vane utsinye mukuita chavanorangarira kuva chakarurama. Cherechedza icho muapostora Petro akakurudzira pamusoro pokubata pakati pavanhu: “Muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise; musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze.”—1 Petro 3:8, 9.
Ngoni nokuda kwavamwe ndiimwewo yevavariro huru mukugoverana kwedu mashoko akanaka oUmambo navamwe. (Mateo 9:36-38) Asi kunyange kana tikasangana nokusakendenga, kuramba, kana kuti chishoro chaicho, hatizoregi kuzivisa shoko raMwari renguva yedu. Iroro rinobatanidza kuzivisa kuti nokukurumidza iye achaunza “matsive paavo vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka anoreva nezvaShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:6-9, NW) Hatifaniri kutyisidzirwa kana kuti kurega. Muiyi pfungwa tinogona kuva vakaoma sedhaimani sezvaifanira kuva Ezekieri.