RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/15 p. 27
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mushonga Bedzi
  • Unokosha Munyika Yose
  • “Hosha Chaiyoiyo”
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Murangariro weBhaibheri Worugare Nechengeteko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kutarira Mberi Kwo“rugare Nechengeteko” Zvinoitwa Nomunhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Vakwegura Vari Kuwedzera Munyika
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/15 p. 27

Nzwisiso Panhau

Mushonga Bedzi

Apo vazhinji venyanzvi dzenyika pamusoro pokukwegura vakasangana gore rapera paNew York’s Mount Sinai Medical Center kuzokurukura nezvokukwegura, idi rimwe raiva pachena—hakuna munhu aigona kubvuma pamusoro pechikonzero nei munhu achikwegura uye achifa. Dzimwe nyanzvi dzinorondedzera kuti “kukwegura ‘kwakarongwa’ mumagene, kufanana nemimwe mwero youpenyu,” inoshuma kudaro Newsweek on Science & Technology. Zvisinei, nyaya yacho inowedzera kuti “kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei chisiko chaizoita gene rokukwegura.” Imwe rondedzero yakakarakadzwa naLeonard Hayflick, nyanzvi yoruzivo rwezvokukwegura neUniversity of Florida, yaiva yokuti “magene akati angave akavapo kuti achengete vanhu vano utano uye vachishanda kutozosvikira iwo agona kuberekazve.” Hayflick anogumisa kuti panguva apo munhu anosvika makore 30 kana kuti kupfuura, magene enguva refu akadaro aizovamba kupera. Idi nderokuti, nduramo yeavhareji yomuAmerica ichiri inopfuura zvishomanene makore 74 “nokuda kweshiye dzanhasi,” uye “kunyange mishonga yehosha dzoukweguru—kenza, nyamakazi, Alzheimer’s—ichaita zvishomanene kurebesa miganhu yekunze,” inodaro nyaya yacho.

Kunyange zvazvo masayendisiti achiwana mushonga wokukwegura kuva wakaoma kuwana sechisakiso chako, vadzidzi vanongwarira veShoko raMwari havasati. Chikonzero nei munhu achikwegura uye achifa chinotsanangurwa pana VaRoma 5:12: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe [Adhama], norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose.” Mushonga bedzi wemiuyo yechivi chakagarwa nhaka uchauya kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu. “Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tigowana upenyu kupfurikidza naye.” (1 Johane 4:9, NW) Mukutonga kwoUmambo hwake, “rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Unokosha Munyika Yose

Apo vatungamiriri vamasimba enyika makuru maviri vakasangana pamwe chete pana December 8, 1987, kuzosaina chibvumirano chokuderedzwa kwezvombo zvinokandwa, kwakarondedzerwa sechinoitika “chinokosha zvikuru kwazvo” nokuda kworudzi rwomunhu. Neiko? Nemhaka yokuti “inguva yokutanga chibviro chamavambo eAtomic Age apo masimba makuru akabvuma kwete chete kudzora zvombo zvenyukireya asi kubvisa masangano ose,” inoshuma kudaro New York Daily News. Ichitsinhira pamusoro pezvose zviri zviviri chibvumirano chimene nechiverengero chakaderedzwa chezvombo, News yakawedzera, kuti: “Kana ukoshi hwazvo nenheyo zvingagona kutambanudzwa, nhau pakupedzisira ingazvinyora sechiito chokutanga muchinoitika chinokosha zvikurusa chaPasi chorugare nechengeteko zvamarudzi ose.”

Chokwadi, zvikarakadzo zvazvino zvorugare nechengeteko zvinokosha. Zvisinei, inokosha munyika yose zvikuru kwazvo ichava nguva munhau apo vatungamiriri venyika vachadanidzira rugare nechengeteko nenzira yakajeka zvikuru kupfuura nakare kose. Nguva ichasvika apo danidziro yavo ichabvumikisa kuva yakasiana nenhamburiko dzorugare dzakawanda dzakanga dzaitwa kutozosvikira panguva iyoyo. Neiko tichigona kuva nechokwadi? Nemhaka yokuti kare kare muapostora Pauro akadeya kutaura kuti “panguva ipi kana ipi pavanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko rwakamwe kamwe rwuchava pavari nokukurumidza . . . Uye havasati vachizotongopukunyuka.” (1 VaTesaronika 5:3, NW) Rugare nechengeteko zvechokwadi panguva iyeyo zvichatevera mukutonga kwakanaka kwaKristu Jesu, “Muchinda woRugare.”—Isaya 9:6, 7.

“Hosha Chaiyoiyo”

“AIDS haisati iri tsaona isingafadzi kana kuti ngwavaira yomusikirwo isinganzvengeki. Mwero yayo mikuru chibereko choubenzi hwedu timene. . . . Isu hatina mumwe munhu kunze kwedu timene wokushora,” anodaro chiremba wehosha dzechikadzi weDenver, W. M. Merrick Thomas. Achitsanangura chikonzero chomurangariro wake mupepanhau rinonzi Rocky Mountain News, iye anoti: “AIDS haisi hosha yokuvatana kwavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yevatano. Ihosha yokuva pedyo nokusasarura muvatano. . . . Hosha dzokusasarura muvatano dzichatapura zvakananga vose vasingasaruri muvatano.” Nokudaro, sezvinotaura Thomas, “mufambiro wedu ndiwo hosha chaiyoiyo.”

Akakodzera nguva sei mashoko aPauro, uyo, pakurondedzera mufambiro usingapembedzeki wavanhu vanoti vanoziva Mwari, akati: “Saka Mwari, mukuchiva kwomwoyo yavo, akavaisa kutsvina, . . . pakuchiva kunonyadzisa; . . . vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurasika kwavo”! (VaRoma 1:24-27) Kurarama kwakachena kuri mutsinhirano nemipimo yeBhaibheri kunowanzobatira sedziviriro panhau dzinotambudza rudzi rwomunhu nhasi.—Pisarema 19:7-11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe