RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 22 pp. 444-461
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamburiko Huru Yokusvika Vanhu Vakawanda Namashoko Akanaka
  • Kuzivisa Kwoushingi
  • Kuparidza muEurope Pasinei Zvapo Nechitambudzo Chemunguva Yehondo
  • Kunze kweEurope Mukati Memakore Iwayo Ehondo
  • Boka Guru Rinovamba Kuzviratidzira Rimene muLatin America
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 2—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 22 pp. 444-461

Ganhuro 22

Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi

Mushumo womunyika yose wokuparidzwa kweshoko roUmambo kuvambira muna 1935 kusvikira muna 1945 wakarongwa pamapeji 444 kusvikira ku461. Gore ra1935 rinokosha zvikuru nemhaka yokuti panguva iyoyo vazhinjizhinji zvikuru, kana kuti boka guru, raZvakazarurwa 7:9 rakaziviswa. Pamusoro pokuunganidzwa kweboka iroro, Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kunzwisisa kuti Bhaibheri rakaisa pamberi pazvo basa remwero mikuru zvikuru kupfuura ripi neripi rakanga raritangira. Zvakariita sei apo marudzi akabatanidzwa muHondo Yenyika II uye nyika dzakawanda dzakaisa rambidzo pazviri kana kuti mabhuku azvo eBhaibheri?

SEZVO Zvapupu zvaJehovha zvakagoverana muushumiri hwazvo mukati mema1930, vavariro yazvo yakanga iri yokusvika vanhu vakawanda sevanobvira neshoko roUmambo. Kana vakacherekedza fariro yechienzi, vamwe vavo vaisarara hwakawanda hwousiku vachitsanangura zvokwadi dzeBhaibheri nokupindura mibvunzo kuti vagutse vanhu vane nzara mumudzimu. Asi muzviitiko zvakawanda zvikurusa, Zvapupu zvaingoshandisa sumo pfupi idzo dzakanga dzakagadzirirwa kunyandura fariro yavanasaimba, uye ipapo zvairega mabhuku kana kuti hurukuro dzavose dzeBhaibheri zvichiita zvasara zvose. Razvo rakanga riri basa rokuzivisa vanhu, kudyara mbeu dzezvokwadi yoUmambo.

Nhamburiko Huru Yokusvika Vanhu Vakawanda Namashoko Akanaka

Basa rakaitwa nepfungwa yekurumidziro. Somuenzaniso, pakuvamba muma1930, apo Armando Menazzi, muCórdoba, Argentina, akarava kutsanangurwa kwakajeka kwezvokwadi yeBhaibheri mubhukwana raHell neraWhere Are the Dead?, akaita chiito nenzira yakasimba. (Pis. 145:20; Mup. 9:5; Mabasa 24:15) Asundwa nezvaakadzidza, uye anyandurwa neshingairo yairatidzwa naNicolás Argyrós, akatengesa chitoro chake chokugadzira motokari kuti azvipe amene kukuparidza zvokwadi sapiyona. Ipapo, mukuvamba kwema1940, nekurudziro yake Zvapupu zvomuCórdoba zvakatenga bhazi rekare, zvakaisa mibhedha, uye zvakashandisa iyi motokari kuendesa vaparidzi gumi kana kuti vanopfuura panzendo dzokuparidza idzo dzaipedza vhiki imwe, vhiki mbiri, kana kuti kunyange mwedzi mitatu. Sezvo idzi nzendo dzairongwa, hama dzakasiyana-siyana nehanzvadzi dzomuungano dzaipiwa mukana wokuenda. Mumwe nomumwe muboka aiva nebasa rake rakagoverwa—kuchenesa, kubika, kana kuti kuredza nokuvhima nokuda kwezvokudya. Mumaruwa anenge gumi eArgentina, iri boka rinoshingaira rakaparidza paimba neimba, richifukidza maguta pamwe chete nemisha uye richiita nhamburiko yokusvika kumapurazi akapararira.

Mudzimu wakafanana wakaratidzirwa mumunda weAustralia. Kupupura kwakawanda kwakaitwa mumaguta azere navanhu omumhenderekedzo. Asi Zvapupu imomo zvakaedzawo kusvika vanhu vaigara munharaunda dziri kure. Nokudaro, pana March 31, 1936, kuti vagosvika vanhu munzvimbo dzaichengeterwa makwai nemombe dzakapararira kurumwe rutivi rweruwa, Arthur Willis naBill Newlands vakatanga rwendo rwakavatorera hwerengedzo yemakiromita 19 710. Kwerutivi rukurusa rwerwendo rwavo, kwakanga kusina migwagwa—nzira dzomusango bedzi dzaipfuura nomugwenga risina miti nokupisa kwaro kukuru nechamupupuri. Asi vakapfuurira. Kupi kana kupi uko fariro yakawanwa, vakaridza hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodwa uye vakasiya mabhuku. Pane dzimwe nhambo, John E. (Ted) Sewell akaenda navo; uye ipapo akazvipira kubatira muSoutheast Asia.

Ndima yaitarisirwa nebazu reSosaiti muAustralia yakasvika kure zvikuru kupfuura Australia imene. Yakabatanidza China nemapoka ezvitsuwa nenyika dzaitambanuka kubva kuTahiti kumabvazuva kusvikira kuBurma (zvino yava Myanmar) kumadokero, daro remakiromita 13 700. Mukati menharaunda iyoyo makanga mune nzvimbo dzakadai seHong Kong, Indochina (zvino yava Cambodia, Laos, uye Vietnam), Netherlands East Indies (kubatanidza zvitsuwa zvakadai seSumatra, Java, uye Borneo), New Zealand, Siam (zvino yava Thailand), uye Malaya. Kwakanga kusati kuri kwechienzi kuti mutariri webazu, Alexander MacGillivray, wokuScotland, akokere piyona muduku anoshingaira muhofisi yake, kumuratidza mapu yendima yebazu, uye kubvunza, kuti: ‘Ungada kuva mufundisi here?’ Ipapo, achinongedzera kunharaunda umo kuparidza kushomanene kana kuti pasina kwakanga kwaitwa, aibvunza, kuti: ‘Ungarangarira sei kuzarura basa muiyi ndima?’

Mukati mekuvamba kwema1930, mamwe eaya mapiyona akanga atoita basa rakawanda muNetherlands East Indies (zvino yava Indonesia) neSingapore. Muna 1935, Frank Dewar, wokuNew Zealand, akafamba neboka reaya mapiyona vakakwira Lightbearer kusvikira kuSingapore. Ipapo chinguvana igwa risati raenda kumhenderekedzo yokuchamhembe kwakadziva kumadokera kweMalaya, Captain Eric Ewins, akati: “Eya, Frank, tasvika. Ndipo pano patinogona kukusvitsa. Wakasarudza kuenda kuSiam. Zvino, chienda!” Asi Frank akanga otodokukanganwa nezveSiam. Akanga ave achifarikanya basa rake neboka raiva muigwa. Zvino akanga ava oga.

Akamira muKuala Lumpur kusvikira agona kuunganidza mari yakakwana nokuda kworwendo rwose rwasara, asi, achiri imomo, akapinda mutsaona yezvinofamba mumugwagwa—imwe rori yakamurova ari pabhasikoro rake. Pashure pokunaya, namadhora mashanu chete muhomwe yake, akakwira chitima chaibva kuSingapore chichienda kuBangkok. Asi achitenda kukwanisa kwaJehovha kugovera, akapfuurira nebasa. Claude Goodman akanga aparidzira imomo kwechinguvana muna 1931; asi apo Frank akasvika muna July 1936, makanga musina Zvapupu zvaivamo kuti zvimugamuchire. Mukati memakore mashomanene akatevera, zvisinei, vamwe vakava norutivi mubasa racho—Willy Unglaube, Hans Thomas, uye Kurt Gruber vakabva kuGermany uye Ted Sewell akabva kuAustralia. Vakaparadzira mabhuku akawanda, asi akawanda zvikurusa awo akanga ari muchiNgezi, chiChinese, uye chiJapanese.

Apo tsamba yakatumirwa kudzimbahwe reSosaiti ichitaura kuti hama dzaida mabhuku mumutauro wechiThai asi dzakanga dzisina mushanduri, Hama Rutherford vakapindura, kuti: “Handisi muThailand; imi muri ikoko. Ivai nokutenda muna Jehovha ndokushanda nokushingaira, uye muchawana mushanduri.” Uye vakadaro. Chomchai Inthaphan, aichimbova mukuru mukuru wechikadzi wechikoro chePresbyterian Girls’ School muChiang Mai, akagamuchira zvokwadi, uye pakasvika 1941 akanga achishandurira mabhuku eBhaibheri muchiThai.

Vhiki imwe pashure pokunge Frank Dewar apinda mukuparidza muBangkok, Frank Rice, uyo akanga atanga basa roUmambo paJava (zvino yava rutivi rweIndonesia), akapfuura achienda kumugove mutsva mune yainzi panguva iyoyo French Indochina. Sezvaakanga aita mundima yake yapakuvamba zvikuru, akaparidzira avo vaitaura chiNgezi apo aidzidza mutauro womunzvimbomo. Pashure pokufukidza Saigon (zvino yava Ho Chi Minh City), akadzidzisa zvidzidzo zvechiNgezi kuti agotenga motokari yekare iyo aigona kushandisa kusvika rutivi rwokuchamhembe rwenyika yacho. Itiro hanya yake yakanga isati iri zvakanaka zvokunyama asi fariro dzoUmambo. (VaH. 13:5) Achishandisa motokari yaakatenga, akapupura mumataundi nomumisha nepadzimba dziri dzoga kusvikira kuHanoi.

Kuzivisa Kwoushingi

Kuti vagonyandura kufarira shoko roUmambo uye kungwadza vanhu kukudikanwa kwokuita chiito chakasimba, mitoo inokwezva yakashandiswa neZvapupu munyika dzakawanda. Kutanga muna 1936 muGlasgow, Scotland, Zvapupu zvakazivisa hurukuro dzekokorodzano kupfurikidza nokupfeka zvikwangwani zvamashoko uye kuparadzira mahendibhiri munharaunda dzezvitoro. Makore maviri gare gare, muna 1938, pamusoro pekokorodzano muLondon, England, rumwe rutivi runokatyamadza rwakawedzerwa. Nathan H. Knorr naAlbert D. Schroeder, avo gare gare vakabatira pamwe chete muMutumbi Unodzora, vakatungamirira kufora kweZvapupu zvinodokusvika chiuru zvichipfuura nepakati petaundi reLondon. Munhu mumwe ari wose wevafori vacho akanga akapfeka chikwangwani chemashoko chaizivisa hurukuro yavose yaiti “Tarisana Namaidi,” yaizopiwa naJ. F. Rutherford paRoyal Albert Hall. Avo vaiva pakati vakanga vakatakura zviratidzo mumaoko avo zvairava kuti “Rudzidziso Musungo uye Nyengedzo.” (Panguva iyoyo vainzwisisa rudzidziso kuva kunamata kwose kwakanga kusingatsinhirani neShoko raMwari, Bhaibheri.) Gare gare muvhiki racho, kuti vagoshaisa simba chiito choutsinye chevamwe vevoruzhinji, zviratidzo zvairava kuti “Batira Mwari naKristu Mambo” zvaiparadzaniswa pakati apo neapo nezvapakuvamba zvikuru. Uyu mubato wakanga usiri nyore nokuda kwevakawanda veZvapupu zvaJehovha, asi vakatarira kwauri seimwe nzira yokubatira nayo Jehovha, mumwe muedzo wokuvimbika kwavo kwaari.

Haasati ari munhu ari wose akafadzwa nokuzivisa kwoushingi uko Zvapupu zvaJehovha zvakaita shoko razvo. Vafundisi muAustralia neNew Zealand vakamanikidzira vatarisiri venhepfenyuro yeredhiyo kuti vadzvinyirire kuparidza kwose kwaitsigirwa neZvapupu zvaJehovha. Muna April 1938, apo Hama Rutherford vakanga vachienda kuAustralia kundopa hurukuro yomuredhiyo, vakuru vakuru vehurumende vakazvibvumira vamene kupesvedzerwa kukanzura gadziriro dzakanga dzaitwa dzokuti vashandise Sydney Town Hall nezvishandiso zveredhiyo. Nokukurumidza Sydney Sports Grounds yakahayiwa, somugumisiro wokuzivisa kukuru mashoko akapoteredza kushorwa kweshanyo yaHama Rutherford, boka rakatokura zvikuru rakauya kuzonzwa hurukuro yavo. Pane dzimwe nhambo, apo Zvapupu zvakarambidzwa kushandisa zvishandiso zveredhiyo, zvakadavidza kupfurikidza nokuzivisa zvakanyanya misangano uko hurukuro dzaHama Rutherford dzakaitwazve nechishandiso chokurekodha.

Vafundisi muBelgium vakatumira vana kundotema Zvapupu nematombo, uye vaprista vaitenderera pachavo misha kuti vaunganidze mabhuku akanga aparadzirwa. Asi vamwe vavagari vomumisha vaida zvavakanga vachidzidza kuZvapupu zvaJehovha. Kazhinji kazhinji vaiti: “Ndipei anoverengeka amabhukwana enyu; apo muprista anouya, ndinogona kumupa rimwe kuti ndimugutse ndokuchengeta asara ose kuti ndirave!”

Makore akatevera, zvisinei, akatungamirira kuchishoro chakatosimba zvikuru kuZvapupu zvaJehovha neshoko roUmambo razvaizivisa.

Kuparidza muEurope Pasinei Zvapo Nechitambudzo Chemunguva Yehondo

Nemhaka yokuti zvaisazosiya kutenda kwazvo ndokurega kuparidza, zviuru zveZvapupu zvaJehovha muAustria, Belgium, France, Germany, uye Netherlands zvakaiswa mutorongo kana kuti kutumirwa kumisasa yechibharo yeNazi. Ikoko kubatwa kwoutsinye kwakanga kuri muitiro. Avo vakanga vachigere kuva mutorongo vakapfuudzira ushumiri hwavo nokungwarira. Kazhinji kazhinji vaishanda neBhaibheri chete ndokugovera mamwe mabhuku pakuita shanyo dzedzokerero bedzi pavanhu vanofarira. Kudzivisa kusungwa, Zvapupu zvaishanya pasuo rimwe mufurati ipapo zvichida ndokuenda kune chimwe chivako, kana kuti pashure pokushanya paimba imwe bedzi zvaienda kune mumwe mugwagwa zvisati zvasvika imwe imba. Asi zvakanga zvisingatongotyi kupa uchapupu.

Pana December 12, 1936, mwedzi mishomanene chete pashure pokunge Gestapo yasunga zviuru zveZvapupu nevamwe vanhu vanofarira munhamburiko yomunyika yose yokumisa basa razvo, Zvapupu izvo zvimene zvakaita nhimbe. Nokukurumidza zvikuru zvakaisa makumi ezviuru zvamakopi echisarudzo chakadhindwa mumabhokisi etsamba uye pasi pemasuo avanhu muGermany mose. Izvozvi zvairatidzira kusafarira kubatwa kwoutsinye kwaiitirwa hama dzazvo dzechiKristu nehanzvadzi. Muisingasviki awa pashure pokunge kuparadzira kwavamba, mapurisa akanga achitenderera-tenderera achiedza kubata vaparadziri vacho, asi vakabata vanenge gumi nevaviri bedzi munyika macho mose.

Vakuru vakuru vakakatyamadzwa kuti nhimbe yakadaro yaigona kuitwa pashure pezvose izvo hurumende yeNazi yakanga yaita kudzvinyirira basa racho. Zvakare, vakava vanotya vanhu. Neiko? Nemhaka yokuti apo mapurisa nevamwe vakuru vakuru vaiva neyunifomu vakaenda kumisha ndokubvunza kana vagari vemo vakanga vagamuchira pepa rakadaro, vakawanda zvikurusa vavanhu vakaramba. Kutaura idi, vakawanda zvikurusa vavanhu vakanga vasina. Makopi akanga asvitswa kudzimba mbiri kana kuti nhatu bedzi muchivako chimwe nechimwe. Asi mapurisa haana kuziva izvozvo. Aifungidzira kuti rimwe rakanga rasiyiwa pasuo rimwe nerimwe.

Mukati memwedzi yakatevera, vakuru vakuru veNazi vakaramba zvinonzwika pomero dzakaitwa muchisarudzo ichocho chakadhindwa. Naizvozvo, pana June 20, 1937, Zvapupu zvakanga zvichiri zvakasununguka zvakaparadzira rimwe shoko, tsamba yavose iyo yaisasiya chinhu muudzame hwayo pamusoro pechitambudzo chacho, gwaro raidudza mazita evakuru vakuru uye raidudza misi nenzvimbo. Kukatyamadzwa pakati peGestapo kwakanga kuri kukuru pamusoro pouku kufumura uye pamusoro pemano eZvapupu okuita kuparadzira kwakadaro.

Zvakaitika zvakawanda zvemhuri yaKusserow, yokuBad Lippspringe, Germany, zvakaratidzira kutsunga kumwe cheteko kwokupa uchapupu. Mumwe muenzaniso unobatanidza chakaitika pashure pokunge Wilhelm Kusserow aurawa pachena muMünster nehurumende yeNazi nemhaka yokuramba kwake kubvumiranisa kutenda kwake pane zvisina kufanira. Amai vaWilhelm, Hilda, vakaenda pakarepo kutorongo kwacho uye vakakumbira nokukurumidza mutumbi wacho nokuda kwokuvigwa. Vakati kumhuri yavo: “Tichapa uchapupu hukuru kuvanhu vaimuziva.” Pamariro acho baba vaWilhelm, Franz, vakapa munyengetero wairatidzira kutenda gadziriro dzorudo dzaJehovha. Paguva munun’una waWilhelm Karl-Heinz akataura mashoko enyaradzo kubva muBhaibheri. Nokuda kwaikoku havana kurega kurangwa, asi kwavari chinhu chinokosha chakanga chiri kukudza Jehovha kupfurikidza nokupa uchapupu pamusoro pezita rake noUmambo hwake.

Sezvo dzvinyiriro dzomunguva yehondo dzakawedzera muNetherlands, Zvapupu imomo zvakagadziridza nokuchenjera gadziriro dzazvo dzekusangana. Iyoyi zvino yakanga ichiitwa mumapoka evane gumi kana kuti vasingasviki mumisha yavanhu. Nzvimbo dzokusangana dzaichinjwa kazhinji kazhinji. Chapupu chimwe nechimwe chaipinda bedzi neboka racho chimene, uye hakuna aizivisa kero yefundo, kwete kunyange kushamwari yaivimbwa nayo. Panguva iyoyo munhau, apo vanhu vose vakanga vadzingwa mumisha yavo somugumisiro wehondo, Zvapupu zvaJehovha zvaiziva kuti vanhu vaida nokukurumidza shoko rinonyaradza iro rinowanikwa bedzi muShoko raMwari, uye zvakarigoverana nokusatya navo. Asi tsamba yakabva kuhofisi yebazu yakayeuchidza hama nezvengwariro iyo Jesu akanga aratidzira panhambo dzakasiyana-siyana apo akanangana nevashori. (Mat. 10:16; 22:15-22) Somugumisiro, apo zvaisangana nomunhu airatidza utsinye, zvaicherekedza nokungwarira kero yacho zvokuti ngwariro chaiyo yaigona kuitwa pakushanda ndima iyoyo munguva iri mberi.

MuGreece kutambura kwakapararira kwakawanwa nevoruzhinji mukati mokudzora kweGermany. Kubatwa kwakakomba zvikurusa kwakaitirwa Zvapupu zvaJehovha, zvisinei, kwakauya somugumisiro wokumiririra zvisina kufanira kwoutsinye kwakaitwa navafundisi veGreek Orthodox Church, avo vakaomerera kuti mapurisa nematare vaite chiito kwazviri. Vakawanda veZvapupu vakaiswa mutorongo kana kuti vakadzingwa mumataundi okumusha kwavo ndokuendeswa kumisha iri kure kana kuti kuchengetwa mumamirire ezvinhu outsinye pazvitsuwa zvisingameri chinhu. Kunyange zvakadaro, zvakaramba zvichipupura. (Enzanisa naMabasa 8:1, 4.) Kazhinji kazhinji ikoku kwaiitwa kupfurikidza nokutaura nevanhu mumapaka nomumapindu avose, kupfurikidza nokugara navo pamabhenji uye kuvaudza pamusoro poUmambo hwaMwari. Apo fariro yapachokwadi yaiwanwa, bhuku rinokosha reBhaibheri raikumbidzwa munhu wacho. Bhuku rakadaro raizodzoserwa gare gare ndokushandiswa rashandiswazve. Vadi vezvokwadi vakawanda vakagamuchira nokuonga betsero yaipiwa neZvapupu uye vakatozvikumbanira mukugoverana mashoko akanaka navamwe, kunyange zvazvo ikoku kwakaunza chitambudzo chinorwadza pavari.

Chinhu chinokosha muushingi nokupfuurira kweZvapupu chakanga chiri kuvakwa kwazvo nezvokudya zvomudzimu. Kunyange zvazvo migove yemabhuku okuparadzira kune vamwe pakupedzisira yakava yakaderera zvikuru mune mamwe mativi eEurope mukati mehondo, zvakakwanisa kutenderedza pakati pazvo zvimene mashoko anosimbisa kutenda ayo akanga agadzirwa neSosaiti nokuda kwefundo inoitwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Vachiisa mungozi upenyu hwavo, August Kraft, Peter Gölles, Ludwig Cyranek, Therese Schreiber, uye vamwe vakawanda vakagoverana mukubudisazve nokuparadzira mashoko efundo ayo akapinzwa zvisiri pamutemo muAustria kubva kuCzechoslovakia, Italy, uye Switzerland. MuNetherlands, akanga ari murindi wetorongo ane mutsa akabetsera nokuwanira Arthur Winkler Bhaibheri. Pasinei zvapo nokungwarira kwose kwakaitwa nomuvengi, mvura dzinozorodza dzezvokwadi yeBhaibheri dzomuNharireyomurindi dzakasvika kunyange mumisasa yevasungwa yeGermany ndokutenderera pakati peZvapupu imomo.

Kupfigirwa mumatorongo nemisasa yevasungwa hakuna kuregedzesa Zvapupu zvaJehovha kuva zvapupu. Apo muapostora Pauro akanga ari mutorongo muRoma, iye akanyora, kuti: “Ndiri kutambura zvakaipa kusvikira pakusungwa . . . Kunyange zvakadaro, shoko raMwari harina kusungwa.” (2 Tim. 2:9, NW) Zvimwe chetezvo zvakabvumikisa kuva zvechokwadi muchiitiko cheZvapupu zvaJehovha muEurope mukati meHondo Yenyika II. Varindiri vakacherekedza mufambiro wazvo; vamwe vakabvunza mibvunzo, uye vashomanene vakava vatendi biyazvo, kunyange zvazvo kwakareva kurasikirwa norusununguko rwavo vamene. Vasungwa vakawanda avo vakapfigirwa neZvapupu vakanga vabva kunyika dzakadai seRussia, uko kuparidza kushomanene zvikuru mashoko akanaka kwakanga kwaitwa. Pashure pehondo vamwe vaivava vakadzokera kunyika yokumusha kwavo seZvapupu zvaJehovha, vachidisa kuparadzira shoko roUmambo ikoko.

Chitambudzo choutsinye netapuro yehondo yose zvaisagona kudzivisa kuunganidzirwa kwavanhu kuimba huru yomudzimu yaJehovha kwakafanotaurwa nokuda kwokunamata. (Isa. 2:2-4) Kuvambira muna 1938 kusvikira muna 1945, dzakawanda zvikurusa dzenyika dzeEurope dzakaratidza wedzero huru munhamba yaigoverana pachena mukunamata kwakadaro kupfurikidza nokuzivisa Umambo hwaMwari. MuBritain, Finland, France, uye Switzerland, Zvapupu zvakawana wedzero dzeinenge 100 muzana. MuGreece, makanga mune wedzero inodokusvika kakapetwa nekanomwe. MuNetherlands, kakapetwa kane gumi nembiri. Asi pakasvika mugumo wa1945, udzame hwakanga huchigere kubva kuGermany kana kuti Romania, uye mishumo mipfupi bedzi yakanga yapinda kubva kudzimwe nyika dzakati.

Kunze kweEurope Mukati Memakore Iwayo Ehondo

MuMabvazuvawo, hondo yenyika yakaparira nhamo huru nokuda kweZvapupu zvaJehovha. MuJapan neKorea, zvakasungwa ndokurohwa nokutambudzwa nemhaka yokuti zvaitsigira Umambo hwaMwari uye zvaisazonamata mambo weJapan. Pakupedzisira zvakagurwa mukurukurirano yose neZvapupu mudzimwe nyika. Nokuda kwevakawanda vazvo, mikana bedzi yokupa uchapupu yakanga iri apo zvaibvunzurudzwa kana kuti apo zvaitongwa mudare. Pakasvika mugumo wehondo, ushumiri hwapachena hweZvapupu zvaJehovha muidzi nyika hwakanga hwodokumira.

Apo hondo yakasvika kuPhilippines, Zvapupu zvakabatwa zvisina kufanira nemativi ose ari maviri nemhaka yokuti zvaisatsigira vagari vokuJapan kana kuti zvimwe mauto anodzvinyirira. Kuti zvidzivise kubatwa, Zvapupu zvakawanda zvakasiya misha yazvo. Asi sezvo zvaifamba nzvimbo nenzvimbo, zvaiparidza—zvichikumbidza mabhuku apo kwakanga kune mamwe aiwanika, uye gare gare zvichishandisa Bhaibheri bedzi. Sezvo nzvimbo yairwirwa hondo yakava duku, zvakatogadzira magwa anoverengeka okutakurisa mapoka makuru eZvapupu kuenda kuzvitsuwa uko kwakanga kune uchapupu huduku kana kuti kusina hwakanga hwaitwa.

MuBurma (zvino yava Myanmar), kwakanga kusati kuri kuvhozhokera kwevokuJapan asi dzvinyiriro yakabva kuvafundisi veAnglican, Methodist, Roma Katurike, uye American Baptist yakaiswa pavakuru vakuru vekoroni iyo yakatungamirira kukurambidzwa kwemabhuku eZvapupu zvaJehovha muna May 1941. Zvapupu zviviri zvaishanda muhofisi yokutumira tenigiramu zvakaona tenigiramu iyo yakazvingwadza kune zvakanga zvichiuya, naizvozvo hama dzakakurumidza kubudisa mabhuku munzvimbo yokuchengetera yeSosaiti kuti zvigodzivisa kubvutwa kwawo. Nhamburiko ipapo dzakaitwa dzokutumira akawanda emabhuku acho nepanyika achipinda muChina.

Panguva iyoyo hurumende yeUnited States yakanga ichitakura nemarori zvitsama zvikuru zvezvinhu zvehondo nomuNzira yeBurma kuti itsigire hurumende yeChina yevaNationalist. Hama dzakaedza kuwana nzvimbo muimwe yemarori iwayo asi dzakarambidzwa. Nhamburiko dzokuwana motokari kubva kuSingapore dzakakundikanawo. Zvisinei, apo Mick Engel, uyo akanga achitarisira nzvimbo yokuchengetera zvinhu yeSosaiti yeRangoon (zvino yava Yangon), akasvika mumwe mukuru mukuru weUnited States, akapiwa mvumo yokutakura mabhuku nemarori ehondo.

Kunyange zvakadaro, pashure paikoko apo Fred Paton naHector Oates vakasvika mukuru mukuru anodzora motokari dzinoperekedzwa nedziviriro yehondo dzaipinda muChina ndokukumbira nzvimbo, akatsamwa zvikuru! “Chii?” akadanidzira kudaro. “Ndinogona sei kukupai nzvimbo inokosha mumarori angu nokuda kwamaturakiti enyu asingafadzi apo ndisina nzvimbo chose chose nokuda kwemigove inodiwa nokukurumidza yehondo neyemishonga iri kuora pano iri pachena?” Fred akambomira, akavhura bhegi rake, akamuratidza tsamba yebvumiro, uye akaonesa kuti yaizova nhau yakakomba zvikuru kana akafuratira nhungamiro yakapiwa navakuru vakuru muRangoon. Mudzori wemotokari dzinoperekedzwa nedziviriro yehondo haana bedzi kuronga kutakura matani maviri emabhuku asi akaita kuti rori duku, ine muchairi nemigove, zviwanikwe kuti zvigoshandiswa nehama. Vakananga kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva vachikwira nomunzira yapagomo ine ngozi ndokupinda muChina nezvinhu zvavo zvinokosha. Pashure pokupupura muPao-shan, vakapfuurira kuenda kuChungking (Pahsien). Zviuru zvemabhuku anotaura pamusoro poUmambo hwaJehovha zvakaparadzirwa mukati megore ravakapedzera muChina. Pakati pavamwe vavakapupurira kwavari somunhu oga pakanga paina Chiang Kai-shek, purezidhendi wehurumende yeChina yevaNationalist.

Munguvayo, sezvo kubhomba kwakawedzera muBurma, vose kunze kwavatatu veZvapupu imomo vakabva munyika yacho, vakawanda zvikurusa vavo vachienda kuIndia. Mubato wevatatu vakasara wakanga uri, nokumanikidzirwa, wakaganhurirwa. Bva vakapfuurira kupupura nenzira yamasanga, uye nhamburiko dzavo dzakabereka zvibereko pashure pehondo.

MuNorth Americawo, Zvapupu zvaJehovha zvakanangana nemhinganidzo dzakakomba mukati mehondo. Masimba masimba akapararira emhomho nokushandiswa kwemitemo yomunzvimbomo kunopesana nebumbiro romutemo zvakaunza dzvinyiriro huru pabasa rokuparidza. Zviuru zvakaiswa mutorongo nemhaka yokutora chimiro chazvo savasingatori rutivi vechiKristu. Bva, ikoku hakuna kuderedza ushumiri hwapaimba neimba hweZvapupu. Zvakare, kuvambira muna February 1940, kwakava kwenguva dzose kuzviona mumigwagwa mumataundi zvichigovera Nharireyomurindi neConsolation (zvino yava Mukai!). Shingairo yazvo yakava yakatosimba zvikuru. Kunyange zvazvo zvaipfuura nomune chimwe chitambudzo chakakomba zvikurusa chakanga chati chambowanikwa murutivi irworwo rwenyika, Zvapupu zvakapeta nekanopfuura kaviri munhamba mose muri muviri muUnited States neCanada kuvambira muna 1938 kusvikira kuna 1945, uye nguva iyo zvakapa kuushumiri hwazvo hwapachena yakapetwa nekatatu.

Munyika dzakawanda dzeBritish Commonwealth (muNorth America, Africa, Asia, uye zvitsuwa zveCaribbean nezvePacific) Zvapupu zvaJehovha kana kuti zvimwe mabhuku azvo zvakarambidzwa nehurumende. Imwe yenyika dzakadaro yakanga iri Australia. Chiziviso chehurumende chakabudiswa imomo pana January 17, 1941, munhungamiro yagavhuna mukuru, chakaita kuti kuve kusiri kwapamutemo kuti Zvapupu zvaJehovha zvisangane nokuda kwokunamata, kuparadzira api neapi emabhuku azvo, kana kuti kunyange kuva nawo. Pasi pomutemo kwakanga kuchibvira kudenha rambidzo yacho mudare, uye ikoku kwakaitwa nokukurumidza. Asi kwakapfuura makore maviri VaJustice Starke veDare Rapamusoro vasati vazivisa kuti mirau apo rambidzo dzacho dzakanga dzakavakirwa yakanga iri “yokuzvidira, yekamwe kamwe uye inodzvinyirira.” Dare Rapamusoro rakazara rakabvisa rambidzo yacho. Zvapupu zvaJehovha zvakaitei munguvayo?

Mukutevedzera vaapostora vaJesu Kristu, zvaka‘teerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.’ (Mabasa 4:19, 20; 5:29, NW) Zvakapfuurira kuparidza. Pasinei zvapo nemhinganidzo dzakawanda, zvakatoronga kokorodzano paHargrave Park, pedyo neSydney, December 25-29, 1941. Apo hurumende yakanyima dzimwe nhume chitima chokufambisa, boka rakabva kuWestern Australia rakagadzira motokari dzavo nezvinhu zvaibudisa gasi zvinoshanda nemarasha ndokuvamba rwendo rwenyika yose rwemazuva 14, urwo rwakabatanidza kupedza vhiki imwe vachiyambuka Nullarbor Plain isina tsitsi. Vakasvika zvakanaka ndokufarikanya purogiramu pamwe chete nedzimwe nhume dzine zviuru zvitanhatu. Gore rakatevera rimwe gungano rakaitwa, asi nguva ino rakakamurwa kuva mapoka maduku zvikuru 150 mumaguta makuru manomwe munyika yacho mose, navakurukuri vachibva panzvimbo imwe kuenda kune inotevera.

Sezvo mamirire ezvinhu muEurope akaderera muna 1939, vamwe vashumiri vari mapiyona veZvapupu zvaJehovha vakazvipira kubatira mumimwe minda. (Enzanisa naMateo 10:23; Mabasa 8:4.) Mapiyona matatu okuGermany akatumirwa kubva Switzerland kuenda kuShanghai, China. Vakati kuti vakaenda kuSouth America. Pakati paavo vakatamisirwa kuBrazil pakanga pana Otto Estelmann, uyo akanga ave achishanya nokubetsera ungano dzomuCzechoslovakia, uye Erich Kattner, uyo akanga abatira pahofisi yeWatch Tower Society muPrague. Mugove wavo mutsva wakanga usiri nyore. Vakawana kuti mudzimwe nharaunda dzomumapurazi, Zvapupu zvaimuka mangwanani-ngwanani ndokuparidzira kusvikira 7:00 a.m. uye ipapo kuita rimwe basa romumunda kusvikira mumanheru. Hama Kattner vanoyeuka kuti sezvavaifamba panzvimbo nenzvimbo, kazhinji kazhinji vairara pachena, vachishandisa bhegi ravo remabhuku sepiro.—Enzanisa naMateo 8:20.

Vose vari vaviri Hama Estelmann naHama Kattner vakanga vave vachirondwa nemapurisa epachivande eNazi muEurope. Kutamira kwavo kuBrazil kwakavasunungura pachitambudzo here? Mukupesana, pashure pegore chete, vakazviwana vamene vari mukusungwa kwokuchengetwa pamba kwenguva refu nokuiswa mutorongo pakurudziro yavakuru vakuru avo sezviri pachena vakanga vari vatsigiri veNazi! Chishoro chakabva kuvafundisi veKaturike chakanga chakarovedzekawo, asi Zvapupu zvakapfuurira mubasa razvo rakapiwa naMwari. Nguva dzose zvaiita nhamburiko yokusvika kumaguta nemataundi muBrazil uko shoko roUmambo rakanga richigere kuparidzwa.

Kuhwirudzurwa kwemamirire ezvinhu enyika yose kunoratidza kuti mudzakawanda zvikurusa dzenyika umo Zvapupu zvaJehohva zvaiwanikwa mukati meHondo Yenyika II, zvakanangana nekurambidza kwehurumende sangano razvo kana kuti zvimwe mabhuku azvo. Kunyange zvazvo zvakanga zvave zvichiparidza munyika 117 muna 1938, makore ehondo (1939-45) akaona kurambidzwa kwesangano razvo kana kuti mabhuku, kana kuti kudzingwa munyika kwevashumiri vazvo, mudzinopfuura 60 dzenyika idzodzo. Kunyange uko kwakanga kusina rambidzo, zvakatarisana nemasimba masimba emhomho uye zvaisungwa kazhinji kazhinji. Pasinei zvapo nezvose izvozvi, kuparidzwa kwamashoko akanaka hakuna kumira.

Boka Guru Rinovamba Kuzviratidzira Rimene muLatin America

Mukati chaimo memakore ehondo, muna February 1943, ichironga basa raifanira kuitwa munguva yepashure pehondo, Watch Tower Society yakatanga Chikoro cheGilead muNew York State kuti chirovedze vafundisi nokuda kwebasa rokunyika dzokumwe. Gore risati rapera, 12 vavafundisi ivava vakanga vatovamba kubatira muCuba. Munda imomo wakabvumikisa kuva unobereka zvibereko zvikuru.

Pakuvamba sa1910, dzimwe mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri dzakanga dzasvika muCuba. C. T. Russell akanga apa hurukuro imomo muna 1913. J. F. Rutherford akanga ataura muredhiyo muHavana muna 1932, uye pakava nokuparidzwazve kwemashoko acho muchiSpanish. Asi wedzero yakanga ichinonoka. Makanga mune kusagona kurava nokunyora kwakapararira panguva iyoyo nokufungira mano akaipa kworudzidziso kwakawanda. Fariro yairatidzwa pakutanga yakanga iri zvikurukuru pakati pevanhu vaitaura chiNgezi avo vakanga vabva kuJamaica nedzimwe nzvimbo. Pakasvika 1936 makanga mune vazivisi voUmambo 40 chete muCuba. Asi kusimwa nokudiridzwa kwembeu dzezvokwadi yoUmambo ipapo kwakavamba kubereka zvibereko zvakawanda.

Muna 1934 vokuCuba vokutanga vakanga vabhapatidzwa; vamwe vakatevera. Kutanga muna 1940, kuparidza muredhiyo kwezuva nezuva pamwe chete nokupupura mumugwagwa kwoushingi zvakasimbisa ushumiri hwepaimba neimba imomo. Kunyange vafundisi vakarovedzwa paGilead vasati vasvika muna 1943, makanga mune 950 muCuba vakanga vagamuchira mashoko akanaka uye vakanga vachiaparidza kuvamwe, kunyange zvazvo vaisava vose vavo vakanga vachigoverana nguva dzose. Mukati memakore maviri pashure pokusvika kwevafundisi, nhamba dzakawedzera nokutokurumidza zvikuru. Pakasvika 1945, Zvapupu zvaJehovha muCuba zvakava 1 894. Kunyange zvazvo vakawanda zvikurusa vavo vakanga vabva murudzidziso rwaidzidzisa kuti vatsigiri vose vakatendeka vechechi vaizoenda kudenga, voruzhinjisa vaavo vakava Zvapupu zvaJehovha vakagamuchira nokudisa kariro youpenyu husingagumi pasi pano muparadhiso yakadzorerwa. (Gen. 1:28; 2:15; Pis. 37:9, 29; Zvak. 21:3, 4) Vane 1,4 muzana bedzi vavo vakataura kuti ihama dzakazodzwa nomudzimu dzaKristu.

Mune imwezve nzira, betsero yakagoverwa nokuda kwomunda weLatin America nedzimbahwe renyika reSosaiti. Pakuvamba muna 1944, N. H. Knorr, F. W. Franz, W. E. Van Amburgh, uye M. G. Henschel vakapedza mazuva gumi vari muCuba kuti vasimbise hama imomo mumudzimu. Mukati menguva iyoyo kokorodzano yakaitwa muHavana, uye gadziriro dzekutsinhiraniswa kuri nani kwebasa rokuparidza dzakarongwa. Urwu rwendo rwakaendesawo Hama Knorr naHama Henschel kuCosta Rica, Guatemala, uye Mexico kundobatsira Zvapupu zvaJehovha munyika idzodzo.

Muna 1945 na1946, N. H. Knorr naF. W. Franz vakaita nzendo dzakavagonesa kutaura nokushanda neZvapupu munyika 24 munharaunda yacho kubva kuMexico kusvikira kumugumo wokumaodzanyemba weSouth America pamwe chete nomuCaribbean. Vakapedzera pachavo mwedzi mishanu murutivi irworwo rwenyika, vachigovera betsero yorudo nenhungamiro. Mudzimwe nzvimbo vaisangana nevanhu vanofarira vashomanene chete. Kuti pagova negadziriro dzenguva dzose dzemisangano nebasa romumunda, vakabatsira pachavo nokuronga ungano dzokutanga muLima, Peru, uye Caracas, Venezuela. Kupi nokupi uko misangano yeungano yakanga ichitoitwa, vaipinda iyoyi uye, panhambo nenhambo, vaigovera zano pamusoro penzira yokunatsa nayo ukoshi hwayo hunoshanda pamusoro pebasa rokuparidza evhangeri.

Pakwaibvira, gadziriro dzakaitwa no- kuda kwehurukuro dzeBhaibheri dzavose mukati meidzi shanyo. Hurukuro dzacho dzaiziviswa zvikuru kupfurikidza nokushandiswa kwezvikwangwani zvemashoko zvaipfekwa neZvapupu uye kupfurikidza namahendibhiri aiparadzirwa mumigwagwa. Somugumisiro, Zvapupu 394 muBrazil zvakafadzwa kuva ne765 pakokorodzano yazvo muSão Paulo. MuChile, umo makanga mune vazivisi voUmambo 83, 340 vakauya kuzonzwa hurukuro yakaziviswa zvikuru. MuCosta Rica Zvapupu zvomunzvimbomo 253 zvakafadzwa kuva nehwerengedzo ye849 pamagungano azvo maviri. Idzodzi dzakanga dziri nhambo dzoruwadzano rwoushamwari pakati pehama dzacho.

Chinangwa chacho, zvisinei, chakanga chisati chiriwo zvacho chokuva nekokorodzano dzisingakanganwiki. Mukati meidzi nzendo vamiriri vaibva kudzimbahwe vakaisa simbiso chaiyo paukoshi hwokuita shanyo dzedzokerero pavanhu vanofarira nokuvaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Kana vanhu vaizova vadzidzi chaivoivo, vaida murayiridzo wenguva dzose unobva muShoko raMwari. Somugumisiro, nhamba yefundo dzeBhaibheri dzapamusha yakawedzera nokukurumidza zvikuru muurwu rutivi rwenyika.

Apo Hama Knorr naHama Franz vakanga vachiita idzi nzendo dzebasa, vafundisi vakawanda vakarovedzwa paGilead vakanga vachisvika mumigove yavo. Pakasvika mugumo wa1944, vamwe vakanga vachibatira muCosta Rica, Mexico, uye Puerto Rico. Muna 1945, vamwe vafundisi vakanga vachibetsera kuita kuti basa rokuparidza rigorongwa zviri nani muBarbados, Brazil, British Honduras (zvino yava Belize), Chile, Colombia, El Salvador, Guatemala, Haiti, Jamaica, Nicaragua, Panama, uye Uruguay. Apo vafundisi vaviri vokutanga vakasvika muDominican Republic muna 1945, vakanga vari Zvapupu bedzi munyika yacho. Tapuro youshumiri hwavafundisi vapakuvamba yakakurumidza kunzwika. Trinidad Paniagua akati pamusoro pavafundisi vokutanga vakatumirwa kuGuatemala: “Izvi ndizvo chaizvo zvatakanga tichida—vadzidzisi veShoko raMwari avo vaizotibetsera kunzwisisa maitirwe ebasa racho.”

Naizvozvo hwaro hwakanga huchivanzarikwa nokuda kwokukura murutivi rwuno rwomunda wenyika. Pazvitsuwa zveCaribbean, pakanga pane vazivisi voUmambo 3 394 pakasvika mugumo wa1945. MuMexico, makanga mune 3 276, uye vamwe 404 muCentral America. MuSouth America, 1 042. Nokuda kwourwu rutivi rwenyika, iyoyo inomirira wedzero ye386 muzana mukati memakore manomwe akapfuura, nhambo yaiva nenyongano zvikuru yenhau yevanhu. Asi akanga achingova mavambo chete. Kukura kwemwero mikuru kwakanga kuchiri mberi! Bhaibheri rakanga rafanotaura kuti “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose nendudzi namadzinza nendimi” raizounganidzwa savanamati vaJehovha dambudziko guru risati rasvika.—Zvak. 7:9, 10, 14, NW.

Apo Hondo Yenyika II yakavamba muna 1939, makanga mune Zvapupu zvaJehovha 72 475 chete zvaiparidza munyika 115 (kana dzikaverengwa maererano nekukamurwa kwenyika kwema1990 apakuvamba). Pasinei zvapo nechitambudzo chikuru chazvakawana pamwero wenyika yose, zvakapeta nekanopfuura kaviri munhamba pakasvika mugumo wehondo. Nokudaro, mushumo wa1945 wakaratidza Zvapupu 156- 299 zvaishingaira munyika 107 umo kwakabvira kuunganidza mishumo yacho. Pakasvika nguva iyoyo, zvisinei, nyika 163 dzakanga dzasvikwa chaizvoizvo neshoko roUmambo.

Uchapupu hwakapiwa mukati memakore kuvambira muna 1936 kusvikira kuna 1945 hwakanga huchishamisa zvirokwazvo. Mukati memakore gumi iwayo enhamo yenyika, izvi Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha zvakapa hwerengedzo yemaawa 212 069 285 kukuzivisa kunyika kuti Umambo hwaMwari ndihwo bedzi tariro yorudzi rwomunhu. Zvakaparadzirawo mabhuku, mabhukwana, uye magazini 343 054 579 kubetsera vanhu kunzwisisa hwaro hwapaMagwaro hwechivimbo ichocho. Kubetsera vanhu vanofarira zvechokwadi, muna 1945 zvakanga zvichiitisa, paavhareji, fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena 104 814.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 455]

Kunyange zvazvo mamirire ezvinhu omunguva yehondo akavamanikidzira kutiza, vakaramba vachiparidza

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 451-453]

Vakaramba Kurega Kupupura Kunyange Zvazvo Vakaiswa Mutorongo

Vanoratidzwa pano vashomanene bedzi vezviuru zvakatambura nokuda kwokutenda kwavo mumatorongo nemisasa yevasungwa mukati meHondo Yenyika II

1. Adrian Thompson, New Zealand. Akaiswa mutorongo muna 1941 muAustralia; kumbiriso yake nokuda kwokuhesvurwa pakudanirwa kubasa rehondo yakarambwa apo Australia yakarambidza Zvapupu zvaJehovha. Pashure pokusunungurwa kwake, somutariri anofambira, iye akasimbisa ungano muushumiri hwadzo hwapachena. Akabatira somufundisi nomutariri anofambira wokutanga muJapan yapashure pehondo; akapfuurira kuparidza nokushingaira kusvikira kurufu rwake muna 1976.

2. Alois Moser, Austria. Mumatorongo manomwe nemisasa yevasungwa. Akanga achiri Chapupu chinoshingaira muna 1992 pamakore 92 ezera. 3. Franz Wohlfahrt, Austria. Kuurawa kwababa vake nomunun’una wake hakuna kudzivisa Franz. Akachengetwa muRollwald Camp muGermany kwemakore mashanu. Akanga achiri kupupura muna 1992 pamakore 70 ezera.

4. Thomas Jones, Canada. Akaiswa mutorongo muna 1944, ipapo akachengetwa mumisasa miviri yebasa. Pashure pamakore 34 ebasa renguva yakazara, akagadzwa muna 1977 kuva mutezo weDare reBazu rinotarisira basa rokuparidza muCanada yose.

5. Maria Hombach, Germany. Akasungwa asungwazve; akapfigirwa make ari oga kwamakore matatu nehafu. Senhume, akaisa upenyu hwake mungozi kuti aendese mabhuku eBhaibheri kuZvapupu biyake. Muna 1992, aiva mutezo wakatendeka wemhuri yeBheteri pamakore 90 ezera. 6. Max naKonrad Franke, Germany. Baba nomwanakomana, vose vari vaviri vakaiswa vaiswazve mutorongo, uye kwamakore mazhinji. (Mudzimai waKonrad, Gertrud, akanga ariwo mutorongo.) Vose vakaramba vari vabatiri vakavimbika, vanoshingaira vaJehovha, uye Konrad akanga achitungamirira kuvakazve basa rokuparidza reZvapupu muGermany yapashure pehondo.

7. A. Pryce Hughes, England. Akatongerwa nhambo mbiri paWormwood Scrubs, London; akanga aiswawo mutorongo nemhaka yokutenda kwake mukati meHondo Yenyika I. Achitungamirira basa rokuparidza Umambo muBritain kusvikira kurufu rwake muna 1978.

8. Adolphe naEmma Arnold nomwanasikana Simone, France. Pashure pokunge Adolphe aiswa mutorongo, Emma naSimone vakapfuurira kupupura, uyewo kuparadzira mabhuku kuzvimwe Zvapupu. Emma, apo akanga ari mutorongo, akapfigirwa ari oga nokuda kwokupfuurira kupupura kune vamwe vasungwa. Simone akaendeswa kuchikoro chokurangwa kwavapari mhaka vaduku. Vose vakapfuurira kuva Zvapupu zvinoshingaira.

9. Ernst naHildegard Seliger, Germany. Pakati pavo, anopfuura makore 40 mumatorongo nemisasa yevasungwa nokuda kwokutenda kwavo. Kunyange mutorongo vakapfuurira kugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navamwe. Apo vakanga vakasununguka vaipa nguva yavo yakazara kukuparidza mashoko akanaka. Hama Seliger vakafa vari mubatiri akavimbika waMwari muna 1985; Hanzvadzi Seliger, muna 1992.

10. Carl Johnson, United States. Makore maviri pashure porubhapatidzo, akaiswa mutorongo nemazana ezvimwe Zvapupu paAshland, Kentucky. Akabatira sapiyona uye somutariri wedunhu; muna 1992, akanga achiri kutungamirira muushumiri hwomumunda somukuru.

11. August Peters, Germany. Akabvutwa kumudzimai wake nevana vana, akaiswa mutorongo muna 1936-37, uyewo 1937-45. Pashure pokubudiswa, panzvimbo pokuita kuparidza kushomanene, akaita kuzhinji, mubasa renguva yakazara. Muna 1992, pamakore 99 ezera, akanga achiri kubatira somutezo wemhuri yeBheteri uye akanga aona nhamba yeZvapupu zvaJehovha muGermany ichikura kusvikira ku163 095.

12. Gertrud Ott, Germany. Akaiswa mutorongo paLodz, Poland, ipapo musasa wevasungwa weAuschwitz; tevere muGross-Rosen neBergen-Belsen muGermany. Pashure pehondo akabatira nokushingaira somufundisi muIndonesia, Iran, uye Luxembourg.

13. Katsuo Miura, Japan. Makore manomwe pashure pokusungwa kwake nokuiswa mutorongo muHiroshima, rutivi rukuru rwetorongo umo akanga akapfigirwa rwakaparadzwa nebhomba reatomu iro rakaparadza guta racho. Zvisinei, vanachiremba havana kuwana ufakazi hwokuti akakuvadzwa nemwaranzi. Akashandisa makore okupedzisira oupenyu hwake sapiyona.

14. Martin naGertrud Poetzinger, Germany. Mwedzi mishomanene pashure peroorano, vakasungwa uye vakaparadzaniswa nechisimba kwamakore mapfumbamwe. Martin akaendeswa kuDachau neMauthausen; Gertrud, kuRavensbrück. Pasinei hapo nokubatwa kwoutsinye, kutenda kwavo hakuna kuzununguka. Pashure pokubudiswa vakapa nhamburiko dzavo dzose kubasa raJehovha. Kwamakore 29 iye akabatira somutariri anofambira muGermany mose; ipapo, somutezo woMutumbi Unodzora kusvikira kurufu rwake muna 1988. Muna 1992, Gertrud akapfuurira kuva muparidzi weevhangeri anoshingaira.

15. Jizo naMatsue Ishii, Japan. Pashure pokuparadzira mabhuku eBhaibheri muJapan mose kwemakore gumi, vakaiswa mutorongo. Kunyange zvazvo basa reZvapupu zvaJehovha muJapan rakaparadzwa mukati mehondo, Hama naHanzvadzi Ishii vakapupura nokushingaira zvakare pashure pehondo. Pakasvika 1992, Matsue Ishii akanga aona nhamba yeZvapupu zvinoshingaira muJapan ichiwedzera kusvikira kuvanopfuura 171 000.

16. Victor Bruch, Luxembourg. Akaiswa mutorongo muBuchenwald, Lublin, Auschwitz, uye Ravensbrück. Pamakore 90 ezera, achiri anoshingaira somukuru weZvapupu zvaJehovha.

17. Karl Schurstein, Germany. Mutariri anofambira Hitler asati ava kutonga. Akapfigirwa mutorongo kwemakore masere, ipapo akaurawa neSS muDachau muna 1944. Kunyange mukati momusasa, akapfuurira kuvaka vamwe mumudzimu.

18. Kim Bong-nyu, Korea. Akapfigirwa mutorongo kwemakore matanhatu. Pamakore 72 ezera, achiri kuudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari.

19. Pamfil Albu, Romania. Pashure pokubatwa zvisina kufanira nenzira youtsinye, akatumirwa kumusasa wechibharo muYugoslavia kwemakore maviri nehafu. Pashure pehondo akaiswa mutorongo kamwe kaviri, kwamamwe makore 12. Haana kurega kutaura pamusoro pechinangwa chaMwari. Asati afa akabetsera zviuru muRomania kubatira nesangano renyika yose reZvapupu zvaJehovha.

20. Wilhelm Scheider, Poland. Mumisasa yevasungwa yeNazi muna 1939-45. Mumatorongo echiCommunist 1950-56, uyewo 1960-64. Kutozosvikira rufu rwake muna 1971, akapa nenzira isingazununguki masimba ake kukuziviswa kwoUmambo hwaMwari.

21. Harald naElsa Abt, Poland. Mukati uye pashure pehondo, Harald akapedzera makore 14 mutorongo nemisasa yevasungwa nemhaka yokutenda kwake asi akapfuurira kuparidza kunyange imomo. Elsa akabvutwa kumwanasikana wavo mucheche uye ipapo akachengetwa mumisasa mitanhatu muPoland, Germany, uye Austria. Pasinei hapo nerambidzo yemakore 40 paZvapupu zvaJehovha muPoland kunyange pashure pehondo, vose zvavo zvakapfuurira kuva vabatiri vanoshingaira vaJehovha.

22. Ádám Szinger, Hungary. Mukati mokutongwa kutanhatu kwomudare, akatongerwa makore 23, ayo akabatira makore 8 1/2 ari mutorongo nemisasa yechibharo. Apo akanga asununguka, akabatira somutariri anofambira kwehwerengedzo yemakore 30. Pamakore 69 ezera, achiri mukuru weungano akavimbika.

23. Joseph Dos Santos, Philippines. Akanga apa makore 12 somuzivisi wenguva yakazara weshoko roUmambo asati aiswa mutorongo muna 1942. Akamutsidzira mubato weZvapupu zvaJehovha muPhilippines pashure pehondo uye akapfuurira somunhu oga mubasa roupiyona kutozosvikira kurufu rwake muna 1983.

24. Rudolph Sunal, United States. Akaiswa mutorongo paMill Point, West Virginia. Pashure pokusunungurwa akapa nguva yakazara kukuparadzira zivo yoUmambo hwaMwari—sapiyona, mutezo wemhuri yeBheteri, uye mutariri wedunhu. Akanga achiri kupayona muna 1992, pamakore 78 ezera.

25. Martin Magyarosi, Romania. Achibva mutorongo, 1942-44, akapfuurira kupa nhungamiro nokuda kwokuparidzwa kwamashoko akanaka muTransylvania. Apo akasunungurwa akafamba zvikuru kundokurudzira Zvapupu biyake mukuparidza kwazvo uye iye amene akanga ari Chapupu chisingatyi. Akaiswazve mutorongo muna 1950, akafira mumusasa wechibharo muna 1953, mubatiri akavimbika waJehovha.

26. R. Arthur Winkler, Germany neNetherlands. Akatanga kutumirwa kumusasa wevasungwa weEsterwegen; akaramba achiparidza mumusasa wacho. Gare gare, muNetherlands, akarohwa neGestapo kutozosvikira asingachazivikanwi. Pakupedzisira akatumirwa kuSachsenhausen. Chapupu chakavimbika, chinoshingaira kutozosvikira kurufu rwake muna 1972.

27. Park Ock-hi, Korea. Makore matatu ari muSodaemun Prison, Seoul; akapinzwa muchitambudzo chisingarondedzereki. Pamakore 91 ezera, muna 1992, akanga achiri kupupura nokushingaira, sapiyona chaiye.

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 446]

Alexander MacGillivray, somutariri webazu reAustralia, akabetsera kuronga nzendo dzokuparidza kuenda kunyika zhinji nezvitsuwa

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

AUSTRALIA

NEW ZEALAND

TAHITI

TONGA

FIJI

NEW GUINEA

JAVA

BORNEO

SUMATRA

BURMA

HONG KONG

MALAYA

SINGAPORE

SIAM

INDOCHINA

CHINA

PACIFIC OCEAN

Mazita Enzvimbo Ndiwo Ayo Akanga Achishanda Mukati mema1930

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 460]

Pakasvika kupera kwa1945, vafundisi vakabva kuChikoro cheGilead vakanga vatotanga kuita basa munyika 18 muurwu rutivi rwenyika

Charles naLorene Eisenhower

Cuba

John naAdda Parker

Guatemala

Emil Van Daalen

Puerto Rico

Olaf Olson

Colombia

Don Burt

Costa Rica

Gladys Wilson

El Salvador

Hazel Burford

Panama

Louise Stubbs

Chile

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

BARBADOS

BELIZE

BOLIVIA

BRAZIL

CHILE

COLOMBIA

COSTA RICA

CUBA

DOMINICAN REPUBLIC

EL SALVADOR

GUATEMALA

HAITI

JAMAICA

MEXICO

NICARAGUA

PANAMA

PUERTO RICO

URUGUAY

[Mufananidzo uri papeji 444]

Mamwe ma“colporteur” akagovera makatoni akawanda emabhuku; vanasaimba vakagamuchira mharidzo dzeBhaibheri dzakawanda mubhuku rimwe nerimwe

[Mufananidzo uri papeji 445]

Armando Menazzi (ari pakati pamberi) neboka rinofara iro rakafamba naye parwendo rwokundoparidza mu“musha [wavo] wemapiyona une mavhiri”

[Mufananidzo uri papeji 445]

Arthur Willis, Ted Sewell, uye Bill Newlands—vatatu avo vakaendesa shoko roUmambo kumaruwa eAustralia

[Mufananidzo uri papeji 447]

Frank Dewar (anoratidzwa pano nomudzimai wake navanasikana vavo vaviri) akaenda kuThailand sapiyona ari oga muna 1936 uye akanga achiri piyona chaiye muna 1992

[Mufananidzo uri papeji 447]

Chomchai Inthaphan akashandisa mano ake somushanduri kusvika vanhu veThailand nemashoko akanaka anowanwa muBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 448]

MuGermany, Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira zvikuru pachena iyi tsamba yavose muna 1937, kunyange zvazvo kunamata kwazvo kwakanga kwakarambidzwa nehurumende

[Mufananidzo uri papeji 449]

Mhuri yaFranz naHilda Kusserow—ari wose wavo Chapupu chakatendeka chaJehovha, kunyange zvazvo vose mumhuri (kunze kwomwanakomana akanga afa mutsaona) vakaiswa mumisasa yevasungwa, matorongo, kana kuti zvikoro zvokuranga nemhaka yokutenda kwavo

[Mifananidzo iri papeji 450]

Vamwe muAustria neGermany avo vakaisa upenyu hwavo mungozi kuti vagoita makopi echipiri kana kuti kuparadzira mashoko anokosha efundo yeBhaibheri, akadai seayo anoratidzwa necheseri

Therese Schreiber

Peter Gölles

Elfriede Löhr

Albert Wandres

August Kraft

Ilse Unterdörfer

[Mufananidzo uri papeji 454]

Zvapupu pakokorodzano muShanghai, China, muna 1936; vapfumbamwe veiri boka vakabhapatidzwa panhambo iyoyo

[Mufananidzo uri papeji 456]

Pasinei zvapo nekurambidzwa kwokunamata kwazvo, izvi Zvapupu zvakaita kokorodzano paHargrave Park, pedyo neSydney, Australia, muna 1941

[Mufananidzo uri papeji 458]

Zvapupu zvomuCuba pakokorodzano muCienfuegos muna 1939

[Mufananidzo uri papeji 459]

N. H. Knorr (kuruboshwe) pakokorodzano yeSão Paulo muna 1945, naErich Kattner somuturikiri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe