RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 22 pp. 423-443
  • Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Makore Anosuruvarisa eHondo Yenyika I
  • Vakazadzwa Noupenyu Hwakamutsidzirwa
  • Musoro Unofadza
  • Kuparadzirwa Kweziviso Dzine Simba
  • Kuratidza Kuonga Mhinduro Dzinogutsa
  • Kudzokera Nezvokwadi Dzinokosha Kunyika Dzavo Dzavakaberekerwa Madziri
  • Vaparidzi Veevhangeri Vanoshingaira veEurope Vanobetsera Muminda Yokumwe
  • Kukohwa Kwomudzimu
  • Chiedza Chomudzimu Chinopenya muWest Africa
  • Kukwidza Kumhenderekedzo Yegungwa yokuMabvazuva yeAfrica
  • Kusakurira Minda yechiSpanish neyechiPutukezi
  • Kusvika Vanhu Kunyange Vari Munharaunda Dziri Kure Zvikuru
  • Zvitsuwa Zvinonzwa Rumbidzo dzaJehovha
  • Apo Vanhu Vanorambidza Icho Mwari Anorayira
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 1—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Vazivisi voUmambo Vanoshingaira Mupasi Rose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 22 pp. 423-443

Ganhuro 22

Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Basa rokuziviswa kwoUmambo kuvambira muna 1914 kusvikira muna 1935 rinofukidzwa pamapeji 423 kusvikira ku443. Zvapupu zvaJehovha zvinonongedzera kuna 1914 senguva apo Jesu Kristu akagadzwa pachigaro choumambo saMambo wokudenga ane chiremera pamusoro pamarudzi. Apo akanga ari pasi pano, Jesu akafanotaura kuti kuparidzwa kwomunyika yose kweshoko roUmambo pasinei zvapo nechitambudzo chikuru kwaizova rutivi rwechiratidzo chokuvapo kwake musimba roUmambo. Chii chakaitika chaizvoizvo mukati mamakore apashure pa1914?

HONDO yenyika yokutanga yakakurumidza kufukidza Europe muna 1914. Ipapo yakasvasvavirira kubatanidza nyika dzinoumba inofungidzirwa kuva 90 muzana yevagari vomunyika. Zviitiko zvakabatanidzwa nehondo iyoyo zvakatapura sei mubato wokuparidza wavabatiri vaJehovha?

Makore Anosuruvarisa eHondo Yenyika I

Mukati memakore apakuvamba ehondo yacho, pakanga pane chidziviso chiduku kunze kwomuGermany neFrance. Maturakiti aiparadzirwa norusununguko munzvimbo dzakawanda, uye pakanga pane kushandiswa kunopfuuridzirwa kwe“Photo-Drama,” kunyange zvazvo pamwero wakaganhurirwa zvikuru kwazvo pashure pa1914. Sezvo kupisa kwehondo kwakawedzera, vafundisi muBritish West Indies vakaparira runyerekupe rwokuti E. J. Coward, uyo aimirira Watch Tower Society, akanga ari tsori yechiGerman, naizvozvo akarayirwa kuti aende. Apo kuparadzirwa kwebhuku rinonzi The Finished Mystery kwakatanga muna 1917, chishoro chakapararira.

Voruzhinji vakanga vachidisa kuwana bhuku iroro. Odha yokutanga yeSosaiti nevadhindi yaitofanira kuwedzerwa nekanopfuura kakapetwa kagumi mumwedzi mishomanene chete. Asi vafundisi vechiKristudhomu vakatsamwiswa nokufumurwa kwedzidziso dzavo dzenhema. Vakashandisa kusaterama kwomunguva yehondo kumhangarira Vadzidzi veBhaibheri kuvakuru vakuru vehurumende. MuUnited States mose, varume navakadzi vakazivikanwa nokuparadzira mabhuku aVadzidzi veBhaibheri vaidenhwa nemhomho, vakazorwawo tara nokuiswa minhenga. MuCanada, misha yakanzverwa, uye vanhu vaiwanwa vane zvinyorwa zvakati zveInternational Bible Students Association vaibvisiswa faindi inorwadza kana kuti kuiswa mutorongo. Zvisinei, Thomas J. Sullivan, uyo panguva iyoyo akanga ari muPort Arthur, Ontario, akashuma kuti pane imwe nhambo, apo akaiswa mutorongo kwousiku humwe, mapurisa muguta iroro akaendesa kumusha makopi amabhuku akarambidzwa nokuda kwavo vamene neshamwari dzavo, nokudaro achiparadzira dura rose raiwanika—makopi 500 kana kuti 600.

Dzimbahwe reWatch Tower Society rimene rakadenhwa, uye mitezo yavashandi vanotarisira yakatongerwa nhambo refu dzomutorongo. Kwakaratidzika kuvavengi vavo kuti Vadzidzi veBhaibheri vakanga vagumiswa. Kupupura kwavo nomutoo waikwezva ngwariro yakapararira yavose kwakadokusvika pakumira.

Kunyange zvakadaro, kunyange Vadzidzi veBhaibheri avo vakanga vakapfigirwa mutorongo vakawana mikana yokutaura kuvasungwa biyavo pamusoro pechinangwa chaMwari. Apo vakuru vakuru veSosaiti navasonganiri vavo vapedyo vakasvika kutorongo muAtlanta, Georgia, pakutanga vakarambidzwa kuparidza. Asi vaikurukura Bhaibheri pakati pavo vamene, uye vamwe vakakweverwa kwavari nomufambiro wavo, mararamire avo. Pashure pemwedzi mishomanene, mubetseri weanotarisira vasungwa akavagovera kupa mirayiridzo yorudzidziso kuvamwe vasungwa. Nhamba yacho yakawedzera kutozosvikira vanenge 90 vapinda kirasi dzacho.

Vamwe vaKristu vakavimbika vakawanawo nzira dzokupupura nadzo mukati memakore iwayo ehondo. Ikoku padzimwe nguva kwakaguma nokuparadzira shoko roUmambo munyika umo mashoko akanaka akanga achigere kuparidzwa. Nokudaro, muna 1915 mumwe Mudzidzi weBhaibheri muNew York, wokuColombia, akatumira chinyorwa chechiSpanish cheThe Divine Plan of the Ages kune mumwe murume muBogotá, Colombia. Pashure pemwedzi inenge mitanhatu, mhinduro yakasvika kubva kuna Ramón Salgar. Akanga afunda bhuku racho nenzira yokungwarira, akafadzwa naro, uye aida makopi 200 okuparadzira kune vamwe. Hama J. L. Mayer, vokuBrooklyn, New York, vakatumirawo makopi akawanda eBible Students Monthly romutauro wechiSpanish. Nhamba yakati yaiwaya yakaenda kuSpain. Uye apo Alfred Joseph, uyo panguva iyoyo akanga ari muBarbados, akaita chibvumirano chebasa muSierra Leone, West Africa, iye akashandisa mikana yokupupura ikoko pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri idzo akanga adzidza nguva pfupi yapfuura.

Nokuda kwemacolporteur, ane ushumiri hwaibatanidza kushanyira misha nenzvimbo dzebhizimisi, kwakanga kwakaoma zvikuru kazhinji kazhinji. Asi vanoverengeka avo vakapinda muEl Salvador, Honduras, uye Guatemala vakanga vakabatikana imomo muna 1916 vachigoverana zvokwadi dzinopa upenyu navanhu. Mukati meiyi nhambo Fanny Mackenzie, colporteur worudzi rweBritain, akaita nzendo mbiri kuenda kuMabvazuva neigwa, achimira muChina, Japan, uye Korea kuti aparadzire mabhuku eBhaibheri, uye ipapo akatevera fariro kupfurikidza nokunyora tsamba.

Kunyange zvakadaro, maererano nezvinyorwa zvinowanika, nhamba yaVadzidzi veBhaibheri vakashumwa sevaiva negoverano mukuparidza mashoko akanaka kuvamwe mukati ma1918 yakaderera ne20 muzana munyika yose apo inoenzaniswa nomushumo wa1914. Pashure pokubatwa kwakaipa kwavakaitirwa mukati memakore ehondo, vaizopfuurira muushumiri hwavo here?

Vakazadzwa Noupenyu Hwakamutsidzirwa

Pana March 26, 1919, purezidhendi weWatch Tower Society navasonganiri vake vakasunungurwa pakuiswa kwavo mutorongo kusina kururama. Rongedzero dzakakurumidza kuitwa kufambisira mberi kuziviswa munyika yose kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Pakokorodzano huru kuCedar Point, Ohio, muna September wegore iroro, J. F. Rutherford, panguva iyoyo purezidhendi weSociety, akapa hurukuro yakasimbisa kuziviswa kwoUmambo hwaMwari hwaMesiya hunouya hune mbiri sebasa rinokosha zvirokwazvo nokuda kwavabatiri vaJehovha.

Nhamba chaiyoiyo yaavo vakanga vachigoverana panguva iyoyo mubasa iroro, zvisinei, yakanga iri duku. Vamwe avo vakanga varega nokutya mukati ma1918 vakava vanoshingaira zvakare, uye vamwe vashomanene vakavakumbanira. Asi zvinyorwa zvinowanika zvinoratidza kuti muna 1919 makanga mune 5 700 bedzi vaipupura nokushingaira, munyika 43. Bva Jesu akanga afanotaura, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14, NW) Ikoko kwaigona sei kuitwa? Vakanga vasingazivi, uyewo vakanga vasingazivi kuti kupupura kwacho kwaizopfuurira kwenguva yakareba sei. Kunyange zvakadaro, avo vakanga vari vabatiri vakavimbika vaMwari vakanga vachidisa uye vachishuva kupfuurira nebasa racho. Vakanga vane chivimbo chokuti Jehovha aizotungamirira zvinhu mutsinhirano nokuda kwake.

Vazadzwa neshingairo nokuda kwezvavakaona zvichiratidzwa zvakajeka muShoko raMwari, vakaenda kundoshanda. Mukati memakore matatu nhamba yaiva nerutivi mukuzivisa pachena Umambo hwaMwari yakadokupeta nekatatu, maererano nemishumo inowanika, uye mukati ma1922 vakanga vakabatikana kuparidza munyika 15 kupfuura muna 1919.

Musoro Unofadza

Ishoko rinofadza zvakadini ravakazivisa—“Mamiriyoni ari kurarama zvino haasati achizotongofa!” Hama Rutherford vakanga vapa hurukuro pauyu musoro muna 1918. Wakangawo uriwo musoro webhukwana rine mapeji 128 rakabudiswa muna 1920. Kuvambira muna 1920 kusvikira muna 1925, musoro mumwe chetewo wakasimbiswa wasimbiswazve kupote nyika yose mumisangano yavose munharaunda dzose uko vakurukuri vakanga vachiwanika uye mumitauro inopfuura 30. Panzvimbo pokutaura, sezvinoita chiKristudhomu, kuti vanhu vose vakanaka vaizoenda kudenga, iyi hurukuro yakanangidzira ngwariro patariro yakavakirwa paBhaibheri youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera. (Isa. 45:18; Zvak. 21:1-5) Uye yakataura kupwiswa kwokuti nguva yokuzadzikwa kwetariro iyoyo yakanga yava pedyo zvikuru.

Zviziviso zvepepanhau nezvezvikwangwani zvakashandiswa kuzivisa hurukuro dzacho. Musoro wacho wakanga uchifadza. Pana February 26, 1922, vanopfuura 70 000 vakapinda kunzvimbo 121 muGermany moga. Kwakanga kusati kuri kwechienzi kuti vateereri vakaungana panzvimbo imwe vave nhamba inosvika kuzviuru. MuCape Town, South Africa, somuenzaniso, 2 000 vakanga varipo apo hurukuro yacho yakapiwa paOpera House. Pahoro yeyunivhesiti muguta guru reNorway, chigaro chiri chose hachina bedzi kuzadzwa asi vakawanda kwazvo vakarambidzwa kupinda zvokuti purogiramu yacho yaitofanira kudzokororwa awa imwe nehafu gare gare—zvakare kuimba yakazara.

MuKlagenfurt, Austria, Richard Heide akaudza baba vake, kuti: “Ndiri kuenda kundonzwa hurukuro iyoyo pasinei zvapo nechingataura munhu upi noupi. Ndinoda kuziva kana iyoyi iri nyengedzo chete kana kuti kana mune zvokwadi ipi neipi mairi!” Akanyandurwa zvikuru nezvaakanzwa, uye nokukurumidza iye nehanzvadzi yake, pamwe chete navabereki vavo, vakanga vachiudza vamwe pamusoro payo.

Asi shoko reBhaibheri rakanga risiri chete ravanhu vaizopinda hurukuro yavose. Vamwewo vaifanira kuziviswa nezvaro. Kwete bedzi voruzhinji vose zvavo asiwo vatungamiriri vezvamatongerwe enyika nevorudzidziso vaifanira kurinzwa. Ikoko kwaizoitwa sei?

Kuparadzirwa Kweziviso Dzine Simba

Mashoko akadhindwa akashandiswa kusvika mamiriyoni avanhu avo munguva yakapfuura vakanga vane kurovedzana kworunyerekupe bedzi naVadzidzi veBhaibheri neshoko ravaizivisa. Kubvira muna 1922 kusvikira muna 1928, uchapupu hunobudirira hwakapiwa kupfurikidza neziviso nomwe dzine simba, zvisarudzo zvaigamuchirwa pakokorodzano dzegore negore dzaVadzidzi veBhaibheri. Nhamba yamakopi akadhindwa ezvakawanda zvikurusa zvezvisarudzo zvimwe nezvimwe zvakaparadzirwa pashure pekokorodzano idzodzo yaiita hwerengedzo yamamiriyoni 45 kusvikira ku50—budiriro inoshamisa zvirokwazvo nokuda kweboka duku ravazivisi voUmambo rakanga richibatira panguva iyoyo!

Chisarudzo cha1922 chakanga chine musoro unoti “Denho Kuvatungamiriri Venyika”—hungu, denho yokururamisa kutaura kwavo kwokuti vaigona kutanga rugare, rubudiriro, uye mufarwa nokuda kworudzi rwomunhu kana kuti, vachikundikana izvozvo, kubvuma kuti Umambo hwaMwari bedzi hunodzorwa naMesiya wake ndihwo hunogona kuita izvi zvinhu. MuGermany, chisarudzo ichocho chakatumirwa netsamba yakarejisitwa kumutongi weGermany aiva nhapwa, kuna purezidhendi, uye kumitezo yose yeImperial Diet; uye mamwe makopi ane mamiriyoni mana nehafu akaenda kune voruzhinji. MuSouth Africa, Edwin Scott, akatakura mabhuku mubhegi kumusana kwake uye aine chimuti muruoko rumwe wokuti adzinge nawo imbwa dzinotyisa, akashanyira mataundi 64, achiparadzira pachake makopi 50 000. Pashure pacho, apo mufundisi weDutch aiva muSouth Africa akashanyira misha yavagari vomuruwa rwomufundisi kundounganidza mari, vakawanda vavagari vomuruwa rwomufundisi vakazunza chisarudzo chacho muchiso chomufundisi wavo ndokuti: “Munofanira kurava ichochi uye hamuzotendereri zvakare kuti muwane mari kwatiri.”

Muna 1924 chisarudzo chaiva nomusoro unoti “Vafundisi Vanopomerwa Mhaka” chakafumura dzidziso dzisiri dzapamagwaro nemiitiro yavafundisi, chakafumura basa ravo mukati mehondo yenyika, uye chakakurudzira vanhu kufunda Bhaibheri kuti vazvidzidzire vamene pamusoro pegadziriro dzinoshamisa dzakaitwa naMwari dzokukomborerwa kworudzi rwomunhu. MuItaly panguva iyoyo, vadhindi vaidikanirwa kuisa zita ravo pachinhu chipi nechipi chavaidhinda, uye vaizvidavirira nokuda kwezvaiva mazviri. Mudzidzi weBhaibheri aitarisira basa muItaly akapa kopi yechisarudzo chacho kuzviremera zvehurumende, izvo zvakachinzvera ndokupa nokudisa mvumo yokuita kuti chidhindwe ndokuparadzirwa. Vadhindiwo vakabvuma kuchibudisa. Hama muItaly dzakaparadzira makopi 100 000. Dzakava nechokwadi zvikurukuru chokuti papa navamwe vakuru vakuru veVatican mumwe nomumwe akagamuchira kopi.

MuFrance, kuparadzirwa kweichi chisarudzo kwakaunza kuita kwakasimba uye kazhinji kazhinji kwamasimba masimba kubva kuvafundisi. Mukupererwa nezano rose mumwe mufundisi muPomerania, Germany, akasungisa Sosaiti nomutarisiri wayo, asi mufundisi haana kukunda mhaka yacho apo dare rakanzwa zvaiva muchisarudzo chose. Kuti vagodzivisa bonderano nebasa ravo kuna avo vaisada kuti vanhu vazive zvokwadi, Vadzidzi veBhaibheri muruwa rweQuebec, muCanada, vakasiya zvisarudzo pamisha mukati memaawa apakuvamba emangwanani, vachitanga na3:00 a.m. Idzodzo dzakanga dziri nguva dzinofadza!

Kuratidza Kuonga Mhinduro Dzinogutsa

Mukati meHondo Yenyika I, vaArmenia vakawanda vakadzingwa nenzira youtsinye mumisha yavo nemunyika yavakaberekerwa mairi. Makumi maviri bedzi amakore pakuvamba zvikuru, mazana ezviuru zvavaArmenia akanga aurawa, uye vamwe vakanga vatiza nokuda kwoupenyu hwavo. Vashomanene vaava vanhu vakanga varava zvinyorwa zveWatch Tower Society munyika yokumusha kwavo. Asi vakawanda zvikuru vavo vakapiwa uchapupu munyika idzo vakaenda kwadziri savapoteri.

Pashure pezviitiko zvoutsinye zvavakanga vatsungirira, vakawanda vakanga vane mibvunzo yakakomba pamusoro pechikonzero nei Mwari akabvumidza uipi. Hwaizopfuurira kwenguva yakareba sei? Hwaizoguma riniko? Vamwe vavo vakaonga kudzidza mhinduro dzinogutsa dzinowanwa muBhaibheri. Mapoka aVadzidzi veBhaibheri veArmenia akakurumidza kukura mumaguta akasiyana-siyana muMiddle East. Kushingairira kwavo zvokwadi yeBhaibheri kwakatapura upenyu hwavamwe. MuEthiopia, Argentina, uye United States, vaArmenia biyavo vakagamuchira mashoko akanaka uye vakagamuchira nomufaro mutoro wokuagoverana navamwe. Mumwe wevakadaro akanga ari Krikor Hatzakortzian, uyo sapiyona ari oga akaparadzira shoko roUmambo muEthiopia pakati pema1930. Pane imwe nhambo, apo akapomerwa zvenhema-nhema navashori, akatova nemukana wokupupura kuna mambo, Haile Selassie.

Kudzokera Nezvokwadi Dzinokosha Kunyika Dzavo Dzavakaberekerwa Madziri

Chishuvo chikuru chokugoverana zvokwadi dzinokosha dzeBhaibheri chakasunda vanhu vakawanda kudzokera kunyika yavakaberekerwa mairi kuti vabatikane mukuparidza evhangeri. Kudavidza kwavo kwakanga kwakafanana nouko kwavanhu vakabva kunyika dzakawanda vaiva muJerusarema muna 33 C.E. uye avo vakava vatendi apo mudzimu mutsvene wakasunda vaapostora navasonganiri vavo kutaura nendimi dzakawanda “pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka zvaMwari.” (Mabasa 2:1-11, NW) Kungofanana nokudzokera kwakaita vatendi ivavo vomuzana rokutanga ramakore nezvokwadi kunyika dzokumusha kwavo, ndizvo zvakaitawo ava vadzidzi vomuzuva razvino.

Vose vari vaviri varume navakadzi avo vakanga vadzidza zvokwadi kudzimwe nyika vakadzokera kuItaly. Vakabva kuAmerica, Belgium, uye France ndokuzivisa nokushingaira shoko roUmambo uko vakagara. Macolporteur akabva kuchikamu cheSwitzerland chinotaura chiItalian cheTicino akatamirawo muItaly kuti apfuudzire basa rawo. Kunyange zvazvo nhamba dzavo dzakanga dziri shomanene, somugumisiro womubato wavo wakabatana nokukurumidza vakasvika maguta makuru anodokuva ose neyakawanda yemisha yeItaly. Vakanga vasiri kuverenga maawa avaipedzera muiri basa. Vapwiswa kuti vakanga vachiparidza zvokwadi iyo Mwari aida kuti vanhu vazive, kazhinji kazhinji vaishanda kubvira mangwanani kusvikira usiku kuti vasvike vanhu vakawanda savanobvira.

VokuGreece avo vakanga vava Vadzidzi veBhaibheri muAlbania iri pedyo uye kure sokuAmerica vakapawo ngwariro kunyika yokumusha kwavo. Vakafadzwa apo vakadzidza kuti kunamatwa kwemifananidzo kwakanga kusiri kwapamagwaro (Eks. 20:4, 5; 1 Joh. 5:21), kuti vatadzi havagochwi muhero yomwoto (Mup. 9:5, 10; Ezek. 18:4; Zvak. 21:8), uye kuti Umambo hwaMwari ndihwo tariro chaiyoiyo uye bedzi yorudzi rwomunhu (Dhan. 2:44; Mat. 6:9, 10). Vakanga vachidisa kugoverana idzi zvokwadi navagari biyavo vokunyika yavo—pachavo kana kuti kupfurikidza netsamba. Somugumisiro, mapoka eZvapupu zvaJehovha akavamba kukura muGreece napazvitsuwa zveGreece.

Pashure peHondo Yenyika I, zviuru zvavanhu vakabva kuPoland zvakatamira kuFrance kundoshanda mumigodhi yemarasha. Ungano dzechiFrench hadzina kuvapfuura nemhaka yokuti vaitaura rurimi rwakasiyana. Vakawana nzira dzokugoverana nadzo zvokwadi dzeBhaibheri naava vacheri vemigodhi nemhuri dzavo, uye nhamba yakagamuchira zvakanaka yakakurumidza kupfuura nhamba yeZvapupu zvechiFrench. Apo, somugumisiro womurayiro wokudzinga vaenzi munyika wehurumende, 280 vaitofanira kudzokera kuPoland muna 1935, ikoku kwakabatira bedzi kusimbisa kuparadzirwa kweshoko roUmambo ikoko. Nokudaro, muna 1935, makanga mune vazivisi voUmambo vane 1 090 vakagoverana mukupa uchapupu muPoland.

Vamwe vakagamuchira kokero dzokusiya nyika yokumusha kwavo kuti vaite basa muminda yokumwe.

Vaparidzi Veevhangeri Vanoshingaira veEurope Vanobetsera Muminda Yokumwe

Nebatira pamwe yenyika dzakawanda, Nyika dzeBaltic (Estonia, Latvia, uye Lithuania) dzakanzwa zvokwadi dzinofadza mwoyo pamusoro poUmambo hwaMwari. Mukati mema1920 nema1930, hama dzinoshingaira nehanzvadzi dzakabva kuDenmark, England, Finland, uye Germany dzakaita kupupura kukuru muiyi nharaunda. Mabhuku akawanda akagoverwa, uye zviuru zvakanzwa hurukuro dzeBhaibheri idzo dzakapiwa. Kubva kuEstonia kutepfenyurwa muredhiyo kwenguva dzose kwepurogiramu dzeBhaibheri mumitauro inoverengeka kwakasvika kunyange mune yaiva panguva iyoyo Soviet Union.

Kubva muGermany vashandi vanodisa mukati mema1920 nema1930 vakatora migove munzvimbo dzakadai seAustria, Belgium, Bulgaria, Czechoslovakia, France, Luxembourg, Netherlands, Spain, uye Yugoslavia. Willy Unglaube aiva pakati pavo. Pashure pokubatira kwenguva yakati paBheteri yeMagdeburg, muGermany, iye akapfuurira kutarisira migove somuparidzi weevhangeri wenguva yakazara muFrance, Algeria, Spain, Singapore, Malaysia, uye Thailand.

Apo danidzo yakabuda muFrance nokuda kwebetsero mukati mema1930, macolporteur akabva Britain akapa ufakazi hwokuti akanga achiziva kuti basa rechiKristu rokuparidza raida kuparidza evhangeri kwete bedzi munyika yavo vamene asiwo mumamwe mativi apasi. (Marko 13:10) John Cooke akanga ari mumwe wavashandi vanoshingaira avo vakapindura danidzo yeMakedhonia. (Enzanisa naMabasa 16:9, 10.) Mukati memakumi matanhatu emakore akatevera, iye akatarisira migove yebasa muFrance, Spain, Ireland, Portugal, Angola, Mozambique, uye South Africa. Mukoma wake Eric akarega basa rake kuBhangi reBarclay’s ndokukumbanira John muushumiri hwenguva yakazara muFrance; pashure pacho, iyewo akabatira muSpain neIreland uye akagoverana mubasa roufundisi muSouthern Rhodesia (zvino yava Zimbabwe) neSouth Africa.

Muna May 1926, George Wright naEdwin Skinner, muEngland, vakagamuchira kokero yokundobetsera kuwedzera basa roUmambo muIndia. Mugove wavo wakanga wakakura! Waibatanidza Afghanistan yose, Burma (zvino yava Myanmar), Ceylon (zvino yava Sri Lanka), India, uye Persia (zvino yava Iran). Pakusvika muBombay, vakawana mvura yedutu. Zvisinei, vasinganyanyoitiri hanya pamusoro pegarikano yomunhu oga kana kuti betsero, nokukurumidza vakanga vachienda kumativi ari kure enyika yacho kundotsvaka Vadzidzi veBhaibheri vaizivikanwa kuti vavakurudzire. Vakagoverawo zvitsama zvikuru zvamabhuku kuti vanyandure fariro pakati pavamwe. Basa rakaitwa pamwero wakakwirira zvikuru. Nokudaro, mukati ma1928 vazivisi voUmambo 54 muTravancore (Kerala), muIndia yokumaodzanyemba, vakaronga misangano yavose 550 yakapindwa navanhu vanenge 40 000. Muna 1929 mamwe mapiyona mana akabva kumunda weBritain akatamira kuIndia kuti abetsere nebasa. Uye muna 1931 mamwe matatu akabva kuEngland akasvika muBombay. Vakaita vaitazve nhamburiko dzokusvika mativi akasiyana-siyana eiyi nyika yakakura, achiparadzira mabhuku kwete bedzi muchiNgezi asiwo mundimi dzeIndia.

Munguvayo, chii chakanga chichiitika muEastern Europe?

Kukohwa Kwomudzimu

Hondo yenyika yokutanga isati yavamba, mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri dzakanga dzaparadzirwa muEastern Europe, uye dzimwe dzakanga dzadzika midzi. Muna 1908, Andrásné Benedek, mukadzi anozvininipisa weHungary, akanga adzokera kuAustria-Hungary kundogoverana navamwe zvinhu zvakanaka zvaakanga adzidza. Makore maviri gare gare, Károly Szabó naJózsef Kiss vakanga vadzokerawo kunyika iyoyo uye vakanga vachiparadzira zvokwadi yeBhaibheri zvikurukuru munharaunda idzo gare gare dzakasvika pakuzivikanwa seRomania neCzechoslovakia. Pasinei zvapo nechishoro chamasimba masimba chakaparirwa navafundisi vakatsamwa, mapoka efundo akaumbwa, uye kupupura kukuru kwakaitwa. Vamwe vakavakumbanira mukuita ziviso yapachena yokutenda kwavo, uye pakasvika 1935 vazivisi voUmambo muHungary vakanga vawedzera kusvikira ku348.

Romania yakadokupeta nekaviri ukuru hwayo apo mapu yeEurope yakaumbwazve navakundi pashure peHondo Yenyika I. Kwakashumwa kuti mukati meiyi nyika yakakudzwa, muna 1920, makanga mune mapoka anenge 150 aVadzidzi veBhaibheri, ayo vanhu vane 1 700 vakanga vachisonganira nawo. Gore rakatevera, pakuchengetwa kweChidyo chaShe Chamadekwana, vanodokusvika 2 000 vakadya zviratidzo zveChirangaridzo, vachiratidzira kuti vaitaura kuti ihama dzakazodzwa nomudzimu dzaKristu. Nhamba iyoyo yakawedzera nenzira inoshamisa mukati memakore mana akatevera. Muna 1925, pakanga pane 4 185 vakapinda Chirangaridzo, uye sezvayakanga iri tsika yacho panguva iyoyo, vakawanda zvikurusa vavo nenzira isingapanikirwi vakadya zviratidzo zvacho. Zvisinei, kutenda kwaivava vose kwaizoedzwa. Vaizobvumikisa kuva “gorosi” rapachokwadi kana kuti rokufananidzira bedzi here? (Mat. 13:24-30, 36-43) Vaizoita chaizvoizvo basa rokupupura iro Jesu akanga agovera kuvateveri vake here? Vaizopfuurira mariri mukunangana nechishoro chikuru here? Vaizova vakatendeka kunyange apo vamwe vairatidzira mudzimu wakafanana nouyo waJudhasi Iskarioti here?

Mushumo wa1935 unoratidzira kuti havasati vari vose vakanga vane rudzi rwokutenda rwakavagonesa kutsungirira. Mugore iroro, makanga mune 1 188 chete vakava negoverano mukupa uchapupu muRomania, kunyange zvazvo vanopfuura nekakapetwa kaviri nhamba iyoyo panguva iyoyo vakanga vachidya zviratidzo zveChirangaridzo. Kunyange zvakadaro, vakatendeka vakaramba vakabatikana mubasa raTenzi. Vakagoverana navamwe vanhu vanozvininipisa zvokwadi dzeBhaibheri idzo dzakaunza mufaro wakadaro kumwoyo yavo vamene. Imwe nzira yakatanhamara yavakaita nayo ikoku yakanga iri kupfurikidza nokuparadzirwa kwamabhuku. Pakati pa1924 na1935, vakanga vatogovera vanhu vanofarira mabhuku namabhukwana anopfuura 800 000, mukuwedzera kumaturakiti.

Zvakadiniko neCzechoslovakia, iyo yakanga yava rudzi muna 1918 pashure pokuwa kwoUmambo hweAustria neHungary? Pano uchapupu hwakatonyanyisa zvikuru hwakanga huchibetsera kukukohwa kwomudzimu. Kuparidza kwapakuvamba zvikuru kwakanga kwaitwa muchiHungarian, chiRussian, chiRomanian, uye chiGerman. Ipapo, muna 1922, Vadzidzi veBhaibheri vanoverengeka vakadzoka kubva kuAmerica kundonangidzira ngwariro kuvagari vemo vanotaura chiSlovak, uye gore rakatevera racho vamwe vanyakuroorana vokuGermany vakavamba kunangidzira ngwariro pandima yechiCzech. Magungano enguva dzose, kunyange zvazvo aiva maduku, akabetsera kukurudzira nokubatanidza hama. Pashure pokunge ungano dzarongwa zviri nani nokuda kwokuparidza evhangeri kwapaimba neimba muna 1927, wedzero yakava inooneka zvikuru. Muna 1932 sundo ine simba kubasa yakapiwa nekokorodzano yamarudzi akawanda muPrague, yakapindwa navanenge 1 500 vakabva kuCzechoslovakia nenyika dzakapoteredza. Mukuwedzera kuna ikoku, mapoka makuru akaona chimiro chamaawa mana che“Photo-Drama of Creation” icho chakaratidzwa kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kune rumwe. Munhambo yamakore gumi chete, mabhuku eBhaibheri anopfuura 2 700 000 akaparadzirwa kumapoka emitauro yakasiyana-siyana muiyi nyika. Kudyara kwomudzimu kwose ikoku, kusakurira, uye kudiridza kwakabetsera kukukohwa umo vazivisi voUmambo 1 198 vakagoverana mugore ra1935.

Yugoslavia (yaizivikanwa pakutanga soUmambo hwavaSerbia, vaCroatia, uye vaSlovenia) yakanga yavapo somugumisiro wokuumbwazve kwemapu yeEurope pashure pehondo yenyika yokutanga. Pakuvamba sa1923, kwakashumwa kuti boka raVadzidzi veBhaibheri rakanga richipupura muBelgrade. Gare gare “Photo-Drama of Creation” yakaratidzwa kumapoka makuru munyika yose. Apo Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa zvakakomba muGermany, mapoka omuYugoslavia akasimbiswa namapiyona eGermany. Vasingaitiri hanya garikano yomunhu oga, vakasvasvavirira kupinda mumativi ari kure zvikurusa eiyi nyika ine makomo kundoparidzira. Vamwe vamapiyona iwayo vakapinda muBulgaria. Nhamburiko dzakanga dzichiitwawo dzokuparidza mashoko akanaka muAlbania. Muidzi nzvimbo dzose, mbeu dzezvokwadi yoUmambo dzakadyarwa. Dzimwe dzembeu dzacho dzakabereka zvibereko. Asi kukohwa kukuru zvikuru muidzi nzvimbo kwaisazovako kutozosvikira makore apashure.

Kumaodzanyemba zvikuru, mukondinendi yeAfrica, mashoko akanaka akanga achiparadzirwa naavo vaionga zvikuru ropafadzo yokuva zvapupu zvoWokumusorosoro.

Chiedza Chomudzimu Chinopenya muWest Africa

Anenge makore manomwe pashure pokunge mumwe Mudzidzi weBhaibheri anobva kuBarbados atanga kuenda kuWest Africa pachibvumirano chebasa, iye akanyorera hofisi yeWatch Tower Society muNew York kuti avazivise kuti vanhu vakati wandei vakanga vachiratidza kufarira Bhaibheri. Mwedzi mishomanene gare gare, pana April 14, 1923, pakokero yaHama Rutherford, W. R. Brown, uyo akanga ave achibatira muTrinidad, akasvika muFreetown, Sierra Leone, nemhuri yake.

Nokukurumidza, gadziriro dzakaitwa dzokuti Hama Brown vape hurukuro muWilberforce Memorial Hall. Pana April 19, makanga mune vateereri 500 vakapinda, kubatanidza vakawanda zvikurusa vavafundisi veFreetown. Svondo rakatevera vakataurazve. Musoro wavo wakanga uri uyo C. T. Russell akanga ashandisa kazhinji kazhinji—“Kuenda Kuhero Nokudzoka. Ndivanaani Variko?” Hurukuro dzaHama Brown dzaimiswa-miswa nguva dzose nokunokorwa kwaMagwaro aiitwa kuti aonekwe kuvateereri kupfurikidza nemalantern slide. Sezvavaitaura, vaitaura vataurazve, kuti: “Kwete kuti Brown anoti, asi kuti Bhaibheri rinoti.” Nemhaka yaikoku, vakasvika pakuzivikanwa sa“Bible Brown.” Uye somugumisiro wehurukuro ine mufungo, yapaMagwaro, mimwe mitezo yakakurumbira yechechi yakabuda ndokutora basa raJehovha.

Vakafamba zvakanyanya kuti vaite kuti basa roUmambo ritangwe munharaunda dzokuwedzera. Nechinangwa ichocho vakapa hurukuro dzakawanda dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri uye vakaparadzira zvitsama zvikuru zvamabhuku, uye vakakurudzira vamwe kuita zvimwe chetezvo. Kuparidza evhangeri kwavo kwakavaendesa kuGold Coast (zvino yava Ghana), Liberia, Gambia, uye Nigeria. Kubva muNigeria vamwe vakaendesa shoko roUmambo kuBenin (yaizivikanwa panguva iyoyo seDahomey) neCameroon. Hama Brown vaiziva kuti voruzhinji vakanga vachiremekedza zvishomanene urwo vaiti “rudzidziso rwavachena,” naizvozvo paGlover Memorial Hall muLagos, ivo vakataura pamusoro pokukundikana kworudzidziso rwechiKristudhomu. Pashure pomusangano wacho vateereri vane mbavarira vakawana mabhuku 3 900 okurava neokugoverana navamwe.

Apo Hama Brown vakatanga kuenda kuWest Africa, vanhu vashomanene bedzi imomo vakanga vanzwa shoko roUmambo. Apo vakabvamo makore 27 gare gare, vanopfuura zvikuru 11 000 vakanga vari Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira munharaunda iyoyo. Nhema dzorudzidziso dzakanga dzichifumurwa; kunamata kwechokwadi kwakanga kwasimbiswa uye kwakanga kuchipararira nokukurumidza.

Kukwidza Kumhenderekedzo Yegungwa yokuMabvazuva yeAfrica

Nokukurumidza zvikuru muzana ramakore rechi20, zvimwe zvezvinyorwa zvaC. T. Russell zvakanga zvaparadzirwa murutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica navanhu avo vakanga vagamuchira shomanene dzepfungwa dzakaratidzwa mumabhuku iwayo asi panguva iyoyo vakanga vadzivhenganisa nouzivi hwavo vamene. Mugumisiro wacho wakanga uri mapoka eWatchtower akawanda ayo akanga asina batano kana zvodini neZvapupu zvaJehovha. Vamwe vavo vakanga vachida zvematongerwe enyika, vachinyandura kusagadzikana pakati pevomuAfrica vakaberekerwamo. Kwamakore akawanda mukurumbira wakashata wakaitwa namapoka iwayo wakapa mhinganidzo kubasa reZvapupu zvaJehovha.

Kunyange zvakadaro, vomuAfrica vakawanda vakanzwisisa musiyano uri pakati pechokwadi nenhema. Vashandi vanofambira nzvimbo nenzvimbo vakaendesa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kunyika dziri pedyo ndokuagoverana navanhu vaitaura mitauro yomuAfrica. Vanhu vaitaura chiNgezi vari kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAfrica vakagamuchira shoko racho, zvikurukuru, kupfurikidza nekurukurirano neSouth Africa. Mudzimwe nyika, zvisinei, chishoro chakasimba chehurumende, chaikurudzirwa navafundisi vechiKristudhomu, chakadzivisa kuparidza kweZvapupu zveEurope pakati pamapoka anotaura mutauro weAfrica. Kunyange zvakadaro, zvokwadi yakapararira, kunyange zvazvo vanhu vakawanda avo vakaratidza kufarira shoko reBhaibheri vaida imwe betsero kuti vaite kushandiswa kwakanaka kunoshanda kwezvavakanga vachidzidza.

Vamwe vakuru vakuru vehurumende vasina rusaruro havana kugamuchira pasina mubvunzo pomero dzakashata dzakaitwa mukurwisana neZvapupu navafundisi vechiKristudhomu. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi nezvomukuru mukuru wamapurisa muNyasaland (zvino yava Malawi) uyo akazviita amene kuti ave nechitarisiko chakasiyana nechenguva dzose ndokuenda kumisangano yeZvapupu zvakaberekerwamo kundozviwanira amene kuti ivo vakanga vari vanhu vorudzii. Akaororwa. Apo tendero yakapiwa nehurumende yokuva nomumiriri anogaramo weEurope, Bert McLuckie uye gare gare munun’una wake Bill vakatumirwa ikoko pakati pema1930. Vakaramba vachikurukurirana namapurisa navanamudzviti kuitira kuti ava vakuru vakuru vagova nenzwisiso yakajeka yomubato wavo uye vaisazovhiringidza Zvapupu zvaJehovha namapoka api neapi ayo aidanwa zvenhema-nhema kuti Watchtower. Panguva imwe cheteyo, vakashanda nenzira yokushivirira, pamwe chete naGresham Kwazizirah, Chapupu chakakura mumudzimu chomunzvimbomo, kubetsera mazana aida kusonganirana neungano kunzwisisa kuti unzenza hwevatano, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhaka, uye kutenda mashura zvaisagona kuva nenzvimbo muupenyu hweZvapupu zvaJehovha.—1 VaK. 5:9-13; 2 VaK. 7:1; Zvak. 22:15.

Muna 1930, makanga mune vanenge zana bedzi veZvapupu zvaJehovha kumaodzanyemba kweAfrica kwose. Bva, vakanga vane mugove waibatanidza, mukufungidzira, Africa yose kumaodzanyemba kweequator uye dzimwe ndima dzaitambanukira kuchamhembe kwaiyoyo. Kufukidza ndima yakakura zvikuru kudaro neshoko roUmambo kwaida mapiyona chaiwoiwo. Frank naGray Smith vakanga vari vorudzi irworwo.

Vakafamba nengarava makiromita 4 800 kumabvazuva uye kuchamhembe kubva kuCape Town uye ipapo vakapfuurira kwamazuva mana nomumigwagwa yakashata nemotokari kuti vasvike kuNairobi, Kenya (muBritish East Africa). Muusingasviki mwedzi, vakagovera makatoni 40 amabhuku eBhaibheri. Asi, nenzira inosuruvarisa, parwendo rwokudzokera, Frank akafa nemarariya. Pasinei zvapo naikoku, nguva shomanene gare gare, Robert Nisbet naDavid Norman vakatanga rwendo—nguva ino namakatoni 200 amabhuku—kundoparidza muKenya neUganda, uyewo Tanganyika neZanzibar (dzose dziri mbiri zvino dzava Tanzania), vachisvika vanhu vakawanda sevanobvira. Dzimwe nzendo dzakafanana dzakaparadzira shoko roUmambo kuzvitsuwa zveMauritius neMadagascar muIndian Ocean uye kuSt. Helena muAtlantic Ocean. Mbeu dzezvokwadi dzakadyarwa, asi hadzina kukurumidza kutumbuka ndokukura kunzvimbo iri yose.

Kubva muSouth Africa kuparidzwa kwamashoko akanaka kwakapararirawo ndokupinda muBasutoland (zvino yava Lesotho), Bechuanaland (zvino yava Botswana), uye Swaziland, pakuvamba sa1925. Makore anenge masere gare gare, apo mapiyona akanga achiparidzazve muSwaziland, Mambo Sobhuza II akaapa kugamuchira kwoumambo. Iye akaunganidza vachengetedzi vake amene vevarwi zana, akateerera uchapupu hwakakwana, uye ipapo akawana zvinyorwa zvose zveSosaiti izvo hama dzacho dzakanga dzinazvo.

Zvishoma nezvishoma nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera muurwu rutivi rwomunda wenyika. Vamwe vakakumbanirana navashomanene avo vakanga vatanga basa muAfrica pakuvamba muzana rino ramakore rechi20, uye pakasvika 1935 makanga mune 1 407 mukondinendi yeAfrica avo vaishuma kuva negoverano mubasa rokupupura pamusoro poUmambo hwaMwari. Nhamba huru dzaivava dzakanga dziri muSouth Africa neNigeria. Mamwe mapoka makuru ayo akazvizivisa amene seZvapupu zvaJehovha akawanwa muNyasaland (zvino yava Malawi), Northern Rhodesia (zvino yava Zambia), uye Southern Rhodesia (zvino yava Zimbabwe).

Mukati menhambo imwe cheteyi, ngwariro yakanga ichinangidzirwawo kunyika dzinotaura chiSpanish nechiPutukezi.

Kusakurira Minda yechiSpanish neyechiPutukezi

Apo Hondo Yenyika I yakanga ichiri kufambira mberi, Nharireyomurindi yakatanga kubudiswa muchiSpanish. Yakanga ine kero yehofisi yomuLos Angeles, California, iyo yakanga yaumbwa kuti ipe ngwariro chaiyo kumunda waitaura chiSpanish. Hama dzaibva kuhofisi iyoyo dzakapa betsero huru yomunhu oga kuvanhu vanofarira mose muri muviri muUnited States nomunyika dzokumaodzanyemba.

Juan Muñiz, uyo akanga ava mumwe wavabatiri vaJehovha muna 1917, akakurudzirwa naHama Rutherford muna 1920 kubva muUnited States ndokudzokera kuSpain, nyika yake yaakaberekerwa mairi, kundoita kuti basa rokuparidza Umambo rirongeke ikoko. Migumisiro yacho yakanga yakaganhurirwa, zvisinei, kwete nemhaka yokusava neshingairo kupi nokupi kwake, asi nemhaka yokuti nguva dzose aiteverwa namapurisa; naizvozvo pashure pamakore mashomanene, akatamisirwa kuArgentina.

MuBrazil vanamati vashomanene vaJehovha vakanga vachitoparidza. Vachairi vezvikepe vasere vanozvininipisa vakanga vadzidza zvokwadi apo vakanga vasiri kushanda mungarava yavo muNew York. Shure kuBrazil pakuvamba muna 1920, vakanga vakabatikana kugoverana shoko reBhaibheri navamwe.

George Young, wokuCanada, akatumirwa kuBrazil muna 1923. Iye zvirokwazvo akabetsera kunyandura basa. Achipa hurukuro dzavose dzakawanda kupfurikidza navaturikiri, iye akaratidza izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pomugariro wavakafa, akafumura kudavira midzimu soudhemoni, uye akatsanangura chinangwa chaMwari chokukomborera mhuri dzose dzapasi. Hurukuro dzake dzakanga dzichisunda zvikuru nemhaka yokuti padzimwe nguva aibudisa panobudira mifananidzo magwaro eBhaibheri ari kukurukurwa zvokuti vateereri vaigona kuona iwaya mumutauro wavo vamene. Apo akanga ari muBrazil, Bellona Ferguson, weSão Paulo, pakupedzisira akakwanisa kubhapatidzwa, pamwe chete nevana vavana vake. Akanga amirira uyu mukana kwamakore 25. Pakati paavo vakagamuchira zvokwadi paiva navamwe avo ipapo vakazviita vamene vanowanika kuti vabetsere nokushandura mabhuku kuisa muchiPutukezi. Nokukurumidza pakanga pane mugove wakanaka wezvinyorwa mumutauro iwoyo.

Vachibva kuBrazil, Hama Young vakapfuurira kuenda kuArgentina muna 1924 ndokuronga kuparadzirwa kwapachena kwamabhuku 300 000 muchiSpanish mu25 amataundi makuru nemaguta. Gore rimwe chetero vakaendawo pachavo kuChile, Peru, uye Bolivia kundoparadzira maturakiti.

George Young nokukurumidza akanga ave kuenda kundotarisira mugove mutsva. Nguva ino yakanga iri Spain nePortugal. Pashure pokusumwa nomumiririri weBritain kuvakuru vakuru vehurumende vomunzvimbomo, akakwanisa kuronga kuti Hama Rutherford vataure kuvateereri muBarcelona neMadrid, pamwe chete nomudzimbahwe rePortugal. Pashure peidzi hurukuro, hwerengedzo yavanhu vanopfuura 2 350 vakapa mazita avo nekero nezvikumbiro nokuda kwamamwe mashoko. Pashure pacho, hurukuro yacho yakabudiswa murimwe ramapepanhau makuru eSpain, uye muchimiro cheturakiti yakatumirwa kuvanhu nepositi munyika yose. Yakaonekawo mupepanhau rechiPutukezi.

Kupfurikidza neiyi mitoo shoko racho rakasvika kure zvikuru kupfuura kumiganhu yeSpain nePortugal. Pakasvika mugumo wa1925, mashoko akanaka akanga apinda muCape Verde Islands (zvino yava Republic of Cape Verde), Madeira, Portuguese East Africa (zvino yava Mozambique), Portuguese West Africa (zvino yava Angola), uye zvitsuwa zviri muIndian Ocean.

Gore rakatevera racho gadziriro dzakaitwa dzokudhinda chisarudzo chine simba chokuti “Chipupuriro Kuvatongi Venyika” mupepa rechiSpanish La Libertad. Kuparidza kwomuredhiyo nokuparadzirwa kwemabhuku, mabhukwana, uye maturakiti, pamwe chete nokuratidzwa kwe“Photo-Drama of Creation,” zvakabetsera kuwedzera uchapupu. Muna 1932 mapiyona anoverengeka eEngland akagamuchira kokero yokubetsera muuyu munda, uye akafukidza nenzira yakarongeka zvikamu zvikuru zvenyika yacho namabhuku eBhaibheri kusvikira Hondo Yavagari Vemo yeSpain yaita kuti kuve madikanwa kuti vabve.

Munguvayo, pakusvika muArgentina, Hama Muñiz vakanga vakurumidza kutanga kuparidza, apo vaizviriritira vamene kupfurikidza nokugadzira mawachi. Mukuwedzera kubasa ravo muArgentina, ivo vakapa ngwariro kuChile, Paraguay, uye Uruguay. Pachikumbiro chavo dzimwe hama dzakauya kubva kuEurope kuzopupura kuvanhu vanotaura chiGerman. Makore akawanda gare gare Carlos Ott akarondedzera kuti vaivamba zuva ravo rebasa na4:00 a.m. kupfurikidza nokusiya maturakiti pasi pesuo riri rose mundima. Gare gare muzuva racho, vaishanya kuzopa humwe uchapupu uye kugovera mamwe mabhuku eBhaibheri kuna vanasaimba vanofarira. Kubva muBuenos Aires avo vaigoverana muushumiri hwenguva yakazara vakapararira munyika yacho yose, vachitanga kutevera njanji idzo dzaibuda kwamazana amakiromita kubva mudzimbahwe kufanana neminwe yakatambanudzwa paruoko rwako, ipapo vachishandisa mimwe mitoo iri yechokufambisa chavaigona kuwana. Vakanga vane zvishomanene zvikuru mune zvokunyama uye vaitsungirira nhamo huru, asi vakanga vakapfuma mumudzimu.

Mumwe wavashandi ivavo vanoshingaira muArgentina akanga ari Nicolás Argyrós, muGiriki. Pakuvamba muna 1930, apo akawana mabhuku akabudiswa neWatch Tower Society, akaororwa zvikurukuru nebhukwana raiva nomusoro unoti Hell, nemisoro miduku yaibvunza kuti “Iyo Chii? Ndivanani Variko? Vanogona Kubuda Here?” Akashamiswa kuwana kuti iri bhukwana harina kurondedzera vatadzi sevari kugochwa muhovhoni. Kushamiswa kwakadini apo akaziva kuti hero yomwoto dzakanga dziri nhema dzorudzidziso dzakatangwa kuti dzityise vanhu, kungofanana nokumutyisidzira kwadzakanga dzaita! Akakurumidza kutanga kugoverana zvokwadi yacho—kutanga navaGiriki; ipapo, sezvo chiSpanish chake chakavandudzika, navamwe. Mwedzi mumwe nomumwe aipa maawa ari pakati pe200 ne300 kukugoverana mashoko akanaka navamwe. Achishandisa tsoka dzake uye mimwe mitoo ipi neipi yechokufambisa yaiwanika, akaparadzira zvokwadi dzeBhaibheri mu14 emaruwa 22 eArgentina. Sezvaaifamba nzvimbo nenzvimbo, airara pamibhedha apo iyoyi yaigoverwa navanhu vane mutsa, kazhinji kazhinji pamhene, uye kunyange mudanga remadhongi mune dhongi raikuma richimumutsa mangwanani!

Mumwe uyo akanga ane mudzimu wapiyona chaiyeiye akanga ari Richard Traub, uyo akanga adzidza zvokwadi muBuenos Aires. Akanga achidisa kugoverana mashoko akanaka navanhu mhiri kweAndes, muChile. Muna 1930, makore mashanu pashure pokunge abhapatidzwa, akasvika muChile—Chapupu bedzi munyika yavanhu 4 000 000. Pakutanga, akanga ane Bhaibheri bedzi rokushanda naro, asi akavamba kushanya paimba neimba. Kwakanga kusina misangano yeungano iyo aigona kupinda, naizvozvo pamaSvondo, panguva yenguva dzose yomusangano, aifamba kuenda kuMount San Cristóbal, kugara mumumvuri womuti, uye kuzvinyudza amene mufundo yomunhu oga nomunyengetero. Pashure pokunge arenda imwe kamuri, akavamba kukokera vanhu kumisangano imomo. Mumwe munhu bedzi akauya nokuda kwomusangano wokutanga akanga ari Juan Flores, uyo akabvunza, kuti: “Uye vamwe, vachauya riniko?” Hama Traub vakangopindura, kuti: “Vachauya.” Uye vakauya. Murisingasviki gore, 13 vakava vabatiri vakabhapatidzwa vaJehovha.

Makore mana gare gare, Zvapupu zviviri izvo zvakanga zvisati zvambosangana kare zvakabatana kuva boka kuti zviparidze mashoko akanaka muColombia. Pashure pegore rinobudirira imomo, Hilma Sjoberg aifanira kudzokera kuUnited States. Asi Kathe Palm akakwira ngarava kuenda kuChile, achishandisa mazuva 17 ari mugungwa kupupura kuvose vari vaviri boka ravashandi vomungarava navakwiri. Mukati memakore gumi akatevera, akashanda achibva kuchiteshi chezvikepe chomugungwa chiri kuchamhembe zvikuru kweChile, Arica, achienda kunzvimbo iri kumaodzanyemba zvikuru kwayo, Tierra del Fuego. Akashanyira dzimba dzebhizimisi uye akapupura kuvakuru vakuru vehurumende. Achishandisa bhegi rokubereka riri pamapfudzi ake kutakura mabhuku, uye achiwedzera zvimwe zviri madikanwa zvakaita segumbeze rokufuga, akasvika kumakamba ari kure zvikurusa okuchera migodhi nenzvimbo dzaipfuyirwa makwai. Hwakanga huri upenyu hwapiyona wechokwadi. Uye pakanga pane vamwe vakagoverana mudzimu mumwe chetewo—vamwe vasina kuroora kana kuti kuroorwa, vamwe vakaroora kana kuti kuroorwa, vaduku navakuru.

Mukati megore ra1932, nhamburiko chaiyo yakaitwa kuparadzira shoko roUmambo munyika dzokuLatin America uko kuparidza kuduku kwakanga kuchigere kuitwa. Mugore iroro bhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World rakaparadzirwa zvinoshamisa. Iri bhukwana raiva nehurukuro yakanga yatonzwiwa mukuparidza kwomuredhiyo kwemarudzi akawanda. Zvino makopi 40 000 ehurukuro yacho yakadhindwa akaparadzirwa muChile, makopi 25 000 muBolivia, 25 000 muPeru, 15 000 muEcuador, 20 000 muColombia, 10 000 muSanto Domingo (zvino yava Dominican Republic), uye mamwe 10 000 muPuerto Rico. Zvirokwazvo, shoko roUmambo rakanga richiziviswa, uye zvakanyanya zvikuru.

Pakasvika 1935, muSouth America mumene makanga mune 247 chete avo vakanga vakumbanidza manzwi avo kuti vazivise kuti Umambo hwaMwari bedzi huchaunza mufarwa wechokwadi kurudzi rwomunhu. Asi uchapupu hwakadini hwavakanga vachipa!

Kusvika Vanhu Kunyange Vari Munharaunda Dziri Kure Zvikuru

Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisiri kutongova nomurangariro wokuti mutoro wazvo pamberi paMwari waitwa kana vakangotaura kuvashomanene avo vaiva vavakidzani vazvo. Zvakaedza kusvika munhu ari wose namashoko akanaka.

Vanhu vaigara munzvimbo umo Zvapupu zvaisagona kuenda panguva iyoyo pachazvo vaigona kusvikwa nedzimwe nzira. Nokudaro, mukupera kwema1920, Zvapupu muCape Town, South Africa, zvakatumira mabhukwana 50 000 kuvarimi vose, vanorinda shongwe ine getsi rinotungamirira ngarava, vachengeti vemasango, uye vamwe vaigara munzvimbo dzakanga dzakaoma kusvika. Bhuku reposvo renhamba dzorunhare rinowirirana nomusi rakawanwawo nokuda kweSouth-West Africa yose (zvino inozivikanwa seNamibia), uye kopi yebhukwana rinonzi The People’s Friend yakatumirwa kumunhu ari wose aiva nezita raiva mubhuku renhamba dzerunhare iroro.

Muna 1929, F. J. Franske akaronzwa igwa reWatch Tower Society rinonzi Morton uye akagoverwa, pamwe chete naJimmy James, kusvika vanhu muLabrador nezviteshi zvengarava zvose zviri kunze zveNewfoundland. Muchando Hama Franske vaifamba kumhenderekedzo neboka reimbwa. Kuti agofukidza ndyiko dzamabhuku eBhaibheri avaivasiyira, vaEskimo navagari vomuNewfoundland vakavapa zvinhu zvakadai sezvinhu zvematehwe nehove. Makore mashomanene gare gare, vakatsvaka vacheri vemigodhi, vatemi vemiti, vateyi vemhuka, vachengeti vemhuka, uye vaIndia vomunyika yakashata yeCariboo yeBritish Columbia. Sezvavaifamba, vaivhima kuti vagowana nyama, vainhonga michero yomusango, uye vaibikira chingwa chavo mupani pamwoto wepamusasa waiva pamhene. Ipapo, pane imwe nguva, ivo nomubiyavo vakashandisa igwa raikweva mumbure unoshandiswa kubata hove dzinonzi salmon nokuda kwechokufambisa sezvavaiendesa shoko roUmambo kuchitsuwa chiri chose, nharaunda dzomumhenderekedzo dzegungwa, musasa wokuroja, shongwe ine getsi rinotungamirira ngarava, uye nzvimbo yokugara mumhenderekedzo yokumadokero yeCanada. Akanga ari mumwe bedzi wevakawanda avo vakanga vachiita nhamburiko chaidzo kusvika vanhu vaigara munharaunda dziri kure dzapasi.

Kutangira mukupera kwema1920, Frank Day akaenda kuchamhembe achipfuura nomumisha yeAlaska, achiparidza, achigovera mabhuku, uye achitengesa magirazi emaziso kuti agotarisira zvinodikanwa zvake zvokunyama. Kunyange zvazvo aikamhina negumbo rokuisira, akafukidza nharaunda yaitambanuka kubva kuKetchikan kusvikira kuNome, daro remakiromita anenge 1 900. Pakuvamba sa1897, mumwe mucheri wemugodhi wendarama akanga awana makopi eMillennial Dawn neNharireyomurindi apo akanga ari muCalifornia uye akanga achiita rongedzero dzokudzokera naiwaya kuAlaska. Uye muna 1910, Captain Beams, mutarisiri wezvikepe zvinobata hove dzinonzi mawhale, akanga agovera mabhuku pazviteshi zvake zvezvikepe zvechinguvana zveAlaska. Asi mubato wokuparidza wakavamba kutambanuka sezvo Hama Day vakaita nzendo dzavo dzemunguva yezhizha vachipinda vapindazve muAlaska kwamakore anopfuura 12.

Zvimwe Zvapupu zviviri, zvichishandisa igwa remotor rakareba mamita 12 rainzi Esther, zvakafamba zvichikwidza kumhenderekedzo yeNorway zvichipinda zvikuru muArctic. Zvakapupura pazvitsuwa, pashongwe dzine getsi rinotungamirira ngarava, mumisha yomumhenderekedzo yegungwa, uye munzvimbo dziri dzoga shure zvikuru mumakomo. Vanhu vakawanda vakavagamuchira, uye pakakwana gore, vakakwanisa kugovera mabhuku namabhukwana 10 000 kusvikira ku15 000 anotsanangura chinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu.

Zvitsuwa Zvinonzwa Rumbidzo dzaJehovha

Zvakanga zvisiri zvitsuwa izvozvo bedzi zvakanga zviri pedyo nemhenderekedzo dzenyika huru zvakapiwa uchapupu. Kunze pakati pePacific Ocean, muma1930 apakuvamba, Sydney Shepherd akapedza makore maviri achifamba nengarava kundoparidza muCook Islands neTahiti. Kumadokero zvikuru, George Winton akanga achishanyira New Hebrides (zvino yava Vanuatu) namashoko akanaka.

Panenge panguva imwe cheteyo, Joseph Dos Santos, wokuAmerica wechiPutukezi, akarongawo kusvika ndima isina kubatwa. Kutanga akapupura pazvitsuwa zvokunze zveHawaii; ipapo akaita rwendo rwokuparidza rwokupota nyika yose. Apo akasvika kuPhilippines, zvisinei, akagamuchira tsamba yakabva kuna Hama Rutherford ichimukumbira kugara ikoko kuti avake nokuronga mubato wokuparidza Umambo. Akadaro, kwemakore 15.

Panguva ino bazu reSosaiti muAustralia rakanga richinangidzira ngwariro kubasa muSouth Pacific uye makaipoteredza. Mapiyona maviri akatumirwa kubva ikoko akapa uchapupu hwakakura muFiji muna 1930-31. Samoa yakagamuchira uchapupu muna 1931. New Caledonia yakasvikwa muna 1932. Mapiyona maviri akaroorana akabva kuAustralia akatoita basa muChina muna 1933 uye akapupura mu13 amaguta ayo makuru mukati memakore mashomanene akatevera.

Hama muAustralia dzakaziva kuti zvakawanda zvaigona kuitwa kudai dzakanga dzine ngarava yadzaigona kushandisa. Pashure penguva yakati dzakagadzira igwa rine mamita 16 radzakadana kuti Lightbearer uye, kutanga pakuvamba muna 1935, dzakarishandisa sehwaro hwokushanda kwamakore anoverengeka nokuda kweboka rehama dzinoshingaira sezvadzaipupura muNetherlands East Indies (zvino yava Indonesia), Singapore, uye Malaya. Kusvika kwengarava yacho nguva dzose kwaikwezva ngwariro huru, uye ikoku kazhinji kazhinji kwaizarura nzira yokuti hama dziparidze nokugovera mabhuku akawanda.

Munguvayo, kune rumwe rutivi rwapasi, mapiyona maviri ari hanzvadzi akabva kuDenmark akasarudza kuita rwendo rwezororo rwokuenda kuFaeroe Islands muNorth Atlantic Ocean muna 1935. Asi airangarira runopfuura rwendo rwokuona nyika. Akaenda akashongedzerwa nezviuru zvamabhuku, uye akaashandisa zvakanaka. Achidzivisa mhepo nemvura uye ruvengo rwavafundisi, akafukidza zvakawanda zvezvitsuwa zvaigarwa sezvavaigona mukati mokugara kwavo.

Kupfuurira kuenda kumadokero, Georg Lindal, wokuCanada weIceland, akaita mugove uyo wakagara zvikuru kwazvo. Pachikarakadzo chaHama Rutherford, akatamira kuIceland kundopayona muna 1929. Itsungiriro yakadini yaakaratidza! Nokuda kweakawanda zvikurusa emakore 18 akatevera, akabatira ikoko ari oga. Akashanyira ashanyirazve mataundi nemisha. Makumi ezviuru zvamabhuku akagoverwa, asi panguva iyoyo hapana vagari vomuIceland vakamukumbanira mubasa raJehovha. Kunze kwegore rimwe chete, makanga musina Zvapupu zvaaigona kusonganirana nazvo muIceland kutozosvikira muna 1947, apo vafundisi vaviri vakarovedzwa paGilead vakasvika.

Apo Vanhu Vanorambidza Icho Mwari Anorayira

Apo vakanga vachigoverana muushumiri hwavo hwapachena, kwakanga kusati kuchitongova kwechienzi, zvikurukuru kuvambira muma1920 kusvikira muma1940, kuti Zvapupu zvisangane nechishoro, kazhinji kazhinji chainyandurwa navafundisi vomunzvimbomo uye pane dzimwe nguva nevakuru vakuru vehurumende.

Munharaunda yomumaruwa kuchamhembe kweVienna, Austria, Zvapupu zvakazviwana zvimene zvanangana neboka rine utsinye revagari vomumusha vakanyandurwa nomuprista womunzvimbomo, uyo aitsigirwa nemapurisa. Vaprista vakanga vakatsunga kuti paisazova nokuparidza kunoitwa neZvapupu zvaJehovha mumisha yavo. Asi Zvapupu, zvakatsunga kuita mugove wazvo wakapiwa naMwari, zvakachinja mugwagwa ndokudzokera rimwe zuva, zvichipinda mumisha nenzira dzokutenderera.

Pasinei zvapo netyisidziro nokurayira kwavanhu, Zvapupu zvaJehovha zvaiziva kuti zvakanga zvine musengwa kuna Mwari wokuzivisa Umambo hwake. Zvakasarudza kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pomunhu. (Mabasa 5:29) Uko vakuru vakuru vomunzvimbomo vakaedza kunyima rusununguko rworudzidziso kuZvapupu zvaJehovha, Zvapupu zvakangounza tsigiro.

Pashure pokusungwa zvasungwazve muchimwe chikamu cheBavaria, muGermany, muna 1929, zvakahaya zvitima chaizvo zviviri—chimwe chokutangira muBerlin uye chimwe muDresden. Izvozvi zvakabatanidzwa pamwe chete paReichenbach, uye na2:00 a.m. chitima chimwe chakapinda munharaunda yeRegensburg navakwiri 1 200 avo vakanga vachidisa kuva norutivi mukupa uchapupu. Kufamba kwakanga kuchidhura, uye munhu ari wose akanga abhadhara mari yake amene yechokufambisa. Pachiteshi chimwe nechimwe chenjanji, vamwe vaiburutswa. Vakati kuti vavo vakanga vaunza mabhasikoro kuti vagogona kusvika mumaruwa. Ruwa rwose rwakafukidzwa muzuva rimwe. Sezvavaiona migumisiro yenhamburiko dzavo dzakabatana, hapana zvavaigona kuita kunze kwokuyeuka chipikirwa chaMwari kuvabatiri vake, chokuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.”—Isa. 54:17.

Zvapupu zvomuGermany zvaishingaira kwazvo zvokuti pakati pa1919 na1933, zvakaparadzira, kunofungidzirwa kudaro, mabhuku, mabhukwana, uye magazini anenge 125 000 000, pamwe chete nemamiriyoni ematurakiti. Bva, makanga mune mhuri dzinenge 15 000 000 bedzi muGermany panguva iyoyo. Mukati menhambo iyoyo Germany yakagamuchira uchapupu hwakakwana zvikuru souhwo hwakapiwa munyika ipi neipi pasi pano. Murutivi irworwo rwapasi makawanwa rimwe remapoka makurusa avanhu avo vaitaura kuti vateveri vakazodzwa nomudzimu vaKristu. Asi mukati memakore akatevera, vakawanawo mimwe yemiedzo inonetesa zvikurusa yeperero.—Zvak. 14:12.

Mugore ra1933, chishoro chehurumende kubasa reZvapupu zvaJehovha muGermany chakawedzerwa zvikuru. Misha yeZvapupu nehofisi yebazu yeSosaiti zvainzverwa zvanzverwazve neGestapo. Zvirambidzo zvakaiswa pamubato weZvapupu mudzakawanda zvikurusa dzenyika dzeGermany, uye zvimwe zvakasungwa. Matani akawanda emaBhaibheri avo namabhuku eBhaibheri zvakapiswa pachena. Pana April 1, 1935, mutemo wenyika wakaiswa uchirambidza Ernste Bibelforscher (Vadzidzi veBhaibheri Vepachokwadi, kana kuti Zvapupu zvaJehovha), uye nhamburiko dzakarongwa dzakaitwa dzokuvanyima zvinovararamisa. Zvapupu zvakachinjirawo misangano yazvo yose kumapoka maduku, zvakaronga kubudisazve mashoko azvo efundo yeBhaibheri muzvimiro izvo Gestapo yaisazoziva nenzira iri nyore, uye zvakagamuchira mitoo yokuparidza iyo yakanga isingacherekedzwi kwazvo.

Kunyange ikoku kusati kwaitwa, kubvira muna 1925, hama muItaly dzakanga dzave dzichirarama muudzvinyiriri hwechiFascist, uye muna 1929 chibvumirano chakanga chasainwa pakati peChechi yeKaturike neHurumende yechiFascist. VaKristu vechokwadi vakavhimwa zvisina ngoni. Vamwe vaisangana mumatanga ezvipfuyo nomudzimba dzinochengeterwa chikafu chezvipfuyo kuti vagodzivisa kusungwa. Zvapupu zvaJehovha muItaly panguva iyoyo zvakanga zviri zvishomanene zvikuru munhamba; zvisinei, nhamburiko dzazvo dzokuparadzira shoko roUmambo dzakasimbiswa muna 1932 apo Zvapupu 20 zvokuSwitzerland zvakayambukira muItaly ndokuita kuparadzirwa kwokukurumidza zvikuru kwemakopi 300 000 ebhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World.

MuFar Eastwo, dzvinyiriro yakanga ichikura. Makanga mune kusungwa kweZvapupu zvaJehovha muJapan. Zvitsama zvikuru zvamabhuku azvo eBhaibheri zvakaparadzwa navakuru vakuru muSeoul (mune iri zvino Republic of Korea) uye Pyongyang (mune iri zvino Democratic People’s Republic of Korea).

Mukati meiyi dzvinyiriro inowedzera, muna 1935, Zvapupu zvaJehovha zvakawana nzwisiso yakajeka muBhaibheri yokuzivikanwa kwa“vazhinjizhinji,” kana kuti “boka guru,” raZvakazarurwa 7:9-17. (KJ, NW). Iyi nzwisiso yakazvizarurira kuziva basa raisakarirwa nerekukurumidzira. (Isa. 55:5) Zvakanga zvichisinazve murangariro wokuti vose avo vakanga vasiri ve“boka duku” ravadyi nhaka voUmambo hwokudenga panguva yemberi yakati vaizova nemukana wokuwiriranisa upenyu hwavo nezvinodikanwa zvaJehovha. (Ruka 12:32, NW) Vakaziva kuti nguva yakanga yasvika yokuita vadzidzi vavanhu vakadaro zvino kuti vagopukunyuka ndokupinda munyika itsva yaMwari. Kuti kuunganidzwa kweiri boka guru kubva mumarudzi ose kwaizopfuurira kwenguva yakareba sei vaisaziva, kunyange zvazvo vakanzwa kuti mugumo wetsika yakaipa unofanira kuva wava pedyo zvikuru. Kuti chaizvoizvo basa racho raizoitwa sei mukutarisana nechitambudzo chakanga chichipararira uye chichiva chinotyisa zvikuru, vakanga vasina chokwadi. Zvisinei, vakanga vane chivimbo nezveichi—sezvo ‘ruoko rwaJehovha rusiri rupfupi zvikuru,’ aizovazarurira nzira kuti vaite kuda kwake.—Isa. 59:1.

Mugore ra1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri zvishomanene zvikuru munhamba—56 153 chete munyika yose.

Zvakanga zvichiparidza munyika 115 mukati megore iroro; asi muinodokuva hafu imwe yenyika idzodzo, makanga mune Zvapupu zvisingasviki gumi. Nyika mbiri bedzi dzakanga dzine Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira 10 000 kana kuti kupfuura (United States, iine 23 808; Germany, navanofungidzirwa kuva 10 000 kubva mu19 268 vakanga vakwanisa kushuma makore maviri pakuvamba zvikuru). Dzimwe nyika nomwe (Australia, Britain, Canada, Czechoslovakia, France, Poland, uye Romania) imwe neimwe yakashuma Zvapupu zvinopfuura 1 000 asi zvisingasviki 6 000. Chinyorwa chomubato mudzimwe nyika 21 chinoratidza Zvapupu zviri pakati pe100 ne1 000 imwe neimwe. Bva, mukati megore rimwe iroro, iri boka rinoshingaira reZvapupu munyika yose rakapa maawa 8 161 424 kukuzivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu.

Mukuwedzera kunyika umo vakanga vakabatikana mukati ma1935, vakanga vatoparadzira mashoko akanaka kudzimwe nzvimbo, zvokuti nyika 149 namapoka ezvitsuwa zvakanga zvatosvikwa kusvikira panguva iyoyo neshoko roUmambo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 424]

Kunyange zvazvo vakanga vakapfigirwa mutorongo, vakawana mikana yokuparidza

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 425]

Vaidisa uye vaishuva kupfuurira nebasa!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 441]

Vakadzivisa mhepo, mvura, uye utsinye hwavafundisi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 442]

Uchapupu hwemwero inopfuura yenguva dzose hwakapiwa muGermany va“Ernste Bibelforscher” vasati varambidzwa imomo

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 423]

Apo nyika yakanga ichibatanidzwa muhondo, R. R. Hollister naFanny Mackenzie vakanga vakabatikana kuendesa shoko rorugare kuvanhu veChina, Japan, uye Korea

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

KOREA

JAPAN

CHINA

PACIFIC OCEAN

[Mepu iri papeji 428]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Apo vaibva munyika dzinodudzwa paiyi mepu vakadzidza pamusoro pechinangwa chinoshamisa chaMwari chokukomborera rudzi rwomunhu, vakanzwa vachigombedzerwa kudzokera nemashoko iwayo kunyika dzokumusha kwavo

NYIKA DZEAMERICA

↓ ↓

AUSTRIA

BULGARIA

CYPRUS

CZECHOSLOVAKIA

DENMARK

FINLAND

GERMANY

GREECE

HUNGARY

ITALY

NETHERLANDS

NORWAY

POLAND

PORTUGAL

ROMANIA

SPAIN

SWEDEN

SWITZERLAND

TURKEY

YUGOSLAVIA

[Mepu iri papeji 432]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mukati mema1920 nema1930, vaparidzi veevhangeri vakabva kuGermany vachienda kunyika dzakawanda kundopa uchapupu

GERMANY

↓ ↓

SOUTH AMERICA

NORTH AFRICA

ASIA

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 435]

Mapiyona anoshingaira akadai saFrank Smith nomunin’ina wake Gray (vanoratidzwa mumufananidzo wapamusoro) vakaparadzira mashoko akanaka kusvikira kumhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeAfrica

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

UGANDA

KENYA

TANZANIA

SOUTH AFRICA

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 439]

MuSouth-West Africa yose (zvino yava Namibia) vanhu vakagamuchira iri bhukwana kupfurikidza nepositi muna 1928

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NAMIBIA

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 440]

Akakwira “Lightbearer,” mapiyona anoshingaira akaparadzira shoko roUmambo muSoutheast Asia

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

MALAYA

BORNEO

CELEBES

SUMATRA

JAVA

TIMOR

NEW GUINEA

AUSTRALIA

PACIFIC OCEAN

[Mifananidzo iri papeji 426]

Munyika dzakawanda hurukuro inoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa” yakakwezva vateereri vakawanda

[Mifananidzo iri papeji 427]

Edwin Scott, muSouth Africa, akaparadzira pachake makopi 50 000 e“Denho Kuvatungamiriri Venyika”

[Mufananidzo uri papeji 429]

Achigamuchira danidzo yavaparidzi veevhangeri, Willy Unglaube akabatira muEurope, Africa, uye kuMabvazuva

[Mifananidzo iri papeji 430]

Pakazosvika 1992, Eric Cooke nomunin’ina wake John (akagara) mumwe nomumwe akanga ava ari mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 60, vachifarikanya zvinoitika zvinofadza muEurope neAfrica

[Mufananidzo uri papeji 431]

Apo akaenda kuIndia muna 1926, Edwin Skinner akava nomugove waibatanidza nyika shanu; nokutendeka akaramba achiparidza imomo kwamakore 64

[Mufananidzo uri papeji 433]

Alfred naFrieda Tuček, vakashongedzerwa nezvinodikanwa zvoupenyu namabhuku zvokupupura, vakabatira samapiyona muOld Yugoslavia

[Mifananidzo iri papeji 434]

MuWest Africa yose, “Bible Brown” akagoverana nesimba mukufumura kunamata kwenhema

[Mufananidzo uri papeji 436]

George Young akagoverana mukuziviswa kwakapararira kwoUmambo hwaMwari muSouth America, Spain, uye Portugal

[Mufananidzo uri papeji 437]

Juan Muñiz (ari kuruboshwe), uyo akanga ave achiparidza muSouth America kubvira muna 1924, akanga aripo kuti agamuchire N. H. Knorr paakatanga kushanyira Argentina anopfuura makore 20 gare gare

[Mufananidzo uri papeji 438]

Nicolás Argyrós akaparadzira zvokwadi inosunungura yeBhaibheri mumaruwa 14 eArgentina

[Mifananidzo iri papeji 439]

F. J. Franske, achifamba panyika uye nengarava, akatsvaka kusvika nzvimbo dzaigarwa dziri kure nezvokwadi yeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe