Ganhuro 19
Chinorehwa Nomutemo waMosesi Kwauri
1. (a) Chii chakaratidzira kuti, kuvambira muna 36 N.V., vaVamarudzi vasina kudzingiswa vakagamuchirwa naJehovha samaKristu? (b) Asi mamwe maKristu apakuvamba akava neshungu pamsoro pechirevoi?
CHIREVO chakakwikwidzanwa nomutoo wembavarira mumazuva omuapostora Pauro chakanga chiri chokuti maKristu aVamarudzi aisungirwa here kutsinhirana nezvinodikanwa zvoMutemo waMosesi. Ichokwadi kuti muna 36 N.V. mudzimu mutsvene wakanga waburukira pana vaVamarudzi vasina kudzingiswa. Asi mamwe maKristu aiva netsika yechiJudha akarangarira zvakasimba kuti vadzidzi vaVamarudzi vaifanira kudzingiswa ndokudzidziswa kuchengeta Mutemo waMosesi. Idika, kwakanga kuri madikanwa here kwavari kuchengeta Mutemo iwowo, kana kuti zvimwe rutivi rwawo? Panenge pana 49 N.V. chirevocho chakakwidzwa kumutumbi unodzora muJerusarema.—Mabasa 10:44-48; 15:1, 2, 5.
2. Ko nei ichi chirevo chichitifadza nhasi?
2 Muuyo wacho unofadza zvikuru kwatiri. Neiko? Hakuzati bedzi kuri nemhaka yokuti padzimwe nguva tinosangana navanhu vanotaura kuti maKristu anofanira kutsinhirana nezvinodikanwa zvakati kuti zvoMutemo, zvakadai sokuchengeta Sabata, asiwo nokuti Bhaibheri iro rimene rinoti “Mutemo mutsvene, uye murairo mutsvene uye wakarurama uye wakanaka.” (VaR. 7:12) Kunyange zvazvo uchitaurwa nezvawo kuva Mutemo waMosesi nokuti Mosesi akanga ari murevereri wesungano yoMutemo, bumbiro roMutemo iwoyo rakabva zvomenemene kuna Jehovha Mwari.—Eks. 24:3, 8.
Neiko Mutemo Wakapiwa?
3. Neiko Mutemo wakapiwa kuna Israeri?
3 Marangaririre atinoita Mutemo nhasi anotapurwa nokuti tinonzwisisa here chikonzero nei Jehovha akapa Israeri bumbiro roMutemo. Magwaro anotsanangura, kuti: “Iwo wakawedzerwa [kusungano yaAbrahama] kuti kudarika kuoneke, kutozosvikira mbeu yofanira kusvika iyo chipikirwa chakanga chaitwa kwairi . . . Naizvozvo Mutemo wakazova murairidzi wedu anotitungamirira kuna Kristu, kuti tigonzi vakarurama nokuda kwokutenda.” (VaG. 3:19, 24) Ko Mutemo wakaita sei ikoku?
4. (a) Ko Mutemo iwowo “wakaratidzira [sei] vadariki”? (b) Ko iwo wakatungamirira sei vakatendeka kuna Kristu?
4 Kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakakwana unofukidza mativi akasiana-siana oupenyu, wakafumura vaJudha savaiti vezvivi. Kwakava kuri pachena kuti, pasinei zvapo nemirangariro ipi neipi yakanaka nenhamburiko dzokushingaira, ivo havati vaigona kusvitsa zvinodikanwa zvawo. Uchishandisa vaJudha somuenzaniso wemhuri yavanhu isina kukwana, Mutemo wakafumura nyika yose, kubatanidza mumwe nomumwe wedu, savaiti vezvivi, vanozvidavirira kuna Mwari nokuda kwechirango. (VaR. 3:19, 20) Nenzira iyeyo wakasimbisa kudikanwa kwoMuponesi wavanhu, uye wakatungamidzira vakatendeka kuna Jesu Kristu soMuponesi iyeyo. Nenziraiko? Wakamuratidzira kuva mumwe bedzi akachengeta Mutemo nomutoo wakakwana, nenzira iyeyo somunhu bedzi akanga asina chivi. Zvibairo zvemhuka pasi poMutemo waMosesi zvakanga zvino ukoshi hwakaganhurirwa bedzi, asi somunhu akakwana, Jesu aigona kupira upenyu hwake sechibairo chaizobvisa zvomenemene chivi ndokuzarura nzira inoenda kuupenyu husingagumi nokuda kwaavo vose vanotenda.—Johane 1:29; 3:16; 1 Pet. 1:18, 19.
5. Uchishandisa magwaro agoverwa, pindura mibvunzo inobatanidzwa mundima ino.
5 Uchirangarira urwu ruzivo, waizopindura sei mibvunzo inotevera?
Ko Mutemo waMosesi wakaitirwa kuva unosungira pavanhu vose here? (Pis. 147:19, 20; Eks. 31:12, 13)
Ko Jehovha akapa chiratidziro chipi nechipi kuna Israeri chokuti parimwe zuva sungano yoMutemo yaizoguma here? (Jer. 31:31-33; VaH. 8:13)
Ko Mirairo Gumi, kubatanidza nezvinodikanwa zvokuchengeta Sabata revhiki nevhiki, zvinopfuurira kushanda pashure pokunge zvimwe zvoMutemo zvabviswa here? (VaK. 2:13, 14, 16; 2 VaK. 3:7-11 [sezvinojekeswa naEksodho 34:28-30]; VaR. 7:6, 7)
Ko Jehovha akasvitsa sungano yoMutemo kumugumo wayo kupfurikidza nemitooi? (VaK. 2:13-17; Mat. 5:17, 18; VaR. 10:4)
6. Chiiko chinoratidzirwa nokuita nharo kunosimbisa kuti Mutemo waMosesi uchiri kushanda?
6 Mukubetserwa naikoku, chii chinoratidzirwa nokupokanidza kuti Mutemo waMosesi uchiri kushanda? Chokwadi, ikoku kuramba kutenda Jesu Kristu. Neiko ikoku kwakadaro? Nokuti murangariro wakadaro unoramba idi rokuti Jesu akazadzika Mutemo, nenzira iyeyo ndokuvhura nzira yokuti Mwari augumise. Kuna vanhu vanokambira kuva maKristu asi avo vakatsauswa nezvibvumikiso zvokuchengeta Mutemo, kana kuti chikamu chakati kuti chawo, muapostora Pauro akanyora nomutoo une simba, kuti: “Imi makaparadzaniswa naKristu, kunyange ari upi kana upi anoedza kuva anonzi akarurama kupfurikidza nomutemo; imi makawira kure netsitsi dzakakomba dzake.”—VaG. 5:4; onawo VaRoma 10:2-4.
7. (a) Chii chisinganzwisiswi zvizere naavo vanopokanidza nokuda kwokupfuurira kwamamwe mativi oMutemo? (b) Ko mabasa echiKristu anokosha sei, uye iwawa anowirirana sei nokugamuchira kwedu chipo choupenyu husingagumi?
7 Avo vanopokanidza nokuda kwokupfuurira kwamamwe mativi oMutemo havanzwisisi zvizere kuti kumira kwakarurama kuna Mwari kunotsamira, pasati pari pamabasa omunhu oMutemo, asi pakutenda kwomunhu ukoshi hwechibairo chaJesu. (VaG. 3:11, 12) Vanorangarira kuti munhu anofanira kuzvibvumikisa amene kuva akarurama kupfurikidza namabasa akadaro—chimwe chinhu chiri chisingabvirire vanhu vanoita chivi. Zvamazvirokwazvo, kunokosha kuita mabasa mukuteerera mirairo yaMwari naKristu inoshanda kumaKristu. (Jak. 2:15-17; Mat. 28:19, 20) Iyi mitoo yokuratidzira nayo rudo rwedu nokutenda, uye kuishaiwa kwaizoratidzira kuti kutenda kwedu kwakanga kwakafa. Asika hatingagoni kuwana ruponeso pasinei zvapo nokuti tinoshanda nesimba zvakadini. Hakuna ruponeso runobva muchivi norufu rwaizova rwunobvira pasina chibairo chaJesu Kristu. Nenzira iyeyo upenyu husingagumi chipo chinobva kuna Mwari kupfurikidza naJesu Kristu, kuratidzirwa kwetsitsi dzakakomba dzechienzi uye usati uri muripo nokuda kwamabasa edu.—VaEf. 2:8, 9; VaR. 3:23, 24; 6:23.
8. Ko mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wakasarudzei pamsoro pechirevo chinobatanidza kushandiswa kwoMutemo waMosesi kumaKristu aVamarudzi?
8 Apo chirevo chinobatanidza kushandiswa kwoMutemo waMosesi kuna maKristu aVamarudzi chakapiwa kumutumbi unodzora muJerusarema muzana rokutanga ramakore, chisarudzo chavo chakanga chichitsinhirana naaya maidi. Vakaziva kuti Jehovha akanga asingadi kuti vadaviri vaVamarudzi vaite mabasa mukuteerera Mutemo waMosesi mudzimu mutsvene usati wadururirwa pavari. Chisarudzo chomutumbi unodzora iwowo chakaronga kumwe kurambidza kwaitsinhirana noMutemo iwowo se“zvinhu zviri madikanwa,” asi izvozvi zvakavakirwa pachinyorwa cheBhaibheri chaireva nezvezvinoitika zvakatangira Mutemo. Naizvozvo pakanga pasina kuiswa kwomutoro pamaKristu aVamarudzi wokutsinhirana noMutemo waMosesi kana kuti chikamu chakati kuti chawo, asi, panzvimbo pakwo, pakanga panokutsinhirana nemipimo yaizivikanwa pamberi paMosesi.—Mabasa 15:28, 29; enzanisa Genesi 9:3, 4; 34:2-7; 35:2-5.
9. (a) Ko vaJudha vachiri kudikanwa naMwari kuteerera Mutemo waMosesi here? (b) Igadziriroi chaiyoiyo yakaitwa nokuda kwavo kupfurikidza nomutoo wakafa nawo Kristu?
9 Pashure pePentekosta ya 33 N.V. vaJudha ivo vamene vakanga vasati vachadikanirwazve naMwari kutsinhirana nebumbiro roMutemo waMosesi. Uye vaJudha avo vaitenda vakaona chikonzero chaicho chokufara muna ikoku. Neiko? Kunyange zvazvo vaVamarudzi vaivawo vaiti vezvivi uye nokudaro vachifa, vaJudha ivo vamene vakanga vashurikidzwa naMwari nemhaka yokuva vaputsi vesungano yoMutemo. Asi kupfurikidza nomutoo wakafa nawo Kristu—kurovererwa padanda sokunge kuti iye akanga ari bhinya rakashurikidzwa—akatora nzvimbo yavaJudha ivavo vaizomutenda ndokugovera kusunungurwa nokuda kwavo muchirango chakaparirwa somuuyo wokusateerera kwavo Mutemo. (VaG. 3:10-13) Nenzira iyeyo iye akavagovera kanganwiro yavasati vaitongogona kuva nayo pasi poMutemo waMosesi.—Mabasa 13:38, 39.
10. Ko kubviswa kwoMutemo kwakabvumikisa munzirai kuva chisakiso mukunamata kwakabatana?
10 Chokwadi, Mutemo wakanga wakadzivirira vaJudha pana Vamarudzi. Zvinodikanwa zvakanga zvisingashandi kuna Vamarudzi zvakaiswa pana vaJudha, uye vaVamarudzi vasina kudzingiswa vakanga vakadzivirirwa pakugoverana zvizere navaJudha mukunamata kwavo. (Enzanisa Eksodho 12:48; Mabasa 10:28.) Asi apo Mutemo wakanga wapedza donzo rawo uye wabviswa, kwakanga kuchibvirira vaJudha naVamarudzi vasina kudzingiswa kuva vanobatana kupfurikidza naKristu mukunamatwa kwaMwari mumwe bedzi wechokwadi.—VaEf. 2:11-18.
Kuziva Mutemo Kunotibetsera
11. Ko kuziva Mutemo kunotibetsera sei kunzwisisa dzidziso dzaKristu?
11 Kunyange zvazvo isu nhasi tisiri pasi poMutemo, kuuziva ndekwebetsero huru kuno mumwe nomumwe wedu. Nenziraiko? Yeuka, Jesu akaberekwa namai vechiJudha nokudaro akava pasi poMutemo waMosesi. Zvimwe zvinhu zvaakaita zvinogona kunzwisiswa zvizere bedzi pahwaro hwokuziva zvinodikanwa zvoMutemo iwoyo. (VaG. 4:4; ona Ruka 22:7, 8.) Uyewo pakanga pari pakati pavanhu vakanga vari pasi poMutemo iwowo apo iye akaitira hushumiri hwake. Naizvozvo dzidziso dzake dzaiwanzovakirwa pamigariro inowirirana noMutemo.—Enzanisa Mateo 5:23, 24.
12. (a) Ko Jesu akaratidzira batanoi iri pakati poupenyu hwake noMutemo waMosesi? (b) Ko muapostora Pauro akaratidzira sei kukosha kwokuziva Mutemo? (c) Chii chingava muuyo mukunzwisisa kwedu revo yomudzimu yezvinodikanwa zvawo?
12 Pashure porumuko rwake, Jesu akayeuchidza vadzidzi vake kuti upenyu hwake somunhu hwakanga hwazadzika zvinhu zvakanyorwa pamsoro pake muMutemo, muVaporofita nomuMapisarema. (Ruka 24:44) Zvakare, muapostora Pauro akataura nezvamativi anoreva nezvesungano yoMutemo kuva “mirairo chaiyoiyo nomumvuri wezvinhu zvokudenga” uye iye akati “Mutemo une mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.” (VaH. 8:4, 5; 10:1) Udzame hwamashoko anoshamisa hunozadzika muhuprista hwaJesu Kristu nomuchibairo choupenyu hwake hwohunhu zvakabatanidzwa muMutemo waMosesi. Kunzwisisa kwedu izvozvi kunogona kukudziridza revo yegadziriro dzakadaro kwatiri. Pakati pemienzaniso yechiporofita pane mashoko oudzame anoratidzira gadziriro yokunamata Jehovha nomutoo unogamuchirika nhasi patembere yake huru yomudzimu. Kunzwisisa kwedu izvozvi zvakunowedzera, kukoshesa kwedu ungano yakazodzwa nomudzimu nebasa rayo mukutungamirira kwaJesu Kristu mukuwirirana nokunamata kwedu kuchawedzerawo.
13. Neiko kuchibetsera kufungisisa pamsoro penheyo dzakaisvonaka dzinoratidzirwa muMutemo?
13 Mutemo waMosesi rutivi rwaMagwaro akafuridzirwa naMwari, ayo ose ano“betsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu.” (2 Tim. 3:16) Kunzvera kwedu nokufungisisa pamsoro penheyo dzinogarisa idzo Mutemo wakavakirwa padziri kunogona kubetsera kuumba matiri chishuvo chapamwoyo chokuita zvinhu zviri zvinofadza Mwari. Kana tichicherekedza revo yainongedzerwa kwairi noMutemo ndokuratidzira revo iyoyo muupenyu hwedu, haiwa ikoko kunogona sei kuva kunobetsera!
14. (a) Ko Jesu akaenzanisira sei ukoshi hwokunzwisisa revo yechairatidzirwa kwachiri nezvinodikanwa zvoMutemo? (b) Zivisa dzimwe dzenheyo dzakaisvonaka dzokuwedzera dzakabatanidzwa muMutemo, sedzinoratidzirwa papeji 152. (c) Ko kunzwisiswa kwezvinhu izvozvi kungatiyamura sei kuva vanofadza zvikuru kuna Mwari?
14 Jesu nomutoo unobudirira akaenzanisira ikoku muMharidzo yake yapaGomo. Achitaura kuvanhu vaiva pasi poMutemo panguva iyeyo, iye akaratidzira kuti, panzvimbo pokungorega bedzi kuponda, ivo vaidikanirwa kudzura kombamiro ipi neipi yokutsamwa kunopfuurira nokurega kushandisa rurimi rwavo mukutaura kunozvidza pamsoro pehama dzavo. Panzvimbo pokuva vanogutsikana nokuti vakanga vasitongorina kuita upombwe, ivo vaisafanira kutongotarira mukadzi noruchiva. Sezvazvakanga zvakaita kwavari, naizvozvowo, isu tinofanira kutamburira kushandisa mitezo yemuviri yedu mukutsinhirana nenzira dzakarurama dzaJehovha. (Mat. 5:21, 22, 27-30; onawo VaRoma 13:8-10.) Kana tikaita izvi, ticharatidzira kuti isuwo tinonzwisisa revo yomurairo mukurusa muMutemo: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nendangariro yako yose.” (Mat. 22:36, 37) Zvamazvirokwazvo ikoku kuchatiswededza pedyo zvikuru naJehovha Mwari. Kunyange zvazvo tisati tiri pasi pebumbiro roMutemo waMosesi, tichabetserekana chaizvoizvo nokuziva kwakarurama nheyo dzawakavakirwa padziri nemienzaniso yechiporofita yadzinayo.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Neiko avo vanoomerera pakuteerera Mutemo waMosesi vachiramba zvomenemene Kristu?
● Ko kuziva Mutemo kunotibetsera sei kunzwisisa basa raJesu mudonzo raJehovha?
● Kunyange zvazvo tisati tiri pasi pomutemo, zvinhuiko zvinokosha zvatinogona kucherekedza mukuufunda?
[Bhokisi riri papeji 152]
Dzimwe Dzenheyo Dzehwaro Dzomutemo waMosesi
Mitoro Kuna Mwari
Namata Jehovha bedzi Eks. 20:3; 22:20
Bata zita rake noruremekedzo Eks. 20:7; Rev. 24:16
Kumuda nokumubatira nomwoyo Dheut. 6:5; 10:12;
wako wose, mweya, nesimba Dhe 30:16
Kutya kusateerera, kutya iye Dheut. 5:29; 6:24
Mupe zvakanakisisa zvako; Eks. 23:19; 34:26
zvakabva kwaari
Vanamati vanofanira kuva Eks. 19:10, 11; 30:20
vakachena mumuviri
Zvitsvene zvakavanzika hazvifaniri Eks. 20:8-10; 34:21;
kusundidzirwa kurutivi nokuda Num. 15:32-36
kwezvinorondwa zvenyika
Miitiro Inorambidzwa Yorudzidziso
Kunamata zvifananidzo Eks. 20:4-6;
Midzimu, uroyi, kuzivisa Eks. 22:18;
mhanza, kuuka, mashiripiti, kutsinga Rev. 20:27
Roorano Noupenyu Hwemhuri
Upombwe hunorambidzwa Eks. 20:14; Rev. 20:10
Kusaroorana nomunhu asingabatiri Jehovha Dheut. 7:1-4
Vatano pakati pehama inorambidzwa Rev. 18:6-16; 20:11
Kudzivisa kushatswa kwevatano Rev. 18:23; 20:13
Kuremekedza upenyu hwomwana Eks. 21:22, 23
asati aberekwa
Dzidzisa vana vako Dheut. 6:4-9;
nzira dzaJehovha Dhe 11:18-21
Mibato Inobatanidza Vamwe Vanhu
Rangarira upenyu hwomunhu sohutsvene Eks. 20:13;
Kuda munhu biyako; dzivisa mafi Rev. 19:17, 18
Rangarira vakwegura Rev. 19:32
Itira hanya yorudo vane Rev. 25:35-37;
nhamo yokushaiwa, nherera, chirikadzi Dheut. 15:7-11;
Hakuna kubatwa zvisina kufanira Rev. 19:14;
kwematsi namapofu Dheut. 27:18
Iva akatendeseka mumiitiro yebhizimisi Rev. 19:35, 36; Re 25:14
Usachochora zviri zvavamwe Eks. 20:17
Kufumura vaiti vezvakashata zvakakomba Rev. 5:1;
Iva wechokwadi, usapupurira nhema Eks. 20:16; 23:1, 2
Kusava norusaruro nokuda kwenzvimbo Eks. 23:3, 6;