Kuva Mushumiri Akagadzwa Nzira yaMwari!
MUSHANYI sezvingabvira angave akashamiswa—zvichida kunyange kukatyamadzwa—neizvo akanzwa. Chiono chacho yakanga iri kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha. Hurukuro yakanga ichikurukurwa kuboka ravanhu vakanga vodokubhapatidzwa. Nenzira inoshamisa, mukurukuri akaudza ava vanoda kubhapatidzwa, kuti: “Kuvapo kwenyu muiri boka ravanoda kubhapatidzwa kunoratidzira chishuvo chenyu chokuva mushumiri akagadzwa woUmambo.”
‘Ikoko kunogona kudaro sei?’ mushanyi angave akabvunza. ‘Ko rubhapatidzo harusi rwavanhu vachangobva kuratidzirwa kuchiKristu—uye rwavana here? Hakusati kuchitora makore okurovedzwa kukuru nedzidzo kuva mushumiri akagadzwa here?’ Zvichida iwe ungarangarira zvakafanana. Asi chinotaura Bhaibheri zvomenemene pamusoro porubhapatidzo nokugadzwa chingakushamisa.
Munhu Asati Abhapatidzwa
Kutanga kwazvose, rubhapatidzo harusi rwavanhu vakarovedzana zvishoma neshoko rechiKristu. Bhaibheri, pana Mabasa 8:12, rinoratidza kuti vanhu vomuzana rokutanga ramakore vaibhapatidzwa pashure pokunge “vatenda.” Mateo 28:19 inoratidzawo kuti munhu anofanira kuva ‘mudzidzi’ asati abhapatidzwa. Uye munhu anova sei ‘mutendi,’ kana kuti ‘mudzidzi,’ (‘akadzidziswa’)? Kupfurikidza nefundo yokungwarira yeBhaibheri! Neiyi nzira, munhu anowana zivo yakarurama yaJesu naJehovha Mwari. (Johane 17:3) Pashure bedzi pokuwana iyi zivo mudzidzi anokwanisa kurangarira kubhapatidzwa. Muzana rokutanga ramakore, maKristu akasimba aipa muraidzo wakadaro kuvatendeuki vatsva.—Mabasa 8:31, 35, 36.
Muungano dzeZvapupu zvaJehovha nhasi, gadziriro dzinoitwa nenzira yakafanana dzokuti vanhu vanofarira vafarikanye fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Munhu ane mwoyo unogamuchira pashoma napashoma anosvika pakunzwisisa zvaari kudzidza. Iye anosundwa kugoverana zvitendero zvake zvichangobva kuwanwa navamwe. (VaRoma 10:8-10) Iye anovamba kupinda nguva dzose misangano yechiKristu, kwaanowana mumwe muraidzo weBhaibheri. (VaHebheru 10:24, 25) Uye pashure pamavhiki kana kuti mwedzi yaikoku mutendi mutsva anokudziridza chishuvo chokutevera zano reBhaibheri riri pana VaRoma 12:1: “Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise muviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.”
Zivo yoga, zvisinei, haikwanirisi munhu kuti aite iyi tsauriro. Munhu anofanira kupfidzawo ndo“kutendeuka.” (Mabasa 3:19) Neiko ikoku kwakadaro? Nenzira yakajeka, vamwe vakava nemitoo youpenyu youtere pamberi pokudzidza mipimo yaMwari. Vamwe vakanga vakaputirwa muzvirondwa zvoudyire. Asi kuti vazvipe vamene kuna Mwari sa“vatsvene, vanofadza,” ivo vanofanira kuratidza kuzvidemba nokuda kwamabasa akadaro omunguva yakapfuura. Ivo vanofanira kuva nourombo nokuda kwokuva vakashandisa upenyu hwavo, simba, uye mano muzvirondwa zvisiri zvapaMagwaro. Urombo hwakadaro hunofanirawo kuperekedzwa nechiito chakafanira kuti “vatendeuke” chaizvoizvo kana kuti kuchinja nzira yavo youpenyu.
Kubetserazve mutendi mutsva, vakuru vechiKristu vanoronga kusangana naye ndokupedza nguva vachihwirudzura dzidziso dzehwaro dzeBhaibheri. Ikoku, kutanga, kunoita kuti vakuru vave nechokwadi chokuti muKristu anokarirwa awana zivo yakarurama yamadonzo aMwari. Uye, chokwadika, hwirudzuro inobvumikisa kuva inobetsera zvikurusa kumudzidzi. Sezvinodikanwa, zvinhu zvakati zvisina kunzwisiswa nomazvo zvinojekeswa.
Rubhapatidzo runowanzoitwa nekokorodzano kana kuti magungano eZvapupu zvaJehovha. Panhambo dzakadaro, hurukuro yakananga inokurukurwa kuvanoda kubhapatidzwa. Ivo vanoyeuchidzwa kuti rubhapatidzo harusi nhau yokukumbanira rudzidziso rutsva. Jesu akati: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira (NW)] anditevere.”—Mateo 16:24.
Vanoda kubhapatidzwa vanoyeuchidzwazve nezvoukoshi hukuru hworubhapatidzo. Rugwaro rwuri pana 1 Petro 3:21 runowanzorahwa: “Naiwo mufananidzo worubhapatidzo, runokuponesai zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nokumuka kwaJesu Kristu.” Pano, Petro anoenzanisa rubhapatidzo nechinoitika chaNoa chokupfuura nomumvura dzaMafashamo. Nepo mvura idzodzo dzakabvumikisa kuva dzinouraya kuvanhu vakaipa vapasi, idzo dzakabvumikisa kuva dzinoponesa upenyu kuna Noa sezvo idzo dzakamusimudza zvakakotsekana ari muareka. Nenzira yakafanana, rubhapatidzo ‘runoponesa’ maKristu munyika ino yakaipa. Apo mumwe munhu, pahwaro hwokutenda kwake mubetsero dzorufu norumuko zvaJesu Kristu, anobhapatidzwa, munhu akadaro ari, chaizvoizvo, mumugariro “wokuponeswa” pamberi paMwari. Iye haasati acharangarirwa sorutivi rwechizvarwa chino chakaipa chakashurikidzirwa kuruparadziko.—Ona Mabasa 2:40.
Naizvozvo, kubhapatidzwa haisi nhanho inofanira kuitwa namanyemwe, sezvinowanzoitika kwazvo pamisangano yokumutsidzira yorudzidziso. Rinosimbisa ikoku ndiro idi rokuti vadzidzi vatsva vasati vanyudzwa zvomenemene, mushumiri anotungamirira parubhapatidzo anovabvunza mibvunzo miviri yakananga. Mhinduro dzavo dzokuti hungu i“ziviswo yapachena” yokutenda kwavo murudzikinuro neyeidi rokuti ivo vakazvitsaurira vamene zvachose chose kuna Jehovha. (VaRoma 10:9, 10) Zvino ivo vagadzirira nokuda kworupabhatidzo rwomumvura.
Kugadzwa Savashumiri voUmambo
Kunyudzwa kwakakwana mumvura chiratidzo chakakodzera chetsauriro yavo kuna Mwari. Vari pasi pemvura, kwakaita sokunge kuti ivo vafa kuyaichimbova nzira yavo youpenyu. Pakubuda mumvura, kwakaita sokunge zvino vapenyu kunzira itsva yokuzvibaira mubasa kuna Mwari.—Enzanisa naVaRoma 6:2-4.
Kunyanguvezvo, kugadzwa kunokodzerana sei nechiito chorubhapatidzo? Cherechedza izvo Cyclopædia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature yaM’Clintock naStrong (1877), Volume VII, peji 411, inotaura, ichiti: “Kugadzwa kunoratidzira kugadzwa kana kuti kuiswa kwomumwe munhu kunzvimbo youshumiri, kungava ne kana kuti pasina zvinoitika.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Ikoku kunobvuma kuti hakuna kudikanwa kwechinoitika chakasanorongwa kana kuti rugwaro rwokugadzwa kuva mushumiri wechiKristu.
Asi Bhaibheri rinodzidzisa ikoku here? Rangarira Jesu Kristu. Hapana panikiro kuti iye akanga ari mushumiri mukurusa waMwari. Kunyanguvezvo, ko akava nechinoitika chakasanorongwa chokugadzwa pamberi pokutanga basa rake rokuparidzira here? Ko iye aiva norugwaro runomuzivisa somushumiri here? Zvakapesana zvikuru. Pakanga pari pashure pokungobhapatidzwa kwake mumvura apo Mwari akataura tendero yaJesu soMwanakomana wake ndokumugadza somushumiri Wake.—Marko 1:9-11; Ruka 4:18-21.
Zvakadiniko nezvamaKristu omuzana rokutanga ramakore? Hapana mushumo wokugadzwa kupi nokupi kwokuzvitutumadza kwavashumiri vechiKristu vapakuvamba. Chinyorwa chiri muna Mabasa chinotaura chataurazve nezvokuitwa kworubhapatidzwo rwakapfava rwavatendi. Irworwu rwaiteverwa nokugoverana kwavo nokushingaira muushumiri hwapachena.—Ona Mabasa 2:41-47; 8:36-39; 22:14-16.
Hufakazii hwaiva navashumiri vakadaro hwokugadzwa kwavo? Pauro anoti pana 2 VaKorinte 3:1-3: “Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri? Tinotsvaka here savamwe [tsamba (NW)] dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza? Imi muri [tsamba yedu (NW)] yakanyorwa mumwoyo medu, inozivikanwa nokurahwa navanhu vose; makaonekwa kuti muri [tsamba (NW)] yaKristu, yakagamuchirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi no[mudzimu (NW)] waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo.” Simba romudzimu waMwari pamwoyo yaava vakadzidziswa rakabudisa hunhu hwechiKristu, uhwo hwaigona kuraviwa navacherechedzi vose. Ichi chakanga chiri chipupuriro chakakwana chokuti Mwari zvamazvirokwazvo akanga agadza vanogoverana mukudzidzisa ava vadzidzi vatsva.
Kuzvishandisa Umene Muushumiri
Nenzira yakafanana nhasi, mushumiri anozivikanwa namabasa ake. Iye ndowapachokwadi mu‘kuzvishandisa amene nesimba’ muushumiri hwake. (Ruka 13:24) Iye anorangarira ushumiri hwake seropafadzo huru yakabva kuna Mwari. Iye haahurerutsi.—1 Timotio 1:12-16.
Kuparidzira Umambo ndiwo musengwa mukurusa wavashumiri vakadaro. Zvimwe zvirondwa zvose zvinofanira kuganhurirwa kuitira kuti vagogona ‘kupedza zvizere ushumiri hwavo.’ (2 Timotio 4:2, 5) Chokwadika, ivo vanofanira kutarisira zvinodikanwa zvavo vamene zvokunyama pamwe chete nezvemhuri dzavo. Zvisinei, ivo vano‘gutswa nezvokudya nezvokufuka.’ Ivo havasati vachibvumira zvirondwa zvomunhu oga kana kuti zvishuvo zvomunhu oga kuvabvisa paushumiri. (1 Timotio 5:8; 6:7, 8; VaFiripi 2:20-22) Ivo vanova nechokwadi ne“zvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:10, NW) Ivo vanovavarira kuchengeta pamberi pavo vamene muenzaniso wakaisvonaka waJesu Kristu, ane upenyu hwakanga hwakavakirwa pakuparidzira Umambo.—Ruka 4:43; Johane 18:36, 37.
Kunyanguvezvo, apo munhu anobhapatidzwa somushumiri akagadzwa, iye ava zvomenemene mumwero yokutanga yebasa rake kuna Mwari. Chokwadi, iye akawana zivo yaKristu Jesu naJehovha Mwari. Iye akaitawo chinjo dzakawanda muupenyu hwake kuitira kuti ushumiri hwake hwechiKristu hugorega kuwanirwa mhaka. (2 VaKorinte 6:3) MuKristu achangobva kubhapatidzwa achine kukura kukuru kwokuita. Rubhapatidzo rwake, urwo runoratidzira kugadzwa kwake, inongova nhanho imwe chete inokosha mukukura kwake somuKristu. (VaFiripi 3:16) Naizvozvo, mushumiri mumwe nomumwe akagadzwa anofanira kupfuurira kuvaka kunzwisiswa kwechokwadi kwezvinhu zvomudzimu. Iye anofanira kuronga nguva yefundo yomunhu oga. Iye anofanira kushandisa gadziriro dzose dzeungano dzokusangana pamwe chete. Iye anofanira kushanda pakuvandudza kunaka kweminyengetero yake, kuchiguma noukama hwomunhu oga hwapedyo zvikuru naMwari.—Ruka 6:45; 1 VaTesaronika 5:11; 1 Petro 4:7.
Tinokarira kuti iyi mifungo yapaMagwaro yakubetsera kunzwisisa chikonzero nei dhigiri reyunivhesiti risiri madikanwa nokuda kwaavo vanoda kubatira savashumiri vaMwari. Vanopfuura mamirioni matatu veZvapupu zvaJehovha vari kubatira Mwari nokutendeka savashumiri vake, vachizivisa zvokwadi dzinorondedzerwa muShoko rake. Wadiiko kuita kuti mumwe wavo akubetsere mukuwana zivo yeBhaibheri?
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mukuwirirana neBhaibheri, mushumiri wechiKristu anogadzwa parubhapatidzo