RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 pp. 10-15
  • MaKristu Echokwadi Vaparidziri Voumambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • MaKristu Echokwadi Vaparidziri Voumambo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rokuparidzira
  • Kupfurikidza Negadziriro Youmwari
  • “Paimba Neimba”
  • Dzidzisa Pachena Uye Paimba Neimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 pp. 10-15

MaKristu Echokwadi Vaparidziri Voumambo

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—MATEO 24:14, NW.

1, 2. (a) Neiko shoko roUmambo richifanira zvino kuziviswa munyika yose? (b) Mibvunzoi iyo chapupu chimwe nechimwe chaJehovha chingabvunza?

KUZIVISA UMAMBO HWAJEHOVHA. Kwamakumi amakore, ikoku kwave kuri donzo guru ramagazini ino. Kutaura idi, rutivi rwamaruramiro ayo okutsikirirwa. Uye kunokosha kuti shoko roUmambo zvino riziviswe munyika yose. Neiko? Nemhaka yeizvo Jesu Kristu akataura pashure pokududza mamwe mativi anoumba “chiratidzo” cho“kuvapo” kwake kusingaoneki nomugumo wetsika ino. Jesu akati: “Aya Mashoko Akanaka oumambo achaziviswa kunyika yose souchapupu kumarudzi ose. Uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:3, 14, The Jerusalem Bible.

2 Nhasi, “mugumo” wava pedyo zvamazvirokwazvo. Nokudaro, chapupu chakazvitsaurira chimwe nechimwe chaJehovha chingasanobvunza, kuti: Ko ini ndinonzwa sei pamsoro pebasa rokuparidzira Umambo? Ndiri kutora rutivi mariri nguva dzose here? Uye ko ushumiri hwangu huri kuitwa nounyanzvi neshingairo here?

Basa Rokuparidzira

3. Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 5:14-16 anoratidzira chii pamsoro pavateveri vake?

3 Hakuna muKristu wechokwadi anogona kudzivisa nenzira yakarurama basa rakaropafadzwa rokuzivisa “mashoko akanaka” kuvamwe. Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. Nomwenje havangautungidzi, vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko, uvhenekere vose vari mumba. Naizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:14-16) Ikoko kwakaratidzira kuti vadzidzi vaJesu vaizova vaparidziri voUmambo.

4. Chii chakataurwa pamsoro pomuzivisi woUmambo mukurusa?

4 Pamsoro pomuparidziri woUmambo mukurusa, kwakanzi: “Sezvo Ishe wedu akaparidzira umambo Iye akapfuurira . . . kugadzirira ndokuronga Ushumiri hwahwo . . . Iye akavamba ushumiri hwouporofita . . . uye akaita vose vari vaviri vane Gumi naVaviri navane Makumi Manomwe vagoverani vohumwe chetehwo. Sezvo Iye akaparidzira umambo hunouya ndokuita ‘zviratidzo,’ Iye akavatuma pamberi Pake neshoko rakafanana namasimba akafanana. Kupfurikidza nekosi inoshamisa yokudzidzisa kwakaisvonaka, . . . Iye akavarovedza munguvayo nokuda kwenzvimbo yechivimbo chakakwirira zvikuru chaizopiwa pashure pezvo.”—A Church History, rakanyorwa naMilo Mahan.

5. Pamsoro pokuparidzira Umambo, chii chakaita Jesu?

5 Jesu akagovera muraidzo wakaisvonaka nokuda kwavaapostora vake navadzidzi 70 avo akatuma. (Ruka 6:12-16; 10:1-22) Uyezve, Muenzaniso wedu amene “wakapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva nezveevhangeri youshe hwaMwari.” Vaiva naye vaiva vaapostora navakadzi vakati “vaimushumira nezvavo.” (Ruka 8:1-3) Hungu, Jesu akanga ari muzivisi anoshingaira wamashoko akanaka uye akaita nhanho dzokutanga sangano rokuparidzira Umambo.

6. Asati akwira kudenga, ibasai iro Jesu akapa vateveri vake?

6 Pashure poushumiri hwamakore matatu nehafu, Jesu akapedza basa rake rapasi. Asi asati akwira kudenga, iye akapa vateveri vake iri basa: “Endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ini ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Zvamazvirokwazvo, ivo vaizova vaparidziri voUmambo.

7. Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu pakuvamba vaisava nezivo yakarurama pamsoro poUmambo, neiko vaizobudirira mukuva zvapupu zvake?

7 Apo Jesu akanga odokubva pasi, vadzidzi vake vakabvunza kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” Mumhinduro, iye akavaudza, kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.” Kunyange zvazvo vadzidzi panguva iyeyo vaisava nezivo yakarurama pamsoro poUmambo, Jesu aigona kuvagovera kuti vave vazivisi vahwo, nokuti vaizova nebetsero yaidikanwa yokuita basa ravo. “Asi muchapiwa simba, kana [mudzimu mutsvene (NW)] wauya pamusoro penyu,” Jesu akawedzera, “ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” (Mabasa 1:6-8) Munhungamiro yomudzimu mutsvene, vateveri vaJesu pakupedzisira vaizoziva kuti Umambo hwaizova hurumende yokudenga. (Johane 16:12, 13) Uye pashure penguva yakati maidi pamsoro poUmambo ihwohwo aizoziviswa “kusvikira kumugumo wenyika.”

8. Basa rokuparidzira romuzana ramakore rokutanga raibudirira sei?

8 Zvapupu izvozvo zvakaita basa razvo zvakanaka zvikuru. Chokwadika, Jehovha aiva navo, uye ivo vaiva netsigiro yaJesu Kristu akapiwa mbiri. (Mabasa 8:1-8; 11:19-21) Hakushamisi kuti pakuvamba sa 60 kusvikira kuna 61 N.V. muapostora Pauro aigona kutaura kuti “mashoko akanaka” akanga ato‘paridzirwa muchisikwo chose pasi pedenga’!—VaKorose 1:23, NW.

9. Sezvinocherechedzwa pano, chii chiri basa guru reungano yechiKristu?

9 Pamsoro pebasa rokupupurira, kwakanyorwa, kuti: “Kuziviswa kweevhangeri . . . hakusati kuri mubato mumwe pakati peyakawanda umo Chechi yeT[estamente] I[tsva] inopinda, asi ndiko mubato wayo mukuru, unokosha. . . . Cherechedza zvakanaka, Jesu haana kutaura [pana Mabasa 1:8] kuti, Imi muchandipupurira, kana kuti, Imi muchapupurira ini, asi, Imi muchava zvapupu zvangu. Kushandiswa kwechiito ‘va’ pano kune ukoshi hunofanira kurangarirwa noukombi hwakazara uye chaihwoihwo. Kutaura kwacho [muchiGiriki] hakusati kuchingotaura zvakwo izvo Chechi yaizoita, asi izvo Chechi yaizova. . . . Chechi yaJesu Kristu . . . iboka rinopupurira.” (Pentecost and the Missionary Witness of the Church, rakanyorwa naHarry R. Boer, mapeji 110-14) Hungu, kupupurira ibasa guru reungano yechiKristu yechokwadi.

Kupfurikidza Negadziriro Youmwari

10, 11. (a) Zvikurukuru, vaparidzi voUmambo vomuzana rokutanga ramakore vakanga vakarongwa sei? (b) Chii chakaitika apo migariro mitsva yakaitika?

10 Vazivisi voUmambo vomuzana ramakore rokutanga vakagamuchira nhungamiro kumutumbi unodzora. Vakuru vanofambira vakabatira mukati mesangano, uye mabasa eungano aiitwa navatariri navabatiri vanoshumira. (Mabasa 15:1, 2, 22-36; VaFiripi 1:1) Asi chii chakaitika apo migariro mitsva yakaitika?

11 Eya, rangarira chakaitika nokukurumidza pashure pePentekosta ya 33 N.V. VaJudha vaitaura chiGiriki vakavamba kunyunyutira vaJudha vaitaura chiHebheru “nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.” Kupedza chinetso chacho, vaapostora vakagadza “varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka” kuti vatarisire uku kugoverwa kwezvokudya. (Mabasa 6:1-8) Pamsoro paikoku tinorava, kuti: “Pakutanga, hanya yokuti zvokudya zvavose zvezuva nezuva zvakagoverwa pasina rusaruro yaiva iyo yoga, kusvikira panguva ino sezvatinoudzwa, uko kwakatsaurirwa ‘vanomwe’, asi, chokwadika, mamwe mabasa aizowedzerwa sezvo aimuka, nokuti nepo nheyo dzokutenda kutsva dzakanga dzisingachinjiki, gadziriro nemiitiro zvokupa, kupfurikidza nadzo idzodzi dzingatangwa ndokutambanudzwa nenzira inobudirira zvikurusa, zvakasiirwa kuuchenjeri noruzivo rwunoshanda rwezvizvarwa zvinotevera . . . gadziridzo nechinjo zvoudzame husingakoshi . . . iri madikanwa zvikuru musangano guru ripi neripi.”—Hours With the Bible, New Testament Series, volume II, rakanyorwa naCunningham Geikie.

12. (a) Chii chakagovera fambiro mberi yechiKristu chapakuvamba? (b) Vateveri vaJesu vakasvika pakunzi maKristu kupi uye sei?

12 Rutsamiro rwokunyengetera pana Mwari, pamwe chete no“uchenjeri noruzivo rwokuzviwanira runoshanda,” zvomutumbi unodzora, zvakagovera fambiro mberi yechiKristu chapakuvamba. Uye zvinhu zvamazvirokwazvo zvakanga zvichiitika kupfurikidza negadziriro youmwari. Somuenzaniso, vateveri vapakuvamba vaJesu vakataurwa kuva vaiva ve“Nzira.” (Mabasa 9:1, 2) Asi zvichida pakuvamba somuna 44 N.V. paAntiokia, Siria, “vadzidzi kupfurikidza negadziriro youmwari vakanzi maKristu.” (Mabasa 11:26, NW) Iri rakanga riri zita rakapiwa naMwari iro ivo vakagamuchira nokudisa.—1 Petro 4:16.a

13. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvino zvinoshandisa mitoo yokubudisa yazvino uno, maKristu apakuvamba akashandisei mubasa rawo rokuparidzira Umambo?

13 Pakati pamaKristu apakuvamba iwayo, zvimwe zvinoitika zvaivawo mukati megadziriro youmwari. Somuenzaniso, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvino zvichishandisa mitoo yokubudisa yazvino uno, naizvozvo maKristu apakuvamba akatanga shandiswo yecodex (bhuku rakare rakanyorwa namaoko)—chikomborero chaichoicho kubasa rawo rokushingaira rokuparidzira Umambo. Muna ikoku, C. C. McCown akanyora, kuti: “Mabhuku orudzidziso amaKristu, ose ari maviri Testamente Yekare namanyoro matsva . . . akanga asiri okuraviwa zvishoma navakapfuma. Vanhu vebhizimisi vanoshanda zvakaoma vaida zvakawanda zvavaigona kuwana mubhuku. Ivo navafundisi vechiKristu vanoshingaira vaida kukwanisa kunongedzera kurugwaro rwamanyoro irworwu kana kuti irworwo nokukurumidza, pasina kufanira kupetenura mafiti akawanda epapayarasi.”—The Biblical Archaeologist Reader, peji 261.

14. Vaapostora vaJesu vaidisa kuparidzira mumigariroi?

14 Ku“kwanisa kunongedzera kurugwaro rwamanyoro irworwu kana kuti irworwo” kwaikosha zvikuru nemhaka yemitoo yokuparidzira Umambo yaishandiswa namaKristu apakuvamba. Padzimwe nguva, chokwadika, iwo aipupurira kuvanhu namasanga, sezvinowanzoita Zvapupu zvaJehovha nhasi. Nezvaikoku kwakanzi: “Rumwe rwamativi echienzi okuparidzira kwavaapostora kwaiva kupa kwakwo kwamasanga. Kwakanga kusina kumirira kwomuapostora banza guru. Nguva yake bedzi chaiyo yaiva apo, kufanana naPauro pamberi paFeriksi, akatungamirirwa somusungwa pamberi pomubati ushe akapfeka zvepepuro kuti ape nhauro yake amene ndokupindura pomero yokupunzwa kwemitemo. Iye akanga asiri asina mabanza ake, asi iwo akamugoverwa mutorongo, munzira, uye mumusha wenhando maangachengetwa kwousiku . . . Iye airangarira kuti shoko rake zvikurukuru raiva rokuvanhu vamwe navamwe, kunyange zvazvo akanga akagadzirira zvakaenzana kuripa kuboka. Iye akanga akasununguka zvakaenzana navateereri vapi navapi. Iye akanga asina kukanganwa muenzaniso waKristu, . . . [uyo] aifamba mumugwagwa une guruva, kana kuti mugwagwa una vanhu vazhinji, kana kuti mhenderekedzo ina mabwe maduku yeGarirea yechiJudha . . . [vaapostora] vakanga vasina kukanganwa kuti iye akanga avapa pakuvamba muushamwari hwavo naye miraidzo chaiyo pamsoro pemitoo yakanakisisa yokuparidzira nayo dzidziso dzake, akanga asimbisa izvi zvifundo zvokutanga navamwe, uye, pamberi pokukwira kwake, akavanongedzera kunyika somunda wavo uye chisikwa chiri chose somuteereri wavo.”—History of the Christian Church, rakanyorwa naJohn F. Hurst, volume I, peji 96.

“Paimba Neimba”

15. Vaapostora vaiita sei basa rokuparidzira mumazuva apashure pePentekosta ya 33 N.V.?

15 Mumazuva apashure pePentekosta ya 33 N.V., vadzidzi vaJesu vakanga vava kutoshandisa mutoo wakaisvonaka wokuparidzira “mashoko akanaka.” Pashure pokunge vaapostora vakatambudzwa vazvidzwa nemhaka yezita raJesu Kristu, chii chavakaita? Chokwadi, “zuva riri rose mutembere napaimba neimba ivo vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamsoro paKristu, Jesu”! (Mabasa 5:41, 42, NW) Hungu, vaapostora vakapupurira paimba neimba.

16. Pauro akapa rovedzo kuvakuru vomuEfeso murudzii rwomubato wokuparidzira?

16 Gare gare, muapostora Pauro aigona kuyeuchidza vakuru vakagadzwa vakabva Efeso, kuti: “Ini handino kurega kukuudzai zvipi nezvipi zvezvinhu zvaibetsera kana kuti kurega kudzidzisai pamhene napaimba neimba. Asi ndakasanopupurira kwazvo kwose kuri kuviri kuvaJudha nokuvaGiriki pamsoro porupfidzo kuna Mwari nokutenda Ishe wedu Jesu.” (Mabasa 20:20, 21, NW) Pauro haana kureva kuti iye akanga achidzidzisa vakuru vakagadzwa mumisha yavo. Panzvimbo pezvo, iye akanga achipupurira kuvaJudha navaGiriki vasingatendi pamsoro porupfidzo kuna Jehovha Mwari nokutenda muna Jesu Kristu. Pasina panikiro, Pauro akadzidzisawo vakuru ivavo nzira yokupupurira nayo paimba neimba.

17. Nyanzvi dzakasiana-siana dzakatii pamsoro poushumiri hwapaimba neimba hwaPauro muEfeso?

17 Pamsoro poushumiri hwomuapostora muEfeso, kwakanzi: “Muitiro wenguva dzose waPauro waiva wokushanda pabasa rake kuvambira pakubuda kwezuva kusvikira pa 11 a.m. (Mabasa 20:34, 35) pari panguva Tirano akanga apedza kudzidzisa kwake; ipapo kuvambira pa 11 a.m. kusvikira ku 4 p.m. kuparidzira muhoro, kuva nekurukurirano navabetseri nehurukuro dzapachivande nenhume, kuronga futunuko kupinda mukati; ipapo pakupedzisira kuita kutsvaka kwapaimba neimba kwouevhangeri uko kwakavamba pa 4 p.m. kusvikira muusiku chaihwo. (Mabasa 20:20-21, 31).” (A. E. Bailey) Dzimwe nyanzvi dzakati: “Iye akanga asati achingogutswa zvake nokukurukura hurukuro mugungano ravose, uye kurega dzimwe nzira, asi akaronda nokushingaira basa rake guru pachivande, paimba neimba, uye akaendesa chaizvoizvo kumusha zvokwadi yokudenga kudzimba nemwoyo zvavaEfeso.” (A. A. Livermore) “Pachena uye paimba neimba, muguta uye muruwa rwose, iye akanga aparidzira evhangeri.” (E. M. Blaiklock) “Kwakafanirwa nokucherechedza kuti uyu mukurusa wavaparidziri akaparidzira paimba neimba uye haana kuita kuti shanyo dzake dzingova hadzo shanyo dzokufambidzana.”—A. T. Robertson.

18. (a) Neiko ungataura kuti pane hwaro hwakasimba hwapaMagwaro hwoushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha? (b) Kufanana naJesu navadzidzi vake vapakuvamba, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira kupi shoko roUmambo?

18 Kupupurira paimba neimba kwakaitwa navaapostora vaJesu muna 33 N.V. Kwaiva rutivi rwoushumiri hwaPauro muEfeso uye pasina panikiro mune imwe nzvimbo. Naizvozvo pane hwaro hwakasimba hwapaMagwaro hwoushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha. Uye ikoku ndokwechokwadi nezvemimwe mitoo yakasiana-siana yazvinoshandisa kuparadzira shoko roUmambo. Nenzira inofadza, McClintock and Strong’s Cyclopedia inoti: “Ishe wedu navaapostora vake vakawana nzvimbo dzokuparidzira munzvimbo iri yose umo vanhu vaigona kuunganidzwa. Mujinga megomo, mhenderekedzo dzamakungwa nenzizi, migwagwa yavose, dzimba dzavanhu, berere reTembere, sinagoge yechiJudha, uye dzimwe nzvimbo dzakasiana-siana dzaiwanikwa nokuda kweziviswo yeEvhangeri.” (Volume VIII, peji 483) Kufanana naJesu navadzidzi vake vapakuvamba, Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira shoko roUmambo mu“migwagwa yavose, dzimba dzavanhu, . . . uye dzimwe nzvimbo dzakasiana-siana.” Somuenzaniso, izvo zvinoita basa romumugwagwa ramagazini (neiyi magazini nomubiyayo Mukai!) uye zvinozivikanwa zvikuru nokuda kwokupupurira kwazvo kwapaimba neimba.

19. Zvisarudzo zvinoitwa sei pamsoro pemitoo yokuparidzira zvino inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha?

19 Zvimiro zvikuru zvoushumiri zvino zvinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha zvakanga zvakasanosimba muzana rokutanga ramakore, uye, kunze kwaikoku, kwakafanira kuti Mutumbi Unodzora womuzuva razvino wamaKristu akazodzwa usarudze kuti mitooi yokuparidzira yakakodzera panguva ino. Zvisarudzo zvakadaro zvinogona kuvakirwa murutivi pa“uchenjeri noruzivo rwokuzviwanira runoshanda” rwaava varume. Zvikurukuru, zvisinei, ivo vanoita zvisarudzo sezvaiita mutumbi unodzora wechiKristu womuzana ramakore rokutanga. Nhungamiro yaMwari noutungamiriri hwomudzimu mutsvene wake zvinotsvakwa mumunyengetero, uye mienzaniso yapaMagwaro inoteverwa pakusarudza kuti mitooi yokuparidzira yakakodzera zvikurusa muano “mazuva okupedzisira.”—2 Timotio 3:1; Mabasa 15:23, 28.

20. (a) Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti pane tendero youmwari yemitoo yokuparidzira inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha? (b) Chimiroi icho vose vavabatiri vaJehovha vanacho kubasa rokuparidzira Umambo?

20 Kuri pachena kuti mitoo yokuparidzira inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha iri mukati megadziriro youmwari, nokuti Mwari akatusa idzi nhamburiko nebudiriro nechikomborero zvakawanda. (Zvirevo 10:22) Mapoka ari kugamuchira namato yechokwadi uye ari kukumbanira vakasarira vavateveri vakazodzwa vaJesu sorutivi rwesangano bedzi rinokudza zita dzvene raJehovha ndokuzivisa nokusatya mashoko akanaka oUmambo hwokudenga hwakagadzwa. Vabatiri vose vaJehovha naizvozvo ngavapfuurire kuzvishandisa vamene mubasa rokuita vadzidzi sezvo iyi tsika inoswedera pedyo nomugumo wayo. Tinofanira kuita ikoku nokutendeka, nokuti maKristu echokwadi nenzira isingapanikirwi vaparidziri voUmambo.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona peji 316 yaAid to Bible Understanding, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Ndeipi Iri Nzwisiso Yako?

◻ Neiko shoko roUmambo zvino richifanira kuziviswa mupasi rose?

◻ Nderipi riri basa guru ramaKristu ose echokwadi?

◻ Neiko kuchigona kutaurwa kuti pakati pavabatiri vaJehovha zvinhu zvinoitika kupfurikidza negadziriro youmwari?

◻ Basa rokuparidzira rapaimba neimba reZvapupu zvaJehovha rine hwaroi hwakasimba?

[Mufananidzo uri papeji 11]

Jesu akaudza vateveri vake, kuti: ‘Endai, muite vadzidzi.’ Ko iwe uri kuita iri basa guru nokushingaira here ramaKristu ose echokwadi?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ko unopupurira nguva dzose here paimba neimba? Vaapostora vapakuvamba vaJesu vakadaro. Ndozvakaitawo muzivisi woumambo anoshingaira Pauro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe