RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/1 pp. 14-15
  • Mukadzi Akachenjera Anodzivisa Ngwavaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukadzi Akachenjera Anodzivisa Ngwavaira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyasha Dzisina Kukosheswa
  • Uchenjeri hwaAbhigairi
  • Zvidzidzo Nokuda Kwedu
  • Zvaakaita Zvairatidza Kungwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akaratidza Kungwara
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Abhigairi naDhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akadzikamisa Zvinhu
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/1 pp. 14-15

Vakaita Kuda kwaJehovha

Mukadzi Akachenjera Anodzivisa Ngwavaira

MUKADZI ane mufungo akaroorwa nemurume wenhando—ndiwo akanga ari mamiriro ezvinhu aAbhigairi naNabhari. Abhigairi akanga “akangwara, uye wakanga akanaka kumeso.” Mukupesana, Nabhari akanga “ane mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake.” (1 Samueri 25:3) Zvakazoitika zvaibatanidza ava varoorani vakanga vasina kufanana zvakaita kuti mazita avo anyorwe munhau yeBhaibheri. Ngationei kuti sei.

Nyasha Dzisina Kukosheswa

Rakanga riri zana ramakore rechi11 B.C.E. Dhavhidhi akanga azodzwa samambo waIsraeri womunguva yemberi, asi panzvimbo pokutonga akanga achitiza. Mambo aitonga, Sauro, akanga akatsunga kumuuraya. Somugumisiro, Dhavhidhi akamanikidzwa kurarama somupoteri. Iye navarwi 600 pakupedzisira vakawana utiziro murenje reParani, kumaodzanyemba kweJudha uye nechokurenje reSinai.—1 Samueri 23:13; 25:1.

Vari ikoko, vakasangana navafudzi vakanga vachishandira murume ainzi Nabhari. Uyu muzukuru akapfuma waKarebi akanga ane makwai 3 000 nembudzi 1 000, uye aivevura makwai ake paKarmeri, guta raiva kumaodzanyemba kweHebroni uye zvichida anongova makiromita 40 bedzi kubva kuParani.a Dhavhidhi navarume vake vakabetsera vafudzi vaNabhari kudzivirira zvipfuwo zvavo kumbavha dzaifamba-famba murenje.—1 Samueri 25:14-16.

Munguvayo, kuvevura makwai kwakanga kwavamba muKarmeri. Iyi yakanga iri nguva inofadza, yakafanana nenguva yokukohwa yomurimi. Yakangawo iri nguva yokupa zvikuru, apo varidzi vemakwai vaitusa avo vakanga vavashandira. Naizvozvo Dhavhidhi akanga asiri kuzvitutumadza apo akatumira varume gumi kuguta reKarmeri kunokumbira Nabhari zvokudya mukuripira basa raakanga aitira zvipfuwo zvake.—1 Samueri 25:4-9.

Mhinduro yaNabhari yakanga isina kunaka. “Dhavhidhi ndianiko?” akataura kudaro achizvidza. Ipapo, achireva kuti Dhavhidhi navarume vake vakanga vachingovawo zvavo varanda vari kutiza, akabvunza kuti: “Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vavevuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvepiko here?” Apo Dhavhidhi akanzwa nezvaikoku, akati kuvarume vake: “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake.” Varume vanenge 400 vakazvigadzirira kurwisa.—1 Samueri 25:10-13.

Uchenjeri hwaAbhigairi

Mashoko okutuka aNabhari akanzwiwa nomudzimai wake, Abhigairi. Zvichida iyi yakanga isiri nguva yokutanga yaakanga afanira kupindira ndokuita somuiti worugare nokuda kwaNabhari. Muchiitiko chipi nechipi, Abhigairi akaita nokukurumidza. Asingaudzi Nabhari, akaunganidza zvinhu—kubatanidza makwai mashanu uye zvokudya zvakawanda—ndokuenda kunosangana naDhavhidhi murenje.—1 Samueri 25:18-20.

Apo Abhigairi akaona Dhavhidhi, pakarepo akazviwisira pamberi pake. “Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari,” akamuteterera. “Ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.” Akawedzera kuti: “Murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi [mamiriro ezvinhu pamusoro paNabhari], uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo.” Shoko rechiHebheru pano rinoshandurwa kuti “kuzvidemba” rinoreva kusagadzikana kwehana. Naizvozvo Abhigairi akanyevera Dhavhidhi pamusoro pokuita chiito chokukurumidzira chaaizodemba gare gare.—1 Samueri 25:23-31.

Dhavhidhi akateerera Abhigairi. “Kungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa,” akadaro kwaari. “Dai usina kukurumidza kuuya kuzosongana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nounorasira mvura pamadziro.”b—1 Samueri 25:32-34, NW.

Zvidzidzo Nokuda Kwedu

Iyi nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti hakuna kuipa zvirokwazvo kuti mudzimai woumwari atange kuita chiito kana chichidikanwa. Abhigairi akaita mukupesana nezvishuvo zvomurume wake, Nabhari, asi Bhaibheri harimushori nokuda kwaikoku. Mukupesana, rinomurumbidza somudzimai akachenjera uye ane mufungo. Kupfurikidza nokutanga kuita chiito muiyi nhau yenhamo, Abhigairi akaponesa vakawanda.

Kunyange zvazvo kazhinji kazhinji mudzimai achifanira kuratidza mudzimu wokuzviisa pasi kwoumwari, angasabvumirana nenzira yakarurama nomurume wake apo nheyo dzakarurama dzinoiswa pangozi. Chokwadika, anofanira kuedza kuchengeta “mweya munyoro wakanyarara” uye haafaniri kungoita nokusunungukawo zvake nemhaka yepfini, rudado, kana kuti kupandukira. (1 Petro 3:4) Zvisinei, mudzimai woumwari haafaniri kunzwa achisundwa kuita chinhu chipi nechipi chaanoziva kuti hachisi chokuchenjera zvikuru kana kuti chinoputsa nheyo dzeBhaibheri. Zvirokwazvo, nhoroondo yaAbhigari inogovera chikonzero chakasimba mukupesana naavo vanoomerera kuti Bhaibheri rinoratidzira vakadzi savarandawo zvavo.

Iyi nhoroondo inotidzidzisawo pamusoro pokuzvidzora. Padzimwe nguva, Dhavhidhi akaratidzira iri vara zvizere. Somuenzaniso, akaramba kuuraya Mambo Sauro anotsiva, kunyange zvazvo akanga ane mukana mukuru wokuita kudaro uye rufu rwaSauro rwaizova rwakapa Dhavhidhi rugare. (1 Samueri 24:2-7) Mukupesana, apo Nabhari akamugumbura nokumutuka, Dhavhidhi akanga asina kugadzirira uye akapika kutsiva. Iyi inyevero yakajeka kuvaKristu, avo vanoedza ku“satsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa.” Mumamiriro ezvinhu ose, vanofanira kutevera zano raPauro rokuti: “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa.”—VaRoma 12:17-19.

[Mashoko Omuzasi]

a Renje reParani rinonzwisiswa kuva rinotambanuka kusvikira kumaodzanyemba sokuBheeri-shebha. Ichi chikamu chenyika chaibatanidza nzvimbo yamafuro yakati kurei.

b Kutaura kwokuti “unorasira mvura pamadziro, NW” kwakanga kuri dimikira rechiHebheru kureva varume, sezviri pachena kutaura kwokuzvidza.—Enzanisa na1 Madzimambo 14:10.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Abhigairi anounza zvipo kuna Dhavhidhi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe