Ganhuro 18
Tinodikanirwa Kuita Kuzvipira Kwoumwari Pamusha
1. (a) Pashure pokudzidza mipimo yaJehovha yeroorano, ko vanhu vazhinji vakaita chinjoi? (b) Asika ndizvimwei zvinobatanidzwa muupenyu hwemhuri yechiKristu?
PAKATI pezvokwadi dzinofadza dzatakadzidza mukufunda kwedu Bhaibheri kwapakuvamba paiva neidzo dzinotsanangura roorano noupenyu hwemhuri. Takasvika pakuziva Jehovha somuvambi weroorano ndokuona kuti muBhaibheri iye akanga agovera nhungamiro yakaisvonakisisa zvikuru nokuda kwemhuri. Somuuyo wenhungamiro iyeyo, vanhu vazhinji nomutoo unoremekedzwa vakasia upenyu hwoutere hwevatano nokudaro vakanyoresa nomutoo wakafanira roorano yavo. Asika kuupenyu hwemhuri yechiKristu kune zvizhinji kwazvo zvinopfuura izvozvo. Kunobatanidzawo chimiro chedu chendangariro pamsoro pouchigarire hwomubatanidzwa weroorano, kuzadzika kwemitoro yedu mumhuri, namabatire atinoita nemimwe mitezo yemhuri.—VaEf. 5:33–6:4.
2. (a) Ko munhu ari wose anoshandisa pamusha zvaanoziva muBhaibheri here? (b) Ko Jesu naPauro vakasimbisa sei kukosha kwokuita kudaro?
2 Mamirioni avanhu anoziva icho Bhaibheri rinoreva pamsoro penhau idzi. Asika pakunangana nezvinetso mumusha wavo vamene, ivo havachishandisi. Zvakadiniko nesu timene? Zvamazvirokwazvo hapana nomumwe wedu anoda kuva akafanana naavo Jesu akashurikidza nokuti vakadarika murairo waMwari waiita kuti vana vakudze vabereki vavo kupfurikidza nokurangarira kuti kuedzesera kwokuzvipira kworudzidziso kwakanga kwakaringanira. (Mat. 15:4-9) Hatizati tichida kuva vanhu vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vanokundikana kuchiita “mumusha mavo vamene.” Panzvimbo pezvo, isu tinofanira kuratidzira kuzvipira kwechokwadi kwoumwari, uko kuri “mutoo wemhindu huru.”—1 Tim. 5:4; 6:6; 2 Tim. 3:5.
Ko Roorano Ichagara Kusvikira Rini?
3. (a) Chii chiri kuitika kuroorano zhinji, asi chii chinofanira kuva kurunda kwedu? (b) Shandisa Bhaibheri rako kupindura mibvunzo yakarongwa pamusoro apa pamsoro pouchigarire hweroorano.
3 Kupfurikidza nohuzhinji hunowedzera, zvisungo zveroorano zviri kubvumikisa kuva zvinoputsika zvikuru. Vamwe vakwanyina vave vari pamwe chete kwamakore 20, 30 kana kuti 40 zvino vosarudza havo kutanga “upenyu hutsva” nomumwe munhuwo zvake. Uyewo hakuzati kuchasitongovazve kwechienzi kunzwa kuti vanyakuroorana vechiduku vakaparadzana pashure pemwedzi mishomanene bedzi yeroorano. Pasinei zvapo nezviri kuita vamwe, savanamati vaJehovha tinofanira kuva nechishuvo chokufadza Mwari. Ko Shoko rake rinotii pamsoro paikoku?
Apo murume nomukadzi vanoroorana, ko ivo vanofanira kukarira kugara pamwe chete kusvikira rini? (VaR. 7:2, 3; Marko 10:6-9)
Ndechipi chiri chikonzero bedzi chokuchatanura chiri chinoshanda pamberi paMwari? (Mat. 19:3-9; 5:31, 32)
Ko Jehovha anorangarira zvakasimba sei kuchatanura kusingabvumirwi neShoko rake? (Mar. 2:13-16)
Ko Bhaibheri rinoreverera kuparadzana somutoo wokugadzikisa nawo zvinetso zveroorano here? (1 VaK. 7:10-13)
4. Pasinei hapo nekombamiro yazvino uno, neiko dzimwe roorano dzichigara?
4 Neiko dzimwe roorano dzichigara, kunyange dzimwe—kunyange pakati pavanokambira kuva maKristu—dziri kuputsika? Kumirira kuroorana kutozosvikira vakwanyina vose vari vaviri vakura kunowanzova chikonzero chikuru. Kuwana mukwanyina anogovera fariro dzake uye uyo munhu angagona kukurukura naye mhaka pamhene kunokoshawo. Asika chinokosha zvikuru ndiko kuva kwake munhu anoita kuzvipira kwoumwari chaikoiko. Kana munhu achida zvomenemene Jehovha uye achipwiswa kuti nzira Dzake dzakarurama, ipapo pachava nechikonzero chakanaka chokubata nezvinetso zvinomuka. (Pis. 119:97, 104; Zvir. 22:19) Roorano yomunhu akadaro haizati ichizosekeswa nechimiro chendangariro chokuti, kana ikasabudirira, iye nguva dzose anogona kuparadzana kana kuti kuchatanura. Iye haazati achizoomerera pazvikanganiso zvomukwanyina wake sepembedzo yokudzivisa mitoro yake amene. Panzvimbo pakwo, iye achadzidza kubvuma zvinetso zvoupenyu ndokuwana gadzikiso dzinoshanda.
5. (a) Ko kuvimbika kuna Jehovha kunobatanidzwa sei? (b) Kunyange kana chitambudzo chakakomba chikananganwa nacho, ibetseroi dzinogona kubva mukubatisisa mipimo yaJehovha?
5 Tinosanoziva kuti Dhiabhorosi akavavarira kuti patinonangana nechitambudzo chomunhu mumwe nomumwe tichafuratira nzira dzaJehovha uye tichataura kuti kuri nani zvikuru kuzvisarudzira isu timene chiri chakanaka nechiri chakashata. Asi vanhu vakavimbika kuna Jehovha havana kudaro. (Jobho 2:4, 5; Zvir. 27:11) Voruzhinjisa zvikuru veZvapupu zvaJehovha vakatambudzwa navakwanyina vasingadaviri havana kurega mhiko dzavo dzeroorano. (Mat. 5:37) Vamwe, pashure penhambo yakati kuti yamakore, vakatova nomufaro wokuva vakakumbanirwa navakwanyina vavo mukubatira Jehovha. (1 VaK. 7:16; 1 Pet. 3:1, 2) Kana vari vamwe, vana vakwanyina vasingaratidziri zviratidzo zvokuchinja kana kuti vana vakwanyina vakavasia nemhaka yokuti vakabatisisa pakutenda kwavo—ivavawo vanoziva kuti vakakomborerwa zvikurukuru kupfurikidza nokuomerera kumipimo yaJehovha. Nenzirayiko? Migariro yavo yakavadzidzisa kuswedera pedyo zvikuru naJehovha. Vakadzidza kuratidzira mavara oumwari kunyange mukuvengwa. Ndivanhu avo upenyu hwavo hunopa hufakazi hwesimba rokuzvipira kwoumwari.—Pis. 55:22; Jak. 1:2-4; 2 Pet. 1:5, 6.
Mumwe Nomumwe Anoita Rutivi Rwake
6. Kuva neroorano inobudirira, igadziriroi inofanira kuremekedzwa?
6 Chokwadika, zvinopfuura kungogara pamwe chete zvinodikanwa nokuda kwokuva neroorano inobudirira zvomenemene. Chinodikanwa chikuru ruremekedzo kumutezo mumwe nomumwe wemhuri nokuda kwegadziriro yaJehovha youmusoro. Ikoku kunobetsera kunhevedzano yakanaka nokunzwa kwokuchengeteka mumusha.—1 VaK. 11:3; Tito 2:4, 5; Zvir. 1:8, 9; 31:10, 28.
7. Ko umusoro hunofanira kushandiswa sei mumhuri?
7 Ko umusoro ihwohwo hunofanira kushandiswa sei? Nomutoo unoratidzira mavara aJesu Kristu. Jesu akatsiga mukutsigira nzira dzaJehovha; anoda kururama uye anovenga kusateerera mutemo. (VaH. 1:8, 9) Iye anoda zvikurukuru ungano yake, anoigovera nhungamiro inodikanwa achiitarisira. Iye haazati achidada uye ari asingarangariri asi, panzvimbo pakwo, “munyoro naanozvininipisa mumwoyo,” uye avo vanova pasi paumusoro hwake ‘vanonyevenutswa nokuda kwemweya yavo.’ (Mat. 11:28, 29; VaEf. 5:25-33) Apo murume uye baba vanobata neimba yavo nomutoo iwoyo, kwakajeka kuti ivo vanozviisa vamene pasi paKristu, uyo wakagadza muenzaniso wakakwana mukuzvipira kwoumwari. Vanamai vechiKristu, chokwadika, vanofanira kuratidzira mavara mamwe chetewo iwawo mukubata navana vavo.
8. (a) Mune mimwe misha, neiko kungaratidzika kuti mitoo yechiKristu haiwani miuyo inoshuviwa? (b) Chii chatinofanira kuita kana tikanangana nomugariro wakadaro?
8 Zvisinei, nokuda kwokusakwana kwohunhu, zvinetso zvingamuka. Mwero wakati kuti wokushatirirwa nhungamiro inobva kuna vamwe ungave wakaroverereka zvikuru kuna vamwe munhu upi noupi mumhuriyo asati avamba kushandisa nheyo dzeBhaibheri. Kumbiro yomutsa nomutoo worudo zvingasaratidzira kuva zvinowana miuyo. Tinoziva kuti Bhaibheri rinoreva kubvisa “kutsamwa nehasha nokupopota nomutauro wakashata.” (VaEf. 4:31) Asika kana vamwe vanhu vasingaratidziki kuva vanonzwisisa chinhu chipi nechipiwo zvacho, chii chinofanira kuitwa? Eya, ko Jesu akaita sei paaidzvinyirirwa zvakakomba? Iye haana kutevedzera avo vanotyisidzira nokutuka. Panzvimbo pako, akazviisa iye amene kuna Baba vake, achivimba navo. (1 Pet. 2:22, 23) Nenzira imwe cheteyo, kana migariro inotambudza ikamuka mumusha, tinopa hufakazi hwokuzvipira kwoumwari kana tikatendeukira kuna Jehovha, tichinyengeterera betsero yake, panzvimbo pokushandisa nzira dzenyika.—Zvir. 3:5-7.
9. Panzvimbo pokuwanira mhaka, ko varume vazhinji vechiKristu vakadzidza kushandisa mitooi?
9 Chinjo hadzigaroitika nokukurumidza, asi zano reBhaibheri rinoshanda zvomenemene. Varume vazhinji vaichimbogurukuta nomutoo weshungu pamsoro pemhaka dzavadzimai vavo vakawana kuti vandudziko yakavamba apo ivo vamene vakanzwisisa zvizere zvikuru kubata kwaKristu neungano yake. Ungano iyeyo haizati ichiumbwa navanhu vakakwana. Asika Jesu anoda ungano, anogadza muenzaniso wakarurama nokuda kwayo, akatopa upenyu hwake nokuda kwayo, achishandisa Magwaro somutoo wokuibetsera kuvandudzika kuti iyo pamwe chete igova inofadza kwaari. (VaEf. 5:25-27; 1 Pet. 2:21) Muenzaniso wake wakakurudzira varume vazhinji vechiKristu kushandira pakugovera muenzaniso wakaisvonaka nokuda betsero yakananga yorudo kukuvandudzika. Mitoo yakadaro inobereka miuyo mizhinji iri nani zvikuru inopfuura zvinoita kuwanira mhaka kweshungu kana kuti kungoramba bedzi kutaura.
10. (a) Munziraiko umo murume nababa—kunyange uyo anokambira kuva muKristu—angaita kuti upenyu huve hunoomera vamwe mumusha? (b) Chii chingaitwa kuvandudza mugarirowo?
10 Chokwadika, angava murume uye baba vane zvikanganiso zvinomutsa zvinetso mumusha. Zvakadiniko kana iye asingatapurwi nezvinodikanwa zvemhuri yake kana kuti asingatungamiriri zvomenemene kupfurikidza nokugadzirira kurukurirano yemhuri yeBhaibheri nemimwe mibato? Mimwe misha yakawana miuyo yakanaka pashure pekurukurirano dzechinetso dzokusasvitsa zvinhu, dzoruremekedzo. (Zvir. 15:22; 16:23; 31:26) Asi kunyange kana miuyo isati ichitongova iya yaikarirwa, mumwe nomumwe anogona kuita mupiro unokosha kumugariro wakavandudzika wapamusha kupfurikidza nokukudziridza imi pachenyu zvibereko zvomudzimu uye kuratidzira itiro hanya nokurangarira kworudo nokuda kwemimwe mitezo yemhuri. Kuenderera mberi kuchaitika, kwete kupfurikidza nokumirira mumwe munhu kuita chimwe chinhu, asi kupfurikidza nokuita rutivi rwedu timene zvakanaka, nenzira iyeyo tichiratidzira kuti isu timene tinoita kuzvipira kwoumwari pamusha.—VaK. 3:18-20, 23, 24.
Kwokuwana Mhinduro
11, 12. (a) Ko Jehovha akaita gadziriroi dzokutibetsera pazvinetso muupenyu hwemhuri? (b) Kuti tigobetserekana zvizere, chii chinorumbidzwa kuti tiite?
11 Kuna manyuko mazhinji uko vanhu vanotendeukira nokuda kwezano pamsoro pezvinhu zvavo zvemhuri. Asika tinoziva kuti Shoko raMwari rine pangiro yakaisvonakisisa zvikuru, uye tinoonga kuti kupfurikidza nesangano rake rinooneka iye anotibetsera kurishandisa. Uri kubetserekana zvizere nebetsero iyeyo here?—Pis. 119:129, 130; Mika 4:2.
12 Mukuwedzera kupinda misangano yeungano, ko une nguva dzenguva dzose here dzakatsaurirwa fundo yeBhaibheri yemhuri? Mhuri dzinogaroita ikoku vhiki rimwe nerimwe dzinova dzakabatana mukunamata kwadzo. Upenyu hwadzo hwemhuri hunokudziridzwa sezvadzinokurukura kushandiswa kweShoko raMwari mumigariro yadzo imene.—Enzanisa Dheuteronomio 11:18-21.
13. (a) Kana tine mibvunzo pamsoro penhau chaidzoidzo dzeroorano kana kuti mhuri, ndokupi kwatingawanzowana betsero inodikanwa? (b) Chii chinofanira kuratidzirwa muzvisarudzo zvose zvatinoita?
13 Zvimwe pane mibvunzo pamsoro penhau dzeroorano kana kuti mhuri dzinokutapura. Somuenzaniso, zvakadiniko nokudzora kubereka? Ko kuvhara kubereka kwakafanira nokuda kwamaKristu here? Ko kubvisa mimba kunoruramiswa here kana kuchiratidzika sokunobvira kuti mwana angaberekwa akaremara? Ko pane ganhuriro dzipi nedzipi here pamsoro porudzi rwevatano dziri dzakafanira pakati pomurume nomudzimai? Kana pwere ichiri mumakore ayo okuyaruka isingaratidziri fariro munhau dzomudzimu, ko iye anofanira kudiwa kusvikira kutambanukoi kugoverana nemhuri mukunamata? Mukusapanikira une mufungo pamsoro pomumwe nomumwe waiyoyi. Asika ungagona kupindura pahwaro hwenheyo dzeBhaibheri here? Mumwe nomumwe weiyi mibvunzo wakatsanangurwa muNharireyomurindi. Dzidza kushandisa nongedzero dzinowanikwa kuwana mashoko akadaro. Kana usina zvinyorwa zvekare uko nongedzero dzinoratidzira, nzvera mupakwa wapaHoro yoUmambo. Usakarira Hungu kana kuti Kwete pamubvunzo uri wose. Dzimwe nguva unofanira kusarudza—somunhu oga kana kuti savananyakuroorana veroorano. Asika dzidza kuita zvisarudzo zvinoratidzira kuda kwako Jehovha nemitezo yemhuri yenyu. Ita zvisarudzo zvinopupurira chishuvo chako chokudisa kuva anosanofadza Mwari. Kana ukaita kudaro, kuchava kunooneka kwose kuri kuviri kuna Jehovha nokuna vamwe vanosanokuziva kuti unoshandisa zvomenemene kuzvipira kwoumwari kwete bedzi pamhene asiwo mumusha wako umene.—VaEf. 5:10; VaR. 14:19.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ko kuvimbika kuna Jehovha kunobatanidzwa sei mukutendeka kumhiko yeroorano yako?
● Pakudzvinyirirwa nezvinetso zvemhuri, chii chichatibetsera kuita zviri zvinofadza Mwari?
● Kunyange kana vamwe vari mumhuri vachiperevedza, chii chatingaita kuvandudza mugarirowo?