MASHOKO EKUSUMA
Unogona Kuwedzera Kuva Neushingi!
1-3. Nei zvaida ushingi kuti Jesu ataure kuti: “Simukai tiende?”
“SIMUKAI tiende.” Unofunga kuti pane mumwe munhu akambotaura mashoko anoratidza ushingi zvakadaro here? Asi pamwe ungashamisika kuti mashoko iwayo anoratidza ushingi pakuti kudii. Tinowana mhinduro yacho kana tikaziva kuti ndiani akataura mashoko acho uye kuti akaataura zvaita sei.—Mat. 26:46.
“Simukai tiende.”—Mat. 26:46
2 Jesu ndiye akataura mashoko iwayo achiudza vateveri vake vakatendeka. Aka kainge kasiri kekutanga kutaura mashoko iwayo. (Joh. 14:31) Asi musi uyu paakaataura zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka. Ainge ari mubindu raiva mujinga megomo tangoti budei muJerusarema. Hwaiva usiku kuine jenaguru, uye Jesu aiziva kuti mhomho yevanhu yaiva nezvombo yaiuya kuzomutsvaga. Aiziva kuti vaimutsvagirei. Ainge atarisana nemuedzo wakakura chaizvo. Hapana munhu wenyama akanga ambosangana nemuedzo wakadaro. Uye aiziva kuti aizofanira kuutsungirira pasina anomubatsira.
3 Jesu haana kuda kuedza kunzvenga muedzo wacho. Haana kukumbira ngirozi dzine simba kuti dzimuchengetedze, kunyange zvazvo aikwanisa kuzviita. (Mat. 26:53) Asi akangoti: “Simukai tiende.” Jesu aida kuenda kupi? Aida kuenda kunoonana nevavengi vake avo vaida kumutambudza uye kumuuraya. Aizvikandirei mumukanwa meshumba kudaro? Nekuti aida Baba vake uyewo aida vateveri vake.
4-5. Kana zvichinzi munhu ane ushingi zvinorevei, uye nei tichifanira kuva neushingi?
4 Saka tinogona kutaura kuti hapana mumwe munhu akamborarama panyika akaratidza ushingi hwakafanana nehwaiva naJesu. Uri muteveri waJesu here? Kana uri muteveri wake, zvinoratidza kuti newewo une ushingi. SevaKristu vechokwadi tinotofanira kuva neushingi nekuti tiri kurarama panguva yakaoma uye pane zvinhu zvakawanda zvinotyisa zviri kuitika.
5 Kana zvichinzi munhu ane ushingi zvinomborevei? Vamwe vanhu vanofunga kuti kuva neushingi zvinoreva kusatya chero chii zvacho, kuzvipinza munjodzi yawaigona kudzivisa, kana kuti kuzvinyengera uchifunga kuti hapana chingakuwana. Uyewo vamwe vanofunga kuti zvinoreva kuva nezvivindi zvisina nebasa uchiita zvinhu zvinokuvadzisa. (Pis. 11:5) Izvozvo handizvo zvakaitwa naJesu. Munhu ane ushingi hwechokwadi hwakafanana nehwakaratidzwa naJesu, munhu anoita zvinodiwa naMwari kunyange pazvinenge zvisiri nyore uye pazvinenge zvichityisa.
Unogona Kuva Neushingi Sehwaiva naJesu!
6. Kana tichiona sekuti tinomboshaiwa ushingi, zvakataurwa naJesu kuvadzidzi vake zvingatinyaradza sei?
6 Pamwe unombonetseka kuti kana ukasangana nemuedzo uchakwanisa kuratidza ushingi sezvakaitwa naJesu here. Kana zvakadaro, ziva kuti Jesu munhu anonzwisisa. Jehovha naJesu havambofe vakatitarisira kuti tiite zvatisingakwanise. (Pis. 103:14; Joh. 14:9) Semuenzaniso, usiku hwavaiva mubindu reGetsemane Jesu akakumbira vadzidzi vake kuti varambe vakamuka pamwe chete naye, asi vaikurirwa nehope. Kunyange zvakadaro, Jesu akataura navo zvakanaka-naka achiti: “Mweya unoda zvawo, asi nyama haina simba.” (Mat. 26:41) Aiziva kuti pane zvaivaomera, uye anozvizivawo kuti pane zvinokuomera.
7-8. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevateveri vake?
7 Jesu akaratidzawo kuti aivimba nevateveri vake. Chimbofungidzira kuti vadzidzi vaJesu vakanzwa sei Jesu paakavaudza kuti: “Shingai! Ini ndakunda nyika.” (Joh. 16:33) Aizviziva kuti vaizoratidzawo ushingi sezvaakanga aita, uye ndozvavakazoita. Jesu akataura kakawanda kuti “shingai.” Akazvitaura achiudza munhu ainge akaoma mutezo asati amuudza kuti zvivi zvake zvakanga zvaregererwa. (Mat. 9:2) Akazvitaura achiudza mukadzi waakanga aporesa aiva nechirwere chaitambudza. (Mat. 9:22) Akazvitaura kuvadzidzi vake, achivasimbisa pavakanga vava kutya dutu. (Mat. 14:27) Uye paakanga ava kudenga akataura mashoko akada kufanana naiwayo, achiudza muapostora Pauro paakanga apotsa aitwa kanyama kanyama nevanhu vaimuvenga.—Mab. 23:9-11.
8 Saka zvinoita sekuti Mambo wedu Jesu ari kutiudzawo mashoko iwayo. Anoda kuti ‘ushinge’! Anozviziva kuti unozvigona. Baba vake, Jehovha, vakakupa zvese zvaunoda kuti ushinge.
Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiwedzere Kuva Neushingi?
9. Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tiwedzere kuva neushingi?
9 MuBhaibheri, Jehovha anotiudza nezvevanhu vakawanda vatinogona kutevedzera kuti tiwedzere kuva neushingi. Nyaya dzirimo ndedzevanhu vemazera akasiyana-siyana vakasangana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Vese ‘vaingovawo vanhu sesu,’ sezvainge zvakaita muprofita Eriya. (Jak. 5:17) Kungofanana nesu vaivawo nechivi, vane zvavakanga vasingakwanise kuita uye vanewo zvavaitya. Uye vakasanganawo nematambudziko nenjodzi dzakasiyana-siyana. Asi saJesu vakakunda. Vakaratidza ushingi uye zvavakaita zvinotikurudzirawo mazuva ano.
10-11. Bhuku rino rinokubatsira sei, uye ungarishandisa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Ungashandisa Sei Bhuku Rino Pakudzidza Uri Wega Uye Pakuita Kunamata Kwemhuri?”)
10 Bhuku rino rakagadzirirwa kuti rikubatsire kuwedzera kuva neushingi. Muzvitsauko 54 zviri mubhuku rino, uchaona kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vaivawo nechivi sewe kuti vave neushingi. Saka verenga nyaya imwe neimwe wonyatsotsvakurudza kuti uwedzere kunzwisisa munhu anotaurwa munyaya iyoyo. Pauchaita izvozvo uchawedzera kuziva varume nevakadzi ivavo.
11 Dai zvavakaita zvikakubatsira kuti uwedzere kuva neushingi hwekutsungirira matambudziko aungasangana nawo ‘mumazuva ano ekupedzisira.’ (2 Tim. 3:1) Zuva rimwe nerimwe ngatiyeukei vimbiso yaJehovha yekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” Sezvakataurwa naPauro mashoko iwayo anotibatsira kuti “tive vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.’”—VaH. 13:5, 6.