RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 17 pp. 132-138
  • “Dananai Norudo Rukuru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Dananai Norudo Rukuru”
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokuita Apo Zvinetso Zvinomuka
  • Tsvaka Nzira Dzo“kukuriswa”
  • “Dananai Zvikuru”
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Zvatingaita Kuti Kudanana Kwedu Kurambe Kwakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 17 pp. 132-138

Ganhuro 17

“Dananai Norudo Rukuru”

1, 2. (a) Chii chinowanzoorora vauyi vatsva pamisangano yeZvapupu zvaJehovha? (b) Ndihumwei hufakazi hweiri vara hwavanocherekedza pakokorodzano dzedu?

APO vanhu vanotanga kuuya kumisangano yeZvapupu zvaJehovha vanowanzoororwa zvikurukuru norudo runoratidzirwapo. Vanorucherekedza muushamwaridzani chaihwoihwo nomukugamuchirwa kwavanoitwa ivo vamene.

2 Pakokorodzano dzedu vashanyi vanocherekedzawo kuti huzhinji hwaavo vanopinda vanosanozvibata zvikuru. Mumwe mutori nhau akanyora pamsoro pekokorodzano yakadaro, kuti: ‘Hakuna munhu akadhakwa nemirimo kana kuti nedoro. Hapana kuzhambarara nokujwiririka. Hapana kusaidzirana. Hapana kusairirana. Hapana munhu anotuka uye kutaura mashoko akashata. Hapana misere yakashata kana kuti mutauro wakashata. Hapana mhepo yakazadzwa noutsi. Hapana kuba. Hapana munhu anokandira matini patsangadzi. Kwakanga kuri kwechienzi zvomenemene.’ Kwose ikoku hufakazi hworudo, rudzi rwuya ‘rusati rwuchizvibata nomutoo usina kufanira uye rusati ruchitsvaka fariro dzarwo rwumene.’—1 VaK. 13:4-8.

3. (a) Mukufambira mberi kwenguva, chii chinofanira kuoneka pamsoro pokuratidzira kwedu rudo? (b) Mukutevedzera Kristu, rudzii rworudo rwatinodikanirwa kukudziridza?

3 Rudo ivara rinotsauranisa muKristu wechokwadi ari wose. (Johane 13:35) Sezvatinokura mumudzimu, tinotofanira kururatidzira zvizere zvikuru. Muapostora Pauro akanyengetera kuti rudo rwehama dzake rwaizo“rambawo ruchiwedzera.” (VaF. 1:9; 1 VaT. 3:12) Uyewo Petro akakuchidzira maKristu biyake kubvumira rudo rwao kubatanidza “boka rose rehama.” (1 Pet. 2:17) Rudo rwedu runofanira kutisundira kukuita zvinopfuura kungopinda bedzi misangano navanhu vatisingaitiri nhamburiko yokuvaziva ivo pachavo. Runotofanira kubatanidza zvinopfuura kutaura kuti “Mhoroi” womutsa panguva nenguva. Muapostora Johane akaratidzira kuti runofanira kuva rwokurashikirwa. Akanyora, kuti: “Kupfurikidza naikoku isu takasvika pakuziva rudo, nokuti [Mwanakomana waMwari] akapa mweya wake nokuda kwedu; uye isu tinosungirwa kupa mweya yedu nokuda kwehama dzedu.” (1 Johane 3:16; Johane 15:12, 13) Tichigere kuita ikoko. Asika tingapa zvomenemene upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu here? Hekani waro, ko isu tinondovabetsera kusvikira kutambanukoi zvino, kunyange pakungave kusino kufanira?

4. (a) Ko tingawana kuti tingaratidzira rudo zvizere zvikuru munzirayi imwe? (b) Neiko kuchikosha kuti tidanane zvikuru?

4 Pamwe chete nezviito zvinoratidzira mudzimu wokurashikirwa, kunokoshawo kuva nomurangariro chaiwoiwo wembavarira kuhama dzedu. Shoko raMwari rinotikurudzira, kuti: “Murudo rwehama ivai nechidakadaka chikuru nokuda kwomumwe nomumwe.” (VaR. 12:10) Isu tose tinonzwa nenzira iyeyo kuna vamwe vanhu. Ko tingagona kubatanidza vamwe muboka ratinonzwira chidakadaka chakadaro here? Mugumo wetsika yekare zvowoswedera pedyo, kunokosha kuti isu tirambe tichiswedera pedyo zvikuru nehama dzedu dzechiKristu. Bhaibheri rinotisvinudzira kuna ikoku, richiti: “Mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo. . . . Kupfuura zvinhu zvose, dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Pet. 4:7, 8.

5. Neiko kwaizova kusino kururama kukarira kuti hapana zvinetso zvingamuka pakati pemitezo yeungano?

5 Chokwadi, chero bedzi tiri vasina kukwana, pangava nenguva apo tinoita zvinhu zvinotsamwisa vamwe. Ivowo, munzira dzakasiana-siana vachatitadzira. (1 Johane 1:8) Kana ukazviwana iwe umene uri mumugariro wakadaro, unofanira kuiteiko?

Zvokuita Apo Zvinetso Zvinomuka

6. (a) Neiko zano reBhaibheri risingagarobvumirana nemirangariro yedu? (b) Asi chii chichava muuyo kana tikarishandisa?

6 Magwaro anogovera nhungamiro inodikanwa. Asi zvaanozanura zvingave zvisingatsinhirani neizvo isu savanhu vasina kukwana takakombamira kuita. (VaR. 7:21-23) Hunyanguvezvo, kushandira kwedu nomwoyo wose pakuri kuchapa hufakazi hwechishuvo chedu chapachokwadi chokufadza Jehovha, uye kuchakudziridzawo vara rorudo rwedu kuna vamwe.

7. (a) Kana mumwe munhu akatikuvadza, neiko tisati tichifanira kutsiva? (b) Neiko tisati tichingofanira bedzi kudzivisa hama inotitadzira?

7 Dzimwe nguva apo vanhu vanokuvadzika vanotsvaka nzira dzokutsiva mutsamwisi. Asika ikoko kunongoita bedzi mugariro wacho uipisise. Kana kuripidzira kuri madikanwa, tinofanira kusiira ikoko kuna Mwari. (Zvir. 24:29; VaR. 12:17-21) Vamwe vangaedza kudzivisa mutadzi muupenyu hwavo, vachidzivisa kusonganirana naye. Asika isu hatingagoni kuita kudaro kuvanamati biyedu. Kugamuchirika kwokunamata kwedu kunotsamira, kutambanuko yakati kuti, pakuda hama dzedu. (1 Johane 4:20) Ko isu tingagona kutaura nomutoo wokutendeseka here kuti tinoda mumwe munhu watisati tichizotaura kwaari kana kuti anokuvapo kwake kumene kunotikangaidza? Isu tinodikanirwa kunangana nechinetso ndokuchipedza. Seiko?

8, 9. (a) Kana tine chisakiso chokugurukutira hama, chii chiri chinhu chakarurama chokuita? (b) Asika zvakadiniko kana iye akatitadzira atitadzirazve? (c) Neiko tichifanira kutarisira nhau nenzira iyeyo, uye chii chichatibetsera kuita saizvozvo?

8 Muapostora Pauro akanyora pamsoro peiyi nhau, kuti: “Rambai muchiregererana nokukanganwirana norusununguko kana ani naani ane chisakiso chokugurukutira mumwe. Sezvo Jehovha akakukanganwirai imi norusununguko, imi itaiwo saizvozvo.” (VaK. 3:13) Ko iwe unogona kuita kudaro here? Zvakadini kana munhuyo akakutadzira akutadzirazve munzira dzakasiana-siana?

9 Muapostora Petro akanga ane mubvunzo mumwe chetewo, uye iye akakarakadza kuti zvimwe aifanira kuedza kukanganwira hama yake kusvikira kukanomwe. Jesu akapindura, kuti: “Ini ndinoti kwauri, kwete, Kusvikira kukanomwe, asi, Kusvikira kukana makumi manomwe nakanomwe.” Asika neiko? Jesu akatsanangura kupfurikidza nomuenzanisiro uyo wakasimbisira ukuru hwengava yedu kuna Mwari mukuenzanisira neizvo munhu upi noupi angava nengava nesu. (Mat. 18:21-35) Munzira dzakasiana-siana isu tinotadzira Mwari zuva riri rose—dzimwe nguva kupfurikidza nechiito choudyire, kazhinji kazhinji kupfurikidza nezvatinotaura kana kuti kufunga, uyewo kupfurikidza nokukundikana kuita zvatinofanira kuita. Mukusaziva kwedu tingatove tisingazivi kuti zvimwe zvezvinhu zvatakaita zvakanga zvisino kururama, kana kuti muchimbi-chimbi youpenyu hatingafungisisi zvakaringanira pamsoro penhauyo. Mwari angaraira upenyu hwedu mukuripira zvivi zvedu. (VaR. 6:23) Asi akapfuurira kuva ane ngoni kwatiri. (Pis. 103:10-14) Naizvozvo, hakuzati kuri kusina mufungo chose chose kuti iye anoda kuti tiite nomutoo wakafanana kuno mumwe nomumwe. (Mat. 6:14, 15; VaEf. 4:1-3) Patinoita kudaro, panzvimbo pokuchengeta daka, hufakazi hwokuti isu takasvika kurudzi rworudo rwuya rwu“singarangariri chakaipa.”—1 VaK. 13:4, 5; 1 Pet. 3:8, 9.

10. Ko tinofanira kuitei kana hama ine chimwe chinhu chokurwisana nesu?

10 Pangava nenguva apo tinoziva kuti, kunyange zvazvo tisina shungu nehama yedu, iye ane chimwe chinhu chokurwisana nesu. Chii chatinofanira kuita? Pasina kunonozeka tinotofanira kutaura naye ndokutamburira kudzorera ukama huno rugare. Bhaibheri rinotikurudzira kuita nhanho yokutanga. (Mat. 5:23, 24) Kuita kudaro hakungavi kuri nyore. Kunoda rudo runova pamwe chete nokuzvininipisa. Ko mavara iwawo akasimba zvakaringanira mauri zvokuti ungaita izvo Bhaibheri rinopangira here? Iyi inharidzano inokosha yokushandira pairi.

11. Kana hama ikaita zvinhu zvinotitsamwisa, chii chinofanira kuitwa pamsoro pakwo?

11 Namamwe mashoko, kungava kwokuti mumwe munhu ari kuita zvinhu zvinokutsamwisa—uye zvimwe vamwe. Hakuzati kwaizova kwakanaka here kuti mumwe munhu ataure naye? Zvimwe. Kana iwe umene uchizotsanangura chinetso kwaari nenzira yomutsa, ikoku kungaunza miuyo yakanaka. Asi pakutanga iwe unotofanira kuzvibvunza umene, kuti: ‘Ko zvinhu zvaanoita hazvizati zviri zvapaMagwaro zvomenemene here? Kana kuti zvikurukuru chinetsocho chiri nokuda kwomugariro wangu nokurovedzwa kwangu kuri kwakasiana nokwake here?’ Kana zvakadaro, unangwarira kusagadza mipimo yako umene dzokonokei wotema mukuwirirana naiyoyi. (Jak. 4:11, 12) Mukusasarura Jehovha anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ose emigariro uye anovashivirira sezvavanokura mumudzimu.

12. (a) Kana pane mhaka yechisino kururama chakakomba iri muungano, ndiyani anotarisira iyeyo? (b) Asi mumigariroi makunova mutoro wouyo anotadzirwa kuita chiito chokutanga? Nevavariroiko?

12 Zvisinei, kana mumwe munhu muungano akabatanidzwa mune chisina kururama chakakomba, ichochi chinoda ngwariro yokukurumidzira. Asika naniko? Kazhinji kazhinji navakuru. Zvisinei, kana chichibatanidza nhau yebhizimisi pakati pedzihama, kana kuti zvimwe kushandiswa zvisina kufanira kworurimi munzira iyo yakakuvadza nomutoo wakakomba mumwe munhu, ipapo nyakutadzirwa anofanira kutanga kutamburira kubetsera mutadzi vari voga. Ikoko kungaratidzika kuva kwakaoma kuna vamwe. Asika ndiko uko Jesu anopa zano pana Mateo 18:15-17. Kuda kwake hama nechishuvo chokudisisa chokumuchengeta sehama kuchamubetsera kukuita nomutoo uyo, kana kuchibvira, uchasvika mwoyo womutadzi.—Zvir. 16:23.

13. Kana chinetso chikamuka pakati pedu neimwe hama, chii chichatibetsera kurangarira nhau zvakafanira?

13 Apo chinetso chinomuka, kunyange chiri chikuru kana kuti chiri chiduku, tinobetserwa kana tikatamburira kunzwisisa marangaririre anochiita Jehovha. Iye haazati achitendera chivi muchimiro chipi nechipi, asi iye anochiona munesu tose. Munguva yake yakafanira vaiti vechivi vasingapfidzi vanobviswa musangano rake. Asika zvakadiniko navamwe vedu? Isu tose tinoitirwa mwoyo murefu nengoni naye. Iye anogadza mutoo unofanira kutevedzerwa nesu. Patinoita kudaro, tinoratidzira rudo rwake.—VaEf. 5:1, 2.

Tsvaka Nzira Dzo“kukuriswa”

14. (a) Ko nei Pauro akakurudzira vaKorinte “kukuriswa”? (b) Ko magwaro akarongwa pano anoratidzira sei kuti isu tose tinoita zvakanaka kufunga pamsoro paikoku?

14 Muapostora Pauro akanga apedza mwedzi mizhinji achivaka ungano muKorinte, Girisi. Iye akanga abata nesimba kubetsera hama imomo uye aidzida. Asi dzimwe dzadzo dzaishaiwa kumurangarira kwoushamwari. Dzakanga dzichitsoropodza zvikuru. Iye akadzikurudzira ku“kuriswa” mukuratidzira chidakadaka. (2 VaK. 6:11-13; 12:15) Isu tose tinoita zvakanaka kurangarira tambanuko yaakaratidzira nayo rudo kuna vamwe nokutsvaka nzira “dzokukuriswa.”—1 Johane 3:14; 1 VaK. 13:3.

15. Chii chingatibetsera kukura mukuda upi noupi uyo isu pachedu tinganzwa tisingakweverwi kwaari?

15 Ko muungano muna vamwe vatinowana kwakaoma kuswedera pedyo navo here? Kana tichiita napatinogona napo pose kufukidza kudarika kupi nokupi kuduku kwavari, sezvataizoda kuti ivo vatiitire, ikoku kungabetsera kukuchidzira ukama huri pakati pedu. (Zvir. 17:9; 19:11) Zvidakadaka zvedu kwavari zvingavandudzikawo kana tichitsvaka mavara avo akanaka ndokubatikana pana iwawa. Ko tati tacherekedza zvomenemene nzira idzo Jehovha ari kushandisa idzi hama madziri here? Ikoku kuchasakisa zvapachokwadi kuvada kwedu kukura.—Ruka 6:32, 33, 36.

16. Zvomenemene, tinga“kuriswa” sei mukuratidzira rudo kuna avo vari muungano yedu?

16 Sezvinobvumwa, kune ganhuriro dzatingagona kuitira vamwe. Tingave tisingakwanisi kukwazisa munhu ari wose ari pamusangano mumwe nomumwe. Kungave kusingabviri kubatanidza munhu ari wose patinokoka shamwari nokuda kwezvokudya. Isu tose tine shamwari chaidzoidzo dzatinopedza nguva yakawanda tinadzo kupinda zvatinoita nedzimwe. Asika tinga“kuriswa” here? Ko tingagona kupedza maminiti mashomanene bedzi vhiki rimwe nerimwe tichisanorovedzana zvikuru nomumwe munhu ari muungano yokwedu uyo ave asati ari shamwari chaiyoiyo yedu here? Ko isu panhambo nenhambo tingakoka mumwe waidzodzi kuzoshanda nesu muhushumiri hwomumunda here? Kana isu zvamazvirokwazvo tichidanana zvikuru, zvamazvirokwazvo tichawana nzira dzokukuratidza.

17. Patinenge tiri pakati pehama dzatisina kutongosangana nadzo nakare kose, chii chicharatidzira kana isu tichidzidawo zvikuru?

17 Kokorodzano dzechiKristu dzinogovera mabanza akaisvonaka oku“kuriswa” murudo rwedu. Zviuru zvingave zviripo. Hatingagoni kusangana navo vose. Asi tinogona kuzvibata timene munzira inoratidzira kuti isu tinoisa garikano yavo mberi kwenakirwo yedu, kunyange kana tisina kutongosangana navo nakare kose. Uye tinogona kuratidzira kufarira kwakananga pakati pamarusando kupfurikidza nokuita nhanho yokutanga yokukwazisa vamwe vaavo vari patiri. Rimwe zuva avo vose vanorarama pasi pano vachava hama nehanzvadzi, vakabatana mukunamatwa kwaMwari naBaba vavose. Haiwa uchava mufaro wakadini wokusvika pakuvaziva vose, namavara avo mazhinji uye akasiana-siana! Kuvada kwedu zvikuru kuchatisunda kuda kuita ikoku. Huregerereiko kutanga zvino?

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Apo zvinetso zvinomuka pakati pehama kana kuti hanzvadzi, ko izvozvi zvinofanira kugadzikiswa sei? Neiko?

● Sezvatinokura mumudzimu, rudo rwedu runofanirawo kukura munzirai?

● Ko kunobvira sei kuratidzira rudo rukuru nokuda kwavanopfuura shamwari chaidzoidzo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe