Ganhuro 25
Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
APO Jesu Kristu akatuma vadzidzi vake, akavarayiridza, kuti: “Sezvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:7, NW) Uye mumurayiro wake wouporofita kuvaKristu vechokwadi avo vaizova vachirarama mukati memhedziso yetsika yezvinhu, akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu.” (Mat. 24:14, NW) Ikoko kwakareveiko?
Hakuna kureva kuti vaifanira kuvaka chechi, kuridza bhero, uye kumirira kuti ungano iungane kuzovanzwa vachipa mharidzo kamwe pavhiki. Chiito chechiGiriki chinoshandurwa pano kuti “paridza” (ke·rysʹso) chinoreva, zvikurukuru, “kuita ziviso somuzivisi.” Pfungwa yacho haisati iri kupa mharidzo kuboka rakaganhurirwa ravadzidzi asi, panzvimbo pezvo, kuita ziviso yapachena, yavose.
Jesu amene akagadza muenzaniso pamusoro pokuti kwaifanira kuitwa sei. Akaenda kunzvimbo kwaaigona kuwana vanhu. Muzana rokutanga ramakore, vanhu nguva dzose vaiungana mumasinagoge kuzonzwa Magwaro achiraviwa. Jesu akashandisa mikana yokuvaparidzira imomo, kwete chete muguta rimwe asi mumaguta nemisha muGarirea mose neJudhea. (Mat. 4:23; Ruka 4:43, 44; Joh. 18:20) Kunyange kazhinji kazhinji zvikuru, zvinyorwa zveEvhangeri zvinoratidza kuti, akaparidza mumhenderekedzo dzegungwa, mujinga megomo, mumugwagwa, mumisha, uye mumisha yaavo vaimugamuchira. Kupi kana kupi kwaaiwana vanhu, aitaura pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu. (Ruka 5:3; 6:17-49; 7:36-50; 9:11, 57-62; 10:38-42; Joh. 4:4-26, 39-42) Uye apo akatuma vadzidzi vake, akavarayiridza kuenda kumisha yavanhu kundotsvaka vakafanira ndokupupura kwavari pamusoro poUmambo hwaMwari.—Mat. 10:7, 11-13.
Zvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno zvakaedza kutevera muenzaniso wakagadzwa naJesu navadzidzi vake vomuzana rokutanga ramakore.
Kuzivisa Mashoko Okuvapo kwaKristu
Sezvo Charles Taze Russell navasonganiri vake vakavamba kunzwisisa mutoo unotsinhirana wezvokwadi inooneswa muShoko raMwari, vakaororwa zvikuru nezvavakadzidza pamusoro pechinangwa nomutoo zvokudzoka kwaKristu. Hama Russell vakanzwa zvose zviri zviviri kudikanwa kwokukuzivisa nekurumidziro huru pamusoro pokukuita. Vakaronga zvinhu zvavo kuti vaende kunzvimbo kwakanga kune vanhu kwavaigona kutaura pamusoro peidzi zvokwadi dzeBhaibheri. Vakapinda misangano yorudzidziso yomumisasa uye vakazviyamura vamene nemikana yokutaura kwavari, sokuparidza kwakanga kwaita Jesu mumasinagoge. Asi vakakurumidza kuziva kuti zvakawanda zvaigona kuitwa mudzimwe nzira. Kufunda kwavo Magwaro kwakaratidza kuti Jesu navaapostora vake vakaita rutivi rukuru zvikuru rwokuparidza kwavo vachitaura pachivande navanhu vamwe navamwe uye apo vakanga vachishanyira imba neimba. Vakazivawo ukoshi hwokudzokorora kurukurirano kupfurikidza nokuisa mumaoko avanhu chimwe chinhu chakadhindwa.
Muna 1877 vakanga vatobudisa bhukwana rinonzi The Object and Manner of Our Lord’s Return. Makore maviri gare gare vakavamba kubudiswa kwenguva dzose kwemagazini inonzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Hungu, chinangwa chacho chakanga chiri chokuparidza, kana kuti kuzivisa, mashoko anokosha pamusoro pokuvapo kwaKristu.
Pakuvamba sa1881, mabhuku aVadzidzi veBhaibheri akanga achipiwa pachena pedyo nechechi—kwete pamasuo chaipo echechi asi pedyo kuti vanhu vanoda rudzidziso vagoagamuchira. Vakawanda vaVadzidzi veBhaibheri vakapa mabhuku akadaro kuvazivikanwi kana kuti vakaatumira nepositi. Pakasvika 1903 Nharireyomurindi yakarumbidza kuti vaedze kusvika munhu ari wose kupfurikidza nokuparadzirwa kwapaimba neimba kwamaturakiti, panzvimbo pokunangidzira ngwariro pavapindi vechechi. Havasati vari Vadzidzi veBhaibheri vose vakaita ikoku, asi vakawanda vakagamuchira neshingairo chaiyoiyo. Kwakashumwa, somuenzaniso, kuti mumaguta makuru akati muUnited States, pamwe chete nomumasabhabhu awo kwemakiromita 16 kana kuti kupfuura kwose kwose, inodokuva imba iri yose yakashanyirwa. Mamiriyoni nemamiriyoni amaturakiti, kana kuti mabhukwana, akaparadzirwa neiyi nzira. Panguva iyoyo Vadzidzi veBhaibheri vakawanda zvikurusa avo vakava negoverano mukuparadzira mashoko akanaka vakakuita kupfurikidza norudzi rwakati rwokuparadzirwa kwapachena kwematurakiti namamwe mabhuku.
Vamwe vaVadzidzi veBhaibheri—vakaganhurirwa zvikuru munhambo—vakabatira savaparidzi veevhangeri macolporteur, vachishandisa chikamu chakati chenguva yavo chose chose nokuda kweiri basa.
Macolporteur Anoshingaira Anotungamirira
Kudanwa kwokutanga kwavarume navakadzi vakazvitsaurira avo vaigona kushandisa chitsama chikuru chenguva yavo muiri basa kwakabuda muna April 1881. Vaizogovera kupa vanasaimba navanamuzvinabhizimisi bhuku duku rinotsanangura zvokwadi dzeBhaibheri nokuzvinyoresa kweNharireyomurindi. Chinangwa chavo chakanga chiri chokutsvaka avo vakanga vane nzara yezvokwadi ndokugoverana nzwisiso navo. Kwenguva yakati vakaedza kutaura zvakakwana chete kunyandura fariro, vachisiya pamusha mumwe nomumwe homwe ine mabhuku okuti saimba anzvere, ipapo ndokudzokera mumazuva mashomanene. Vamwe vanasaimba vaizodzorera mabhuku acho; vamwe vangada kuatenga; kazhinji kazhinji paiva nemikana yekurukurirano. Pamusoro pechinangwa chavo, Nharireyomurindi yakati: “Hakusati kuri kutengeswa kwehomwe, kana kuti kuwanwa kwokuzvinyoresa, asi kuparadzirwa kwezvokwadi, kupfurikidza nokuita kuti vanhu varave.”
Nhamba yakagoverana muuku kuparidza evhangeri kwoucolporteur yakanga iri duku zvikuru. Mukati memakore 30 okutanga, mapoka avo aisiyana kubva pavashomanene kusvikira ku600 kana kuti kupfuura. Aya macolporteur akanga ari mapiyona mupfungwa yechokwadi yeshoko racho, achitanga ndima itsva. Anna Andersen akanga ari mumwe uyo akapfuurira muiri basa kwamakumi amakore, kazhinji kazhinji achifamba nebhasikoro, uye iye pachake akasvika rinodokuva taundi riri rose muNorway namashoko akanaka. Mamwe macolporteur akaenda kunze kwenyika uye akanga ari okutanga kuendesa shoko kunyika dzakadai seFinland, Barbados, El Salvador, Guatemala, Honduras, uye Burma (zvino Myanmar). Pakanga panewo vamwe vakanga vasina kusununguka kuenda kudzimwe nharaunda asi avo vakabatira savaparidzi veevhangeri macolporteur mundima yokumusha kwavo.
Basa rakaitwa namacolporteur rakanga rakatanhamara. Mumwe akanga achibatira kumhenderekedzo yokumadokera kweUnited States akanyora muna 1898 kuti mukati memwedzi 33 yakapfuura, akanga afamba makiromita 12 800 nebhiza rake nengoro, apupura mumataundi 72, aita shanyo 18 000, agovera mabhuku 4 500, awana kuzvinyoresa 125, apa maturakiti 40 000, uye aona vanhu 40 vasingagamuchiri shoko bedzi asi vakatangawo kurigoverana navamwe. Rimwe boka romurume nomudzimai raibatira muAustralia rakabudirira mukugovera mabhuku 20 000 mumaoko avanhu vanofarira mukati menhambo yamakore maviri nehafu chete.
Zvinogoverwa zvakawanda zvakanga zviri chimwe chinhu chisiri chenguva dzose panzvimbo pechiitiko chenguva dzose here? Eya, mushumo wa1909 unoratidza kuti anenge macolporteur 625 (hwerengedzo yaiva pandaza panguva iyoyo) akagamuchira kubva kuSosaiti mabhuku makuru 626 981 okugovera kuvanhu (avhareji yaanopfuura chiuru nokuda kwacolporteur mumwe nomumwe), mukuwedzera kuchitsama chikuru chamabhuku apachena. Kazhinji kazhinji aisagona kutakura mabhuku akakwana paimba neimba, naizvozvo vaitora odha uye ipapo ndokudzokera gare gare kuti vagovere.
Kunyange zvakadaro, vamwe vakaramba, vachiti: “Uku hakusati kuri kuparidza!” Asi, kutaura idi, sokutsanangura kwakaita Hama Russell, kwakanga kuri kuparidza kworudzi rwunobudirira zvikurusa. Panzvimbo pokungonzwa mharidzo imwe chete, vanhu vakanga vachigamuchira mharidzo dzakawanda dzakadhindwa uye nokudaro vaigona kudzifarikanya vafarikanyazve uye vaigona kunzvera zviri mukati madzo muBhaibheri ravo vamene. Ikoku kwakanga kuri kuparidza evhangeri uko kwakarangarira idi rokuti dzidzowo zvayo yakanga yashongedzera vanhu kurava. Bhuku rinonzi The New Creation rakaonesa, kuti: “Idi rokuti ava vaparidziri veevhangeri vari kushanda maererano nemitoo yakachinjirwa kuzuva redu panzvimbo pemitoo yakachinjirwa kunguva yakapfuura, harisati riri chibvumikiso chokurwisana neiri basa sezvakaita idi rokuti vanofamba nezvinofambiswa nemarasha nesimba remagetsi panzvimbo petsoka kana kuti nengamera. Kuparidza evhangeri kuri kupfurikidza nokupiwa kweZvokwadi . . . , Shoko raMwari.”
Fariro yapachokwadi yaVadzidzi veBhaibheri mukubetsera vanhu yakaratidzirwa mukusanoita uko pashure penguva yakati kwakava chiratidzo chebasa ravo rokuparidza. Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, 1917, yakaonesa gadziriro yacho sezvinotevera: Kutanga, macolporteur aizoshanyira misha munharaunda yakati, achigovera mavhoriyamu eStudies in the Scriptures. Ipapo, vachidzokerera mazita akanyorwa namacolporteur kana kuti akapinzwa pamisangano yavose, vashandi vanofudzaa vaishanya. Vakaedza kunyandura chishuvo chokurava mabhuku, vakakurudzira vanofarira kupinda hurukuro dzakasanorongwa, uye vakaita nhamburiko yokuronga kirasi dzefundo yeBhaibheri yeBherea. Apo kwaibvira, macolporteur aifukidza nharaunda imwe cheteyo zvakare, uye ipapo vashandi vanofudza vaidzokerera kuti vagoramba vachionana naavo vairatidza fariro. Gare gare, vamwe vashandi vekirasi vaishanyira misha mimwe cheteyo nezvinhu zvokuzvipira, sezvavaidana maturakiti namamwe mabhuku apachena avaigovera. Ikoku kwakaita kuti kubvirire munhu ari wose kugamuchira chinenge chimwe chinhu icho chinganyandura chishuvo chokudzidza zvakawanda pamusoro pechinangwa chaMwari.
Apo colporteur mumwe bedzi kana kuti maviri aibatira munharaunda yakati, uye makanga musina ungano, macolporteur kazhinji kazhinji aiita basa rokudzokerera iwo amene. Nokudaro apo Hermann Herkendell nomubiyake vakaenda kuBielefeld, Germany, samacolporteur muna 1908, vakarayiridzwa zvakananga kurovedzanisa vanofarira munharaunda macho nokuumba ungano. Makore mashomanene gare gare, Nharireyomurindi yakadudza mamwe macolporteur ayo akanga achipa ngwariro yomunhu oga kuvanhu vanofarira kusvikira kupfundo rokuti vakanga vachisiya kirasi yaVadzidzi veBhaibheri mutaundi riri rose kana kuti guta umo akabatira.
Imwe yamuro inokosha muiri basa yakagoverwa muna 1921 mubhuku rinonzi The Harp of God. Rakagadzirirwa zvikuru kubetsera vavambi, bhuku racho pakupedzisira rakava nemakopi 5 819 037 akaparadzirwa mumitauro 22. Kubatsira avo vakawana iri bhuku, Sosaiti yakaronga kosi yokunyorerana mufundo yeBhaibheri yakarongwa maererano nemisoro. Iyoyi yaiumbwa nemibvunzo 12, yaitumirwa kwenhambo yevhiki 12. Nokushandiswa kweiri bhuku, gadziriro dzakaitwawo dzekurukurirano dzeBhaibheri dzeboka mumisha yavanhu vanofarira. Vakati kuti veVadzidzi veBhaibheri kazhinji kazhinji vaipinda fundo yakadaro.
Zvapupu zvakanga zvichisanoziva, zvisinei, kuti munda wakanga uri mukuru uye ivo vakanga vari vashoma.—Ruka 10:2.
Kusvika Vakawanda Apo Vakanga Vari Vashoma
Nharireyomurindi yakaonesa kuti avo vakanga vari vaKristu vakazodzwa nomudzimu zvirokwazvo vakanga vane mutoro wakapiwa naMwari wokutsvaka ndokubatsira vose vakanga vari vaKristu vepachokwadi, kana vakanga vari vaendi kuchechi kana kuti kwete. (Isa. 61:1, 2) Kwaigona kuitwa sei?
Vadzidzi veBhaibheri vaviri (J. C. Sunderlin naJ. J. Bender) avo vakatumwa kuEngland muna 1881 vaigona kuve vakaita zvishomanene zvikuru vari voga; asi nerubatsiro rwemazana avarume vaduku avo vaibhadharwa nokuda kwamabasa avo, vakakwanisa kuita kuti makopi 300 000 eFood for Thinking Christians aparadzirwe munguva pfupi chete. Adolf Weber, uyo akadzokera kuSwitzerland namashoko akanaka pakati pema1890, akanga ane ndima huru yaipinda munyika dzinoverengeka mokuparidza. Aigona sei kuifukidza yose? Akafamba pachake kuenda kure sacolporteur, asi akaisawo ziviso mumapepanhau ndokuita gadziriro dzokuti vatengesi vamabhuku vabatanidze zvinyorwa zveWatch Tower mumirwi yavo. Boka duku raVadzidzi veBhaibheri muGermany muna 1907 rakaronga kuita kuti maturakiti ane mapeji mana 4 850 000 atumirwe nemapepanhau. Nokukurumidza pashure pehondo yokutanga yenyika, imwe hama yokuLatvia iyo yakanga iri mutezo wavashandi vapadzimbahwe reSosaiti muNew York yakaripira ziviso mumapepanhau munyika mayakaberekerwa. Mumwe murume uyo akagamuchira imwe yeidzi ziviso akava Mudzidzi weBhaibheri wokutanga muLatvia. Kushandiswa kwemutoo wakadaro wokuzivisa, zvisinei, hakuna kutsiva kupupura kwomunhu oga nokutsvaka paimba neimba vanhu vakafanira. Panzvimbo pezvo, kwakashandiswa kuwedzera ziviso yacho.
Dzinopfuura ziviso dzakabudiswa mumapepanhau, zvisinei. Mukati mamakore akatungamirira kuHondo Yenyika I, mutarisiro yaHama Russell, mharidzo dzavo dzaibudiswa nguva dzose. Munhambo pfupi, ikoku kwakawedzera nenzira inoshamisa. Mapepanhau anopfuura 2 000, nenhamba yevaravi yakabatanidzwa 15 000 000, akanga achipa idzi mharidzo panguva imwe cheteyo muUnited States, Canada, Britain, Australia, uye South Africa. Zvakawanda zvaigona kuitwa here? Hama Russell vakafunga saizvozvo.
Pashure pamakore maviri egadziriro, kuratidzwa kwokutanga kwe“Photo-Drama of Creation” kwakaitwa muna January 1914. “Photo-Drama” yakapiwa mumativi mana. Purogiramu yamaawa masere yakabatanidza bhaisikopo nemasiraidhi, zvakatsinhiraniswa nenzwi rakatapwa. Zvirokwazvo kwakanga kuri kubudiswa kwechienzi kwakagadzirirwa kuvaka kunzwisisa Bhaibheri nechinangwa chaMwari sezvinooneswa mariri. Kuratidza kwakarongwa zvokuti maguta 80 aigona kubatirwa zuva rimwe nerimwe. Kuzivisa pachine nguva mberi kwaiitwa kupfurikidza nemapepanhau, zviratidzo zvakawanda zvakaiswa pamawindo, uye kuparadzirwa kwezvitsama zvikuru zvamashoko akadhindwa apachena akagadzirirwa kunyandura kufarira “Photo-Drama.” Kupi nokupi kwayairatidzwa, mapoka akauya kuzoiona. Mukati megore “Photo-Drama” yakanga yasvika vateereri vane hwerengedzo yevanhu vanopfuura 8 000 000 muUnited States neCanada, uye mamwe mapoka makuru akanga achishumwa kuBritain nekondinendi yeEurope pamwe chete neAustralia neNew Zealand. “Photo-Drama” yaiteverwa nechimiro chakati pfupikei zvikuru (chisina bhaisikopo) chokushandisa mumataundi maduku zvikuru nenharaunda dzomumaruwa. Mumitauro yakasiyana-siyana Mutambo wacho wakapfuurira kushandiswa kwemakore makumi maviri. Fariro huru yakanyandurwa, mazita avanofarira akapiwa, uye shanyo dzedzokerero dzakaitwa.
Ipapo, muma1920, chimwe chishandiswa chakawanika chokupa ziviso yakafara kushoko roUmambo. Hama Rutherford vakanzwa zvakasimba kuti ruoko rwaShe rwakanga rwuchioneka mukutanga kwacho. Chakanga chiri chii? Redhiyo. Asingasviki makore maviri pashure pokunge nhepfenyuro yokutanga yezvokutengeserana yenyika yavamba kuparidza nguva dzose (muna 1920), J. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, akataura muredhiyo kuti aparidze zvokwadi yeBhaibheri. Hechino chishandiswa chaigona kusvika mamiriyoni avanhu panguva imwe cheteyo. Mukati mamamwe makore maviri, muna 1924, Sosaiti yakava nenhepfenyuro yayo imene, WBBR, yaishanda muNew York. Pakasvika 1933, gore rezvakawanda zvikurusa, zviteshi 408 zvakanga zvichishandiswa kuendesa shoko kumakondinendi matanhatu. Mukuwedzera kukuparidza kusiri kwakarekodwa, purogiramu nemisoro yakawanda zvakarekodwa pachine nguva mberi. Kuzivisa kukuru kwomunzvimbomo kupfurikidza nokuparadzirwa kwezviziviso zvakadhindwa kwakaitwa kuti vanhu vagoziva pamusoro pokuparidza uye vaigona kubetserwa nako. Uku kuparidza kwakaparadza kufungira mano akaipa kwakawanda ndokuzarura meso avanhu vane mwoyo yakatendeseka. Vanhu vakawanda, nemhaka yokutya vavakidzani vavo navafundisi, vakarega kupinda misangano yaitsigirwa naVadzidzi veBhaibheri, asi ikoku hakuna kuvaregedzesa kuteerera redhiyo mumisha yavo vamene. Kuparidza kwacho hakuna kutsiva kudikanwa kwokupupura paimba neimba; asi kwakaendesa zvokwadi yeBhaibheri kunzvimbo dzakanga dzakaoma kusvika, uye kwakagovera mikana yakaisvonaka yekurukurirano apo Zvapupu zvakashanyira misha somunhu oga.
Mutoro Womumwe Nomumwe Wokupupura
Mutoro wokuva negoverano yomunhu oga mukupupura wakanga waoneswa muNharireyomurindi kwamakumi amakore. Asi kuvambira muna 1919 zvichienda mberi, wakanga uri musoro wekurukurirano yenguva dzose muzvinyorwa zvakadhindwa uye papurogiramu dzekokorodzano. Bva, nokuda kwavanhu vakawanda kwakanga kusiri nyore kusvika vaenzi pamasuo avo, uye pakutanga nhamba yakaganhurirwa bedzi yaVadzidzi veBhaibheri yaigoverana nguva dzose mukupupura paimba neimba.
Kurudziro yapaMagwaro inofadza yakapiwa. “Vakakomborerwa Vasingatyi” wakanga uri musoro wakasimbiswa muzvinyorwa zveNharireyomurindi zvechiNgezi zvaAugust 1 na15, 1919. Wakanyevera pamusoro pokutya munhu, wakakwevera ngwariro kuvarwi vakashinga vaGidheoni vane 300 avo vakanga vakasvinurira uye vachidisa kubatira munzira ipi neipi iyo Ishe airayira uye pamusoro pezvairatidzika kuva zvinetso zvikuru, uye wakarumbidza kuvimba naJehovha kwokusatya kwaErisha. (Vat. 7:1-25; 2 Madz. 6:11-19; Zvir. 29:25) Muna 1921 nyaya yaiti “Shingai” yakasimbisa kwete basawo zvaro asi ropafadzo yakuri kubatira kurutivi rwaShe mukurwisana namasimba aSatani erima kupfurikidza nokuva negoverano mukuita basa rakafanotaurwa pana Mateo 24:14. Avo vaiva nemamirire ezvinhu aivaganhurira vakakurudzirwa kusaodzwa mwoyo uye panguva imwe cheteyo kusarega kuita zvavaigona.
Kupfurikidza nekurukurirano dzakajeka dzapaMagwaro, Nharireyomurindi yakaita kuti vose vaitaura kuva vabatiri vakazodzwa vaMwari vazive mutoro wavo wokuva vazivisi voUmambo hwaMwari. Chinyorwa chechiNgezi chaAugust 15, 1922, chakanga chine nyaya pfupi, yakananga yaiva nemusoro unoti “Basa Rinokosha”—ndiko kuti, basa mukutevedzerwa kwaKristu, basa raizoendesa munhu kumisha yavamwe kundovaudza pamusoro poUmambo hwaMwari. Gare gare gore rimwe chete iroro, kwakaratidzwa kuti basa rakadaro, kuti rive rinokosha mukuona kwaMwari, rinofanira kuva rinosundwa norudo. (1 Joh. 5:3) Imwe nyaya muchinyorwa chechiNgezi chaJune 15, 1926, yakataura kuti Mwari haasati achitongoororwa nokunamata kwomuitiro; kwaanoda kuteerera, uye ikoko kunobatanidza kunzwisisa mutoo upi kana upi waari kushandisa kuita chinangwa chake. (1 Sam. 15:22) Gore rakatevera racho, pakurangarira “Basa ravaKristu Pasi Pano,” ngwariro yakanangidzirwa kubasa raJesu se“chapupu chakatendeka, chazvokwadi” uye kuidi rokuti muapostora Pauro akaparidza “pachena napaimba neimba.”—Zvak. 3:14; Mabasa 20:20, NW.
Mharidzo dzine udzame dzokuti vaparidzi vadzidze nomusoro dzakagoverwa muBulletin, pepa ravo remirayiridzo yebasa romwedzi nomwedzi. Kurudziro yakapiwa yokugoverana mubasa romumunda nguva dzose vhiki imwe neimwe. Asi nhamba yakapupura chaizvoizvo kupfurikidza nokuita shanyo dzapaimba neimba yakanga iri duku pakutanga, uye vamwe vakatanga havana kupfuurira mubasa racho. MuUnited States, somuenzaniso, avhareji yenhamba yevhiki nevhiki yakashuma seyaigoverana mubasa romumunda muna 1922 yakanga iri 2 712. Asi pakasvika 1924 nhamba yacho yakanga yaderera kusvikira ku2 034. Muna 1926 avhareji yacho yakakwira kusvikira ku2 261, nenhamba yapamusoro ye5 937 vaigoverana mukati mevhiki imwe yomubato chaiwo.
Ipapo, mukupera kwa1926, Sosaiti yakavamba kukurudzira ungano kubatanidza chikamu cheSvondo senguva yokupupura kweboka uye kugovera panguva iyoyo kwete bedzi maturakiti asiwo mabhuku efundo yeBhaibheri. Muna 1927, Nharireyomurindi yakakurudzira vakavimbika muungano kubvisa munzvimbo dzoukuru vapi navapi vaiva nokutaura kana kuti zviito zvairatidza kuti havana kugamuchira mutoro wokupupura pachena napaimba neimba. Nokudaro, mapazu akanga asingabereki zvibereko akabviswa, sokunge zvakadaro, uye ayo akasara akapemhenwa kuti agobereka zvibereko zvakawanda kurumbidzo yaMwari. (Enzanisa nomuenzaniso waJesu uri pana Johane 15:1-10.) Ikoku kwakaguma chaizvoizvo newedzero mukurumbidzwa pachena kwaJehovha here? Gore ra1928 rakava newedzero ye53 muzana muavhareji yenhamba yevhiki nevhiki yavatori rutivi mukupupura muUnited States!
Zvapupu hazvina kungogamuchidzazve vanhu turakiti rapachena ndokupfuurira kunzvimbo inotevera. Vakawanda vazvo vakataura nokupfupikisa navanasaimba, vachiedza kunyandura kufarira shoko reBhaibheri, uye ipapo vakavapa mabhuku okurava.
Zvapupu izvozvo zvapakuvamba zvirokwazvo zvakanga zvakashinga, kunyange zvazvo vasati vari vose vakanga vachingwarira pakutaura. Kunyange zvakadaro, vakatanhamara savakasiyana namamwe mapoka orudzidziso. Havana kungotaura kuti mumwe nomumwe anofanira kupupurira kutenda kwake. Munhamba dzinowedzera nguva dzose, vakanga vachikuita chaizvoizvo.
Makadhi Oumboo Namagiramufomu
Mukupera kwa1933 mutoo wakasiyana wokuparidza nawo wakavambwa. Kupfurikidza nesumo, Zvapupu zvaigamuchidza vanhu kadhi reumboo iro rakanga rine shoko pfupi rokuti saimba arave. Irori rakanga riri rebetsero huru zvikurukuru kuvaparidzi vatsva, avo vasina kugamuchira rovedzo huru mumazuva iwayo. Kazhinji kazhinji, vakaita tsinhiro pfupi shomanene bedzi kuna saimba pashure pokunge kadhi raraviwa; vamwe vakataura zvikuru, vachishandisa Bhaibheri. Kushandiswa kwemakadhi oumboo kwakapfuurira kupinda muma1940 chaimo. Kwakabvumira kufukidzwa kunokurumidza kwendima, uye kwakagonesa Zvapupu kusvika vanhu vakawanda, kugamuchidza mabhuku eBhaibheri akawanda anokosha mumaoko avo, kupa uchapupu hwakafanana, uye kunyange kupa shoko kuvanhu vaiva nemutauro wavaisagona kutaura. Kwakagumawo nenhambo dzinokwenudza apo vanasaimba vaichengeta kadhi ndokupfiga suo ravo, vachikuita kuti kuve kuri madikanwa kuti Zvapupu zvigogodzezve kuti zviriwanezve!
Hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa dzakavawo nebasa rakatanhamara mukati mema1930 uye pakuvamba muma1940. Muna 1934 zvimwe zveZvapupu zvakavamba kutakura giramufomu rinotakurika apo zvaienda kundopupura. Muchina wacho waiti remei, naizvozvo vaiuchengeta mumotokari yavo kana kuti kuusiya panzvimbo yakakodzera kutozosvikira zvakawana vanhu vaidisa kuteerera hurukuro yeBhaibheri yakarekodwa. Ipapo, muna 1937, kushandiswa kwegiramufomu inotakurika pasuo chaipo kwakavambwa. Mutoo wacho wakanga wakapfava: Pashure pokutaura kuti chakanga chine shoko rinokosha reBhaibheri, Chapupu chaiisa tsono parekodhi ndokurirega richitaura. Kasper Keim, piyona weGermany aibatira muNetherlands, akanga achionga zvikuru “Aaron” yake, sokudana kwaaiita giramufomu racho, nemhaka yokuti akakuwana kwakaoma kupupura muchiDutch. (Enzanisa naEksodho 4:14-16.) Nemhaka yokudisa kuziva mhuri dzose pane dzimwe nguva dzaiteerera marekodhi acho.
Pakasvika 1940, magiramufomu anopfuura 40 000 akanga achishandiswa. Gore iroro rudzi rutsva runomiswa rwakarongwa ndokugadzirwa neZvapupu rwakatangwa, uye rwakashandiswa zvikurukuru munyika dzeAmerica. Rwakanyandura kuda kuziva kunotova kukuru zvikuru nemhaka yokuti vanasaimba vaisagona kuona rekodhi sezvayakanga ichiridzwa. Rekodhi imwe neimwe yakanga ichitenderera ka78 paminiti uye yakanga yakareba maminiti mana nehafu. Misoro yacho yakanga iri mipfupi uye yakananga: “Umambo,” “Munyengetero,” “Nzira Inoenda Kuupenyu,” “Utatu,” “Purigatori,” “Chikonzero Nei Vafundisi Vachishora Zvokwadi.” Hurukuro dzakasiyana-siyana dzinopfuura 90 dzakarekodwa; marekodhi anopfuura miriyoni akashandiswa. Mharidzo dzacho dzakanga dzakajeka uye dziri nyore kutevera. Vanasaimba vakawanda vakateerera nenzira yokuonga; vashomanene vakaita chiito nenzira yamasimba masimba. Asi uchapupu hunobudirira nohunotsinhirana hwakanga huchipiwa.
Kuzivisa Noushingi Mashoko Akanaka Munzvimbo Dzavose
Kunyange zvazvo makadhi oumboo nemarekodhi egiramufomu zvakanga zvichi“taura” kakawanda, ushingi hukuru hwakanga huchidikanwa kuva Chapupu mukati mamakore iwayo. Rudzi rumene rwebasa racho runoisa Chapupu chimwe nechimwe pamberi pevanhu.
Pashure pekokorodzano ya1931 muColumbus, Ohio, Zvapupu zveJehovha zvakaparadzira bhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World, iro raibatanidza chisarudzo chaiva nomusoro unoti: “Nyevero Inobva Kuna Jehovha” icho chakataurwa “Kuvatongi Nokuvanhu.” Vakaziva kuti seZvapupu zvaJehovha, basa rakakomba rakanga riri pavari rokupa nyevero inooneswa muShoko rake. (Ezek. 3:17-21) Hazvina kungoposita chete mabhukwana iwayo kana kuti kuaisa pasi pamasuo. Zvakaaendesa somunhu oga. Zvakashanyira vafundisi vose uye, kusvikira kutambanuko inobvira, vezvamatongerwe enyika, vakuru vakuru vehondo, uye vatungamiriri vemasangano makuru. Mukuwedzera, zvakashanyira vanhu vose zvavo munyika dzinenge zana umo Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo zvakanga zvichipfuudzira kupupura kwakarongwa.
Pakasvika 1933 zvakanga zvichishandisa michina yokurekodha ine simba kuridza marekodhi ehurukuro dzakananga dzeBhaibheri munzvimbo dzavose. Hama Smets naPoelmans vakaisa muchina wavo pamotokari yavo ine mavhiri matatu ndokumira pedyo nayo sezvayaibudisa shoko mumisika uye pedyo nechechi muLiège, Belgium. Kazhinji kazhinji vaiva kunze ikoko maawa gumi pazuva. Vanhu vomuJamaica vaiungana nokudisa apo vainzwa nziyo, naizvozvo hama ikoko dzairidza nziyo kutanga. Apo mapoka aidirana achibuda mumasango achienda kumigwagwa mikuru kundoona chakanga chichiitika, aiwana Zvapupu zvaJehovha zvichipa shoko roUmambo.
Mimwe yemichina iyoyo yokurekodha mashoko yaiiswa mumotokari nomuzvikepe, magudzanzwi ari padenga kuitira kuti inzwi riende kure. Bert naVi Horton, muAustralia, vaishandisa motokari yaiva negudzanzwi guru rakaiswa pamusoro iro rakanga rakanyorwa mashoko anoti “Shoko roUmambo.” Rimwe gore vakaita kuti unodokuva mugwagwa uri wose muMelbourne uite maungira nokufumurwa kunonyandura kworudzidziso rwenhema nekurondedzerwa kwaifadza kwezvikomborero zvoUmambo hwaMwari. Mukati mamakore iwayo Claude Goodman akanga achipayona muIndia. Kushandiswa kwemotokari ine gudzanzwi, nemarekodhi mumitauro yomunzvimbomo, zvakamugonesa kusvika mapoka makuru munhevedzano yezvitoro, mumapaka, mumigwagwa—kupi kana kupi uko vanhu vaigona kuwanikwa.
Apo hama dzomuLebanon dzaipaka motokari yadzo yaiva negudzanzwi pagomo ndokuridza hurukuro, inzwi raipinda mumipata. Vanhu vomumisha, vasingaoni manyuko enzwi, pane dzimwe nguva vaityiswa, vachifunga kuti Mwari akanga achitaura kwavari ari mumatenga!
Pakanga pane nguva shomanene dzakakomba nokuda kwehama, zvisinei. Pane imwe nhambo, muSyria, mumwe muprista womumusha akasiya zvokudya zvake zviri patafura, akabata mudonzvo wake mukuru, uye akamhanyira muboka rakanga richiungana kuzonzwa hurukuro yeBhaibheri ichiridzwa mumotokari yaiva negudzanzwi. Achivheyesa tsvimbo yake akashatirwa uye achidanidzira, akarayira, kuti: “Regai! Ndati regai!” Asi hama dzaiziva kuti haasati ari munhu ari wose aibvumirana naye; pakanga pane avo vaida kunzwa. Nokukurumidza, vamwe veboka vakatakura muprista wacho ndokumudzosa kumba kwake, uko vakamuisazve patafura yake yezvokudya! Pasinei hapo nechishoro chavafundisi, Zvapupu nenzira youshingi zvakava nechokwadi chokuti vanhu vaiva nemukana wokunzwa.
Nhambo ino yakavawo nokushandiswa kukuru kwezvikwangwani zvokuzivisa zvaipfekwa neZvapupu munharaunda dzebhizimisi sezvazvaiparadzira kokero kuhurukuro chaidzo. Kwakavamba muna 1936 muGlasgow, Scotland. Gore iroro mutoo mumwe chetewo wokuzivisa wakashandiswa muLondon, England, uye ipapo muUnited States. Makore maviri gare gare kuzivisa kwakadaro kwakawedzerwa nokutakurwa kwezviratidzo zvakanga zvakasimudzwa zviri pamiti. Izvi zviratidzo zvaizivisa kuti, “Rudzidziso Musungo uye Nyengedzo”b uye, “Batira Mwari naKristu Mambo.” Panguva yekokorodzano, mutsetse wavafori vakatakura izvi zviratidzo ungave wakareba makiromita akati. Sezvavaifora chinyararire, mumwe mushure momumwe, mumigwagwa inofambwa nevakawanda, mugumisiro wacho wakanga wakafanana nouyo wehondo yaIsraeri wekare yaitenderera Jeriko masvingo aro asati akoromoka. (Josh. 6:10, 15-21) Kuvambira muLondon, England, kusvikira kuManila, muPhilippines, kupupura kwakadaro kwapachena kwoushingi kwakaitwa.
Bva mumwe mutoo wokupupura pachena wakatangwa muna 1940. Maererano norugwaro rwunonongedzera ku‘uchenjeri hwechokwadi hunodanidzira zvikuru mumigwagwa,’ muna February wegore iroro Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kuparadzirwa mumakona emigwagwa kweNharireyomurindi neConsolation (zvino inozivikanwa seMukai!).c (Zvir. 1:20) Zvaidanidzira kutaura kunokwevera ngwariro kumagazini neshoko iro iwaya aiva naro. Mumaguta makuru namataundi maduku mumativi ose enyika, Zvapupu zvaJehovha zvinogovera magazini azvo zvazova chiono chakarovedzeka. Asi kuita basa iroro kunoda ushingi, uye zvikurukuru ushingi hwakadaro hwaidikanwa apo iri basa rakavamba, nokuti yakanga iri nhambo apo kwakanga kune chitambudzo chikuru chakabatanidzwa nekunyanduka kwourudzi kwomunguva yehondo.
Apo zvakakumbirwa kugoverana mukupupura pachena kwakadaro, Zvapupu zvakagamuchira mukutenda. Nhamba yaiva negoverano yomunhu oga mubasa yakapfuurira kuwedzera. Vakakurangarira kuva ropafadzo kuratidzira perero yavo kuna Jehovha neiyi nzira. Asi pakanga pane zvakawanda zvokuti vadzidze.
Mumwe Nomumwe Anokwanisa Kutsanangura Kutenda Kwake
Gadziriro yechienzi yedzidzo yakatanga muna 1942. Yakatanga padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha, uye pakasvika gore rakatevera racho, yakavambwa muungano dzeZvapupu pasi pose. Nechivimbo chokuti mudzimu waMwari wakanga uri pavari uye kuti akanga aisa shoko rake mumiromo yavo, vakanga vakatsunga kuparidza shoko iroro kunyange kana vatambudzi vakanga vachizovanyima zvinyorwa zveWatch Tower kana kuti Bhaibheri rimene. (Isa. 59:21) Pakanga pachitova nenyika, dzakadai seNigeria, umo Zvapupu zvakanga zvine Bhaibheri bedzi rokushandisa pakuparidza, sezvo hurumende yakanga yarambidza mabhuku ose eWatch Tower uye yakanga yatobvuta zvinyorwa izvo dzakawanda dzehama dzakanga dzinazvo mumaraibhurari adzo omunhu oga.
Pakanga pari pana February 16, 1942, apo Hama Knorr vakavamba kosi yakakomba muushumiri hwoubati ushe hwaMwari paMusha weBheteri muBrooklyn, New York. Kosi yacho yakagovera murayiridzo munhau dzakadai sokunzvera, kutaura iwe umene zvakajeka uye zvakarurama, kuita ndaza yamashoko ekupa muhurukuro, kutaura hurukuro nenzira inobudirira, kupa pfungwa nenzira inonyengetedza, uye kuva vanongwarira pakutaura. Vose vari vaviri hama nehanzvadzi vakanga vachigamuchirwa kuti vapinde, asi vanhurume bedzi vakakumbirwa kunyoresa ndokupa hurukuro dzavadzidzi umo vaipiwa zano. Betsero dzakakurumidza kuva pachena kwete bedzi mukutaura kwapachikuva asiwo mukubudirira kukuru zvikuru mukuparidza paimba neimba.
Gore rakatevera racho iyi dzidzo yakavamba kutambanudzirwa kuungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Kutanga yakanga iri muchiNgezi, ipapo mumimwe mitauro. Chinangwa chadudzwa chechikoro chacho chakanga chiri chokubetsera mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha kukwanisa kudzidzisa vamwe pakushanyira vanhu paimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri. Chapupu chimwe nechimwe chakanga chichizobetserwa kuva mushumiri akakwaniriswa. (2 Tim. 2:2) Muna 1959, hanzvadzi dzakapiwawo mukana wokunyoresa muchikoro chacho ndokupa hurukuro mugadziriro yebasa romumunda—dzisingatauri idzo dzimene kuvateereri vose asi, panzvimbo pezvo, kune uyo akagoverwa kutora nzvimbo yasaimba. Uye ikoko kwakanga kusati kuri iko kwoga.
Kubvira muna 1926, vamiriri vanofambira veSosaiti vakanga vave vachishanda pamwe chete neZvapupu zvimwe nezvimwe mubasa romumunda, kuti vazvibetsere kunatsa mano azvo. Zvisinei, pane imwe kokorodzano yamarudzi akawanda muNew York muna 1953, vatariri vedunhu neveruwa vagere pamberi pechikuva, Hama Knorr vakazivisa kuti basa guru ravabatiri vose, kana kuti vatariri, rinofanira kuva rokubetsera Chapupu chiri chose kuva mushumiri wapaimba neimba wenguva dzose. “Munhu ari wose,” ivo vakadaro, “anofanira kukwanisa kuparidza mashoko akanaka paimba neimba.” Nhimbe yenyika yose yakatangwa kuita ikoku.
Neiko kwaiva nesimbiso yakadaro panhau yacho? Rangarira United States somuenzaniso: Panguva iyoyo 28 muzana yeZvapupu vakanga vachiganhurira mubato wavo kukuparadzirwa kwamahendibhiri kana kuti kumira mumigwagwa namagazini. Uye inopfuura 40 muzana yeZvapupu vakanga vachigoverana mubasa romumunda isati iri nguva yose bedzi, vachibvumira mwedzi kupfuura vasingatongoiti kupupura kupi nokupi. Pakanga pane kudikanwa kwebetsero yorudo muchimiro cherovedzo yomunhu oga. Gadziriro dzakaitwa dzaizoita kuti kubvirire vose veZvapupu zvaJehovha avo vakanga vasati vatova Zvapupu zvapaimba neimba kubetserwa mukusvika vanhu pamasuo avo, kutaura kwavari zvinobva muBhaibheri, uye kupindura mibvunzo yavo. Vaizodzidza kugadzirira mharidzo dzapaMagwaro idzo vaigona kupa zvichida mumaminiti matatu nokuda kwavanhu vakanga vakabatikana, kana kuti anenge maminiti masere nokuda kwavamwe. Vavariro yacho yakanga iri yokubatsira Chapupu chimwe nechimwe kuva muparidzi weEvhangeri akakura mumudzimu.
Vakanga vasiri vatariri vanofambira bedzi vaipa uyu murayiridzo. Vabatiri vomunzvimbomo, kana kuti vatariri, vakadarowo; uye mumakore akatevera, zvimwe Zvapupu zvakasanokwaniriswa zvakagoverwa kurovedza vakati kuti. Kwemakore, mienzaniso pamusoro penzira yokuita nayo basa racho yakanga yagoverwa paMusangano Webasa weungano wevhiki nevhiki. Asi ikoku zvino kwakabatanidzwa nesimbiso yakawedzerwa parovedzo yomunhu oga mumunda.
Migumisiro yacho yakanga yakatanhamara. Nhamba yeZvapupu zvaiparidza paimba neimba yakawedzera, sezvakaita nhamba yaitora rutivi nguva dzose muushumiri hwomumunda. Mukati memakore gumi hwerengedzo yeZvapupu munyika yose yakakwira kusvikira ku100 muzana. Zvakanga zvichiitawo dzimwe shanyo dzedzokerero 126 muzana kundopindurira mibvunzo yeBhaibheri vanhu vanofarira, uye zvakanga zvichiitisa dzimwe fundo dzeBhaibheri dzapamusha 150 muzana avo vakaratidza nzara yezvokwadi yeBhaibheri. Zvakanga zvichizvibvumikisa zvimene zvirokwazvo kuva vashumiri vakakwaniriswa.
Nemhaka yemamirire akasiyana-siyana edzidzo netsika umo izvi Zvapupu zvakabva, uye idi rokuti zvakanga zvakapararira mumapoka maduku mupasi rose, kuri pachena chikonzero nei Zvapupu zvichipa mbiri, kwete kumunhu upi noupi, asi kuna Jehovha Mwari nokuda kwenzira yavakashongedzerwa nayo ndokurovedzwa kuzivisa mashoko akanaka.—Joh. 14:15-17.
Kuparidza Paimba Neimba—Chiratidzo Chinozivisa
Panguva dzakasiyana-siyana mamwe mapoka orudzidziso akakurudzira mitezo yawo kushanyira misha yavanhu vari munzanga mavo kuzotaura pamusoro porudzidziso. Vamwe vanhu vakakuedza. Vakati kuti vangatokuita savafundisi kwemakore akati, asi ikoko ndiko kuguma kwako. Zvisinei, kuri bedzi pakati peZvapupu zvaJehovha apo vanodokuva vose, vaduku navakuru, vanhurume nevanhukadzi, vanotora rutivi gore negore, muushumiri hwapaimba neimba. Zvapupu zvaJehovha bedzi izvo zvinoedza zvirokwazvo kusvika pasi rose rinogarwa neshoko roUmambo, mukuteerera murayiro wouporofita uri pana Mateo 24:14.
Hakusati kuri kuti vose veZvapupu zvaJehovha vanowana iri basa riri nyore.d Mukupesana, vakawanda vavo, apo vakatanga kufunda Bhaibheri, vakati: ‘Pane chinhu chimwe chandisati ndichizotongoita, uye ikoko kuenda paimba neimba!’ Bva, mubato umo vanodokuva vose veZvapupu zvaJehovha vanogoverana kana vachikwanisa mumuviri kuita saizvozvo. Uye vakawanda avo vasingakwanisi mumuviri vanokuita munzira ipi neipi—mumawheelchair, netsvimbo, uye zvichingodaro. Vamwe—vasingakwanisi chose chose kubva pamusha pavo, kana kuti kuganhurirwa kwechinguvana, kana kuti kuti vagosvika zvimwe vanhu vasingasvikwi neimwe nzira—vanopupura norunhare kana kuti kupfurikidza nokunyora tsamba. Neiko pane iyi nhamburiko yakasimba?
Sezvavanosvika pakuziva Jehovha, kumuda kwavo kunochinja murangariro wavo wose paupenyu. Vanoda kutaura pamusoro pake. Zvinhu zvinoshamisa izvo akachengetera avo vanomuda zvakanaka zvikuru kwazvo kuti vazvichengetere vamene. Uye vanonzwa mutoro pamberi paMwari wokunyevera vanhu pamusoro pedambudziko guru riri pamberi apa. (Mat. 24:21; enzanisa naEzekieri 3:17-19.) Asi kukuitireiko kupfurikidza nokuenda paimba neimba?
Vanoziva kuti Jesu akadzidzisa vateveri vake kuenda kumisha yavanhu kundoparidza nokudzidzisa. (Mat. 10:11-14) Vanoziva kuti pashure pokunge mudzimu mutsvene wadururwa paPentekosta 33 C.E., vaapostora vakapfuurira vasingaregi kuzivisa mashoko akanaka “mutembere [muJerusarema] napaimba neimba.” (Mabasa 5:42, NW) Chapupu chiri chose chinoziva Mabasa 20:20, iyo inotaura kuti muapostora Pauro akadzidzisa “pachena padzimba dzose.” Uye vanoona ufakazi hwakawanda hwechikomborero chaJehovha pairi basa munguva dzazvino uno. Nokudaro, sezvavanowana ruzivo rwokuzviwanira muushumiri hwapaimba neimba, mubato uyo pane imwe nguva vakatya kazhinji kazhinji unova chimwe chinhu chavanokarira nokudisa.
Uye vanosanouita. Vanochengeta zvinyorwa zvokungwarira kuti vagogona kudzokerera kuzotaura kuvapi navapi vakanga vasiri pamusha. Kwete izvozvo bedzi, asi vanoita vaitazve shanyo pamusha uri wose.
Nemhaka yokubudirira kwoushumiri hwapaimba neimba, vashori munyika dzakawanda vakaedza kuhumisa. Kuti zviwane kuremekedza kwehurumende kodzero yazvo yokuparidza pasuo nesuo, Zvapupu zvaJehovha zvakakwirira kuvakuru vakuru vehurumende. Uko kwakanga kuri madikanwa, zvakaenda kudare kuti zvigosimbisa pamutemo kodzero yokuparidza mashoko akanaka nouyu mutoo. (VaF. 1:7) Uye uko hurumende dzinodzvinyirira dzakaomerera mukurambidza mubato wakadaro, Zvapupu zvaJehovha padzimwe nguva zvakangouita nomutoo unooneka zvishomanene kana kuti, kana kwakanga kuri madikanwa, zvakashandisa dzimwe nzira dzokusvika nadzo vanhu neshoko roUmambo.
Kunyange zvazvo kuparidza neredhiyo neterevhizheni kwakashandiswa kuparadzira shoko roUmambo, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti onano yomunhu oga inoitwa kuti ibvire kupfurikidza neshanyo dzapaimba neimba inobudirira zvikuru kwazvo. Inogovera mukana uri nani wokupindura mibvunzo yavanasaimba vamwe nevamwe nokutsvaka vakafanira. (Mat. 10:11) Ndicho chimwe chezvikonzero nei, muna 1957, Watch Tower Society yakatengesa nhepfenyuro yeWBBR muNew York.
Pashure pokunge zvapa uchapupu hwomunhu oga kuvanhu, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvirangariri kuti basa razvo raitwa. Anongova mavambo chete.
“Muite Vadzidzi . . . Muchivadzidzisa”
Jesu akarayira vateveri vake kuita zvinopfuura kuparidza. Mukumutevedzera, vanofanirawo kudzidzisa. (Mat. 11:1) Asati akwira kudenga, akavarayiridza, kuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20, NW) Kudzidzisa (chiGiriki, di·daʹsko) kwakasiyana nokuparidza mukuti mudzidzisi anoita zvakawanda zvinopfuura kuzivisa; iye anorayiridza, anotsanangura, anopa zvibvumikiso.
Nharireyomurindi yechiNgezi, pakuvamba saApril 1881, yakapa zvikarakadzo zvipfupi pamusoro penzira yokudzidzisa nayo. Mamwe amacolporteur apakuvamba akaita nhamburiko yokungwarira yokushanyirazve avo vakaratidza fariro, yokuvakurudzira kurava mabhuku eSosaiti ndokusangana navamwe nokuda kwefundo yenguva dzose yeShoko raMwari. Bhuku rinonzi The Harp of God (rakabudiswa muna 1921) raishandiswa kazhinji kazhinji nokuda kwechinangwa ichocho. Gare gare, zvisinei, kunyange zvakatowanda zvakaitwa mukupa ngwariro yomunhu oga kuvanhu vanofarira. Hurukuro dzakarekodwa dzeBhaibheri pamwe chete nenhungamiro dzefundo dzakadhindwa zvakashandiswa nenzira yakatanhamara muuyu mubato. Ikoko kwakaitika sei?
Kubvira pakuvamba kwa1933, Sosaiti yakanga yawedzera kuparidza kwayo neredhiyo nemarekodhi airidzwa pagiramufomu rinotakurika muhoro dzemisangano, mumapaka, pamasuo amafekitari, uye zvichingodaro. Mukati menguva pfupi, Zvapupu zvakawana vanhu vanofarira pakushanyira imba neimba zvakanga zvichiita gadziriro dzokudzoka kundovaridzira mamwe aaya marekodhi mumisha yavo. Apo bhuku rinonzi Riches rakava rinowanika muna 1936, kurukurirano kubva mariri dzakashandiswa, pashure pemarekodhi, kutanga fundo dzaigona kupindwa navanhu vanofarira munharaunda macho. Iri basa rakasimbiswa zvikurukuru nomurangariro wokubetsera mitezo inokarirwa ye“vazhinjizhinji” kudzidza zvokwadi.—Zvak. 7:9, KJ.
Panenge panguva iyoyo, boka ravakuru vakuru reKaturike rakawedzera dzvinyiriro yaro pavaridzi nemamanija enhepfenyuro pamwe chete namasangano ehurumende munhamburiko yakasimba yokumisa kubudiswa kwepurogiramu dzeWatch Tower. Chikumbiro chakasainwa navanhu 2 630 000 muUnited States chakakumbira kurukurirano yapachena pakati paJ. F. Rutherford nomukuru mukuru weChechi yeRoma Katurike. Hakuna nomumwe wavafundisi veKaturike akanga achidisa kugamuchira denho yacho. Naizvozvo, muna 1937, Hama Rutherford vakaita marekodhi ane misoro inoti “Vakafumurwa” uye “Rudzidziso nechiKristu,” ayo akapa dzidziso huru dzeBhaibheri, zvikurukuru mukurambwa kwedzidziso dzisiri dzapamagwaro dzeKaturike. Mashoko mamwe chetewo akabudiswa mubhukwana raProtection neraUncovered, uye kopi yeUncovered yakapiwa nomunhu pachake kumunhu ari wose akanga asaina chikumbiro kuti vanhu vagogona kuzviravira vamene zvokwadi dzeBhaibheri idzo vakuru vakuru veKaturike vakanga vachitsvaka kudzvinyirira.
Kuti vabetsere vanhu kuona nhau zvakajeka uye kunzvera hwaro hwapaMagwaro hwaidzodzi, bhukwana rinonzi Model Study Nha. 1 rakadhindwa kuti rishandiswe pamisangano yakarongerwa vanhu vanofarira. Bhukwana racho rakanga rine mibvunzo, mhinduro, uye magwaro okutsigira mhinduro dzinopiwa. Kutanga, muitisi aiita kuti rekodhi imwe kana kuti dzakawanda dzehurukuro dzakarekodwa dzadudzwa pamusoro apa iridzwe kuti munhu ari wose agogona kunzwa chibvumikiso chose. Ipapo, kurukurirano yaitevera, achishandisa mashoko akagoverwa mubhukwana raModel Study uye kunzvera magwaro amene. Model Study Nha. 1 rakateverwa neNha. 2 ne3, akatsinhiraniswa nedzimwe hurukuro dzakarekodwa. Fundo dzakadaro dzakarongwa kutanga panzvimbo apo mapoka avanhu vanofarira aigona kuunganidzwa, asi nokukurumidza dzakanga dzichiitiswawo vanhu vamwe navamwe nemhuri.
Kubvira panguva iyoyo mabhuku akawanda akaisvonaka akagoverwa zvikurukuru kuti ashandiswe neZvapupu zvaJehovha mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Ayo akaparadzirwa zvikurusa akanga ari “Mwari Ngaave Wazvokwadi,” Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi, uye Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Pakanga panewo mabhukwana amapeji 32—“Aya Mashoko Akanaka oUmambo,” God’s Way Is Love, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” uye mamwe akawanda. Iwaya akateverwa namabhurocha akadai saFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, iro rinopa dzidziso huru dzeBhaibheri nenzira yakapfava zvikuru uye iri nyore kunzwisisa.
Kushandiswa kweizvi zvishandiswa, pamwe chete nerovedzo huru yeungano neyomunhu oga, kwakaguma newedzero inoshamisa munhamba yefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinoitiswa. Muna 1950, fundo dzeBhaibheri dzapamusha, dzaiitiswa kazhinji kazhinji vhiki imwe neimwe, dzakaita avhareji ye234 952. Fundo dzaisaita fambiro mberi yakakwana dzairegwa. Vadzidzi vakawanda vakafambira mberi kusvikira kupfundo rokuti ivowo vakava vadzidzisi. Pasinei zvapo nechinjo yenguva dzose, nhamba yacho yakapfuurira kuwedzera, kazhinji kazhinji nokukurumidza zvikuru. Pakasvika 1992, Zvapupu zvakanga zvichiitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 4 278 127 munyika yose.
Kuti zviite iri basa guru rokuparidza nokudzidzisa, mumitauro yapasi pose, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa zvikuru mashoko akadhindwa. Ikoku kwakada mabasa okudhinda makuru zvikuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Basa rokufudza rakatanga kurongwa mukati ma1915-16 muungano dzinenge 500 idzo dzakanga dzasarudza Hama Russell kuva mufudzi wavo. Somufudzi, ivo vakanga vavanyorera tsamba inoonesa basa racho, iro pakutanga rakanga rakaganhurirwa kuhanzvadzi. Gore rakatevera racho hama dzakabatanidzwawo muuyu mubato. Iri basa rokufudza, rakapfuuridzirwa neboka rakasarudzwa, rakapfuurira kutozosvikira muna 1921.
b Kutaura mashoko ikoko kwakanga kwakavakirwa panzwisiso yokuti shoko rokuti rudzidziso raibatanidza kunamata kwose kwakavakirwa pamagamuchidzanwa avanhu, panzvimbo pepaShoko raMwari, Bhaibheri. Zvisinei, muna 1950, apo New World Translation of the Christian Greek Scriptures yakabudiswa, mashoko omuzasi pana Mabasa 26:5, VaKorose 2:18, uye Jakobho 1:26, 27 akaratidzira kuti shoko rokuti rudzidziso raigona kushandiswa zvakafanira kunongedzera kukunamata kwechokwadi kana kuti kwenhema. Ikoku kwakajekeswazve muNharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1951, peji 191, nebhuku rinonzi What Has Religion Done for Mankind?, mapeji 8-10.
c Kupupura kwomumigwagwa nemagazini kwakanga kwaedzwa gore rakapfuura racho, muCalifornia, U.S.A. Kunyange shure zvikuru sa1926, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vapinda mukuparadzirwawo zvako mumigwagwa kwemabhukwana aiva nemashoko anokosha. Pakuvamba zvikuru, muna 1881, vakanga vaparadzira mabhuku pedyo nechechi pamaSvondo.
d Nharireyomurindi yechiNgezi, yaMay 15, 1981, map. 12-16.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 556]
Kupi kana kupi kwaaiwana vanhu, Jesu aitaura pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu
[Bhokisi riri papeji 559]
Chikomborero Chaicho Pabasa Rapasuo Nesuo
“Sapakuuya kwokutanga kwaKristu, basa repasuo nesuo, panzvimbo pokuparidza pachikuva, rinoratidzika kuva riri kuva nechikomborero chaicho chaShe.”—“Nharireyomurindi” yechiNgezi, July 15, 1892.
[Bhokisi riri papeji 570]
Chikonzero Nei Zvapupu Zvichishanya Zvashanyazve
Ichitsanangura chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichiita zvaitazve shanyo pamusha uri wose, “Nharireyomurindi” yechiNgezi yaJuly 1, 1962, yakati: “Mamirire ezvinhu anoramba achichinja. Nhasi munhu angasava pamusha, nguva inotevera angavapo. Nhasi angava akanyanyobatikana zvokusagona kuteerera, asi nguva inotevera angava asina. Nhasi mumwe mutezo wemhuri anozarura suo, nguva inotevera mumwe mutezo unodaro; uye Zvapupu zvinoitira hanya kusvika kwete bedzi musha uri wose mumigove yazvo asiwo, kana kuchibvira, munhu mumwe nomumwe akura ari mumusha mumwe nomumwe. Kazhinji kazhinji mhuri dzakakamuka pamusoro porudzidziso, naizvozvo hakubviri nguva dzose kuti mutezo mumwe utaure nokuda kwemhuri yose. Kunze kwezvo, vanhu vanoramba vachitama uye naizvozvo Zvapupu hazvitongogoni kuva nechokwadi pamusoro pokuti ndiani chaizvo wazvichasangana naye pasuo rakati.
“Haasati ari mamirire ezvinhu bedzi anochinja, asi vanhu vamene vanochinja. . . . Nokuti nemhaka chete yenhau isingakoshi munhu angave ave ari asingafari uye asingatongodi kukurukura rudzidziso kana kuti chinhu chipi nechipi zvacho pasinei zvapo neakauya kusuo rake, asi hakusati kuchidaro kuti achava nechimiro chendangariro ichocho pane imwe nguva. Kana kuti, nemhaka chete yokuti munhu akanga asingatongofariri kukurukura rudzidziso mwedzi wakapfuura hakusati kuchireva kuti angava asiri kuda mwedzi uno. Kubvira panguva yokupedzisira Chapupu chakashanyira munhu uyu angave akava nechinoitika chinoodza mwoyo zvikuru kana kuti mune imwe nzira akadzidza chimwe chinhu chakamuita kuti azvininipise panzvimbo pokuzvitutumadza, ane nzara uye anoziva chinodikanwa chake chomudzimu panzvimbo pokuzvigutsa.
“Kunze kwezvo, shoko iro Zvapupu zvinounza rinonzwiwa kuva rechienzi kuvanhu vakawanda uye vanokundikana kunzwisisa kurumidziro yaro. Vanowana pfundo racho zvishoma nezvishoma bedzi kupfurikidza nokurinzwa varinzwazve.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 574]
Kushandisa “Nzira Iri Yose Inobvira”
“Avo vedu vari mukati mesangano raShe vakaedza, munzira iri yose inobvira, kutendeudzira ngwariro [yenyika] kushoko roupenyu. Takashandisa ziviso, ziviso dzakazadza peji, redhiyo, motokari dzine gudzanzwi, magiramufomu anotakurika, kokorodzano hombe, kufora kwevanofamba vane mashoko vakatakura zviratidzo, uye uto rinokura ravashumiri vapaimba neimba. Uyu mubato wakabatira kukamura vanhu—avo vanoda Umambo hwakagadzwa hwaMwari kurutivi rumwe, avo vanorwisana nahwo kune rumwe. Iri ndiro rakanga riri basa rakafanotaurwa naJesu nokuda kwechizvarwa changu.”—Yakanyorwa muna 1987 naMelvin Sargent, pamakore 91 ezera.
[Mufananidzo]
Melvin Sargent
[Girafu riri papeji 574]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Wedzero Yefundo dzeBhaibheri Dzapamusha
4 000 000
3 000 000
2 000 000
1 000 000
1950 1960 1970 1980 1992
[Mifananidzo iri papeji 557]
Makumi amamiriyoni aaya maturakiti akaparadzirwa, pachena, pedyo nechechi, paimba neimba, uye kupfurikidza nepositi
[Mifananidzo iri papeji 558]
Vaevhangeri ma“colporteur” vakaparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 559]
Anna Andersen akasvika rinodokuva taundi riri rose muNorway ane mabhuku eBhaibheri
[Mifananidzo iri papeji 560]
Ziviso dzamapepanhau dzakabetsera kusvika vanhu avo vakanga vasiri kuwanikwa nedzimwe nzira
[Mifananidzo iri papeji 561]
Mapepanhau anopfuura 2 000 pamakondinendi mana aiva nemharidzo dzaHama Russell panguva imwe cheteyo
[Mifananidzo iri papeji 562]
“Photo-Drama of Creation” yakapa uchapupu hune simba kumamiriyoni avanhu munyika dzakawanda
[Mufananidzo uri papeji 563]
Kupfurikidza neredhiyo, J. F. Rutherford akakwanisa kupupura kumamiriyoni avanhu munyika yose ari mumisha mavo chaimo
[Mufananidzo uri papeji 564]
Vakagadzirira kuenda namabhasikoro nokuda kwokupupura kweboka muEngland
[Mufananidzo uri papeji 565]
Kutanga muna 1933, makadhi oumboo akadhindwa akashandiswa
[Mufananidzo uri papeji 566]
Hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa dzakapa uchapupu hune simba mukati mema1930 nema1940
[Mufananidzo uri papeji 567]
Motokari dzine gudzanzwi, pane dzimwe nguva dzakawanda dzadzo (somuno muAustralia), dzaishandiswa kuparidza zvokwadi dzeBhaibheri munzvimbo dzavose
[Mufananidzo uri papeji 568]
Zviratidzo zvine mifananidzo pamawindo emisha yeZvapupu zvaJehovha zvakapa uchapupu hwenguva dzose
[Mufananidzo uri papeji 568]
Zvikwangwani zvinozivisa nezviratidzo zvakagonesa uchapupu hwapachena hwoushingi (somuno muScotland)
[Mufananidzo uri papeji 569]
Kugoverwa mumugwagwa kwe“Nharireyomurindi” ne“Consolation” (sezvinoratidzwa muno muU.S.A.) kwakavamba muna 1940
[Mufananidzo uri papeji 569]
Kutanga muna 1943, hama muungano dzakapiwa rovedzo mukutaura pachena
[Mifananidzo iri papeji 571]
Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinoitiswa vanhu vanofarira. Zviri pasi apa zvinyorwa zvakarongedzerwa chaizvo nokuda kwaikoko—zvakabudiswa kutanga muchiNgezi, ipapo mumimwe mitauro yakawanda
[Mifananidzo iri papeji 572, 573]
Vaduku navakuru, vanhurume navanhukadzi, Zvapupu kupote nyika yose zvinogoverana mukupupura paimba neimba
Romania
Bolivia
Zimbabwe
Hong Kong
Belgium
Uruguay
Fiji