Itai Kuti Roorano Yenyu Ive Mubatanidzwa Usingagumi
“Izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”—MATEO 19:6.
1. Chii chiri hwaro hwebudiriro yeroorano pakati pavaKristu vechokwadi nhasi?
ZVIURU zvakawanda pakati pavanhu vaJehovha nhasi zvinofarikanya roorano dzinogutsa nedzinotsungirira. Kubudirira kwakapararira kwakadaro, zvisinei, hakusati kuchitongova tsaona. Roorano dzechiKristu dzinobudirira apo vakwanyina vose vari vaviri (1) vanoremekedza murangariro waMwari weroorano uye (2) vanoedza kurarama nemipimo yeShoko rake. Pashure pezvose, akanga ari Mwari amene akavamba gadziriro yeroorano. Ndiye ‘kwaari mhuri iri yose pasi pano inotumidzwa zita rayo.’ (VaEfeso 3:14, 15) Sezvo Jehovha achiziva chakunoda kuita kuti roorano ibudirire, tinozvibetsera timene nokutevera nhungamiro yake.—Isaya 48:17.
2. Chii chiri miuyo yokukundikana kushandisa nheyo dzeBhaibheri muroorano?
2 Nenzira yakapesana, kukundikana kushandisa nheyo dzeBhaibheri kunogona kuguma nenhamo yeroorano. Dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti vakawanda sezvikamu zviviri muzvitatu vaavo vari kuroorana nhasi muUnited States pakupedzisira vachawana chatanuro. Kunyange vaKristu havasi vasingatapurwi nedzvinyiriro namarwadzo zveidzi “nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1) Funganyo dzemari nedzvinyiriro dzenzvimbo yebasa zvinogona kukuvadza roorano ipi neipi. Vamwe vaKristu vakaodzwawo mwoyo zvikuru nokukundikana kwavakwanyina vavo kushandisa nheyo dzeBhaibheri. “Ndinoda Jehovha,” anodaro mumwe mudzimai wechiKristu, “asi roorano yangu yave ine zvinetso kwamakore 20. Murume wangu ane udyire uye haadi kuita chinjo dzipi nedzipi. Ndinonzwa ndakasungwa.” Varume kana kuti vadzimai vechiKristu vanopfuura vashomanene vakataura mirangariro yakafanana. Chii chinoipa? Uye chii chinogona kudzivisa roorano kupinda kusakendenga kwokusaitira hanya kana kuti utsinye chaihwo?
Kugarisa Kweroorano
3, 4. (a) Chii chiri mupimo waMwari weroorano? (b) Neiko kugarisa kweroorano kwakarurama uye kuchibetsera?
3 Kunyange mumigariro yakanakisisa, roorano mubatanidzwa wavanhu vasina kukwana. (Dheuteronomio 32:5) Muapostora Pauro nokudaro akataura kuti “vakadaro (kuroora) vachava nedambudziko panyama.” (1 VaKorinte 7:28) Mimwe migariro yakanyanyisa ingatoguma nokuparadzana kana kuti chatanuro. (Mateo 19:9; 1 VaKorinte 7:12-15) Muzvinoitika zvakawanda zvikurusa, zvisinei, vaKristu vanoshandisa zano raPauro, rokuti: “Mukadzi arege kubva kumurume wake, . . . , nomurume ngaarege kurasha mukadzi wake.” (1 VaKorinte 7:10, 11) Zvamazvirokwazvo, roorano yakarehwa kuva chisungo chechigarire, nokuti Jesu Kristu akazivisa, kuti: “Izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”—Mateo 19:6.
4 Kune mumwe munhu anonzwa akasungwa muroorano youtsinye kana kuti isina rudo, mupimo waJehovha ungaratidzika kuva une hasha nousina mufungo. Asi hauna kudaro. Kugarisa kwechisungo cheroorano kunosunda varoorani vanotya Mwari kunangana ndokutsvaka kupedza zvinetso zvavo, panzvimbo pokuchimbidza kurega misengwa yavo pachiratidzo chokutanga chechinetso. Murume mumwe uyo akanga ave akaroora kwamakore anopfuura 20 akakutaura neiyi nzira: “Hamugoni kudzivisa nguva dzinotambudza. Hamusati muchizova vanofarirana nguva yose. Ipapo ndipo apo musengwa unokosha chaizvoizvo.” Chokwadika, varoorani vechiKristu vanonzwa musengwa kuna Jehovha Mwari, Muvambi weroorano.—Enzanisa naMuparidzi 5:4.
Umusoro Nokuzviisa Pasi
5. Chii chiri rimwe rezano raPauro kuvarume navadzimai?
5 Apo zvinetso zvinomuka, naizvozvo, inguva yokutsvaka, kwete nzira yokubuda nayo, asi nzira iri nani yokushandisa zano reShoko raMwari. Somuenzaniso, rangarira aya mashoko aPauro, anowanwa pana VaEfeso 5:22-25, 28, 29, anoti: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri. Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo. Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nokuda kwayo. Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke.”
6. Varume vechiKristu vanofanira kuva vakasiyana sei navarume venyika?
6 Varume kazhinji kazhinji vakashandisa zvisina kufanira chiremera chavo chomurume uye vakadzora vadzimai vavo. (Genesi 3:16) Zvisinei, Pauro akakurudzira varume vechiKristu kuva vakasiyana navarume venyika, kuva vakafanana naKristu, kwete vashushi vanodzora udzame huri hwose hwokuvapo kwavadzimai vavo. Zvamazvirokwazvo, munhu Jesu Kristu akanga asitongorina hasha kana kuti anodzvinyirira. Iye akabata vateveri vake norukudzo noruremekedzo, achiti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndino mwoyo unozvininipisa.”—Mateo 11:28, 29.
7. Murume anogona sei kupa rukudzo kumudzimai wake apo anofanira kushanda munyika?
7 Murume wechiKristu anopa rukudzo kumudzimai wake sokumudziyo une simba duku. (1 Petro 3:7) Somuenzaniso, ngatitii anofanira kushanda pabasa rokunyika. Acharangarira ikoku, achiva anobetsera naanorangarira sezvinobvira. Chimwe chikonzero chikuru vakadzi vakapa chechatanuro kuregeredza kwavarume vavo vana kana kuti musha. Naizvozvo, murume wechiKristu anotsvaka kuva webetsero kwaari pamusha munzira dzine revo dzinobetsera mhuri yose.
8. Kuzviisa pasi kunobatanidzei nokuda kwavadzimai vechiKristu?
8 Kubatwa noruremekedzo kunokuita kuve nyore zvikuru kuti vadzimai vechiKristu vazviise pasi pavarume vavo. Ikoku hakurevi uranda hwakaipa, zvisinei. Mwari akaraira kuti mudzimai akanga achifanira kuva, kwete muranda, asi “mukwanisi” (“mubiyake,” NW mashoko omuzasi), kuchireva chimwe chinhu chakakodzera murume. (Genesi 2:18, NW) Pana Maraki 2:14, mudzimai anotaurwa nezvake se“shamwari.” Savakadaro, vadzimai munguva dzeBhaibheri vaifarikanya rusununguko rwakati nesununguko. Pamusoro po“mukadzi unoita zvakanaka,” Bhaibheri rinoti: “Mwoyo womurume wake unomutenda.” Zvamazvirokwazvo, aironzeswa zvinhu zvakadai sokutarisirwa kwezvinhu zvose zvemhuri, kutarisira kutengwa kwezvokudya, kuronga kutenga nokutengesa zvinhu, uye kutarisira bhizimisi duku.—Zvirevo 31:10-31.
9. (a) Munguva dzeBhaibheri vakadzi vaitya Mwari vakaratidzira sei kuzviisa pasi kwechokwadi? (b) Chii chinogona kubetsera mudzimai wechiKristu kuramba achizviisa pasi nhasi?
9 Kunyanguvezvo, mudzimai anotya Mwari aiziva chiremera chomurume wake. Somuenzaniso, Sara “waiteerera Abrahama, achimuidza ishe,” kwete somuitiro wounyoro, asi sokuratidzirwa kwapachokwadi kwokuzviisa pasi kwake. (1 Petro 3:6; Genesi 18:12) Iye akasiyawo nokudisa musha wake wakanaka muguta reUri kuti agare mumatende nomurume wake. (VaHebheru 11:8, 9) Asi kuzviisa pasi hakuna kureva kuti mudzimai aisagona kuita chiito chine mufungo pakwaiva madikanwa. Apo Mosesi akakundikana kuwirirana nomutemo waMwari pamusoro pokudzingisa, mudzimai wake, Zipora, akadzivisa ngwavaira kupfurikidza nokuita nesimba. (Eksodho 4:24-26) Zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kufadza munhu asina kukwana. Vadzimai vanofanira kuti va“zviise pasi pavarume v[avo] chaivo sezva[va]noita kunaShe.” (VaEfeso 5:22) Apo mudzimai wechiKristu anofunga mukuwirirana noukama hwake naMwari, ikoku kunobetsera kufuratira zvikanganiso zviduku nokuperevedza kuri mumurume wake, kunyange sezvaanofanira kuita mukubata naye.
Kurukurirano—Ropa Roupenyu Hweroorano
10. Kurukurirano inokosha sei kuroorano?
10 Parakabvunzwa chakanga chiri chikonzero chimwe chikurusa varoorani vanoparadzana, gweta rechatanuro rakapindura, kuti: “Kusakwanisa kutaurirana nokutendeseka, kuzivisa mifungo yavo yomukati ndokubatana seshamwari yavo yakanakisisa.” Hungu, kurukurirano ndiro ropa roupenyu hweroorano yakasimba. Sezvinotaura Bhaibheri, “pasingaranganwi mano anokona.” (Zvirevo 15:22) Varume navadzimai vanofanirwa kuva ‘shamwari dzinovimbana,’ dzinofarikanya ukama hwoushamwari, hwapedyo. (Zvirevo 2:17) Bva, varoorani vakawanda vanotambudzika pakunouya kukurukurirano, uye nokudaro pfundepfunde inowedzera kusvikira kuputika kwehasha dzinoparadza kwaitika. Kana kuti vakwanyina veroorano vangava vanopfavira kutana nyama yomusoro, vachizviparadzanisa vamene mumurangariro nomumwe nomumwe.
11. Kurukurirano pakati pomurume nomudzimai inogona sei kuvandudzwa?
11 Rutivi rwechinetso runoratidzika kuva rwokuti varume navakadzi kazhinji kazhinji vane mitoo yakasiyana yekurukurirano. Vakadzi vakawanda zvikurusa vanoratidzika kuva vanonzwa zvakanaka vachikurukura mirangariro, nepo varume kazhinji kazhinji vachiratidzika kuva vanoda kukurukura maidi. Vakadzi vanoda zvikuru kuratidza tsitsi ndokupa tsigiro yemirangariro, nepo varume vachida kutsvaka ndokupa mhinduro. Zvisinei, bviro yekurukurirano yakanaka iripo uko vakwanyina vose vari vaviri vanosarudza kuti va“kurumidze kunzwa, [v]anonoke kutaura, [v]anonoke kutsamwa.” (Jakobho 1:19) Tarisanai uye ipai ngwariro chaizvoizvo. Itai kuti mumwe nomumwe ataure nemibvunzo yokurangarira. (Enzanisa na 1 Samueri 1:8; Zvirevo 20:5.) Panzvimbo pokuedza kupa mhinduro yokukurumidza apo mukwanyina wako anozivisa chinetso, sanoteerera sezvaunoshanda kupedza zvinhu. Uye nyengeterai pamwe chete nokuzvininipisa, muchitsvaka nhungamiro youmwari.—Pisarema 65:2; VaRoma 12:12.
12. Vakwanyina vechiKristu vanogona sei kutenga nguva nokuda kwomumwe nomumwe?
12 Pane dzimwe nguva dzvinyiriro namarwadzo zvoupenyu zvinoratidzika kuva zvinosiya vakwanyina veroorano vane nguva shomanene kana kuti simba rokutaura kune revo. Zvisinei, kana vaKristu vachizochengeta roorano yavo ichikudzwa ndokuidzivirira pakusvipiswa, vanofanira kuramba vakakwamirana. Ivo vanofanira kubata mubatanidzwa wavo sechimwe chinhu chinokosha, chinodiwa, uye vanofanira kutenga nguva nokuda kwawo uye nokuda kwomumwe nomumwe. (Enzanisa naVaKorose 4:5.) Mune zvimwe zvinoitika mhinduro kukuwana nguva yokutaura kwakanaka ingava yakapfava sokuvhara TV. Kunwa pamwe chete nguva dzose kapu yetii kana kuti kofi kunogona kubetsera varoorani kuramba vachikurukura mundangariro. Panhambo dzakadaro vanogona ‘kubvunzana’ pamusoro pezvinhu zvakasiyana—siyana zvemhuri. (Zvirevo 13:10) Uye kuchenjera sei kutanga muitiro wokukurukura shatiriso duku nokusanzwisisana zvisati zvava manyuko makuru efunganyo!—Enzanisa naMateo 5:23, 24; VaEfeso 4:26.
13. (a) Jesu akagadza muenzanisoi mukujeka nokutendeseka? (b) Ndedzipi dziri nzira umo vakwanyina veroorano vanogona kukwamirana nadzo?
13 Mumwe murume akabvuma, kuti: “Kwakandiomera, kazhinji kazhinji zvikuru, kutaura chaizvoizvo mirangariro yangu ndokuudza chaizvoizvo [mudzimai wangu] kunzwa kwandinoita chaizvo zvomenemene.” Kuzviburitsa pachena, kunyanguvezvo, ndichinokosha kukutanga ushamwari. Cherekedza kuti Jesu akanga akajeka uye naakatendeseka sei nemitezo inokarirwa yeboka romwenga wake. Iye akati: “Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.” (Johane 15:15) Naizvozvo rangarira mukwanyina wako seshamwari. Vimba mukwanyina wako nemirangariro yako. Ita nhamburiko yokuita “kutaura kworudo” kwakapfava, kwokutendeseka. (Rwiyo rwaSoromoni 1:2, NW) Kurukurirano yakajeka pane dzimwe nguva ingaratidzika kuva yakaoma, asi apo vakwanyina veroorano vose vari vaviri vanoshandisa nhamburiko yakakwana, zvakawanda zvichaitwa kukuita kuti roorano yavo ive mubatanidzwa usingagumi.
Kubata Nokusabvumirana
14, 15. Kupopotedzana kunogona sei kudziviswa?
14 Kusabvumirana kwechokwadi kune chokwadi chokumuka nguva nenguva. Asi musha wenyu haufaniri kuipa kuva ‘imba yakazara nokukakavara.’ (Zvirevo 17:1) Ngwarirai kusakurukura nhau dzinotapura apo vana vanganzwa, uye ratidza kurangarira kunzwa kwomukwanyina wako. Apo Rakeri akataura nhamo pamusoro pomugariro wake wokusabereka ndokukumbira Jakobho kumupa vana, iye akapindura nehasha, kuti: “Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?” (Genesi 30:1, 2) Kana zvitambudzo zvemhuri zvikamuka, tangai kushanda pachinetso chacho, kwete pamunhu. Mukati mekurukurirano yapachivande, dzivisai ku“taura nokusarangarira” kana kuti kudzongonyedzana zvisiri madikanwa.—Zvirevo 12:18.
15 Chokwadi, ungava nemirangariro yakasimba pamusoro pomurangariro wako, asi iyoyi inogona kutaurwa pasina “shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka.” (VaEfeso 4:31) “Kurukurai zvinetso zvenyu nenzwi renguva dzose,” anodaro mumwe murume. “Kana inzwi rikakwidzwa, regai. Dzokai pashure penhambo pfupi yenguva. Tangai zvakare.” Zvirevo 17:14 inopa iri zano rakanaka: “Rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” Edzai kukurukura zvinhu zvakare apo imi mose muri vaviri munenge madzikama.
Rambai Makatendeka kunoMumwe Nomumwe
16. Neiko upombwe huri nhau yakakomba kudaro?
16 VaHebheru 13:4 inoti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” Upombwe chivi chokutadzira Mwari. Hunokuvadzawo roorano. (Genesi 39:9) Mumwe mupi wezano weroorano anonyora, kuti: “Hwangowanwa bedzi, upombwe hunorova mhuri yose kufanana nedutu guru, huchiparadza misha, huchiputsa chivimbo nokuzviremekedza, huchikuvadza vaduku.” Pamuviri kana kuti hosha inopfuudzwa muvatano ingavapowo.
17. Mirangariro youpombwe inogona sei kudziviswa kana kuti kurambwa?
17 Vamwe vanhu vanochengeta mirangariro youpombwe kupfurikidza nokupinza murangariro wenyika wakashatiswa wevatano sounoratidzirwa mumabhuku, muterevhizheni, uye mumabhaisikopo. (VaGaratia 6:8) Vanzveri vanotaura, kunyanguvezvo, kuti upombwe kazhinji kazhinji hunobva kwete chete muchishuvo chevatano asi mukuda kunofungidzirwa kwokubvumikisa kuti munhu achiri anokwezva kana kuti muchishuvo chokunzwa achidiwa zvikuru. (Enzanisa naZvirevo 7:18.) Chipi kana chipi chingava chikonzero chacho, muKristu anofanira kuramba fungidziro dzoutere. Kurukura nokutendeseka mirangariro yako nomukwanyina wako. Kana kuri madikanwa, tsvaka betsero kuvakuru veungano. Kuita kudaro kungasanodzivisa kuwira muchivi. Uyezve, vaKristu vanofanira kuva vanongwarira mukubata nemitezo yavane mitezo yevatano yakasiyana. Kungava kunopesana nenheyo dzapaMagwaro kuroorana nomunhu mumwe asi kutarira noruchiva pane mumwe. (Jobho 31:1; Mateo 5:28) VaKristu vanofanira kuva vanongwarira zvikuru pamusoro pokutanga batano dzemirangariro navashandi biyavo. Chengetai ukama hwakadaro huri hwoushamwari asi huri hwebhizimisi.
18. Chii chinowanzova chisakiso chezvinetso zvevatano muroorano, uye izvozvi zvinogona sei kupedzwa?
18 Taviridzo inotova huru zvikuru ukama hwoushamwari, hwakajeka nomukwanyina wako. Vanzveri vakawanda vanotaura kuti zvinetso zvevatano muroorano hazviwanzova zvokunyama murudzi asi kazhinji kazhinji miuyo yekurukurirano yakaipa. Zvinetso muna ikoku zvishoma apo varoorani vanokurukura zvakajeka uye vanopa chakafanira cheroorano sokuratidzirwa kworudo panzvimbo pesebasa.a Mumigariro yakafanira yakadaro, ukama hwapedyo hunogona kubatira kusimbisa chisungo cheroorano.—1 VaKorinte 7:2-5; 10:24.
19. Chii chiri “chisungo chinokwanisa,” uye itapuroi iyo icho chinogona kuva nayo paroorano?
19 Rudo ndirwo rwuri “chisungo chinokwanisa chomubatanidzwa” mukati meungano yechiKristu. Kupfurikidza nokusakurira rudo, vaviri voumwari vakaroorana vanogona ku‘pfuurira kushivirirana uye kukanganwirana norusununguko.’ (VaKorose 3:13, 14) Rudo rune nheyo runotsvaka garikano yavamwe. (1 VaKorinte 13:4-8) Sakurirai rudo rwakadaro. Ruchakubetserai kusimbisa chisungo chenyu cheroorano. Shandisai nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwenyu hwokuroorana. Kana mukaita izvozvo, roorano yenyu ichabvumikisa kuva mubatanidzwa usingagumi uye ichaunza rumbidzo norukudzo kuna Jehovha Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya inoti “Kurukurirano Inopfuura Kungotaura Chete,” inooneka muNharireyomurindi yaAugust 1, 1993, yakaratidza kuti varoorani vanogona sei kukurira zvinetso munharaunda iyoyi.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko roorano ichifanira kuva chisungo chechigarire?
◻ Chii chiri murangariro weBhaibheri woumusoro nokuzviisa pasi?
◻ Varoorani vanogona sei kuvandudza kurukurirano?
◻ Varoorani vanogona sei kubata kusabvumirana nomutoo wechiKristu?
◻ Chii chichabetsera kusimbisa chisungo cheroorano?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kana mudzimai wake achifanira kushanda munyika, murume wechiKristu haasati achizomubvumira kuti anyanyoremerwa