23 DHAVHIDHI
Akamirisana Nezihofori
DHAVHIDHI akamira akatarisa mhiri kwebani reEra, ndokuona kwakamira rino zihofori rainzi Goriyati! Murume ainge akamira padivi pezihofori iroro uyo aimubatsira kutakura zvombo zvake anofanira kunge aingovawo nemuviri wainge wakangoita sewevamwe varume vese. Saka kunyange akamira nechekure, Goriyati aitooneka kuti aiva zirume zihombe. Ainge akareba zvekuda kusvika mamita matatu, uye aiva nesimba raityisa. Vanhu vakawanda vanofanira kunge vaizviona setuvana pavaizvienzanisa naye uye nesimba raaiva naro. Asi Dhavhidhi paaitarisa Goriyati aisatombomuvhunduka. Pane chaiita kuti Dhavhidhi ave neushingi hwakadaro.
Dhavhidhi akanga azodzwa namuprofita Samueri, uye muprofita wacho akanga audza Dhavhidhi kuti ndiye aizova mambo weIsraeri. Mweya waJehovha wakabva watanga kuita kuti mukomana wacho atange kuita mabasa anoshamisa. Dhavhidhi akanga ava kutozivikanwa ‘semurwi akashinga ane simba,’ kunyange zvazvo akanga asati asvika pazera rekubvumirwa kupinda muchiuto. Apa chakanga chaita kuti Dhavhidhi aende kwairwiwa hondo ndechekuti akanga atumwa nababa vake, Jese, kuti anoona kuti vakoma vake avo vaiva muuto revaIsraeri vainge vakadii. Pamwe Dhavhidhi ainge achiri kuyaruka panguva iyi, asati asvitsa makore 20.
Dhavhidhi paakasvika pabani reEra, akaona kuti vaIsraeri nevaFiristiya vaityanana, saka vakanga vatova nemavhiki vakangomira vakatarisana, rimwe uto riri kune rimwe divi rebani racho uye rimwe riri nechekumhiri. Zvadaro, Dhavhidhi akabva anzwa shasha yekurwa yevaFiristiya, Goriyati, ichishevedzera ichituka vaIsraeri. Dhavhidhi akatsamwa paakanzwa zirume iroro rainamata vanamwari vasina zvavaibatsira richishora Jehovha Mwari. Dhavhidhi akabva atanga kubvunza masoja eIsraeri nezvaGoriyati uye kuti Mambo Sauro aizoitirei munhu aizokunda muFiristiya iyeye aiva nezvivindi zvekushora uto raJehovha. Mukoma waDhavhidhi ainzi Eriyabhi akabva atanga kupopotera Dhavhidhi achitaura zvakaipa nezvake. Asi Dhavhidhi akaramba achingokurudzira masoja acho kuti asatye zirume iroro.
Mambo Sauro akabva audzwa zvakanga zvataurwa naDhavhidhi achibva amushevedza. Dhavhidhi akaedza kukurudzira mambo achiti: ‘Ngaparege kuva nemunhu anotya Goriyati.’ Akabva azvipira ‘kuenda kunorwa naye.’ Pekutanga Sauro akaramba nekuti ainyatsozviziva kuti Dhavhidhi aizonoitwa kanyama-kanyama ikoko. Asi Dhavhidhi akaudza mambo kuti Jehovha akanga atombomubatsira kuti aite zvinhu zvinoshamisa zvakadai sekuuraya shumba nebheya pazvaida kubata makwai ababa vake. Sauro akazopedzisira abvuma kuti Dhavhidhi aende kunorwisa Goriyati, ndokubva amupa zvipfeko zvake zvaaishandisa pakurwa nebakatwa rake. Zvinhu izvi zvaiva zvitsva kuna Dhavhidhi saka akazvibvisa ndokubva asarudza kushandisa hake zvaakanga ajaira, tsvimbo yaaishandisa pakufudza makwai nechipfuramabwe.
Dhavhidhi paaifamba mubani racho achienda kwaiva naGoriyati, akambomira murukova kuti anhonge hurungudo shanu. Akaramba achifamba akananga kwaiva naGoriyati kuti anomurwisa. Goriyati paakaona Dhavhidhi, akatanga kumutyisidzira neinzwi rake raiita kutinhira, achishora Dhavhidhi kuti aiuya kuzomurwisa “netsvimbo,” zvichida ndiyo tsvimbo yaaishandisa pakufudza makwai. Pamwe Goriyati haana kuzvicherechedza kuti Dhavhidhi aiva nechipfuramabwe, icho chaizivikanwa kuti chaiva chombo chinotyisa kana chikashandiswa nemunhu ane unyanzvi. Goriyati akabva atanga ‘kutuka Dhavhidhi nezita ravanamwari vake’ achibva audza Dhavhidhi kuti aizopa nyama yake kushiri dzedenga nemhuka dzesango.
Dhavhidhi paakanga achiri mudiki akamirisana nezihofori achirwira zita raJehovha
Dhavhidhi akabva apindura kuti: “Uri kuuya kuzorwa neni nebakatwa nepfumo guru nediki, asi ini ndiri kuuya kuzorwa newe muzita raJehovha wemauto, Mwari weuto rakarongwa revaIsraeri wawashora.” Apa Dhavhidhi akabva abudisa pachena kwaibva ushingi hwake. Haana kuzvienzanisa naGoriyati. Akatarisa Goriyati ndokumuenzanisa naJehovha Mwari! Saka Dhavhidhi aiziva kuti aigona kuriga zihofori iroro uye kuti vaIsraeri vaizorakasha vaFiristiya.
Dhavhidhi akabva amhanya akananga kwaiva naGoriyati. Mukomana uyu wechidiki akabva apinza ruoko mubhegi rake raiva nematombo aakanga anhonga, ndokubva abudisa rimwe chete achibva ariisa pachipfuramabwe ndokutanga kuchivhiriridza. Kana Goriyati akazopepuka paakaona chipfuramabwe chava kuvhiriridzwa ainge atoirasa. Dhavhidhi akabva aregedzera dombo racho richibva raenda rakananga kuna Goriyati, ndokubva rasvika richinonyura muhuma yake. Goriyati akabva ‘awira pasi nechiso.’ Dhavhidhi akamhanyira kwaiva naGoriyati. Paakasvika akabva atora bakatwa raGoriyati ndokubva amudimbura musoro. Izvi zvakabva zvatoshingisa masoja eIsraeri. Vakatanga kushevedzera vachibva vamhanya kunorwisa vaFiristiya. Musi uyu vanhu vaMwari vakakunda zvine mutsindo. Zvakaitwa naDhavhidhi musi iwoyo zvakashingisa masoja iwayo uye nanhasi zvichiri kutishingisawo.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Dhavhidhi akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Ndeapi madzitateguru aDhavhidhi aivawo neushingi? (Mat. 1:5, 6; Ruka 3:31-38; w12 10/1 24 ¶2-wcgr)
2. Chii chinoratidza kuti nyaya iyi ndeyechokwadi? (wp16.5 13-wcgr) Ona mufananidzo A
Collection the Israel Antiquities Authority. Photo © The Israel Museum, by Meidad Suchowolski
Mufananidzo A: Dombo rekuma800 B.C.E. rine mashoko ekuti “Imba yaDhavhidhi”
3. Tsanangura kuti upenyu hwaDhavhidhi achiri mudiki hwainge hwakaita sei paaiva mufudzi. (w11 9/1 27 ¶1–28 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo B
Todd Bolen/BiblePlaces.com
Mufananidzo B
4. Tinozviziva sei kuti Dhavhidhi aiwanzotarisirwa pasi nevamwe? (w21.03 3 ¶6; it “Eriyabhi” Nhamba 4 ¶1-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Zvakaitwa naDhavhidhi zvingakubatsira sei kuti ukurire . . .
kutya? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
pfungwa dzekuda kuita zvakaipa?
Vamwe vangabatsirwa sei pavanoona uchiratidza ushingi? (1 Sam. 17:50-53)
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naDhavhidhi munyaya iyi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Dhavhidhi paachamutswa zvine chekuita nezvakaitika panguva iyi yeupenyu hwake?
Dzidza Zvimwe
Teerera rwiyo urwu rwevana, unzwe kuti chii chakaita kuti Dhavhidhi ave neushingi hwakadaro.
Hama dzingaita sei kuti dziremekedzwe nevamwe sezvaiitwa Dhavhidhi?
“Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?” (w21.03 2-5 ¶1-11)