RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg pp. 246-255
  • ‘Shinga’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Shinga’
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukosha Kwemunyengetero
  • “Shingai!”
  • “Shinga . . . Uzviite”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Shingai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Unogona Kuwedzera Kuva Neushingi!
    Famba naMwari Neushingi
  • “Shinga, Usimbe Kwazvo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg pp. 246-255

MHEDZISO

‘Shinga’

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

1. Pane zvimwe here zvatingada kukurukura nezvazvo panyaya yekuratidza ushingi?

ZVATADAI kusvika pamhedziso yebhuku rino, pachiri nezvimwe zvatingada kutaura here nezvenyaya yeushingi? Hongu, zviripo. Mubhuku rino, takakurukura nezvevanhu vakawanda vakaratidza ushingi uye zvatingaita kuti tivatevedzere. Asi pane zvimwe zvakawanda zvatinogona kudzidza kubva muBhaibheri nezveushingi. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu vakaratidzawo ushingi, asi vasina kutaurwa nezvavo mubhuku rino. Uyewo, pane chimwe chinhu chatichakurukura nezvacho chatinofanira kuita kuti tive neushingi.

2. Ndevapi vamwe vashumiri vaMwari vainge vakatendeka vakaratidzawo ushingi?

2 Pane vamwe waunoziva here vanotaurwa muBhaibheri vakaratidza ushingi kunze kwevatakadzidza nezvavo mubhuku rino? Pamwe ungafunga nezvevaprofita vanotaurwa muMagwaro echiHebheru, vakadai saIsaya, Jeremiya, Ezekieri, Jona, kana kuti Maraki. Muapostora Pauro anofanira kunge aitaura nezvevarume ivavo paakafemerwa kunyora kuti: “Vamwe vaiva nemiedzo yekusekwa uye kurohwa zvakasimba, vachitosungwa necheni nekuiswa mumajeri.” Akanyorawo kuti vamwe ‘vaishayiwa, vaitambudzika, vachibatwa zvisina kunaka.’ Vamwe vakatourayiwa. (VaH. 11:​36, 37) Asi pasinei nezvese izvozvo, vakaramba vakashinga kuita zvaidiwa naJehovha Mwari.

3-4. Vakadzi vaviri vasingataurwe nemazita avo vakaponesa sei Mambo Dhavhidhi upenyu hwake pahwaiva pangozi?

3 Pane vamwe vakatowanda vakaratidzawo ushingi asi vasina kutaurwa nemazita avo muBhaibheri. Chimbofunga nezvevakadzi vaviri vakararama panguva yaMambo Dhavhidhi. Vakadzi ivavo vakabatsira Dhavhidhi paaida kuurayiwa nemwanakomana wake ainzi Absaromu. Absaromu aizvikudza, aiva neutsinye uye aida kutorera baba vake umambo. Saka Dhavhidhi akatiza muJerusarema kuti asaurayiwe naAbsaromu. Dhavhidhi akakumbira Zadhoki, uyo aiva mupristi ainge akashinga, kuti adzokere kuguta oramba ari ikoko kuitira kuti agare achiziva zvairongwa naAbsaromu. Zadhoki aifanira kutumira mashoko kuna Dhavhidhi. Pashure pekunge Zadhoki aziva zvairongwa naAbsaromu, akatuma “murandasikana” asingataurwe nezita uyo akaisa upenyu hwake pangozi nekuudza shamwari mbiri dzaDhavhidhi mashoko acho. Varume vacho vaviri pavakanga vava kuenda kunoudza Dhavhidhi mashoko acho, rimwe jaya rakavaona uye rakaenda kunoudza Absaromu nezvavo. Vakabva vahwanda mumugodhi. Mumwezve mukadzi asingataurwe nezita uyo aiva mudzimai wemuridzi wemugodhi wacho, akabva awaridza chinhu pamusoro wetsime racho akaparadzira zviyo pamusoro. Varanda vaAbsaromu pavakauya kuzotsvaga varume vacho, mukadzi iyeye akavaendesa kwakasiyana nekwavakanga vakahwanda. Vakadzi ava vaviri vainge vakashinga vakabatsira chaizvo pakuchengetedza mambo ainge asarudzwa naJehovha!—2 Sam. 15:​23-37; 17:​8-22.

Mifananidzo: Vakadzi vaviri vasingataurwi nemazita vakaratidza ushingi vakabatsira pakuponesa Mambo Dhavhidhi. 1. Musikana anoshanda semuranda anotaura nevaranda vaviri vaDhavhidhi. 2. Mukadzi akahwandisa Dhavhidhi mutsime remurume wake, ari kufunga achiona varume vaviri vachifamba kubva pamba pake.

Musikana anoshanda semuranda nemudzimai wemuridzi wetsime

4 Bhaibheri rinotaura nezvevarume nevakadzi vakawanda vaiva neushingi, vapfumi nevarombo, vakakurumbira nevasina kukurumbira, vanotaurwa nemazita nevasingataurwe nemazita. Vese ava vakaratidza ushingi nekutsigira Jehovha. Nyaya dzavo dzinotibatsirawo mazuva ano.

Kukosha Kwemunyengetero

5-7. Pauro akawana kupi ushingi hwekuramba achiparidza paaitambudzwa?

5 Tingatevedzera sei varume nevakadzi vaiva neushingi vanotaurwa muBhaibheri? Tinofanira kuziva kuti havasi vese vakaberekwa vaine ushingi. Kunyange zvakadaro, vakakwanisa kuratidza ushingi uye kushumira Jehovha vakatendeka. Chii chakavabatsira?

6 Chimbofunga nezvemuapostora Pauro. Pavaiva muFiripi, Pauro naSirasi vakarwiswa nemhomho yevanhu, vakabviswa hembe dzavo, vakarohwa neshamhu, ndokuvharirwa mujeri maiva nerima tsoka dzavo dzakasungwa muzvisungo zvematanda. (Mab. 16:​12, 19-24) Pashure pekunge vasunungurwa, Pauro akatanga kutya zvekutadza kuparidza here? Pauro aingovawo munhu sesu, saka hazvishamise kana kuri kuti akambobatwa nekutya. Asi aiziva kuti Jehovha aida kuti arambe achiparidza. Akanga ava kufanira kuenda kuTesaronika. Chii chakamubatsira kuti ave nesimba uye ushingi hwekuramba achiparidza?

7 Akazonyora kuti: “Kunyange zvazvo takambotambura pakutanga uye takanyadziswa kuFiripi sezvamunoziva, takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari tichipikiswa zvakaoma.” (1 VaT. 2:2) Pauro aiziva kuti aitofanira kushinga kuitira kuti akwanise kuita basa raakanga apiwa naMwari. Asi akawana kupi ushingi ihwohwo? Akangozvishingisa semunhu akanga aberekwa atori neushingi here? Aiwa. Akazvishingisa ‘achibatsirwa naMwari wedu.’ Akazvininipisa ndokukumbira Jehovha kuti amupe ushingi. Uye Jehovha akabva amupa ushingi hwaaida.

8. Tingatevedzera sei zvakaitwa naPauro kana tichida kuva neushingi?

8 Unogonawo kukumbira Jehovha kuti akupe ushingi sezvakaitwa naPauro. Haufanire hako kunetseka kuti hauzombokwanise kuva neushingi nemhaka yekuti hauna kuberekwa uinahwo. Asi chinongodiwa ndechekuti unyengetere kuna Jehovha Mwari uchimukumbira kuti akupe ushingi.—Mab. 4:29.

9. Nei tichifanira kukumbira Jehovha kuti atiwedzere kutenda?

9 Unogonawo kukumbira Baba vako Jehovha kuti vakuwedzere kutenda. Kutenda ndechimwe chezvibereko zvemweya mutsvene waJehovha. (VaG. 5:​22, 23) Uyewo ndechimwe chezvipfeko zvemurwi zvekuzvidzivirira nazvo zvinofanira kupfekwa nemuKristu wese. (VaEf. 6:16) Kutenda kwechiKristu kune simba chaizvo zvekuti Bhaibheri rinoti ‘kwakakunda nyika.’ (1 Joh. 5:4) Kutenda muna Jehovha ndiko kunoita kuti munhu ave neushingi. Kana uchinyatsovimba kuti Jehovha achakubatsira paunenge uchida kubatsirwa, uchaona kuti ushingi hwako hucharamba huchiwedzera. Vaapostora vaJesu vakakumbira kuti: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Ruka 17:5) Nesuwo sevateveri vaKristu tinogonawo kuramba tichikumbira kuti tiwedzerwe kutenda.

“Shingai!”

10-11. Nei Pauro akaudza vaKristu vaiva muguta reJerusarema uye vaiva pedyo neguta iroro kuti vave neushingi?

10 Jesu akanga aprofita kuti Jerusarema raizoparadzwa. Saka pangosara makore mashoma kuti izvozvo zviitike, Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru vaiva muJerusarema uye vaiva pedyo neJerusarema kuti vagadzirire matambudziko akakura avakanga vava kuda kusangana nawo. (Ruka 19:​41-44; 21:​20-24) Pauro akavabatsira sei kuti vave neushingi? Akavayeuchidza nezvevimbiso yaJehovha. Takambotaura nezvevimbiso iyoyo mumashoko ekusuma ari mubhuku rino. Jehovha akavimbisa kuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” Vimbiso iyoyo yaizovabatsira sei? Pauro akawedzera kuti: “Kuti tive vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?’”—VaH. 13:​5, 6.

11 Kunyange zvazvo Bhaibheri risingataure haro zvese zvakaitika pakaparadzwa Jerusarema mugore ra70 C.E., tinogona kuva nechokwadi chekuti vaKristu vakatendeka vaiva muguta iroro vakateerera mashoko akafemerwa akataurwa naPauro. ‘Vakatanga kutizira kumakomo’ panguva chaiyo yakanga yataurwa naJesu.—Ruka 21:​20, 21.

12. (a) Ivimbiso dzipi dzichakubatsira kuti uve neushingi paunosangana nematambudziko? (b) Vamwe vashumiri vaMwari wemumazuva ano ekupedzisira vakaratidza sei ushingi hunoshamisa, uye iwewe watsunga kuitei? (Ona bhokisi rakanzi “Tevedzera Ushingi Hwavo.”)

12 Jehovha anogonawo kukupa ushingi paunosangana nematambudziko. (Ezek. 38:​1, 2, 10-12; Mat. 24:21) Ramba uchiyeuka kuti Jehovha anovimbisa kuti achatidzivirira. (Ezek. 38:19-23; 2 VaT. 3:3) Haazombofi akasiya vanhu vanomuda uye vanotenda maari. Zvakataurwa naJehovha achiudza Joshua zvinoshandawo kwauri. Unogona ‘kushinga, wosimba’! (Josh. 1:​7, 9, 18) Gara uchiyeuka mashoko akataurwa naJesu ekuti: “Shingai!” Jesu akavimbisa kuti achakupa mweya mutsvene waJehovha, uye haazombokurasise. Mweya mutsvene uchakubatsira kuti uve neushingi hwekuramba wakatendeka kuna Jehovha. (Joh. 14:26; 15:​26, 27; 16:33) Saka zvinoita kuti uve ‘neushingi’!

Mifananidzo: Hama nehanzvadzi dziri kutsungirira miedzo yakasiyana-siyana. 1. Musikana ari mukirasi ari kunyemwerera akabata bhuku rekuchikoro pamwe chete nebhurocha rakanzi “Was Life Created?” 2. Vabereki vari panzvimbo inogara vapoteri uye vakambundira mwana wavo vachinyemwerera. 3. Mukomana ari kunyemwerera ari mujeri.

Jehovha anovimbisa kutipa mweya mutsvene kuti utibatsire kuva neushingi pasinei nezvatingasangana nazvo

Tevedzera Ushingi Hwavo

Martin naGertrud Poetzingerr

Martin naGertrud Poetzinger.

Martin naGertrud vainge vava nemwedzi 3 nehafu chete vachata uye vainakidzwa nekushanda mubasa renguva yakazara pamwe chete, asi upenyu hwavo hwakavhiringwa nehurumende yeNazi yaAdolf Hitler. Martin akangoerekana asungwa muna 1936 uye akazoendeswa kujeri raiva Dachau. Pava paya, Gertrud akasungwawo. Vakaita makore 9 vasina kumboonana. Pamakore akawanda acho hapana aiziva kana mumwe wake akanga achiri mupenyu. Asi vese vainge vakatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha. Martin akazoendeswa kune rimwe jeri kuMauthausen raiva nembiri yeutsinye. Gertrud akatongerwa kugara akavharirwa make ega kwemakore 3 nehafu, uye makore iwayo paakapera akaendeswa kune rimwe jeri raiva kuRavensbrück kwemamwe makore 4. Pakapera hondo, Gertrud ndopaakazoziva kuti Martin aiva mupenyu. Akakumbira mumwe mukuru wemasoja kuti Martin asunungurwe uye izvi zvakatobatsira kuti zvimwe Zvapupu 100 zvakanga zviri mujeri rekuMauthausen zvisunungurwewo. Martin naGertrud vakazoonana uye vakatangazve kushanda mubasa renguva yakazara pamwe chete. Vakazoshanda pabheteri kuBrooklyn, New York, uye Martin akazova muDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha. Aigara achiudza hama nehanzvadzi kuti: “Kana uri mushumiri waJehovha, zvakakosha chaizvo kuti uve neushingi!” Vese vari vaviri vakaramba vachishumira Jehovha vakatendeka uye vachifara kusvikira vafa.

“Kana uri mushumiri waJehovha, zvakakosha chaizvo kuti uve neushingi!”—M. Poetzinger

Valentina Garnovskaya

Valentina Garnovskaya.

Valentina aigara kuBelarus paakatanga kuonana nemumwe murume aiva Chapupu chaJehovha muna 1945. Panguva iyoyo aiva nemakore anenge 20. Hama yacho yakazodzokazve kaviri ichidzidza naye Bhaibheri. Asi kubvira ipapo havana kuzomboonana zvekare. Basa reZvapupu zvaJehovha rainge rakabhanwa munyika yacho saka zvainetsa kuonana navo. Chinoshamisa ndechekuti Valentina akaita ushingi hwekuudza vamwe zvaakanga adzidza. Izvi zvakaita kuti asungwe uye akatongerwa kugara mujeri kwemakore 8. Paakazosunungurwa muna 1953, akabva angotangazve kuparidzira. Saka akabva asungwazve uye akabva atongerwa kugara mujeri kwemamwe makore 10. Mune rimwe jeri raaiva, akaonana nevamwe vakadzi vaiva Zvapupu. Vaiva neBhaibheri asi vaitoita rekuviga. Imwe yehanzvadzi dzacho yakaratidza Valentina Bhaibheri iri. Ndokaiva kekutanga kuona Bhaibheri kubva paakapedzisira kutaura nehama iya yakatanga kudzidza naye Bhaibheri. Akazosunungurwa muna 1967, achibva abhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Aishanda nesimba mubasa rekuparidza kusvika azosungwazve muna 1969 uye akatongerwa kugara mujeri kwemamwe makore 3. Asi akaramba achizivisa mashoko akanaka. Hanzvadzi Valentina pavakazofa muna 2001, vakanga vabatsira vanhu vanenge 44 kuti vazive chokwadi chiri muBhaibheri. Vasati vafa vakambotaura kuti: “Handina kumbobvira ndava neimba yandinoti ndoyangu. Zvinhu zvangu zvese zvaikwana mubhegi rimwe chete, asi ndaifara uye ndaigutsikana nekuziva kuti ndiri kushumira Jehovha.”

“Handina kumbobvira ndava neimba yandinoti ndoyangu. Zvinhu zvangu zvese zvaikwana mubhegi rimwe chete, asi ndaifara uye ndaigutsikana nekuziva kuti ndiri kushumira Jehovha.”—V. Garnovskaya

Alfredo Fernández

Alfredo Fernández.

Alfredo akanga ava nemakore anenge 18 paakanzi aipinde muchiuto kuArgentina. Hana yake semuKristu yaisamubvumidza kuti aite zvehondo saka akaramba kuita musoja kana kupfeka yunifomu yacho. Akaiswa mujeri nemhaka yekuramba kupinda muchiuto. Ari imomo vaimuitira utsinye uye dzimwe nguva vaimutyisidzira vachiita sevari kutoda kumuuraya. Asi akaramba achiverenga Bhaibheri uye ainyora manotsi ezvaainge adzidza. Paaitongwa kudare, mutongi akamuudza kuti aizomusunungura kana akangouya akapfeka yunifomu yemasoja kudare. Alfredo akaramba saka akabva adzoserwa kujeri. Nemhaka yekurohwa kwaaiitwa akatanga kurwara zvekurwara zviya. Chiremba wejeri racho akamuudza kuti chakanga chasara kufa. Paakaziva kuti akanga ava kufa, Alfredo akatumira vemumhuri make tsamba achivatenda nekumusimbisa kwavaiita panguva yese yaaiva mujeri. Mamwe emashoko aakataura ndeaya: ‘Mhuri yangu yandinodisa, ndaisada kunyora tsamba inosuwisa kudai asi hapana zvekuita. Ndinotenda chaizvo Mwari wedu ane rudo, Jehovha, nekuti akandipa mhuri yakaita semi. Ndinoziva kuti mucharwadziwa chaizvo pamuchaverenga tsamba iyi. Asi ndinokukumbirai kuti mushinge. Jehovha ngaakunyaradzei achishandisa mashoko ake ari muBhaibheri. Yeukai kuti ndichamutswa saka ndinovimba kuti pamuchayeuka kuti ndakaramba ndakatendeka kuna Jehovha zvichaita kuti mudewo kuramba makatendeka.’ Alfredo akaramba akatendeka kusvika paakazofa muna 1982 aine makore 21 uye akanga agara mujeri kwemakore 3.

“Asi ndinokukumbirai kuti mushinge.”—A. Fernández

Karen Oehm

Karen naRainer Oehm.

Karen akatanga kushumira Jehovha achiri mudiki uye aiva munhu anofara ane ushamwari. Ainakidzwa nekupayona uye akazoroorwa naRainer vakatanga kushanda vese paBheteri rekuUnited States. Asi paakanga ava nemakore anenge 55 akabatwa nechirwere chinonzi Amyotrophic Lateral Sclerosis (ALS). Chirwere ichi chinoita kuti tsinga dzisashande zvakanaka kutozosvikira munhu asingachakwanisi kutaura kana kupfakanyika uye anozopedzisira afa. Paakangoziva kuti aiva nechirwere ichi, Karen akasarudza kushandisa nguva yake achiita zvinhu zvinokosha uye kubvisa pfungwa dzake padambudziko racho. Aiita nguva yakawanda achidzidza Bhaibheri ari ega uye achiparidza zvichienderana nezvaaikwanisa. Pazvakanga zvava kumuomera kuti ataure, akadzidzira kushandisa kombiyuta yaikwanisa kutaura mashoko ichitevedzera kufambisa kwaanenge achiita maziso. Achishandisa kombiyuta iyoyo aikwanisa kugadzirira mhinduro dzepamisangano uye kuparidza achishandisa tsamba. Imwe hanzvadzi inoshanda sanesi yaimubatsira yakati: “Aisamboti, ‘Nei zvakaitika kwandiri?’ Mavhiki maviri asati afa, akanyorera tsamba mumwe mukadzi wandinodzidza naye uye akapedzisa tsamba yacho nekuti, ‘Kana uchinzwa wakaremerwa uchida mumwe munhu wekutaura naye, ndiripo.’” Mumwe nesi akati: “Aisambonyunyuta nezvechirwere chake. Kunyange zvazvo aiziva kuti aisazopora akanga asingagari akasuwa, aiva nekutenda kwakasimba kuti aizomutswa uye tariro iyoyo yaimusimbisa. Aiziva kuti paachamutswa Jehovha achamupa utano hwakanaka uye achabvisa chivi.” Vana Karen vakaberekwa ari mapatya uye paakatanga kurwara mumwe wake akamubvunza kuti, “Uri kuwanepi ushingi hwakadai?” Karen akamupindura kuti: “Jehovha anokupa simba rekutsungirira.” Jehovha akamupa simba kusvikira paakazofa. Karen paakafa, murume wake akaendesa tsamba dzainge dzanyorwa nemudzimai wake Karen achinyorera hama neshamwari achivatenda nekuvakurudzira.

“Jehovha anokupa simba rekutsungirira.”—K. Oehm

13. Chii chinoita kuti ude kuramba chiratidza ushingi?

13 Chimboedza kufungidzira kufara kwatichaita kana panyika pava nerugare uye vakafa pavachamutswa. Fungidzirawo uchisangana nevarume nevakadzi vaiva neushingi vatakakurukura nezvavo mubhuku rino nevamwewo vatisina kukurura nezvavo! Pavakararama munyika yaSatani vanogona kunge vakatambura zvakanyanya uye kutourayiwa nemhaka yekuti vaida kuramba vakatendeka kuna Mwari. Asi pavachazomutswa munyika itsva unofunga kuti vachazvidemba here kuti vakasarudza kushumira Jehovha? Zviri pachena kuti havambozvidembi! Ko iwewe? Pauchange uchishanda navo muchibatsirana kugadzira nyika kuti ive paradhiso, unofunga kuti uchazombozvidemba here kuti wakaratidza ushingi uye kuti wakararama mumazuva ekupedzisira uchiratidza kuti unoda Jehovha? Kana, hauzombozvidembi! Saka tsunga kuramba uchiratidza ushingi kusvikira pamugumo. Ukadaro uchararama nekusingaperi uchifara nekuti ndizvo zvawakasarudza kuita!

Hama nehanzvadzi nevana vachifara muParadhiso. Vamwe vari kupa twiza chikafu, vamwe vari kunakidzwa nekuona kamhuka kanenge kakiti, vamwe vari kubika pitsa, vamwe vari kuita nyaya vamwe vachiridza zviridzwa.
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe