RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 1 p. 10-p. 11 ndim. 8
  • Ngirozi yaMwari Inotumwa Nemashoko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi yaMwari Inotumwa Nemashoko
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Erizabheti Anova Nemwana
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Vakanga Vakarurama Pamberi paMwari”
    Famba naMwari Neushingi
  • Vakatuswa nokuda Kwokufamba Vasina Chavanopomerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Munhu Achagadzira Nzira Anozvarwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 1 p. 10-p. 11 ndim. 8
Gabrieri anozviratidza kuna Zekariya; Erizabheti ane pamuviri

CHITSAUKO 1

Ngirozi yaMwari Inotumwa Nemashoko

RUKA 1:5-33

  • NGIROZI GABRIERI INOZIVISA NEZVOKUZVARWA KWAJOHANI MUBHABHATIDZI

  • NGIROZI GABRIERI INOUDZA MARIYA NEZVOKUZVARWA KWAJESU

Tinogona kuti Bhaibheri rose zvaro mashoko akabva kuna Mwari. Baba vedu vokudenga vakatipa Bhaibheri kuti tirayiridzwe. Asi funga nezvemamwe mashoko anokosha akaziviswa vanhu vaviri makore anodarika 2 000 apfuura. Akaziviswa nengirozi inonzi Gabrieri, iyo inomira “pamberi paMwari.” (Ruka 1:19) Zvinhu zvakanga zvakamira sei payakazivisa mashoko aya?

Gabrieri anozivisa mashoko ake munenge mugore ra3 B.C.E. Okutanga acho anoazivisa ani? Mumakomo eJudhiya, zvichida pedyo neJerusarema, munogara mumwe mupristi waJehovha anonzi Zekariya. Iye nomudzimai wake, Erizabheti vakura, asi havana mwana. Ijana raZekariya rokushumira somupristi mutemberi yaMwari muJerusarema. Zekariya ari mutemberi, Gabrieri anobva ati pfacha achimira pedyo neatari yerusenzi.

Zekariya anovhunduka. Asi ngirozi yacho inomukurudzira kuti asatya ichiti: “Usatya, Zekariya, nokuti kuteterera kwako kwanzwika, mudzimai wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Johani.” Gabrieri anowedzera kuti Johani “achava mukuru pamberi paJehovha” uye kuti achaita kuti Jehovha ave ‘nevanhu vakagadzirirwa.’​—Ruka 1:13-17.

Zekariya anoita zviratidzo nemaoko ake

Zekariya anoramba kuzvibvuma nokuti mudzimai wake Erizabheti achembera. Saka Gabrieri anomuudza kuti: “Hauzokwanisi kutaura uye uchanyarara kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, ayo achazadzika munguva yawo yakatarwa.”​—Ruka 1:20.

Nguva yose iyi vanhu vari panze vari kushaya kuti Zekariya achiri kuitei. Anozobuda, asi haachagoni kutaura. Ari kungoita zviratidzo nemaoko. Zviri pachena kuti pane zvaaona paanga ari mutemberi.

Paanenge apedza kushumira patemberi, Zekariya anodzokera kumba. Pasina nguva yakareba, Erizabheti anobata pamuviri! Erizabheti anoita mwedzi mishanu asingabvi pamba achimirira kuti azosununguka.

Gabrieri anozviratidza kuna Mariya

Gabrieri anooneka kechipiri. Anoonekwa naani? Nomumwe mukadzi akanga asina kuroorwa ainzi Mariya, anogara kunharaunda yokuchamhembe kweJerusarema inonzi Garireya, muguta reNazareta. Ngirozi yacho inomuudza kuti chii? Inoti: “Wanzwirwa nyasha naMwari.” Gabrieri anozoenderera mberi achiudza Mariya kuti: “Tarira! uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.” Anowedzera kuti: “Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro . . . iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.”​—Ruka 1:30-33.

Unogona kuona kuti chaive chikomborero chaicho kuna Gabrieri kuti azivise mashoko aya. Paticharamba tichiverenga nezvaJohani uye nezvaJesu, tichaona kuti nei mashoko aya akabva kudenga aikosha zvikuru.

  • Ndiani akatumwa nemashoko anokosha achibva kudenga?

  • Mashoko acho anoudzwa vanaani?

  • Unofunga kuti nei mashoko akabva kudenga akanga akaoma kuabvuma?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe