Shingai!
“Shingai ndokuti: ‘Jehovha ndiye mubetseri wangu.’”—VAHEBHERU 13:6, NW.
1. Hushingii hwakaratidzirwa naavo vakadzidza zvokwadi yaMwari muzana rokutanga ramakore N.V.?
RAKANGA riri zana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Mesia akamirirwa kwenguva refu akanga auya. Akanga adzidzisa vadzidzi vake zvakanaka uye akanga atanga basa rinokosha rokuparidzira. Yakanga yava nguva yokuti vanhu vanzwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nokudaro, varume navakadzi vakanga vadzidza zvokwadi noushingi vakazivisa shoko iroro rinoshamisa.—Mateo 28:19, 20.
2. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichida ushingi nhasi?
2 Umambo hahuna kugadzwa mumazuva iwayo. Asika Mambo Akagadzwa, Jesu Kristu, akanga aporofita pamusoro pokuvapo kwake kusingaoneki kwomunguva yemberi musimba roUmambo. Kwaizoratidzirwa nezvinhu zvakadai sehondo dzisina muenzaniso, nzara, nhenda, kudengenyeka kwapasi, uye kuparidzirwa munyika yose kwamashoko akanaka. (Mateo 24:3-14; Ruka 21:10, 11) SeZvapupu zvaJehovha, tinoda ushingi kuti tigonane nemigariro iyoyi nokutambudzwa kwatinowana. Naizvozvo kuchava kunobetsera kuti tirangarire nhauro dzeBhaibheri pamusoro pavazivisi voUmambo vane ushingi vomuzana rokutanga ramakore N.V.
Ushingi Hwokutevedzera Kristu
3. Ndiani anogovera muenzaniso wakanakisisa woushingi, uye chii chakataurwa nezvake pana VaHebheru 12:1-3?
3 Jesu Kristu anogovera muenzaniso wakanakisisa woushingi. Pashure pokududza ‘gore guru’ rezvapupu zvapamberi pechiKristu zvine ushingi zvaJehovha, muapostora Pauro akanangidzira ngwariro pana Jesu kupfurikidza nokuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pa[danda rokutambudzira, NW] nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.”—VaHebheru 12:1-3.
4. Jesu akaratidzira sei ushingi paakaedzwa naSatani?
4 Pashure porubhapatidzo rwake uye mazuva 40 okufungisisa, munyengetero, uye kuzvinyima zvokudya ari murenje, Jesu akashora Satani noushingi. Aedzwa naDhiabhorosi kuti ashandure matombo kuti ave chingwa, Jesu akaramba nemhaka yokuti kwakanga kusina kururama kuita nenji kuti agutse chishuvo chomunhu oga. “Kwakanyorwa kuchinzi,” akadaro Jesu, “Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” Apo Satani akamudenha kuti asvetuke pachiruvi chetembere, Jesu akaramba nemhaka yokuti kungadai kwakava chivi kuedza Mwari kuti amununure pakuzviuraya kunobvira. “Kwakanyorwawo,” Kristu akataura kudaro, “Usaidza [Jehovha, NW], Mwari wako.” Satani akamupa umambo hwose hwenyika nokuda kwe“chiito chokunamata” (NW) chimwe, asi Jesu haasati aizowa pakutenda ndokutsigira denho yaDhiabhorosi yokuti vanhu havasati vaizoramba vakatendeka kuna Mwari mumuedzo. Naizvozvo Jesu akazivisa, kuti: “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Namata [Jehovha, NW] Mwari wako, umushumire iye oga.’” Pana ikoko, Muedzi “akamusiya kusvikira imwe nguva.”—Mateo 4:1-11; Ruka 4:13.
5. Chii chinogona kutibetsera kukurira muedzo?
5 Jesu akanga achizviisa pasi paJehovha uye akanga achishora Satani. Kana nomutoo wakafanana ‘tikazviisa timene pasi paMwari ndokushora Dhiabhorosi, achatitiza.’ (Jakobho 4:7) Kufanana naJesu, tinogona noushingi kukurira muedzo kana tikashandisa Magwaro, zvichida kunyange kunokora mashoko panguva yatinoedzwa kuita chimwe chinhu chakaipa. Kungabvira here kuti tichatera kumuedzo woumbavha kana panguva iyoyo tikadzokorora kwatiri timene mutemo waMwari, unoti: “Usaba”? MaKristu maviri sezvingabvira angatera kuutere hwevatano here kana kunyange mumwe wawo noushingi akanokora mashoko, okuti: “Usaita upombwe”?—VaRoma 13:8-10; Eksodho 20:14, 15.
6. Jesu akanga ari mukundi wenyika ane ushingi sei?
6 SamaKristu anovengwa nenyika ino, tinogona kudzivisa mudzimu wayo nomufambiro wokutadza. Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.” (Johane 16:33) Akakunda nyika kupfurikidza nokusava akafanana nayo. Muenzaniso wake somukundi uye muuyo wenzira yake yokuchengeta perero zvinogona kutizadza noushingi hwokumutevedzera kupfurikidza nokuramba takaparadzana nenyika ino uye tisina kusvibiswa nayo.—Johane 17:16.
Ushingi Hwokuramba Tichiparidzira
7, 8. Chii chichatibetsera kuramba tichiparidzira pasinei zvapo nechitambudzo?
7 Jesu navadzidzi vake vakavimba naMwari nokuda kwoushingi hwokuramba vachiparidzira pasinei zvapo nechitambudzo. Kristu akaita ushumiri hwake noushingi pasinei zvapo nechitambudzo, uye pashure pePentekosta ya 33 N.V., vateveri vake vakatambudzwa vakapfuurira kuzivisa mashoko akanaka kunyange zvazvo vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakaedza kuvamisa. (Mabasa 4:18-20; 5:29) Vadzidzi vakanyengetera, kuti: “[Jehovha, NW] tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu vasingatongotyi.” Uye chii chakaitika? “Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi ikazununguswa,” inodaro nhauro yacho, “vakazadzwa vose no[mudzimu, NW] mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.”—Mabasa 4:24-31.
8 Sezvo voruzhinji vavanhu nhasi vasingagamuchiri mashoko akanaka, ushingi kazhinji kazhinji hunodikanwa kuramba tichiparidzira kwavari. Zvikurukuru pakutambudzwa, vabatiri vaJehovha vanoda ushingi hunopiwa naMwari kuti vape uchapupu hwakakwana. (Mabasa 2:40; 20:24) Naizvozvo muzivisi woUmambo ane ushingi Pauro akaudza mushandi biyake muduku, aiva noruzivo rwokuzviwanira rushomanene, kuti: “Nokuti Mwari haana kutipa [mudzimu, NW] wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora. Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kweEvhangeri nesimba raMwari.” (2 Timotio 1:7, 8) Kana tikanyengeterera ushingi, tichakwanisa kuramba tichiparidzira, uye kunyange chitambudzo hachisati chichizotibira mufaro wedu savazivisi voUmambo.—Mateo 5:10-12.
Ushingi Hwokutsigira Jehovha
9, 10. (a) VaJudha naVamarudzi vomuzana rokutanga ramakore vakaitei kuti vave vateveri vakabhapatidzwa vaKristu? (b) Nei kwakada ushingi kuva muKristu?
9 VaJudha naVamarudzi vazhinji vomuzana rokutanga ramakore noushingi vakasiya magamuchidzanwa asiri apamagwaro kuti vave vateveri vakabhapatidzwa vaKristu. Chinguvana pashure pePentekosta ya 33 N.V., “vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema; navaprista vazhinji vakagamuchira kutenda.” (Mabasa 6:7) VaJudha ivavo vakanga vane ushingi hwokugura zvisungo zvorudzidziso ndokugamuchira Jesu saMesia.
10 Kuvambira muna 36 N.V., Vamarudzi vazhinji vakava vadaviri. Apo Kornerio, mitezo yemhuri yake, uye vamwe Vamarudzi vakanzwa mashoko akanaka, vakakurumidza kuagamuchira, vakagamuchira mudzimu mutsvene, uye vaka“bhapatidzw[a] muzita raJesu Kristu.” (Mabasa 10:1-48) MuFiripi muchengeti wetorongo waVamarudzi nemhuri yake vakagamuchira chiKristu nokukurumidza, uye vaka“bhapatidzwa pakarepo.” (Mabasa 16:25-34) Ushingi hwaidikanwa kuita nhano dzakadaro nemhaka yokuti maKristu akanga ari vorushoma vanotambudzwa, vasingadikanwi. Vachakadaro. Asi kana usati waita tsauriro kuna Mwari ndokubhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, haisati yava nguva yokuti uite idzi nhano dzoushingi here?
Ushingi Mumhuri Dzakakamukana
11. Juniki naTimotio vakagovera mienzanisoi yakaisvonaka youshingi?
11 Juniki nomwanakomana wake Timotio vakagadza mienzaniso yakaisvonaka yokutenda kwoushingi mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso. Kunyange zvazvo Juniki akanga ane murume wechihedheni, akadzidzisa mwanakomana wake “manyoro matsvene” kubvira paucheche hwake. (2 Timotio 3:14-17) Pakuva muKristu, akaratidzira ‘kutenda kusina unyengeri hupi nohupi.’ (2 Timotio 1:5) Akanga anewo ushingi hwokupa kudzidzisa kwechiKristu kuna Timotio nepo airatidza ruremekedzo nokuda kwoumusoro hwomurume wake asingatendi. Zvirokwazvo, kutenda kwake noushingi zvakatuswa apo mwanakomana wake akasanodzidziswa akasarudzwa kuperekedza Pauro panzendo dzoufundisi. Ikoku kunogona sei kukurudzira vabereki vechiKristu vanozviwana vamene vari mumigariro yakafanana!
12. Timotio akava rudzii rwomunhu, uye ndivanaani zvino vari kubvumikisa kuva vakafanana naye?
12 Kunyange zvazvo Timotio aigara mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso, noushingi akagamuchira chiKristu ndokuva munhu womudzimu nezvake Pauro aigona, kuti: “Muna Ishe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handino mumwe munhu uno mwoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu. . . . Asi munoziva kutendeka kwake, kuti wakabata pamwe chete neni paEvhangeri, somwana unobatira baba vake.” (VaFiripi 2:19-22) Nhasi, vakomana navasikana vazhinji vari mumisha yakakamukana mune zvorudzidziso noushingi vanogamuchira chiKristu chechokwadi. Kufanana naTimotio vari kupa chibvumikiso chavo vamene, uye tinofara sei kuti rutivi rwesangano raJehovha!
Ushingi Hwo‘kupinzaMungozi Upenyu Hwedu’
13. Akwira naPrisira vakaratidzira ushingi munzirai?
13 Akwira nomudzimai wake, Prisira (Priska), vakagadza muenzaniso kupfurikidza ‘nokupinza mungozi upenyu hwavo’ noushingi nokuda kwomutendi biyavo. Vakagamuchira Pauro mumusha mavo, vakashanda naye mukugadzira matende, uye vakamubetsera kuvaka ungano itsva muKorinte. (Mabasa 18:1-4) Mukati moushamwari hwavo hwamakore 15, vakatoisa upenyu hwavo mungozi nokuda kwake munzira isingaziviswi. Vakanga vachigara muRoma apo akaudza maKristu aivako, kuti: “Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu, vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingaongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.”—VaRoma 16:3, 4.
14. Kupfurikidza nokupinza mungozi upenyu hwavo nokuda kwaPauro, Akwira naPriska vakanga vachiita mutsinhirano nomurairoi?
14 Kupfurikidza nokupinza upenyu hwavo mungozi nokuda kwaPauro, Akwira naPriska vakaita mukuwirirana namashoko aJesu, anoti: “Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo.” (Johane 13:34) Uyu murairo wakanga uri “mutsva” mukuti wakapfuura chinodikanwa choMutemo waMosesi chokuti munhu ade muvakidzani wake sokuda kwaaizviita amene. (Revhitiko 19:18) Waida rudo rwokuzvibaira rwaizosvika pakupa upenyu hwako nokuda kwavamwe, seizvo Jesu akaita. Munyori Tertullian wezana ramakore rechipiri nerechitatu N.V. akanokora mashoko avanhu venyika pamusoro pamaKristu apo akanyora, kuti: “‘Onai,’ ivo vanoti, ‘vanodana sei . . . uye vakatogadzirira sei kufirana.’” (Apology, ganhuro XXXIX, 7) Zvikurukuru pakati pechitambudzo ngative nomusengwa wokuratidzira rudo rwouhama kupfurikidza nokuisa upenyu hwedu mungozi noushingi kuti tidzivise kuratidzira vatendi biyedu kuutsinye kana kuti rufu pamaoko omuvengi.—1 Johane 3:16.
Ushingi Hunounza Mufaro
15, 16. Sezvinoratidzwa muna Mabasa ganhuro 16, ushingi nomufaro zvingabatanidzwa sei?
15 Pauro naSirasi vanogovera ufakazi hwokuti kuratidzira ushingi pakati pemiedzo kunogona kuunza mufaro. Kupfurikidza nokuraira kwavanamejasitiriti muguta reFiripo, vakarohwa pachena neshamhu ndokuiswa muzvitokisi zvetorongo. Bva, havana kudzokera shure murutyo nomutoo wokuora mwoyo. Pasinei zvapo nemigariro yavo inotambudza, vakanga vachine ushingi hwakapiwa naMwari uye mufaro wahunounza kumaKristu akatendeka.
16 Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachirumbidza Mwari nenziyo. Kamwe kamwe, kudengenyeka kwapasi kwakazunungusa torongo, kwakasunungura zvisungo zvavo, uye kwakavhura masuo. Murindi wetorongo akatyiswa nemhuri yake vakapiwa uchapupu hwoushingi hwakatungamirira kukubhapatidzwa kwavo savabatiri vaJehovha. Iye amene “akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari.” (Mabasa 16:16-34) Ikoku kunofanira kuva kwakaunzira Pauro naSirasi mufaro wakadini! Tarangarira iwoyu nemimwe mienzaniso yapaMagwaro youshingi, tinogona sei kuramba tine ushingi savabatiri vaJehovha?
Pfuurirai Kushinga
17. Sezvinoratidzwa muPisarema 27, kuvimba naJehovha kwakabatana sei noushingi?
17 Kuvimba naJehovha kuchatibetsera kuramba tine ushingi. Dhavhidhi akaimba, kuti: “Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; ndinoti, rindira Jehovha.” (Pisarema 27:14) Pisarema 27 rinoratidza kuti Dhavhidhi aivimba naJehovha se“simba” roupenyu hwake. (Ndima 1) Kuona kuti Mwari akabata sei navavengi vaDhavhidhi munguva yakapfuura kwakamupa ushingi. (Ndima 2, 3) Kuonga nzvimbo yapakati yaJehovha yokunamatira chakanga chiri chimwe chinhu. (Ndima 4) Kuvimba nebetsero yaJehovha, dziviriro, uye kusunungurwa kwakavakawo ushingi hwaDhavhidhi. (Ndima 5-10) Waibetserawo wakanga uri murairidzo unopfuurira munheyo dzenzira yakarurama yaJehovha. (Ndima 11) Munyengetero wokuvimba wokununurwa muvavengi vake, pamwe chete nokutenda netariro, zvakabetsera Dhavhidhi kuva noushingi. (Ndima 12-14) Tinogona kuvaka ushingi hwedu munzira dzakafanana, nokudaro tichiratidza kuti tino“rindira Jehovha” chaizvoizvo.
18. (a) Chii chinoratidza kuti songanirano yenguva dzose navanamati biyedu vaJehovha inogona kutibetsera kuramba tine ushingi? (b) Misangano yechiKristu inoita rutivii mukuvaka ushingi?
18 Songanirano yenguva dzose navanamati biyedu vaJehovha inogona kutibetsera kuramba takashinga. Apo Pauro akakwirira kuna Kesari uye achienda kuRoma, vatendi biyake vakasangana naye paMusika weApio Foro napaTabherne Nhatu. “Akati adziona idzo,” inodaro nhauro yacho, Pauro “akaonga Mwari, akatsunga mwoyo.” (Mabasa 28:15) Sezvatinopinda misangano yechiKristu nguva dzose, tiri kuteerera zano raPauro, rokuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Kukurudzirana kunorevei? Kukurudzira kunoreva “kunyandura noushingi, mudzimu, kana kuti tariro.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Tinogona kuita zvizhinji kunyandura mamwe maKristu noushingi, uye kurudziro yawo nenzira yakafanana inogona kuvaka iri vara matiri.
19. Magwaro nezvinyorwa zvechiKristu zvakabatana sei nokuramba kwedu tine ushingi?
19 Kuti tirambe tine ushingi, tinofanira kufunda Shoko raMwari nguva dzose ndokushandisa zano raro muupenyu hwedu. (Dheuteronomio 31:9-12; Joshua 1:8) Fundo yedu yenguva dzose inofanira kubatanidza zvinyorwa zvechiKristu zvakavakirwa paMagwaro, nokuti zano rakanaka rinonzarwozvo kugoverwa richatibetsera kusangana nemiedzo yokutenda noushingi hwakapiwa naMwari. Munhauro dzeBhaibheri, taona kuti vabatiri vaJehovha vave vane ushingi sei mumigariro yakasiana-siana. Iye zvino, tingasaziva kuti mashoko akadaro anogona kutibetsera sei, asi Shoko raMwari rine simba, uye zvatinodzidza mariri zvinogona kutibetsera nguva dzose. (VaHebheru 4:12) Somuenzaniso, kana kutya munhu kukavamba kutapura ushumiri hwedu, tingayeuka kuti Enoki akanga ane ushingi hwokupa mashoko aMwari kuvasina umwari.—Judhasi 14, 15.
20. Nei kuchigona kutaurwa kuti munyengetero unokosha kana tichizoramba tine ushingi savabatiri vaJehovha?
20 Kuti tirambe tine ushingi savabatiri vaJehovha, tinofanira kupfuurira kunyengetera. (VaRoma 12:12) Jesu akatsungirira miedzo yake noushingi nemhaka yokuti “wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 5:7) Kupfurikidza nokugara pedyo naMwari mumunyengetero, hatisati tichizova vakafanana nembwende dzenyika dzakatemerwa kutambura “rufu rwechipiri” urwo rwusina rumuko. (Zvakazarurwa 21:8) Dziviriro youmwari noupenyu munyika itsva yaMwari ndezvavabatiri vake vane ushingi.
21. Nei Zvapupu zvakavimbika zvaJehovha zvichigona kuva zvine ushingi?
21 SeZvapupu zvakavimbika zvaJehovha, hatifaniri kutya vavengi voudhemoni nevohunhu, nokuti tine tsigiro yaMwari nomuenzaniso waJesu woushingi somukundi wenyika. Songanirano inovaka mumudzimu navanhu vaJehovha nenzira yakafanana inotibetsera kuva vane ushingi. Ushingi hwedu hunovakwawo kupfurikidza nenhungamiro nezano zvaMagwaro nezvinyorwa zvechiKristu. Uye nhauro dzeBhaibheri dzavabatiri vaMwari vomunguva yakapfuura dzinotibetsera kufamba munzira dzake noushingi. Muano mazuva okupedzisira anotambudza, naizvozvo, ngatipfuurirei mberi noushingi mubasa rinoyera. Hungu, vanhu vose vaJehovha ngavashinge!
Waizopindura Sei?
◻ Muenzaniso waJesu unogona sei kutizadza noushingi?
◻ Chii chakapa Jesu navadzidzi vake ushingi hwokuramba vachiparidzira?
◻ Nei vaJudha naVamarudzi vaida ushingi kutsigira Jehovha?
◻ Mienzanisoi youshingi yakagoverwa naJuniki naTimotio?
◻ Hufakazii huripo hwokuti ushingi hunounza mufaro kunyange pakati pechitambudzo?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kufanana naJesu, tinogona kukurira muedzo kana tikashandisa ndokunokora mashoko Magwaro