RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 3/8 pp. 16-19
  • Kufunda Bhaibheri—Munzvimbo Inochengeterwa Mhuka!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufunda Bhaibheri—Munzvimbo Inochengeterwa Mhuka!
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hamuna Makeji, Hamuna Zvizarira
  • Mbizi Dzine Nyota
  • “Utsi Hunobuda Pamhino Dzayo”
  • “Chenjerai Senyoka”
  • “Enda Kumujuru, . . . Ugova Wakachenjera”
  • Uto Riri Kufora!
    Mukai!—2003
  • Tupuka Turi Nyanzvi Dzokurasa Marara
    Mukai!—2002
  • Nei Masvosve Asingavharirani Nzira Paanofamba?
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mbizi—Bhiza romuAfrica Risingadzoreki
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 3/8 pp. 16-19

Kufunda Bhaibheri—Munzvimbo Inochengeterwa Mhuka!

IMWE nguva yakapfuura takasarudza nzvimbo yakati ivei yechienzi nokuda kwekurukurirano yedu yemhuri yeBhaibheri yevhiki nevhiki—Emmen Zoo, iri pedyo nomusha wedu muNetherlands. Ikoku kwakanga kuri nokuda kwechikonzero chakanaka zvikuru, icho chichava chakakujekera nokukurumidza.

Kufanana nemhuri zhinji dzechiKristu munyika yose, tine fundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki. Mukati meiyi fundo tinowanzorava pamusoro pemhuka dzinoshandiswa muBhaibheri sezviratidzo zvemavara akanaka neakashata. Takashamisika kana taigona kuziva mhuka dzacho zviri nani ndokusarudza kuiita nhamburiko yemhuri. Mutezo mumwe nomumwe wemhuri waigoverwa mhuka yakati ndokukumbirwa kuwana mashoko pamusoro pemhuka iyoyi muzvinyorwa zvakadai saInsight on the Scriptures uye mabhaundivhoriyamu eNharireyomurindi neMukai!

Sezvatinosvika pedyo negedhi reEmmen Zoo, maziso evana vedu, Mari-Claire, Charissa, uye Pepijn, anosvinudzwa mukariro. Tiri kuenda kunoona makarwe, mapere, mbizi, mujuru, uye zvichida kunyange zhinji dzemhuka dzatakarava nezvadzo muBhaibheri. Asi kutanga, regai tikuudzei pamusoro peiyi nzvimbo inochengeterwa mhuka yakasiyana.

Hamuna Makeji, Hamuna Zvizarira

Noorder Dierenpark, seizvo Emmen Zoo inodanwa muchiDutch, ipaka chaiyo zvikuru yemhuka, yakagadzirwa mukuwirirana nenheyo dzazvino uno. Muno hausati uchizoona mhuka dziri mumakeji kana kuti dziri muzvizarira. Mukupesana, muEmmen chinhu chiri chose chakaitwa kuti mhuka dzacho dzive mumhoteredzo yakafanana zvikuru sezvinobvira nenzvimbo yadzo yokugara yomusikirwo. “Mushanyi, panzvimbo pemhuka, ndiye ari mufenzi,” anodaro Wijbren Landman anonyemwerera, mumwe wezvesayenzi yezvinhu zvipenyu wepaka yacho.

“Mhuka hadzina kurongwa mukuwirirana nemarudzi asi mukuwirirana nenzvimbo dzadzo dzadzakabva. Ndicho chikonzero nei muchikamu chikuru zvikuru chemhuka dzenzvimbo isina miti yeAfrica chamunoona pano, mhuka zhinji zvikuru sedzinobvira dzinochengetwa pamwe chete idzo dzinogara pamwe chete musango.” Uye hungu, tinodziona imomo—mhuka refu zvikuru munyika, furiramudenga dzine mitsipa mirefu, iyo inogona kureba kusvika kuurefu hwamamita 6. Dziri pamwe chete nespringbok, mhara, mbizi, nyati, madhumukwa, uye kunyange nezvipembere zvishomanene.

Asi Wijbren achine zvakawanda zvokutiudza pamusoro pechikamu chemhuka dzenzvimbo isina miti cheEmmen: “Mhuka dzacho dzine nzvimbo yakakura zvikuru muno zvokuti hadzinzwi dzakaganhurirwa. Bva, takagoverawo nzira dzokupukunyuka nadzo. Munoona matombo makuru ari nechokoko ayo here? Pakati pawo springbok dzinogona kuwana dziviriro zvokuti zvipembere hazvigoni kudzinetsa. Uye chikomo icho chiri nechokoko chinogonesa mhuka dzacho kusaonana chose chose. Asi nguva zhinjisa mhuka dzacho hadzitongocherechedzi kuvapo kweimwe. Ikoku hakushamisi chaizvoizvo, sezvo dzakagoverana nzvimbo yadzo yokugara muAfrica kwezviuru zvamakore.”

Mbizi Dzine Nyota

“Tarirai! Mbizi!” Charissa afadzwa kwazvo. Akaita nzvero inofadza pamusoro pembizi. “Mitsetse hairatidziri zvakarurama chimiro nokuzivikanwa kwechimiro chembizi zvikuru kwazvo zvokuti kunyange vagari vemo vane ziso rinoona zvikuru havawanzoziva nezvokuvapo kwadzo apo dzinenge dzichingova kure namamita 40 kusvikira ku50. Kuona zvikuru nokunhuhwidza kwembizi pamwe chete nokugona kwadzo kumhanya zvikuru—kunyange anopfuura makiromita 60 paawa—zvinobatira sedziviriro pamhuka dzinodya dzimwe. Seizvo Pisarema 104:11 inoratidza, mbizi ‘dzinopedza nyota yadzo.’ Ndicho chikonzero nei dzisingawanzowanikwa kure nemvura naanopfuura makiromita masere.” Ipapo akawedzera kuti: “Isuwo tinopedza nguva dzose nyota yedu yomudzimu kupfurikidza nokugara pedyo neungano, tichifunda Bhaibheri, tichipinda misangano.”

Tinobva munzvimbo inogara mhuka dzenzvimbo isina miti yeAfrica ndokufamba takananga kune imwe yemhuka hurusa inodya dzimwe pasi pano, bere rinonzi kodiak. Iri gurusa ramapere ose rinogona kureba kusvika kumamita matatu richirema makirogiramu anosvika ku780. Kuti maakavharirwa mawo muve momusikirwo sezvinobvira, makagadzirwa zvakaisvonaka nehova namabwe makuru. Bere rinonzi kodiak ihama hombe yebere shava reSyria, iro raigara muna Israeri munguva dzeBhaibheri. Seizvo Mari-Claire akawana, mapere anorarama nezvokudya zvakasiyana-siyana. Anodya mashizha nemidzi yemiti pamwe chete nemichero, mabheri, nzungu, mazai, zvipembenene, hove, twupuka twunon’en’ena, nezvimwe zvakadaro, uye anoda uchi zvikuru. Muna Israeri wekare apo mativi emiriwo ezvokudya zvebere akanga ari mashoma, vafudzi vaifanira kungwarira kuparadza kwemapere. Muupwere hwake Dhavhidhi aifanira kutarisana noushingi nedenho yebere kuti agodzivirira boka ramakwai rababa vake.—1 Samueri 17:34-37.

“Utsi Hunobuda Pamhino Dzayo”

Asi kune mhuka dzakawanda dzatinoda chaizvoizvo kuona. Rimwe zuva mufundo yedu yeBhaibheri, takasangana ne“Leviathan,” garwe. Pakutanga, Pepijn akarirondedzera so‘rudzi rwehove, asika huru zvikuru!’ Sezvo makarwe achikurumidza kunzwa musiyano mutembiricha, anochengeterwa muAfrica House, umo mumiriro wokunze wenyika dzinopisa zvikurusa unochengetwa. Pakupinda, tinorovanywa nokupisa nounyoro, zvainyorovesa magirazi edu. Mukuwedzera kuna ikoko, tinofanira kurovedzana nerima. Tichifamba napabhiriji ramapuranga rakarembedzwa mumhepo, tinoti dhuma dhuma nemakarwe maviri makuru ayo anoratidzika kuva ari kurinda nzvimbo dzokuumburukira pamativi ose ari maviri ebhiriji racho. Anozvambarara ipapo asingazununguki zvikuru zvokuti Pepijn anosundwa kuti: “Haasi chaiwoiwo.”

Makarwe ari pakati pezvinokambaira zvikurusa zviripo. Mamwe angasvika urefu hwamamita 6 uye angarema makirogiramu 900. Simba reshaya dzawo rinokatyamadza—kunyange garwe duku zvikuru rinorema makirogiramu anopfuura 50 rinokwanisa kushandisa simba rakaenzana nemakirogiramu 700. Apo garwe rinobuda pamusoro pashure penhambo yokuva pasi pemvura, kubudiswa kwemhepo kwokukurumidza nomumhino dzaro kunogona kuparira kufafaidzwa kwemvura uko mukupenya kwezuva ramangwanani kungasanova ‘kupenya kwechiedza’ uye ‘kubuda kwoutsi mumhino dzaro’ uko bhuku raJobho rinorondedzera.—Jobho 41:1, 18-21.

“Chenjerai Senyoka”

Hatina kutongosiya makarwe shure kwedu apo tinoona murima—sezvinei, seri kwemagirazi—marudzi akati echisikwa chinoshandiswa muBhaibheri sechiratidzo cheose ari maviri mavara anoshuviwa neasingashuviwi. Tiri kutaura pamusoro penyoka, mhuka yokutanga inodudzwa nezita muBhaibheri. (Genesi 3:1) Jesu akashandisa kungwarira kwayo somuenzaniso pakurayira vadzidzi vake pamusoro pemufambiro wavo pakati pavashori vakafanana namapere. (Mateo 10:16) Asi, chokwadika, nyoka kazhinji kazhinji inofananidzwa ne“nyoka yapakuvamba,” Satani Dhiyabhorosi, uyo pana 2 VaKorinte 11:3 anorondedzerwa seanonyengera uye anoita manomano senyoka.—Zvakazarurwa 12:9.

“Enda Kumujuru, . . . Ugova Wakachenjera”

Chiono chisingakarirwi mupaka yemhuka ndicho churu chikuru chatinoona, chinogara mapoka matatu omuchenje. Iwoyu ndiwo varimi vebindu pakati pomujuru. Tinogona kuona nzvimbo inogarwa neboka racho tiri seri kwegirazi; ikoku kunotigonesa kufunda miitiro yokurarama yeizvi zvisikwa zviduku. Mujuru unotifadza nokuti unodudzwa muBhaibheri somuenzaniso wokushingaira nouchenjeri hwomusikirwo.—Zvirevo 6:6.

Wijbren Landman ndimazvikokota wezvipembenene. Anotsanangura kuti: “Mujuru unofungidzirwa kuva une miriyoni imwe yakapetwa kabhiriyoni unoshanda pamusoro papasi, kuchireva kuti nokuda kwomunhu ari wose kune mujuru une 200 000! Pamarudzi 15 000 ayo tinowana akapararira pamakondinendi ose kunze kwenzvimbo dzinotonhora zvikuru dzapasi, hapana maviri anoratidzika zvakafanana. Ose anovaka marudzi akasiyana edzimba, uye anodya marudzi akasiyana ezvokudya, asi ose akarongwa munzira yakati fananei.

“Muchenje unokudza fungi inodyika, kungofanana navanhu vanorima howa. Sezvamunoona, uku kukudza kunoitikira pasi pevhu, asi zvokudya zvefungi zvinobva pamusoro. Zuva rose, mujuru unoshanda unotakura nokubatikana mashizha kuenda kuimba yawo. Unokwira muti kana kuti gwenzi ndokusarudza shizha. Ipapo, uchishandisa shaya dzawo sechigero, unogura nokukurumidza zvidimbu zvakaita hafu yedenderedzwa pashizha racho uye wakaita mudungwe unotakura izvozvi kuendesa kuimba yawo, uchizvibata sorudzi rwakati rwesamburera yakareruka pamisoro yawo. Ikoku kunotsanangura zita rawo rechipiri, mujuru wesamburera. Kugura kwacho kunopfuurira nokukurumidza zvikuru zvokuti muSouth neCentral America, unochenesa chose chose makwenzi kana kuti miti mumaawa mashomanene bedzi. Hakushamisi nei usingadiwi ikoko! Maunogara vamwe vashandi vanochenesa zvidimbu zvemashizha nokungwarira vasati vaatsenga. Pashure, zvakapfava zvinovapo zvinosanganiswa nemaenzyme nemaamino acid ayo mujuru unobudisa. Ndipo apo bedzi zvakapfava zvacho zvinenge zvagadzirirwa kushandiswa sezvokudya nokuda kwehowa, nokudaro kuchivimbisa mugove wenguva dzose nokuda kweboka rose.”

Taororwa zvikuru nouchenjeri namano okusika anooneka mumhatsa isingagumi yechisiko, tinobva muguta romujuru. Zuva rava kudoka, uye tinofanira kudzokera kumba. Asi kune zvimwe zvakawanda zvikuru zvokuti tione. Hatina kushanyira mazizi (Isaya 13:21), mbiti (Eksodho 35:23), mvuu (“Behemoth,” Jobho 40:15), mhou (Jeremia 50:39), kana kuti dzimwe mhuka zhinji idzo dzinogara muno idzo dzinodudzwa muBhaibheri. Imwe neimwe yakafanirwa nefundo. Zvirokwazvo tichadzoka kuEmmen Zoo!—Yakagoverwa.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

Mhou: Yotvatah Nature Reserve

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe