25 DHAVHIDHI
Aiva Neushingi Hwekuita Zvakanaka
DHAVHIDHI aitiza Mambo Sauro! Pakutanga aitombofarirwa naMambo Sauro paaimutakurira zvombo zvake, uye nekufamba kwenguva akazosvika pakuva mukuru weuto rake waaivimba naye chaizvo. Asi iye zvino Sauro akanga ava kuvhima Dhavhidhi. Mwari akanga avimbisa Dhavhidhi kuti aizova mambo, asi panguva iyi ainge ava kuhwanda murenje, achiedza kuzviponesa iye nevarume 600 vaaiva navo.
Mwoyo waSauro wakanga waipa. Godo raaiitira Dhavhidhi ndiro raiita kuti amuvhime siku nesikati kudaro, achiratidza kuti ainge akafufutirwa nehasha. Pane imwe nguva Dhavhidhi akawana mukana wekuuraya Mambo Sauro, asi haana kumuuraya. Pane kuti atende zvaakanga aitirwa naDhavhidhi, Sauro akatoramba achitsvaga mukana wekumuuraya. Varume vemuguta reZifi vakatengesa Dhavhidhi. Aka kakanga kava kechipiri vachiudza Sauro kwakanga kwakahwanda Dhavhidhi. Pazvakangosvika munzeve dzaSauro, akabva aenda kunotsvaga Dhavhidhi.
Dhavhidhi aizoita sei pakadaro? Akatanga nekutumira vamwe varume kuti vanoona kuti Sauro aiva nechepapi chaipo. Kunyange zvazvo Sauro aiva nemasoja 3 000, Dhavhidhi haana kutombovhunduka. Panguva iyi ndipo paanofanira kunge akanyora mashoko ekuti: “Onai! Mwari ndiye mubatsiri wangu; Jehovha ane vaya vari kunditsigira.” (Pis. 54:4; mashoko ekusuma) Saka Dhavhidhi akabva afunga kuenda kwaiva naSauro nemasoja ake usiku ihwohwo. Akabva akumbira kuti mumwe pavarume vaaiva navo amuperekedze.
Abhishai akabva ati aida kumuperekedza. Abhishai aiva muzukuru waDhavhidhi, uye ainge akashinga, asi dzimwe nguva aisanzwira vamwe tsitsi. Dhavhidhi naAbhishai pavakanyahwaira vachipinda mumusasa waSauro, vakaona vanhu vese vakaita kufa nehope. Jehovha ndiye akanga aita kuti varume vese ivavo vafe nehope kudaro. Vakabva vaona painge pakarara Mambo Sauro. Naiyewo akanga akafa nehope, pasina akamurinda, uku pfumo rake rakabayirirwa pasi, pedyo nemusoro wake.
Dhavhidhi aizoita sei pakadaro? Zvaizova nyore kuti abva angouraya Sauro ipapo ipapo! Uyu wakanga usiri mukana here wekuti Dhavhidhi azorore pakuvhimwa kwaaiitwa naSauro, uye pamwe obva atova mambo. Abhishai akatoshaya kuti nei Dhavhidhi asina kubva atouraya Sauro. Abhishai akazevezera kuna Dhavhidhi achiti: “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu muruoko rwenyu. Ndapota, regai ndingomubayirira pasi nepfumo kamwe chete, hazvitombodi kuti ndibaye kaviri.”
Dhavhidhi akayeuka paakambowanazve mumwe mukana wakadaro. Dhavhidhi paaiva murenje reEni-gedhi ari mubako, Sauro akauya ndokupindawo mubako imomo. Asi Sauro haana kuzviona kuti Dhavhidhi aitovamowo mubako macho. Zvaizova nyore kuti Dhavhidhi abva angouraya Sauro musi iwoyo. Asi Dhavhidhi haana kana zvaakambomuita. Akangocheka kajira kadiki panguo yaSauro. Asi kunyange kungocheka kwaakaita nguo yaSauro, kwakaita kuti Dhavhidhi asare achishungurudzwa nehana yake. Akarwadziwa nemhaka yezvaakanga aita, zvichiratidza kusaremekedza mambo akazodzwa waJehovha.
Usiku ihwohwo, Dhavhidhi anofanira kunge akapinda basa chairo kuti amise Abhishai kuti asauraya Mambo Sauro nekuti Abhishai wacho ainge anzwawo nekutiza. Zviri pachena kuti varume vese vaitiza naDhavhidhi vainge vanzwa nekutambudzwa naSauro, saka vainge vava kuda kuti zvichipera. Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi haana kutsiva Mambo Sauro. Akatotsiura Abhishai ndokumukurudzira kuti aite mwoyo murefu. Dhavhidhi akaudza Abhishai kuti ‘Jehovha achauraya ega Sauro, kana kuti zuva rake richasvika ofa, kana kuti achaenda kuhondo ofira ikoko.’ Akabva awedzera achisimbisa kuti: “Hazvitomboiti mukuona kwaJehovha kuti ndisimudze ruoko rwangu ndichirwisa muzodziwa waJehovha!”
Dhavhidhi aiita sei paaikurudzirwa naAbhishai kuti auraye Mambo Sauro?
Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aizoona zvekuita naSauro panguva yakakodzera. Mupisarema ratambotaura nezvaro akanyora nezvaJehovha kuti: “Achatsiva vavengi vangu nezvakaipa zvavo.” (Pis. 54:5) Saka Dhavhidhi naAbhishai vakabva mumusasa waSauro ndokuenda pane imwe nzvimbo yaiva pedyo yainge yakakwirira. Dhavhidhi akabva atanga kutaura achishevedzera kuna Sauro nemasoja ake. Akashora masoja iwayo nekuti akanga atadza kuchengetedza mambo, uye akatsiurawo Sauro nekuti aipedza nguva achimudzingirira. Dhavhidhi akatotaurawo kuti ainge akafanana ‘nenhata imwe chete,’ uye kuti hapana zvakaipa zvaaida kuitira mambo. Sauro akashaya pekupinda nekunyara. Akabva atotaura kuti: “Ndaita zveupenzi uye ndakanganisa kwazvo.”
Sauro airevesa here? Dhavhidhi angangodaro akaziva kuti yaingova misodzi yegarwe. Asi Dhavhidhi haana kumbobvira azvidemba nekuratidza kwaakaita ushingi achiteerera hana yake yakadzidziswa naMwari. Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akazowana makomborero akawanda kupfuura zvaaifungidzira nekuti akaramba achishumira Jehovha akavimbika uye achiratidza ushingi.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Dhavhidhi akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?
Wedzera Kuongorora
1. Kunyange zvazvo Abhishai aiwanzoita zvinhu asina kufunga uye asinganzwiri vamwe tsitsi, akaratidza sei ushingi pakudzivirira vanhu vaJehovha uye pakutsigira Dhavhidhi? (it “Abhishai” ¶3-5-wcgr)
2. Nei Dhavhidhi akazvifananidza ‘nechikwari chiri mumakomo’? (1 Sam. 26:20; it “Chikwari” ¶4-wcgr) Ona mufananidzo A
Ekaterina Kolomeets/stock.adobe.com
Mufananidzo A
3. Nei Dhavhidhi aifanira kuva nemwoyo murefu? (w17.08 6 ¶14-15)
4. Dhavhidhi akaramba sei achiratidza kuti aiva nemwero kunyange padarika makumi emakore kubva pakaitika zvinotaurwa munyaya ino? (w21.09 10 ¶8) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Zvidzidzo Zvatinowana
Kunyange zvazvo Sauro akaita zvikanganiso zvakawanda, Dhavhidhi akaramba achimuremekedza. Tingatevedzera sei Dhavhidhi pamaonero atinoita . . .
vabereki vedu? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
vashandi vemuhurumende vakadai semapurisa? Ona mufananidzo D
Mufananidzo D
vakuru muungano? Ona mufananidzo E
Mufananidzo E
Dhavhidhi akaratidza ushingi ndokuteerera hana yake yakadzidziswa naMwari. Ndepapi patingafanirawo kuva neushingi toteerera hana dzedu?
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naDhavhidhi munyaya iyi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Dhavhidhi paachamutswa zvine chekuita nezvakaitika panguva iyi yeupenyu hwake?
Dzidza Zvimwe
Ona vhidhiyo inokubatsira kuona nyaya iyi seiri kutoitika.
Vana vangadzidzei kubva kuna Sauro uyo akatanga achizvininipisa uye aine mwero asi akazopedzisira ava kuzvikudza?
“Mambo Sauro” (Kadhi riri pajw.org remunhu wemuBhaibheri-wcgr)