Ganhuro 2
Kudza Jehovha saMwari Wechokwadi
1. (a) Ko Mwari wechokwadi ndiani? (b) Zvatinodzidza pamsoro pake, ko upenyu hwedu timene hunofanira kutapurwa sei?
KUNA MAKRISTU biyake muapostora Pauro akanyora kuti, kunyange zvazvo kuna vazhinji vanonzi vamwari, “zvamazvirokwazvo kwatiri kuna Mwari mumwe Baba . . . uye kuna Ishe mumwe, Jesu Kristu.” (1 VaK. 8:5, 6) “Mwari mumwe” uyo Pauro akataura nezvake ndiJehovha, Musiki wezvinhu zvose. (Dheut. 6:4; Zvak. 4:11) Vanhu vanonzwisisa vanodzidza nezvamavara ake nezvinhu zvaakaitira vanhu vanozviwana vamene vachiswededzwa kwaari nomutoo usingadzivisiki. Nomuuyoiko? Kunongova bedzi kwomuzvarirwo kwavari kukudza Uyo wavanoremekedza zvikurukuru kwazvo, vachiita kudaro kupfurikidza nezvose zviri zviviri mashoko nezviito. Kuda kwavo Mwari zvakunowedzera, vanozwa vachigombedzerwa kuzivisa vamwe pamsoro pake, uye kutambanuko inovabvirira savanhu vanoda kumutevedzera. Bhaibheri rinotikurudzira isu tose kuita izvozvo, richiti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodikanwa, uye pfuurirai kufamba murudo.” (VaEf. 5:1, 2) Kushandisa zano irero, tinodikanirwa kuziva Jehovha sezvaari zvomenemene.
Rudzi Rwomunhu Rwuri Jehovha
2. Ndaapi mamwe amavara akatanhamara aMwari anotisunda kumurumbidza?
2 MuBhaibheri rose munowanwa kutaura kwakawanda kwakananga kunozivisa mavara akatanhamara aMwari. Paunorava iwawa, shandisa nguva yokufunga pamsoro peari zvomenemene mavara uye kuti iwo anokosha sei kwauri. Somuenzaniso: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) “Nzira dzake dzose dzakarurama.” (Dheut. 32:4) ‘Iye anouchenjeri.’ (Jobho 12:13) Iye ane “umhare musimba.” (Isaya 40:26) Zvaunorangarira mavara iwawa, hauzati uchisundwa here, nokuda kwokuremekedza Mwari, kumurumbidza?
3. Ndaapi mamwe mativi ohunhu hwaJehovha anofadza zvikuru?
3 Kupfuurirazve kutirovedzanisa nohunhu hwake hunofadza, Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha ndi“Mwari ane ngoni naane nyasha, anononoka kutsamwa naazere netsitsi dzorudo nezvokwadi.” (Eks. 34:6) “Hungu, haiwa Jehovha, makanaka uye makagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) “Kana ari Jehovha, meso ake anotarira mupasi rose kuratidzira umhare hwake nokuda kwaavo vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2Makor. 16:9) “Mwari haasaruri, asi murudzi rwuri rwose munhu anomutya naanoita nokururama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Jehovha ano“pa norupo” uye ndi“Mwari anofara.” (Jak. 1:5; 1 Tim. 1:11) Haiwa kunonyevenutsa sei kubatira uyu Mwari asingaenzanisirwi uye kuwana tarisiro yake yorudo!
4. (a) Ko Jehovha anoda rudzii rwokuzvipira, uye ikoku kunokosha sei? (b) Ko Pisarema 34:3 rinotikokera kupinda muchii?
4 Rinobvumirana namavara ake ndiro idi rokuti iye ndi“Mwari anoraira kuzvipira kwapoga.” (Eks. 20:5) Kumubatira nomutoo unogamuchirwa tinofanira kumupa kuzvipira kwedu kuzere. Hatingagoni kuda nyika iyo Satani ari mwari wayo. (1 Johane 2:15-17; 2 VaK. 4:3, 4) Jehovha anoona kuedzeserawo zvako kupi nokupi kwokururama. Iye anosanoziva zvizere zvisati zvichingova bedzi zvatinoita asiwo marangarire atinoita pamsoro pakwo norudzi rwavanhu vatiri kuedza kuva. Kana tichida zvomenemene kururama, anotibetsera. (Jer. 17:10; Zvir. 15:9) Nemhaka yorudzi rwomunhu ruri Jehovha, mamirioni avanhu pasi rose nomufaro vakagamuchira kukoka kwowezvamapisarema weBhaibheri uyo akanyora, kuti: “O kudzai Jehovha pamwe chete neni, imi vanhu, uye ngatikudzei zita rake pamwe chete.” (Pis. 34:3) Ko iwe uri mumwe wavo here?
5. Chii chichatibetsera kubetserekana zvizere nokufunda kwedu hunhu hwaJehovha?
5 Chishuvo chako chokutaura pamsoro paMwari chichakudziridzika, uye iwe uchabetserwa zvikurukuru munhamburiko dzokumutevedzera kana uchisanonzvera mavara ake akakwirira. Wana (1) chaizvoizvo chiri vara rimwe nerimwe, zvimwe chinoritsauranisa namamwe mavara, (2) kuti Jehovha akarienzanisira sei uye kunaani, uyewo (3) maratidzirire aungariita kana kuti matapurire arinofanira kuita murangariro wako.
6. Uchishandisa rudo somuenzaniso, ratidza manzverere aungaita mavara aJehovha. Ita ikoku kupfurikidza nokupindura mibvunzo iri pakupera kwendima, uchibatanidza magwaro mumhinduro dzako.
6 Rangarira pano muenzaniso mumwe chete. Apo Bhaibheri rinoti, “Mwari rudo,” rinorevei? (1 Johane 4:8) Chokwadi, kune chiverengero chakati kuti chamarudzi orudo. Shoko rechiGiriki rinoshandiswa murugwaro rwuno ndia·gaʹpe, iro rinoreva nezvechimiro chikurusa chorudo, sorunofananidzirwa muna Jehovha Mwari iye amene. Rudo rwakadaro ndiko kuratidzirwa kwokusava noudyire kwakakwana. Uchirangarira izvozvo, umba mhinduro dzako umene dzemibvunzo iri pasi apa, uchishandisa magwaro akarongwa.
Ko iri vara rinoratidzirwa sei mumabasa aJehovha echisikwo? (Mabasa 14:16, 17)
Ndoupi uri muenzaniso wakaisvotanhamara wokuda kwaJehovha vanhu? (Johane 3:16) Ko kwakanga kuri nemhaka yorunako rwomunhu kwakaita kuti Jehovha aite ikoko here? (VaR. 5:8)
Ko izvo zvakaitwa naJehovha kupfurikidza noMwanakomana wake zvinofanira sei kudzora nzira yatinoshandisa nayo upenyu hwedu? (2 VaK. 5:14, 15, 18, 19)
Ko isu samaKristu tingaratidzira sei kuti tine rudzi rumwe cheterwo rwokuda maKristu biyedu? (1 VaK. 13:4-7; 1 Johane 4:10, 11; 3:16-18)
Ko isu tinofanira kuratidzira rudo kuna anizve, uye sei? (Mat. 5:43-48; 28:19, 20; VaG. 6:10)
7. Mukufunda kwako umene, ungagona sei kuwana mashoko mamwe chetewo anoreva nezvamamwe mavara aJehovha?
7 Ungadawo kuongorora mamwe amamwe amavara aJehovha here? Nokuda kwokutanga, mufundo yako umene, huregererei kuedza “ruramisiro” uye “uchenjeri,” ipapo zvimwe “tsitsi dzorudo” ne“ngoni.” Kupfurikidza nokushandisa nongedzero dzezvinyorwa zveWatch Tower nekonikodhenzi yeBhaibheri, uchawana mashoko akawanda anobetsera.
Betsera Vamwe Kudzidza Zvokwadi Pamsoro paMwari
8. (a) Ko vanhu venyika vanonamata vamwarii? (b) Ndianiko anotsigira nyongano yose, uye neiko uchitaura kudaro?
8 Mukupesana nokunamatwa kwaMwari wechokwadi, mamirioni chaiwoiwo avamwe vamwari anonamatwa navanhu. Muzana ramakore rechina, chiKristudhomu chakagamuchira chitendero mu“Utatu,” hwaidzidziswa navaBhabhironi, vaEgipita, vaHindu navaBudha pamberi penguva iyeyo. Mukuwedzera kuuku kurangarirwa kwaMwari, kuna vabati ushe vane simba, vatambi vemitambo vakatanhamara navaimbi vave vachinamatwa savamwari. Mari, munhu amene nevatano zvakava vamwari avo kuzvipira kwokushingaira kunopiwa. Ndianiko anokuchidzira kwose ikoku? “Mwari wetsika ino yezvinhu,” Satani Dhiabhorosi. (2 VaK. 4:4; 1 VaK. 10:20) Kupfurikidza nomutoo uri wose unofungidzirika, wamanomano iye anoedza kutsausa vanhu pana Jehovha, kana kuti zvimwe kukamuranisa kuzvipira kwavo.
9. Ndeipiko nzira yakanakisisa yokubetsera munhu upi noupi kudzidza zvokwadi pamsoro paMwari?
9 Ko tingagona sei kubetsera vanhu vakadaro, kunyange maKristu okuedzesera kana kuti vamwe, kuziva zvokwadi pamsoro paMwari? Imwe yenzira dzakaisvonakisisa ndeyokuvaratidzira nomutoo unobetsera izvo Bhaibheri iro rimene rinoreva pamsoro pokuzivikanwa kwaMwari wechokwadi norudzi rwomunhu rwaari. Ipapo tinodikanirwa kutsigira ikoku kupfurikidza nomufambiro unoratidzira mavara oumwari muupenyu hwedu timene.—1 Pet. 2:12.
10. Pakutaura kune wezvoUtatu, neiko kusiri kuchenjera kubvuma kuti tinoziva chaizvoizvo zvaanodavira?
10 Asika zvakadiniko kana vamwe vari mitezo yamachechi echiKristudhomu vakapokanidzana newe, vachikambira havo kuti kudavira kwavo “Utatu” ndokwapaMagwaro? Kutanga, ziva kuti, kunyange zvazvo pane kutaura kwavakuru vakuru vedzidziso yo“Utatu,” vanhu vazhinji vane mifungo yavo vamene. Vakumbire kuzvitaurira vamene, uye ipapo vabetsere kuenzanisira zvitendero zvavo nezviri muBhaibheri ravo vamene. Munguva yakafanira, uyewo vakurudzire kuenzanisira dzidziso huru yechechi neShoko raMwari.
11. Uchitora rimwe bedzi ramapfundo makuru mashanu panguva imwe neimwe, shandisa mibvunzo namagwaro zvakarongwa pamwe chete nendima iyi kurangarira pamsoro pokusava kwapamagwaro kwedzidziso yo“Utatu.”
11 Pakufunga chishuvo chokubetsera vanhu vapachokwadi, rangarira mashandisire aungaita magwaro akanyorwa pasi apa kurangarira pamsoro pamapfundo anoratidzirwa pamwe chete namagwaro aya:
(1) Vamwe vezvoUtatu vanosimbisa mufungo wokuti kuna Vanhu vatatu voumwari (Baba, Mwanakomana noMweya Musande) asi Mwari mumwe bedzi.
Asika Mabasa 2:4, 17 inoratidzira kuti “Mweya Musande,” kana kuti “mudzimu mutsvene,” munhu here?
Neiko kuchibetsera kucherekedza kuti vanhu vangani vanotaurwa nezvavo mune rimwe nerimwe ramagwaro anotevera? (Johane 17:20-22; Mabasa 7:56; Zvak. 7:10)
(2) Vamwe vanodavira kuti mitezo yose yo“Utatu” ndeyembiri yakaenzana, kuti hapana nomumwe ari mukuru zvikuru kana kuti mudukusa pano mumwe, kuti ivo vakaenzana uyewo ndevokusingagumi.
Ko Magwaro anobvumira here? (Nokuda kwemhinduro, ona Johane 14:28; Mateo 24:36; Zvakazarurwa 3:14.)
(3) Vamwe vanhu vanonongedzera pana Johane 1:1 sechibvumikiso che“Utatu.” Vanotaura kuti rugwaro rwechiGiriki pano haruna shoko risino kutsarukana rechipauro rokuti (“ka”) uye naizvozvo rugwarorwo runofanira kurava, kuti: “Shoko rakanga riri Mwari,” panzvimbo pokuti “kamwari.”
Asika vanhu vanganiko vanotaurwa nezvavo muna Johane 1:1? Vatatu here? Kana kuti vaviri here? Ko Johane 1:18 inorwisanawo sei nedzidziso yo“Utatu”?
Ichokwadi kuti chiGiriki hachina shoko risina kutsarukana rechipauro, asi mitauro mizhinji inaro, uye rinoshandiswa mumitauro iyeyo nokuda kwokuratidzira mifungo nomutoo wakarurama. Kana mumwe munhu achirangarira kuti hakuno kururama kushandisa shoko chairo rechipauro pakushandura Johane 1:1, angadawo here kuti risiiwe pana Mabasa 28:6 mukuwirirana neKing James Version nedzimwe? (Imwe nzira yokushandura Johane 1:1, seinoratidzirwa muAmerican Translation, ndeyokuti “Shoko rakanga riri roumwari,” ndiko kuti, iye akanga ane mavara mamwe chetewo oumwari awo ana Mwari.)
(4) VezvoUtatu vanotaurawo kuti pana Genesi 1:1, 26, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “Mwari” ndiElo·himʹ uye kuti iri ishoko ravanopfuura mumwe muchiHebheru uye chaizvoizvo rinoreva kuti “vaMwari.”
Neiko ikoko kusati kuchitsigira dzidziso yaVanhu vatatu voumwari vari muna “Mwari mumwe”?
Kana kuchiratidzira “Utatu” pana Genesi 1:1, ko panoratidzireiko pana Vatongi 16:23, iyo inoshandisa el·o·himʹ nokuda kwa“mwari,” neshoko rechiHebheru rokuita riri muchiverengero chechimwe, kwete vanopfuura mumwe?
Neiko chimiro cheshoko rinopfuura mumwe chaMwari chichishandiswa muna aya magwaro muchiHebheru? Iyi ndiimwe nzira iyo chiHebheru chinoratidzira nayo mufungo woukuru kana kuti uchangamire. Kudai vanopfuura munhu mumwe vakanga vachirehwa, mashoko okuita anova pamwe chete naro aizovawo mashoko avanopfuura mumwe, asika muzvinoitika zviri pamsoro apa haazati.
(5) Nokuda kwokusimbisa uko machechi akaisa pana Jesu (pamwe chete neidi rokuti zita rokuti Jehovha rakabviswa mushanduro zhinji dzeBhaibheri), vamwe vanhu vanongofunga havo bedzi nezvaJesu apo Mwari anodudzwa.
Asika Jesu akatigovera muenzanisoiko mukunamata wokuti titevere? (Ruka 4:8)
12. Neiko Jesu nomutoo wakakodzera akataura Baba vake kuva “Mwari bedzi wechokwadi”?
12 Kunyange zvazvo Jesu achitaurwa nezvake muMagwaro sa“kamwari,” kunyange “Mwari Anesimba,” bva iye akakudza Baba vake, achitaura nezvavo sa“Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johane 1:1; 20:17; Isaya 9:6) Akabvumirana naMosesi, uyo akanga ataura pakuvamba vamba, kuti: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; hakuno mumwe kunze kwake.” (Dheut. 4:35) Jehovha akasiana chose chose nezvinonamatwa zvakadai sezvidhori, vanhu vanonamatwa uye Satani Dhiabhorosi. Mukusiana navakadaro vose, Jehovha, sokumuidza kwakaita Jesu, ndiye “Mwari wechokwadi bedzi.”—Johane 17:3.
“Famba Muzita raJehovha”
13, 14. Chii chinobatanidzwa muku“ziva” no‘kufamba mu’zita raJehovha?
13 Pashure pamakore enyongano pamsoro pokuzivikanwa kwaMwari, vanhu vazhinji vanokuwana kuchifadza apo pakutanga vanoona zita raMwari amene, Jehovha, muBhaibheri ravo. (Eks. 6:3) Asika vachabetserwa nokusingaperi nouku kuziva kana bedzi ivo va‘kafamba muzita raJehovha nokusingaperi.’ (Mika 4:5) Ikoku kunobatanidza zvizhinji zvinopfuura kungoziva bedzi zita raJehovha kana kuti kutaura kuti ivo Zvapupu zvaJehovha.
14 Pakureva nezverevo yezita raMwari, Pisarema 9:10 rinoti: “Avo vanoziva zita renyu vachavimba nemi, . . . O Jehovha.” Ko ikoku kunobatanidzei? Kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kuziva bedzi zita raJehovha, uko kusati kuchingoerekana kworeva kuvimba naJehovha. “Kuziva” zita raMwari pano kunoreva kunzwisisa rudzi rwaMwari urwo Jehovha ari, kuremekedza chiremera chake, kuteerera mirairo yake. Nenzira imwe cheteyo, ‘kufamba muzita raJehovha’ kunoreva kuva akazvitsaurira kwaari nokumumiririra somumwe wavanamati vake, kushandisa zvomenemene upenyu hwako mutsinhirano nokuda kwake. (Ruka 10:27) Uri kuita ikoko here?
15. Chiiko kunze kwepfungwa yomutoro, chinodikanwa kana tichizobatira Jehovha nokusingaperi?
15 Kana tichizobatira Jehovha nokusingaperi, chinopfuura pfungwa yomutoro chinofanira kutigombedzera. Muapostora Pauro akakuchidzira Timotio, uyo akanga achitove achibatira Jehovha kwamakore mazhinji: “Zvirovedze iwe umene nokuzvipira kwoumwari sevavariro yako.” (1 Tim. 4:7) Kuzvipira kunobva pamwoyo; kunonyandurwa kupfurikidza nokunzwisiswa kwomunhu uyo iko kunorereudzirwa kwaari. “Kuzvipira kwoumwari” ndiko kuremekedzwa kukurusa kwaJehovha pachake. Kunoratidzira kuomerera kworudo kwaari nokuda kwokunzwisiswa kwake nenzira dzake. Kunotiparira kuti tide kuti munhu ari wose akudze zvikurusa zita rake. Tinofanira kukudziridza “kuzvipira kwoumwari” senharidzano kana kuti vavariro muupenyu hwedu kana isu tichizofamba muzita raJehovha, Mwari wechokwadi, nokusingaperi.—Pis. 37:4; 2 Pet. 3:11.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ko Jehovha munhu worudzii? Ko tinobetserekana sei kupfurikidza nokuwana kunzwisiswa kwakajeka kwamavara ake?
● Tinogona seiko kubetsera vamwe vanhu kudzidza zvokwadi pamsoro paMwari?
● Chii chinobatanidzwa mu“kuziva” Jehovha no‘kufamba muzita rake’?