Ganhuro 22
Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
Apo Hondo Yenyika II yakanga ichiri kuenderera mberi, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiita rongedzero dzomubato wakawedzerwa munguva yapashure pehondo. Mushumo uri pamapeji 462 kusvikira ku501 unoratidza udzame hunoshamisa hwezvakaitika chaizvoizvo kuvambira muna 1945 kusvikira muna 1975 sezvazvakawedzera munhamba, kuita nhamburiko dzokusvika kudzimwe nyika dzakawanda, uye zvakaparidza nokudzidzisa Shoko raMwari zvakakwana zvikuru kupfuura nakare kose.
ZVIZHINJISA zvezvitsuwa zveWest Indies zvakanga zvasvikwa nenzira yakati neshoko roUmambo pakasvika 1945. Asi uchapupu hwakakwana zvikuru hwaifanira kupiwa. Vafundisi vakarovedzwa paChikoro cheGilead vaizoita rutivi runokosha.
Vafundisi Vanowedzera Uchapupu muWest Indies
Pakasvika 1960 ava vafundisi vakanga vabatira pazvitsuwa 27 kana kuti mapoka ezvitsuwa muCaribbean. Hafu yeidzi nzvimbo yakanga isina ungano yeZvapupu zvaJehovha apo vafundisi vakasvika. Vafundisi vakapfuurira kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha vanhu vanofarira, uye vakaronga misangano yenguva dzose. Uko kwakanga kuchitova neungano, vakapa rovedzo inokosha kuvaparidzi vomunzvimbomo. Somugumisiro, kunaka kwemisangano nokubudirira muushumiri zvakava nani.
Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakanga vave vachipupura muTrinidad kubvira apo Hondo Yenyika I yakanga isati yatanga, asi pashure pokusvika kwavafundisi kubva kuGilead muna 1946, kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha vanhu vanofarira kwakasimbiswa zvikuru. MuJamaica kuparidzwa kwamashoko akanaka kwakanga kwave kuchiitwa kweinodokusvika hafu yezana ramakore, uye pakanga pane Zvapupu zvomunzvimbomo zvine chiuru pakasvika nguva apo mufundisi wokutanga akasvika; asi vakafara kuva nebetsero mukusvika vanhu vakadzidza zvikuru, zvikurukuru munharaunda yesabhabhu yakapoteredza dzimbahwe. Pane rumwe rutivi, muAruba kupupura kwakawanda kwakanga kwatoitwa munzanga inotaura chiNgezi, naizvozvo vafundisi vakanangidzira ngwariro kuvanhu vakaberekerwamo. Munhu ari wose aida kunzwa mashoko akanaka.
Kuti ive nechokwadi chokuti vanhu pazvitsuwa zvose muurwu rutivi rwapasi vakava nemukana wokunzwa pamusoro poUmambo hwaMwari, muna 1948 Watch Tower Society yakagadzira igwa remamita 18 reSibia somusha wavafundisi unoyangarara. Boka racho raigoverwa kuendesa shoko roUmambo kuchitsuwa chiri chose cheWest Indies uko kwakanga kusina munhu aishingaira mukuparidza mashoko akanaka. Gust Maki akanga ari mutungamiriri, uye aiva naStanley Carter, Ronald Parkin, uye Arthur Worsley. Vakatanga neOut Islands yeboka reBahamas, ipapo vakashanda vachienda kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva vachipfuura nomuLeeward Islands neWindward Islands. Shanyo dzavo dzakava netapuroi? PaSt. Maarten mumwe muzvinabhizimisi akavaudza, kuti: “Vanhu vaisatongotaura pamusoro peBhaibheri, asi kubvira apo mave muri muno munhu ari wose ari kutaura pamusoro peBhaibheri.” Gare gare, Sibia yakatsiviwa neigwa guru, Light. Pakanga panewo chinjo muboka racho. Muasingasviki makore gumi basa chairo rakanga richiitwa nokushandiswa kweaya magwa rakanga rapedzwa, uye vazivisi vamashoko akanaka vaiva panyika vakanga vachipfuurira.
Kutanga Kupupura Mumaguta Makuru Zvikuru
Sezvakwanga kwakaita muWest Indies, naizvozvowo muCentral neSouth America, makanga muchitova nevanhu munharaunda dzakawanda avo vakanga vane zvimwe zvezvinyorwa zveWatch Tower Society vafundisi vakabva kuChikoro cheGilead vasati vasvika. Zvisinei, kuti vagosvika munhu ari wose namashoko akanaka uye kuti vabetsere vanhu vepachokwadi kuva vadzidzi vechokwadi, kurongwa kwakanatswa kwaidikanwa.
Pakasvika nguva apo hondo yenyika yechipiri yakaguma muna 1945, makanga mune mazana eZvapupu zvaJehovha muArgentina neBrazil; vane zviuru zvitatu muMexico; ungano duku zvikuru shomanene muBritish Guiana (zvino yava Guyana), Chile, Dutch Guiana (zvino yava Suriname), Paraguay, uye Uruguay; vaparidzi vashomanene muColombia, Guatemala, uye Venezuela. Asi kana iri Bolivia, Ecuador, El Salvador, Honduras uye Nicaragua, mubato weZvapupu zvaJehovha wakanga usina kusimbiswa pahwaro hupi nohupi hwechigarire kutozosvikira kusvika kwavafundisi avo vakanga varovedzwa paChikoro cheGilead.
Vafundisi vakanangidzira ngwariro chaiyo pakutanga kunzvimbo huru dzevanhu. Kunokosha kuti muzana rokutanga ramakore, muapostora Pauro akaita kwakawanda kwokuparidza kwake mumaguta aiva munzira huru dzokufamba muAsia Minor neGirisi. MuKorinte, rimwe ramaguta akatanhamara zvikurusa eGirisi yakare, Pauro akapa mwedzi 18 kukudzidzisa Shoko raMwari. (Mabasa 18:1-11) MuEfeso, iri panosangana nzira dzokufamba nadzo nokutengeserana munyika yekare, akazivisa Umambo hwaMwari kweanopfuura makore maviri.—Mabasa 19:8-10; 20:31.
Nomutoo wakafanana, apo Edward Michalec naHarold Morris, vafundisi vakapedza kufunda veChikoro cheGilead, vakasvika muBolivia muna 1945, havana kutsvaka nzvimbo ine mamirire okunze anofadza zvikurusa. Panzvimbo pezvo, vakapa ngwariro yokutanga kuLa Paz, dzimbahwe, iro riri muAndes rakakwirira mamita anodokusvika 3 700. Ibasa kuti vachangobva kusvika vakwidze nomumigwagwa yakatenuka paiyi nzvimbo yakakwirira; mwoyo yavo kazhinji kazhinji yairova sesando. Asi vafundisi vakawana vanhu vakawanda vakanga vachifarira shoko reBhaibheri. Imomo mudzimbahwe, kwakanga kusati kuri kwechienzi kuti vaudzwe, kuti: “Ndiri muRoma Katurike wechipositori, asi handidi vaprista vacho.” Mumwedzi miviri chete, vafundisi vaviri vakanga vachiitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 41.
Mukati memakore gumi akatevera, sezvo vafundisi vakawanda vakasvika uye nhamba yeZvapupu zvomunzvimbomo yakawedzera, ngwariro yakapiwa kune mamwe maguta eBolivia: Cochabamba, Oruro, Santa Cruz, Sucre, Potosí, uye Tarija. Pashure pacho, ngwariro huru yaigona kunangidzirwa kumaguta maduku zvikuru nemataundi nenharaunda dzokumaruwawo.
Nenzira yakafanana, muColombia vafundisi vakavamba kuparidza kwakarongwa mudzimbahwe, Bogotá, muna 1945, uye muguta rokumhenderekedzo reBarranquilla gore rakatevera racho. Pashure paikoko, ngwariro yakanangidzirwa nenzira inofambira mberi kuCartagena, Santa Marta, Cali, uye Medellín. Vanhu vakawanda vaigona kusvikwa munhambo pfupi kupfurikidza nokutanga kushanda maguta makuru. Nebetsero yaavo vakadzidza zvokwadi imomo, shoko racho raikurumidza kuendeswa kunharaunda dzakapoteredza.
Kana fariro duku zvikuru yaionekwa murimwe guta, vafundisi vaitamisirwa kune dzimwe nzvimbo. Nokudaro, muEcuador, apo makore matatu ebasa pakati pema1950 asina kubereka munhu mumwe akanga ane ushingi hwokutsigira zvokwadi muCuenca yorudzidziso zvakanyanya, Carl Dochow akatamisirwa kuMachala, guta rinogarwa nevanhu vanoshivirira, vane ndangariro dzinogamuchira. Anenge makore gumi gare gare, zvisinei, vanhu veCuenca vakapiwa mumwe mukana. Mudzimu wakasiyana wakawanwa, mhinganidzo dzakakurirwa, uye pakasvika 1992 muCuenca nemakapoteredza, vanhu vanopfuura 1 200 vakanga vava Zvapupu zvaJehovha uye vakarongwa kuva ungano 25!
Kutsvaka Nokushivirira Vanhu Vakafanana Namakwai
Shiviriro huru yakadikanwa kuti vatsvake vanhu vakafanana namakwai zvirokwazvo. Kuti zvigovawana muSuriname, Zvapupu zvaJehovha zvakaparidzira vokuIndia veAmerica, vokuChina, vokuIndonesia, vaJudha, vokuLebanon, vazukuru vevagari veDutch, uye marudzi akasiyana-siyana akaumbwa namaBush Negro, ane madzitateguru akanga ari varanda vakatiza. Pakati pavo pakawanwa mazana akanga ane nzara yezvokwadi zvirokwazvo. Vamwe vakatofanira kurega kubatanidzwa kukuru mukutenda kuti zvinhu zvose zvine mweya nemiitiro yokudavira midzimu. Mumwe akadaro akanga ari Paitu, n’anga, uyo akarangarira zvakakomba shoko reBhaibheri uye ipapo akarasira zvidhori zvake, mazango, uye mishonga murwizi. (Enzanisa naDheuteronomio 7:25; 18:9-14; Mabasa 19:19, 20.) Muna 1975 akazvitsaurira amene kuna Jehovha, Mwari wechokwadi.
Nhamba yakati yavagari vemo vePeru inogara mumisha miduku yakapararira muAndes nomusango rakapoteredza nzizi panonyuka mvura yeAmazon. Vaigona sei kusvikwa? Muna 1971 imwe mhuri yeZvapupu yakabva kuUnited States yakaenda kuPeru kundoshanyira mwanakomana wavo mufundisi, Joe Leydig. Apo vakaziva nezvenhamba hurusa yemisha yakanga yakahwanda pano nepapo mumipata yegomo, kuitira hanya kwavo kukuru ava vanhu kwakavasunda kuita chimwe chinhu. Vakabetsera kugovera karavhani pakutanga, uye ipapo dzimwe mbiri, pamwe chete nemidhudhudhu inofamba musango zvokushandisa panzendo huru dzokuparidza kupinda muidzi nharaunda dziri dzoga.
Pasinei zvapo nenhamburiko yakaitwa, munzvimbo dzakawanda kwairatidzika kuti vashomanene zvikuru bedzi vakaratidza kufarira shoko reBhaibheri. Unogona kusanofungidzira kuti boka ravafundisi vaduku vatanhatu muBarquisimeto, Venezuela, rakanzwa sei mukuvamba kwema1950 apo, pashure pegore rakazara rokuparidza kwoushingi, vasina kutongowana fambiro mberi ipi neipi. Kunyange zvazvo vanhu vakanga vane ushamwari zvikuru, vakawanda zvikurusa vavo vaibatanidzwa zvikuru mukudavira mashura uye vaikurangarira sechivi kuti ivo vatorave magwaro omuBhaibheri. Vapi navapi avo vairatidza fariro vakakurumidza kuodzwa mwoyo nemitezo yemhuri kana kuti vavakidzani. (Mat. 13:19-21) Asi, nechivimbo chokuti panofanira kuva navanhu vakafanana namakwai muBarquisimeto uye kuti Jehovha aizovaunganidza munguva yake yakafanira, vafundisi vakaramba vachishanya paimba neimba. Naizvozvo, kwakava kunofadza mwoyo sei nokuda kwaPenny Gavette rimwe zuva apo mumwe mukadzi achena vhudzi akamuteerera ipapo ndokuti:
“Senorita [Muzvare], kubvira apo ndaiva musikana muduku, ndaimirira mumwe munhu kuti auye pasuo rangu ndokutsanangura zvinhu zvauchangobva kundiudza. Unoona, apo ndaiva musikana, ndaisichenesa musha womuprista, uye iye akanga ane Bhaibheri mumupakwa wake. Ndaiziva kuti tairambidzwa kurirava, asi ndakanga ndichidisa kwazvo kuziva kuti chikonzero nei kwakadaro zvokuti, rimwe zuva apo kwakanga kusina munhu aitarira, ndakaenda naro kumba ndokurirava pachivande. Zvandakarava zvakaita kuti ndizive kuti Chechi yeKaturike yakanga isina kutidzidzisa zvokwadi uye naizvozvo yakanga isiri rudzidziso rwechokwadi. Ndaitya kutaura chinhu chipi nechipi kune munhu upi noupi, asi ndaiva nechokwadi chokuti rimwe zuva avo vanodzidzisa rudzidziso rwechokwadi vaizouya kutaundi redu. Apo rudzidziso rwechiPurotesitendi rwakauya, ndakafunga pakutanga kuti vanofanira kuva ivo, asi ndakakurumidza kuwana kuti vaidzidzisa dzakawanda dzenhema dzimwe chetedzo idzo Chechi yeKaturike yaidzidzisa. Zvino, zvauchangobva kundiudza ndizvo zvandakarava muBhaibheri iroro makore akawanda kwazvo akapfuura.” Nenzira yokudisa akabvuma kufunda Bhaibheri uye akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pasinei zvapo nechishoro chemhuri, akabatira Jehovha nokutendeka kusvikira kurufu rwake.
Nhamburiko yakati yaidikanwa nokuda kwokuunganidzira vanhu vakafanana namakwai vakadaro muungano ndokuvarovedza kugoverana mubasa raJehovha. Somuenzaniso, muArgentina, Rosendo Ojeda aifamba nguva dzose makiromita anenge 60 kubva kuGeneral San Martín, Chaco, kundoitisa musangano mumusha waAlejandro Sozoñiuk, munhu anofarira. Rwendo rwacho kazhinji kazhinji rwaiita maawa gumi, rumwe rutivi rwawo nebhasikoro, rumwe netsoka, padzimwe nguva vachifamba nomumvura yaisvika muhapwa. Kamwe pamwedzi kwemakore mashanu akaita rwendo rwacho, achigara vhiki nguva imwe neimwe kuti apupure munharaunda yacho. Kwakanga kwakakufanira here? Haana panikiro pamusoro pako nemhaka yokuti mugumisiro wacho wakanga uri ungano inofara yavarumbidzi vaJehovha.
Kusimudzira Dzidzo Youpenyu
MuMexico, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuudzira basa razvo mutsinhirano nemitemo inodzora masangano etsika imomo. Chinangwa cheZvapupu chakanga chiri chokuita zvakawanda kupfuura kungoita misangano uko hurukuro dzaipiwa. Zvaida kuti vanhu vave vakafanana navaBherea vaya vomuzuva raPauro avo vakakwanisa ku‘sanonzvera Magwaro kuti vaone kana zvinhu zvavaidzidziswa zvakanga zvakadaro chaizvoizvo.’ (Mabasa 17:11) MuMexico, somudzimwe nyika dzakawanda, ikoku kazhinji kazhinji kwakabatanidza kugovera betsero chaiyo kuvanhu vasina kudzidza asi vanoda kukwanisa kuzviravira vamene Shoko rakafuridzirwa raMwari.
Kirasi dzokudzidza kunyora nokurava dzaiitiswa neZvapupu zvaJehovha muMexico dzakabetsera makumi ezviuru zvavanhu imomo kudzidza kurava nokunyora. Iri basa rinoongwa neDepartment of Public Education reMexico, uye muna 1974 mumwe mutungamiriri weGeneral Office for Adult Education akanyora tsamba kuLa Torre del Vigía de México, sangano ravagari vemo raishandiswa neZvapupu zvaJehovha, achiti: “Ndinoshandisa mukana uno kukukorokotedzai noushamwari . . . nokuda kwebatira pamwe yakafanirwa nerumbidzo iyo sangano renyu rave richipa gore negore mukubetserwa kwavanhu vedu.”
Apo inenge ichigadzirira vanhu nokuda kwoupenyu husingagumi savadzorwi voUmambo hwaMwari, dzidzo inogoverwa neZvapupu inokwidziridzawo upenyu hwavo hwemhuri zvino. Pashure pokunge mumwe mutongi muEl Salto, Durango State, achatisa Zvapupu zvaJehovha panhambo dzakasiyana-siyana, akati muna 1952: “Tinotaura kuti tiri vatsigiri vakanaka vakadaro venyika yedu navagari vemo asi tinonyadziswa neZvapupu zvaJehovha. Izvo muenzaniso kwatiri nemhaka yokuti hazvibvumiri kunyange munhu mumwe musangano razvo uyo ari kuita mapoto uye asina kuita kuti ukama hwake huve hwapamutemo. Uye, imi vaKaturike, vanodokuva vose venyu hamuna kuita kuti roorano dzenyu dzive dzapamutemo.”
Iyi purogiramu yedzidzo inobetserawo vanhu kudzidza kugara pamwe chete murugare, kudanana panzvimbo pokuvenga nokuuraya. Apo chimwe Chapupu chakavamba kuparidza muVenado, Guanajuato State, icho chakawana kuti vanhu vose vakanga vane pfuti hombe nepfuti duku. Kuvengana kwakatungamirira kukuparara kwemhuri. Asi murayiridzo weBhaibheri wakaunza chinjo huru. Pfuti hombe dzakatengeswa kuti vagotenga maBhaibheri. Vanopfuura 150 munharaunda yacho nokukurumidza vakava Zvapupu zvaJehovha. Nenzira yokufananidzira, vaka‘pfura minondo yavo kuva mapadza’ ndokuvamba kuronda nzira dzorugare.—Mika 4:3.
VokuMexico vakawanda vanotya Mwari vakarangarira zvakakomba izvo Zvapupu zvaJehovha zvakavadzidzisa kubva muShoko raMwari. Somugumisiro, vaparidzi vane zviuru zvishomanene muMexico pashure peHondo Yenyika II nokukurumidza vakava 10 000, ipapo 20 000, 40 000, 80 000, uye kupfuura sezvo Zvapupu zvakaratidza vamwe nzira yokushandisa nayo zano reShoko raMwari uye nzira yokuridzidzisa nayo vamwe.
Kuungana Pamwe Chete Munhamo
Sezvo nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera, zvisinei, zvakawana kuti munyika nenyika, zvaifanira kukurira mhinganidzo dzakaoma kuti zvigoita magungano nokuda kwomurayiridzo wechiKristu. MuArgentina zvakarambidzwa nehurumende muna 1950. Kunyange zvakadaro, nemhaka yokuteerera Mwari, hazvina kurega kuparidza, uyewo hazvina kurega kuungana pamwe chete. Gadziriro dzakanga dzakati omei zvikuru, asi magungano akaitwa.
Somuenzaniso, mukupera kwa1953, Hama Knorr naHama Henschel vakashanyira Argentina kundobatira gungano romunyika yacho yose. Hama Knorr vakapinda munyika yacho vachibva kumadokera, uye Hama Henschel vakavamba shanyo dzavo kumaodzanyemba. Vakataura kumapoka akaungana mumapurazi, muminda yemichero, papikiniki pedyo norwizi rwaibva mugomo, uye mumisha yavanhu. Kazhinji kazhinji vaifanira kufamba madaro marefu kubva paboka rimwe kuenda kune rinotevera. Vachisvika muBuenos Aires, vakabatira mumwe nomumwe papurogiramu munzvimbo pfumbamwe zuva rimwe, uye mumisha gumi nomumwe zuva rakatevera. Pamwe chete, vakataura kumapoka 56, nenhamba yavapindi yakabatanidzwa ye2 505. Rwakanga rwuri rudungwe rwakaoma, asi vakafara kubatira hama dzavo nenzira iyoyo.
Pakugadzirira gungano muColombia muna 1955, Zvapupu zvakaita chibvumirano chokushandiswa kwehoro muBarranquilla. Asi, mudzvinyiriro yakabva kuna bhishopi, meya nagavhuna vakapindira, uye chibvumirano chacho chakakanzurwa. Nokuziviswa kwasara zuva rimwe chete, hama dzakachinja nzvimbo yegungano, dzichironga kuriita pazvivako zvehofisi yebazu yeSosaiti. Kunyange zvakadaro, sezvo rusando rwokutanga rwamanheru rwakanga ruchitanga, mapurisa ane zvombo akasvika nemirayiro yokuparadzanisa gungano racho. Hama dzakapfuurira. Kukwirira kuna meya mangwanani akatevera kwakaunza kukumbira ruregerero kubva kumunyori wake, uye vanhu vanodokusvika 1 000 vakamanikidzana muchivako cheSosaiti nokuda kwezuva rokupedzisira repurogiramu yeGungano iroro ro“Umambo Hunokunda.” Pasinei zvapo nemamirire ezvinhu aivapo panguva iyoyo, hama nokudaro dzakasimbiswa nezano raidikanwa romudzimu.
Kubatira Kune Kushayiwa Kukuru Zvikuru
Munda wakanga uri mukuru, uye kudikanwa kwavashandi kwakanga kuri kukuru muLatin America, sezvakwakanga kwakaita mudzimwe nzvimbo dzakawanda. Muna 1957, pakokorodzano munyika yose, vanhu vamwe navamwe nemhuri avo vakanga vari Zvapupu zvakakura mumudzimu zvaJehovha vakakurudzirwa kurangarira chaizvoizvo kutamira kunharaunda dzine kushayiwa kukuru zvikuru kundogara ndokupfuudzira ushumiri hwavo ikoko. Kurudziro yakafanana yakapiwa munzira dzakasiyana-siyana pashure pacho. Kokero yacho yakanga yakafanana zvikuru neiyo yakapiwa naMwari kumuapostora Pauro, uyo akaona muchiono mumwe munhu akamukumbira, kuti: “Yambukira Makedhonia, utibatsire.” (Mabasa 16:9, 10) Ndeipi yakanga iri davidzo kukokero yomuzuva razvino uno? Vabatiri vaJehovha vakazvipa vamene nokudisa.—Pis. 110:3.
Nokuda kwemhuri ine vana vaduku, kunoda kutenda kukuru zvikuru kuzvibvisa vamene, kusiya hama dzokunyama nomusha nebasa rokunyika, ndokuenda kumhoteredzo itsva chose chose. Kutama kwacho kungada kugamuchira mupimo wakasiyana zvikuru wokurarama uye, mune zvimwe zviitiko, kudzidza mutauro mutsva. Bva, zviuru zveZvapupu zvimwe nezvimwe nemhuri zvakaita kutama kwakadaro kuti zvigobetsera vamwe kudzidza nezvegadziriro dzorudo dzaJehovha dzoupenyu husingagumi.
Zvichikurumidza kudavidza, Zvapupu zvaJehovha zvakatama mukupera kwema1950; zvimwe muma1960; zvakawanda muma1970. Uye kutamira kweZvapupu kunharaunda dzine kushayiwa kukuru zvikuru kunopfuurira kusvikira kunguva ino.
Zvakabva kupiko? Nhamba huru dzakabva kuAustralia, Canada, New Zealand, uye United States. Zvakawanda zvakabva kuBritain, France, uye Germany. Uyewo zvakabva kuAustria, Belgium, Denmark, Finland, Italy, Japan, Republic of Korea, Norway, Spain, Sweden, uye Switzerland, pakati pedzimwe. Sezvo nhamba yeZvapupu zvaJehovha yakawedzera muArgentina, Brazil, Mexico, uye dzimwe nyika dzeLatin America, idzodziwo dzakagovera vashandi vanodisa kubatira mudzimwe nyika uko kune kushayiwa kukuru. Nenzira yakafanana, muAfrica vashandi vanoshingaira vakatama kubva munyika imwe kuenda kune imwe kundobetsera kupa uchapupu.
Zvakatamira kunharaunda dzipi? Nyika dzakadai seAfghanistan, Malaysia, uye Senegal, uye zvitsuwa zvakadai seRéunion neSt. Lucia. Zvinenge 1 000 zvakatamira muIreland, uko zvakabatira kwourefu hwakasiyana-siyana hwenguva. Nhamba yakati yakaenda kuIceland, pasinei zvapo nemwaka yadzo yechando mirefu, ine makore, uye zvimwe zvakagara, zvichiva mbiru muungano uye zvichigovera betsero yorudo kuvanhu vatsva. Zvakanaka zvakawanda zvakaitwa zvikurukuru muCentral neSouth America. Zvapupu zvinopfuura 1 000 zvakatamira kuColombia, zvinopfuura 870 kuEcuador, zvinopfuura 110 kuEl Salvador.
Harold naAnne Zimmerman vakanga vari pakati peavo vakatama. Vakanga vatobatira savadzidzisi vari vafundisi muEthiopia. Zvisinei, muna 1959, apo vakanga vachipedzisa gadziriro dzokutama kubva kuUnited States kuenda kuColombia kundogoverana mukuparadzira shoko roUmambo ikoko, vakanga vachirera vana vana, avo vaiva nemazera akasiyana-siyana kubvira pamwedzi mishanu kusvikira kumakore mashanu. Harold akatungamira kuti andotsvaka basa. Apo akasvika munyika yacho, mishumo yenhau yomunzvimbomo yakamukangaidza. Hondo yavagari vemo isiri yapamutemo yakanga ichienderera mberi, uye kwakanga kune kuurayana kukuru mukati menyika yacho. ‘Ndinoda chaizvoizvo kuunza mhuri yangu kuti igare mumamirire ezvinhu akafanana neaya here?’ akazvibvunza amene kudaro. Akafunga muenzaniso unotungamirira kana kuti nheyo yomuBhaibheri. Yakauya mundangariro yakanga iri nhoroondo yeBhaibheri yetsori dzaitya idzo dzakadzoka kumusasa wavaIsraeri nemushumo wakashata pamusoro peNyika Yakapikirwa. (Num. 13:25–14:4, 11) Ikoko kwakamubetsera kusvika chisarudzo; akanga asingadi kuva akafanana nadzo! Akaronga nokukurumidza kuti mhuri yake iuye. Haana kuwana basa rokunyika raidikanwa kutozosvikira apo mari yavo yakanga yasara madhora matatu chete, asi vakanga vane zvakanga zviri madikanwa chaizvoizvo. Chitsama chebasa rakadaro raaifanira kuita kuti atsigire mhuri yake chaisiyana mumakore ose, asi nguva dzose akaedza kuchengeta fariro dzoUmambo munzvimbo yokutanga. Apo vakatanga kuenda kuColombia, makanga mune Zvapupu zvinenge 1 400 munyika yacho. Iwedzero inoshamisa zvakadini yazvakaona kubvira panguva iyoyo!
Kubatira uko kudikanwa kweZvapupu kuri kukuru zvikuru nguva dzose hakudi kuti munhu aende kune imwe nyika. Zviuru zveZvapupu zvimwe nezvimwe nemhuri zvakatamira kune dzimwe nharaunda mukati menyika yavo vamene. Imwe mhuri muBahia State, Brazil, yakatamira kutaundi rePrado, uko kwakanga kusina Zvapupu. Pasinei zvapo nezvirambidzo zvakabva kuvafundisi, vakagara uye vakashanda mutaundi iroro nenharaunda yakapoteredza kwamakore matatu. Chimwe chivako chechechi chakasiyiwa chakatengwa ndokushandurwa kuti chive Horo yoUmambo. Pasati papera nguva refu, makanga mava neZvapupu zvinoshingaira zvinopfuura zana munharaunda yacho. Uye iwayo akanga achingova bedzi mavambo.
Munhamba dzinoramba dzichiwedzera, vadi vokururama muLatin America vari kudavidza kukokero yakanyorwa muPisarema 148, inoti: ‘Rumbidzai Jah, imi vanhu! Rumbidzai Jehovha mupasi, imi mose mapoka amarudzi.’ (Ndima 1, 7-11) Zvirokwazvo, pakasvika 1975 makanga mava navarumbidzi vaJehovha munyika iri yose muLatin America. Mushumo wegore iroro wakaratidza kuti 80 481, vakarongwa kuva ungano 2 998, vakanga vachibatira muMexico. Vamwe 24 703, muungano 462, vakanga vachitaura pamusoro poumambo hwaJehovha muCentral America. Uye muSouth America, makanga mune varumbidzi vapachena vaJehovha 206 457 muungano 3 620.
Kuita Nhamburiko Dzokusvika kuPacific Islands
Apo kukura kunokurumidza kwakanga kuchiitika muSouth America, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichinangidzirawo ngwariro kuzvitsuwa zvePacific. Kune mazana eizvi zvitsuwa akapararira pakati peAustralia nenyika dzeAmerica, zvakawanda zvazvo zviduku zvikuru. Zvimwe zvazvo zvinogarwa nemhuri shomanene bedzi; zvimwe, nemakumi ezviuru zvavanhu. Pakuvamba muma1950, kufungira mano akaipa kwehurumende kwakaita kuti kusabvirire Watch Tower Society kutumira vafundisi kuzvakawanda zveizvi zvitsuwa. Asi vanhu imomowo vanofanira kunzwa pamusoro paJehovha noUmambo hwake. Ikoku kunotsinhirana nouporofita hwakanyorwa pana Isaya 42:10-12, uhwo hunoti: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika . . . vaparidze pazviwi kurumbidzwa kwake.” Nokudaro, muna 1951, pane imwe kokorodzano muSydney, Australia, mapiyona navatariri vamatunhu avo vakanga vachifarira kuva norutivi mukuparadzira shoko roUmambo kuzvitsuwa zvacho vakakokwa kundosangana naHama Knorr. Panguva iyoyo vanenge 30 vakazvipira kuparidza muzvitsuwa zvomunzvimbo dzinopisa dzapasi.
Pakati pavo pakanga pana Tom naRowena Kitto, avo nokukurumidza vakazviwana vamene vari muPapua, umo panguva iyoyo makanga musina Zvapupu. Vakatanga basa ravo pakati pevokuEurope muPort Moresby. Pasati papera nguva refu, vakanga vachipedzera manheru muHanuabada, “Musha Mukuru,” neboka ravagari vePapua re30 kusvikira ku40 vakanga vane nzara yezvokwadi yomudzimu. Kubva pavari, shoko rakapararira kumimwe misha. Munguva pfupi, vanhu vechiKerema vakatumira nhume vachikumbira kuti fundo yeBhaibheri iitwe navo. Ipapo mumwe sabhuku aibva kuHaima akauya, achiteterera, kuti: “Ndapota uyai mudzidzise vanhu vangu pamusoro pezvokwadi!” Uye naizvozvo yakapararira.
Vamwe varoorani, John naEllen Hubler, vakaenda kuNew Caledonia kundotanga basa ikoko. Apo vakasvika muna 1954, vakanga vane mavhiza evashanyi omwedzi mumwe bedzi. Asi John akawana basa rokunyika, uye ikoku kwakavabetsera kuwedzererwa. Pashure penguva yakati, zvimwe Zvapupu—31 pamwe chete—zvakaita kutama kwakafanana. Pakutanga, zvakapfuudzira ushumiri hwazvo munharaunda dziri dzoga kuti zvigorega kukwezva ngwariro huru zvikuru. Gare gare, vakavamba kuparidza mudzimbahwe, Nouméa. Ungano yakaumbwa. Ipapo, muna 1959, mumwe mutezo weCatholic Action akapinda munzvimbo huru yehurumende. Pakanga pachisinazve kumutsidzirwa kwemavhiza nokuda kweZvapupu. VekwaHubler vaifanira kuenda. Zvinyorwa zveWatch Tower zvakarambidzwa. Bva, mashoko akanaka oUmambo akava nehwaro, uye nhamba yeZvapupu yakapfuurira kuwedzera.
MuTahiti vanhu vakawanda vakanga varatidza kufarira basa reZvapupu zvaJehovha apo hama dzakaita shanyo pfupi imomo. Asi muna 1957, makanga musina Zvapupu zvomunzvimbomo, basa razvo rakarambidzwa, uye vafundisi veWatch Tower vakarambidzwa kupinda. Zvisinei, Agnes Schenck, mugari wemo weTahiti panguva iyoyo aigara muUnited States, akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pakuziva nezvokudikanwa kwavazivisi voUmambo muTahiti, iye, murume wake, uye mwanakomana wavo vakabva nengarava muCalifornia muna May 1958. Nokukurumidza pashure paikoko, dzimwe mhuri mbiri dzakavakumbanira, kunyange zvazvo dzaigona kuwana mavhiza emwedzi mitatu bedzi avashanyi. Pakasvika gore rakatevera, ungano yakaumbwa muPapeete. Uye muna 1960 hurumende yakapa zivikanwo yapamutemo kusangano rakarongwa munzvimbomo reZvapupu zvaJehovha.
Kuti dzigoparadzira shoko roUmambo, hanzvadzi mbiri dzaiva vafundisi dziri munzira kudzokera kumugove wadzo dzakamira kuti dzishanyire hama yokunyama pachitsuwa cheNiue. Mwedzi wadzakapedzera ikoko wakabudirira zvikuru; fariro huru yakawanwa. Asi apo igwa rakatevera raifamba pakati pezvitsuwa rakasvika, vaifanira kuenda. Nokukurumidza, zvisinei, Seremaia Raibe, wokuFiji, akawana chibvumirano chebasa neDhipatimendi Remabasa Avanhu muNiue uye ipapo akashandisa nguva yake yose yokusununguka kuparidza. Zvisinei, somugumisiro wedzvinyiriro yavafundisi, mvumo yokugara yaHama Raibe yakakanzurwa pashure pemwedzi mishomanene, uye muna September 1961 Musangano Wezvemitemo wakasarudza kusabvumirazve vamwe vapi navapi veZvapupu zvaJehovha kupinda munyika yacho. Kunyange zvakadaro, kuparidzwa kwamashoko akanaka imomo kwakapfuurira. Seiko? Zvapupu zvomunzvimbomo, kunyange zvazvo zvakanga zviri zvitsva zvikuru, zvakapfuurira kubatira Jehovha. Zvakare, hurumende yomunzvimbomo yakanga yatogamuchira mubasa rayo William Lovini, wokuNiue akaberekerwamo uyo akanga ave achigara muNew Zealand. Neiko akanga achidisa kudzokera kuNiue? Nemhaka yokuti akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha uye aida kubatira uko kwakanga kune kushayiwa kukuru zvikuru. Pakasvika 1964 nhamba yeZvapupu imomo yakakwira kusvikira ku34.
Muna 1973, David Wolfgramm, mugari wemo weTonga, nomudzimai wake navana vasere, akanga achigara mumusha wakanaka muNew Zealand. Asi vakasiya iwoyo shure ndokutamira kuTonga kundofambisira mberi fariro dzoUmambo. Vari imomo vakagoverana mukufambisirazve mberi basa kunzvimbo dzokumwe muzvitsuwa zveTonga, zvinenge 30 zvazvo zvinogarwa.
Nguva dzakawanda, nhamburiko, uye ndyiko zvave zvichidikanwa kusvika zvitsuwa zvacho. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira upenyu hwavanhu biyazvo sohunokosha uye hapana chazvisingashandisi munhamburiko dzazvo dzokuvabetsera kubetserwa negadziriro yorudo yaJehovha youpenyu husingagumi munyika yake itsva.
Imwe mhuri iyo yakatengesa purazi rayo muAustralia ndokutamira kuchimwe chezvitsuwa zvePacific yakataura nokupfupikisa mirangariro yavo neiyi nzira: “Kunzwa ava vagari vomuzvitsuwa vachitaura kuti vasvika pakuziva Jehovha, kuvanzwa vachidana vana vedu kuti vana vavo, ikoku nemhaka yokuti vanovada nemhaka yezvokwadi, kuona zvose zviri zviviri fariro yoUmambo nenhamba yavapindi vemisangano zvichiwedzera, kunzwa vanhu ivava vakaisvonaka vachiti: ‘Vana vangu vacharoora kana kuti kuroorwa munaShe bedzi,’ uye ikoku pashure pokubatanidzwa nemazana amakore akawanda egamuchidzanwa neroorano zvokuMabvazuva, kuvaona vachiruramisa ndokuchenesa zvinetso zveroorano, . . . kuvaona vachifunda sezvavaifudza mombe murutivi rwomugwagwa, pashure pebasa rinonetesa zvikuru mumunda wemupunga, kuziva kuti vari kukurukura kusarurama kwokunamata zvidhori, runako rwezita raJehovha pachitoro chomunzvimbomo nedzimwe nzvimbo, kuita kuti amai vakwegura vechiIndia vakudane kuti hama uye hanzvadzi ndokukumbira kuenda newe kundoudza vanhu pamusoro paMwari wechokwadi . . . Ikoku kwose kunowedzera kutuso inokosha yokuva takatora nhano yatakaita mukupindura danidzo yakabva kuSouth Pacific.”
Vanopfuura ava vagari vomuzvitsuwa zvePacific vakanga vachigamuchira ngwariro, zvisinei. Kutanga muna 1964, mapiyona ane ruzivo rwokuzviwanira akabva kuPhilippines akagoverwa kusimbisa vafundisi vanoshingaira avo vakanga vatove kushanda muHong Kong, Indonesia, Republic of Korea, Laos, Malaysia, Taiwan, Thailand, uye Vietnam.
Mukutarisana Nedzvinyiriro Dzemhuri Nedzenzanga
Apo munhu anova mumwe weZvapupu zvaJehovha, ikoku nguva dzose hakusati kuchigamuchirwa nemhuri yake nenzanga senhauwo hayo yechisarudzo chomunhu oga.—Mat. 10:34-36; 1 Pet. 4:4.
Vakawanda zvikurusa vaavo vakava Zvapupu zvaJehovha muHong Kong vave vari vanhu vaduku. Asi ava vanhu vaduku vave vari mudzvinyiriro huru mutsika inoita kuti dzidzo yakakwirira namabasa anobhadhara zvakanaka zvive chinhu chokutanga. Vabereki vanorangarira vana vavo sepfuma iyo ichavimbisa kugara kwavo zvakanaka mumakore avo apashure. Nokudaro, apo vabereki verimwe jaya muKwun Tong vakaziva kuti fundo yeBhaibheri, kupinda misangano, uye basa romumunda zvomwanakomana wavo zvakanga zvichizobonderana nokuita kwake mari, chishoro chavo chakakura zvikuru. Baba varo vakaritandanisa nebanga guru rokuchekesa nyama; amai varo vairisvipira mate pachena. Kutukwa kwakapfuurira kuchidokuva kusingaregwi kwemwedzi yakati. Kamwe chete akabvunza vabereki vake, kuti: “Hamuna kundirera nokuda kworudo here?” Uye vakapindura, kuti: “Aiwa, nokuda kwemari!” Kunyange zvakadaro, jaya racho rakapfuurira kuisa kunamata kwaro Jehovha pakutanga; asi apo rakabva pamusha, rakapfuurirawo kubetsera vabereki varo mune zvemari neparaigona napo pose, nokuti raiziva kuti ikoku kwaizova kunofadza Jehovha.—Mat. 15:3-9; 19:19.
Munzanga dzakasanobatanidzwa, dzvinyiriro yakakomba kazhinji kazhinji inobva kuinopfuura mhuri yapedyo. Mumwe uyo akawana iyoyi akanga ari Fuaiupolu Pele muWestern Samoa. Kwairangarirwa sokusina mufungo pakati pavanhu kuti wokuSamoa arambe tsika norudzidziso zvamadzitateguru ake, uye Pele aiziva kuti aizozvidavirira. Akafunda zvakaoma uye akanyengetera zvapachokwadi kuna Jehovha. Apo akadanwa namambo mukuru wemhuri kumusangano paFaleasiu, akanangana namadzimambo matanhatu, vakurukuri vavose vatatu, vafundisi gumi, vadzidzisi vezvorudzidziso vaviri, mambo mukuru uyo akanga achitungamirira, uye varume vakura navakadzi vemhuri yacho. Vakatuka ndokushurikidza vose vari vaviri iye nomumwe mutezo wemhuri wakanga uchiratidza kufarira Zvapupu zvaJehovha. Gakava rakatevera; rakavapo kutozosvikira 4 kiroko mumangwanani. Kushandisa kwaPele Bhaibheri kwakatsamwisa vamwe vakanga varipo, uye vakadanidzira, kuti: “Bvisa Bhaibheri iroro! Rega Bhaibheri iroro!” Asi pakupedzisira mambo mukuru nenzwi rakaneta akati: “Wahwina, Pele.” Asi Pele akapindura, kuti: “Pamusoroi, Changamire, handina kuhwina. Usiku huno manzwa shoko roUmambo. Ndinokarira zvapachokwadi kuti muchariteerera.”
Apo Kunenge Kune Chishoro Chakakomba Chavafundisi
Vafundisi vechiKristudhomu vakanga vasvika muzvitsuwa zvePacific muma1800. Kusvika kwavo, munzvimbo dzakawanda, kwakanga kwava kuri kune rugare; kune dzimwe nzvimbo kwakanga kwatsigirwa nesimba remauto. Mune dzimwe nharaunda vakanga vakamurirana zvitsuwa zvacho kupfurikidza ne“chibvumirano chisina kunyorwa.” Asi kwakanga kwave kunewo hondo dzorudzidziso, umo vaKaturike navaPurotesitendi vakanga varwisana nokuda kwokudzora. Ava “vafudzi” vorudzidziso, vafundisi, zvino vakashandisa mutoo uri wose wavaigona kushandisa kuchengeta Zvapupu zvaJehovha zviri kunze kwehwavakarangarira soudzori hwavo vamene. Pane dzimwe nguva vakadzvinyirira vakuru vakuru kuti vadzinge Zvapupu muzvitsuwa zvakati. Padzimwe nguva vaitonga ivo vamene.
Pachitsuwa cheNew Britain, mumusha weVunabal, boka rakabva kurudzi rwechiSulka rakaratidza kufarira zvikuru zvokwadi yeBhaibheri. Asi imwe Svondo muna 1959, apo John Davison akanga achivaitisa fundo yeBhaibheri, mhomho yavaKaturike, munhungamiro yomudzidzisi weKaturike, vakamanikidzira kupinda muimba yacho ndokugumisa fundo yacho kupfurikidza nokudanidzira kwavo nokutuka. Ikoku kwakashumwa kumapurisa paKokopo.
Panzvimbo pokurega makwai, Zvapupu zvakadzokera vhiki yakatevera kuti zvipfuurire kugovera betsero yomudzimu nokuda kwevanoonga muVunabal. Muprista weKaturike akanga arikowo, kunyange zvazvo akanga asina kukokwa navagari vomumusha macho, uye akaunza mazana anoverengeka evaKaturike vorumwe rudzi. Pashure pokunyandurwa nomuprista wacho, avo vokuchechi yake vakatuka Zvapupu, vakazvisvipira mate, vakazvinongedza nezvibhakera, uye vakabvarura maBhaibheri avagari vomumusha macho, apo muprista akanga akamira namaoko akapetwa uye achinyemwerera. Mapurisa ayo akaedza kudzora mamirire acho ezvinhu akakatyamadzwa zvinoonekwa. Vakawanda vavagari vomumusha macho vakatyiswawo. Asi anenge mumwe wavagari vomumusha akabvumikisa kuva akashinga uye akatsigira zvaaiziva kuva zvokwadi. Zvino, mazana avamwe pachitsuwa ichocho akaita zvakafanana.
Zvisinei, havasati vari vadzidzisi vorudzidziso vose vakaratidza mudzimu wokushora kuZvapupu zvaJehovha. Shem Irofa’alu, muSolomon Islands, akanzwa mutoro wapachokwadi kune avo vaitarira kwaari somutungamiriri wavo worudzidziso. Pashure pokurava bhuku reWatch Tower Society raKubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanika Zve, iye akaziva kuti mumwe munhu akanga amurevera nhema. Iye navadzidzisi vorudzidziso pasi pechiremera chake vakateerera kurukurirano neZvapupu, vakabvunza mibvunzo, uye vakatarira magwaro muBhaibheri. Ipapo vakabvumirana kuti vaida kuva Zvapupu zvaJehovha, naizvozvo vakapfuurira kuchinja chechi dzaiva mumisha yavo 28 kukuva Horo dzoUmambo.
Kuyerera Kunokurumidza Kwezvokwadi muAfrica
Zvikurukuru kuvambira muma1920 apakuvamba, nhamburiko huru yakaitwa kuti vanhu mumativi ose eAfrica vagova nemukana wokusvika pakuziva Jehovha, Mwari wechokwadi, uye kubetserwa negadziriro dzake dzorudo. Apo hondo yenyika yechipiri yakaguma, makanga mune Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha munyika 14 mukondinendi yeAfrica. Dzimwe nyika 14 dzeAfrica dzakanga dzasvikwa neshoko roUmambo, asi hakuna Zvapupu zvakanga zvichishuma mubato muna idzodzi muna 1945. Mukati memakore 30 akatevera, kusvikira muna 1975, kuparidzwa kwemashoko akanaka kwakapinda mudzimwe nyika 19 muAfrica. Munyika dzinodokuva dzose idzodzi, pamwe chete nepazvitsuwa zvakapoteredza, ungano dzakavamba kuumbwa—shomanene mudzimwe nyika, dzinopfuura chiuru muZambia, dzinodokusvika mazana maviri muNigeria. Kwose ikoko kwakaitika sei?
Kupararira kweshoko roUmambo kwakanga kwakafanana nerwizi runoyerera ruchikurumidza. Zvikurukuru, mvura inopfuura nomunzizi, kunyange zvazvo imwe ichipfachukira panyika iri pedyo; uye kana chidziviso chikavhara nzira, mvura yacho inowana imwe nzira kana kuti inowedzera uwandu uye simba kusvikira yapfachuka.
Ichishandisa mikoto yayo yenguva dzose yokuronga, Watch Tower Society yakagovera vashumiri venguva yakazara—mapiyona, mapiyona chaiwo, uye vafundisi—kunyika uko kuparidza kushomanene kana kuti pasina kwakanga kwaitwa. Kupi kana kupi kwavaienda, vaikoka vanhu kuti va“nwe mvura youpenyu pachena.” (Zvak. 22:17, NW) Somuenzaniso, kuchamhembe kweAfrica, mapiyona chaiwo mana akabva kuFrance akatambanudzira vanhu veAlgeria kokero iyoyo muna 1952. Nokukurumidza mumwe muuki ikoko akagamuchira zvokwadi, akaziva kuti anofanira kurega basa rake kuti agofadza Jehovha, uye akavamba kupupura kuvaichimbova vaaibetsera. (Dheut. 18:10-12) Mapiyona acho akashandisa nenzira inobudirira bhuku ra“Mwari Ngaave Wezvokwadi” kubetsera vanhu vapachokwadi kuona musiyano uri pakati peBhaibheri Dzvene negamuchidzanwa rorudzidziso. Rakanga rine simba kwazvo mukusunungura vanhu mumiitiro yorudzidziso rwenhema zvokuti mumwe mufundisi akaratidzira bhuku racho pachikuva chake ndokutuka iro, avo vakanga vachiriparadzira, uye avo vakanga vachirirava.
Muna 1954 mumwe mufundisi akadzingwa muSpain yechiKaturike nemhaka yokudzidzisa Bhaibheri pasina tendero yavafundisi; naizvozvo gore rakatevera, iye napiyona biyake vakaparidza muMorocco. Nokukurumidza vakakumbanirwa nemhuri yavashanu yeZvapupu zvaJehovha iyo yakanga yadzingwa muTunisia, umo nyongano yakati yakanga yaparirwa apo vamwe varoorani vechiJudha vakagamuchira Jesu saMesiya ndokukurumidza kuvamba kugoverana kutenda kwavo kutsva nevamwe. Nechokumaodzanyemba zvikuru, mapiyona akabva kuGhana akapinzwa muMali muna 1962. Gare gare, mapiyona okuFrance aibatira muAlgeria akakumbirwawo kubetsera muMali. Vakati wandei vaavo gare gare vakava Zvapupu imomo vakapindawo mubasa renguva yakazara. Muna 1966 mapiyona chaiwo masere akabva kuNigeria akagamuchira migove muNiger, nyika ine vagari vemo vashomanene iyo inobatanidza rutivi rweSahara Desert. Burundi yakapiwa mukana wokunzwa shoko roUmambo apo mapiyona chaiwo maviri akatumirwa ikoko kubva kuNorthern Rhodesia (zvino yava Zambia) muna 1963, achiteverwa nevafundisi vana vakarovedzwa kuChikoro cheGilead.
Makanga munewo vafundisi muEthiopia mukuvamba kwema1950. Hurumende yeEthiopia yaida kuti vavake mishoni yapamutemo ndokuva nechikoro chokudzidzisa, izvo zvavakaita. Asi, mukuwedzera kuna ikoko, vakanga vakabatikana kudzidzisa Bhaibheri, uye nokukurumidza kwakanga kune kufamba-famba kwenguva dzose kwavanhu vachiuya mumusha wavafundisi, vatsva vachisvika zuva riri rose kuzokumbira kuti mumwe munhu avabetsere kunzwisisa Bhaibheri. Mukati memakumi matatu emakore pashure peHondo Yenyika II, nyika 39 mukondinendi yeAfrica dzakabetserwa nebetsero yavafundisi vakadaro vakarovedzwa kuGilead.
Panguva imwe cheteyo, mvura dzezvokwadi dzakanga dzichipfachukira munharaunda dzine nyota yomudzimu kupfurikidza neZvapupu zvaJehovha zvine basa rokunyika raiita kuti vaonane navamwe vanhu. Nokudaro, Zvapupu zvakabva kuEgypt zvaiva nebasa raida kuti zvitamire kuLibya muna 1950 zvakaparidza nokushingaira mukati memaawa azvo okusununguka. Gore rimwe chetero chimwe Chapupu chakanga chiri mutengesi weshinda, pamwe chete nemhuri yacho, chakatama kubva kuEgypt kuenda kuKhartoum, Sudan. Chaikuita muitiro kupupura kuvatengi chisati chaita bhizimisi navo. Mumwe weZvapupu zvokutanga muSenegal (panguva iyoyo yaiva rutivi rweFrench West Africa) akaenda ikoko, muna 1951, somumiririri wefemu yezvokutengeserana. Akanzwisisa mabasa ake seChapupu cheWokumusorosoro. Muna 1959, pamusoro pebasa rokunyika, chimwe Chapupu chakaenda kuFort-Lamy (zvino yava N’Djamena), mune iyo gare gare yakava Chad, uye icho chakashandisa mukana wacho kuparadzira shoko roUmambo munyika iyoyo. Munyika dzakavakidzana neNiger makanga mune vatengesi vakanga vari Zvapupu zvaJehovha; naizvozvo, apo mapiyona chaiwo akanga akabatikana muNiger kuvambira muna 1966 zvichienda mberi, ava vatengesi vakanga vachiparidzawo kuvanhu vaibva kuNiger avo vaiita bhizimisi navo. Uye Zvapupu zviviri zvaiva nevarume vakaenda kuMauritania kundoshanda muna 1966 zvakashandisa mukana wacho kupupura munharaunda iyoyo.
Vanhu avo vakazorodzwa ne‘mvura youpenyu’ vakaigoverana nevamwe. Somuenzaniso, muna 1947 mumwe munhu uyo akanga apinda misangano yakati asi iye amene akanga asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha akatama kubva kuCameroon kuenda kuUbangi-Shari (zvino yava Central African Republic). Achinzwa pamusoro pomurume aiva muBangui uyo akanga achifarira zvikuru Bhaibheri, akaronga nenzira yomutsa kuti hofisi yeWatch Tower Society muSwitzerland imutumire bhuku. Etienne Nkounkou, mugamuchiri wacho, akafadzwa zvikuru nezvokudya zvakanaka zvomudzimu zvaraiva nazvo, uye vhiki imwe neimwe airavira bhuku iroro boka ravamwe vakanga vachifarira. Vakaita kurukurirano nedzimbahwe reSosaiti. Sezvo zivo yavo yaiwedzera, boka iroro refundo rakavawo boka rinoparidza. Kunyange zvazvo dzvinyiriro yavafundisi yakatungamirira kukurambidza kwehurumende mabhuku eWatch Tower, izvi Zvapupu zvitsva zvakapfuurira kuparidza neBhaibheri chete. Vanhu munyika iyoyo vanoda kunzwa kurukurirano dzeBhaibheri, naizvozvo pakasvika nguva apo kurambidzwa kwezvimwe zvezvinyorwa zveSosaiti kwakabviswa muna 1957, Zvapupu imomo zvaitova nenhamba inopfuura 500.
Apo Mhinganidzo Dzakamutswa
Apo mhinganidzo dzakavhiringidza kuyerera kwemvura inopa upenyu, yakakurumidza kupinda neimwe nzira yakati. Ayité Sessi, piyona akabva kuDahomey (zvino yava Benin), akanga aparidza muFrench Togo (zvino yava Togo) kwenguva pfupi bedzi muna 1949 apo hurumende yakamumanikidzira kubuda. Asi gore rakatevera Akakpo Agbetor, aichimbova mutambi wetsiva, aiva wokuTogo, akadzokera kunyika yake yokumusha pamwe chete nomunun’una wake. Nemhaka yokuti iyoyo yakanga iri nyika yaakaberekerwa mairi, akakwanisa kupupura zvakasununguka zvikuru, achitoita misangano. Kunyange zvazvo mapiyona ayo akanga agamuchira migove muFernando Po (zvino yava rutivi rweEquatorial Guinea) munenge muna 1950 akadzingwa pashure penguva pfupi somugumisiro wokusashivirira kworudzidziso, zvimwe Zvapupu gare gare zvakabudirira kuwana zvibvumirano zvebasa izvo zvakazvigonesa kugara munharaunda iyoyo. Uye, chokwadika, mutsinhirano nomurayiro waJesu, zvakaparidza.—Marko 13:10.
Emmanuel Mama, mutariri wedunhu akabva kuGhana, akatumirwa kuUpper Volta (zvino yava kunzi Burkina Faso) kwevhiki shomanene muna 1959 uye akakwanisa kuita kupupura kwakawanda muOuagadougou, dzimbahwe racho. Asi makanga musina Zvapupu zvaigara munyika yacho. Makore mana gare gare, Zvapupu zvinomwe, zvakabva kuTogo, Dahomey (zvino yava Benin), uye Congo, zvakatamira kuOuagadougou ndokutsvaka basa kuti zvigogona kubatira muiyi nharaunda. Mwedzi mishomanene gare gare, zvakakumbanirwa nemapiyona chaiwo anoverengeka akabva kuGhana. Zvisinei, somugumisiro wedzvinyiriro yavafundisi pavakuru vakuru, muna 1964, pashure pokunge Zvapupu zvacho zvave zvirimo kwerisingasviki gore, zvakasungwa, zvakachengetwa savasungwa kwamazuva 13, uye ipapo zvakadzingwa munyika yacho. Nhamburiko dzavo dzakanga dzave dzakakodzera here? Emmanuel Johnson, mugari wemunyika yacho, akanga adzidza uko zvokwadi yeBhaibheri yaigona kuwanikwa. Akapfuurira kudzidza neZvapupu zvaJehovha kupfurikidza netsamba, uye akabhapatidzwa muna 1969. Hungu, basa roUmambo rakadzika midzi mune imwe nyika.
Apo kumbiriso yakaitwa nokuda kwemavhiza ayo aizogonesa vafundisi vakarovedzwa kuGilead kubatira muIvory Coast (zvino yava kunzi Côte d’Ivoire), vakuru vakuru veFrance havana kupa tendero. Naizvozvo, muna 1950, Alfred Shooter, wokuGold Coast (zvino yava Ghana), akatumirwa kudzimbahwe reIvory Coast sapiyona. Apo akanga angogadzikana bedzi, mudzimai wake akamukumbanira; uye mwedzi mishomanene gare gare, vamwe varoorani vari vafundisi, Gabriel naFlorence Paterson, vakauya. Zvinetso zvakamuka. Rimwe zuva, mabhuku avo akabvutwa nemhaka yokuti akanga asina kutenderwa nehurumende, uye hama dzakabhadhariswa faindi. Asi gare gare vakawana mabhuku avo achitengeswa pamusika, naizvozvo vakaatengazve ndokuashandisa zvakanaka.
Munguvayi, hama dzakashanyira hofisi dzehurumende dzakawanda dzichiedza kuwana mavhiza echigarire. VaHouphouët-Boigny, avo gare gare vakava purezidhendi weIvory Coast, vakazvipira kuti vabetsere. “Zvokwadi,” vakatsinhira kudaro, “haina muganhu kana zvodini. Yakafanana nerwizi rune simba; gadzira dhamu rokuruvhara uye ruchapadura dhamu racho.” Apo mumwe muprista weKaturike nomufundisi weMethodist vakaedza kupindira, Ouezzin Coulibaly, mumiririri wehurumende, akati: “Ndinomirira vanhu venyika ino. Ndisu vanhu vacho, uye tinoda Zvapupu zvaJehovha naizvozvo tinoda kuti zvigare munyika muno.”
Vadzidzi Vanonzwisisa Zvirokwazvo
Pakupa mirayiridzo yokuti va“ite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose,” Jesu akarayirawo kuti avo vaizova vadzidzi—avo vaidavira dzidziso dzaKristu ndokudzishandisa—vanofanira kubhapatidzwa. (Mat. 28:19, 20, NW) Mutsinhirano naikoku, pane gadziriro yokubhapatidzwa kwavadzidzi vatsva pamagungano apanhambo nenhambo eZvapupu zvaJehovha nekokorodzano. Vanobhapatidzwa panhambo ipi neipi vangava vashomanene zvikuru. Zvisinei, pane imwe kokorodzano muNigeria muna 1970, pakanga pane Zvapupu zvitsva 3 775 zvakaombekwa. Nhamba huru hadzisati dziri chinangwa chacho, kunyange zvakadaro.
Apo kwakazivikanwa, muna 1956, kuti vamwe muGold Coast avo vakanga vachibhapatidzwa vakanga vasina kuvakira kutenda kwavo pahwaro hwakakwana, gadziriro yakatangwa imomo yokunzvera vanoda kubhapatidzwa. Mutoro wakaiswa pavatariri veungano vomunzvimbomo muGold Coast kuti vanzvere pachavo anoda kuombekwa mumwe nomumwe kuti vave nechokwadi chokuti akava nezivo yakarurama yezvokwadi huru dzeBhaibheri, kuti akanga achirarama mutsinhirano nemipimo yeBhaibheri, uye kuti ainzwisisa zvakajeka misengwa inova pamwe chete nokuva Chapupu chakazvitsaurira, chakabhapatidzwa chaJehovha. Pashure penguva yakati, muitiro wakafanana wakashandiswa munyika yose. Ndaza ine udzame yokushandisa mukuhwirudzura dzidziso huru dzeBhaibheri nevanoda kubhapatidzwa yakagoverwa muna 1967 mubhuku rinonzi “Shoko Renyu Ndiwo Mwenje weTsoka Yangu.” Pashure pemakore oruzivo rwokuzviwanira, kumwezve kunatswa kwendaza iyoyo kwakabudiswa muna 1983 mubhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu.
Negadziriro yakadaro, zvinodikanwa zvavanhu vakava nedzidzo yapamutemo shomanene kana kuti vasina zvakarangarirwa here?
Kugonana Nechinetso Chokusagona Kurava Nokunyora
Muna 1957 United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization yakafungidzira kuti inenge 44 muzana yevagari vemunyika vane makore 15 okukura kana kuti kupfuura vaisagona kurava kana kuti kunyora. Kwakashumwa kuti munyika 42 muAfrica, 2 munyika dzeAmerica, 28 muAsia, uye 4 muOceania, 75 muzana yavanhu vakura yakanga isingagoni kurava nokunyora. Bva, ivowo vaida mukana wokudzidza mutemo waMwari kuti vagogona kugadzirira kuva vadzorwi voUmambo hwake. Vakawanda avo vaisagona kurava vakanga vane ndangariro dzinodisa kuziva uye vaigona kuyeuka zvakawanda zvezvavainzwa, asi vakanga vachiri vasingagoni kuzviravira vamene Shoko rinokosha raMwari nokushandisa yamuro dzakadhindwa dzeBhaibheri.
Kwemakore akawanda Zvapupu zvimwe nezvimwe zvakanga zvave zvichipa betsero yomunhu oga kuvanhu vaida kudzidza kurava. Zvisinei, muna 1949 na1950, kirasi dzokudzidza kurava nokunyora dzakavambwa neZvapupu zvaJehovha muimwe neimwe yeungano dzazvo munyika dzakawanda dzeAfrica. Kirasi dzacho kazhinji kazhinji dzaiitirwa muHoro dzoUmambo, uye mune dzimwe nzvimbo musha wose waikokwa kuti ubetserwe negadziriro yacho.
Uko hurumende yakanga ichitsigira gadziriro yokudzidza kurava nokunyora, Zvapupu zvaJehovha zvakabatira pamwe nayo nomufaro. Munharaunda dzakawanda, zvisinei, Zvapupu zvaifanira kugadzira ndokushandisa mabhuku emirayiridzo azvo zvimene. Makumi ezviuru zvavanhu, kubatanidza zviuru zvavakadzi navanhu vakwegura, zvakabetserwa kugona kurava nokunyora kupfurikidza neidzi kirasi dzaiitiswa neZvapupu zvaJehovha. Somugumisiro wenzira iyo kosi yacho yakarongwa nayo, havana bedzi kudzidza kurava nokunyora asi panguva imwe cheteyo vakarovedzana nezvokwadi huru dzomuShoko Dzvene raMwari. Iyoyi yakabetsera kuvakwanirisa kugoverana mubasa rokuita vadzidzi iro Jesu akarayira. Chishuvo chokuita ikoku nenzira inobudirira chakasunda vakawanda kuita nhamburiko yapachokwadi yokudzidza kurava.
Apo chimwe Chapupu chitsva muDahomey (zvino yava Benin), West Africa, chakadzingwa nasaimba nemhaka yokuti Chapupu chacho chaisagona kurava, Chapupu chacho chakasarudza kukurira chinetso chacho. Mukuwedzera kukupinda kirasi dzokudzidza kurava nokunyora, chakaita nhamburiko yokushingaira yomunhu oga. Vhiki nhanhatu gare gare chakashanyira saimba mumwe cheteyo; murume wacho akashamiswa kwazvo kunzwa uyu munhu, uyo munguva pfupi yakadaro yapfuura akanga asingagoni kurava nokunyora, achimuravira Shoko raMwari zvokuti iye akaratidzawo kufarira izvo Chapupu chacho chakanga chichidzidzisa. Vamwe avo vakarairidzwa muidzi kirasi dzokudzidza kurava nokunyora, pashure penguva yakati, vanotova vatariri vanofambira, neungano dzakati dzokudzidzisa. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi nezvaEzekiel Ovbiagele muNigeria.
Kudzidzisa Kupfurikidza Nemabhaisikopo uye Kuratidzwa Kwemasiraidhi
Kubatsira avo vairatidzira kufarira Bhaibheri kuti vanzwisise ukuru hwesangano rinooneka raJehovha, bhaisikopo rakabudiswa muna 1954. Iri bhaisikopo, The New World Society in Action, rakabetserawo kubvisa kufungira mano akaipa kwaiitwa nenzanga.
Mune yava zvino Zambia, gwenya remagetsi raidikanwa kazhinji kazhinji kuitira kuratidza bhaisikopo. Jira jena raitambanudzwa pakati pemiti miviri raibatira sepokubudisira mifananidzo. MuRuwa rweBarotse mambo mukuru akaona bhaisikopo racho nemhuri yake youmambo, iye ipapo akada kuti riratidzwe kune voruzhinji. Somugumisiro, manheru akatevera vanhu 2 500 vakariona. Hwerengedzo yevakapinda kuratidzwa kwebhaisikopo racho muZambia kwenhambo inopfuura makore 17 yakapfuura miriyoni imwe. Avo vakapinda vakafadzwa nezvavakaona. Kubva muTanganyika yaiva pedyo (zvino yava rutivi rweTanzania), kwakashumwa kuti pashure pokuratidzwa kwebhaisikopo racho, mhepo yakazadzwa nokudanidzira kweboka richiti, “Ndaka, ndaka” (Mazvita, mazvita).
Pashure pebhaisikopo reThe New World Society in Action, mamwe mabhaisikopo akatevera: The Happiness of the New World Society, Proclaiming “Everlasting Good News” Around the World, God Cannot Lie, uye Heritage. Kwave kunewo kuratidzwa kwemasiraidhi, netsinhiro, pamusoro pokushanda kweBhaibheri munguva yedu, manyuko echihedheni edzidziso nemiitiro zvechiKristudhomu, uye revo yemamirire ezvinhu nebetsero youporofita hweBhaibheri, pamwe chete nokuratidzwa kwemasiraidhi pamusoro peZvapupu zvaJehovha sesangano, achiratidza shanyo kudzimbahwe razvo renyika, kokorodzano dzinofadza munyika umo zvakanga zvakamborambidzwa, uye kuhwirudzurwa kwenhau yazvo yomuzuva razvino uno. Zvose izvozvi zvakabetsera vanhu kuziva kuti Jehovha zvirokwazvo ane vanhu pasi pano uye kuti Bhaibheri iShoko Rake rakafuridzirwa.
Kuziva Makwai Chaiwoiwo
Mune dzimwe nyika, vanhu avo vaingova nezvinyorwa zveWatch Tower vakataura kuva Zvapupu zvaJehovha kana kuti vakashandisa zita rokuti Watch Tower. Asi vakanga vachinja zvitendero zvavo nemararamire kuti zvitsinhirane nemipimo yeBhaibheri here? Apo vaipiwa murayiridzo waidikanwa, vaizobvumikisa kuva zvirokwazvo vanhu vakafanana namakwai vanoteerera inzwi raTenzi, Jesu Kristu here?—Joh. 10:4, 5.
Imwe tsamba inokatyamadza yakagamuchirwa pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muSouth Africa, muna 1954, kubva kune rimwe boka revatema paBaía dos Tigres, nzvimbo yechirango yokumaodzanyemba kweAngola. Munyori wacho, João Mancoca, akati: “Boka reZvapupu zvaJehovha muAngola rakaumbwa nemitezo 1 000. Izvozvi zvine somutungamiriri wazvo Simão Gonçalves Toco.” Ndiani akanga ari Toco? Vateveri vake vakanga vari chaizvoizvo Zvapupu zvaJehovha here?
Gadziriro dzakaitwa dzokuti John Cooke, mufundisi aigona kutaura chiPutukezi, ashanyire Angola. Pashure pebvunzurudzo refu yakaitwa nomumwe mukuru wekoroni, Hama Cooke vakabvumirwa kushanyira Mancoca. Hama Cooke vakaziva kuti muma1940, apo Toco akanga akabatanidzwa nemishoni yeBaptist muBelgian Congo (zvino yava Zaire), iye akanga awana mabhuku eWatch Tower uye akanga agoverana navasonganiri vapedyo zvaakadzidza. Asika, vadaviri vemidzimu vakapesvedzera boka racho, uye pashure penguva yakati Toco akarega chose chose kushandisa mabhuku eWatch Tower neBhaibheri. Panzvimbo pezvo, iye akatsvaka nhungamiro kupfurikidza nemasvikiro. Vateveri vake vakadzokeswa kuAngola nehurumende uye ipapo vakaparadzirwa kumativi akasiyana-siyana enyika yacho.
Mancoca akanga ave ari mumwe wavasonganiri vaToco, asi Mancoca akaedza kupesvedzera vamwe kurega kudavira midzimu uye kuti vaomerere kuBhaibheri. Vamwe vavateveri vaToco havana kuda ikoku uye, vachiita pomero dzenhema, vakamhangara Mancoca kuzviremera zvechiPutukezi. Somugumisiro, Mancoca naavo vaigoverana mirangariro yake vakadzingwa munyika vachiendeswa kukoroni yechirango. Ari ikoko akanyorerana neWatch Tower Society ndokuwana mamwe mabhuku eBhaibheri. Akanga ari anozvininipisa, anorangarira zvomudzimu, uye aifarira zvikuru kushanda ari pedyo nesangano iro akanga adzidza zvokwadi kupfurikidza naro. Pashure pokunge Hama Cooke vapedza maawa akawanda vachikurukura zvokwadi dzeBhaibheri neiri boka, pakanga pasina panikiro mundangariro yavo yokuti João Mancoca akanga ari zvirokwazvo rimwe remakwai aShe. Mumamirire ezvinhu akaoma zvikurusa, Hama Mancoca vakabvumikisa ikoko kwamakore akawanda zvino.
Toco nevamwe vavateveri vake vakabvunzurudzwawo. Nokuhesvura kushomanene, zvisinei, havana kupa ufakazi hwemavara akafanana neemakwai avateveri vaKristu. Naizvozvo, panguva iyoyo, makanga musina Zvapupu 1 000 zvaJehovha muAngola asi zvinenge 25 bedzi.
Munguvayi, muBelgian Congo (zvino yava Zaire), imwe vhiringidziko yokuzivikanwa yakanga yatanga. Makanga mune sangano rezvorudzidziso nerezvamatongerwe enyika raizivikanwa seKitawala, iro padzimwe nguva raishandisawo zita rokuti Watch Tower. Mumisha yemimwe yemitezo yaro makawanwa zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha, izvo vakanga vawana kupfurikidza nepositi. Asi zvitendero nemiitiro zveKitawala (kubatanidza urudzi, kupidigurwa kwezviremera nokuda kwokuparira chinjo yezvamatongerwe enyika kana kuti yenzanga, uye utere hwevatano hwakakomba muzita rokunamata) zvaisatomirira izvo zveZvapupu zvaJehovha munzira ipi neipi. Bva, mimwe mishumo yakabudiswa yakaedza kubatanidza Watch Tower Society yeZvapupu zvaJehovha neKitawala.
Nhamburiko dzaiitwa dzaitwazve dzeZvapupu zvaJehovha dzokutumira vatarisiri vakarovedzwa munyika yacho dzakadziviswa navakuru vakuru veBelgian. Mapoka echiKaturike neechiPurotesitendi akafadzwa. Zvikurukuru kuvambira muna 1949 zvichienda mberi, matanho outsinye okudzvinyirira akaitirwa avo vaiva muBelgian Congo vaiedza kufunda Bhaibheri neyamuro yemabhuku eWatch Tower. Asi kwakanga kuri sokutaura kwakaita mumwe weZvapupu zvakatendeka imomo, kuti: “Takafanana nehomwe yezviyo zveAfrica. Kupi nokupi kwavachatiendesa, Shoko richadonha, rimwe nerimwe, kusvikira nguva apo mvura ichauya, uye vachationa tawedzera kwose kwose.” Uye kwakanga kwakadaro kuti pasinei zvapo nemamirire ezvinhu akaoma, kuvambira muna 1949 kusvikira muna 1960, nhamba yakashuma mubato seZvapupu zvaJehovha yakawedzera kubva pa48 kusvikira ku1 528.
Zvishoma nezvishoma vakuru vakuru vakasvika pakunzwisisa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakasiyana zvikuru neKitawala. Apo Zvapupu zvakapiwa rusununguko rwokuungana, vacherekedzi vehurumende kazhinji kazhinji vaitsinhira pamusoro pomufambiro wazvo wakanaka nokuva nenhevedzano. Apo kwakanga kune ratidziro dzamasimba masimba dzokurayira rusununguko rwezvamatongerwe enyika, vanhu vaiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingabatanidzwi. Muna 1961 mumwe mutarisiri akakwaniriswa aiva Chapupu, Ernest Heuse, Jr., akabva kuBelgium, pakupedzisira akakwanisa kupinda munyika yacho. Nenhamburiko huru yokushingaira, kwakanga kuchibvira kubetsera hama zvishoma nezvishoma kutsinhiranisa zvizere zvikuru ungano dzavo uye upenyu hwavo hwomunhu oga neShoko raMwari. Pakanga pane zvakawanda zvaifanira kudzidzwa, uye kwaida shiviriro huru.
Ichifunga kuti kwaizoita kuti idiwe, Kitawala kubva kune dzimwe nharaunda yakatumira ndaza refu dzavanhu vavo vaida kuzivikanwa seZvapupu zvaJehovha. Nenzira yokuchenjera, Hama Heuse vakatumira hama dzakakwaniriswa kuidzi nharaunda kundonzvera kuti vaiva vanhu vorudzii vaiva ikoko. Panzvimbo pokugamuchira mapoka makuru, vakaitisa vanhu vamwe navamwe fundo dzeBhaibheri.
Pashure penguva yakati, makwai chaiwoiwo, avo vaitarira zvirokwazvo kuna Jesu Kristu soMufudzi wavo, akaoneka. Uye ivava vakanga vari vakawanda. Ivowo, vakadzidzisa vamwe. Mumakore ose akapfuura, vafundisi veWatch Tower vakawanda vakabva kunyika dzokunze vakauya kuzoshanda pamwe chete navo, kuvabetsera kuwana imwe zivo yakarurama yeShoko raMwari nokugovera rovedzo yaidiwa. Pakasvika 1975, makanga mava ne17 477 zveZvapupu zvaJehovha muZaire, zvakarongwa muungano 526, zvakabatikana kuparidza nokudzidzisa Shoko raMwari kuvamwe.
Kuparadza Simba Rezango
Kumadokero kweNigeria kune nyika yeBenin (yaichimbozivikanwa seDahomey), ine vagari vemo vakakamurwa kuva mapoka edzinza 60 anotaura mitauro 50 netwumitauro. Sezvakwakaita murutivi rukuru rweAfrica, kudavira kuti zvinhu zvose zvine mweya rudzidziso rwegamuchidzanwa, uye ikoku kunobatanidzwa nokunamata madzisekuru. Mhoteredzo yakadaro yorudzidziso inotambudza upenyu hwavanhu nokutenda mashura norutyo. Vakawanda avo vakataura kuti vaKristu vanodavirawo kuti zvinhu zvose zvine mweya.
Kuvambira mukupera kwema1920 kusvikira muma1940, Zvapupu zvaJehovha zvakabva kuNigeria zvakaparadzira mbeu dzakawanda dzezvokwadi yeBhaibheri muDahomey kupfurikidza neshanyo dzapanhambo nenhambo kundoparadzira mabhuku eBhaibheri. Zhinji dzembeu idzodzo dzaingoda kudiridza kushomanene kuti dzigova dzinobereka zvibereko. Tarisiro iyoyo yakagoverwa muna 1948 apo Nouru Akintoundé, akaberekerwa muDahomey uyo akanga ave achigara muNigeria, akadzokera kuDahomey kundopayona. Mukati memwedzi mina, vanhu 300 vakakurumidza kugamuchira zvokwadi ndokugoverana naye muushumiri hwomumunda. Uku kugamuchira kwakapfuura kariro dzose dzine mufungo.
Somugumisiro wouyu mubato, nyongano yakakurumidza kunyandurwa kwete bedzi pakati pavafundisi vechiKristudhomu asiwo pakati pevanodavira kuti zvinhu zvose zvine mweya. Apo munyori wemunzvimbo yorudzidziso yezvemazango muPorto-Novo akaratidza kufarira zvokwadi, mambo wezvemazango akazivisa kuti munyori wacho aizofa mumazuva manomwe. Asi uyu aichimbova munyori wemunzvimbo yorudzidziso akataura zvakasimba, kuti: “Kana riri zango rakaita Jehovha, ndichafa; asi kana Jehovha ari Mwari mukurusa, ipapo achakunda zango.” (Enzanisa naDheuteronomio 4:35; Joh. 17:3.) Kuti aite kuti kufanotaura kwake kuve kwechokwadi, pausiku hwezuva rechitanhatu, mambo wezvemazango akapinda mumarudzi ose ouroyi uye ipapo akazivisa kuti uyu aichimbova munyori womunzvimbo yorudzidziso akanga afa. Zvisinei, pakava nokushamisika kukuru pakati pevezvemazango zuva rakatevera apo akauya kumusika muCotonou ari mupenyu zvikuru. Gare gare, mumwe wehama akahaya motokari ndokufamba naye mumotokari nomuPorto-Novo yose kuti vose vagozvionera vamene kuti akanga ari mupenyu. Pashure paikoku, vamwe vanamati vakawanda vezvemazango vakaita kumira kwakasimba nokuda kwezvokwadi.—Enzanisa naJeremia 10:5.
Nokukurumidza, somugumisiro wedzvinyiriro huru yorudzidziso, zvinyorwa zveWatch Tower zvakarambidzwa muDahomey. Asi, mukuteerera Jehovha Mwari, Zvapupu zvakapfuurira kuparidza, kazhinji kazhinji neBhaibheri chete. Pane dzimwe nguva zvaipinda mubasa rapasuo nesuo sava“tengesi,” namarudzi ose ezvinhu. Kana kurukurirano yafamba zvakanaka, zvaizotendeudzira ngwariro kuBhaibheri, uye zvaitobudisa muhomwe yazvo huru yomukati yechipfeko chavo bhuku rinokosha reBhaibheri.
Apo mapurisa aizvipa chinetso chikuru mumaguta, ipapo zvaiparidza munharaunda dzomumaruwa. (Enzanisa naMateo 10:23.) Uye apo zvaikandirwa mutorongo, zvaiparidza imomo. Muna 1955, Zvapupu zvaiva mutorongo zvakawana vanhu vanofarira vanenge 18 pakati pavasungwa navakuru vakuru vetorongo kuAbomey.
Makore gumi chete asati apera pashure pokunge hama yaiva piyona yokuDahoman yadzokera kunyika yayo yokumusha kwayo kundoparidza, makanga mune 1 426 vaigoverana muushumiri—uye kuti vaidaro kunyange zvazvo basa ravo rakanga rakarambidzwa nehurumende!
Vashandi Vakawedzerwa Vanogoverana Mukucheka
Kwakanga kuri pachena kuti makanga mune vanhu vakawanda muAfrica yose vakanga vane nzara yezvokwadi. Kucheka kwakanga kuri kukuru, asi vashandi vakanga vari vashomanene. Naizvozvo, kwakanga kuchikurudzira kuhama sezvadzakaona kuti Tenzi wokucheka, Jehovha Mwari, akapindura sei minyengetero yadzo nokuda kwokuti vamwe vashandi vabetsere kuunganidza kwomudzimu.—Mat. 9:37, 38.
Mabhuku akawanda akanga agoverwa muKenya muma1930 nemapiyona anofambira, asi pakanga pave pane basa rokudzokorora shomanene. Zvisinei, muna 1949, Mary Whittington, navana vake vaduku vatatu, akatama kubva kuBritain kundogara muNairobi nomurume wake, uyo aishanda ikoko. Hanzvadzi Whittington vakanga vabhapatidzwa kwerinodokuva gore, asi vakanga vane mudzimu wapiyona. Kunyange zvazvo vaisaziva nezvezvimwe Zvapupu muKenya, vakasarudza kundobetsera vamwe muiyi ndima huru kudzidza zvokwadi. Pasinei zvapo nemhinganidzo, havana kurega. Zvimwe Zvapupu zvakauyawo—kubva kuAustralia, Britain, Canada, South Africa, Sweden, United States, uye Zambia—zvichironga somunhu oga kutamira ikoko kundogoverana tariro yoUmambo navanhu.
Mukuwedzera, varoorani vaiva vafundisi vakatumirwa kundobetsera kucheka. Pakutanga varume vaisungirwa kuita basa rokunyika kuti vagorambira munyika yacho, uye naizvozvo vakanga vakaganhurirwa munguva yavaiva nayo yaiwanikwa nokuda kwoushumiri. Asi vadzimai vavo vakanga vakasununguka kubatira semapiyona. Pashure penguva yakati, vafundisi vakarovedzwa paGilead vanosanopfuura zana vakauya kuKenya. Apo kuzvitonga kwakaswedera pedyo, nomugumo kuurudzi uhwo kutonga koroni kweBritain kwakanga kwamanikidzira, Zvapupu zvokuEurope zvakafunda chiSwahili ndokukurumidza kutambanudza mubato wazvo kuti vasvike vatema vakaberekerwamo. Nhamba yeZvapupu muurwu rutivi rwomunda wenyika yakawedzera nokukurumidza.
Muna 1972, Botswanawo yakagamuchira betsero nokucheka kwomudzimu apo Zvapupu zvakabva kuBritain, Kenya, uye South Africa zvakatamira mumaguta ayo makuru zvikuru. Makore matatu gare gare, vafundisi vakarovedzwa kuGilead vakauyawo. Kusvikira kumwero mukuru, zvisinei, vagari vemo vakapararira mumisha yemumaruwa. Kuti zvigovasvika, Zvapupu zvakabva kuSouth Africa zvakayambuka nharaunda yegwenga rinozivikanwa seKalahari. Munzanga dziri dzoga zvakapupura kumadzisabhuku omumusha, kuvadzidzisi vepachikoro, uye kazhinji kazhinji kumapoka evateereri vanonzwisisa e10 kana kuti 20. Mumwe murume akura akati: “Makauya kure kuno kuzotaura kwatiri pamusoro peizvi zvinhu here? Ikoko kuva nemutsa, kuva nemutsa zvikuru.”
“Bible Brown” akanga apa hurukuro dzeBhaibheri dzine simba muLiberia mukati mema1920, asi makanga mune chishoro chakati. Basa rokucheka kwomudzimu imomo harina kufambira mberi chaizvoizvo kusvikira vafundisi vakarovedzwa kuChikoro cheGilead vasvika. Harry Behannan, uyo akauya muna 1946, akanga ari wokutanga. Vamwe vakawanda vakagoverana mumakore akatevera. VokuLiberia vakaberekerwamo vakavakumbanira zvishoma nezvishoma mubasa racho, uye pakasvika 1975 nhamba yevarumbidzi vaJehovha yakapfuura chiuru.
Kunyange kuparidza kwakawanda kwakanga kwaitwa na“Bible Brown” muNigeria. Iyoyi yakanga iri nyika yakakamurwa kuva umambo hwakawanda, maguta anozvitonga, uye tsika dzenzanga, vanhu vachitaura mitauro inopfuura 250 netwumitauro. Rudzidziso rwakanga rwuri chimwe chinhu chinokamuranisa. Nounyanzvi huduku asi nezvibvumikiso zvine simba zvapaMagwaro, Zvapupu zvapakuvamba imomo zvakafumura vafundisi nedzidziso dzavo dzenhema. Apo mabhuku azvo akarambidzwa mukati meHondo Yenyika II, hama dzakaparidza neBhaibheri roga. Vanhu vaida zvokwadi vakagamuchira nenzira yokuonga. Vakabuda muchechi, ipapo vakarega muitiro wokuva navadzimai vakawanda uye vakasiya majuju avo, ayo chechi dzakanga dzashivirira. Pakasvika 1950 nhamba yeZvapupu zvaJehovha zvaigoverana mukuzivisa shoko roUmambo muNigeria yakanga iri 8 370. Pakasvika 1970, makanga mune zvinopeta nhamba iyoyo nekanopfuura kagumi.
Mhinganidzo dzinopfuurira dzapamutemo dzaifanira kukurirwa nokuda kwokugovera betsero yomudzimu kuvanhu vanofarira muSouthern Rhodesia (zvino inozivikanwa seZimbabwe). Nhamburiko dzokuwana kuzivikanwa kwapamutemo dzakanga dzavamba pakati pema1920. Muna 1932, mapiyona akabva kuSouth Africa akarayirwa kubuda munyika yacho uye akaudzwa nenzira yokudzvinyirira kuti hakuna kukwirira kwaigona kuitwa. Asi vakakwirira zvisinei. Pomero dzokuti mabhuku eWatch Tower akanga ari okupandukira dzaifanira kubatwa nadzo mumatare. Mukuvamba kwema1940, hama dzakapedzera nguva mutorongo nemhaka yokuparadzira zvinyorwa zvaitsanangura Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha hazvina kupiwa kuzivikanwa kwakazara kwapamutemo sesangano rorudzidziso muZimbabwe kutozosvikira muna 1966. Kweanopfuura makore 40, basa rokucheka kwomudzimu rakanga rave richiitwa muchinetso chakati, asi mukati menguva iyoyo vashandi vane ushingi vakanga vabetsera vanopfuura 11 000 kuva vabatiri vaJehovha Mwari.
Kupupura Kumagavhuna Nemadzimambo
Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaizosangana nechishoro muushumiri hwavo. Iye akavaudza kuti vaizoiswa pamberi pe“matare omunzvimbomo,” kunyange pamberi pa“magavhuna nemadzimambo,” uye kuti ikoku kwaizova “nokuda kwouchapupu kwavari namarudzi.” (Mat. 10:17, 18, NW) Zvapupu zvaJehovha zvakawana chaizvoizvo izvo Jesu akafanotaura, uye mutsinhirano nezvaakataura, zvakaedza kushandisa mukana wacho kupa uchapupu.
Vamwe vakuru vakuru vakabvumira rutyo kuvadzivisa kuita zvakanaka kuvateveri vaKristu. (Joh. 12:42, 43) Llewelyn Phillips akaona ufakazi hwaikoku muna 1948 apo akava nebvunzurudzo dzapachivande nevakati kuti vevakuru vakuru vehurumende muBelgian Congo, vachirangarira kuunza rusununguko kuZvapupu zvaitambudzwa imomo. Akatsanangura zvitendero nemibato zveZvapupu zvaJehovha kuvarume ivava. Asi mukati mebvunzurudzo, gavhuna mukuru nenzira yokutsumba akabvunza, kuti: “Uye kana ndikakubetserai, chii chichaitika kwandiri?” Aiziva kuti Chechi yeRoma Katurike yaipesvedzera zvikuru munyika iyoyo.
Zvisinei, mambo mukuru wenyika yechiSwazi, King Sobhuza II, akanga asinganyanyoitiri hanya pamusoro pomufungo wavafundisi. Iye kazhinji kazhinji akanga ataura neZvapupu zvaJehovha, aiva neakawanda emabhuku azvo, uye akanga ane chimiro chendangariro chomutsa kwavari. Pa“Good Friday” gore rimwe nerimwe, aikoka vafundisi vechitema kumusha wake woumambo. Aivarega vachitaura, asi aikumbirawo mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti ataure. Muna 1956 Chapupu chacho chakataura pamusoro pedzidziso yokusafa kwomweya nemazita okuremekedza evatungamiriri vorudzidziso. Apo chakanga chapedza, mambo mukuru akabvunza vafundisi, kuti: “Izvi zvinhu zviri kutaurwa pano nezvapupu zvaJehovha ichokwadi kana kuti inhema here? Kana dziri nhema, taurai kuti sei.” Vaisagona kuramba. Pane imwe nhambo mambo mukuru akatoseka kushamisika kwavafundisi pamusoro peizvo Chapupu chakataura.
Mapurisa kazhinji kazhinji akanga ari avo aigoverwa kundobvunza Zvapupu zvikonzero zvezvazvakanga zvichiita. Kubva muungano yomuTangier, Morocco, Zvapupu zvakaita nzendo dzenguva dzose kuenda kuCeuta, chiteshi chengarava chaidzorwa neSpain asi chaiva pamhenderekedzo yegungwa yeMorocco. Zvamiswa nemapurisa pane imwe nhambo muna 1967, Zvapupu zvacho zvakabvunzurudzwa kwemaawa maviri, nguva iyo uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa mukati mayo. Pane imwe nzvimbo, mainisipekita maviri aiva mapurisa akabvunza kana Zvapupu zvaidavira “Mhandara Maria.” Apo akaudzwa kuti nhoroondo dzeEvhangeri dzinoratidza kuti Maria akava nevamwe vana pashure pokuberekwa nemhandara kwaJesu, uye kuti ivava vakanga vari vanun’una vaJesu nehanzvadzi kuna amai, vakuru vakuru vakatura befu rokushamisika ndokutaura kuti chinhu chakadaro chaisatongogona kuwanwa muBhaibheri. Apo vakaratidzwa Johane 7:3-5, mumwe wavakuru vakuru vacho akanyatsoitarira asingatauri shoko; naizvozvo mumwe wacho akati: “Ndipe Bhaibheri iroro. Ini ndichatsanangura rugwaro rwacho!” Mukuru mukuru wokutanga akapindura, kuti: “Usanetseka. Urwu rugwaro rwakajeka zvikuru.” Mimwe mibvunzo yakawanda yakabvunzwa ndokupindurwa vakasununguka. Pashure paikoko, pakanga pane kudzongonyedza kushomanene kubva kuzviremera sezvo Zvapupu zvaiparidza munharaunda iyoyo.
Vanhu vakatanhamara muhurumende vazova vakasanorovedzana neZvapupu zvaJehovha noushumiri hwazvo. Vamwe vavo vanonzwisisa kuti basa rinoitwa neZvapupu rinobetsera vanhu zvirokwazvo. Mukupera kwa1959, apo gadziriro dzakanga dzichiitwa nokuda kwokuzvitonga kweNigeria, gavhuna mukuru, Dr. Nnamdi Azikiwe, akakumbira kuti W. R. Brown avepo somumiririri weZvapupu zvaJehovha. Akataura kuDare rake Remakurukota: “Kudai masangano ose orudzidziso akanga akafanana nezvapupu zvaJehovha, taisazova nokuponda, umbavha, kuputswa kwemitemo, vasungwa uye mabhomba eatomu. Masuo aisazokiyiwa nguva dzose.”
Kucheka kwomudzimu kukuru zvirokwazvo kwakanga kuchiunganidzwa muAfrica. Pakasvika 1975, pakanga pane Zvapupu 312 754 zvaiparidza mashoko akanaka munyika 44 mukondinendi yeAfrica. Mupfumbamwe dzenyika idzodzo, makanga mune vasingasviki 50 avo vakanga vachitsigira zvokwadi yeBhaibheri uye vachigoverana mubasa rokuparidza evhangeri. Asi Zvapupu zvinorangarira upenyu hwomumwe nomumwe sohunokosha. Mu19 dzeidzi nyika, avo vaigoverana muushumiri hwapaimba neimba seZvapupu zvaJehovha vaisvika muzviverengero zvezviuru. Wedzero dzinoshamisa dzakashumwa mune dzimwe nharaunda. MuAngola, somuenzaniso, kuvambira muna 1970 kusvikira muna 1975, nhamba yeZvapupu yakawedzera kubva pa355 kusvikira ku3 055. MuNigeria, muna 1975, makanga mune Zvapupu zvaJehovha 112 164. Ivava vakanga vasiri vanhuwo zvavo vaifarikanya kurava mabhuku eWatch Tower, uyewo vakanga vasiriwo havo avo panhambo nenhambo vangapinda misangano paHoro yoUmambo. Vose zvavo vakanga vari vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari.
KuMabvazuva Kunobereka Varumbidzi vaJehovha
Sezvakwakanga kwakaita mune dzimwe nzvimbo dzakawanda, mubato weZvapupu zvaJehovha muPhilippines wakakura nokukurumidza pashure peHondo Yenyika II. Nokukurumidza sezvinobvira pashure pokubudiswa kwake mutorongo pana March 13, 1945, Joseph Dos Santos akakurukura nehofisi yeWatch Tower Society muNew York. Aida kuwana zvinhu zvose zvefundo yeBhaibheri nemirayiridzo yesangano izvo hama dzomuPhilippines dzakanga dzapotsa mukati mehondo. Ipapo akashanyira ungano pachake kuti adzibatanidze nokudzisimbisa. Gore rimwe chetero kokorodzano yenyika yakaitwa muLingayen, Pangasinan, umo mirayiridzo yakapiwa pamusoro penzira yokudzidzisa nayo vanhu vane nzara yezvokwadi kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha. Makore akatevera acho nhamburiko dzokubatira pamwe dzakaitwa kushandura ndokubudisa mamwe mashoko mumitauro yomunzvimbomo—chiTagalog, chiIloko, uye chiCebuano. Hwaro hwakanga huchivanzarikwa nokuda kwewedzero, uye yakauya nokukurumidza.
Muasingapfuuri makore gumi pashure pokunge hondo yaguma, nhamba yeZvapupu muPhilippines yakawedzera kubva panenge pa2 000 kusvikira kuvanopfuura zvikuru 24 000. Mumamwe makore 20, makanga mune varumbidzi vanosanopfuura 78 000 vaJehovha imomo.
Pakati penyika dzokutanga kuMabvazuva uko vafundisi vakarovedzwa paChikoro cheGilead vakatumirwa pakanga pane China. Harold King naStanley Jones vakasvika muShanghai muna 1947; Lew Ti Himm, muna 1949. Mapiyona matatu eGermany ayo akanga avamba basa imomo muna 1939 akanga aripo kuti avakwazise. Iyoyi yakanga iri nyika umo voruzhinji vavanhu vakanga vari vaBhuddha uye havana kukurumidza kudavidza kukurukurirano yeBhaibheri. Mukati memisha yavo makanga mune nzvimbo dzokunamatira neartari. Nezvionioni zvakaturikwa pamasuo, vakaedza kutyisidzira midzimu yakaipa. Zvikwangwani zvitsvuku zvine kutaura kwokuti ‘mhanza yakanaka’ nemifananidzo inotyisa yavamwari vechiBuddha zvakashongedza mikova. Asi idzodzo dzakanga dziri nguva dzechinjo huru muChina. Mukutonga kwechiKomonisiti munhu ari wose aidikanirwa kufunda ‘mifungo yaMao Tse-tung.’ Pashure pebasa ravo rokunyika, vaifanira kupinda marusando marefu apo chiKomonisiti chaitsanangurwa. Pakati paizvozvi zvose, hama dzedu dzakaramba dzakabatikana kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Vakawanda vaavo vaidisisa kufunda neZvapupu zvaJehovha vakanga vambowana Bhaibheri kupfurikidza nechechi dzechiKristudhomu. Ndizvo zvakwakanga kwakaita kuna Nancy Yuen, mushandi wapachechi nomudzimai wepamba uyo akaonga izvo Zvapupu zvakamuratidza muBhaibheri. Nokukurumidza akanga achigoverana nokushingaira mubasa rapaimba neimba uye achiitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha iye amene. Vamwe vavaiparidzira vakanga vane magariro ekare eChina neechiBuddha chaiwoiwo uye vakanga vasina kumbobvira vaziva Bhaibheri. Muna 1956 nhamba yapamusoro yavaparidzi 57 yakasvikwa. Zvisinei, gore rimwe chetero, pashure pokusungwa katanhatu nokuda kwokuparidzira, Nancy Yuen akachengetwa mutorongo. Vamwe vakasungwa kana kuti zvimwe kumanikidzirwa kubuda munyika yacho. Stanley Jones naHarold King vakasungwa pana October 14, 1958. Vasati vatongwa, vakapfigirwa kwamakore maviri. Mukati menguva iyoyo vaibvunzurudzwa nguva dzose. Apo vakaendeswa kudare pakupedzisira muna 1960, vakatongerwa nhambo refu dzokugara mutorongo. Nokudaro muna October 1958 mubato wavose weZvapupu zvaJehovha muChina wakamanikidzirwa kumira. Asi kuparidza kwavo hakuna kutongomira chose chose. Kunyange mutorongo nomumisasa yebasa, makanga mune nzira dzokupupura nadzo. Mune remangwana zvakawanda zvaizoitwa here muiyi nyika huru? Ikoku kwaizozivikanwa nokufamba kwenguva.
Munguvayo, chii chakanga chichiitika muJapan? Zvapupu zvaJehovha zvinenge zana bedzi zvakanga zvave zvichiparidza imomo hondo yenyika yechipiri isati yatanga. Apo vakatarisana nematanho outsinye anodzvinyirira zvikuru mukati memakore ehondo, vakawanda vaivava vakabvumirana pane zvisina kufanira. Kunyange zvazvo vashomanene vakachengeta perero yavo, kuparidza pachena kwakarongwa kwakamira. Zvisinei, kuziviswa kwoUmambo hwaJehovha kwakatangwa patsva murutivi irworwo rwenyika apo Don Haslett, mufundisi akarovedzwa paGilead, akasvika muTokyo muna January 1949. Mwedzi miviri gare gare, mudzimai wake, Mabel, akakwanisa kumukumbanira imomo. Uyu wakanga uri munda umo vanhu vakawanda vakanga vane nzara yezvokwadi. Mambo akanga aramba kutaura kwake kuva mwari. ChiShinto, chiBuddha, chiKaturike, uye Kyodan (chakaumbwa namapoka akasiyana-siyana echiPurotesitendi muJapan) zvose zvakanga zvava kunyara vanhu nemhaka yokuwirirana nenhamburiko yehondo yeJapan, iyo yakanga yaguma nokukundwa.
Pakasvika mugumo wa1949, vafundisi 13 vakabva kuChikoro cheGilead vakanga vakabatikana muJapan. Vakawanda vakatevera—vanopfuura 160 pamwe chete. Makanga mune mabhuku mashomanene zvikuru okushanda nawo. Vamwe vavafundisi vakanga vataura chiJapanese chekare muHawaii, asi vaifanira kudzidza mutauro unowirirana nomusi. Vamwe vakanga vadzidza zvokutanga zvishomanene asi vaifanira kutendeukira nguva dzose kumaduramashoko avo echiJapanese nechiNgezi kusvikira varovedzana zviri nani nomutauro wavo mutsva. Pasati papera nguva refu, mhuri yekwaIshii neyekwaMiura, idzo dzakanga dzisina kurega kutenda kwadzo mukati memakore ehondo, dzakawana sangano uye zvakare dzakavamba kutora rutivi muushumiri hwapachena.
Misha yavafundisi yakazarurwa nenzira inofambira mberi muKobe, Nagoya, Osaka, Yokohama, Kyoto, uye Sendai. Kuvambira muna 1949 kusvikira kuna 1957, kuedza kukuru kwakanga kuri kwokutanga basa roUmambo mumaguta makuru pachitsuwa chikuru cheJapan. Ipapo vashandi vakavamba kutamira kumamwe maguta. Munda wacho wakanga wakakura. Kwakanga kuri pachena kuti kana Japan yose yakanga ichizogamuchira uchapupu hwakakwana, vashumiri vakawanda mapiyona vaizodikanwa. Ikoku kwakasimbiswa, vakawanda vakazvipira, uye kwakava nokudavidza kunoshamisa kunhamburiko dzakabatana dzaava vashumiri vanoshanda zvakaoma! Makore gumi okutanga akabereka varumbidzi 1 390 vaJehovha. Pakasvika pakati pema1970, makanga mune varumbidzi vanoshingaira vaJehovha 33 480 vakapararira muJapan mose. Uye nhano yokuunganidza yakanga ichikurumidza.
Mugore rimwe chetero Don Haslett akasvika muJapan, 1949, basa roUmambo muRepublic of Korea rakasimbiswawo zvikuru. Korea yakanga yave ichidzorwa neJapan mukati mehondo yenyika, uye Zvapupu zvakanga zvatambudzwa nenzira youtsinye. Kunyange zvazvo boka duku raiungana pamwe chete nokuda kwefundo pashure pehondo, pakanga pasina batano nesangano ramarudzi akawanda kusvikira pashure pokunge Choi Young-won aona mushumo pamusoro peZvapupu zvaJehovha muna 1948 mupepanhau reUto reAmerica reStars and Stripes. Gore rakatevera racho ungano yavaparidzi 12 yakaumbwa muSeoul. Gare gare gore iroro Don naEarlene Steele, vafundisi vokutanga vakabva kuChikoro cheGilead, vakasvika. Mwedzi minomwe gare gare, vamwe vafundisi vatanhatu vakatevera.
Vakanga vachiva nemigumisiro yakaisvonaka—avhareji yefundo dzeBhaibheri 20 mumwe nomumwe uye vapindi vemisangano vakawanda se336. Ipapo Hondo yeKorea yakavamba. Isingapfuuri mwedzi mitatu pashure pokunge boka iroro ravafundisi rasvika, vose vakaendeswa kuJapan. Rakanga richipfuura gore Don Steele asati akwanisa kudzokera kuSeoul, uye rimwe gore Earlene asati agona kumukumbanira. Zvichakangodaro hama dzeKorea dzakanga dzaramba dzakasimba uye dzakanga dzave dzichishingaira mukuparidza, pasinei zvapo neidi rokuti misha yakanga yaparadzwa uye vakawanda vavo vakanga vari vapoteri. Asi zvino, kurwa kwapera, ngwariro yakapiwa kukugovera mabhuku akawanda muchiKorean. Kokorodzano nokudirana kwavamwe vafundisi zvakanyandura basa. Pakasvika 1975, makanga mune 32 693 veZvapupu zvaJehovha muRepublic of Korea—vanodokuva vakawanda somuJapan—uye pakanga pane bviro yewedzero yakaisvonaka, nemhaka yokuti dzinopfuura fundo dzeBhaibheri dzapamusha 32 000 dzakanga dzichiitiswa.
Ndeapi Akanga Ari Mamirire Ezvinhu muEurope?
Kuguma kweHondo Yenyika II muEurope hakuna kuguma norusununguko rwakazara nokuda kweZvapupu zvaJehovha imomo kuti zvipfuudzire basa razvo redzidzo yeBhaibheri pasina chishoro. Mune dzimwe nzvimbo vakuru vakuru vaizviremekedza nemhaka yokumira kwazvo kwakasimba mukati mehondo. Asi kune dzimwe nzvimbowo zvadzo zvimiro zvendangariro zvakasimba zvourudzi noruvengo rworudzidziso zvakatungamirira kuchimwe chitambudzo.
Pakati peZvapupu muBelgium pakanga pane vamwe vakanga vabva kuGermany kuzogoverana mukuparidza mashoko akanaka. Nemhaka yokuti vaisazotsigira hurumende yechiNazi, Gestapo yakanga yavavhima semhuka dzomusango. Asi zvino vakuru vakuru veBelgium vakapomera zvimwe zveizvi Zvapupu zvimwe chetezvo kuva vaNazi uye vakaita kuti zvipinzwe mutorongo ipapo ndokudzingwa munyika. Pasinei zvapo naikoku kwose, nhamba yeZvapupu zvaigoverana muushumiri hwomumunda muBelgium yakapetwa nekanopfuura katatu mukati memakore mashanu pashure pehondo.
Chii chakanga chiri seri kwechikuru chechitambudzo chacho? Chechi yeRoma Katurike. Papi nepapi payaiva nesimba rokuita kudaro, yakanga ichipfuurira muhondo yayo yokudzvinyirira Zvapupu zvaJehovha.
Vachiziva kuti vanhu vakawanda kuMadokero vaitya chiKomonizimu, vafundisi veKaturike muguta reIreland reCork, muna 1948, vakanyandura chishoro kuZvapupu zvaJehovha kupfurikidza nokunongedzera nguva dzose kwazviri sa“vanadhiyabhorosi vechiKomonisiti.” Somugumisiro, apo Fred Metcalfe akanga achigoverana muushumiri hwomumunda, akasangana nemhomho iyo yakamurova nokumubanha ndokumwaya mabhuku ake eBhaibheri mumugwagwa. Nenzira inofadza, mumwe mupurisa akasvika panguva iyoyo chaipo ndokuita kuti mhomho yacho ipararire. Mukutarisana naizvozvi zvose, Zvapupu zvakapfuurira. Havasati vari vanhu vose veIreland vakabvumirana namasimba masimba. Gare gare, kunyange vamwe avo vakagoverana maari vakashuva kuti kudai vakanga vasina havo. Vakawanda zvikurusa vavanhu veKaturike muIreland vakanga vasina kutongoona Bhaibheri. Asi, neshiviriro yorudo, vamwe vavo vakabetserwa kugamuchira zvokwadi inosunungura vanhu.—Joh. 8:32.
Kunyange zvazvo Zvapupu muItaly zvaiva vanenge zana bedzi muna 1946, makore matatu gare gare vakava neungano 64—duku asi dzaishanda zvakaoma. Vafundisi vakanga vachinetseka. Vasingakwanisi kuramba zvokwadi dzeBhaibheri dzaiparidzwa neZvapupu zvaJehovha, vafundisi veKaturike vakadzvinyirira zviremera zvehurumende kuti zviedze kuzvidzinga. Nokudaro, muna 1949, vafundisi vaiva Zvapupu vakarayirwa kubuda munyika yacho.
Vafundisi veRoma Katurike vakatsvaka vatsvakazve kuvhiringidza kana kuti kudzivisa magungano eZvapupu muItaly. Vakashandisa vabvunzurudzi kuti vaedze kuvhiringidza gungano muSulmona muna 1948. MuMilan mukuru wemapurisa akamanikidzwa kuti akanzure mvumo yekokorodzano paTeatro dell’Arte muna 1950. Muna 1951, vafundisi vakaita kuti mapurisa akanzure mvumo yegungano muCerignola. Asi muna 1957, apo mapurisa akarayira kuti kokorodzano yeZvapupu muMilan ipfigwe, pepanhau reItaly rakaramba, uye mibvunzo yakamutswa muparamendi. Il Mondo revhiki nevhiki reRome, raJuly 30, 1957, harina kuzengurira kutaura kuti chiito ichocho chakanga chaitirwa “kugutsa bhishopi mukuru,” Giovanni Battista Montini, uyo gare gare akava Pope Paul VI. Kwakanga kuchisanozivikanwa kuti kwamazana amakore Chechi yeKaturike yakanga yarambidza kuparadzirwa kweBhaibheri mumitauro yaishandiswa nevoruzhinji. Asi Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira kuita kuti vaKaturike vepachokwadi vazvionere vamene zvinotaura Bhaibheri. Musiyano uri pakati peBhaibheri nedzidziso yechechi wakanga uri pachena. Pasinei zvapo nenhamburiko huru dzeChechi yeKaturike dzokuudzivisa, zviuru zvakanga zvichisiya chechi yacho, uye pakasvika 1975 makanga mune 51 248 veZvapupu zvaJehovha muItaly. Zvose izvozvi zvakanga zviri vaparidzi veevhangeri vanoshingaira, uye nhambo dzazvo dzakanga dzichiwedzera nokukurumidza.
MuSpain yechiKaturike apo mubato wakarongwa weZvapupu zvaJehovha wakamutsiridzwa zvishoma nezvishoma pashure pa1946, hazvina kushamisa kuti vafundisi ikoko vakakuchidzirawo vakuru vakuru vokunyika kuedza kuzvimisa. Misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha yakadzongonyedzwa. Vafundisi vakamanikidzirwa kubuda munyika yacho. Zvapupu zvakasungwa nokuda kwokungova neBhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri. Kazhinji kazhinji zvaipfigirwa mumatorongo ane tsvina kwaanosvika mazuva matatu, ipapo zvaisunungurwa—kuzongosungwazve bedzi, kubvunzurudzwa, uye kuiswa mutorongo zvakare. Vakawanda vakabatira tongero dzemwedzi kana kuti kupfuura. Vaprista vakakurudzira zviremera zvokunyika kuvhima munhu upi noupi aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange pashure pokuitwa kweMutemo Worusununguko Rworudzidziso muna 1967, chinjo dzakauya zvishoma nezvishoma. Kunyange zvazvo zvakadaro, pakasvika nguva apo Zvapupu zvaJehovha pakupedzisira zvakazivikanwa pamutemo muna 1970, makanga mune vanotopfuura 11 000 vazvo muSpain. Uye makore mashanu gare gare, vakasvika nhamba inopfuura 30 000, mumwe nomumwe ari muparidzi weevhangeri anoshingaira.
Uye zvakadiniko nePortugal? Munowo, vafundisi vakarayirwa kubuda munyika yacho. Akurudzirwa navafundisi veKaturike, mapurisa akanzvera misha yeZvapupu zvaJehovha, akabvuta mabhuku azvo, uye akadzongonyedza misangano yazvo. Muna January 1963 mutungamiriri weMapurisa Echengeteko Yavanhu weCaldas da Rainha akatopa murayiro wakanyorwa waizvirambidza ku‘ita mibato yazvo yokurava Bhaibheri.’ Asi Zvapupu hazvina kurega basa razvo kuna Mwari. Pakanga pava nevanopfuura 13 000 vazvo panguva yavakazivikanwa pamutemo muPortugal muna 1974.
Mumamwe mativi eEurope, zviremera zvokunyika zvakamutsa mhinganidzo kukuparidzwa kwemashoko akanaka kupfurikidza nokurangarira kuparadzirwa kwemabhuku eBhaibheri somubato wezvokutengeserana, kuri pasi pemitemo yezvokutengeserana. Munyika dzakati dzeSwitzerland, mitemo yezvokutengeserana yakashandiswa kukuparadzirwa kwamabhuku kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha pamupiro wokuzvidira. Sezvo Zvapupu zvakapfuudzira mubato wazvo, zvakava nokusungwa kwakawanda nezviito zvedare. Apo nhau dzacho dzaitongwa, zvisinei, mamwe matare, kubatanidza Dare Rapamusoro renyika yeVaud, muna 1953, akatonga kuti mubato weZvapupu zvaJehovha waisagona kurangarirwa zvakafanira sokutengesa. Munguvayo, muDenmark nhamburiko yakaitwa kuganhurira maawa umo Zvapupu zvaigona kugovera mabhuku, ichiganhurira mubato wazvo kunguva dzakatenderwa nomutemo nokuda kwokushanda kwezvitoro zvezvokutengeserana. Ikokuwo kwaifanira kurwiswa mumatare. Pasinei zvapo nemhinganidzo, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira kuzivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu.
Imwe nhau yaitapura Zvapupu zvaJehovha muEurope, pamwe chete nomumamwe mativi apasi, kwakanga kuri kusatora rutivi kwechiKristu. Nemhaka yokuti hana dzazvo dzechiKristu dzaisazozvibvumidza kubatanidzwa murwisano pakati pemapoka enyika, zvakatongerwa kugara mutorongo munyika imwe neimwe. (Isa. 2:2-4) Ikoku kwakabvisa majaya muushumiri hwawo hwenguva dzose hwapaimba neimba. Asi mumwe mugumisiro unobetsera wakanga uri uchapupu hukuru kumagweta, vatongi, vakuru vakuru vezvehondo, uye vachengeti vematorongo. Kunyange mutorongo Zvapupu zvakawana nzira yakati yokuparidza nayo. Kunyange zvazvo kubatwa mune mamwe matorongo kwakanga kuri kwoutsinye, Zvapupu zvakapfigirwa mutorongo reSanta Catalina muCádiz, Spain, zvakakwanisa kushandisa imwe yenguva yazvo kupupura kupfurikidza netsamba. Uye muSweden nzira iyo nhau dzinobatanidza kusatora rutivi kweZvapupu zvaJehovha dzaibatwa nayo yakaziviswa zvikuru. Nokudaro, munzira dzakawanda vanhu vakaitwa kuti vazive idi rokuti Jehovha ane zvapupu pasi pano uye kuti zvinoomerera zvakasimba kunheyo dzeBhaibheri.
Pakanga pane chimwe chinhuwo zvacho chakaparira Zvapupu kuzivikanwa zvakafara. Chakanga chinewo tapuro ine simba, inonyandura zvikuru pabasa razvo rokuparidza evhangeri.
Kokorodzano Dzakabetsera Kuuchapupu
Apo Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano yamarudzi ose muParis, France, muna 1955, mishumo yenhau yeterevhizheni yakapa nyika yose chiono chezvakaitika. Muna 1969 imwe kokorodzano yakaitwa pedyo neParis, uye kwakanga kuri pachena kuti ushumiri hweZvapupu hwakanga hwave huchibudirira. Avo vakabhapatidzwa pakokorodzano yacho vakasvika 3 619, kana kuti inenge 10 muzana yeavhareji yenhamba yevapindi. Pamusoro paikoku, pepanhau ramanheru rakakurumbira reParis France-Soir raAugust 6, 1969, rakati: “Chinonetsa vafundisi vamamwe marudzidziso hausati uri mutoo wokuparadzirwa kunoshamisa kwezvinyorwa kunoshandiswa nezvapupu zvaJehovha, asi, panzvimbo pezvo, kuita kwazvo vanotendeutswa. Mumwe nomumwe wezvapupu zvaJehovha ane musengwa wokupupura kana kuti kuzivisa kutenda kwake kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri paimba neimba.”
Mukati menhambo yevhiki nhatu muzhizha rimwe chetero ra1969, dzimwe kokorodzano huru ina dzemarudzi akawanda dzakaitwa muEurope—muLondon, Copenhagen, Rome, uye Nuremberg. Kokorodzano yeNuremberg yakapindwa ne150 645 vakabva kunyika 78. Kunze kwendege nengarava, motokari dzine 20 000, mabhazi 250, uye zvitima chaizvo 40 zvaidikanwa kuendesa nhume kukokorodzano iyoyo.
Kokorodzano hadzina bedzi kusimbisa ndokushongedzera Zvapupu zvaJehovha nokuda kwoushumiri hwazvo asi dzakapawo voruzhinji mukana wokuzvionera vamene kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vorudzii. Apo kokorodzano yamarudzi akawanda yakarongwa nokuda kweDublin, Ireland, muna 1965, dzvinyiriro huru yorudzidziso yakashandiswa kuita kuti kurambidzwa kwegadziriro dzacho kukanzurwe. Asi kokorodzano yakaitwa, uye vanasaimba vakawanda muDublin vakagovera pokugara nokuda kwenhume. Nomugumisiroiko? “Hatina kuudzwa chokwadi pamusoro penyu,” akatsinhira kudaro mumwe wavakadzi vanotarisira dzimba dzokuroja pashure pekokorodzano. “Vaprista vakatirevera nhema, asi zvino zvatava kukuzivai, nguva dzose tichava vanofara kuva nemi zvakare.”
Apo Vanhu Vanotaura Mumwe Mutauro
Mumakumi amakore achangobva kupfuura Zvapupu zvaJehovha muEurope zvakawana kuti kukurukura navanhu vamamwe marudzi kwakapa denho chaiyo. Vakawanda zvikuru vakatama kubva munyika imwe kuenda kune imwe kundoshandisa mikana yokuwana basa. Mamwe maguta eEurope azova misimboti yamasangano makuru amarudzi akawanda, navashandi vasingatauri vose mutauro womunzvimbomo.
Chokwadika, ndima ine mitauro yakawanda yave iri chinhu chisingarambiki kwemazana amakore mune dzimwe nzvimbo. MuIndia, somuenzaniso, mune mitauro mikuru 14 uye zvichida mitauro miduku 1 000 netwumitauro. Papua New Guinea ine mitauro inopfuura 700. Asi makanga muri zvikurukuru mukati mema1960 nema1970 umo Zvapupu muLuxembourg zvakawana kuti ndima yazvo yakanga yava iyo yaibatanidza vanhu vaibva mumarudzi anopfuura 30 akasiyana-siyana—uye pashure paikoko mamwe marudzi anenge 70 akasvika. Sweden inoshuma kuti yakachinja kubva munyika ine mutauro mumwe waishandiswa neanodokuva munhu ari wose kunzanga inotaura ndimi 100 dzakasiyana-siyana. Zvapupu zvaJehovha zvakabata sei naikoku?
Pakutanga, kazhinji kazhinji zvakangoedza kuwana mutauro wasaimba uye ipapo zvakaedza kuwana mamwe mabhuku ayo aigona kurava. MuDenmark, kurekodwa kwematepi kwakaitwa kuitira kuti vanhu vepachokwadi vokuTurkey vanzwe shoko racho mumutauro wavo vamene. Switzerland yaiva neboka guru ravashandi vokumwe vakabva kuItaly neSpain. Chakaitika chaRudolf Wiederkehr mukubetsera vamwe vaivava muenzaniso wokuti zvinhu zvakatanga sei. Akaedza kupupura kune mumwe murume weItaly, asi hapana aiziva zvikuru mutauro womumwe. Chii chaigona kuitwa? Hama yedu yakamusiyira Nharireyomurindi yechiItalian. Pasinei zvapo nechinetso chomutauro, Hama Wiederkehr vakadzoka. Fundo yeBhaibheri yakatangwa nomurume wacho, mudzimai wake, uye mwanakomana wavo aiva nemakore 12 okukura. Bhuku refundo raHama Wiederkehr rakanga riri muchiGerman, asi vaigovera makopi echiItalian nokuda kwemhuri yacho. Apo mashoko aishayikwa, majangariko aishandiswa. Pane dzimwe nguva mukomana muduku, uyo akanga achidzidza chiGerman muchikoro, aibatira somuturikiri. Mhuri iyoyo yose yakagamuchira zvokwadi ndokukurumidza kuvamba kuigoverana navamwe.
Asi chaizvoizvo mamiriyoni chaiwoiwo avashandi akabva kuGreece, Italy, Portugal, Spain, Turkey, uye Yugoslavia akanga achitamira muGermany nedzimwe nyika. Betsero yomudzimu yaigona kupiwa kwavari nenzira inobudirira zvikuru mumitauro yavo vamene. Nokukurumidza zvimwe zveZvapupu zvomunzvimbomo zvakavamba kudzidza mitauro yavashandi vokumwe. MuGermany, makirasi omutauro muchiTurkish akatorongwa nehofisi yebazu. Zvapupu mudzimwe nyika izvo zvaiziva mutauro waidikanwa zvakakumbira kutamira kunzvimbo kwaiva nokudikanwa chaiko kwebetsero.
Vamwe vavashandi vakabva kunze vakanga vasina kutongosangana neZvapupu zvaJehovha kare uye zvirokwazvo vakanga vane nzara yezvinhu zvomudzimu. Vakaonga nhamburiko yakanga ichiitwa yokuvabetsera. Ungano dzakawanda dzemitauro yokumwe dzakaumbwa. Pashure penguva yakati, vamwe vaava vashandi vokumwe vakadzokera kumisha yavo kundopfuudzira ushumiri munharaunda dzakanga dzisina kumbopupurirwa zvakakwana pamusoro poUmambo hwaMwari.
Kucheka Kukuru Mukutarisana Nemhinganidzo
Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa mitoo mimwe cheteyo yokuparidza mupasi rose. MuNorth America zvakanga zvave zvichiparidza evhangeri nokushingaira kwerinopfuura zana ramakore. Hakushamisi, ipapoka, kuti pave pane kucheka kukuru kwomudzimu imomo. Pakasvika 1975, makanga mune Zvapupu zvinoshingaira 624 097 zvaJehovha mukati menyika huru yeUnited States neCanada. Zvisinei, ikoku kwakanga kusati kuri nemhaka yokuti kuparidza kwazvo muNorth America kwakanga kuchiitwa pasina chishoro.
Kunyange zvazvo hurumende yeCanada yakanga yabvisa rambidzo yayo paZvapupu zvaJehovha namasangano azvo apamutemo pakasvika 1945, betsero dzakabva muchisarudzo ichocho hadzina kukurumidza kunzwiwa muruwa rweQuebec. Muna September 1945, mhomho dzeKaturike dzakadenha Zvapupu zvaJehovha muChâteauguay neLachine. Zvapupu zvakasungwa ndokupomerwa kupandukira nemhaka yokuti mabhuku azvaiparadzira aitsoropodza Chechi yeRoma Katurike. Vamwe vakaiswa mutorongo nemhaka yokuti vaiparadzira mabhuku ayo eBhaibheri akanga asina kutenderwa nomukuru wamapurisa. Pakasvika 1947, makange mune nhau 1 700 mukurwisana neZvapupu dzaimirira kugadzikiswa mumatare eQuebec.
Apo mhaka dzaiva mienzaniso yedzimwe dzaimanikidzirwa kupinda mudare, Zvapupu zvakarayirwa kuparidza evhangeri kupfurikidza neshoko romuromo, zvichishandisa Bhaibheri chete—Douay Version yechiKaturike pakwaibvira. Vashumiri venguva yakazara vakabva kumamwe mativi eCanada vakazvipira kudzidza chiFrench ndokutamira kuQuebec kuti vagogoverana mukuparadzirwa kwokunamata kwechokwadi imomo.
Vanhu vakawanda vapachokwadi vechiKaturike vaikoka Zvapupu mumisha yavo uye vaibvunza mibvunzo, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji vaiti: ‘Ndiri muRoma Katurike uye handisati ndichizotongochinja.’ Asi apo vakazvionera vamene icho Bhaibheri rinotaura, makumi ezviuru avo, nemhaka yokuda zvokwadi nechishuvo chokufadza Mwari, vakachinja.
MuUnited Stateswo, kwakanga kuri madikanwa kubvumikisa pamberi pematare kusimbisa kodzero yeZvapupu zvaJehovha yokuparidza pachena napaimba neimba. Kuvambira muna 1937 kusvikira muna 1953, makanga mune nhau dzakadaro 59 dzaibatanidza Zvapupu dzakakwidzwa kuDare Gurusa muWashington, D.C.
Ngwariro Kundima Dzisina Kugoverwa
Vavariro yeZvapupu zvaJehovha haisati iriwo zvayo yokuita chimwe chinhu mukuparidzwa kwamashoko akanaka asi kusvika munhu ari wose anobvira neshoko roUmambo. Nechinangwa ichocho, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakagovera hofisi yebazu imwe neimwe mutoro worutivi rwakati rwomunda wenyika. Sezvo ungano dzinoumbwa mukati mendima yebazu, ungano imwe neimwe inopiwa rutivi rwendima iyoyo mokuparidzira. Ungano ipapo inokamura nharaunda yacho kuva zvikamu zvinogona kugoverwa kumapoka navashumiri vamwe navamwe vari muungano. Ivava vanoedza kusvika imba imwe neimwe nguva dzose. Asi zvakadiniko nenharaunda dzichigere kugoverwa kuungano?
Muna 1951 ndaza yakaitwa yenyika dzose muUnited States kuwana kuti ndedzipi dzakanga dzisiri kugamuchira shanyo dzenguva dzose kubva kuZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo, dzinodokusvika 50 muzana dzakanga dzisiri kushandwa kana kuti dzakanga dzichifukidzwa zvishoma bedzi. Gadziriro dzakaitwa dzokuti Zvapupu zvipfuudzire ushumiri hwazvo muidzi nharaunda mukati memwedzi yezhizha kana kuti pane dzimwe nguva dzakafanira, nomurangariro wokutanga ungano. Apo vanhu vakanga vasiri pamusha, shoko rakadhindwa pane dzimwe nguva raisiyiwa, pamwe chete nebhuku reBhaibheri. Fundo dzeBhaibheri dzaiitiswa kupfurikidza netsamba. Gare gare, mapiyona chaiwo akatumirwa kundima dzakadaro kundotevera fariro yakawanwa.
Uyu mubato wakanga usina kuganhurirwa kuma1950. Kupote nyika, munyika umo maguta makuru ari kugamuchira uchapupu asi mune ndima dzisina kugoverwa, nhamburiko yapachakwadi inopfuurira kuitwa kusvika vanhu vasingaonanwi navo nguva dzose. MuAlaska muma1970, inenge 20 muzana yenhamba yevagari vemo yaigara mumisha iri kure. Vakawanda vaava vanhu vaigona kuwanwa zvikurukuru muchando apo kuredza kunodokusvika pakumira. Asi iyoyo inguva apo chando chakakomba nokuchena chando zvinoita kuti kufamba nendege kuve kune ngozi. Kunyange zvazvo zvakadaro, vagari vemo vari vaEskimo, vaIndia, uye vaAleut vaida mukana wokudzidza nezvegadziriro youpenyu husingaperi muUmambo hwaMwari. Kuti rivasvike, rimwe boka reZvapupu 11 richishandisa ndege duku rakabhururukira kumisha ine 200 yakapararira munharaunda ine makiromita 844 000 akaenzana kumativi mana mukati menhambo yemakore maviri. Kwose ikoku kwakawanirwa mari kupfurikidza nemipiro yokuzvidira yakagoverwa neZvapupu zvomunzvimbomo.
Mukuwedzera kunzendo dzokuparidza dzakadaro, Zvapupu zvakakura mumudzimu zvakakurudzirwa kurangarira kutamira chaizvoizvo kunharaunda dziri mukati menyika yazvo zvimene uko kudikanwa kwavazivisi voUmambo kuri kukuru zvikuru. Zviuru zvakadavidza. Pakati paavo vaiva muUnited States vakaita kudaro pana Eugene naDelia Shuster, avo vakabva kuIllinois muna 1958 kuti vabatire muHope, Arkansas. Vakagara kwaanopfuura makumi matatu amakore kuti vawane vanhu vanofarira, vakavaronga kuva ungano, uye kuvabetsera kukura kusvikira kuukuru hwechiKristu.
Pakurudziro yomutariri wavo wedunhu, muna 1957, Alexander B. Green nomudzimai wake vakabva muDayton, Ohio, kundobatira muMississippi. Kutanga vakagoverwa kuJackson uye makore maviri gare gare kuClarksdale. Pashure penguva yakati, Hama Green vakabatira mudzimwe nzvimbo shanu. Dzose idzodzi dzaiva neungano duku dzakanga dzichida rubatsiro. Akazvitsigira amene kupfurikidza nokuita basa rokutarisira zvivako, kurima bindu, kugadzirazve fanicha, basa rokugadziridza motokari, uye zvichingodaro. Asi nhamburiko dzake huru dzakanga dzakanangidzirwa pakuparidza mashoko akanaka. Akabetsera Zvapupu zvomunzvimbomo kukura mumudzimu, akashanda nazvo kusvika vanhu vaiva mundima yazvo, uye kazhinji kazhinji akavabatsira mukuvaka Horo yoUmambo asati atama.
Muna 1967, apo Gerald Cain akava Chapupu muUnited States yokumadokera, iye nemhuri yake vakanzwa zvakasimba kurumidziro yebasa rokuparidza evhangeri. Kunyange upi noupi wavo asati abhapatidzwa, vakanga vachiita gadziriro dzokubatira kwakanga kune kushayiwa kukuru zvikuru. Kwemakore mana vakashanda neungano muNeedles, California. Iyo yakanga ine mutoro wendima yaibatanidza mativi enyika nhatu dzokumadokero kweUnited States. Apo kurangarirwa kwoutano kwaida kutama, vaisarudzazve nzvimbo uko kwakanga kune kudikanwa chaiko kwebetsero, uye vaichinja rutivi rwomusha wavo ikoko kuva Horo yoUmambo. Kumwe kutama kwakatevera, asi nguva dzose kurangarira kukuru kwave kuri kugara munzvimbo umo vaigona kuva vebetsero hurusa mukupupura.
Sezvo nhamba yeungano yakawedzera, mune dzimwe nharaunda kudikanwa kwavakuru vakakwaniriswa kwakanzwiwa zvikuru. Kugonana nouku kudikanwa, zviuru zvavakuru zvakazvipira kuenda nguva dzose (uye pandyiko dzavo vamene) kuungano dzaiva kunze kwenzanga yavo. Vanoita rwendo rwacho katatu, kana, kashanu, kana kuti kanopfuura pavhiki—kuti vagoverane mumisangano yeungano nomuushumiri hwomumunda uyewo kufudza boka. Ikoku kwakaitwa kwete bedzi muUnited States asi muEl Salvador, Japan, Netherlands, Spain, uye dzimwe nyika dzakawanda. Mune zvimwe zviitiko vakuru nemhuri dzavo vakatama, kuti vagosvitsa ichi chinodikanwa.
Ndeipi yave iri migumisiro yacho? Rangarira imwe nyika. Shure muna 1951, apo gadziriro dzokushanda ndima isina kugoverwa dzakatanga kuziviswa, makanga mune ungano dzinenge 3 000 muUnited States, neavhareji yavaparidzi 45 paungano. Pakasvika 1975, makanga mava neungano 7 117, uye avhareji yenhamba yeZvapupu zvinoshingaira zvaisonganirana neungano imwe neimwe yakanga yawedzera kusvikira kuvanodokusvika 80.
Uchapupu hwakapiwa kuzita raJehovha noUmambo kuvambira muna 1945 kusvikira kuna 1975 hwakanga hwakakura zvikuru kwazvo kupfuura uhwo hwose hwakanga hwaitwa kusvikira panguva iyoyo.
Nhamba yeZvapupu yakanga yakura kubva pa156 299 muna 1945 kusvikira ku2 179 256 kupota nyika muna 1975. Mumwe nomumwe waizvozvi aiva negoverano yomunhu oga mukuparidza pachena pamusoro poUmambo hwaMwari.
Muna 1975, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakabatikana munyika 212 (dzakaverengwa maererano nenzira iyo mapu yakakamurwa nayo mukuvamba kwema1990). Mukati menyika huru yeUnited States neCanada, 624 097 vazvo vakanga vachiita ushumiri hwavo. MuEurope, kunze kweyaiva Soviet Union panguva iyoyo, makanga mune vamwe 614 826. Africa yakanga ichinzwa shoko reBhaibheri rezvokwadi kubva kuZvapupu 312 754 zvakagoverana mubasa ikoko. Mexico, Central America, uye South America dzakanga dzichibatirwa neZvapupu 311 641; Asia, ne161 598; Australia nezvitsuwa zvakawanda pasi pose, ne131 707.
Mukati memakore 30 kuburukira kuna 1975, Zvapupu zvaJehovha zvakapa maawa 4 635 265 939 kukuparidza pachena nokudzidzisa. Zvakagoverawo mabhuku, mabhukwana, uye magazini 3 914 971 158, kuvanhu vanofarira kuvabetsera kunzwisisa kuti vaigona sei kubetserwa nechinangwa chorudo chaJehovha. Mutsinhirano nomurayiro waJesu wokuita vadzidzi, vakaita shanyo dzedzokerero 1 788 147 329 pavanhu vanofarira, uye muna 1975 vakanga vachiitisa avhareji yefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena 1 411 256 vanhu vamwe navamwe nemhuri.
Pakasvika 1975 kuparidzwa kwemashoko akanaka kwakanga kwasvika chaizvoizvo munyika 225. Munyika dzinopfuura 80 umo mashoko akanaka akanga asvika pakasvika 1945 asi makanga musina ungano gore iroro, ungano dzeZvapupu zvinoshingaira dzakanga dzichikura pakasvika 1975. Pakati peidzi nzvimbo pakanga pane Republic of Korea ine ungano 470, Spain ine 513; Zaire ine 526, Japan ine 787, uye Italy ine 1 031.
Mukati menhambo kuvambira muna 1945 kusvikira kuna 1975, voruzhinjisa vavanhu avo vakava Zvapupu zvaJehovha havana kutaura kuti vakazodzwa nomudzimu waMwari vachirangarira upenyu hwokudenga. Muchirimo cha1935, nhamba yakadya zviratidzo paChidyo chaShe Chemadekwana yakasvika zvizere hwerengedzo ye93 muzana yaavo vakanga vachigoverana muushumiri hwomumunda. (Gare gare mugore rimwe chetero, “vazhinjizhinji” vaZvakazarurwa 7:9 (NW), vakazivikanwa sevaiumbwa navanhu avo vaizorarama nokusingaperi pasi pano.) Pakasvika 1945 nhamba yeZvapupu izvo zvaikarira upenyu muparadhiso yapasi yakanga yawedzera kusvikira kupfundo rokuti yakaumba 86 muzana yaavo vaigoverana mukuparidzwa kwemashoko akanaka. Pakasvika 1975 avo vaitaura kuti vaKristu vakazodzwa nomudzimu vakanga vasingasviki hafu imwe ye1 muzana yesangano rose renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo vakaparadzirwa munyika 115 panguva iyoyo, ava vakazodzwa vakapfuurira kubatira somutumbi wakabatana pasi paJesu Kristu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 463]
“Kubvira apo mave muri muno munhu ari wose ari kutaura pamusoro peBhaibheri”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 466]
“Zvauchangobva kundiudza ndizvo zvandakarava muBhaibheri iroro makore akawanda kwazvo akapfuura”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 470]
Zviuru zvakatamira kunharaunda dziri mukati menyika yavo vamene uko kudikanwa kweZvapupu kwakanga kuri kukuru zvikuru
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 472]
“Tuso inokosha”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 475]
Zvapupu zvakakwaniriswa zvakatumirwa kunyika uko kwakanga kune kudikanwa chaiko
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 486]
Nezvibvumikiso zvine simba zvapaMagwaro, Zvapupu zvapakuvamba muNigeria zvakafumura vafundisi nedzidziso dzavo dzenhema
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 497]
Apo mashoko aishayikwa, majangariko aishandiswa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 499]
Chinangwa chacho? Kusvika munhu upi noupi wose anobvira neshoko roUmambo
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 489]
Nhamburiko huru yakaitwa kusvika vanhu veChina namashoko akanaka oUmambo hwaJehovha
Kubva kuChefoo, zviuru zvetsamba, maturakiti, uye mabhuku zvakatumirwa pakati pa1891 na1900
C. T. Russell akataura muShanghai uye akashanyira maguta 15 nemisha, 1912
Ma“colporteur” akaparadzira mabhuku mazhinji achikwidza nokudzika mumhenderekedzo yegungwa yeChina, nenzendo dzokupinda mukati, 1912-18
Ma“colporteur” eJapan akabatira muno, 1930-31
Kuparidza kwomuredhiyo kwakaitwa muchiChinese kubva kuShanghai, Peking, uye Tientsin mukati mema1930; somugumisiro, tsamba dzaikumbira mabhuku dzakabva kumativi mazhinji eChina
Mapiyona akabva kuAustralia neEurope akapupura muShanghai, Peking, Tientsin, Tsingtao, Pei-tai-ho, Chefoo, Weihaiwei, Canton, Swatow, Amoy, Foochow, Hankow, uye Nanking mukati mema1930 nema1940. Mamwe akauya nomuNzira yeBurma uye akapupura muPao-shan, Chungking, Ch’eng-tu. Mapiyona omunzvimbomo akabatira muShensi neNingpo
[Mufananidzo]
Vafundisi vakarovedzwa paGilead, vakadai saStanley Jones (kuruboshwe) naHarold King (kurudyi), vakabatira muno kubvira muna 1947 kusvikira muna 1958, pamwe chete nemhuri dzeZvapupu zvinoshingaira zvomunzvimbomo
[Mepu]
CHINA
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 462]
“Sibia” yakabatira somusha unoyangarara wavafundisi muWest Indies
G. Maki
S. Carter
R. Parkin
A. Worsley
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
BAHAMAS
LEEWARD ISLANDS
VIRGIN ISLANDS (U.S.)
VIRGIN ISLANDS (BRITISH)
WINDWARD ISLANDS
[Mepu iri papeji 477]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mvura dzinopa upenyu dzezvokwadi dzakayerera dzichipfuura miganhu dzichienda kwakasiyana-siyana muAfrica
EGYPT
SENEGAL
KENYA
SOUTH AFRICA
GHANA
KENYA
MALAWI
NIGERIA
SIERRA LEONE
ZAMBIA
[Mifananidzo iri papeji 464]
Savafundisi muBolivia, Edward Michalec (kuruboshwe) naHarold Morris (kurudyi) vakatanga kuparidza muno muLa Paz
[Mufananidzo uri papeji 465]
Igwa re“El Refugio,” rakagadzirwa neZvapupu zvomuPeru, rakashandiswa kuendesa shoko roUmambo kuvanhu vaiva pedyo norwizi rwuri munharaunda yokumusoro yeAmazon
[Mufananidzo uri papeji 467]
Kirasi dzokudzidza kurava nokunyora dzakaitiswa neZvapupu muMexico dzakagonesa makumi ezviuru zvavanhu kurava Shoko raMwari
[Mufananidzo uri papeji 468]
Hama Knorr (nechapamberi kurudyi) vakasangana neZvapupu mumagungano maduku mumapurazi nomumakomo muArgentina apo vakanyimwa rusununguko rwokuungana pachena zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 469]
Pakati pezviuru zveZvapupu zvakatamira kudzimwe nyika kundobatira uko kwakanga kune kushayiwa kukuru zvikuru pakanga pane mhuri, dzakadai saHarold naAnne Zimmerman nevana vavo vaduku vana (Colombia)
[Mufananidzo uri papeji 471]
Mukudavidza kudanidzo nokuda kwavazvipiri, Tom naRowena Kitto vakatamira kuPapua kundodzidzisa zvokwadi yeBhaibheri
[Mufananidzo uri papeji 471]
John naEllen Hubler, vachiteverwa nezvimwe Zvapupu 31, vakatamira kuNew Caledonia. Vasati vatama, ungano yakasanosimbiswa imomo
[Mufananidzo uri papeji 473]
Sejaya muWestern Samoa, Fuaiupolu Pele akatarisana nedzvinyiriro huru yemhuri neyenzanga apo akasarudza kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 474]
Pashure pokunge Shem Irofa’alu navasonganiri vake vapwiswa kuti izvo Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa izvokwadi chaizvoizvo, chechi mumisha 28 muSolomon Islands dzakachinjwa kuva Horo dzoUmambo
[Mifananidzo iri papeji 476]
Kuti zviparidzire muEthiopia mukuvamba kwema1950, Zvapupu zvaidikanirwa kuvaka mishoni nechikoro chokudzidzisa
[Mufananidzo uri papeji 478]
Apo akatyisidzirwa nokudzingwa munyika, Gabriel Paterson (anoratidzwa pano) akavimbiswa nomumwe mukuru mukuru akatanhamara, kuti: ‘Zvokwadi yakafanana nerwizi rune simba; gadzira dhamu rokuruvhara uye ruchapadura dhamu racho’
[Mifananidzo iri papeji 479]
Muna 1970 pakokorodzano muNigeria, Zvapupu zvitsva 3 775 zvakaombekwa; ngwariro yakaitwa kuva nechokwadi chokuti mumwe nomuwe aikwanirisa chaizvoizvo
[Mifananidzo iri papeji 481]
Kuratidzwa kwemabhaisikopo (muAfrica nomunyika yose) kwakapa vateereri rumbonera rwoukuru hwesangano rinooneka raJehovha
[Mufananidzo uri papeji 482]
João Mancoca (anoratidzwa pano nomudzimai wake, Mary) akabatira Jehovha nokuvimbika kwemakumi emakore mukutarisana nemamirire ezvinhu akaoma zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 483]
Muna 1961, Ernest Heuse, Jr., nemhuri yake, akakwanisa kupinda muZaire (panguva iyoyo yainzi Congo) kundobetsera kugovera murayiridzo womudzimu nokuda kwaavo vaida kubatira Jehovha zvirokwazvo
[Mifananidzo iri papeji 485]
Kunyange zvazvo akanga ave abhapatidzwa kwegore bedzi uye asingazivi nezvezvimwe Zvapupu muKenya, Mary Whittington akaenda kundobetsera vamwe kudzidza zvokwadi
[Mufananidzo uri papeji 487]
Mary Nisbet (ari pakati pamberi), ari pakati pevanakomana vake Robert naGeorge, avo vakapayona muEast Africa muma1930, uye (nechokumashure) mwanakomana wake William nomudzimai wake Muriel, avo vakabatira muEast Africa kuvambira muna 1956 kusvikira muna 1973
[Mifananidzo iri papeji 488]
Pakokorodzano muPhilippines muna 1945, mirayiridzo yakapiwa pamusoro penzira yokudzidzisa nayo kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha
[Mifananidzo iri papeji 490]
Don naMabel Haslett, vafundisi vokutanga vapashure pehondo muJapan, vari kupupura mumugwagwa
[Mufananidzo uri papeji 491]
Kwemakore 25 Lloyd Barry (kurudyi) akabatira muJapan, kutanga somufundisi uye ipapo somutariri webazu
[Mufananidzo uri papeji 491]
Don naEarlene Steele, vokutanga vavafundisi vakawanda avo vakabatira muRepublic of Korea
[Mufananidzo uri papeji 492]
Mumakore akapfuura, mhomho pane dzimwe nguva yakadzinga Fred Metcalfe apo akaedza kuparidza kubva muBhaibheri muIreland; asi gare gare apo vanhu vakamira kuti vateerere, zviuru zvakava Zvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 493]
Pasinei zvapo nechishoro chavafundisi, zviuru zvakadirana kukokorodzano dzeZvapupu muItaly (Rome, 1969)
[Mufananidzo uri papeji 494]
Mukati merambidzo, misangano yeungano kazhinji kazhinji yaiitirwa mumaruwa enyika, sepikiniki, sapano muPortugal
[Mifananidzo iri papeji 495]
Zvapupu mutorongo muCádiz, Spain, zvakapfuurira kuparidza kupfurikidza nokunyora tsamba
[Mifananidzo iri papeji 496]
Kokorodzano huru dzakapa vanhu mukana wokuzvionera nokuzvinzwira vamene kuti Zvapupu vanhu vorudzii
Paris, France (1955)
Nuremberg, Germany (1955)
[Mifananidzo iri papeji 498]
Kuti zvisvike munhu ari wose muLuxembourg namashoko akanaka, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitofanira kushandisa mabhuku mumitauro yavanhu vanobva mumarudzi zana