RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 9/15 pp. 28-32
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VAKRISTU VEPAKUTANGA
  • VASHUMIRI VENGUVA YAKAZARA VEMAZUVA ANO
  • KUBATSIRA MAPIYONA
  • KUBATSIRA VATARIRI VANOFAMBIRA
  • KUBATSIRA NHENGO DZEMHURI YEBHETERI
  • KUBATSIRA VARI MUBASA RENGUVA YAKAZARA VANOBVA KUNE DZIMWE NYIKA
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukoshesa Zvikuru Ropafadzo Dzebasa Rinoyera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 9/15 pp. 28-32
Mapiyona maviri ari muushumiri

Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara

“Tinoramba tichifunga nezvebasa renyu rinobva pakutenda nebasa renyu rorudo.”—1 VAT. 1:3.

UNGAPINDURA SEI?

  • Ndeapi mamwe mabasa aiitwa nevaKristu vepakutanga, uye vamwe vaivabatsira sei?

  • Ndeapi mabasa enguva yakazara ari kuitwa mazuva ano aunofarira?

  • Ungabatsira sei mumwe munhu ari mubasa renguva yakazara?

1. Pauro aiona sei vaya vaishanda nesimba pakushumira Jehovha?

MUAPOSTORA PAURO aigara achifunga vaya vaishanda nesimba pakuparidza mashoko akanaka. Akanyora kuti: “Tinoramba tichifunga nezvebasa renyu rinobva pakutenda nebasa renyu rorudo nokutsungirira kwenyu nokuda kwetariro yenyu yamuinayo munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu.” (1 VaT. 1:3) Jehovha anoyeukawo mabasa orudo anoitwa nevanhu vose vanomushumira vakatendeka pasinei nokuti vanokwanisa kuita zvakawanda here kana kuti zvishoma.​—VaH. 6:10.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Hama dzedu dzakawanda, dzekare nedzemazuva ano dzakazvipira chaizvo kushumira Jehovha dzichiita basa renguva yakazara. Ngationei kuti vamwe vashumiri vekare vaizviitawo sei. Tichaonawo mamwe mabasa enguva yakazara anoitwa mazuva ano uye kuti tingabatsira sei hama dzedu dziri kuita mabasa iwayo.

VAKRISTU VEPAKUTANGA

3, 4. (a) Vamwe vaKristu vepakutanga vaishumira sei Jehovha? (b) Vaiwana sei zvokurarama nazvo?

3 Jesu achangobhabhatidzwa, akatanga basa raizoitwa munyika yose. (Ruka 3:21-23; 4:14, 15, 43) Paakafa, vaapostora vake ndivo vainge vava kutungamirira basa rokuparidza. (Mab. 5:42; 6:7) Vamwe vaKristu vakadai saFiripi vakashumira sevaevhangeri uye mamishinari muParestina. (Mab. 8:5, 40; 21:8) Pauro nevamwe vake vakanoparidza kunyika dzaiva kure chaizvo. (Mab. 13:2-4; 14:26; 2 VaK. 1:19) Somuenzaniso, vamwe vakadai saSirivhano (Sirasi), Mako uye Ruka vaishandawo sevakopi kana kuti vanyori. (1 Pet. 5:12) Hanzvadzi dzakawanda dzaishandawo pamwe nehama idzi. (Mab. 18:26; VaR. 16:1, 2) Zvakaitwa nehama nehanzvadzi idzi ndizvo zvinoita kuti Magwaro echiKristu echiGiriki anakidze kuverenga, uye zvinoratidza kuti Jehovha anokoshesa basa rinoitwa nevashumiri vake.

4 VaKristu ava vaiwana sei zvokurarama nazvo? Dzimwe nguva vaigamuchirwa mudzimba dzehama uye vaibatsirwa nedzimwe nzira, asi vaisaita zvokumanikidza hama kuti dzivabatsire. (1 VaK. 9:11-15) Dzimwe nguva vaibatsirwa nemunhu mumwe chete kana kuti ungano yose zvayo. (Verenga Mabasa 16:14, 15; VaFiripi 4:15-18.) Pauro nevamwe vaaishanda navo vaimboitawo mamwe mabasa kuti vawane zvokurarama nazvo.

VASHUMIRI VENGUVA YAKAZARA VEMAZUVA ANO

5. Mumwe murume nemudzimai vakati kudii nezvekushumira mubasa renguva yakazara?

5 Mazuva ano, kunewo vakawanda vanoshingaira mumabasa akasiyana-siyana enguva yakazara. (Ona bhokisi rakanzi “Mabasa Enguva Yakazara.”) Vanotii nebasa ravakasarudza? Unogona kuvabvunza mubvunzo iwoyo uye uchakurudzirwa chaizvo. Somuenzaniso, imwe hama yakamboshumira sapiyona wenguva dzose, piyona chaiye, mumishinari uye senhengo yeBheteri inoshumira kune imwe nyika, yakati: “Ndinonyatsoona kuti ndakasarudza zvakanaka pandakapinda mubasa renguva yakazara. Pandaiva nemakore 18, ndakanetseka kuti ndosarudza kuenda kuyunivhesiti here, ndotsvaka basa here kana kuti ndopayona. Ndakanyatsoona kuti Jehovha haakanganwi kuzvipira kwaunenge waita kuti umushumire mubasa renguva yakazara. Kudai ndakasarudza basa rokunyika, ndingadai ndisina kukwanisa kushandisa unyanzvi hwandakapiwa naJehovha sezvandiri kuita iye zvino.” Mudzimai wehama iyi akati: “Mabasa ose andakaita akandibatsira kuti ndikure pakunamata. Tinogara tichiona kuti Jehovha anotidzivirira nokutitungamirira uye aisazombotibatsira saizvozvo kudai tisina kusarudza kuita zvakawanda mubasa rake. Ndinoonga Jehovha zuva nezuva nokutibvumira kwaakaita kuti tiite basa renguva yakazara.” Haudiwo here kuva neupenyu hwakadaro?

6. Jehovha anoona sei basa ratinomuitira?

6 Kune vamwe vasingakwanisi kupinda mubasa renguva yakazara panguva ino. Asi tinovimba kuti Jehovha anokoshesawo zvose zvavanoita nemwoyo wose. Funga nezvevaya vakataurwa nemazita naPauro pana Firimoni 1-3, nevamwe vose vaiva muungano yeKorose. (Verenga.) Pauro aikoshesa zvavaiita uye Jehovha aizvikoshesawo. Baba vedu vokudenga vanokoshesawo zvaunoita. Asi ungatsigira sei vaya vari mubasa renguva yakazara?

KUBATSIRA MAPIYONA

7, 8. Mapiyona anotarisirwa kuitei uye vamwe vari muungano vangaabatsira sei?

7 Kungofanana nevaevhangeri vekare, mapiyona anoshingaira anokurudzira chaizvo ungano. Mwedzi woga woga, mapiyona akawanda anosvitsa maawa 70 muushumiri. Ungaabatsira sei?

8 Imwe hanzvadzi inopayona inonzi Shari yakati: “Mapiyona anoratidza kuti akasimba chaizvo nokuti anobuda muushumiri mazuva ose. Asi anodawo kukurudzirwa.” (VaR. 1:11, 12) Imwe hanzvadzi yaipayona kwemakore yakataura nezvemapiyona emuungano mayo ichiti: “Anoramba achishanda nesimba. Anoonga chaizvo kana vamwe vakati vanoda kuatakura nemota muushumiri, kuakoka kuzodya, kuapa mari yemafuta emota kana kuabatsira nemari yezvimwewo zvinhu. Zvinoita kuti aone kuti unoafarira.”

9, 10. Vamwe vakaitei kuti vabatsire mapiyona omuungano mavo?

9 Unoda kubatsira mapiyona muushumiri here? Mumwe piyona anonzi Bobbi akati: “Tinoda vanhu vokubuda navo muushumiri mukati mevhiki.” Mumwewo piyona womuungano yavo akati: “Tinowanzoshaya vanhu vokubuda navo masikati.” Imwe hanzvadzi yava kushanda paBheteri rokuBrooklyn yakataura zvaiitika payaipayona ichiti: “Imwe hanzvadzi yaiva nemota yakati, ‘Kana ukashaya munhu wokubuda naye muushumiri, ndifonere tobuda tose.’ Izvozvo zvakandibatsira kuti ndirambe ndichipayona.” Shari akatiwo: “Kana mapiyona asina kuroora kana kuroorwa abva muushumiri, kakawanda anenge achingova oga. Munogona kupota muchikoka hama nehanzvadzi dzisina kuroora kana kuroorwa pamunoita kunamata kwenyu kwemhuri. Kuva nadzo pamunoita zvimwe zvinhu kunoitawo kuti dzirambe dzakasimba.”

10 Imwe hanzvadzi yava nemakore anoda kusvika 50 iri mubasa renguva yakazara yakataura nezvenguva yayaipayona nedzimwe hanzvadzi dzisina kuroorwa ichiti: “Vakuru vomuungano yedu vaigara vachishanyira mapiyona pashure pemwedzi inoverengeka. Vaibvunza nezveutano hwedu, basa uye vaida kuona kana taiva nezvaitinetsa. Vaibvunza zvichinyatsobva pamwoyo. Vaitishanyira kumba kwedu kuti vaone kana taida kubatsirwa.” Izvi zvinotiyeuchidza mashoko akataurwa naPauro achionga kubatsirwa kwaakaitwa nemumwe murume wokuEfeso aiva nemhuri.​—2 Tim. 1:18.

11. Piyona chaiye anotarisirwa kuitei?

11 Dzimwe ungano dzine mapiyona chaiwo. Hama nehanzvadzi idzi dzakawanda dzinofanira kusvitsa maawa 130 pamwedzi muushumiri. Sezvo dzichibuda muushumiri kwenguva yakareba uye dziine mamwe mabasa okuita muungano, hadzikwanisi kuita mamwe mabasa angadziwanisa mari. Hofisi yebazi inopa mapiyona chaiwo kamari kokuti awane chokurarama nacho kuitira kuti akwanise kuramba achiita ushumiri.

12. Vakuru uye vamwe vari muungano vangabatsira sei mapiyona chaiwo?

12 Tingabatsira sei mapiyona chaiwo? Mumwe mukuru ari pahofisi yebazi uyo anowanzokurukura nemapiyona chaiwo akati: “Vakuru vanofanira kutaura nemapiyona chaiwo, voziva kuti zvinhu zviri kuafambira sei uye voona kuti vangaabatsira sei. Zvimwe Zvapupu zvinofunga kuti mapiyona chaiwo anowana zvose zvaanoda nokuti anopiwa mari, asi hama dzekwaanogara dzinogona kuabatsira munzira dzakasiyana-siyana.” Kungofanana nemapiyona enguva dzose, mapiyona chaiwo anofara chaizvo kana akawana vamwe vokubuda navo muushumiri. Ungabudawo nawo here?

KUBATSIRA VATARIRI VANOFAMBIRA

13, 14. (a) Tinofanira kuyeukei nezvevatariri vematunhu? (b) Unofunga kuti ungaitei kuti ubatsire vatariri vanofambira nemadzimai avo?

13 Vanhu vanowanzoona vatariri vematunhu nemadzimai avo sevanhu vakasimba chaizvo pakunamata. Ichocho ichokwadi, asi vanodawo kukurudzirwa, vanoda vanhu vokubuda navo muushumiri uye vanodawo nguva yokumboitawo zvinovaraidza. Tingaitawo sei kana tikanzwa kuti varwara, vaendeswa kuchipatara, uye zvimwe vanoda kuitwa oparesheni? Vanofara chaizvo kana tikavabatsira uye tikaratidza kuti tine hanya navo. Ruka, “chiremba anodiwa” uye munyori webhuku raMabasa, anofanira kunge aiva nehanya chaizvo naPauro nevamwe vaaifamba navo.​—VaK. 4:14; Mab. 20:5–21:18.

14 Vatariri vanofambira nemadzimai avo vanoda shamwari uye vanodzikoshesa. Mumwe mutariri wedunhu akanyora kuti: “Shamwari dzangu dzinoita sokuti dzinoziva nguva yandinoda kukurudzirwa. Dzinondibvunza mibvunzo zvine unyanzvi zvokuti ndinodziudza zvinenge zvichindidya mwoyo. Kungoteerera chete kwadzinoita kunondibatsira chaizvo.” Vatariri vematunhu nemadzimai avo vanoonga chaizvo patinoratidza kuti tine hanya navo.

KUBATSIRA NHENGO DZEMHURI YEBHETERI

15, 16. Vaya vanoshumira paBheteri uye paDzimba Dzemagungano vanoita basa rei uye tingavabatsira sei?

15 Vaya vanoshumira paBheteri uye paDzimba Dzemagungano vane zvakawanda zvavanoita pakutsigira basa roUmambo munyika dziri pasi pehofisi yavo yebazi. Kana muungano menyu kana kuti mudunhu menyu muine nhengo dzemhuri yeBheteri, ungaratidza sei kuti unodzifunga?

16 Pavanosvika paBheteri, vangatanga kusuwa hama neshamwari dzavakasiya kumba. Vanofara chaizvo kana vamwe vari paBheteri uye vomuungano yavo itsva vakaratidza kuti vanovafarira. (Mako 10:29, 30) Basa ravo rinoita kuti vakwanise kupinda misangano yeungano uye kuparidza vhiki yoga yoga. Asi dzimwe nguva vanoita mamwe mabasa okuwedzera epaBheteri anogona kuvatadzisa kuva pamwe chete neungano. Kana ungano dzikaziva izvi uye dzikaratidza kuti dzinokoshesa zvinoitwa nenhengo dzemhuri yeBheteri uye basa radzo, munhu wose achabatsirikana.​—Verenga 1 VaTesaronika 2:9.

KUBATSIRA VARI MUBASA RENGUVA YAKAZARA VANOBVA KUNE DZIMWE NYIKA

17, 18. Mabasa api anoitwa nevanoshumira kune dzimwe nyika?

17 Vaya vanoenda kunoshumira kune imwe nyika, vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana. Vanofanira kudzidza mumwe mutauro, kujairana netsika uye zvokudya zveko, nemamwewo matambudziko. Mabasa api anoitwa nehama nehanzvadzi idzi?

18 Vamwe vacho mamishinari uye vanogara vachiita basa rokuparidza. Vanokwanisa kubatsira vanhu vakawanda nokuti vakadzidziswa kuita basa iri. Hofisi yebazi inotsvagira mamishinari pokugara uye inovapa kamari kokuti vawane zvokurarama nazvo. Vamwe vanonzi vanoshumira pahofisi yebazi kana kuti vabatsire pakuvaka mahofisi ebazi, mahofisi eshanduro, Dzimba Dzemagungano kana kuti Dzimba dzoUmambo. Vanopiwa zvokudya, pokugara nezvimwewo. Sezvinongoita nhengo dzemhuri yeBheteri, vanopinda misangano nguva dzose uye vanobuda muushumiri, saka vanobatsira chaizvo pane zvakawanda.

19. Chii chatinofanira kuyeuka nezvevaya vari mubasa renguva yakazara vakabva kune dzimwe nyika?

19 Ungabatsira sei vashumiri venguva yakazara vakabva kune dzimwe nyika? Yeuka kuti zvingavatorera nguva kuti vajaire zvimwe zvinhu zvamunodya. Saka paunovakoka kuzodya, unogona kuvabvunza kana vachida kumboedza kudya zvimwe zvinhu kana kuti vaine zvimwe zvavasingadi kudya. Iva nemwoyo murefu pavanenge vachidzidzira mutauro wenyu netsika dzenyu. Zvinotora nguva kuti vazokwanisa kunzwisisa zvose zvaunotaura, asi unogona kuvabatsira kuti vanyatsodudza mashoko zvakarurama. Vanoda kudzidza!

20. Tingaratidza sei kuti tinofunga vaya vari mubasa renguva yakazara nevabereki vavo?

20 Vanhu vari mubasa renguva yakazara vanokwegura uye vabereki vavo vanokwegurawo. Kana vabereki vavo vari Zvapupu, kakawanda vanoda kuti vana vavo varambe vari mubasa renguva yakazara. (3 Joh. 4) Ichokwadi kuti vari mubasa renguva yakazara vanoita zvose zvavanogona kana vabereki vavo vava kuda kuchengetwa uye vanoedza kugara vachienda kunovaona. Asi vaya vari kumusha vanogona kubatsirawo vabereki vakwegura vane vana vari mubasa renguva yakazara. Yeuka kuti vari mubasa renguva yakazara vane zvakawanda zvavari kuita pabasa rinokosha chaizvo riri kuitwa panyika iye zvino. (Mat. 28:19, 20) Iwe kana kuti ungano yako munogonawo here kubatsira vabereki vevaya vari mubasa renguva yakazara kana paine zvavari kuda?

21. Vari mubasa renguva yakazara vanonzwa sei nezvokubatsirwa uye kukurudzirwa kwavanoitwa nevamwe?

21 Vanopinda mubasa renguva yakazara havana chinangwa chokuwana mari asi vanoda kuita zvakawanda mubasa raJehovha uye vanoda kushumira vamwe. Vanoonga chaizvo chero rubatsiro rwamungavapa. Imwe hanzvadzi inoshumira kune imwe nyika yakataura manzwiro evakawanda ichiti: “Kunyange katsamba kadiki kekutenda kanoratidza kuti vamwe vanokufunga uye vanofara nezvauri kuita.”

22. Unonzwa sei nezvebasa renguva yakazara?

22 Kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara kune mubayiro. Kunoda kushanda nesimba, kunozorodza uye unodzidza zvakawanda. Uye kunoita kuti munhu agadzirire basa richazoitwa nevashumiri vose vaJehovha vakatendeka muUmambo hwaMwari. Dai tose ‘tikaramba tichifunga nezvebasa rinobva pakutenda nebasa rorudo’ rinoitwa nevaya vari mubasa renguva yakazara.​—1 VaT. 1:3.

Mabasa Enguva Yakazara

  • Mapiyona enguva dzose maviri ari kuparidzira mumwe murume

    Mapiyona enguva dzose anowanzoita maawa 70 pamwedzi muushumiri, achishanda mundima yeungano yawo kana kuti munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda.

  • Mapiyona chaiwo maviri ari muushumiri

    Mapiyona chaiwo anowanzoita maawa 130 pamwedzi muushumiri uye anowanzotumirwa kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda.

  • Mutariri wedunhu nemudzimai wake vachifamba

    Vatariri vematunhu vanoshumira ungano dzakawanda, vachitungamirira pabasa roushumiri uye vachibatsirawo ungano dzacho mune zvimwewo.

  • Hama yepaBheteri ichironga mabhuku

    Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoshumira pahofisi yebazi kana kuti pamahofisi eshanduro dzichibatsira pakugadzira mabhuku kana kuti kupa mirayiridzo kuungano dziri mundima yebazi racho.

  • Murume nemudzimai vanoshumira semamishinari vari pamudhudhudhu

    Mamishinari anowanzonzi anoshumira kune imwe nyika. Mamishinari akawanda anosvitsa maawa 130 pamwedzi muushumiri.

  • Mushumiri wenguva yakazara anoita zvokuvaka munyika dzakasiyana-siyana

    Vashumiri venguva yakazara vanoita zvokuvaka munyika dzakasiyana-siyana vanobatsira pakuvakwa kwemahofisi emapazi, mahofisi eshanduro, Dzimba Dzemagungano uye Dzimba dzoUmambo.

  • Mushumiri anovaka Dzimba dzoUmambo achisunda bhara

    Vashumiri vanovaka Dzimba dzoUmambo vanodzidziswa kuvaka Dzimba dzoUmambo uye kuitawo mamwe mabasa okuvaka munyika yavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe