RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 6/15 pp. 24-26
  • Mapoka Akanzwa Sei Jesu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mapoka Akanzwa Sei Jesu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Genesareta—‘Inoshamisa Uye Yakaisvonaka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • A7-D Upenyu hwaJesu Panyika—Ushumiri hwaJesu Hunobudirira muGarireya (Chikamu 2)
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Mesiya Akazadzisa Uprofita
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 6/15 pp. 24-26

Mapoka Akanzwa Sei Jesu?

EVHANGERI yaMateo inoshuma kuti pane imwe nhambo Jesu Kristu “akapinda mugwa, akagara; vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo.” (Mateo 13:1-35; Marko 4:1-9) Mubhuku ravo Come See the Place: The Holy Land Jesus Knew, Robert J. Bull naB. Cobbey Crisler, vanomutsa mibvunzo inofadza pamusoro peiyi nhauro. Ivo vanobvunza, kuti: “Munhu aigona sei kuva akanzwiwa ne‘boka guru’ pasina betsero yorudzi rwakati rwegudzanzwi? Uye kunobvira here kuwana nzvimbo yapamhenderekedzo yegungwa ine zvinonzwisainzwi izvo zvaizoparira kukudza inzwi kwakadaro?” Zvichida iwewo wakashamisika pamusoro paikoku.

Eya, cherechedza mhinduro yavo: “Pakati pepanomira ngarava panoverengeka pedyo neKapernaume, pane pamwe pakawanwa misi ichangobva kupfuura iyi kuva pane zvinhu zvakadaro chaizvo zvenzwi zvenzvimbo ine makomo pamativi ose. Kuedza manzwi kwakaitwa paiyi nzvimbo kuratidza kuti ‘boka guru’ ravanhu vane zviuru zvishanu kusvikira kuzviuru zvitanhatu, vakaungana pano, vaigona zvamazvirokwazvo kuva vakaita zvose zviri zviviri kuona nokunzwa zvakajeka munhu achitaura ari mugwa rakaiswa panzvimbo iri pedyo napakati pepanomira ngarava.” Uye kuedza kuedza inzwi kwakaitwa sei? Virginia Bortin, mumwe munyori pamisoro yoruzivo rwokuchera matongo, anotsanangura muThe San Juan Star, pepanhau muPuerto Rico.

Mukuwirirana naBortin, woruzivo rwokuchera matongo B. Cobbey Crisler, munyori biyake webhuku radudzwa pamusoro apa, uye injinia wamanzwi Mark Myles vakaedza “pedyo neTell Hum, nzvimbo yeKapernaume yakare.” Ipapo “nyika inokwira zvakanaka-naka ichibva mugungwa reGarirea kuenda kumugwagwa wazvino uno kure nokunopfuura nhandare yenhabvu.” Crisler akapinda munomira ngarava ndokumira pabwe refu riri imomo. Ipapo iye akazadza mabharunu oukuru humwe chete kuti abudise kunzwika kwakafanana uye akaaponjesa panhambo dzakayerwa dzenguva. Myles, achishandisa mita yenzwi yamagetsi, akanyora mwero yenzwi sezvaakafamba achikwira akananga kumugwagwa. Crisler ipapo akasvika pamhenderekedzo ndokudzokorora kuponjesa mabharunu ipapo. Muuyo wacho? Kunzwika kwokurira kwaiva kukuru kubva pabwe riri munomira ngarava kupfuura kubva pamhenderekedzo! Nenzira inofadza, nepo Crisler akanga ari munomira ngarava, motokari dzinoverengeka dzine vashanyi dzakamira mumugwagwa uri pamusoro pake. Iye aigona kunzwa zvakajeka mumwe munhu achibvunza kuti, “Ari kuitei pasi ikoko?” Mumwe akapindura kuti: “Handizivi. Ari kungomira zvakepo akabata mabharunu matsvuku.”

Sezviri pachena, apo vanhu vanenge vakamira kana kuti vakagara pamwero mumwe, kunzwika kwenzwi rinotaurwa kunotorwa nemiviri, vhudzi, zvipfeko, miti, uye nzvimbo. Zvisinei, kana zviri pagomo kana kuti pamateru sapedyo neKapernaume, mutauri, ari padaro rakafanira pasi uye ari kure nazvo, anogona kunzwiwa, inzwi rake richikudzwa zvikuru. Chokwadika, isingafaniri kufuratirwa ndiyo ngwariro yokunyarara, yokufadzwa yakapiwa navateereri panguva iyeyo nokusavapo kwemheremhere yomuzuva razvino uno inobva kundege dzejeti, motokari, zvichingodaro.

Asi zvakadiniko nedzimwe nhambo apo Bhaibheri rinoshuma kuti Jesu akataurwa kumapoka makuru? Crisler naMyles vanorondedzera kuti Jesu navamwe vanhu veBhaibheri vakataura kuvateereri vazhinji “vakatsvaka [namaune] nzvimbo dzisina chinhu dzinozivikanwa nokuda kwezvinhu zvadzo zvomusikirwo zvinokudza inzwi uye vakadzishandisa nokuda kwokukurukura kuvazhinji.”

Crisler naMyles vakaitawo nzvero “dzokuziva kuti vanhu vangani vaigona kuva vakaona Jesu zvakajeka zuva raakataurapo.” Vachirangarira kuti rakanga riri zuva rakajeka, risina makore, ivo vakafungidzira kuti “vateereri vane 5 000 ne 7 000 vaigona kuva vakanzwa ndokuona Jesu achitaura ari pamhenderekedzo yegungwa.” Ikoku kwakaparira munyori wenhau dzepepanhau Bortin kugumisa kuti “ikoku kunotsigira nhauro dzeEvhangeri dzamapoka makuru akabva muParestina yose ayo akadirana kuGarirea kuzoona muporesi wamanenji sezvaakataura kwaari mumufananidzo. Nzvimbo yeKapernaume nenzvimbo yayo ine makomo kumativi yakaita sendiro zvamazvirokwazvo yakabvumira munhu ari wose kumucherechedza zvakajeka.”

Chokwadika, hakugoni kutaurwa chaizvoizvo kuti Crisler naMyles vakawana nzvimbo chaiyoiyo yehurukuro yaJesu yapamhenderekedzo yegungwa. Bva, kunofadza kucherechedza kuti nzvimbo inokarakadzwa inzvimbo umo makawanda makwenzi namabwe, namaruva eyero emastardha anokura pakati pawo. Kuzvisimbisa kwaJesu mumienzanisiro yake nokudaro kwaizova kwakawedzera kudzidziso yake. Munharaunda dzinonzwika manzwi dzakadaro dzakaisvonaka, murairo waJesu woku“teerera” waizovawo wakafanira zvikurusa. (Marko 4:3) Nenzira yakafanana, kushandisa kwake shoko rokuti “nzeve” nezvimiro zvakawanda zvechiito “kunzwa” kwaigona kuva kusina kutana kunzwisiswa navose vavateereri vake vaiva munzvimbo yakadaro. Hungu, vose vaivapo mu“nzvimbo ine makomo kumativi ose” iyoyo vaisagona bedzi kuva vakanzwa ndokuona Jesu zvakajeka zvikuru asiwo vaigona kuva vakanzwisisa revo yakazara yemienzanisiro yake nokungotarisa-tarisa chete.

[Mepu iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Nzvimbo ye:

1. Kapernaume

2. Bani reGennesaret

3. Tiberias

4. Budo yoRwizi rwaJoridhani kumaodzanyemba

5. Gomo reTabor

Gungwa reGarirea

Garirea

[Kwazvakatorwa]

Based on a map copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kutarira kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva muGungwa reGarirea nechokuKapernaume; kuchionwa kubva pamucheto peBani reGennesaret

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kona rokuchamhembe kwakadziva kumadokero reGungwa reGarirea. Sezvingabvira pakanga pari pedyo neKapernaume apo Jesu akataura kuboka ari mugwa

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe