RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 24 pp. 114-117
  • Akadzikamisa Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akadzikamisa Zvinhu
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Akaratidza Kungwara
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Zvaakaita Zvairatidza Kungwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Abhigairi naDhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mukadzi Akachenjera Anodzivisa Ngwavaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 24 pp. 114-117

24 ABHIGAIRI

Akadzikamisa Zvinhu

Rakaprindwa
Rakaprindwa

ABHIGAIRI akanga ava parumananzombe, zvichikonzerwa nevarume vaviri vakanga vakaita kuguta nehasha. Mumwe wacho aiva murume wake ainzi Nabhari. Aiva munhu asina unhu, ane hasha uye asingafungi. Mumwe wacho aiva Dhavhidhi, murume akanaka aishumira Jehovha akatendeka uye aizova mambo weIsraeri. Asi Nabhari ainge atsamwisa Dhavhidhi, zvikaita kuti upenyu hwevanhu vese vaaigara navo huve pangozi. Abhigairi akanga ari mukadzi akanaka chaizvo uye akachenjera. Asi aizowanepi ushingi hwekuti adzikamise zvinhu?

Abhigairi akaudzwa nemumwe wevashandi vake kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Akaudzwa kuti Dhavhidhi akanga achiuya kuzorwisa Nabhari “neimba yake yese” aine varume 400 vaiva nezvombo. Nemhaka yei aida kuvarwisa? Dhavhidhi akanga akumbira Nabhari zvekudya. Zvakanga zvisina kuipa kuti Dhavhidhi akumbire Nabhari zvekudya. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakanga vakaita serusvingo rwaidzivirira murume uyu ainge akapfuma nevafudzi vaimushandira pamwe chete nezvipfuwo zvake zvakawanda. Kunyange zvazvo Sauro aivhima Dhavhidhi uye aimutambudza pasina chikonzero chine musoro, Dhavhidhi akaramba achidzivirira nyika yeIsraeri nevanhu vese vemuIsraeri pavavengi vaigona kupinda munyika kuti vavarwise uye pamapoka evanhu vaiuya kuzopamba. Pasinei nezvese izvozvo, Nabhari akatuka varume vakanga vatumwa naDhavhidhi kuti vamukumbire zvekudya, uye akatoti Dhavhidhi aingovawo hake kamuranda kaitiza tenzi vako!

Mushandi wacho aiziva kuti kuenda nenyaya iyi kuna tenzi vake kwaiva kupedza nguva. Akanyatsotaura pachena kuti Nabhari “haabatsiri, hapana angataura naye.” Asi aiva nechivimbo chekuti Abhigairi aizonzwa chichemo chake oona zvekuita. Abhigairi aizoita sei pakadai?

Abhigairi akaramba akadzikama. Asi aifanira kuona zvekuita nekukurumidza. Akagadzirira Dhavhidhi nevarume vaaiva navo zvekudya zvakawanda, achibva azvitakudza pamadhongi ndokubva atuma vashandi vake kuti vafanoenda nezvekudya zvacho. Iye akazovateverawo ari padhongi rake. Asi haana chaakataura kuna Nabhari. Anofanira kunge aiziva kuti Nabhari aizomurambidza kuita zvinhu zvakanaka zvaakanga achida kuita.

Abhigairi akashinga kuenda kunotaura nevarume vaiva nehasha vainge vagumburwa nemurume wake

Abhigairi paakanga akatasva dhongi rake achidzika akavharidzirwa negomo, akazongoerekana asangana naDhavhidhi nevarume vaaiva navo. Akabva akurumidza kuburuka padhongi rake, achibva afamba akananga mukuru wevarume ava uyo ainge akaguta nehasha. Akabva apfugama pamberi paDhavhidhi akakotamisa musoro wake, achiteterera kuti Dhavhidhi anzwe zvaaida kutaura. Kuzvininipisa kwake kwakabva kwaita kuti Dhavhidhi adzikame.

Abhigairi akapfugama achiteterera kuna Dhavhidhi nevarume vaaiva navo. Nechekumashure kwake kune zvirongo zvewaini nezvekudya.

Abhigairi akatora mhosva yezvese zvakanga zvaitika, akaiita yake. Akakumbira Dhavhidhi ruregerero achitobvumawo kuti zvaiva nemusoro kuti Dhavhidhi akanga atsamwira Nabhari uyo akanga aita zvinhu zveupenzi. Akanyengetedza Dhavhidhi achiita kuti afunge nezveushamwari hwakasimba hwaaiva nahwo naJehovha. Akanga asingadi kuti Dhavhidhi ave nemhosva yekudeura ropa, ozorarama achizvidemba pamusana pekuuraya vanhu vasina mhosva. Akataurawo kuti Jehovha aizosimbisa imba yaDhavhidhi, omuita kuti ave mambo uye kuti aizokunda vavengi vese vaDhavhidhi. Zviri pachena kuti Abhigairi aiziva kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo weIsraeri.

Mashoko ake euchenjeri uye matauriro aakaaita zvakatonhodza hasha dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo akutuma nhasi kuti usangane neni!” Dhavhidhi akateerera zvakataurwa naAbhigairi uye akatomurumbidza nekuda kweuchenjeri hwake. Akatomuudzawo kuti, “Ona, ndanzwa zvawataura.”

Nabhari akanga asiri kutomboziva kuti ndizvo zvaiitika. Usiku hwemusi iwoyo Nabhari akadya zvekudya zviya, “akadhakwa kusvika pekupedzisira.” Abhigairi akaramba akanyarara kusvikira kwayedza, murume wake paakanga asisina kudhakwa. Asi hasha dzake dzakanga dzisinei nekuti akadhakwa here kana kuti haana. Akabva amuudza zvese zvakanga zvaitika. Abhigairi angangodaro akafunga kuti Nabhari aizomupopotera kana kutomurova here? Kana zviri izvo zvaakafunga, pakanga pasina chekutya. ‘Mwoyo waNabhari wakabva waita sewemunhu akafa, muviri wake ukaramba wakaoma sedombo.’ Pashure pemazuva anenge 10, “Jehovha akarova Nabhari, akafa.” Saka Mwari akaranga Nabhari nekuda kwezvakaipa zvaakaitira Dhavhidhi muzodziwa wake. Zvakaitwa naJehovha chaitovawo chikomborero kuna Abhigairi, nekuti akamusunungura pawanano yake yaimushungurudza.

Jehovha akanga aine mamwe makomborero aakanga akachengetera Abhigairi. Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari akanga afa, akabva atumira shoko kuna Abhigairi achimukumbira kuti ave mudzimai wake. Akabvuma. Nekufamba kwenguva Dhavhidhi akazova mambo. Akatanga achitonga muJudha, akazopedzisira ava kutonga Israeri yese, uye Abhigairi akamuberekera mwana mukomana. Pane imwe nguva, Abhigairi akatorwa nevanhu vaivenga vanhu vaMwari, asi murume wake uyo ainge akashinga uye aimuda chaizvo, akaenda akanomununura.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 1 Samueri 25:​1-43; 30:​1-6, 16-20

Mubvunzo wekukurukura:

Abhigairi akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Chii chinogona kunge chakaita kuti Abhigairi aroorwe naNabhari? (ia 77 ¶6-wcgr)

  2. 2. Tsanangura zvaiitika panguva yekuveura makwai, Dhavhidhi paakakumbira Nabhari kuti amupewo zvekudya. (w97 7/1 14 ¶4-wcgr) Ona mufananidzo A

Muridzi wemakwai akamira panze petende rake achiratidza kufara paari kutambidza chipo kune mumwe wevashandi vake vanoita basa rekuveura makwai. Vamwe vashandi vake vari kufamba vachiuya kwaari vakatakura mvere dzemakwai.

Mufananidzo A: Nguva yekuveura makwai yaiva nguva inofadza

Mufananidzo A: Nguva yekuveura makwai yaiva nguva inofadza

  1. 3. Nei tingati Nabhari aitofanira kutenda kubatsirwa kwaakaitwa nemasoja aDhavhidhi? (ia 77-78 ¶9-10-wcgr) Ona mufananidzo B

    Nyika ine zvikomo yakaita kunge gwenga iri pedyo neKameri.

    Hanan Isachar/Alamy Stock Photo

    Mufananidzo B: Kameri yainge yakapoteredzwa nenharaunda yaiva nezvikomo zvisina miti yakawanda

  2. 4. Abhigairi airevei paakati upenyu hwaDhavhidhi ‘huchange hwakachengetwa naJehovha akahuputira muhomwe yeupenyu’? (1 Sam. 25:29; it “Upenyu” ¶45-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Varume vakaroora vangadzidzei kubva kuna Dhavhidhi, uyo akateerera Abhigairi? Ona mufananidzo C

    Hama iri kutyaira mota yakashatirwa ichipopotera mumwe mutyairi uye mudzimai wayo ari kuedza kumubatsira kuti adzikame.

    Mufananidzo C

  • Hanzvadzi dzakaroorwa nevarume vasinganamati Jehovha dzingadzidzei kubva kuna Abhigairi?

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naAbhigairi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Abhigairi paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

MuKristu angaitei kuti asimbise wanano yake, kana waakaroorana naye asinganamati Jehovha?

Wanano Mubatanidzwa Weupenyu Hwese (4:30)

Abhigairi akabatsira Dhavhidhi kuti adzore hasha dzake. Ona zvaungaita kuti udzore hasha dzako kana wagumburwa nemumwe munhu.

“Njere Dzemunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake” (w14 12/1 12-13-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe