RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 52 pp. 232-235
  • “Anondibatsira”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Anondibatsira”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Mako—‘Anobatsira Pakushumira’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Hama Dzechidiki​—⁠Tevedzerai Mako naTimoti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • “Mwanakomana Wekunyaradza”
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 52 pp. 232-235

52 MAKO

“Anondibatsira”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

JOHANI MAKO akaratidza kuti aiva neushingi kunyange paaiva mukomana. Jesu Kristu ainge achangobva kusungwa, uye akanga atorwa nemhomho yevanhu vaiva nezvombo. Vaapostora vese vakatiza. Asi Bhaibheri rinotaura ‘nezverimwe jaya’ rakaita ushingi hwekutevera. Vanhu vakariona uye vakaedza kuribata. Asi vakasara vakangobata jira rarakanga rakapfeka. Jaya racho rakatiza “risina kupfeka.” Evhangeri yaMako ndiyo yega inotaura nezvenyaya iyi, saka zvinofungidzirwa kuti jaya iri risina kunyorwa nezita aiva Mako wacho pachake.

Mako aigara kuJerusarema. Anofanira kunge aigara naamai vake, uye zvinoita sekuti vainge vakapfuma. Pashure pekunge Jesu afa, ungano yainamatira pamba pavo. Ndosaka Petro akaenda ikoko paakabudiswa mujeri nengirozi pakati peusiku. Izvi ndizvo zvakaita kuti Mako azivane nevaapostora uye nevadzidzi vaJesu vakawanda. Akadzidza kuva neushingi kubva kwavari.

Munenge muna 46 C.E., hama yaMako yainzi Bhanabhasi yakauya kuJerusarema naPauro uye vakafunga kudzidzisa Mako kuti azobatsira hama dzaiva kune dzimwe nzvimbo. Saka vakaenda naye pavakadzokera kuAndiyoki. Padarika rinenge gore, Pauro naBhanabhasi vakakumbira Johani Mako kuti aende navo parwendo rwavo rweumishinari! Akaratidza kuti aiva neushingi akabvuma kuenda navo achinovabatsira pane zvavaida.

Mumazuva iwayo kuita rwendo kwaisava nyore uye kwaiva nengozi. Pauro akazonyora kuti panzendo dzakawanda dzaakaita akasangana ‘nenjodzi dzemunzizi, njodzi dzemakororo, njodzi muguta, njodzi musango, njodzi mugungwa.’ (2 VaK. 11:26) Sezvo Mako ainge aenda navo kuti avabatsire, aifanira kunge akagadzirira kuita chero chaidiwa naPauro naBhanabhasi. Mako anogona kunge akazotanga kuona basa racho serakaoma here? Bhaibheri haritauri asi rinoratidza kuti pavakasvika kuPamfiriya, Mako akasiya Pauro naBhanabhasi achibva adzokera kumba kuJerusarema. Kudzokera kwaakaita kunofanira kunge kwakarwadza varume ava, kunyanya Pauro.

Pakapera rwendo rwavo rweumishinari, Pauro naBhanabhasi vakatangazve kuronga rwendo rwechipiri. Bhanabhasi aida kuti vaendezve naMako asi Pauro akanga asingadi. Pamwe Pauro akaona sekuti Mako akanga asina kuvimbika. Pauro naBhanabhasi vaive nemafungiro akasiyana uye izvi zvakaita kuti “vapopotedzane zvikuru.” Bhanabhasi akabva aenda naMako kuSaipurasi, vakaenderera mberi nebasa rekuparidza. Pauro akatsvagawo wekuenda naye parwendo rwake.

Mako anofanira kunge akanetseka chaizvo. Akanga arwadzisa Pauro waairemekedza zvikuru, uye akanga aita kuti shamwari dzepedyo dziparadzane. Mako akachengeta chigumbu here, kana kuvenga Pauro? Haana kumbodaro!

Mako akarasikirwa neropafadzo yake, asi haana kuora mwoyo

Akanga achiita zvese zvaaigona kuti abatsire vamwe vaKristu. Muna 60-61 C.E., Pauro aiva musungwa muRoma asingabvumirwi kubva pamba. Ane tsamba dzaakanyora, uye mune imwe yetsamba dzacho akataura nezvaMako uyo waaiva naye uye achimubatsira. Pauro akataura kuti ‘aimunyaradza zvikuru.’ Pakati pa62 na64 C.E. tinonzwa zvekare nezvaMako, asi panguva ino ari kutaurwa nezvake mutsamba yakanyorwa nemuapostora Petro. Zvinoita sekuti Mako akanga afamba rwendo rwakareba kuenda kuBhabhironi kuti anobatsira Petro akanga akwegura. Petro akamudana kuti “mwanakomana wangu.” Mako anofanira kunge akanyaradza Petro zvikuru! Zviri pachena kuti Petro akaudza Mako zvinhu zvakawanda zvakaitika paaiva naJesu Kristu. Mako anofanira kunge akanyora evhangeri ine zita rake ari kuRoma uye zvimwe zvinhu zvaakataura zvinoratidza kuti anofanira kunge akazvinzwa naPetro.

Mako ari kukurukura naPauro uyo akagara patebhuru akasungwa necheni iyo iri kuoneka paruoko rwemurindi. Mako akabata bendekete raPauro achimupa chekunwa. Dzimwe hama mbiri dziri kunyora nekuongorora magwaro.

Pane imwe nguva avazve mujeri, Pauro akanyorera Timoti tsamba achimukumbira kuti vauye vese naMako. Nemhaka yei? Pauro akati, “nekuti anondibatsira muushumiri.” Mutsamba iyi ndipo pekupedzisira patinonzwa Pauro achitaura nezvaMako. Mako akakurumidza kuenda kuna Pauro uye kuenda kwaakaita kwakakurudzira muapostora uyu akanga ava pedyo nekuurayiwa. Mako akaratidza ushingi ndokuramba akavimbika pasinei nezvinhu zvinoodza mwoyo zvakaitika kwaari. Izvi zvakaita kuti akwanise kuramba achibatsira hama dzake uye adiwe chaizvo naJehovha Mwari.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Mako 14:​50-52

  • Mabasa 13:​2-5, 13; 15:​36-40

  • VaKorose 4:​10, 11

  • 2 Timoti 4:11

  • 1 Petro 5:13

Mubvunzo wekukurukura:

Mako akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Chii chinoratidza kuti mhuri yanaMako inofanira kunge yaiva yakapfuma? (w10 3/15 6 ¶6–7 ¶1-wcgr)

  2. 2. Ndeapi mabasa anogona kunge aiitwa naMako paaibatsira Bhanabhasi naPauro? (Mab. 13:5; w10 3/15 7 ¶5-wcgr)

  3. 3. Inzvimbo dzipi dzakaendwa naMako? (w10 3/15 8 ¶5-7-wcgr) Ona mufananidzo A

    Mako ari kufamba murenje achienda kune rimwe guta riri kuoneka riri nechekure. Mepu iri kuratidza mamwe maguta aangangodaro akashanyira: 1. Roma. 2. Efeso. 3. Korose. 4. Pega. 5. Saipurasi. 6. Andiyoki (yekuSiriya). 7. Jerusarema. 8. Bhabhironi.

    Mufananidzo A: Dzimwe nzvimbo dzingangodaro dzakashanyirwa naMako

  4. 4. Ipa muenzaniso unoratidza kuti zvakanyorwa naMako muEvhangeri yake akaita zvekuudzwa naPetro. (w08 2/1 26 ¶1-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Mako haana kumbobvira anzi aiva muapostora kana muprofita. Asi akaratidza kuti aizvininipisa nekushumira kwaaiita vamwe. Tingamutevedzerawo sei mazuva ano?

  • Mako akamborasikirwa neropafadzo yake yekushumira naPauro, asi akaramba akavimbika. Zvii zvatingadzidza kwaari kana zvikaitika kuti tarasikirwa neropafadzo yataiva nayo? Ona mufananidzo B

    Mifananidzo: Hama inorasikirwa neropafadzo inokosha muungano, asi inoramba ichishumira vamwe yakatendeka. Mifananidzo inotevera iri kuratidza zviri kuitika. Hama nemudzimai wayo vari kuteerera chiziviso chinosuwisa chiri kupiwa muImba yeUmambo. Pane mumwe musangano hama yacho iri kuvhurira imwe hanzvadzi yakwegura dhoo reImba yeUmambo. Pava paya, hama yacho inopa kadhi rejw.org kune mushandi weimwe shopu obva amuratidza chimwe chinhu pafoni yake. Mudzimai wake akavatarisa ari nechepedyo achinyemwerera.

    Mufananidzo B

  • Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa naMako munyaya iyi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Nei zvichikufadza kuti Bhanabhasi akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?

Dzidza Zvimwe

Chii chinosiyanisa Evhangeri yaMako nedzimwe?

Kusuma Bhuku raMako (3:18)

Shandisa nyaya yaMako kuti ubatsire vana vako kuti vaone kukosha kwekuramba vakavimbika kuna Jehovha.

“Mako Haana Kukanda Mapfumo Pasi” (w08 2/1 24-26-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe