Dzidzisa Nounyanzvi Neshingairo
“Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—MATEO 28:19, 20, NW.
1. Chii chinokurudzirwa naZvirevo 22:29, uye sei?
SHOKO RAJEHOVHA rinokurudzira unyanzvi neshingairo. Somuenzaniso, iro rinoti: “Unoona munhu unoshingaira pabasa rake here? Uchamira pamberi pamadzimambo; haangamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi.” (Zvirevo 22:29) Chokwadika, hapana chinhu chinoderedza pamsoro pokushandira “vanhu vasingazivikanwi.” Asi basa rakaisvonaka renyanzvi ine unyanzvi harisati richizoramba riri chakavanzika. Chokwadi, mashoko ounyanzvi hwake anganzwiwa namambo, uyo angasanotsvaka mabasa ake!
2. (a) Kukudziridza unyanzvi mubasa ripi neripi, chii chiri madikanwa? (b) Neiko kubudirira kwomushumiri wechiKristu somudzidzisi kuchikosha kwazvo?
2 Zivo nounyanzvi zvinodikanwa mubasa ripi neripi. Mumwe munhu angafunda kuveza uye angafundawo zvakawanda kupfurikidza nokucherekedza avo vane unyanzvi mubasa iroro. Asi kuti akudziridze unyanzvi iye amene, anofanira kushandisa zivo yakawanwa pabasa. Muvhiyi anofanira kudzidziswa. Asi kuti ave gorokotera, iye anofanira kushandisa zivo yake ari mukamuri rokuvhiyira. Uye mubasa iroro unyanzvi hunokosha, nokuti ugorokotera hunogona kazhinji kazhinji kuita musiano pakati poupenyu norufu nokuda kwomurwere. Bva, hwoukoshi hukuru zvikuru ndihwo ushasha somushumiri. Neiko? Nemhaka yokuti budiriro yomushumiri somudzidzisi inogona kusanotapura nzira iyo vanhu vanogamuchira nayo mashoko akanaka. Uyewo, gamuchiro yavo inogona kuita musiano pakati poupenyu husingaperi norufu rusingagumi nokuda kwavo.—Dheuteronomio 30:19, 20; Johane 17:3.
3. Kuitwa kwavadzidzi kunodei?
3 Basa iro Jesu Kristu akapa vateveri vake rinobatanidza kudzidzisa. Iye akati: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kutozosvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Chokwadika, unyanzvi hunodikanwa kudzidzisa vane mwoyo wakatendeseka zvinhu zvose Jesu akaraira.
4. (a) Kudzidzisa nounyanzvi kunofanira kuitwa nechimiroi? (b) Aporo akabetserwa sei nokuva pamwe naAkwira naPrisira?
4 Kudzidzisa kwounyanzvi kwakadaro kunofanira kuitwa neshingairo. Hungu, maKristu anofanira kuva ano“shingairira mabasa akaisvonaka,” uye iwaya zvamazvirokwazvo anobatanidza kupiwa kwomuraidzo womudzimu muushumiri nomuungano. (Tito 2:14, NW) Savadzidzisi vane unyanzvi, Akwira naPrisira “vakamutora [Aporo], [paEfeso] vakanyatsomududzira nzira yaMwari.” Ikoku kwakabetsera Aporo zvikuru kwazvo, nokuti gare gare muAkaya “wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza namagwaro, kuti Jesu ndiye Kristu.” (Mabasa 18:24-28) Nenzira yakajeka, Aporo akadzidzisa nezvose zviri zviviri unyanzvi neshingairo.
‘Ngwarira Kudzidzisa Kwako’
5. Mukuwirirana na 1 Timotio 4:16, neiko tichifanira kudzidzisa nounyanzvi uye nokushingaira?
5 Muapostora Pauro akaudza musonganiri wake wechiKristu Timotio, kuti: “Ramba uchizvingwarira iwe umene nokudzidzisa kwako. Gara pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi uchazviponesa iwe umene navanokuteerera.” (1 Timotio 4:16, NW) Sezvo ruponeso rumene rwavose vari vaviri mudzidzisi nomudzidziswa rwuri pangozi, zvirokwazvo muraidzo wakadaro unofanira kupiwa nounyanzvi uye nokushingaira.
6. Unogona sei kuva shasha mukushandisa Magwaro, uye mibvunzoi yakafanira inogona kurangarirwa?
6 Vavezi navavhiyi zvirokwazvo vanofanira kuzvingwarira vamene. Ivo vanofanira kukwanisa kushandisa maturusi avo kana kuti zvishandiso nounyanzvi. Ndozvinofanira kuitawo mushumiri wechiKristu, ane chishandiswo chikuru chiri ‘munondo womudzimu, shoko raMwari.’ (VaEfeso 6:17) Iwe unogona sei kuva nyanzvi mukushandisa Magwaro? Kupfurikidza nefundo yenguva dzose nokushandisa, chokwadika. Naizvozvo, iwe wati warava Bhaibheri here kubva pabutiro kusvikira kubutiro, uchitora nguva yokufungisisa zano raro rakaisvonaka? Ko iwe unorirava zuva nezuva here? Ko iwe unorishandisa nguva dzose muushumiri hwomumunda here? Uye uri kushandisa zvakazara zvokudya zvakapfuma zvomudzimu zvinogoverwa naJehovha kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera” here?—Mateo 24:45-47, NW.
7. Zvikarakadzoi zvinopiwa pamsoro penguva yefundo, uye kudikanwa kwefundo kunogona sei kuratidzirwa muMagwaro?
7 Iva nechokwadi chokuisa parutivi nguva yokufundwa kweShoko raMwari nezvinyorwa zvamaKristu echokwadi. Ikoku kuchazadza ndangariro yako namashoko akanaka achakubetsera uye ayo anogona kushandiswa kupindura vabvunzi vechokwadi. (1 Petro 3:15; VaKorose 4:6) Nguva dzefundo nefungisiso dzinosiana nemhuri uye navanhu. Vamwe vangakuwana kuchibetsera kufunda pamugumo wezuva. Vamwe vangave vakasvinurira pakumuka. Vamwezve vangawana awa yapakati pamasikati kuva yakakodzera zvikuru nokuda kwavo. Muchinoitika chipi nechipi, kuva wenguva dzose nokushingaira ndezvoukoshi hukurusa. Joshua namadzimambo aIsraeri vaifanira kurava Shoko raMwari zuva nezuva.—Joshua 1:7, 8; Dheuteronomio 17:18-20.
Shanda Kuti Uve Mudzidzisi Ari Nane
8. Kushandiswa kwokubatanidza mundangariro kunogona sei kuvandudza unyanzvi hwako hwokudzidzisa?
8 Kuvandudzwa kwounyanzvi hwokudzidzisa kunoda basa rakaoma. Imwe nzira yokuwedzera nayo mano ako somudzidzisi kushandisa kubatanidza mundangariro pakufunda Bhaibheri kana kuti zvinyorwa zvechiKristu. Batanidza pfungwa itsva neidzo unotoziva. Ikoku kuchakubetsera kuronga mashoko acho mundangariro yako kuti ugogona kutsanangura zvinhu zvakajeka pakudzidzisa vamwe. Pasina panikiro, wakashandisa kubatanidza pakufunda munguva yakapfuura. Somuenzaniso, pane imwe nguva ungave usina kuziva kuti maKristu anofanira kuva anozviisa pasi zvine mwero pe“zviremera zvikuru” zvehurumende. Asi zvino unoziva kuti kuteerera Mwari kunofanira kuuya pakutanga. (VaRoma 13:1-8; NW; Marko 12:17; Mabasa 5:29) Unonzwisisa ikoku nemhaka yokuti wakabatanidza mapfundo matsva naayo aitozivikanwa.
9. Enzanisira kuti unogona sei kuisa muchiono chinoitika chakanyorwa muBhaibheri.
9 Imwe nzira yokuwedzera nayo mano ako okudzidzisa iri kupfurikidza nokuisa muchiono zvinoitika zvakanyorwa muBhaibheri. Wadiiko kuita ikoku zvino naVatongi 7:19-22? Usiku, Gidheoni navarume 300 vanokomba musasa wavaMidhiani apo varindiri vachangobva kuiswa. Kamwe kamwe, unonzwa boka raGidheoni ravane 100 richiridza hwamanda dzavo, uye unovaona vachipunza zvirongo zvikuru zvavave vachitakura. Vamwe vaIsraeri 200 vanoita chinhu chimwe chetecho. Uye sezvo vose vanosimudza mwenje inopfuta mwoto, unovanzwa vachidanidzira, kuti: “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Sezvo vaMidhiani vatyiswa vanovamba kutiza, mapoka matatu aGidheoni anopfuurira kuridza hwamanda dzawo, uye unowana kuti Jehovha arwisa minondo yavavengi vanotiza mumwe nomumwe. Nemhaka yokuti waisa muchiono ichi chinoitika, pasina panikiro uchasanochiyeuka uye uchakwanisa kuchishandisa pakudzidzisa vamwe. Zvirokwazvo, chifundo chimwe chachinodzidzisa ndechokuti Jehovha anogona kununura vanhu vake pasina uto rehondo ravanhu rine simba.—Pisarema 94:14.
10. Mukudzidzisa, ungashandisa sei muenzanisiro unowanwa pana Vatongi 9:8-15?
10 Mienzanisiro yakaisvonaka, kubatanidza iyo iri muMagwaro, inogona kuwedzerawo unyanzvi hwako somudzidzisi. Somuenzaniso, rangarira Vatongi 9:8-15. Mwanakomana waGidheoni Jotami akataura nezvenguva apo miti yakaenda kundozodza mubati ushe pairi. Nepo muorivhi, muonde, uye muzambiringa yakaramba nzvimbo youbati ushe, rukato rwakaderera rwakahugamuchira nokudisa. Miti inokosha yakamirira vanhu vakafanira avo vasina kutsvaka umambo pavaIsraeri biyavo. Zvisinei, rukato, runongobetsera bedzi somwoto, rwakamirira umambo hwaAbhimereki anozvitutumadza, anouraya, uyo aida kudzora vamwe asi akasangana nomugumo wakashata muzadziko youporofita hwaJotami. (Vatongi 9:50-57) Uyu muenzanisiro ungashandiswa kusimbisa kudikanwa kwokuita chiri chakarurama nokuzvininipisa, kwete kuzvitutumadza.—Pisarema 18:26, 27; 1 Petro 5:5.
11. (a) Mapfundoi anosimbiswa nomuenzanisiro waJesu wakanyorwa pana Mateo 13:45, 46? (b) Rudzi rwomuenzanisiro iwoyo rwunokarakadza chii pamsoro pemienzaniso inoshandiswa navadzidzisi vechiKristu?
11 Mudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, anosanozivikanwa nokuda kwemienzanisiro yake yakaisvonaka. Somuenzaniso, rangarira mashoko ake: “Ushe hwokudenga hwakafananazve nomutengi unotsvaka maparera akanaka; akati awana parera rimwe rino mutengo mukuru akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Jesu nokudaro akaenzanisira ukoshi hwoUmambo ndokuratidza kuti munhu anonzwisisa ukoshi hwechokwadi hwokuhuwana aizova anodisa kuparadzana nechinhu chipi nechipi kuti aite saizvozvo. Pakanga pasina chinhu chakaoma pamsoro pomuenzanisiro iwoyo, uye vadzidzisi vechiKristu vanoita zvakanaka kuchengeta mupimo iwoyo mundangariro pakushandisa mienzanisiro seyamuro yokudzidzisa.
Misangano Inogona Kutiita Vano Unyanzvi Zvikuru
12. Kupinda misangano yavose kunogona sei kukubetsera kuvandudza mano ako okudzidzisa?
12 Misangano yechiKristu inoita rutivi runokosha mukuita kuti vabatiri vaMwari vave vadzidzisi vano unyanzvi navanoshingaira. Sezvinoratidzira Mharidzo yapaGomo yaJesu, hurukuro dzavose mitoo yakaisvonaka yokugovera nayo muraidzo womudzimu. (Mateo 5:1–7:29) Nokudaro, hurukuro dzavose dziri pakati pemisangano yeZvapupu zvaJehovha nhasi. Ko iwe unopinda nguva dzose here? Ko iwe uri muteereri anongwarira here? Ko iwe unonzvera Bhaibheri rako apo magwaro anoraviwa nomukurukuri here? Muitiro wako here kunyora zvinonyorwa? Idzi inzira dzokuvandudza nadzo mano ako somudzidzisi, uye muraidzo wakaisvonaka wapaMagwaro unofanira kuwedzera zvose zviri zviviri unyanzvi hwako neshingairo yako somuiti wavadzidzi.
13, 14. (a) Basa rokuita vadzidzi rakava rini noukoshi chaihwo pakati pavabatiri vaJehovha? (b) Mibvunzoi inogona kusanobvunzwa pamsoro peFundo yeNharireyomurindi neFundo yeBhuku yeUngano?
13 Basa rokuita vadzidzi rakava noukoshi chaihwo pakati pavabatiri vaJehovha nedanidzo yoku‘Zivisa Mambo noUmambo,’ yakatanga kuziviswa mukati mekokorodzano yavo yapaCedar Point, Ohio, muna 1922. Uyewo mugore iroro, mapoka efundo yeThe Watch Tower akatanga kurongwa. Magazini iyi zvamazvirokwazvo yakachengeta kudzidzisa Bhaibheri nokuparidzira Umambo zvakatanhamara, zita rayo rimene richiva Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Ko iwe uri muravi anodisa weShoko raMwari neNharireyomurindi seyamuro here? Ko iwe unotora rutivi nokushingaira muFundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki here?
14 Fundo yeBhuku yeUngano yevhiki nevhiki inogoverawo mabanza okuvandudza mano ako somudzidzisi wamashoko akanaka. Pakupindura mibvunzo pauku kuungana kuduku, pamwe chete napaFundo yeNharireyomurindi, ko iwe unotaura zvinhu namashoko ako umene here? Ko tsinhiro dzako dzinoratidzira zvaunodavira mumwoyo mako here?
15. Chii chiri donzo roMusangano Webasa, uye nhungamiro inogoverwa sei nokuda kwawo?
15 Pamberi pa 1922, vabatiri vaJehovha vaiwanzoungana nokuda kwoMusangano wapakati pevhiki woMunyengetero, Rumbidzo, uye Chipupuriro. Yaiva nguva yokuimba, kupa zvipupuriro, uye kupinda mumunyengetero. Asi nesimbiso yakawedzerwa pakuzivisa Umambo paimba neimba, uku kuungana kwakakura kuva Musangano weBasa, uyo unosimbisa basa rokuparidzira. Yebetsero chaiyo yaiva Bulletin, iyo yaiva nemiraidzo yebasa romumunda neye“mharidzo,” kana kuti zvipupuriro, izvo zvaigona kushandiswa muushumiri. Nhasi, Hushumiri Hwedu Hwoumambo hunogovera betsero yakafanana, pamwe chete nenhungamiro ye“Misangano Yokutibetsera Kuita Vadzidzi” yevhiki nevhiki. Ko iwe unotora rutivi nguva dzose mumisangano yakadaro here? Ko iwe uri kushandisa zano rakarongedzerwa kukubetsera kudzidzisa nounyanzvi neshingairo here?
16. Sezvakataurwa pakuvamba kwacho, chii chiri donzo reChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari?
16 Kusimudzira kudzidzisa kwounyanzvi, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari chakatangwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha muna 1943. Pamsoro pedonzo guru rechikoro chacho, bhuku racho rokutanga rinotungamirira rakati: “Iyi kosi haisati ichigoverwa kubvisa munguva yako inopedzerwa mubasa romumunda, asi inorongwa kukuita shasha zvikuru mariri. Kukataurwa namashoko akananga zvikuru, donzo reiyi ‘Kosi muUshumiri hwoUbati Ushe hwoUmwari’ kugadzirira ‘varume vakatendeka’ vose, avo vakanzwa Shoko raMwari ndokubvumikisa kutenda kwavo mariri, ‘kuti vakwanise kudzidzisa vamwe’ kupfurikidza nokuenda pasuo nesuo nokuita dzokerero [shanyo dzedzokerero], kupfurikidza nokuitisa fundo dzakaisvonaka nefundo dzebhuku, uye, mukupfupikisa, kupfurikidza nokupinda murutivi rwuri rwose rwebasa roUmambo. Inofanira kuva donzo rimwe rokuita mumwe nomumwe mushumiri woUbati Ushe hwoUmwari ano unyanzvi kukukudzwa kwezita raShe; kuti agova akashongedzerwa zviri nane kupa pachena tariro iri mukati make; kuti agova ‘nyanzvi yokudzidzisa, anoshivirira, mukuraidza nounyoro.’ (2 Tim. 2:24, 25) Ngaparege kuva nomunhu unorasikirwa nechiono cheiri donzo guru rekosi.” (Course in Theocratic Ministry, peji 4) Iri rinoramba riri donzo guru reChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. Ko iwe wave uchishandisa mashoko akaisvonaka pakudzidzisa, kurava, kutaura kuvose, uye zvakafanana, ayo anowanika mumabhuku aya anoshandiswa echikoro chacho here?a Ko iwe uri munyoresi here? Unogamuchira nokuonga here ndokuita migove yako mupurogiramu yechikoro? Iyi gadziriro yaJehovha inogona kukubetsera kukuita mushimiri ane unyanzvi naanoshingaira.
Kurovedza Nokuda Kwokudzidzisa Kwokushingaira
17. Igadziriroi dzomudzimu idzo Jehovha akaita nokuda kwaavo vanodzidzisa zvokwadi yake inoyera?
17 Jehovha ari kuita gadziriro dzomudzimu dzakawanda nokuda kwaavo vakaropafadzwa kudzidzisa vamwe zvokwadi yake inoyera. Pakati pezvimwe zvinhu, iye anogovera mabhuku eBhaibheri, misangano yevhiki nevhiki, uye magungano makuru. Gadziriro dzakaisvonaka dzakadaro dzinogonesa Zvapupu zvake zvakazvitsaurira kuva vadzidzisi vane unyanzvi navanoshingaira.
18. Vachitevera mienzaniso yaJesu naPauro, igadziriroi vakuru vangaita kufambisira mberi ushumiri hwomumunda nhasi?
18 Asi zvakadiniko kana tikagadzwa savakuru kana kuti tiri Zvapupu zvine ruzivo rwokuzviwanira zvikuru zvaJehovha? Ipapo rudo nokuda kwavamwe runofanira kutisunda kubetsera maKristu matsva naane ruzivo rwokuzviwanira rushoma kuva vadzidzisi vane unyanzvi zvikuru navanoshingaira. Zvirokwazvo ikoku kwakafanira, nokuti Jesu akatuma vadzidzi 70 pashure bedzi pokuvapa miraidzo youshumiri hwavo. (Ruka 10:1-24) Pauro akadzidzisa vatariri veEfeso “pachena napaimba neimba,” uye ikoku kwaizobatanidza kuvarovedza kupupurira kuvasingatendi vachienda pasuo nesuo muushumiri hwomumunda. (Mabasa 20:20, 21) Nenzira yakafanana, vakuru, mapiona, uye vamwe vangarovedza nomufaro Zvapupu biyavo muushumiri hwomumunda nhasi. Ko iwe unonzwa kudikanwa kwerovedzo yakadaro here? Ipapo napaunogona napo pose zvapo itsvake uye igamuchire. Ko iwe uri mukuru here? Ipapo ita gadziriro dzokurovedza vamwe muushumiri apo iwe umene unotungamirira nokushingaira mubasa romumunda.
Pfuurira Kukudziridza Unyanzvi
19. Neiko tichifanira kunyengetera pamsoro poushumiri hwedu?
19 Vavhiyi, vavezi, uye vamwe vanogona kuva vano unyanzvi zvikuru kupfurikidza nefundo inopfuuridzirwa nokushandiswa kwezivo yakawanwa. Zvimwe chetezvi ndezvechokwadi nezvavashumiri vechiKristu. Naizvozvo, kunokosha sei kuti Chapupu chakazvitsaurira chimwe nechimwe chishande zvakaoma kuwedzera unyanzvi hwacho somudzidzisi wamashoko akanaka! Uye sezvo iri riri basa raJehovha, rinofanira kuva nhau yeminyengetero yedu yechokwadi. Kana tikatsvaka betsero yaMwari nenhungamiro, tinogona kuva nechivimbo chokuti iye achakomborera ushumiri hwedu hwokushingaira. Muapostora Johane akati: “Zvose zvatinokumbira tinopiwa naye [Jehovha Mwari], nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.”—1 Johane 3:22.
20. SeZvapupu zvaJehovha, ndokupi kunofanira kuva kutsunga kwedu sezvo tsika ino inoswedera pedyo nomugumo wayo?
20 Sezvo tsika yakaipa yazvino yezvinhu inoswedera pedyo nomugumo wayo, naizvozvo, ngatizvishandisei timene nesimba muushumiri. Ngati‘zvingwarire timene nokudzidzisa kwedu,’ kuruponeso rwedu timene nokuurwo rwaavo vanoteerera shoko roUmambo. Hungu, ngatiitei nhamburiko iri yose yokudzidzisa nounyanzvi neshingairo.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, tapota ona Bhuku Rinotungamirira Rechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari uye Qualified to Be Ministers (Chinyorwa Chakavandudzwa), akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ungatii?
◻ Kunze kwokuparidzira, basa rokuita vadzidzi rinodei?
◻ Neiko kuchikosha kwazvo ku‘ngwarira kudzidzisa kwako’?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuwedzera nadzo unyanzvi hwokudzidzisa?
◻ Misangano yechiKristu inogona seiko kutibetsera kuva vadzidzisi vane unyanzvi navanoshingaira veShoko raMwari?
◻ Chii chingaita vakuru nezvimwe Zvapupu zvine ruzivo rwokuzviwanira pamsoro poushumiri hwomumunda?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kuisa muchiono zvinoitika zveBhaibheri kunogona kukubetsera kuva mudzidzisi ari nani
[Mufananidzo uri papeji 19]
Muraidzi weChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari anobetsera vadzidzi kuva vanobudirira mubasa roUmambo