41 ZEKARIYA NAERIZABHETI
“Vakanga Vakarurama Pamberi paMwari”
ZUVA iri rainge rakakosha chaizvo kuna Zekariya. Pamwe ndiko kaiva kekutanga nekekupedzisira muupenyu hwake kuti aite basa raaida kuita musi iwoyo. Akanga ari mumwe wevazukuru vakawanda vaAroni, vaiva neropafadzo yekushanda sevapristi. Saka musi uyu rakanga riri jana raZekariya rekuti apisire rusenzi paatari yegoridhe yaiva mutemberi. Zekariya nemudzimai wake Erizabheti, vanofanira kunge vainge vakamirira zuva iri rinokosha.
Zekariya naErizabheti vakanga vava nemakore akawanda vakaroorana vachiwana makomborero akasiyana-siyana. Asi pane chimwe chinhu chavaishuva kuva nacho chavakanga vasati vawana kusvika panguva iyoyo. Vaida kuva nevana. Kare ikako kuva nevana chinhu chaikosheswa chaizvo nevanhu vaMwari. Zekariya naErizabheti vakanga “vakwegura,” asi Bhaibheri rinoti vese vakanga “vakarurama pamberi paMwari.” Saka vakaramba vachinyengetera kuna Mwari wavo, vachivimba kuti rimwe zuva aizovanzwa kunyange zvazvo dambudziko ravo raiita serisingagadzirisiki.
Zekariya akapinda mutemberi achisiya vanhu vakawanda vari panze vachinyengetera. Paakanga apinda munzvimbo iyoyo, makati zii, akazongoerekana aona ngirozi yaJehovha yakamira padivi peatari yerusenzi! Yakaudza Zekariya kuti Mwari akanga anzwa minyengetero yake uye kuti aizoita kuti Erizabheti amuberekere mwana mukomana. Vaizofanira kutumidza mwana wacho zita rekuti Johani. Paaizokura aizova “nemweya nesimba zvaEriya.” Aizoita basa rakakura rekubatsira vanhu kuti vagadzirire kudzokera kuna Jehovha.
Zekariya akanga asina chokwadi nemashoko iwayo aakaudzwa nengirozi, saka akaikumbira kuti imupe chiratidzo chinoratidza kuti mashoko acho ndeechokwadi. Ngirozi yacho yakamutsiura ichiti: “Ndini Gabrieri anomira pamberi paMwari.” Pakanga pasina chikonzero chekuti asave nechokwadi nemashoko akanga ataurwa nengirozi iyoyo yaJehovha ine simba. Gabrieri akabva audza Zekariya kuti akanga asiri kuzokwanisa kutaura kusvikira zvinhu zvese zvakanga zvavimbiswa naMwari zvazadzika. Zekariya paakazobuda mutemberi, akanga ava kungoshandisa masaini kuti aedze kuudza vanhu zvakanga zvaitika kwaari.
Murume nemudzimai vainge vakwegura vasina mwana vakaudzwa mashoko aibva kuna Jehovha akachinja upenyu hwavo zvachose
Zekariya akatsvaga nzira yekuti atsanangurire Erizabheti zvakanga zvaitika mutemberi. “Papera mazuva,” Erizabheti akazoona kuti akanga ava nepamuviri. Haana kubva pamba kwemwedzi 5, uye mumwedzi wechi6 akashanyirwa nehama yake yainzi Mariya, mwanasikana waHeri, wekuNazareta. Mariya paakangopinda mumba maErizabheti, mwana akanga ari mudumbu maErizabheti akabva akwakuka nemufaro. Erizabheti akabva azadzwa nemweya mutsvene, achibva ashevedza Mariya kuti “amai vaShe wangu.” Aizviziva kuti Mariya aiva nepamuviri pemwana aizova Mesiya. Erizabheti haana kuitira Mariya godo, asi akatomukurudzira ndokumuudza kuti Jehovha aizomubatsira.
Erizabheti paakazosununguka, veukama nevavakidzani vakauya vakaedza kumukurudzira kuti atumidze mwana wacho zita rababa vake. Asi Erizabheti aiziva kuti Gabrieri akanga audza murume wake kuti: “Unofanira kumutumidza kuti Johani.” Saka akati, ‘Aiwa, anonzi Johani.’ Asi havana kugutsikana nezvaaitaura, saka vakafunga kubvunza baba vemwana wacho. Sezvo akanga asati ava kukwanisa kutaura, akanyora papuranga kuti: “Anonzi Johani.” Ipapo ipapo, akabva atangazve kutaura.
Zekariya akabva azadzwa nemweya mutsvene achibva atanga kuprofita. Mashoko aakataura akaita kuti vanhu vaMwari vave netariro yekuti aizovaponesa, uye aizovanzwira tsitsi. Akataurawo kuti mwanakomana wake Johani, ‘aizofanotungamira pamberi paJehovha kuti agadzirire nzira dzake.’ Zvaakataura izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitwa naJohani. Jesu asati atanga kuparidza nezveUmambo hwaMwari, Johani akabatsira vanhu kuti vagadzirire kuzoteerera mashoko aaizoparidza.
Mesiya paakauya akadzidzisa vanhu vaMwari mabatiro avaifanira kuzoita vanhu vakanga vasinganamati Mwari uye vaya vaivapikisa. Kwemazana emakore, vashumiri vaMwari vakawanda vakanga varatidza ushingi nekurwisa vavengi vaJehovha vachishandisa zvombo. Asi Jehovha akanga asingachadi kuti vanhu vake varwe. Kunyange zvakadaro vakanga vachiri kufanira kuratidza ushingi. Vaya vakanga vagamuchira Mesiya vainge vava kufanira kushandisa chipo chavo chekugona kutaura, sezvakaitwa naZekariya naErizabheti, kuti varumbidze Jehovha uye kuti vaudzewo vamwe mashoko akanaka nezvaJesu Kristu.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Zekariya naErizabheti vakaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Nei Bhaibheri richiti Zekariya naErizabheti vakanga “vasina chavanopomerwa” ivo vaiva vanhu vane chivi? (Ruka 1:6; it “Asina Chaanopomerwa” ¶2-wcgr)
2. Bhaibheri rinotiudzei nezvaGabrieri? (it “Gabrieri” ¶2-3-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
Mufananidzo A
3. Gabrieri akaudza Zekariya kuti aifanira kutumidza mwana wake kuti Johani. Zita rekuti Johani rinorevei? (it “Johani” ¶1-wcgr)
4. Zekariya akanga asingachagoni kutaura nekunzwa here? (w08 3/15 30 ¶6-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Panguva yakararama Zekariya vanarabhi vechiJudha vaibvumira murume kuti arambe mudzimai wake kana akatadza kumuberekera mwana. Murume anodzidzei kubva pana Zekariya panyaya yekuramba achida mudzimai wake? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Erizabheti akateerera murume wake pasinei nezvaitaurwa neveukama uye vavakidzani vake. (Ruka 1:58-61) Madzimai anodzidzei paari?
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naZekariya naErizabheti?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Zekariya naErizabheti kana vakamutsirwa panyika pano?a
Dzidza Zvimwe
Ona zvakaitika Zekariya paakatangazve kutaura uye kurumbidza kwaakaita Mwari.
Kushanya kwakaita Mariya achienda kunoona Erizabheti kwakaita kuti Jehovha amupe simba. Tinodzidzei kubva pane zvaakaita?
a Kana Zekariya naErizabheti vakafa Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika, vachamutsirwa panyika pano.