RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 22 pp. 502-520
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubudirira Kunoshamisa muPoland
  • Rutivi Rukuru rweEastern Europe Runozarura Masuo Arwo
  • Vakawanda Zvino Vanodisa Kuteerera
  • Minda Yaibvira Kucheka
  • Kusvika Vanhu Kupi Nokupi Uye Papi Napapi Panobvira
  • Nhamburiko Dzinoitwa Dzaitwazve Dzokusvika Mwoyo
  • Kufukidza Ndima Zvakatokwana Zvikuru
  • Kuwedzera Uchapupu Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
  • ‘Muduku Azova Chiuru’
  • Uchapupu Hwakawanda Zvakadini Mu“dzimwe Nyika”?
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvapupu zvaJehovha muMabvazuva eEurope
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 22 pp. 502-520

Ganhuro 22

Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Muna 1975 zvisarudzo zvinokosha zvakaitwa pamusoro penzira iyo mubato weZvapupu zvaJehovha waizotarisirwa nayo kudzimbahwe razvo renyika. Zvaisaziva panguva iyoyo kuti minda ipi ingazaruka nokuda kwouchapupu hukuru mugumo wetsika yazvino yenyika usati wasvika kana kuti kuparidza kukuru zvakadini kwakanga kuchigere kuitwa munyika umo zvakanga zvaparidza pachena kwemakore akawanda. Asi vaida kushandisa zvakanakisisa zvinobvira mukana uri wose. Mapeji 502 kusvikira ku520 anotsanangura kumwe kwokubudirira kunofadza.

MAVE mune chinjo huru muSouth America. Zvapupu zvaJehovha muEcuador hazvina kutarisana nemhomho dzeKaturike, vaprista veKaturike muMexico vakatonga samadzimambo chaiwoiwo mumisha yakawanda, uye rambidzo dzehurumende dzakaitwa paZvapupu zvaJehovha muArgentina neBrazil asiri makore akawanda apfuura. Asi mumamirire ezvinhu akachinja zvikuru. Zvino vakawanda veavo vaidzidziswa kutya kana kuti kuvenga Zvapupu ivo vamene vava Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vanoteerera nomufaro apo Zvapupu zvinovashanyira kuzogoverana navo shoko reBhaibheri rorugare. Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa uye zvinoremekedzwa zvikuru.

Ukuru hwekokorodzano yazvo nomufambiro wechiKristu weavo vanopinda zvakakwezva ngwariro. Mbiri dzekokorodzano dzakadaro, dzakaitwa dzakatevedzana panguva imwe cheteyo muSão Paulo neRio de Janeiro, Brazil, muna 1985, dzakava nenhamba yepamusoro yevakapinda ye249 351. Gare gare, kokorodzano dzokuwedzera 23, dzakaitwa kuti dzikodzere vanhu vanofarira muBrazil yose yasara, dzakasimudzira nhamba yevapindi kusvikira ku389 387. Migumisiro yebasa iro Zvapupu zvaJehovha muBrazil zvakanga zvave zvichiita savadzidzisi veShoko raMwari yakaoneka zvikuru apo vanhu 4 825 vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza nokuombekwa mumvura panhevedzano iyoyo yekokorodzano. Makore mashanu chete gare gare, muna 1990, kwakanga kuri madikanwa kuita kokorodzano 110 muBrazil yose kuti dzikodzere 548 517 vakapinda. Nguva ino 13 448 vakazvipa vamene nokuda kworuombeko rwomumvura. Munyika yacho mose mazana ezviuru zvavanhu vamwe navamwe nemhuri akanga achigamuchira nomufaro Zvapupu zvaJehovha kuti zvivarayiridze Shoko raMwari.

Uye zvakadiniko neArgentina? Pashure pemakumi emakore eganhuriro dzehurumende, Zvapupu zvaJehovha imomo zvakakwanisa zvakare kuungana zvakasununguka muna 1985. Wakanga uri mufaro wakadini kuti vane 97 167 vavepo panhevedzano yavo yokutanga yekokorodzano! Pasi pomusoro wokuti “Umambo Huri Kukura—Uhwo hweZvapupu zvaJehovha,” pepanhau romunzvimbomo Ahora rakashamiswa nokuva nenhevedzano kweboka rekokorodzano muBuenos Aires, kusava kwavo chose chose nokufungira mano akaipa kworudzi nokwenzanga, kuva kwavo vane rugare, uye rudo rwavakaratidzira. Ipapo rakapedzisa, kuti: “Kana tichigoverana mifungo yavo nedzidziso kana kuti kwete, ava vazhinjizhinji vose vakafanirwa noruremekedzo rwedu rukurusa.” Zvisinei, vokuArgentina vakawanda vakapfuura ipapo. Vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye vakapinda misangano yepaHoro yoUmambo kuti vacherekedze kuti Zvapupu zvinoshandisa sei nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwazvo. Ipapo ava vacherekedzi vakaita chisarudzo. Mukati memakore manomwe akatevera, makumi ezviuru avo akatsaurira upenyu hwawo kuna Jehovha, uye nhamba yeZvapupu muArgentina yakawedzera ne71 muzana!

Kugamuchira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwakanga kutori kwechienzi zvikuru muMexico. Mumakore akapfuura, Zvapupu zvaJehovha imomo zvakanga zvave zvichidenhwa kazhinji kazhinji nemhomho yainyandurwa nevaprista. Asi idi rokuti Zvapupu hazvina kudzorera kana kuti kutsvaka matsive rakaorora zvikuru vanhu vane mwoyo yakatendeseka. (VaR. 12:17-19) Vakacherekedzawo kuti Zvapupu zvaivakira zvitendero zvazvo paBhaibheri, Shoko rakafuridzirwa raMwari, panzvimbo pepamagamuchidzanwa evanhu. (Mat. 15:7-9; 2 Tim. 3:16, 17) Vaigona kuona kuti Zvapupu zvakanga zvine kutenda kwaizvitsigira zvirokwazvo mukutarisana nenhamo. Mhuri dzakawanda zvikuru dzakagamuchira Zvapupu zvaJehovha nomufaro apo zvakakarakadza kuti zvivaitise fundo dzeBhaibheri dzepamusha dzapachena. Kutaura idi, mukati ma1992, 12 muzana yefundo dzeBhaibheri dzaiitiswa neZvapupu munyika yose yakanga iri muMexico, uye nhamba yakati yaivava yakanga ine mhuri huru. Somugumisiro, nhamba yeZvapupu zvaJehovha muMexico—kwete avowo zvavo vakanga vachipinda misangano yazvo asi avo vakanga vari vazivisi vapachena vanoshingaira voUmambo hwaMwari—yakakwira kubva pa80 481 muna 1975 kusvikira ku354 023 muna 1992!

MuEuropewo, zviitiko zvechienzi zvakabetsera kukuparadzirwa kweshoko roUmambo.

Kubudirira Kunoshamisa muPoland

Kunyange zvazvo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muPoland kuvambira muna 1938 kusvikira muna 1945 (kubatanidza nhambo youdzori hweNazi neSoviet) uye zvakare kutanga muna July 1950 (mukudzora kweSoviet), Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kurega kuparidza imomo. Kunyange zvazvo vaiva 669 bedzi muna 1938, muna 1950 makanga mune vazivisi voUmambo vane 18 116, uye ivava vakapfuurira kuva vaparidzi veevhangeri vanoshingaira (kunyange zvazvo vakanga vakangwarira). (Mat. 10:16) Pamusoro pemagungano, zvisinei, iwaya akanga aitirwa pasingaonwi navakawanda—mumaruwa, mumadhirihora, mumasango. Asi, kuvambira muna 1982, hurumende yePoland yakazvibvumidza kuita magungano ezuva rimwe oukuru hune mwero muzvivako zvinorendwa.

Ipapo, muna 1985 nhandare hurusa muPoland dzakaitwa kuti dziwanikwe kuZvapupu zvaJehovha nokuda kwekokorodzano huru ina mukati momwedzi waAugust. Apo imwe nhume yakabva kuAustria yakasvika nendege, iyo yakashamisika kunzwa chiziviso negudzanzwi chichichingamidza Zvapupu zvaJehovha kuPoland nokuda kwekokorodzano yazvo. Chichiziva nezvechinjo muchimiro chehurumende iyo ikoku kwairatidzira, chimwe Chapupu chakanga chakura chePoland icho chakanga chiripo kuzogamuchira nomufaro mushanyi wacho hachina kugona kurega kuchema nomufaro. Muvapindi paidzi kokorodzano makanga mune nhume 94 134, kubatanidza mapoka akabva kunyika 16. Voruzhinjiwo havo vaiziva chakanga chichiitika here? Hungu, zvirokwazvo! Mukati meidzi kokorodzano uye pashure pacho, vakarava mishumo mumapepanhau avo makuru, vakaona mapoka ekokorodzano muterevhizheni, uye vakanzwa zvikamu zvepurogiramu muredhiyo yenyika. Vakawanda vavo vakada zvavakanzwa nezvavakaona.

Gadziriro dzemagungano akatokura zvikuru muPoland dzakanga dzichitoitwa apo, pana May 12, 1989, hurumende yakapa kuzivikanwa kwapamutemo kuZvapupu zvaJehovha sesangano rorudzidziso. Mukati memwedzi mitatu, kokorodzano nhatu dzemarudzi akawanda dzakanga dziri murusando—muChorzów, Poznan, uye paWarsaw—nehwerengedzo yevapindi ye166 518. Nenzira inoshamisa, zviuru zveZvapupu zvakabva kune yaiva panguva iyoyo Soviet Union (U.S.S.R.) uye Czechoslovakia zvakakwanisa kuwana tendero yaidikanwa yokufamba uye zvakanga zviri muvapindi. Basa rokuita vadzidzi reZvapupu zvaJehovha rakanga richibereka zvibereko muidzi nyika umo kusadavira kuvapo kwaMwari kwakanga kwave kuchitsigirwa pachena zvakasimba neHurumende kwamakumi amakore here? Mhinduro yakava pachena apo 6 093, kubatanidza pwere dzakawanda, vakazvipa vamene nokuda kworuombeko rwomumvura pakokorodzano idzodzo.

Hapana izvo voruzhinji vaigona kuita kunze kwokuona kuti Zvapupu zvakanga zvakasiyana—munzira yakaisvonaka zvikuru. Mumapepanhau avose, vakarava kutaura kwakafanana nokunotevera: “Avo vanonamata Jehovha Mwari—sokutaura kwavanoita ivo vamene—vanokoshesa zvikuru kuungana kwavo, uko kuri zvirokwazvo kuratidzirwa kwechinzwano pakati pavo. . . . Pamusoro pokuva nenhevedzano, kuva norugare, uye rucheno, vatori rutivi vekokorodzano mienzaniso yokutevedzera.” (Życie Warszawy) Vamwe vavanhu vePoland vakasarudza kuita zvinopfuura kungocherekedza vakokorodzani. Vaida kuti Zvapupu zvaJehovha zvifunde Bhaibheri navo. Somugumisiro wokurayiridzwa Shoko raMwari kwakadaro, nhamba yeZvapupu zvaJehovha muPoland yakawedzera kubva pa72 887 muna 1985 kusvikira ku107 876 muna 1992; uye mukati megore iroro rapedzisira kududzwa, vakapa maawa anopfuura 16 800 000 kukuudza vamwezve pamusoro petariro inoshamisa inooneswa muMagwaro.

Zvisinei, makanga musati muri muPoland bedzi umo chinjo dzinofadza dzakanga dzichiitika.

Rutivi Rukuru rweEastern Europe Runozarura Masuo Arwo

Hungary yakapa nzvimbo yepamutemo kuZvapupu zvaJehovha muna 1989. Yakanga iri panguva iyoyo German Democratic Republic (GDR) yakabvisa rambidzo yayo yamakore 40 paZvapupu muna 1990, mwedzi mina chete pashure pokunge kuparadzwa kwoRusvingo rweBerlin kwavamba. Mwedzi wakatevera wacho Christian Association of Jehovah’s Witnesses muRomania yakazivikanwa pamutemo nehurumende itsva yeRomania. Muna 1991 Bazu Rezvokutongwa Kwemhosva muMoscow rakazivisa kuti Charter of the “Religious Organization of Jehovah’s Witnesses muU.S.S.R.” yakanyoreswa pamutemo. Gore rimwe chete iroro, kuzivikanwa kwapamutemo kwakapiwa kubasa reZvapupu zvaJehovha muBulgaria. Mukati ma1992, Zvapupu zvaJehovha muAlbania zvakapiwa nzvimbo yepamutemo.

Zvapupu zvaJehovha zvakaitei norusununguko rwazvakapiwa? Mumwe munyori wenhau akabvunza Helmut Martin, mutsinhiranisi webasa reZvapupu zvaJehovha muGDR, kuti: “Muchabatanidzwa mune zvematongerwe enyika here?” Pashure pokurangarira zvose, izvozvo ndizvo izvo vakawanda vevafundisi vechiKristudhomu vakanga vachiita. “Aiwa,” vakapindura kudaro Hama Martin, “Jesu akapa vadzidzi vake mugove wapaMagwaro, uye tinorangarira iwoyo sebasa redu guru.”—Mat. 24:14; 28:19, 20.

Zvapupu zvaJehovha zvirokwazvo zvakanga zvisiri kuvamba chete kutarisira basa iroro muurwu rutivi rwenyika. Kunyange zvazvo kwakanga kwave kuri madikanwa kuti zviite mubato wazvo mumamirire ezvinhu akaoma zvikuru kwemakore akawanda, mudzakawanda zvikurusa dzeidzi nyika ungano (dzaisangana mumapoka maduku) dzakanga dzave dzichishanda, uye kupupura kwakanga kwaitwa. Asi zvino mukana mutsva wakanga uchizaruka. Zvaigona kuita misangano iyo zvaigona kukokera voruzhinji kwairi zvakasununguka. Vaigona kuparidza pachena paimba neimba, vasingatyi kupinzwa mutorongo. Pano pakanga pane nyika dzine nhamba yevagari vemo yakabatanidzwa yevanopfuura 390-000 000, uko kwakanga kune basa rakawanda raifanira kuitwa. Zvichiziva zvikuru kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira etsika yenyika yazvino yezvinhu, Zvapupu zvaJehovha zvakaita chiito nokukurumidza.

Kunyange kuzivikanwa kwapamutemo kusati kwapiwa, mitezo yoMutumbi Unodzora yakanga yashanyira nyika dzakati kuti indoona kuti chii chaigona kuitwa kubetsera hama dzavo dzechiKristu. Pashure pokunge rambidzo dzabviswa, yakaenda mudzakawanda dzeidzi nharaunda kundobetsera kuronga basa. Mukati memakore mashomanene, vakanga vaonana uye kutaura pachavo neZvapupu zvomuPoland, Hungary, Romania, Czechoslovakia, Russia, Ukraine, Estonia, uye Belarus.

Kokorodzano dzakarongwa kusimbisa Zvapupu zvaigara muidzi nyika uye kuunza zvakatanhamara kungwariro yevoruzhinji shoko roUmambo hwaMwari. Isingasviki mwedzi mishanu pashure pokunge rambidzo yabviswa neyakanga iri panguva iyoyo GDR, kokorodzano yakadaro yakaitwa paOlympia Stadium yeBerlin. Zvapupu zvakabva kudzimwe nyika 64 zvakakurumidza kugamuchira kokero yokupinda. Zvakakurangarira kuva ropafadzo kufarikanya nhambo iyoyo nehama dzechiKristu nehanzvadzi idzo kwemakumi amakore dzakanga dzaratidzira ruvimbiko kuna Jehovha mukutarisana nechitambudzo chikuru.

Mose muri muviri muna 1990 nomuna 1991, dzimwe kokorodzano dzakaitwa muEastern Europe yose. Pashure pokunge magungano mana omunzvimbomo aitwa muHungary muna 1990, gadziriro dzakaitwa nokuda kwokuungana kwemarudzi akawanda paNépstadion muBudapest muna 1991. Muvapindi makanga mune 40 601 vakabva kunyika 35. Kwenguva yokutanga muanopfuura makore 40, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kuita kokorodzano dzavose muRomania muna 1990. Nhevedzano yamagungano munyika yose, uye gare gare kokorodzano mbiri huru zvikuru, dzakaitwa gore iroro. Makava nedzimwe kokorodzano sere muna 1991, nenhamba yavapindi ye34 808. Muna 1990, mune yakanga iri panguva iyoyo Yugoslavia, kokorodzano dzakaitwa muimwe neimwe yemaripabhuriki aiumba nyika yacho. Gore rakatevera, kunyange zvazvo nyika yacho yakatyisidzirwa nehondo yavagari vemo, 14 684 veZvapupu zvaJehovha vakafarikanya kokorodzano yamarudzi akawanda muZagreb, dzimbahwe reCroatia. Mapurisa akashamiswa sezvaakaona vokuCroatia, vokuMontenegro, vokuSerbia, vokuSlovenia, uye vamwe vakaungana murugare kuti vateerere purogiramu.

Mune yaiva panguva iyoyo Czechoslovakiawo, kokorodzano dzakakurumidza kurongwa. Kokorodzano yomunyika muPrague muna 1990 yakapindwa ne23 876. Avo vaitarisira nhandare yacho vakafadzwa kwazvo nezvavakaona zvokuti vakaita kuti zvivako zvikurusa munyika macho zviwanike kuZvapupu nokuda kwekokorodzano yazvo inotevera. Panhambo iyoyo yenhau, muna 1991, paiva nevakokorodzani vane mbavarira 74 587 vakazadza Nhandare yeStrahov muPrague. Nhume dzeCzechoslovakia nedzeSlovakia dzakafadzwa uye dzakarova maoko nembavarira apo chiziviso chakaitwa chokubudiswa kweNew World Translation of the Holy Scriptures yakazara mumitauro yadzo dzimene, nokuda kwokushandisa muushumiri hwapachena pamwe chete nomufundo yomunhu oga neyeungano.

Makanga muriwo mukati ma1991 umo, kwenguva yokutanga munhau, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kuita kokorodzano pachena munzvimbo dzaiva panguva iyoyo mukati meSoviet Union. Pashure pekokorodzano muTallinn, Estonia, makava neimwe muSiberia. Ina dzakaitwa mumaguta makuru muUkraine, uye imwe muKazakhstan. Nhamba yevapindi yakaita hwerengedzo ye74 252. Uye sezvibereko zvazvino uno zvebasa rokuita vadzidzi reZvapupu zvaJehovha muidzi nharaunda, 7 820 vakazvipa vamene nokuda kworuombeko rwomumvura. Ichi chakanga chisati chiri chisarudzo chemirangariro chakaitwa nemhaka yokuti vakanzwa vanyandurwa pamusoro pekokorodzano yacho. Vaida kubhapatidzwa vakanga vasanogadzirira pachine nguva mberi kwenhambo yemwedzi—uye mune zvimwe zviitiko, makore.

Ava vanhu vose vakabva kupi? Kwakanga kuri pachena kuti basa reZvapupu zvaJehovha rakanga risiri kungovamba murutivi irworwo rwapasi. Zvinyorwa zveWatch Tower zvakanga zvatumirwa kune mumwe munhu anofarira muRussia shure zvikuru sa1887. Purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society akanga ashanyira pachake Kishinev (zvino iri muMoldova) muna 1891. Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakanga vapinda muRussia kundoparidza mukati mema1920; asi pakanga pave pane chirambidzo chakasimba chehurumende, uye mapoka mashomanene ayo akaratidza fariro mushoko reBhaibheri akanga ari maduku. Zvisinei, mamirire ezvinhu akachinja mukati meHondo Yenyika II uye pashure pacho. Miganhu yamarudzi yakagadziridzwa, uye zvikamu zvikuru zvevagari vemo zvakawanirwazve nzvimbo. Somugumisiro, Zvapupu zvinopfuura chiuru zvinotaura chiUkrainian zvakabva kwakanga kwave kuri kumabvazuva kwePoland zvakazviwana zvimene zviri mukati meSoviet Union. Zvimwe Zvapupu zvakagara muRomania neCzechoslovakia zvakawana kuti nzvimbo umo zvaigara yakanga yava rutivi rweSoviet Union. Mukuwedzera, vokuRussia avo vakanga vava Zvapupu zvaJehovha apo vakanga vari mumisasa yevasungwa yeGermany vakadzokera kunyika dzokumusha kwavo, uye vakaenda namashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Pakasvika 1946, makanga mune Zvapupu zvinoshingaira 4 797 muSoviet Union. Zvakawanda zvaizvozvi zvakaendeswa kunzvimbo nenzvimbo nehurumende mumakore ose akapfuura. Zvimwe zvakaendeswa kumisasa yetorongo. Kupi nokupi kwazvaienda zvakapupura. Nhamba dzazvo dzakawedzera. Kunyange hurumende isati yazvipa kuzivikanwa kwapamutemo, mapoka azvo akanga achishingaira kubvira kuLviv kumadokero kusvikira kuVladivostok pamuganhu wokumabvazuva weSoviet Union, mhiri kwegungwa kubva kuJapan.

Vakawanda Zvino Vanodisa Kuteerera

Apo Zvapupu zvakaita kokorodzano mune yakanga iri panguva iyoyo U.S.S.R. muna 1991, voruzhinji vakava nemukana wokuzvinzvera. Vakaita sei? MuLviv, Ukraine, mumwe mukuru mukuru wemapurisa akaudza mumwe wevakokorodzani, kuti: “Munobudirira mukudzidzisa vamwe zvakanaka, munotaura pamusoro paMwari, uye hamuiti masimba masimba. Takanga tichikurukura chikonzero nei taisikutambudzai, uye tapedzisa kuti takanga tisina kukuteererai uye takanga tisina kuziva chinhu chipi nechipi pamusoro penyu.” Asi zvino vakawanda vakanga vari kuteerera, uye Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichida kuvabetsera.

Kuti vapfuudzire mberi basa ravo nenzira inobudirira zvikurusa muidzi nyika, mabhuku eBhaibheri akanga achidikanwa. Nhamburiko huru yakaitwa kuagovera nokukurumidza. PaSelters/Taunus, Germany, Zvapupu zvaJehovha zvakadokupeta nekaviri zvivako zvazvo zvokudhinda. Kunyange zvazvo uku kukura kwakanga kuchigere kupedzwa, dzinenge vhiki mbiri pashure pokunge rambidzo yabviswa mune yakanga iri panguva iyoyo East Germany, makirogiramu 21 000 emabhuku akatumirwa kuiyi nharaunda kubva kunzvimbo yokudhindira paSelters. Kuvambira panguva yokubviswa kwerambidzo munyika dzeEastern Europe kusvikira muna 1992, anodokusvika makirogiramu 9 100 000 emabhuku mumitauro mikuru 14 akatumirwa muidzi nyika dzakasiyana-siyana kubva kuGermany, mamwe makirogiramu 633 000 kubva kuItaly, uye mamwe kubva kuFinland.

Zvaparadzaniswa zvikuru kwemakore akawanda, Zvapupu zvaiva mudzimwe nyika zvaidawo betsero nenhau dzekutarisirwa kweungano nokutarisirwa kwesangano. Kuti vagutse ichi chinodikanwa chokukurumidzira, vakuru vane ruzivo rwokuzviwanira—avo vaigona kutaura mutauro wenyika yacho, pakwaibvira—vakakurukurwa navo muGermany, United States, Canada, uye kune dzimwe nzvimbowo zvadzo. Vaizova vanodisa kutamira kuimwe yeidzi nyika muEastern Europe kundobetsera kugutsa chinodikanwa chacho here? Davidzo yacho yakanga ichifadza zvirokwazvo! Uko kwaibetsera, vakuru avo vakanga varovedzwa paChikoro cheGilead kana kuti muChikoro Chokurovedza Vashumiri vakatumirwawo.

Ipapo, muna 1992 kokorodzano inoshamisa yamarudzi akawanda yakaitwa muSt. Petersburg, guta guru rechipiri muRussia. Vanenge 17 000 venhume dzacho vakanga vabva kunyika 27 dzaiva kunze kweRussia. Kuziviswa kukuru kwekokorodzano yacho kwakaitwa. Pakati paavo vakauya pakanga pane vanhu vakanga vasina kutombonzwa nakare kose nezveZvapupu zvaJehovha. Vapindi vakasvika nhamba huru yapamusoro ye46 214. Nhume dzakanga dziripo kubva kumativi ose eRussia, dzimwe dzakabva kumabvazuva zvikuru sokuSakhalin Island, pedyo neJapan. Mapoka makuru akabva kuUkraine, Moldova, uye dzimwe nyika dzakanga dzambova rutivi rweU.S.S.R. Vakauya nemashoko akanaka. Mishumo yakaratidza kuti ungano dzimwe nedzimwe mumaguta akadai seKiev, Moscow, uye St. Petersburg dzakanga dzichiva neavhareji yavapindi pamisangano yavo yakanga yakapeta nekaviri kana kuti kupfuura nhamba yeZvapupu. Vanhu vakawanda avo vaida kuti Zvapupu zvaJehovha zvifunde Bhaibheri navo vaifanira kuiswa pandaza dzokumirira. Kubva kuLatvia, nhume 600 dzakanga dzauya uye dzakatowanda dzakabva kuEstonia. Imwe ungano muSt. Petersburg yaiva nevanopfuura zana vakagadzirira rubhapatidzo pakokorodzano. Vakawanda vaavo vanoratidza fariro vanhu vaduku zvikuru kana kuti vanhu vakadzidza zvikuru. Zvirokwazvo, basa guru rokucheka kwomudzimu riri kuitwa muiyi ndima huru iyo kwenguva refu yairangarirwa nenyika seshongwe yokusadavira kuvapo kwaMwari!

Minda Yaibvira Kucheka

Sezvo zvimiro zvendangariro pamusoro porusununguko rworudzidziso zvakachinja, dzimwe nyikawo, dzakabvisa ganhuriro paZvapupu zvaJehovha kana kuti dzakazvipa kuzivikanwa kwapamutemo uko kwakanga kwanyimwa kwenguva refu. Mudzakawanda dzeidzi nzvimbo, kucheka kukuru kwomudzimu kwakanga kwagadzirira kuunganidzwa. Mamirire ezvinhu akanga akafanana neayo Jesu akarondedzera kuvadzidzi vake apo akati: “Simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatoibvira kucheka.” (Joh. 4:35) Rangarira nzvimbo shomanene bedzi umo ikoku kwakanga kuri kwechokwadi muAfrica.

Ushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu zvaJehovha hwakanga hwarambidzwa muZambia muna 1969. Somugumisiro, Zvapupu imomo zvakapa nguva yakawanda kukuitisa vanhu vanofarira fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Vamwewo vakavamba kutsvaka Zvapupu kuti vagogona kugamuchira murayiridzo. Zvishoma nezvishoma ganhuriro dzehurumende dzakapfaviswa, uye nhamba yevapindi vemisangano yakawedzera. Muna 1992, makanga mune 365 828 vakapinda Chidyo chaShe Chamadekwana muZambia, 1 mu23 vari vose vevagari vemo!

Nechokuchamhembe kweZambia, muZaire, zvimwe zviuru zvaida kudzidza izvo Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa pamusoro pokurarama kwechiKristu uye pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kworudzi rwomunhu. Muna 1990 apo mamirire ezvinhu akabvumidza Zvapupu kuzarurazve Horo dzazvo dzoUmambo, mune dzimwe nharaunda vanhu vakawanda zvikuru se500 vaidirana kumisangano yazvo. Mukati memakore maviri Zvapupu 67 917 muZaire zvakanga zvichiitisa vanhu vakadaro fundo dzeBhaibheri dzapamusha 141 859.

Nhamba yenyika dzakanga dzichizaruka yakanga ichishamisa. Muna 1990, vafundisi veWatch Tower avo vakanga vadzingwa muBenin makore 14 pakuvamba zvikuru zvino vakapiwa pamutemo mukana wokudzokera, uye suo rakazaruka rokuti vamwe vauye. Gore rimwe chete iroro Gurukota Rezvokutongwa Kwemhosva muCape Verde Republic rakasaina murayiro wakabvumira mitemo yeAssociation of Jehovah’s Witnesses yomunzvimbomo, nokudaro achizvipa kuzivikanwa kwapamutemo. Ipapo, muna 1991 kubviswa kwerambidzo kwapamutemo kwakauya kuZvapupu zvaJehovha muMozambique (umo vaichimbova vatongi vakanga vazvitambudza zvakakomba), Ghana (umo mubato wazvo wakanga waganhurirwa pamutemo), uye Ethiopia (umo makanga mave musingabviri kuparidza pachena kana kuti kuita magungano kwemakore 34). Gore risati rapera Niger neCongo dzakanga dzazvipawo kuzivikanwa kwapamutemo. Pakuvamba muna 1992, rambidzo dzakabviswa kana kuti kuzivikanwa kwapamutemo kwakapiwa kuZvapupu zvaJehovha muChad, Kenya, Rwanda, Togo, uye Angola.

Heino minda yakanga yagadzirira kucheka kwomudzimu. MuAngola, somuenzaniso, Zvapupu zvakakurumidza kuwana wedzero ye31 muzana; zvakare, vazivisi voUmambo 19 000 imomo vakanga vachiitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinodokuva 53 000. Kuti vagovere betsero yaidikanwa nokuda kweiyi purogiramu huru yedzidzo yeBhaibheri muAngola pamwe chete nomuMozambique (umo vakawanda vanotaura chiPutukezi), vakuru vakakwaniriswa vokuPortugal neBrazil vakakumbirwa kutamira kuAfrica kundopfuudzira ushumiri hwavo. Vafundisi vaitaura chiPutukezi vakagoverwa kundima ichangobva kuzarurwa yeGuinea-Bissau. Uye Zvapupu zvaikwanisa muFrance nedzimwe nyika zvakakumbirwa kuzobetsera kuita basa rekurumidziro rokuparidza nokuita vadzidzi muBenin, Chad, uye Togo, uko chiFrench chinotaurwa navanhu vakawanda.

Pakati penharaunda idzodzo idzo dzakabudisa mapoka akakura zvikuru avarumbidzi vaJehovha pane idzo dzaichimbova shongwe dzeRoma Katurike. Mukuwedzera kuLatin America, ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi nezveFrance (umo mushumo wa1992 wakaratidza vaparidzi veevhangeri vari Zvapupu 119 674), Spain (uko kwakanga kune 92 282), Philippines (ne114 335), Ireland (nemwero wewedzero yeZvapupu we8 kusvikira ku10 muzana pagore), uye Portugal.

Apo 37 567 vakapinda kokorodzano yeZvapupu muLisbon, Portugal, muna 1978, magazini yenhau Opção yakati: “Nokuda kwomunhu upi noupi akava paFátima mukati menguva yerwendo rwokuenda kunzvimbo tsvene, ikoku chaizvoizvo kwakasiyana zvikuru. . . . Pano [pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha] kuvanzika kunonyangarika, kuchitsiviwa nokuitwa kwomusangano apo vatendi mutsinhirano yavose vanokurukura zvinetso zvavo, kutenda kwavo nechiono chavo chomudzimu. Mufambiro wavo kune mumwe nomumwe unopa chiratidzo chinosiyanisa choukama hwokuitira hanya.” Mukati memakore gumi akatevera, nhamba yeZvapupu muPortugal yakawedzera neinodokusvika 70 muzana.

Uye zvakadiniko neItaly? Perevedzo yakakomba yevanoda kuva vaprista veKaturike yakamanikidzira zvimwe zvikoro zvokurovedza vaprista kupfiga masuo azvo. Chechi dzakawanda hadzichisina muprista weruwa rwomufundisi. Muzviitiko zvakawanda zvaichimbova zvivako zvechechi zvino zvava zvitoro kana kuti hofisi. Pasinei zvapo naikoku kwose, chechi yakarwa zvakasimba kumisa Zvapupu zvaJehovha. Mumakore akapfuura vakapesvedzera vakuru vakuru kuti vadzinge vafundisi vari Zvapupu munyika ndokurayira kuti mapurisa agumise misangano yavo. Mune dzimwe nharaunda mukati mema1980, vaprista vomuruwa rwevafundisi vakaita kuti zviratidzo zviiswe pamasuo omunhu ari wose (kubatanidza vamwe avo vaiva Zvapupu zvaJehovha), zvaiti: “Musagogodza. Tiri vaKaturike.” Mapepanhau aiva nemisoro yaiti: “Kudanidzira Kwechechi Kwokungwaririra Zvapupu zvaJehovha” uye “‘Hondo Tsvene’ Mukurwisana neZvapupu zvaJehovha.”

Apo vaprista vechiJudha vomuzana rokutanga ramakore vakaedza kunyaradza vaapostora, Gamarieri, mudzidzisi woMutemo, akapa zano nenzira yokuchenjera, kuti: “Kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza.” (Mabasa 5:38, 39) Chii chakava mugumisiro apo vaprista veRoma Katurike vomuzana ramakore rechi20 vakaedza kunyaradza Zvapupu zvaJehovha? Basa reZvapupu 120 muItaly muna 1946 harina kukurirwa. Panzvimbo pezvo, pakasvika 1992, makanga mune Zvapupu zvinoshingaira 194 013 zvaisonganirana neungano 2 462 munyika yacho mose. Zvodokuzadza Italy nedzidziso yazvo yeShoko raMwari. Kubvira muna 1946 zvakapa maawa anopfuura mamiriyoni 550 kukutaura nevokuItaly biyazvo pamusoro poUmambo hwaMwari. Zvichingoita ikoku, zvakaisa mumaoko avo mamiriyoni emakopi eBhaibheri rimene pamwe chete namabhuku, mabhukwana, uye magazini anopfuura mamiriyoni 400, aitsanangura Magwaro. Zvinoda kuva nechokwadi chokuti vanhu veItaly vanova nemukana wakazara wokutsigira Jehovha Armagedhoni isati yasvika. Apo zvinenge zvichiita kudaro, zvinorangarira izvo muapostora Pauro akanyora pana 2 VaKorinte 10:4, 5, kuti: “Nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzisi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari.”

Hakusati kuri bedzi kune vaichimbova shongwe dzeKaturike uko Zvapupu zvaJehovha zvinonangidzira ngwariro. Zvinoziva kuti Jesu Kristu akati: “NeEvhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa.” (Marko 13:10) Uye irori ndiro basa iro Zvapupu zviri kuita. Pakasvika 1992 makanga mava ne12 168 vavo vakanga vakabatikana kuudza vanhu muIndia pamusoro poUmambo hwaMwari. Vamwe 71 428 vavo vakanga vachiparidza muRepublic of Korea. MuJapan makanga mune 171 438, uye nhamba dzazvo dzakanga dzichikura mwedzi uri wose. Vakapfuurirawo kuita nhamburiko dzokusvika kunyika uko kuparidzira kushomanene kwakanga kuchigere kuitwa kana kuti kusina.

Nokudaro, mukati morutivi rwokupedzisira rwema1970, vakakwanisa, kwenguva yokutanga, kuendesa shoko roUmambo kuvanhu vaigara paMarquesas Islands napaKosrae—zvose zviri zviviri zviri muPacific Ocean. Vakasvikawo kuBhutan, iyo yakabatana nomuganhu wokumadokera weChina, uye Comoros, kubva pamhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeAfrica. Mukati mema1980 basa rokutanga rokuparidza rakaitwa neZvapupu zvaJehovha rakashumwa kubva kuWallis neFutuna Islands, pamwe chete nezvitsuwa zveNauru neRota, zvose zviri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwePacific. Dzimwe dzaidzodzi inzvimbo duku zvikuru; asi vanhu vanogara imomo, uye upenyu hunokosha. Zvapupu zvaJehovha zvinoziva zvikuru uporofita hwaJesu hwokuti mugumo usati wasvika, shoko roUmambo raizoparidzwa “mupasi rose rinogarwa.”—Mat. 24:14, NW.

Kusvika Vanhu Kupi Nokupi Uye Papi Napapi Panobvira

Nekuparidza kwapaimba neimba kuchipfuurira kuva mutoo mukuru unoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kusvika vanhu, zvinoziva kuti hazvitongoonani nomunhu ari wose kupfurikidza nouyu mutoo wakarongwa. Nomurangariro wekurumidziro, zvinopfuurira kutsvaka vanhu kupi nokupi kwavanogona kuwanikwa.—Enzanisa naJohane 4:5-42; Mabasa 16:13, 14.

Apo zvikepe zvinomira pazviteshi zvengarava zveGermany neNetherlands, kunyange nokuda kwokumira kupfupi, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuzvishanyira, zvichipupura kutanga kumutarisiri wechikepe uye ipapo kuboka. Zvinotakura mabhuku eBhaibheri mumitauro yakawanda nokuda kwavanhu vacho. Mumisika yevakaberekerwamo veChad, pakati peAfrica, hakusati kuri kwechienzi kuona boka ravanhu 15 kana kuti 20 rakaunganira mumwe weZvapupu zvaJehovha ari kutaura kwavari pamusoro petariro yoUmambo hwaMwari. Zvichishanda mumajana, Zvapupu zvinotaura kuvatengesi vezvinhu uye zviuru zvavatengi vamangwanani eChitanhatu pamisika yezvinhu zvakamboshandiswa muAuckland, New Zealand. Vanhu avo vanopfuura napazviteshi zvikuru zvemabhazi muGuayaquil, Ecuador—vakawanda vavo vachibva kumativi ari kure enyika—vanosvikwa ipapo neZvapupu izvo zvinovagovera bhurocha rakakodzera nguva kana kuti La Atalaya ne¡Despertad! Avo vanoshanda jana rousiku mumisika yezvokudya inoshanda masikati nousiku muNew York City vanoshanyirwa pabasa neZvapupu kuti ivowo vagogona kuva nemukana wokunzwa mashoko akanaka.

Pakufamba nendege, zvitima, mabhazi, uye zvitima zvinofamba napasi pevhu, vakawanda veZvapupu zvaJehovha vanogoverana zvokwadi dzinokosha dzeBhaibheri navakwiri biyavo. Mukati menguva dzezvokudya zvamasikati pabasa razvo rokunyika nokuchikoro, uyewo apo vanhu vanouya kusuo ravo nokuda kwezvikonzero zvebhizimisi, zvinowana mikana yokupupura. Zvinoziva kuti vakawanda veava vanhu vangasava pamusha apo Zvapupu zvinoita shanyo dzazvo dzenguva dzose.

Pakupupura kuvamwe, hazvikanganwi mitezo yemhuri yapedyo nedzimwe hama dzokunyama. Asi apo Maria Caamano, chimwe Chapupu chomuArgentina, akaedza kuudza mhuri yake kuti akanga asundwa zvikuru sei nezvaakadzidza muBhaibheri, vakamuseka kana kuti vakanga vasingaitiri hanya. Haana kurega asi akaita rwendo rwemakiromita 1 900 kuti apupure kudzimwe dzehama dzake dzokunyama. Dzimwe dzakadavidza zvakanaka. Zvishoma nezvishoma, dzimwe dzakateerera. Somugumisiro, zvino pakati pehama dzake dzokunyama pane vanhu vakura vanopfuura 80 uye vana vanopfuura 40 avo vakagamuchira zvokwadi dzeBhaibheri uye vari kugoverana idzodzi navamwe.

Kuti ayamure hama dzake dzokunyama, Michael Regan akatama achidzokera kutaundi rokumusha kwake, Boyle, County Roscommon, muIreland. Iye akapupura kuvose zvavo. Hama yake yokunyama yakaororwa nomudzimu wokufara nemararamire akanaka zvevana vaMichael. Nokukurumidza iye nomurume wake vakabvuma fundo yeBhaibheri. Apo vakabhapatidzwa, baba vake vakamudzinga pamusha wemhuri. Zvishoma nezvishoma, zvisinei, chimiro chavo chakapfaviswa, uye vakagamuchira mamwe mabhuku—vachida kufumura “chikanganiso” cheZvapupu. Asi nokukurumidza vakaziva kuti yavakanga vachirava yakanga iri zvokwadi, uye pashure penguva yakati vakabhapatidzwa. Mitezo yemhuri inopfuura 20 zvino yakabatanidzwa neungano, yakawanda zvikurusa yayo yakatobhapatidzwa.

Zvakadiniko navanhu vari mutorongo? Vaigona kubetserwa neshoko roUmambo hwaMwari here? Zvapupu zvaJehovha hazvivafuratiri. Pane rimwe torongo muNorth America, gadziriro dzefundo dzeBhaibheri dzomunhu oga nevaigaramo, pamwe chete nokupinda misangano yenguva dzose yaiitirwa mutorongo neZvapupu zvaJehovha, zvakaparira migumisiro yakanaka yakadaro zvokuti vatarisiri vetorongo vakaita kuti kubvire kuita magungano imomo. Iwaya akapindwa kwete bedzi nevasungwa asiwo nezviuru zveZvapupu zvakabva kunze. Mune dzimwe nyikawo, nhamburiko dzepachokwadi dziri kuitwa kupupura kuvarume navakadzi vari mutorongo.

Zvapupu zvaJehovha hazvidaviri kuti fundo yeBhaibheri ichachinja vasungwa vose. Asi zvinoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti vamwe vanogona kubetserwa, uye zvinoda kuvapa mukana wokugamuchira tariro yoUmambo hwaMwari.

Nhamburiko Dzinoitwa Dzaitwazve Dzokusvika Mwoyo

Nguva nenguva Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira vanhu. Sezvakaita vadzidzi vapakuvamba vaJesu, vano“pfuurira kuenda” kuvanhu vari mundima dzavo dzakagoverwa kuedza kunyandura kufarira kwavo Umambo hwaMwari. (Mat. 10:6, 7, NW) Mune dzimwe nzvimbo zvinokwanisa kushanyira vanasaimba vose munharaunda yavo kamwe chete pagore; kune dzimwe nzvimbowo, zvinoshanya pashure pemwedzi mishomanene iri yose. MuPortugal, munharaunda huru zvikuru yeLisbon, umo mune goverwo yeChapupu 1 ku160 vari vose vevagari vemo, vanhu vanoshanyirwa neZvapupu vhiki imwe neimwe kana kuti kupfuura. MuVenezuela, mune maguta umo ndima dzinofukidzwa nguva dzose kanopfuura kamwe pavhiki.

Apo Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvaitazve shanyo, hazvisi kuedza kumanikidzira shoko reBhaibheri pavanhu. Zviri kungoedza kuvapa mukana wokuita chisarudzo chokungwara. Nhasi, vamwe vanhu vangataura kuti havafariri; asi chinjo huru muupenyu hwavo kana kuti mumamirire ezvinhu enyika zvingavaita kuti vave vanogamuchira zvikuru pane imwe nguva. Nemhaka yefungira mano akaipa kana kuti kungova vakanyanyobatikana zvokusagona kuteerera, vanhu vakawanda havana kutongonzwa chaizvoizvo izvo Zvapupu zvinodzidzisa. Asi shanyo dzoushamwari dzinoitwa dzaitwazve dzingavaita kuti vape ngwariro. Vanhu kazhinji kazhinji vanoororwa nokutendeseka neperero yetsika zveZvapupu zvinogara munharaunda yavo kana kuti izvo zviri vokubasa biyavo. Somugumisiro, pashure penguva yakati, vamwe vanova vanofarira zvakakwana kunzvera kuti shoko razvo riri pamusoro pechii chaizvoizvo. Mumwe mukadzi womuVenezuela, pashure pokunge agamuchira nomufaro mabhuku nechikarakadzo chefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena akati: “Hakuna munhu upi noupi akatsanangura zvinhu izvi kwandiri.”

Nenzira yomutsa, Zvapupu zvinoedza kusvika mwoyo yaavo vazvinotaura navo. MuGuadeloupe, umo makanga mune Chapupu 1 nokuda kwe57 vari vose vevagari vemo muna 1992, hakusati kuri kwechienzi kuti vanasaimba vataure kuti, “Handifariri.” Kuna ikoko, Eric Dodote aipindura, kuti: “Ndinokunzwisisai, uye ndinozviisa ndimene munzvimbo yenyu.” Ipapo aiwedzera, kuti: “Asi ndikubvunzei, Mungada kugara mumamirire ezvinhu ari nani kupfuura ayo aripo nhasi here?” Pashure pokuteerera izvo saimba aitaura, aishandisa Bhaibheri kuratidza kuti Mwari aizoparira sei mamirire ezvinhu akadaro munyika itsva Yake.

Kufukidza Ndima Zvakatokwana Zvikuru

Mumakore achangobva kupfuura aya kwazova kwakaoma nenzira inowedzera mudzimwe nyika kuwana vanhu vari pamusha. Kazhinji kazhinji, vose vari vaviri murume nomukadzi vanoshanda kunyika, uye pakupera kwevhiki vangaronda nhandaro kure nomusha. Kuti zvigonane neaya mamirire ezvinhu, munyika dzakawanda Zvapupu zvaJehovha zviri kuita chitsama chinowedzera chokupupura kwazvo kwapasuo nesuo mumanheru. MuBritain, zvimwe Zvapupu hazviteveri bedzi shanyo dzevaisava pamusha pakati pa6 kiroko na8 kiroko mumanheru asi zvimwe, munhamburiko yokuonana navanhu vasati vaenda kubasa, zvinoita shanyo dzakadaro mumangwanani 8 kiroko isati yakwana.

Kunyange uko vanhu vari pamusha, kungava kwakaoma zvikuru kuvasvika pasina kufanokokwa, nokuda kwematanho echengeteko huru anoitwa nemhaka yokupararira kwoutsotsi. Asi muBrazil apo vamwe vanonetsa kuonana navo vanoita kufamba kwamangwanani-ngwanani mukanzira kakagadzirwa nemabhodhi kepaCopacabana Beach, vangasvikwa neChapupu chinoshingaira icho chinosvika ikoko mangwanani-ngwanani chichiita kuti vamwe vakurukure pamusoro pokuti Umambo hwaMwari huchapedza sei zvinetso zvorudzi rwomunhu. MuParis, France, apo vanhu vanodzokera kumafurati avo zuva rava kundonyura, vangawana varoorani vari Zvapupu vane ushamwari pedyo nepanopindwa napo muchivako chacho, vachimirira kutaura kuvagari vemo vamwe navamwe avo vanodisa kupedza maminiti mashomanene kuti vanzwe pamusoro pemitoo iyo Mwari achashandisa kuunza nayo chengeteko yechokwadi. MuHonolulu, New York City, uye dzimwe nzvimbo dzakawanda, nhamburiko dzinoitwawo kusvika vagari vemuzvivako zvine chengeteko huru kupfurikidza norunhare.

Kana zvikakwanisa kukurukura nomumwe munhu mumusha mumwe nomumwe, Zvapupu zvichingori zvisinganzwi kuti basa razvo rapedzwa. Chishuvo chazvo ndechokusvika vanhu vamwe navamwe vakawanda sevanobvira muimba imwe neimwe. Pane dzimwe nguva ikoku kunoitwa kupfurikidza nokushanya pamazuva akasiyana-siyana kana kuti panguva dzakasiyana-siyana. MuPuerto Rico apo mumwe saimba akati akanga asingafariri, chimwe Chapupu chakabvunza kana pakanga pane mumwe munhuwo zvake muimba yacho wachingataura naye. Ikoku kwakatungamirira kukurukurirano nomurume weimba yacho, uyo akanga ave achirwara kwamakore 14 uye akanga akaganhurirwa zvikuru kuuvato hwake. Mwoyo wake wakafadzwa netariro inooneswa muShoko raMwari. Nekufarira upenyu kwakamutsidzirwa, akakurumidza kubva pauvato, achipinda misangano paHoro yoUmambo, uye achigoverana tariro yake ichangobva kuwanwa navamwe.

Kuwedzera Uchapupu Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo

Chimwe chinhu chakabetsera zvikuru kukuwedzera kwouchapupu mumakore achangobva kupfuura aya. Ichochi iwedzero munhamba dzeZvapupu zviri kubatira semapiyona. Zvichishuva zvikuru kupa yakawanda zvikuru yenguva yazvo seinobvira kubasa raMwari, uye nekuitira hanya kworudo vanhu biyazvo, zvinoronga zvinhu zvazvo kuti zvipedzere maawa 60, 90, 140 kana kuti anopfuura mwedzi mumwe nomumwe muushumiri hwomumunda. Sezvakwakanga kuri kwechokwadi nezvomuapostora Pauro pakuparidza muKorinte, Girisi, avo vanotora basa roupiyona vanova va“kamanikidzwa neshoko,” vachitsvaka kupupura kuvanhu vakawanda zvikuru sevanobvira pamusoro poUmambo hwaMesiya.—Mabasa 18:5.

Muna 1975 makanga mune mapiyona 130 225 munyika yose. Pakasvika 1992 makanga mava ne605 610 paavhareji mwedzi mumwe nomumwe (kubatanidza mapiyona enguva dzose, ebetsero, uye chaiwo). Nokudaro, mukati menhambo apo nhamba yeZvapupu munyika yose yakawedzera ne105 muzana, avo vakaronga kugoverana muushumiri hwenguva yakazara vakawedzera ne365 muzana! Somugumisiro, chitsama chenguva inotsaurirwa chaizvoizvo kukupupura chakawedzera zvikuru kubva pamaawa anenge mamiriyoni 382 kusvikira kuanopfuura bhiriyoni rimwe pagore!

‘Muduku Azova Chiuru’

Jesu Kristu akatuma vateveri vake kuti vave zvapupu zvake kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi. (Mabasa 1:8) Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Jehovha akanga afanotaura, kuti: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isa. 60:22) Chinyorwa chinoratidza zvakajeka kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iro Jesu akafanotaura, uye zvakawana rudzi rwewedzero urwo Mwari amene akapikira.

Pamugumo weHondo Yenyika II, zvakawanwa zvikurukuru muNorth America neEurope; makanga mune zvimwe muAfrica; uye zvimwe, mumapoka maduku zvikuru, zvakapararira kupote nyika yose. Zvakanga zvisina kutongosvika nyika iri yose neshoko roUmambo, uyewo zvakanga zvisina kusvika rutivi rwuri rwose rwenyika idzodzo uko zvakanga zvichiparidza. Nokumhanya kunoshamisa, zvisinei, chiono ichocho chave chichichinja.

Rangarira North America. Nyika huru yacho inotambanuka kubva kuCanada iri kuchamhembe kusvikira kuPanama, nenyika pfumbamwe dziri pakati. Pakasvika 1945 makanga mune Zvapupu 81 410 muiyi nharaunda huru. Ina dzenyika dzacho dzakashuma Zvapupu zvisingasviki 20 imwe neimwe, uye nyika imwe yakanga isitongorina basa rokuparidza rakarongwa. Kubvira panguva iyoyo, uchapupu hukuru uye hunopfuuridzirwa hwakapiwa muidzi nyika dzose. Pakasvika 1992, makanga mune 1 440 165 veZvapupu zvaJehovha muurwu rutivi rwepasi. Mudzakawanda zvikurusa dzeidzi nyika, Chapupu chimwe nechimwe, paavhareji, zvino chine vanhu mazana mashomanene bedzi vokupupura kwavari. Chikamu chikuru chavagari vemo chinoshanyirwa neZvapupu mwedzi mishomanene iri yose; vakawanda vanoshanyirwa vhiki iri yose. Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura 1 240 000 dziri kuitiswa nguva dzose vanhu vamwe navamwe vanofarira namapoka.

Zvakadiniko neEurope? Urwu rutivi rwenyika runotambanuka kubva kumaodzanyemba kweScandinavia kusvikira kuMediterranean. Kunze kwerutivi rukurusa rwenharaunda yaichimbozivikanwa seSoviet Union, uchapupu hukuru hwakanga hwatopiwa muEurope Hondo Yenyika II isati yatanga. Kubvira panguva iyoyo, zvizvarwa zvitsva zvakura, uye izvozvowo zviri kuratidzwa muMagwaro kuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kutsiva hurumende dzose dzavanhu. (Dhan. 2:44) Kubva muZvapupu zvine zviuru zvishomanene izvo zvakapfuudzira mubato wazvo wokuparidza muganhuriro dzakakomba mukati mehondo, nhamba yevazivisi voUmambo munyika 47 umo mishumo yakabudiswa muna 1992 yakanga yakwira kusvikira ku1 176 259, kubatanidza avo vaiva munzvimbo dzaichimbova rutivi rweU.S.S.R., mose muri muviri muEurope neAsia. Muimwe neimwe yenyika shanu—Britain, France, Germany, Italy, uye Poland—makanga mune Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura zvikuru 100-000. Uye Zvapupu izvozvi zvose zvakanga zvichiitei? Mushumo wazvo wa1992 unoratidza kuti mukati megore iroro, zvakapa maawa anopfuura 230 000 000 kukuparidza pachena, kuita shanyo dzapaimba neimba, uye kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mukuparidza evhangeri kwazvo, izvi Zvapupu hazvina kufuratira kunyange ripabhuriki duku yeSan Marino, nyika dzinotongwa nemachinda dzakadai seAndorra neLiechtenstein, kana kuti Gibraltar. Zvirokwazvo, uchapupu hwakafanotaurwa hwakanga huchipiwa.

Africawo iri kugamuchira uchapupu hukuru. Zvinyorwa zvinoratidza kuti kusvikira muna 1945, mashoko akanaka akanga asvika munyika 28 pakondinendi iyoyo, asi kupupura chaikoiko kushomanene zvikuru kwakanga kwaitwa mudzakawanda zvikurusa dzeidzi nyika. Kubvira panguva iyoyo, zvisinei, zvakawanda zvakaitwa imomo. Pakasvika 1992, makanga mava neZvapupu zvinoshingaira zvine 545 044 mukondinendi yeAfrica, zvichiparidza mashoko akanaka munyika 45. Pakuchengetwa kweChidyo chaShe Chamadekwana gore iroro, pakanga pane 1 834 863 vaivapo. Naizvozvo, wedzero yacho yave isiri inoshamisa bedzi asi bviro yeimwezve wedzero ndeyechienzi!

Mushumo weSouth America hausati uchishamisa zvishomanene. Kunyange zvazvo dzose kunze kweimwe yenyika 13 dzakanga dzasvikwa neshoko reBhaibheri Hondo Yenyika II isati yatanga, panguva iyoyo pakanga pane ungano 29 bedzi mukondinendi yose, uye makanga muchigere kuva nomubato wakarongwa wokuparidza mune dzimwe dzenyika dzacho. Zhinjisa rebasa rokuparidza Umambo ipapo rakanga riri munguva yemberi. Kubvira panguva iyoyo Zvapupu imomo zvakashanda nesimba. Avo vakazorodzwa nemvura youpenyu vanokokera vamwe nomufaro, vachiti: ‘Uya, uye inwa mvura youpenyu pachena.’ (Zvak. 22:17) Muna 1992, makanga mune 683 782 vavabatiri vaJehovha muungano 10-399 muSouth America vachigoverana nomufaro muiri basa. Vamwe vavo vakanga vachiita nhamburiko dzokupinda munharaunda dzakanga dzisina kuva nouchapupu hwakakwana. Vamwe vakanga vachishanya vashanyazve uko uchapupu hwakanga hwatopiwa, kuti vakurudzire vanhu ku“ravira ndokuona kuti Jehovha akanaka.” (Pis. 34:8, NW) Nguva dzose vakanga vachiitisa fundo dzeBhaibheri 905 132 kuti vabetsere vanhu vanofarira kuita nzira dzaJehovha mararamire avo.

Rangarirawo Asia nezvimwe zvitsuwa zvakawanda nemapoka ezvitsuwa kupote nyika yose. Chii chakaitwa imomo? Kusvikira pakuguma kweHondo Yenyika II, dzakawanda dzeidzi nzvimbo dzakanga dzisina kutongosvikwa nekuziviswa kwoUmambo. Asi Jesu Kristu akafanotaura kuti aya mashoko akanaka oUmambo aizoparidzwa “mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14, NW) Mutsinhirano naikoko, mukati mamakumi amakore kubvira paHondo Yenyika II, kuparidzwa kwamashoko akanaka uko kwakanga kwambosvika 76 dzeidzi nyika, zvitsuwa, uye mapoka ezvitsuwa kwakapararira kudzimwe 40 uye kwakawedzerwa munzvimbo dzakasvikwa pakutanga. Muiyi ndima huru, muna 1992 makanga mune Zvapupu zvakazvipira zvinopfuura 627 537 izvo zvakafarira zvikuru kuzivisa “mabasa esimba [aJehovha] nembiri yokuisvonaka kwoumambo hwake.” (Pis. 145:11, 12, NW) Ushumiri hwazvo hwakanga husiri nyore. Mune dzimwe nyika zvaifanira kufamba kwemaawa neigwa kana kuti ndege kuti zvisvike kuzvitsuwa zviri kure zvaiva mundima yavo. Asi mukati ma1992 zvakapa maawa anopfuura 200 000 000 kubasa rokuparidza evhangeri uye zvakaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzenguva dzose 685-211.

Kuzadzikwa kwechipikirwa chokuti ‘muduku aizova chiuru’ zvirokwazvo kwakaitika, uye kwakadaro zvikuru! Muimwe neimwe yenyika dzinopfuura 50 umo makanga musina kunyange ‘muduku’—umo makanga musina mumwe weZvapupu zvaJehovha shure muna 1919, umo vakanga vasina kutongoparidzira napaduku pose—nhasi mune varumbidzi vaJehovha vanopfuura chiuru. Mudzimwe dzeidzi nyika, zvino mune makumi ezviuru, hungu, kunyange kupfuura zviuru zvine zana, eZvapupu zvaJehovha izvo zviri vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari! Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvazova “rudzi rune simba”—zvakawanda munhamba seungano yakabatana yemunyika yose kupfuura nhamba yavagari vemo vemuimwe neimwe yedzinenge nyika 80 dzinozvitonga dzepasi.

Uchapupu Hwakawanda Zvakadini Mu“dzimwe Nyika”?

Dzinobatanidzwa mune dziri pamusoro apa dzose, pakasvika 1992, pakanga pachine “dzimwe nyika 24”—kwadziri Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichiri muganhuriro dzakakomba dzehurumende idzo dzisina mishumo yadzo ine udzame yakabudiswa. Uchapupu hwakawanda hwakaitwa mudzimwe dzeidzi nyika. Bva, munyika dzakati nhamba yeZvapupu yakaganhurirwa zvikuru. Muchingorine vanhu vasina kunzwa shoko roUmambo. Asi Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chokuti uchapupu hunodikanwa huchapiwa. Neiko?

Nemhaka yokuti Magwaro anoratidza kuti Jesu Kristu, ari pachigaro chake choumambo chomudenga, iye amene ari kutarisira basa racho. Munhungamiro yake “ngirozi iri kubhururuka pakati pedenga” yakaronzwa basa rokuzivisa mashoko akanaka asingaperi ndokukurudzira “rudzi rwuri rwose nedzinza nendimi navanhu” ku“ty[a] Mwari ndokumurumbidza.” (Zvak. 14:6, 7, NW) Hakuna simba mudenga kana kuti pasi pano rinogona kudzivisa Jehovha kukwevera kwaari amene avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi.”—Mabasa 13:48; Joh. 6:44.

Hakuna rutivi rwapasi rwuri rwoga kwazvo zvokuti shoko roUmambo harigoni kurusvika. Hama dzokunyama dzinoshanya. Runhare netsamba zvinotakura mashoko. Vezvebhizimisi, vashandi, vadzidzi, uye vashanyi vanoonana navanhu vedzimwe nyika. Somunguva dzapfuura, saizvozvo zvinowo, mashoko anokosha okuti Jehovha akagadza pachigaro choumambo Mambo wake wokudenga uyo ane chiremera pamusoro pamarudzi anopfuurira kuziviswa kupfurikidza neiyi mitoo. Ngirozi dzinogona kuva nechokwadi chokuti avo vane nzara nevane nyota yezvokwadi nokururama vanosvikwa.

Kana kuri kuda kwaShe kuti kumwe kuparidzwa kwakananga kweshoko roUmambo kuitwe mudzimwe nharaunda uko hurumende dzakakudzivisa kusvikira zvino, Mwari anogona kuparira mamirire ezvinhu anoparira hurumende idzodzo kuchinja miitiro yadzo. (Zvir. 21:1) Uye uko mikana ingazarukazve, Zvapupu zvaJehovha zvichazvipa zvimene nomufaro kuti zvione kuti vanhu vari munyika idzodzo vanogamuchira rubatsiro rukuru serunobvira kuti vadzidze nezvechinangwa chorudo chaJehovha. Zvakatsunga kupfuurira kubatira zvisingaregi kusvikira Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu ati basa raitwa!

Muna 1992, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakabatikana kuparidza munyika 229. Pakasvika gore iroro mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akanga asvika munyika 235 nenzira dzakasiyana-siyana. Gumi dzaidzodzi dzakatanga kusvikwa pashure pa1975.

Uchapupu hukuru sei hwakapiwa? Eya, mukati memakore 30 okutanga pashure peHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakapa maawa 4 635 265 939 kukuparidza nokudzidzisa pamusoro pezita raJehovha noUmambo. Zvisinei, neZvapupu zvakawanda nechikamu chikuru zvikuru chazvo chiri mubasa renguva yakazara, mukati memakore 15 akatevera (makore akawanda sehafu chete), maawa 7 858 677-940 akapiwa kukupupura pachena napaimba neimba pamwe chete nokukuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Uye ukuru hwebasa racho hwakapfuurira kuwedzera, sezvavakashuma mamwe maawa 951 870-021 muuyu mubato mukati ma1990/91 uye maawa anopfuura bhiriyoni gore rakatevera racho.

Chitsama chamabhuku eBhaibheri chakaparadzirwa neZvapupu kuti azivise Umambo, pamwe chete nemhatsa yemitauro umo akaitwa kuti ave anowanika, hachiwani chinoenzana nacho mukuedza kupi nokupi kwomunhu. Zvinyorwa zvacho hazvina kukwana; asi mishumo ichiri kuwanika inoratidza kuti mumitauro 294, mabhuku, mabhukwana, mabhurocha, uye magazini 10 107 565 269, pamwe chete nemabhiriyoni asingaverengeki ematurakiti, zvakaiswa mumaoko avanhu vanofarira pakati pamakore a1920 na1992.

Panguva yokunyora kuno, uchapupu hwemunyika yose huchigere kupedzwa. Asi basa rakaitwa uye mamirire ezvinhu umo rakaitwa zvinopa ufakazi hunopwisa hwokushanda kwomudzimu waMwari.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 502]

Kokorodzano huru nomufambiro wechiKristu weidzi nhume zvakakweva ngwariro

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 505]

“Pamusoro pokuva nenhevedzano, kuva norugare, uye rucheno, vatori rutivi vekokorodzano mienzaniso yokutevedzera”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 507]

Kokorodzano dzinokosha munhau dzakaitwa munzvimbo umo Zvapupu kwamakumi amakore zvakanga zviri murambidzo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 508]

Zviuru zvamatani amabhuku eBhaibheri zvakatumirwa kunyika dzeEastern Europe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 509]

Vakuru vakakwaniriswa vakazvipira kutamira kunyika dzaiva nokudikanwa chaiko

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 516]

Chishuvo chavo ndechokusvika vanhu vakawanda savanobvira muimba imwe neimwe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 518]

Kukura kunoshamisa nebviro yekumwezve kukura

[Magirafu/Mifananidzo iri papeji 513]

(Kana unchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Wedzero Yavazivisi voUmambo muMabvazuva

India

10 000

5 000

1950 1960 1970 1980 1992

Republic of Korea

60 000

30 000

1950 1960 1970 1980 1992

Japan

150 000

100 000

50 000

1950 1960 1970 1980 1992

[Mufananidzo uri papeji 503]

Morumbi Stadium, muSão Paulo, Brazil (inoratidzwa pasi apa), uye Maracanã Stadium, muRio de Janeiro, dzakadikanwa panguva imwe cheteyo muna 1985 kugovera nzvimbo mapoka ekokorodzano yeZvapupu zvaJehovha

[Mifananidzo iri papeji 504]

Vamwe vevaida kubhapatidzwa muChorzów, Poland, muna 1989

[Mifananidzo iri papeji 506]

Dzimwe Kokorodzano Dzinokosha Munhau Muna 1991

Prague, Czechoslovakia

Tallinn, Estonia (kurudyi)

Zagreb, Croatia (kurudyi)

Budapest, Hungary (pamusoro)

Baia-Mare, Romania (kurudyi)

Usolye-Sibirskoye, Russia (pasi apa)

Alma-Ata, Kazakhstan (pamusoro apa)

Kiev, Ukraine (kuruboshwe)

[Mifananidzo iri papeji 511]

Kokorodzano yamarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha, muSt. Petersburg, Russia, muna 1992

Mudzimu woushamwari wamarudzi akawanda

Kubva kuRussia

Kubva kuMoldova

Kubva kuUkraine

Vanhu vaduku vakawanda vakanga varipo

M. G. Henschel (kuruboshwe) anokurukura purogiramu naStepan Kozhemba (pakati), neyamuro yomuturikiri

Nhume dzokumwe dzakaunza maBhaibheri echiRussian nokuda kwokushandiswa neZvapupu muRussia mose

[Mifananidzo iri papeji 512]

Muma1980 Chechi yeKaturike yakazivisa hondo paZvapupu, maererano neizvi zvidimbu zvamapepanhau eItaly

[Mufananidzo uri papeji 514]

Apo ngarava dzinomira paRotterdam, Netherlands, Zvapupu zviripo kuti zvitaure navanhu vacho pamusoro poUmambo hwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 515]

Kunyange uko ndima inofukidzwa kazhinji kazhinji, sapano muGuadeloupe, Zvapupu zvinopfuurira kuedza kusvika mwoyo yevavakidzani vazvo namashoko akanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe