RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 53 pp. 236-241
  • “Ndinokukurudzirai Kuti Mushinge”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinokukurudzirai Kuti Mushinge”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu reZvapupu zvaJehovha Nemutariri Wedunhu ra2025-2026
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu Nemumiririri Webazi ra2025-2026
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 53 pp. 236-241

53 PAURO

“Ndinokukurudzirai Kuti Mushinge”

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

JESU akaudza Sauro wekuTaso kuti aizosangana “nematambudziko akawanda,” paaizoita basa rekuparidza mashoko akanaka. Izvi ndizvo chaizvo zvakazoitika. Padarika makore anenge 20, Sauro, uyo akazozivikanwa semuapostora Pauro, akanyorera vaKorinde tsamba yake yechipiri. Panguva yaakanyora tsamba iyoyo, akanga ‘arohwa kasingaverengeki, uye apotswa nerufu kakawanda.’ Akaponawo panjodzi dzengarava katatu kese uye pane imwe yenjodzi dzacho akaita zuva rese neusiku hwese ari mugungwa. Asi hazvina kuperera ipapo, pane imwe njodzi yengarava yaaizosangana nayo.

Pauro akanga atova nemakore maviri ari musungwa muKesariya, nekuti pane mumwe mutongi aida kupiwa chiokomuhomwe. Mutongi iyeye paakatsiviwa nemumwe, Pauro akakumbira kukwidza nyaya yake kuna Kesari. Saka Pauro akabva akwidzwa mungarava yaienda kuRoma, rwendo rwemakiromita anenge 3 000. Ruka “chiremba anodiwa” nemumwe muKristu ainzi Aristako, vakaenda pamwe chete naPauro.—VaK. 4:14.

Pavakasvika pachiteshi chezvikepe cheMaira chiri kuAsia Minor, mukuru weuto reRoma ainzi Juriyasi akabva akwidza vasungwa ngarava yekuIjipiti yaitakura gorosi ichienda kuItari. Ngarava yacho payakatanga kufamba, pakava nemhepo yakasimba yaitadzisa ngarava yacho kunyatsofamba zvakanaka. Ruka anotaura kaviri kuti ngarava yacho yaifamba “ichiita zvekutamburira.” Vakazosvika panzvimbo yainzi Pekuzororera Pakanaka, uye Pauro akaona kuti zvainge zvakanaka kuti varambe vari ipapo kusvikira chando chapfuura nekuti kudai vaizopfuurira nerwendo, vaizosangana nenjodzi yakakura.

Pauro akava neushingi hwekutaura. Akayambira Juriyasi kuti vakaramba vachifamba ngarava yacho ‘yaizoparara uye vaizorasikirwa nezvinhu zvakawanda.’ Asi Juriyasi haana kuteerera zvaakaudzwa naPauro. Akateerera zvaakaudzwa nevarume vaifambisa ngarava. Asi Juriyasi akazozvidemba nezvaakanga asarudza. Ruka akati, “Kwakauya mhepo yakasimba . . . ikarova ngarava yacho.” Pasina nguva, mhepo yacho yakatanga kuwedzera simba ichikonzera “mafungu anotyisa.” Vakaita mazuva akawanda vachisundwa zvakasimba nedutu. Vafambisi vengarava vakatanga kukanda zvimwe zvinhu mumvura vachiedza kuita kuti ngarava yacho irerukirwe. Dutu iri rakaramba riripo kwemavhiki maviri uye kwemazuva hapana kana munhu akakanda chinhu mukanwa. Ruka anoti panguva iyoyo “munhu wese akanga ari mungarava akafunga kuti ava kufa.”

Pauro paaiva musungwa ari mungarava akabatsira vanhu vaaiva navo kuti vapone pakaitika dutu

Iye zvino vakanga vava parumananzombe. Asi Pauro akataura nechivimbo kuti: “Ndinokukurudzirai kuti mushinge.” Akabva ati: “Hapana kana mumwe wenyu achaparara, kunze kwengarava chete.” Vamwe vafambisi vengarava vakaedza kutiza vachishandisa tubhoti tudiki, asi Pauro akavayambira kuti vanhu vakawanda vaizofa kana vakadaro. Saka tambo dzainge dzakasunganidza tubhoti twacho pangarava dzakabva dzadamburwa kuitira kuti pasava neanopindamo.

Pauro ari mungarava iri kusundwa nedutu uye ari kuudza varume vari kufambisa ngarava vari kutya kuti vasatizira mukabhoti kadiki.

Mangwanani-ngwanani zuva risati rabuda, Pauro akaudza vanhu vese vaiva mungarava kuti vadye zvekudya zvavaiva nazvo mungarava. Akavaudza kuti: “Hapana kana mumwe wenyu acharasikirwa nebvudzi remumusoro make.” Asi vasati vadya, Pauro akatanga anyengetera. Vakabva vadya chingwa uye vakazokanda gorosi rakanga rasara mumvura. Zvakaitwa naPauro zvakaita kuti vave neushingi. Ruka anoti: “Vese vakanzwa vasimbiswa.” Zuva parakanga rava kubuda, ngarava yacho yakarovera pamatombo aiva pasi pemvura, pedyo nemahombekombe uye mafungu akaita kuti itange kupwanyika. Kunyange zvazvo ngarava yacho yakaparara, zvakataurwa naPauro zvakaitika. “Vese vakasvika pachitsuwa zvakanaka.”

Pauro nevamwe vese vari mungarava vari kusvetukira mugungwa ngarava painotanga kupwanyika. Vanoshambira vakananga pachitsuwa cheMarita chiri pedyo.

Vakazoona kuti vaiva pachitsuwa cheMarita. Pauro nevamwe vake havana kumbononozeka, vakabva vatotanga basa rekuparidza. Mwari akaita kuti Pauro aite zvishamiso pachitsuwa ichocho. Vanhu vakawanda vaigara pachitsuwa ichi vakavabata zvakanaka uye vakavapa zvipo zvakawanda.

Pauro akaramba achiratidza ushingi. Paakazosvika kuRoma akaita makore maviri akasungwa akachengetwa nemurindi. Asi akaramba achiparidza uye achinyora tsamba dzakafemerwa. Paakasunungurwa, akaramba achiparidza akasununguka. Asi pashure pemakore mashoma, akasungwazve kuRoma uye aka ndiko kakanga kari kekupedzisira kuti asungwe. Zvinoita sekuti vaRoma vakazouraya muapostora uyu aiva akatendeka uye aiva neushingi. Kunyange zvakadaro, Pauro aisatya kufa nekuti aiziva kuti Jehovha aizomumutsa uye aizoparadza rufu zvachose. (1 VaK. 15:26) Nguva yaMwari payaizokwana, Pauro aizopiwa mubayiro waakanga avimbiswa weupenyu husingaperi ari kudenga, achishumira samambo uye mupristi pamwe chete naJesu Kristu.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Mabasa 9:16; 24:​24-27; 25:11; 27:​1-44; 28:​1-10, 16, 30, 31

  • 2 VaKorinde 11:​23-27

  • 2 Timoti 1:​16, 17; 4:​6-8

Mubvunzo wekukurukura:

Pauro akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Nei Sauro akasarudza kushandisa zita rechiRoma rekuti Pauro? (w08 3/1 12 ¶4-5-wcgr)

  2. 2. Makore 9 anobatanidza nguva yakadzokera Pauro kuTaso uye yaakatamira kuAndiyoki anonzi “makore asingataurwi nezvawo.” Matambudziko api aangangodaro akasangana nawo panguva iyoyo? (w00 7/15 26-27, bhokisi ¶3-4-wcgr)

  3. 3. Nei Pauro akaudza Juriyasi kuti vambomira kupfuurira nerwendo rwavo rwekuenda kuItari? (Mab. 27:​9, 10; wp17.5 9 ¶3-4-wcgr) Ona mufananidzo A

    Mufananidzo A: Ngarava yaishandiswa pakutakura zvinhu yakada kufanana neyakakwira Pauro paMaira

  4. 4. Nei vanhu vekuMarita vakataura nezvaPauro vachiti: “Murume uyu imhondi”? (Mab. 28:4; w15 10/1 9 ¶5-6-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Pauro akaudza varume vaaiva navo mungarava kuti Mwari aizovabatsira uye kuti ‘hapana kana mumwe wavo aizorasikirwa nebvudzi remumusoro make.’ (Mab. 27:​22, 34) Izvi zvinokudzidzisei nezvemashandisiro anoita Jehovha simba rake, uye zvinoita kuti uone sei basa rekuparidza?

  • Pashure pekunge Pauro anyengetera, vanhu vese vaiva mungarava “vakanzwa vasimbiswa.” (Mab. 27:​35, 36) Minyengetero yedu inogona kusimbisa vanhu vanenge vari mumamiriro ezvinhu akaita sei? Ona mufananidzo B

    Mifananidzo: Hama nehanzvadzi mbiri vari kunyengeterera vamwe. Mifananidzo inotevera iri kuratidza zviri kuitika. Hama iri kunyengeterera imwe hama ine maronda yakarara pamubhedha muchipatara. Amai vakapfugama vachinyengeterera vana vavo vasati vaenda kuchikoro. Hanzvadzi yechidiki iri kunyengetera yakagara. Patablet payo pane nyaya yepajw.org yehama nehanzvadzi dzakasungirwa kutenda kwadzo.

    Mufananidzo B

  • Ungatevedzera sei ushingi hwakaratidzwa naPauro munyaya iyi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvii zvawadzidza nezvaPauro munyaya iyi zvinoita kuti ufare kuziva kuti akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?

Dzidza Zvimwe

Ona kuti nei ngarava dzaikosha munguva yaPauro uye kuti dzakashandiswa sei pakuita kuti mashoko akanaka apararire.

“Panjodzi Mugungwa” (w99 3/15 29-31-wcgr)

Vakuru vakatendeka vari kutevedzera sei kutsungirira uye kuzvipira kwaiita Pauro?

Iva Nemwoyo Murefu Uchitevedzera Vaya Vanogara Nhaka Yezvinhu Zvakavimbiswa—Pauro (3:22)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe