CHITSAUKO 10
Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
JESU paakatuma vadzidzi vake kunoparidza nezveUmambo akavaudza kuti: “Kukohwa kukuru zvechokwadi, asi vashandi vashoma.” Pane basa rakawanda raizofanira kuitwa saka akabva awedzera kuti: “Kumbirai Tenzi wekukohwa kuti atumire vashandi vanoita basa rake rekukohwa.” (Mat. 9:37, 38) Akavaudza maitiro avaizoita ushumiri hwacho. Paakataura kuti “hamungambopedzi kutenderera maguta aIsraeri Mwanakomana wemunhu asati asvika” zvairatidza kuti basa iri raizofanira kuitwa nekukurumidza.—Mat. 10:23.
2 Mazuva anowo, pane basa guru rinoda kuitwa muushumiri. Mashoko akanaka eUmambo anofanira kuparidzwa mugumo usati wasvika uye hapachisina nguva! (Mako 13:10) Sezvo nyika iriyo munda, basa ratiinaro rakatokura kudarika rakaitwa naJesu nevadzidzi vake. Tiri vashoma chaizvo kana tichizvienzanisa nemabhiriyoni evanhu vari panyika, asi tine chokwadi chekuti Jehovha achatibatsira. Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa pasi rese uye Jehovha achabva aunza mugumo panguva yake. Tichaisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu here kuti tinyatsoita ushumiri hwedu? Panyaya dzekunamata ndezvipi zvauri kuvavarira kuzoita?
3 Jesu paaitaura zvinofanira kuitwa nevashumiri vaJehovha akati: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Tinofanira kushumira Mwari nemweya wese. Patinoita izvozvo tinenge tichiratidza kuzvipira kwakadzama uye kuti tinorevesa. (2 Tim. 2:15) Pane mikana yekuratidza nayo izvi, uye zvatinoita zvinosiyana-siyana zvichienderana nemamiriro edu ezvinhu. Ona zvimwe zvaungaita, wosarudza zvaungada kuita pakushumira Mwari kuti uzadzise zvinangwa zvako.
KUSHUMIRA SEMUPARIDZI MUUNGANO
4 Munhu wese anogamuchira chokwadi ane ropafadzo yekuparidza mashoko akanaka. Ndiro basa rinokosha iro Jesu akapa vadzidzi vake. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Mudzidzi waJesu Kristu anowanzotanga kuudzawo vamwe nezvemashoko akanaka paanenge angoanzwa. Ndizvo zvakaitwa naAndreya, Firipi, Koneriyasi, nevamwe. (Joh. 1:40, 41, 43-45; Mab. 10:1, 2, 24; 16:14, 15, 25-34) Zvinoreva here kuti munhu anogona kutotanga kuudza vamwe mashoko akanaka iye asati abhabhatidzwa? Ehe! Munhu paanongonzi ava muparidzi asina kubhabhatidzwa, anenge ava kutokwanisa kuparidza neungano paimba neimba. Uyewo kana achikwanisa anogona kutoparidza achishandisa dzimwe nzira dzinoshandiswa pakuparidza.
5 Muparidzi paanenge abhabhatidzwa, zviri pachena kuti anoda kuita zvese zvaanogona kuti abatsire vamwe kudzidza nezvemashoko akanaka. Basa rekuparidza rinoitwa nemunhu wese, angava murume kana mukadzi. Tinofara chaizvo kuita kunyange zvinhu zvidiki kuti Umambo hwaMwari huzivikanwe. Chokwadi munhu wese anokwanisa kuwedzera ushumiri hwake achafara.
KUSHUMIRA KUNONYANYA KUDIWA VAPARIDZI
6 Ndima yeungano yako inogona kunge ichishandwa kakawanda uye basa rekuparidza richinyatsoitwa. Kana zvakadaro, ungada kutamira kundima inonyanyodiwa vaparidzi. (Mab. 16:9) Kana uri mukuru kana mushumiri weungano, panogona kunge paine ungano inoda rubatsiro rwako. Mutariri wedunhu wenyu anokwanisa kukupa mazano ekuti ungabatsira sei imwe ungano iri mudunhu renyu. Hofisi yebazi inokupa mazano kana uchida kunoshumira kune imwe nzvimbo iri munyika yako.
7 Ungada kushumira kune imwe nyika here? Unofanira kutanga wanyatsofunga usati waita izvi. Wadii kukurukura nevakuru veungano yako? Kana ukatamira kune imwe nyika pane mamwe matambudziko aungangonosangana nawo. (Ruka 14:28) Asi kana usingakwanisi kunogara kune imwe nyika kwenguva yakareba, zvakanaka kuti ushumire uri munyika yako.
8 Mune dzimwe nyika, hama dziri kushandiswa kutungamirira muungano dzinenge dzichiri itsva musangano. Hama idzi dzinoda chaizvo kuti vakuru vane ruzivo vanenge vauya vatungamirire muungano. Kana uri mukuru uye uchifunga zvekuenda kunyika dzakadaro, yeuka kuti chinangwa chako hachifaniri kuva chekutorera hama dzeko zvekuita muungano. Asi chinofanira kuva chekunoshumira pamwe chete navo. Vakurudzire kuti vavavarire kuita mabasa muungano. (1 Tim. 3:1) Kana ukaona zvimwe zvinhu zvisiri kunyatsoitwa sezvazvinoitwa kunyika yako, iva nemwoyo murefu. Shandisa ruzivo rwako semukuru kuti ubatsire hama dzako. Ukadaro zvichaita kuti paunozodzokera kumusha, hama dzisare dzichikwanisa kuita mabasa emuungano.
9 Dare Rebasa Reungano yako rinofanira kutanga ratumira tsamba yekukurumbidza kuhofisi yebazi yekwauri kuda kuenda kuti izokuudza mazita eungano dzaungaenda kunobatsira. Tsamba iyi inodiwa kunyange uchishumira semukuru, mushumiri weungano, piyona kana kuti muparidzi. Dare rebasa richatumira tsamba yavo yekukurumbidza pamwe chete neyako yekukumbira kuziva ungano dzingada kubatsirwa.
KUPARIDZA UCHISHANDISA MUMWE MUTAURO
10 Kuti uwedzere ushumiri hwako unogona kudzidza mumwe mutauro, kusanganisira wemasaini. Kana uchida kudzidza mumwe mutauro wekuparidzira nawo, wadii kutaura nevakuru uye nemutariri wedunhu? Vanogona kukupa mazano uye kukukurudzira. Mamwe matunhu achitungamirirwa nehofisi yebazi akaronga makirasi ekudzidzisa vaparidzi nemapiyona kuti vaparidze nemumwe mutauro.
KUPAYONA
11 Vaparidzi vese vanofanira kuziva kuti zvii zvinodiwa kuti muparidzi ave piyona webetsero, wenguva dzese uye chaiye, kunyange mamwe mabasa enguva yakazara. Kuti muparidzi ave piyona anofanira kunge akabhabhatidzwa uye achiita zvakanaka uye achikwanisa kusvitsa maawa aanotarisirwa kuita pakuparidza mashoko akanaka. Dare Rebasa Reungano ndiro rinogadza vanenge vakumbira kuva mapiyona ebetsero uye enguva dzese, asi mapiyona chaiwo anogadzwa nehofisi yebazi.
12 Kuti muparidzi ave piyona webetsero anofanira kunge achida kupayona kwemwedzi mumwe chete kana kuti yakatevedzana kana kuti kwenguva yakareba zvichienderana nezvaanokwanisa. Vaparidzi vakawanda vanonakidzwa nekuita upiyona hwebetsero panguva dzinokosha dzakadai semwaka weChirangaridzo, kana kuti mwedzi unoshanya mutariri wedunhu. Vamwe vanopayona panguva yavanenge vasiri pabasa. Vaparidzi vakabhabhatidzwa uye vanoenda kuchikoro vanogona kuita upiyona hwebetsero pavanenge vari pazororo. Vaparidzi vanogona kusarudza kupayona vachiita maawa mashoma anenge achidiwa mumwedzi waMarch naApril uye mumwedzi unoshanya mutariri wedunhu. Chero bedzi uri muparidzi ane tsika dzakanaka uye uchigona kuronga zvinhu zvako kuti usvitse maawa anodiwa pamwedzi, unogona kukumbira fomu rekupayona uye vakuru vachafara chaizvo kufunga nezvechido chako chekushumira Jehovha.
13 Kuti ukodzere kuva piyona wenguva dzese, unofanira kunge uchikwanisa kusvitsa maawa anodiwa pagore. Kana uri piyona wenguva dzese unofanira kushanda pamwe chete neungano yako. Kuva nemapiyona anoshingaira muungano chikomborero chaicho, nekuti anoita kuti vamwe vade kuparidza uye anokurudzira vamwe kuti vaitewo mapiyona. Asi usati wakumbira kuva piyona wenguva dzese, unofanira kunge wava nemwedzi 6 kana kupfuura wabhabhatidzwa.
14 Kazhinji mapiyona chaiwo anosarudzwa kubva pamapiyona enguva dzese anenge achiva nezvibereko muushumiri. Vanofanira kunge vachikwanisa kuenda chero kwavanenge vanzi nehofisi yebazi vaende. Kazhinji kacho vanoendeswa kunzvimbo dziri kwadzo dzega dzine vanhu vanofarira, vobva vatanga ungano. Dzimwe nguva mapiyona chaiwo anoendeswa kuungano dzinenge dzichida kubatsirwa kupedza ndima yavanoparidza. Mamwe mapiyona chaiwo anenge ari vakuru anogona kuendeswa kunobatsira ungano diki kunyange ungano yacho isina hayo dambudziko nekuparidza ndima yayo. Mapiyona chaiwo ane kamari kaanopiwa kekuti awane chekurarama nacho. Mamwe acho anogadzwa kuti ashande kwenguva pfupi.
MAMISHINARI
15 Komiti Yebasa yeDare Rinotungamirira ndiyo inogadza mamishinari. Dare Rebazi rekunenge kwatumirwa mamishinari richabva raatumira kunzvimbo dzinogara vanhu vakawanda. Mamishinari aya anoita zvakawanda pakutsigira basa rekuparidza uye kuita kuti zvinoitwa muungano zvinyatsofamba negwara. Kazhinji kuti vanhu vazova mamishinari, vanopinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Vanotsvagirwa pekugara uye vanopiwa kamari kekuti vawane chekurarama nacho.
MUTARIRI WEDUNHU
16 Dare Rinotungamirira ndiro rinogadza vatariri vematunhu uye vatariri vematunhu vanodzidziswa basa iri nekumbofanobata nzvimbo yemumwe mutariri wedunhu. Varume ava vanoda chaizvo ushumiri uye hama dzavanonamata nadzo. Ivo mapiyona anoshingaira, anonyatsodzidza Bhaibheri, uye anogona kukurukura uye kudzidzisa. Vanonyatsoratidza pachena chibereko chemweya uye maramiro avanoita anoratidza kuti vanonzwisisa uye vanoshandisa uchenjeri pane zvavanoita. Kana hama yacho yakaroora, mudzimai wake anenge achipayona anofanira kunge ari munhu anozvibata zvakanaka uye anogona kugarisana nevamwe. Anofanira kunge aine zvibereko pakuparidza uye achizviisa pasi pemurume wake, asingapinduriri murume wake zvese zvese uye asingavi iye anenge achingotaura pane vamwe. Vatariri vematunhu nemadzimai avo vane basa rakaoma, saka vaya vanoda kuita basa iri vanofanira kunge vaine utano hwakanaka. Mapiyona haafaniri kunyora tsamba achikumbira kuita basa iri. Asi vanofanira kuudza mutariri wedunhu wavo nezvechido chavo uye ndiye achavapa mazano.
ZVIKORO ZVESANGANO
17 Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo: Pari kudiwa vazivisi vemashoko eUmambo vakawanda kuti vashande ndima dzisingawanzoshandwa uye kuti vatsigire ungano mune zvekunamata. Nekudaro, hama dzisina kuroora, hanzvadzi dzisina kuroorwa, uye vakaroorana vanogona kunyorera kuti vapinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Vanenge vabva kuchikoro ichi vanotumirwa kunzvimbo dzinonyanya kudiwa vaparidzi munyika yavo kuti vanoshumira semapiyona enguva dzese. Zvisinei, vamwe vashomanana vanokwanisa vanogona kuendeswa kunoshanda semapiyona chaiwo kwenguva pfupi kana refu munyika yavo kana kuti kune imwe nyika kana kuti kupiwa mamwe mabasa. Mapiyona anenge achida kunzwa zvakawanda nezvechikoro ichi anofanira kupinda musangano unoitwa pagungano remunharaunda.
18 Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi: Hama dzisina kuroora, hanzvadzi dzisina kuroorwa, uye vakaroorana vari mubasa chairo renguva yakazara vanogona kutaura Chirungu, ndivo vanosarudzwa kuti vapinde chikoro ichi. Vanofanira kunge vachiratidza kuti vanokwanisa kusimbisa uye kubatsira pakuita kuti zvinhu zvifambe negwara mundima kana kuti pabazi. Vakatoratidza kuti vanofarira kushumira hama dzavo uye vanogona kunyatsobatsira vamwe kudzidza nekutevedzera mirayiridzo inobva muMagwaro uye yesangano. Dare Rebazi ndiro rinosarudza vanhu vangaenda kuchikoro chacho. Kana vapedza chikoro vanoendeswa kunoita basa rekuparidza kana kuti kunoshanda pahofisi yebazi kune imwe nyika kana munyika yavo.
BASA REPABHETERI
19 Chikomborero chaicho kushanda paBheteri. Zita rekuti Bheteri rinoreva kuti “Imba yaMwari,” uye rakanyatsokodzera nekuti panzvimbo idzi ndipo panoitwa mabasa akawanda esangano. Hama nehanzvadzi dzinoshanda paBheteri dzinoita basa rinokosha pakutsigira basa rekushandura, kugadzirwa nekuparadzirwa kwemabhuku eBhaibheri. Basa ravo rinokosheswa zvikuru neDare Rinotungamirira, iro rinotarisira nekupa mirayiridzo kuungano pasi rese. Vashanduri vakawanda vanogara uye vanoshandira munzvimbo dzinotaurwa mutauro wavanoshandurira. Izvi zvinoita kuti vakwanise kunzwa mutauro wacho uchitaurwa zuva nezuva. Vanogonawo kubva vazvionera kana vanhu vachinzwisisa zvavanenge vashandura.
20 Basa rakawanda rinoitwa paBheteri rinoda vanhu vane simba. Ndokusaka paBheteri pachinyanya kushevedzwa hama dzechidiki dzakazvitsaurira dzikabhabhatidzwa, uye dzine utano hwakanaka. Kana bazi rinotarisira nyika yenyu richida vanhu vanozoshanda paBheteri uye iwe uchida, unogona kunzwa zvakawanda kubva kuvakuru vemuungano yako.
BASA REKUVAKA
21 Kuvaka zvivakwa zvekunamatira ibasa dzvene rakafanana nerakaitwa pakavakwa temberi yaSoromoni. (1 Madz. 8:13-18) Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinozvipira kushandisa nguva yadzo nezvinhu zvavo kuti vaite basa iri.
22 Unokwanisa kubatsira here? Kana wakabhabhatidzwa, uchida kuitawo basa iri, hama dzinotungamirira basa rekuvaka kwaunogara dzichatenda chaizvo rubatsiro rwako uye dzinoda nemwoyo wese kukudzidzisa maitirwe ebasa racho kunyange usingazivi. Wadii kuudza vakuru vemuungano yenyu kuti unoda kubatsira? Vamwe vaparidzi vakabhabhatidzwa vanokodzera vakatozvipira kuita basa iri rekuvaka mune dzimwe nyika.
23 Pane mikana yakawanda yekuitawo basa rekuvaka. Vaparidzi vanoita zvakanaka uye vane karuzivo nezvemamwe mabasa vanogona kuzvipira kutsigira mabasa ekuvaka anenge achiitwa pedyo nekwavanogara. Vaya vanenge vazvipira vanonzi maLocal Design/Construction volunteers. Hofisi yebazi inogadza vamwe vanokwanisa kunoshandira kunzvimbo dziri kure kwevhiki mbiri kusvika kumwedzi mitatu uye vanonzi maconstruction volunteers. Vaya vanogadzwa kuti vashande kwenguva yakareba vanonzi maconstruction servants. Asi kana vakanzi vanoshandira kune imwe nyika vanenge vava kunzi maexpatriate construction servants. Boka Rekuvaka rinosanganisira maconstruction servants nemaconstruction volunteers ndiro rinotungamirira basa rinenge richiitwa uye rinobatsirwa nemaLocal Design/Construction volunteers pamwe chete nevaparidzi vemuungano dziri kuvakirwa Imba yacho. Kana rapedza rinobva raenda kune imwe nzvimbo inenge ichida kuitwa rimwe basa mundima yebazi iroro.
NDEZVIPI ZVAUNOVAVARIRA KUZOITA?
24 Kana wakazvitsaurira kuna Jehovha, chido chako ndechekumushumira nekusingaperi. Asi ndezvipi zvaunovavarira kuzoita? Ukava nezvinangwa pakunamata zvichakubatsira kuti ushandise nemazvo simba rako nepfuma. (1 VaK. 9:26) Kuva nezvinangwa zvakadaro kunokubatsira kukura pakunamata uye kuti uise pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha paunenge uchivavarira kuwedzera zvaunoita pakushumira Jehovha.—VaF. 1:10; 1 Tim. 4:15, 16.
25 Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakanaka wekutevedzera pakushumira Mwari. (1 VaK. 11:1) Pauro aishanda nesimba pakushumira Jehovha. Akaona kuti Jehovha aiva amupa mikana yekuita zvakasiyana-siyana pakunamata. Akanyorera hama dzekuKorinde kuti: “Ndakazarurirwa suo guru rebasa.” Handizvowo here kuti tine mikana yakawanda musangano yekuti tishumire Jehovha, kunyanya pakuparidza mashoko akanaka eUmambo? Asi sezvakangoitika kuna Pauro, kuti tipinde ‘nepasuo guru’ iroro tinotofanira kurwisana ‘nevanopikisa vakawanda.’ (1 VaK. 16:9) Pauro akanga akazvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu. Akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita semuranda.” (1 VaK. 9:24-27) Ndizvo zvatinoitawo here?
Ukava nezvinangwa pakunamata zvichakubatsira kuti ushandise nemazvo simba rako nepfuma
26 Munhu wese anokurudzirwa kuti ave nezvinangwa pakunamata zvichienderana nezvaanokwanisa. Vakawanda vari mubasa renguva yakazara vakatanga vachiri vadiki kuva nezvinangwa zvekunamata. Vakakurudzirwa nevabereki vavo nevamwe kuti vaite basa iri. Saka havazvidembi uye vanonakidzwa zvikuru nekuita basa raJehovha. (Zvir. 10:22) Zvimwe zvinangwa zvinokosha kuparidza vhiki nevhiki, kutanga uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kana kuti kuzvipa nguva yakawanda yekugadzirira misangano. Chinhu chinokosha ndechekuti tirambe takatendeka tichiita ushumiri hwedu zvizere. Kana tikaita izvi, tichakudza Jehovha tozadzisa chinangwa chedu chikuru chekumushumira nekusingaperi.—Ruka 13:24; 1 Tim. 4:7b, 8.