RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w86 1/15 p. 21
  • ‘Ivo Vanoshongedza Dzidziso yaMwari Wedu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ivo Vanoshongedza Dzidziso yaMwari Wedu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1986
w86 1/15 p. 21

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

‘Ivo Vanoshongedza Dzidziso yaMwari Wedu’

RUPFAVE norujeko zvezvokwadi yoUmambo zvinogona ‘kushongedzwa’ naavo vanoizivisa kuvamwe. Seiko? Kupfurikidza nomufambiro wavo wakanaka. Cherechedza kuti muapostora Pauro akaratidza sei ikoku. Varanda vechiKristu vakapiwa zano kuti varatidzire “ruvimbiko rwakanaka zvakazara, kuti ivo vagoshongedza dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.” (Tito 2:10, NW) Zvinoitika zvinotevera zvokuArgentina zvinoratidzira kushanda kweiri zano.

◻ Vatanhatu veZvapupu zvaJehovha vaishanda musupamaketi umo mwene airangarirwa kuva ane rumano zvikuru. Apo vakakumbira nguva yokusashanda kuti vapinde Chirangaridzo chorufu rwaKristu, ivo vakaudzwa kuti, “Sarudzai pakati pebasa renyu nemisangano yenyu.” Kunyange zvazvo basa rakanga rakaoma kuwana, ivo vakasarudza kupinda Chirangaridzo. Zuva rakatevera racho, ivo vakaenda kubasa vachifunga kuti vaizodzingwa. Ishamisiko yakadini yavakava nayo apo vasina kungochengetwa bedzi varipo asi vana vavo avo vaiva vashandi vechinguvana vakapiwa mabasa echigarire. Uye vatanhatu vose vakagamuchira wedzero mumubhadharo! Gare gare, vaviri vavo vakasarudza kuva mapiona enguva dzose, naizvozvo mwene wesupamaketi akavapa gadziriro yokuchinjana nokuda kwenakirwo yavo. Chikonzero chake chokuva anovarangarira kwazvo? Iye aisada kuti vashandi vake vakatendeseka, vanoshingaira varege.

Naizvozvo tsika dzebasa dzokutendeseka nedzakanaka dzeizvi Zvapupu zvitanhatu ‘dzakashongedza’ kudzidzisa kwazvo kurukudzo rwaJehovha.

◻ Imwe hanzvadzi yakanga ichishanda mufamasi, asi nemhaka yamaawa marefu, yakanga isati ichipinda misangano yose yechiKristu, uyewo yaisagona kupayona, uko kwaiva chishuvo chayo. Mwene wefamasi haasati aizomupa rudungwe rwebasa rwaaida, naizvozvo akarega basa rake. Iye ipapo akashanda somushandi womumba, uye ikoku kwakamubvumidza kuita upiona hwebetsero. Mwedzi mishomanene gare gare, mwene wefamasi akauya kumba kwake ndokumupa basa “norudungwe rwokushanda rwupi norwupi rwaaida.” Neiko? “Nemhaka yomufambiro wake wakaisvonaka,” unodaro mushumo wacho.

◻ Mufambiro wakanaka wechimwe Chapupu ‘wakashongedza’ kudzidzisa kwacho nenzira yakasiana. Mushumo wakabva Argentina unotsanangura kuti apo Zvapupu zviviri zvakasvika suo reimba yakaisvonaka, youmbozha ine motokari huru, yazvino uno panze, vakati ityei nemhaka yeratidziro iri pachena youpfumi. Vakashamiswa sei kugamuchira kwaziso inodziya. Kurukurirano yamaawa maviri yakatevera, vachipindura mibvunzo. Zvapupu zvakati: “Takabvuma kudzokera vhiki rinotevera. Takabva tichifara zvikuru asi takashamiswa nemhaka yokuti hatina kuziva chikonzero chaichoicho chekwaziso yakadaro. Vhiki rakatevera racho takawana chaiva chikonzero ichocho.”

Mukadzi weimba yacho akatsanangura, kuti: “Ndaisigara muMar del Plata uye ndaiziva mukadzi muduku airarama upenyu hwoupengo. Pashure penguva yakati iye akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye nokukurumidza chinjo muhunhu hwake yakava pachena. Vavakidzani neni hataigona kubvuma chinjo maari nemhaka yokuti hapana nakaduku kose kohwaichimbova hunhu hwake hwoupengo kaicherechedzwa. Iye zvino mukadzi anoremekedzwa, mudzimai womukuru, sezvamunovadana, uye zvino ane mhuri iri muenzaniso kuvose.”

Mufambiro wakachinja wouyu munhu muduku apo iye akava mumwe weZvapupu zvaJehovha zvino wakasunda mukadzi wacho kurangarira zvakakomba dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha. Fundo yeBhaibheri yakarongwa panguva iyeyo naava varoorani, uye ivo vakavamba kupinda misangano kuHoro yoUmambo. Zvapupu zvakagumisa ichi chakaitika nokutaura, kuti: “Ikoku kunoratidza kuti mufambiro wedu unogona kupawo uchapupu, zvose kumbiri norukudzo zvezita raJehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe