RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 7/15 p. 32
  • Zivo Inounza Rugare Rwomukati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zivo Inounza Rugare Rwomukati
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 7/15 p. 32

Zivo Inounza Rugare Rwomukati

Mumwe mukadzi muduku wokuOhio, U.S.A., anonyora, achiti: “Ndakarerwa ndiri muKaturike, ndakapinda chechi yeMethodist ndiri mukoreji, ndakaronga misi yokundovhakacha nomukomana wechiJudha, ipapo ndakaroorwa nomuLutheran. Handina kutongofara norupi norupi rwaaya marudzidziso ayo akaramba ‘achichinja nenguva.’ Ndakavamba kurava bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, nokuzengurira pakutanga uye ndichiyemura mienzanisiro yakaisvonaka. Ndakanyura ndokurava nokushingaira hafu yokupedzisira mumaawa mana.”

Mukadzi wacho zvino anotaura kuti anotenda Mwari “nokuda kwezivo yangu itsva norugare rwomukati.” Isu tinorangarira kuti iwewo unogona kubetserwa neichi chinyorwa chinosimbisa kutenda. Icho chinokurukura inenge dzidziso iri yose inomutsa nharo yeBhaibheri, richiunganidza ufakazi pamwe chete nenzira pfupi yakadaro neinonzwisisika zvokuti mhinduro inova yakajeka kumuravi. Mapeji 256 ebhuku racho, rine mapeji akakura samagazini ino, akazadzwa nemienzanisiro inodzidzisa inopfuura 150, mizhinjisa muruvara rwakaisvonaka. $4,00 bedzi.

Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Ndinopfigira $4,00.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe