Zivo Yakarurama yaMwari noMwanakomana Wake Inotungamirira Kuupenyu
“Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari mumwe bedzi wechokwadi, uye yomumwe wamakatuma, Jesu Kristu.”—JOHANE 17:3, NW.
1. Neiko zivo yakarurama yaMwari naJesu Kristu ichikosha kwazvo?
ZIVO yakarurama yaMwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, inokosha nokuda kwaavo vanoda upenyu husingaperi. “Kuda [kwaMwari] ndokwokuti marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:4, NW) Zivo yakadaro inobva muShoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri, ichatishongedzera kuziva uyo ari Mwari uye iri misengwa yedu kwaari. (2 Timotio 3:16, 17; 1 Johane 2:17) Ichatigonesawo kuziva zvakafanira Jesu Kristu noukama hwedu naye.—Pisarema 2:12; VaFiripi 2:5-11.
2. Chii chinogona kubva mukushaikwa kwezivo yakarurama?
2 Pasina zivo yakarurama, tinogona kupinzwa mumusungo nedzidziso dzenhema dzinosimudzirwa nomuvengi waMwari, Satani Dhiabhorosi, uyo ari “murevi wenhema nababa wenhema.” (Johane 8:44, NW) Naizvozvo, kana dzidziso ichipikisa Shoko raMwari, kana iri nhema, ipapo kuidavira nokuidzidzisa kunozvidza Jehovha uye kunotipinza mukumushora. Naizvozvo tinofanira kusanonzvera Magwaro kuti tizive zvokwadi kubva muunhema. (Mabasa 17:11) Hatidi kuva vakafanana naavo “nguva dzose vanodzidza asi vasingatongokwanisi kusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.”—2 Timotio 3:1, 7, NW.
3. Ndeipi iri dzidziso yakajeka yeBhaibheri pamusoro paMwari, Jesu Kristu, uye mudzimu mutsvene?
3 Sezvatakaona munyaya yakapfuura, dzidziso yoUtatu haisi dzidziso yeBhaibheri. MuShoko raMwari amene, iye anotiudza zvakajeka kuti iye ndiye Musiki wezvinhu zvose uye kuti chisiko chake chokutanga mudenga chakanga chiri Mwanakomana wake. (Zvakazarurwa 4:11; VaKorose 1:15, 16) Mwari akatuma Mwanakomana wake kupasi somunhu kuzogovera chibairo chorudzikinuro, icho chakabatira sohwaro hwekanganwirwo yezvivi zvorudzi rwomunhu, uye kuzodzidzisazve vanhu vapachokwadi pamusoro paMwari namadonzo ake. (Mateo 20:28; Johane 6:38) Bva, dzidziso yakapfava, yakajeka yokuti Mwari naKristu vanhu vaviri vakaparadzana, uye kuti mudzimu mutsvene hausi munhu asi simba rinoshanda raMwari, yakamonyaniswa mumazana amakore. Panzvimbo pezvo, dzidziso yoUtatu yazova dzidziso huru yechiKristudhomu.
“Ini naBaba Tiri Vamwe”
4. Neiko kutaura uko chechi dzinoita pamusoro paJohane 10:30 kusiri kwechokwadi?
4 Chechi dzinowanzodudza Johane 10:30 kuedza kutsigira Utatu, kunyange zvazvo pasina kududzwa kunoitwa kwomunhu upi noupi wechitatu mundima iyoyo. Imomo Jesu akati: “Ini naBaba tiri vamwe.” Asi Jesu akareva here kuti iye akanga ari Mwari Wamasimba ose amene, ari muchimiro chakasiana chete? Aiwa, ikoko kwaisagona kudaro sezvo Jesu nguva dzose aitaura kuti akanga ari Mwanakomana waMwari, ari muduku Kwaari uye ari pasi Pake. Chii, ipapoka, chakareva Jesu pana Johane 10:30?
5, 6. (a) Jesu akareva kuti iye naBaba vake vakanga vari vamwe mupfungwai? (b) Ikoku kunoratidzirwa sei pamusoro pavadzidzi vaJesu?
5 Jesu akareva kuti iye akanga ari mumwe mumufungo nedonzo naBaba vake. Ikoku kunogona kuonwa pana Johane 17:21, 22, apo Jesu akanyengetera kuna Mwari kuti vadzidzi vake “vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri . . . kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe.” Ko Jesu akanga achinyengetera kuti vadzidzi vake vose vaizove munhu mumwe here? Aiwa, iye akanga achinyengetera kuti ivo vaizove muchinzwano, chendangariro nedonzo rimwe chetero, sezvakanga zvakangoita Jesu naMwari.
6 Pfungwa imwe cheteyo inotaurwa pana 1 VaKorinte 1:10, apo Pauro anotaura kuti maKristu ‘mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.’ Naizvozvo apo Jesu akataura kuti iye naBaba vake vakanga vari vamwe, haana kureva kuti vakanga vari munhu mumwe cheteyo, saapo iye akataura kuti vadzidzi vake vanofanira kuva vamwe iye haana kureva kuti vakanga vari munhu mumwe cheteyo.
Ndiani Akanga Ari “Shoko”
7. (a) Chii chinotaura chiKristudhomu pamusoro paJohane 1:1? (b) Chii chiri muna Johane 1:1 chinoratidza nokukurumidza kuti hapana Utatu huri kutaurwa nezvahwo?
7 Zvisinei, zvakadiniko naJohane 1:1, iyo inoti muKing James Version: “Pakuvamba Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga rina Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari”? Johane 1:14 inotiudza kuti “Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu.” ChiKristudhomu chinotaura kuti iri “Shoko” (chiGiriki, loʹgos) uyo akauya kupasi saJesu Kristu akanga ari Mwari Wamasimba ose amene. Bva, cherechedza kuti kunyange muKing James Version Johane 1:1 inoti, “Shoko rakanga rina Mwari.” Mumwe munhu uyo ane mumwe munhu haasati ari mumwe cheteyo nomumwe munhu iyeyo. Naizvozvo kunyange muiyi shanduro, vanhu vaviri vakasiana vanoratidzwa. Uyewo, hapana munhu wechitatu woUtatu hupi nohupi anotongodudzwa.
8. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura sei rutivi rwapashure rwaJohane 1:1?
8 Kana kuri kutaura kweKing James Version murutivi rwapashure rwaJohane 1:1 kuti “Shoko rakanga riri Mwari,” dzimwe shanduro dzinotaura chimwe chinhu chakasiana. Dzimwe dzakaita sezvinotevera:
1808: “uye shoko rakanga riri kamwari.” The New Testament, in an Improved Version, Upon the Basis of Archbishop Newcome’s New Translation: With a Corrected Text, London.
1864: “uye kamwari kakanga kari Shoko.” The Emphatic Diaglott, rakanyorwa naBenjamin Wilson, New York neLondon.
1935: “uye Shoko rakanga riri roumwari.” The Bible—An American Translation, rakanyorwa naJ. M. P. Smith naE. J. Goodspeed, Chicago.
1935: “uye Logos akanga ari woumwari.” A New Translation of the Bible, rakanyorwa naJames Moffatt, New York.
1975: “uye kamwari (kana kuti, worudzi rwoumwari) kakanga kari Shoko.” Das Evangelium nach Johannes, rakanyorwa naSiegfried Schulz, Göttingen, Germany.
1978: “uye rudzi rwakafanana namwari akanga ari Logos.” Das Evangelium nach Johannes, rakanyorwa naJohannes Schneider, Berlin. 1979: “uye kamwari kakanga kari Logos.” Das Evangelium nach Johannes, rakanyorwa naJurgen Becker, Würzburg, Germany.
Uyewo, muna 1950 New World Translation of the Christian Greek Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., yakashandura chitsama chamashoko acho kuti, “uye Shoko rakanga riri kamwari.”
9. Murugwaro rwechiGiriki, chii chiri pamberi pokuoneka kwokutanga kwezita rokuti the·osʹ (mwari) pana Johane 1:1, iyo inoratidza kuti nongedzero yacho iri kuna Mwari Wamasimba ose?
9 Ko kushandura kwakadaro kunobvumirana here nokuumbwa kwegirama kwaJohane 1:1 mumutauro wechiGiriki? Hungu, kunodaro. Pana Johane 1:1 munooneka kaviri zita rechiGiriki the·osʹ (mwari). Kuoneka kwokutanga kunonongedzera kuna Mwari Wamasimba ose, uyo akanga ana Shoko—“uye Shoko [loʹgos] rakanga rina Mwari [chimiro chathe·osʹ].” Uyu the·osʹ wokutanga anotangirwa nechimiro cheshoko chairo rechiGiriki ho. Zita rokuti the·osʹ rine shoko chairo ho pamberi paro rinonongedzera kumunhu akajeka, muchinoitika chino Mwari Wamasimba ose—“uye Shoko rakanga rina [iye] Mwari.”
10. Pamusoro pokuoneka kwechipiri kwathe·osʹ pana Johane 1:1, kusiiwa kweshoko chairo ho kunoratidzirei pano?
10 Asi murutivi rwokupedzisira rwaJohani 1:1, shanduro dzakadai sedzarongwa mundima 8 dzinoshandura the·osʹ wechipiri (zita rinosimbisa) sa“umwari” kana kuti “kamwari” panzvimbo pa“Mwari.” Neiko? Nemhaka yokuti the·osʹ wechipiri izita rinosimbisa rinooneka pamberi pechiito uye risina shoko chairo ho muchiGiriki. Muiyi ndima, kuvakwa kwakadaro kwomutsetse kunonongedzera kuvara rechinhu. Inosimbisira rudzirweShoko, kuti iye akanga ari “woumwari,” “kamwari,” asi kwete Mwari Wamasimba ose. Ikoku kuri mutsinhirano namagwaro akawanda anoratidzira kuti “Shoko” rakanga riri mutauriri waMwari, akatumwa kupasi naMwari. Sezvinotaura Johane 1:18, kuti: “Hakuno munhu wakatongoona Mwari; mwari akaberekwa ari mumwe oga [Mwanakomana akasikwa mudenga naMwari Wamasimba ose], uri pachipfuva chaBaba, [akauya kupasi somunhu Jesu uye] ndiye wakamuzivisa [Mwari Wamasimba ose] isu.”
11. Muenzanisoi weBhaibheri uripo wokuisa kwomushanduri shoko “ka” apo pasina muchiGiriki, uye neiko ikoku kuchiitwa?
11 Kune dzimwe ndima dzakawanda dzeBhaibheri umo avo vanoshandura kubva muchiGiriki vachipinza mumumwe mutauro vanoisa shoko “ka” pamberi pezita rinosimbisa kunyange zvazvo pasina shoko murugwaro rwechiGiriki. Uku kuiswa kweshoko mushanduro kunobudisa vara rezita. Somuenzaniso, pana Marko 6:49, apo vadzidzi vakaona Jesu achifamba pamvura, King James Version inoti, “ivo vakafunga kuti wakanga uri [ka]mweya” (chiGiriki, phanʹta·sma). New World Translation inoshandura zvakarurama zvikuru chitsama chinoti, “Ivo vakafunga kuti: ‘Wakanga uri mudzimudzangara!’” Nenzira imwe cheteyo, shanduro yakarurama yaJohane 1:1 inoratidza kuti Shoko rakanga risiri “Mwari,” asi rakanga riri “kamwari.”
12. Kushandiswai kwakafanana kweshoko risiri chairo “ka” kunowanwa pana Johane 8:44?
12 Mienzaniso miviri yakafanana inowanwa pana Johane 8, ndima 44. Ipapo Jesu, achitaura nezvaDhiabhorosi, anoti: “Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga . . . ndiye wenhema, uye baba vadzo.” Kufanana naJohane 1:1, muchiGiriki chapakuvamba zita rinosimbisa muuku kutaura kwose kuri kuviri (“muurayi,” “wenhema”) rinotangira chiito uye harina shoko chairo. Muchinoitika chimwe nechimwe, vara raDhiabhorosi riri kurondedzerwa uye mushanduro dzakawanda dzomutauro wazvino uno, kuri madikanwa kuisa risiri shoko chairo (“ka”) nokuda kwokupa ikoku. Nokudaro, King James Version inoshandura uku kutaura kuti, “Iye akanga ari muurayi . . . iye murevi wenhema uye baba vadzo.”—Onawo Marko 11:32; Johane 4:19; 6:70; 9:17; 10:1, 13, 21; 12:6.
“Ishe Wangu naMwari Wangu”
13, 14. Neiko Tomasi aigona kudana Jesu kuti “Mwari wangu” pasina kureva kuti Jesu akanga ari Jehovha?
13 Vezvoutatu vanodudzawo Johane 20:28 kutsigira kutaura kwavo. Imomo Tomasi akati kuna Jesu: “Ishe wangu, naMwari wangu!” Sezvinoratidzwa pamusoro apa, hapana chirambidzo kuna Tomasi chokunongedzera kuna Jesu sakamwari. Kwakadaro kwaizova mutsinhirano neidi rokuti Jesu, mukuvapo kwake asati ava munhu, zvamazvirokwazvo akanga ari kamwari, ndiko kuti, munhu ane simba, woumwari. Uye iye zvamazvirokwazvo ave akadaro chibviro chorufu rwake norumuko rwokuupenyu hwokudenga. Jesu akatonokora mashoko muMapisarema kuratidza kuti vanhu vane simba vaidanwa sa“vanamwari.” (Pisarema 82:1-6; Johane 10:34, 35) Muapostora Pauro akataura kuti kwaiva na“vanamwari vazhinji navana‘Ishe’ vazhinji.” (1 VaKorinte 8:5) Kunyange Satani anonzi “mwari wetsika ino yezvinhu.”—2 VaKorinte 4:4, NW.
14 Kristu ane nzvimbo yakakwirira zvikuru kupfuura vanhu vasina kukwana, kana kuti Satani. Kana vakadaro vachigona kunongedzerwa kwavari sa“vanamwari,” zvirokwazvo Jesu anogona, uye akanga ari, kunongedzerwa kwaari sakamwari. Nemhaka yenzvimbo yake yechienzi naJehovha, Jesu ndiye “mwari akaberekwa ari mumwe oga” (Johane 1:18), “Mwari Une Simba” (Isaya 9:6), uye “kamwari” (Johane 1:1). Naizvozvo pakanga pasina chinhu chisina kufanira pamusoro pokunongedzera kwaTomasi kuna Jesu nenzira iyeyo. Tomasi akanga achitaura kuti Jesu akanga ari kamwari kwaari, woumwari, ane simba. Asi akanga asingatauri kuti Jesu akanga ari Jehovha, kuri chikonzero nei Tomasi akati, Mwari “wangu” ndizvo kwete “iye” Mwari.
15. Ndima 31 yaJohane ganhuro 20 inozivisa sei zvakajeka ari Jesu?
15 Ndima nhatu bedzi gare gare, pana Johane 20:31, Bhaibheri rinoti: “Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari.” Panikiro yose pamusoro peizvo Tomasi angava akareva inobviswa pano. Munyori weBhaibheri Johane anotaura zvakajeka kuti Jesu Mwanakomana waMwari, kwete Mwari Wamasimba ose amene.
Haana Kuenzana naMwari
16. VaJudha vakataurei, uye Jesu akakuramba sei?
16 Rumwe rugwaro chechi dzinoshandisandiJohane 5:18. Runotaura kuti vaJudha vaida kuuraya Jesu nemhaka yokuti “wakatiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.” Ndiani akanga achitaura kuti Jesu akanga achizviita amene akaenzana naMwari? Kwete Jesu. Iye anojekesa ikoku mundima inotevera imene (19) kupfurikidza nokutaura, kuti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita.” Naizvozvo Jesu haana kutaura kuti akanga ari Mwari Wamasimba ose kana kuti akaenzana Naye. Iye akanga achiratidza vaJudha kuti vakanga vakanganisa, kuti iye akanga asiri Mwari, asi kuti iye akanga ari Mwanakomana waMwari, uye somutauriri waMwari, iye aisagona kuita chinhu ari oga. Tinogona kufungidzira here Mwari Wamasimba ose wenyika yose achitaura kuti aisagona kuita chinhu oga? Naizvozvo vaJudha vakapomera, uye Jesu akakuramba.
17. (a) Ndechipi chiri chipupuriro chakajeka chinobva muShoko rakafuridzirwa raMwari amene pamusoro pezivikanwo yaJehovha, Jesu Kristu, uye mudzimu mutsvene? (b) Chii chinofanira kuitwa norugwaro rwupi norwupi urwo vezvoUtatu vanganongedzera kwarwuri munhamburiko yokuedza kururamisa chitendero chavo?
17 Nokudaro, kubva muchipupuriro chaMwari chiri muShoko rake amene rakafuridzirwa, kubva muchipupuriro chaJesu, uye kubva muchipupuriro chavadzidzi vaJesu, ufakazi hukuru hunoratidza zvakajeka kuti Mwari Wamasimba ose naJesu Kristu vanhu vaviri vakaparadzana, Baba noMwanakomana. Ufakazi ihwohwo hunoratidzira zvakajeka kuti mudzimu mutsvene haasi munhu wechitatu woUtatu hupi nohupi asi isimba rinoshanda raMwari. Hakuna maturo kutsausa magwaro kana kuti kuedza kuamonyanisa kutsigira Utatu. Magwaro api naapi akadaro anofanira kutsinhiraniswa norutivi rwasara rwechipupuriro chakajeka cheBhaibheri.
Neiko Utatu Hwakatanga?
18. Dzidziso yoUtatu yakabva kupi?
18 Kana iwe ukanzvera peji 18, “Kutanga Chaikoiko Kwedzidziso yoUtatu,” uchacherechedza kuti Utatu hune mavambo echihedheni. Hahusi dzidziso yeBhaibheri, asi hwakagamuchirwa nechiKristudhomu muzana ramakore rechina. Zvisinei, kare kare pamberi paikoko, kwakanga kune mautatu muBhabhironi rakare, Egipita, uye dzimwe nzvimbo. ChiKristudhomu nokudaro chakabatanidza murangariro wechihedheni mudzidziso dzacho. Ikoku kwakakurudzirwa namambo weRoma Constantine, uyo akanga asingafariri zvokwadi pamusoro peiyi nhau asi aida kubatanidza umambo hwake hwakanga hwakaumbwa namahedheni namaKristu akawa pakutenda. Kure nokuva mavambo edzidziso yechiKristu, Utatu hwakanga huri hufakazi hwokuti chiKristudhomu chakanga chabva padzidziso dzaKristu uye chakanga chagamuchira dzidziso dzenhema panzvimbo pacho.
19. Neiko dzidziso yoUtatu yakatanga?
19 Neiko dzidziso yakadaro yaizotanga? Zvamazvirokwazvo, fariro dzaMwari hadzibatirwi kupfurikidza nokuMuita, Mwanakomana Wake, uye mudzimu mutsvene wake vanovhiringidza nevechimisiterio. Uye hakubatiri fariro dzavanhu kuvhiringidzwa. Panzvimbo pezvo, vanhu vakavhiringidzika zvikuru pamusoro paMwari namadonzo ake, kunobva kwakodzera Satani Dhiabhorosi zviri nani zvikuru, mushori waMwari, ‘mwari wenyika ino,’ uyo anoshanda ku‘pofumadza ndangariro dzavasingatendi.’ (2 VaKorinte 4:4) Sezvo dzidziso yakadaro ichikuita kuratidzike kuti vafundisi bedzi vanogona kunzwisisa dzidziso dzeBhaibheri, kunokodzerawo vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu. Ikoku kunovabetsera kuramba vakabata vanhuwo zvavo.
20. (a) Ndeipi iri zvokwadi yakapfava pamusoro poUtatu? (b) Kupinza zivo yakarurama yezvokwadi dzinosunungura kucharevei nokuda kwedu?
20 Bva, zvokwadi pamusoro peiyi nhau yakapfava kwazvo zvokuti mwana anogona kuinzwisisa. Kakomana kanoziva kuti iko hakasi mumwe cheteyo nababa vako asi kuti ivo vanhu vaviri vakaparadzana. Nenzira yakafanana, apo Bhaibheri rinotaura kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, izvozvo ndizvo rinoreva. Iyoyo ndiyo zvokwadi yakapfava, nepo dzidziso yoUtatu isina. Iyo inhema. Naizvozvo inofanira kuva yakatangwa no“uyo anonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, NW) Asi zvokwadi dzakapfava, dzinozorodza pamusoro paMwari, Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uye mudzimu mutsvene wake une simba dzinosunungura vanhu muusungwa kudzidziso dzenhema dzakadzikwa muchihedheni uye dzakatangwa naSatani. Seizvo Jesu akataura kuvatsvaki vechokwadi, kuti: “Imi muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:32, NW) Kupinza zivo yakarurama yezvokwadi dzinosunungura, uyewo kuita chimwe chinhu pamusoro padzo, “kunoreva upenyu husingaperi.”—Johane 17:3, NW.
Ungapindura Sei?
◻ Neiko zivo yakarurama yaMwari noMwanakomana wake ichikosha kwazvo?
◻ Chii chakareva Jesu paakati, “Ini naBaba tiri vamwe?”
◻ Johane 1:1 inosianisa sei Shoko naMwari?
◻ Neiko Tomasi aigona nenzira yakafanira kudana Jesu kuti “Mwari wangu”?
◻ Dzidziso yoUtatu yakatanga sei, uye ndiani ari muvambi wayo?
[Bhokisi riri papeji 18]
Kutanga Chaikoiko Kwedzidziso Youtatu
The New Encyclopædia Britannica, 1985, Micropædia, Volume 11, peji 928, inoti pasi penyaya yoUtatu: “Uyewo shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso yakajeka haioneke muTestamende Itsva, uyewo Jesu navateveri vake havana kuronga kupokanidza Shema muTestamende Yekare: ‘Inzwa, haiwa Israeri: Ishe Mwari wedu ndiIshe mumwe chete.’ (Dheut. 6:4)” Iyi enisaikoropedhia inotiwo: “Dzidziso yacho yakatanga pashoma napashoma mumazana amakore anoverengeka uye mupokanidzano dzakawanda. . . . Dare reNicaea muna 325 rakataura mutoo unokosha wedzidziso iyoyo mukubvuma kwaro kuti Mwanakomana ‘ndoweukoshi humwe chetehwo . . . naBaba,’ kunyange zvazvo rakataura zvishomanene zvikuru pamusoro poMweya Musande. . . . Pakasvika mugumo wezana ramakore rechi 4 . . . dzidziso yoUtatu yakava zvikurukuru nechimiro icho yakachengeta chibviro chenguvayo iyeyo.”
New Catholic Encyclopedia, 1967, Volume 14, peji 299, inobvuma, ichiti: “Kutaura kwokuti ‘Mwari mumwe muVanhu vatatu’ hakuna kusimbiswa zvikuru, zvamazvirokwazvo hakuna kupinzwa muupenyu hwechiKristu nokubvuma kwacho kutenda, pamberi pomugumo wezana ramakore rechi 4. . . . Pakati pavaApostolic Fathers, pakanga pasine chinhu kunyange chinosvika hacho murangariro wakadaro kana kuti pfungwa.”
Nokudaro, dzidziso yoUtatu haisi yapaMagwaro, asi yakagamuchirwa pamutemo paDare reNicaea mugore ra 325 N.V. Dzidziso yacho yakabatanidza pfungwa yechihedheni iyo yakanga yavamba kare kare muBhabhironi neEgipita uye yaishandiswa mudzimwe nyikawo. Wezvenhau Will Durant akati muThe Story of Civilization: Part III, peji 595: “ChiKristu hachina kuparadza chihedheni; icho chakachigamuchira. . . . KuEgipita kwakabva pfungwa dzoutatu hwoumwari.”
MuAn Encyclopedia of Religion, yakarongwa naVergilius Ferm, 1964, pamapeji 793 uye 794, pasi peshoko rokuti “utatu,” pakarongwa utatu hweBhabhironi, hwechiBuddha, hwechiHindu hwechiNorse, hwechiTaoist, uye mamwe marudzidziso, pamwe chete nouhwo hwechiKristudhomu. Somuenzaniso, iyo inotaura kuti muIndia, “Utatu hukuru hunobatanidza Brahma, Musiki, Vishnu, Muchengeti naShiva, Muparadzi. Ivava vanomirira denderedzwa rokuvapo, kufanana sezvo utatu hweBhabhironi hwaAnu, Enlil naEa huchimirira zvinhu zvokuvapo, mweya, mvura, pasi.”
British Museum yeLondon ine zviumbwa zvinoratidza utatu hwakare, zvakadai seIsisi Harpokratēs, neNephthys zveEgipita. Chinyorwa cheDepartment yemiziyemu yacho, yeMedieval neLater Antiquities chinotaura zvinotevera zvakanyorwa pazvinhu zvakagadzirwa namabwe anokosha, kuti: “[Rutivi] rwapamberi, vamwari veEgipita Horus-Baït (ano musoro worukodzi), Buto-Akori (nyoka), uye Hathor (ane musoro wedatya). [Rutivi] rweseri, ndima yechiGiriki, ‘Baït Mumwe, Hathor mumwe, Akori mumwe; simba raivava ndirimwe. Hail, baba wenyika, hail, mwari ane zvimiro zvitatu!’ Vanamwari vacho nokudaro vanoziviswa sokuratidzirwa kutatu kwesimba rimwe, zvimwe mwari wezuva.”
Nhau inosimbisa kuti Utatu hwakatorwa kuvahedheni uye hwaivapo mazana amakore Jesu asati auya kupasi. Nguva refu pashure porufu rwake, hwakasimudzirwa naavo vakanga vapesvedzerwa nouzivi hwechihedheni uye avo vakanga vabva munamatwo yechokwadi yaMwari yakadzidziswa naJesu navaapostora.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Jesu akanyengeterera vadzidzi vake kuti vave vamwe mumufungo nedonzo sezvo iye naBaba vake vakanga vari vamwe