54 MUAPOSTORA JOHANI
Akaratidza Ushingi Panguva Dzakaoma
MUAPOSTORA JOHANI akanyora kuti: “Ino iawa yekupedzisira.” Johani ndiye akanga ari muapostora akanga asara pavaapostora vaJesu, uye akanga akwegura. Saka akanga ava kutoona kuti ava pedyo nekufa. Makore akawanda akanga adarika, Jesu nemuapostora Pauro vakanga vambopa yambiro yekuti vanhu vakawanda vaizotsauka pakutenda. Vaapostora ndivo vaitobatsira kuti ungano isanyanyokanganiswa nevanhu vakatsauka pakutenda, asi pashure pekunge vese vafa, vadzidzisi venhema vaizokanganisa ungano. (Mat. 7:15; Mab. 20:29, 30; 2 VaT. 2:6, 7) Zvinoita sekuti Johani ndiye akanga asara pavaapostora ivavo. Fungidzira kuti Johani ainzwa sei panguva iyoyo yakaoma paaiona vanhu vakatsauka pakutenda vachiramba vachiwedzera muungano. Asi pasinei nezvese izvi, Johani akaramba akashinga uye haana kurasa tariro.
Johani paakanga akwegura akatambudzwa akasungwa pachitsuwa chePatmosi uye akaona vadzidzisi venhema vachitanga kupinda muungano. Nezera raakanga ava akakwanisa sei kutsungirira zvese izvi?
Johani akaramba achishanda nesimba kutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu kunyange paakanga ava kumakore ekuma90. Izvozvo ndizvo zvakaita kuti hurumende yeRoma imusunge uye imuendese kuchitsuwa chePatmosi, nzvimbo yaiva kwayo yega uye yaiva nematombo matombo. Chii chakabatsira Johani kuti arambe aine tariro? Anogona kunge akasimbiswa nekuyeuka mashoko akataurwa naJesu kuvadzidzi vake ekuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvika pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:20.
Johani anofanira kunge akafara paakaona Jesu uye kunzwa achitaura naye pashure pemakore 60 kubva paakanga adzokera kudenga. Jesu akapa Johani zvinhu zvaakazarurirwa naJehovha Mwari. Akamuratidza zvaizoitika “muzuva raShe” apo vanhu vaMwari vaizonamata Jehovha zvakare nenzira yaanoda. Jesu akamuratidzawo kuti aizobatsira vanhu vaMwari kuti varambe vakavimbika pasinei nezvaizoedza kuitwa naSatani.
Akamupa zvakazarurwa izvozvo achiita ‘zvekumuratidza,’ uye Johani anofanira kunge aine zvakawanda zvaasina kunzwisisa pane zvaakaratidzwa. Asi pane chinhu chimwe chete chakanyatsomujekera chekuti: Jehovha naJesu vaisazombosiya vaya vaiparadzira dzidziso dzenhema vachiramba vachibudirira. Muzuva raShe, vanhu vaMwari vaizowanda uye Jehovha aizovapa makomborero akawanda. Kudenga kwaizorwiwa hondo uye Satani aizokundwa okandwa panyika, uye pakupedzisira Satani aizoparadzwa zvachose. Johani akanyora “zvinhu zvese zvaakaona,” uye zvinhu izvozvo zvinofanira kunge zvakaita kuti awedzere kuva neushingi.
Johani paaive akasungwa pachitsuwa chePatmosi, zvinhu zvinofanira kunge zvainge zvakamuomera. Asi izvozvo hazvina kumushayisa mufaro uye hazvina kumutadzisa kuramba achida Jehovha. Johani paakasungwa, Domitian ndiye aiva Mambo weRoma, uye aipikisa vaKristu nekuvatambudza zvine utsinye. Asi zvinoita sekuti paakazofa, Johani akabva asunungurwa. Johani paakabva pachitsuwa chePatmosi, anogona kunge akaenda kunogara kuEfeso. Asi paakanga ava nemakore anenge 100, akapiwa rimwe basa idzva rainge rakaoma.
Jehovha akaita kuti Johani anyore bhuku rechi4 rinotaura nezvenhoroondo yeupenyu hwaJesu paaive panyika. Johani aiziva kuti mashoko aaizonyora aizokurumidza kusvika kuungano dzakasiyana-siyana uye mashoko iwayo aizoita kuti vaKristu vawedzere kuva nekutenda muna Jesu uye vova neushingi hwekutsungirira matambudziko avaisangana nawo. Aizivawo kuti mashoko iwayo aizoita kuti vaya vaivenga vaKristu vatowedzera kuvavenga. Asi Johani haana kurega izvozvo zvichiita kuti adzokere kumashure.
Kunyange zvazvo pakanga papfuura makore anenge 70 kubva Jesu paakadzokera kudenga, Johani akaona kuti mweya mutsvene waimubatsira kunyatsoyeuka zvakanga zvataurwa naJesu uye zvaakanga aita paakanga achiri panyika pano. Akanyatsodonongodza zvakaitika muupenyu hwaJesu uye zvakawanda zvacho zvakanga zvisina kumbonyorwa mune dzimwe evhangeri nhatu. Semuenzaniso, Johani ndiye ega akataura nezvekumutswa kwaRazaro uye kuti paakanga amutswa vatungamiriri vechitendero vakanga vava kuronga kuda kumuuraya. (Joh. 11:1-46; 12:10) Johani akanyora mashoko akawanda akataurwa naJesu kuvadzidzi vake uye kuvanyengeterera kwaakaita usiku hwaakazotengeswa. Tinotenda kuti Johani akatiudza mashoko ese iwayo anokurudzira!
Jehovha akazofemerawo Johani kuti anyore dzimwe tsamba 3 kuti akurudzire hama nehanzvadzi dzake. Akaratidza ushingi nekufumura vanhu vakatsauka pakutenda vairamba vachiwedzera panguva iyoyo achiyambira vaKristu kuti vasatomboshamwaridzana navo kana kutombovakwazisa. Tsamba idzodzo dzaivakurudzira kuva nerudo uye tariro. Johani akavadzidzisawo kuti “Mwari rudo,” uye akanyatsozviratidza mumashoko anokurudzira aakavanyorera uye mazano aakavapa. Akanyorawo achiratidza kufara kwaaiita nekuti vanhu vaakadzidzisa chokwadi vairamba ‘vachifamba muchokwadi.’ Mashoko iwayo anofanira kunge akakurudzira vakawanda vavo kuti varambe vachifamba muchokwadi.
VaKristu vemazuva ano havafaniri havo kunyanya kunetseka kuti vanhu vakatsauka pakutenda vacharamba vachiwedzera sezvavaiita panguva yaJohani. Johani paakafa, vanhu vakatsauka pakutenda vakaramba vachiwedzera uye vakaramba vachisvibisa kunamata kwakachena. Asi Jehovha akavimbisa kuti izvozvo hazvisi kuzombofa zvakaitika zvakare. (Isa. 54:17; Mab. 3:21) Kufanana naJohani, tinogonawo kutambudzwa kunyange kutoiswa mujeri. Kunyange kana izvozvo zvikaitika, tinofanira kutevedzera zvakaitwa naJohani. Pasinei nezvingaitika, ngatitsungei kuramba tichifamba naMwari neushingi!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Johani akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Chii chinoratidza kuti Johani aiva neushingi uye aishanda nesimba? (bt 33, bhokisi ¶3-4)
2. Nei Johani ainzi ‘aiva munhu asina kudzidza’? (Mab. 4:13; w08 5/15 30 ¶6-wcgr)
3. Johani akaramba aripo kusvikira Jesu auya pakuti kudii? (w05 1/15 13 ¶14-15-wcgr)
4. Nei tichiti Johani ndiye akanyora Evhangeri ine zita rake? (it “Mashoko Akanaka Akataurwa naJohani” ¶2-8-wcgr) Ona mufananidzo A
Fondation Martin Bodmer, Cologny (Genève)
Mufananidzo A: Kachikamu kerugwaro rwunenge rwakanyorwa mugore ra200 C.E. kakanyorwa kuti “Mashoko Akanaka Akataurwa naJohani”
Zvidzidzo Zvatinowana
Mumabhuku akanyorwa naJohani achifemerwa akataura kanodarika ka100 mashoko ane chekuita nechibayiro chaJesu cherudzikinuro kana kuti kubatsirwa kwatinoitwa nechibayiro ichocho. Saka isusuwo tingaratidza sei kuti tinokoshesa kufirwa kwatakaitwa naJesu?
Johani anofanira kunge akanga ava kumakore ekuma90 paakafemerwa kuti anyore mabhuku mashanu ari muBhaibheri. Izvi zvinotidzidzisei nezvemaonero anoita Jehovha vanhu vakwegura? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJohani?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Nei zvichikufadza kuti Johani akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Hama nehanzvadzi dzakura dzinokwanisawo kutevedzera ushingi hwakaratidzwa naJohani here?
Johani akanyanya kutaura nezverudo. Ona kuti tinodzidzei kubva pane zvaakaita uye zvaakanyora.